Surah Yunus Verse 24 - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
Surah Yunusإِنَّمَا مَثَلُ ٱلۡحَيَوٰةِ ٱلدُّنۡيَا كَمَآءٍ أَنزَلۡنَٰهُ مِنَ ٱلسَّمَآءِ فَٱخۡتَلَطَ بِهِۦ نَبَاتُ ٱلۡأَرۡضِ مِمَّا يَأۡكُلُ ٱلنَّاسُ وَٱلۡأَنۡعَٰمُ حَتَّىٰٓ إِذَآ أَخَذَتِ ٱلۡأَرۡضُ زُخۡرُفَهَا وَٱزَّيَّنَتۡ وَظَنَّ أَهۡلُهَآ أَنَّهُمۡ قَٰدِرُونَ عَلَيۡهَآ أَتَىٰهَآ أَمۡرُنَا لَيۡلًا أَوۡ نَهَارٗا فَجَعَلۡنَٰهَا حَصِيدٗا كَأَن لَّمۡ تَغۡنَ بِٱلۡأَمۡسِۚ كَذَٰلِكَ نُفَصِّلُ ٱلۡأٓيَٰتِ لِقَوۡمٖ يَتَفَكَّرُونَ
Zvirokwazvo, kufanana kwehupenyu hwepano panyika kwakafanana nemvura (yokunaya) iyo yatinotumira pasi kubva kudenga, nokudaro nayo munosimuka (inoburitsa) zvirimwa (nemichero) zvakasangana zvepasi izvo vanhu nemhuka dzinodya, kusvika nyika yatora shongedzo yayo uye yobva yanaka, uye vanhu vayo vobva vafunga kuti vane masimba pamusoro payo, murairo wedu oisvikira husiku kana masikati, uye toiita segoho rakohwewa, sokunge yakange isina kunaka nezuro! Kudaro tinotsanangudzira zvizere zviratidzo (humboo) avo vanhu vanofunga