Surah Yunus Verse 35 - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
Surah Yunusقُلۡ هَلۡ مِن شُرَكَآئِكُم مَّن يَهۡدِيٓ إِلَى ٱلۡحَقِّۚ قُلِ ٱللَّهُ يَهۡدِي لِلۡحَقِّۗ أَفَمَن يَهۡدِيٓ إِلَى ٱلۡحَقِّ أَحَقُّ أَن يُتَّبَعَ أَمَّن لَّا يَهِدِّيٓ إِلَّآ أَن يُهۡدَىٰۖ فَمَا لَكُمۡ كَيۡفَ تَحۡكُمُونَ
Iti: “Aripo here mumwechete pakati pevabatsiri venyu (vamunosanganisa naAllah) anokutungamirirai kuchokwadi?” Iti: “Allah ndivo vega vanotungamirira kuchokwadi. Saka uyo anotungamirira kuchokwadi haana kodzero yakanyanya kuti ave anotevedzerwa, kana uyo asina kuwana gwara (pachake) kunze kwekuti atungamirirwa? Saka chii chiri kunetsa kwamuri? Munotonga sei?”