Surah Al-Maun - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
أَرَءَيۡتَ ٱلَّذِي يُكَذِّبُ بِٱلدِّينِ
Wakambomuona here uyo anoramba zuva rekutongwa (rekuwana mubairo)
Surah Al-Maun, Verse 1
فَذَٰلِكَ ٱلَّذِي يَدُعُّ ٱلۡيَتِيمَ
Ndeuyo anobata nherera zvakashata (nehasha)
Surah Al-Maun, Verse 2
وَلَا يَحُضُّ عَلَىٰ طَعَامِ ٱلۡمِسۡكِينِ
Uye haakurudziri kupa anoshaya chikafu
Surah Al-Maun, Verse 3
فَوَيۡلٞ لِّلۡمُصَلِّينَ
Naizvozvo, matambudziko kune vanamati (vanyengedzi)
Surah Al-Maun, Verse 4
ٱلَّذِينَ هُمۡ عَن صَلَاتِهِمۡ سَاهُونَ
Avo vasingakoshesi (vano nonoka kuita) Swalaah (munamato kubva kunguva yayo yakatarwa)
Surah Al-Maun, Verse 5
ٱلَّذِينَ هُمۡ يُرَآءُونَ
Avo vanoita mabasa akanaka kuti vaonekwe
Surah Al-Maun, Verse 6
وَيَمۡنَعُونَ ٱلۡمَاعُونَ
Uye vanonyima Al-Maa’uoon (rubatsiro diki nemunyu, shuga, mvura, nezvimwe zvakadaro)
Surah Al-Maun, Verse 7