Surah Al-Kahf - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
ٱلۡحَمۡدُ لِلَّهِ ٱلَّذِيٓ أَنزَلَ عَلَىٰ عَبۡدِهِ ٱلۡكِتَٰبَ وَلَمۡ يَجۡعَل لَّهُۥ عِوَجَاۜ
Kukudzwa nekutendwa kwese ndekwa Allah, avo vakadzikisa kune muranda wavo (Muhammad (SAW)) Gwaro (Qur’aan), uye havana kuisa mariri kusiyana (kutsveyama)
Surah Al-Kahf, Verse 1
قَيِّمٗا لِّيُنذِرَ بَأۡسٗا شَدِيدٗا مِّن لَّدُنۡهُ وَيُبَشِّرَ ٱلۡمُؤۡمِنِينَ ٱلَّذِينَ يَعۡمَلُونَ ٱلصَّـٰلِحَٰتِ أَنَّ لَهُمۡ أَجۡرًا حَسَنٗا
Rakatwasuka kupa chenjedzo (kune vasingatendi) yemarwadzo akaomarara kubva kwavari, uye kupa mashoko akanaka kuvatendi (muhumwechete hwaAllah), avo vanoita mabasa akanaka, kuti vachawana mubairo wakanaka (Paradhiso)
Surah Al-Kahf, Verse 2
مَّـٰكِثِينَ فِيهِ أَبَدٗا
Vachagara imomo zvachose
Surah Al-Kahf, Verse 3
وَيُنذِرَ ٱلَّذِينَ قَالُواْ ٱتَّخَذَ ٱللَّهُ وَلَدٗا
Uye kuchenjedza (maJudha, maKristu, nevanamati vezvimwe zvinhu kunze kwaAllah) avo vanoti: “Allah vane mwanakomana (kana vana).”
Surah Al-Kahf, Verse 4
مَّا لَهُم بِهِۦ مِنۡ عِلۡمٖ وَلَا لِأٓبَآئِهِمۡۚ كَبُرَتۡ كَلِمَةٗ تَخۡرُجُ مِنۡ أَفۡوَٰهِهِمۡۚ إِن يَقُولُونَ إِلَّا كَذِبٗا
Havana ruzivo rwacho kana vanababa vavo. Shoko rinobuda pamiromo yavo rihombe (kuti Allah vane vanakomana nevanasikana). Hapana chavanotaura kunze kwemanyepo
Surah Al-Kahf, Verse 5
فَلَعَلَّكَ بَٰخِعٞ نَّفۡسَكَ عَلَىٰٓ ءَاثَٰرِهِمۡ إِن لَّمۡ يُؤۡمِنُواْ بِهَٰذَا ٱلۡحَدِيثِ أَسَفًا
Kuti zvimwe ungazviuraye (Muhammad (SAW)) nekusuruwara pane mitsindo yavo (nekukuramba kwavo), nekuti havatendi mune nhaurwa iyi (Qur’aan)
Surah Al-Kahf, Verse 6
إِنَّا جَعَلۡنَا مَا عَلَى ٱلۡأَرۡضِ زِينَةٗ لَّهَا لِنَبۡلُوَهُمۡ أَيُّهُمۡ أَحۡسَنُ عَمَلٗا
Zvirokwazvo, takagadzira izvo zviri panyika seshongedzo yepo, kuti tive tinovaedza kuti ndiani pakati pavo achaita mabasa akanaka. (Avo vanoita mabasa akanaka nenzira inodiwa, vachimaitira kufadza Allah chete uye vachimaita semaitiro aiita Muhammad (SAW)
Surah Al-Kahf, Verse 7
وَإِنَّا لَجَٰعِلُونَ مَا عَلَيۡهَا صَعِيدٗا جُرُزًا
Uye zvirokwazvo, tichaita zvese zviripo panyika dhaka rakaoma (risina chinhu chinomera)
Surah Al-Kahf, Verse 8
أَمۡ حَسِبۡتَ أَنَّ أَصۡحَٰبَ ٱلۡكَهۡفِ وَٱلرَّقِيمِ كَانُواْ مِنۡ ءَايَٰتِنَا عَجَبًا
Unofunga here kuti vanhu vemubako uye nenhau dzavo vaive chishamiso pane zviratidzo zvedu
Surah Al-Kahf, Verse 9
إِذۡ أَوَى ٱلۡفِتۡيَةُ إِلَى ٱلۡكَهۡفِ فَقَالُواْ رَبَّنَآ ءَاتِنَا مِن لَّدُنكَ رَحۡمَةٗ وَهَيِّئۡ لَنَا مِنۡ أَمۡرِنَا رَشَدٗا
(Rangarira) apo varume pavakatsvaka rubetsero kune bako (vachitiza vanhu vavo vasingatendi). Vakati: “Tenzi vedu! Tipei (tiitirei) tsitsi kubva kwamuri, uye tigadzirirei nyaya yedu munzira yakatwasuka.”
Surah Al-Kahf, Verse 10
فَضَرَبۡنَا عَلَىٰٓ ءَاذَانِهِمۡ فِي ٱلۡكَهۡفِ سِنِينَ عَدَدٗا
Naizvozvo takavhara nzeve dzavo mubako kwemakore akati kuti
Surah Al-Kahf, Verse 11
ثُمَّ بَعَثۡنَٰهُمۡ لِنَعۡلَمَ أَيُّ ٱلۡحِزۡبَيۡنِ أَحۡصَىٰ لِمَا لَبِثُوٓاْ أَمَدٗا
Pedzezvo tikava tinovamutsa (kubva mukurara kwavo), kuti tive tinoedza kuti nderipi pamaboka maviri raikwanisa kuverenga nguva yavakagara
Surah Al-Kahf, Verse 12
نَّحۡنُ نَقُصُّ عَلَيۡكَ نَبَأَهُم بِٱلۡحَقِّۚ إِنَّهُمۡ فِتۡيَةٌ ءَامَنُواْ بِرَبِّهِمۡ وَزِدۡنَٰهُمۡ هُدٗى
Tinokuudza (Muhammad (SAW)) nyaya yavo muchokwadi. Zvirokwazvo, vaive varume vechidiki vaitenda muna Tenzi vavo (Allah), uye takavawedzera mukutungamirirwa
Surah Al-Kahf, Verse 13
وَرَبَطۡنَا عَلَىٰ قُلُوبِهِمۡ إِذۡ قَامُواْ فَقَالُواْ رَبُّنَا رَبُّ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ لَن نَّدۡعُوَاْ مِن دُونِهِۦٓ إِلَٰهٗاۖ لَّقَدۡ قُلۡنَآ إِذٗا شَطَطًا
Uye takasimbisa moyo yavo (nekutenda nekutsungirira) pavakasimuka vakati: “Tenzi vedu ndivo Tenzi vematenga nenyika, hatimbosheedzi umwe mwari kunze kwavo. Kana tikaita, zvirokwazvo tinenge tataura zvakaipa.”
Surah Al-Kahf, Verse 14
هَـٰٓؤُلَآءِ قَوۡمُنَا ٱتَّخَذُواْ مِن دُونِهِۦٓ ءَالِهَةٗۖ لَّوۡلَا يَأۡتُونَ عَلَيۡهِم بِسُلۡطَٰنِۭ بَيِّنٖۖ فَمَنۡ أَظۡلَمُ مِمَّنِ ٱفۡتَرَىٰ عَلَى ٱللَّهِ كَذِبٗا
“Ava vanhu vedu vakatora vanamwari kunze kwavo (Allah). Sei vasina kuvaburitsira umboo uri pachena? Uye ndiani anotadza kudarika uyo anogadzira manyepo kuna Allah.”
Surah Al-Kahf, Verse 15
وَإِذِ ٱعۡتَزَلۡتُمُوهُمۡ وَمَا يَعۡبُدُونَ إِلَّا ٱللَّهَ فَأۡوُۥٓاْ إِلَى ٱلۡكَهۡفِ يَنشُرۡ لَكُمۡ رَبُّكُم مِّن رَّحۡمَتِهِۦ وَيُهَيِّئۡ لَكُم مِّنۡ أَمۡرِكُم مِّرۡفَقٗا
(Varume vechidiki vakati): “Uye kana mukadeduka kubva kwavari, uye neizvo zvavanonamata kunze kwaAllah, monotsvaga botero mubako, Tenzi venyu vanokuvhurirai nzira kubva kutsitsi dzavo, uye vanoita nyore nyaya yenyu (vanokupai zvamunoda, chikafu nepekugara).”
Surah Al-Kahf, Verse 16
۞وَتَرَى ٱلشَّمۡسَ إِذَا طَلَعَت تَّزَٰوَرُ عَن كَهۡفِهِمۡ ذَاتَ ٱلۡيَمِينِ وَإِذَا غَرَبَت تَّقۡرِضُهُمۡ ذَاتَ ٱلشِّمَالِ وَهُمۡ فِي فَجۡوَةٖ مِّنۡهُۚ ذَٰلِكَ مِنۡ ءَايَٰتِ ٱللَّهِۗ مَن يَهۡدِ ٱللَّهُ فَهُوَ ٱلۡمُهۡتَدِۖ وَمَن يُضۡلِلۡ فَلَن تَجِدَ لَهُۥ وَلِيّٗا مُّرۡشِدٗا
Uye unoona zuva parinobuda richirereka kurudyi kwebako ravo, uye parinonyura, rinorereka kubva kwavari kuruboshwe, asi vakarara vari pakati pebako. Ichi chiiratidzo kubva kuzviratidzo zvaAllah. Uyo anotungamirwa naAllah, ndiye akatungamirwa; uye uyo wavanotsaudzira, kwaari hauwani shamwari yekumutungamira (kunzira yakatwasuka)
Surah Al-Kahf, Verse 17
وَتَحۡسَبُهُمۡ أَيۡقَاظٗا وَهُمۡ رُقُودٞۚ وَنُقَلِّبُهُمۡ ذَاتَ ٱلۡيَمِينِ وَذَاتَ ٱلشِّمَالِۖ وَكَلۡبُهُم بَٰسِطٞ ذِرَاعَيۡهِ بِٱلۡوَصِيدِۚ لَوِ ٱطَّلَعۡتَ عَلَيۡهِمۡ لَوَلَّيۡتَ مِنۡهُمۡ فِرَارٗا وَلَمُلِئۡتَ مِنۡهُمۡ رُعۡبٗا
Uye waifunga kuti vakamuka, asi vakarara. Uye takavashozhonyora kurudyi rwavo uye nekuruboshwe rwavo, uye imbwa yavo yakatwasanudza makumbo ayo maviri pamusuwo (webako kana panzvimbo iri pedyo nawo). Dai wakavatarisa, ungadai wakafuratira kwavari uchitiza, uye ungadai wakazadzwa nekuvatya
Surah Al-Kahf, Verse 18
وَكَذَٰلِكَ بَعَثۡنَٰهُمۡ لِيَتَسَآءَلُواْ بَيۡنَهُمۡۚ قَالَ قَآئِلٞ مِّنۡهُمۡ كَمۡ لَبِثۡتُمۡۖ قَالُواْ لَبِثۡنَا يَوۡمًا أَوۡ بَعۡضَ يَوۡمٖۚ قَالُواْ رَبُّكُمۡ أَعۡلَمُ بِمَا لَبِثۡتُمۡ فَٱبۡعَثُوٓاْ أَحَدَكُم بِوَرِقِكُمۡ هَٰذِهِۦٓ إِلَى ٱلۡمَدِينَةِ فَلۡيَنظُرۡ أَيُّهَآ أَزۡكَىٰ طَعَامٗا فَلۡيَأۡتِكُم بِرِزۡقٖ مِّنۡهُ وَلۡيَتَلَطَّفۡ وَلَا يُشۡعِرَنَّ بِكُمۡ أَحَدًا
Naizvozvo, takavamutsa (kubva mukurara kwavo kwakareba) kuti vave vanobvunzana pachavo. Mutauri pakati pavo akati: “Magara nguva yakadii?” Vakati: “Tagara zuva rimwe chete kana kuti chidimbu chezuva.” Vakati: “Tenzi venyu ndivo vanoziva zvakanaka kuti magara nguva yakadii. Naizvozvo tumirai mumwechete wenyu nemari yenyu yemasirivha kudhorobha, uye ngaanotsvaga chikafu chakanaka chinobvumidzwa, uye okuunzirai kubva mariri raramo. Uye ngaangwarire uye zvirokwazvo hasaite ani zvake ave neruzivo nezvenyu.”
Surah Al-Kahf, Verse 19
إِنَّهُمۡ إِن يَظۡهَرُواْ عَلَيۡكُمۡ يَرۡجُمُوكُمۡ أَوۡ يُعِيدُوكُمۡ فِي مِلَّتِهِمۡ وَلَن تُفۡلِحُوٓاْ إِذًا أَبَدٗا
“Kana vakakuzivai, vanokutemai nematombo (kusvikira mafa kana kukuvadzai), kana kukudzorerai kune chitendero chavo; uye mukadaro hamuzobudiriri zvachose.”
Surah Al-Kahf, Verse 20
وَكَذَٰلِكَ أَعۡثَرۡنَا عَلَيۡهِمۡ لِيَعۡلَمُوٓاْ أَنَّ وَعۡدَ ٱللَّهِ حَقّٞ وَأَنَّ ٱلسَّاعَةَ لَا رَيۡبَ فِيهَآ إِذۡ يَتَنَٰزَعُونَ بَيۡنَهُمۡ أَمۡرَهُمۡۖ فَقَالُواْ ٱبۡنُواْ عَلَيۡهِم بُنۡيَٰنٗاۖ رَّبُّهُمۡ أَعۡلَمُ بِهِمۡۚ قَالَ ٱلَّذِينَ غَلَبُواْ عَلَىٰٓ أَمۡرِهِمۡ لَنَتَّخِذَنَّ عَلَيۡهِم مَّسۡجِدٗا
Naizvozvo takaita kuti nyaya yavo izivikanwe, kuti (vanhu) vave vanoziva kuti vimbiso yaAllah ndeye chokwadi, uye kuti hapana kugunun’una panyaya yenguva. (Rangarira) apo pavakapokana pakati pavo panyaya yavo. Vakati: “Chivakai chivakwa pamusoro pavo, Tenzi vavo vanovaziva zvese pamusoro pavo.” Avo vakakunda panyaya yavo vakati: “Zvirokwazvo, tichavaka nzvimbo yekunamatira pamusoro pavo.”
Surah Al-Kahf, Verse 21
سَيَقُولُونَ ثَلَٰثَةٞ رَّابِعُهُمۡ كَلۡبُهُمۡ وَيَقُولُونَ خَمۡسَةٞ سَادِسُهُمۡ كَلۡبُهُمۡ رَجۡمَۢا بِٱلۡغَيۡبِۖ وَيَقُولُونَ سَبۡعَةٞ وَثَامِنُهُمۡ كَلۡبُهُمۡۚ قُل رَّبِّيٓ أَعۡلَمُ بِعِدَّتِهِم مَّا يَعۡلَمُهُمۡ إِلَّا قَلِيلٞۗ فَلَا تُمَارِ فِيهِمۡ إِلَّا مِرَآءٗ ظَٰهِرٗا وَلَا تَسۡتَفۡتِ فِيهِم مِّنۡهُمۡ أَحَدٗا
(Vamwe) vanoti vaive vatatu, imbwa yavo yaive yechina; uye vamwe vanoti vaive vashanu, imbwa yavo yaive yechitanhatu, vachiifungidzira zvakavandika; uye vamwe vanoti vaive vanomwe, imbwa yavo yaive yechisere. Iti (Muhammad (SAW)): “Tenzi vangu vanoziva zvakanyanya huwandu hwavo, hapana anovaziva kunze kwevashoma.” Naizvozvo musava munoita hurukuro (pahuwandu wavo) kunze nehumboo huri pachena. Uye usava unovabvunza (maJudha nemaKristu) nezve vanhu vemubako
Surah Al-Kahf, Verse 22
وَلَا تَقُولَنَّ لِشَاْيۡءٍ إِنِّي فَاعِلٞ ذَٰلِكَ غَدًا
Uye usava unoti pabasa rese: “Ndichaita izvi mangwana.”
Surah Al-Kahf, Verse 23
إِلَّآ أَن يَشَآءَ ٱللَّهُۚ وَٱذۡكُر رَّبَّكَ إِذَا نَسِيتَ وَقُلۡ عَسَىٰٓ أَن يَهۡدِيَنِ رَبِّي لِأَقۡرَبَ مِنۡ هَٰذَا رَشَدٗا
Kunze (kwekuti): “Kana Allah vada!” Uye rangarira Tenzi vako kana wakanganwa uye woti: “Zvimwe Tenzi vangu vanonditungamira panzira iri pedyo nechokwadi kudarika iyi.”
Surah Al-Kahf, Verse 24
وَلَبِثُواْ فِي كَهۡفِهِمۡ ثَلَٰثَ مِاْئَةٖ سِنِينَ وَٱزۡدَادُواْ تِسۡعٗا
Uye vakagara mubako kwemakore mazana matatu, vakawedzera mapfumbamwe
Surah Al-Kahf, Verse 25
قُلِ ٱللَّهُ أَعۡلَمُ بِمَا لَبِثُواْۖ لَهُۥ غَيۡبُ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۖ أَبۡصِرۡ بِهِۦ وَأَسۡمِعۡۚ مَا لَهُم مِّن دُونِهِۦ مِن وَلِيّٖ وَلَا يُشۡرِكُ فِي حُكۡمِهِۦٓ أَحَدٗا
Iti: “Allah vanoziva kuti vakagara nguva yakadii. Vane ruzivo rwezvakavanzika mumatenga nepasi. Vanoona zvakanakisa uye vanonzwa! Havana mubetseri kunze kwavo, uye hapana wavanoita mubetseri pakutonga kwavo.”
Surah Al-Kahf, Verse 26
وَٱتۡلُ مَآ أُوحِيَ إِلَيۡكَ مِن كِتَابِ رَبِّكَۖ لَا مُبَدِّلَ لِكَلِمَٰتِهِۦ وَلَن تَجِدَ مِن دُونِهِۦ مُلۡتَحَدٗا
Uye verenga zvakadzikiswa kwauri (Muhammad (SAW)) kubva muGwaro (Qur’aan) raTenzi vako. Hapana angasandure mashoko avo, uye hauwani mubatsiri (kwekunopotera) kunze kwavo
Surah Al-Kahf, Verse 27
وَٱصۡبِرۡ نَفۡسَكَ مَعَ ٱلَّذِينَ يَدۡعُونَ رَبَّهُم بِٱلۡغَدَوٰةِ وَٱلۡعَشِيِّ يُرِيدُونَ وَجۡهَهُۥۖ وَلَا تَعۡدُ عَيۡنَاكَ عَنۡهُمۡ تُرِيدُ زِينَةَ ٱلۡحَيَوٰةِ ٱلدُّنۡيَاۖ وَلَا تُطِعۡ مَنۡ أَغۡفَلۡنَا قَلۡبَهُۥ عَن ذِكۡرِنَا وَٱتَّبَعَ هَوَىٰهُ وَكَانَ أَمۡرُهُۥ فُرُطٗا
Uye tsungirira (Muhammad (SAW)) pamwe neavo vanosheedza Tenzi vavo (vatevedzeri vako) mangwanani nemasikati, vachitsvaga chiso chavo; uye maziso ako ngaasavapfuure, uchida shongedzo yehupenyu hwepano pasi; uye usatevere uyo watakaita moyo wake kuti ukanganwe yeuchidzo yedu, uye anotevedzera zvido zvake, uye mabasa ake akarasika
Surah Al-Kahf, Verse 28
وَقُلِ ٱلۡحَقُّ مِن رَّبِّكُمۡۖ فَمَن شَآءَ فَلۡيُؤۡمِن وَمَن شَآءَ فَلۡيَكۡفُرۡۚ إِنَّآ أَعۡتَدۡنَا لِلظَّـٰلِمِينَ نَارًا أَحَاطَ بِهِمۡ سُرَادِقُهَاۚ وَإِن يَسۡتَغِيثُواْ يُغَاثُواْ بِمَآءٖ كَٱلۡمُهۡلِ يَشۡوِي ٱلۡوُجُوهَۚ بِئۡسَ ٱلشَّرَابُ وَسَآءَتۡ مُرۡتَفَقًا
Uye iti: “Chokwadi chinobva kuna Tenzi venyu.” Naizvozvo kune wese anoda, ngaatende; uye kune wese anoda ngaasatende. Zvirokwazvo, takagadzirira vanoita zvakaipa moto madziro acho achavakomberedza. Uye kana vakakumbira rubatsiro, vachapihwa mvura inenge mafundo emafuta, iyo ichavaunyanidza (ichapisa) zviso zvavo. Chimwiwa chinotyisa uye nzvimbo yokugara yakaipa
Surah Al-Kahf, Verse 29
إِنَّ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّـٰلِحَٰتِ إِنَّا لَا نُضِيعُ أَجۡرَ مَنۡ أَحۡسَنَ عَمَلًا
Zvirokwazvo, avo vakatenda uye vakaita mabasa akanaka, chokwadi hatiite mubairo weuyo akaita mabasa akanaka kuti urasike
Surah Al-Kahf, Verse 30
أُوْلَـٰٓئِكَ لَهُمۡ جَنَّـٰتُ عَدۡنٖ تَجۡرِي مِن تَحۡتِهِمُ ٱلۡأَنۡهَٰرُ يُحَلَّوۡنَ فِيهَا مِنۡ أَسَاوِرَ مِن ذَهَبٖ وَيَلۡبَسُونَ ثِيَابًا خُضۡرٗا مِّن سُندُسٖ وَإِسۡتَبۡرَقٖ مُّتَّكِـِٔينَ فِيهَا عَلَى ٱلۡأَرَآئِكِۚ نِعۡمَ ٱلثَّوَابُ وَحَسُنَتۡ مُرۡتَفَقٗا
Ava vachawana minda ye Eden (minda isingaperi), umo nzizi dzinoyerera nechemuzasi, imomo vachashongedzwa nefumba dzegoridhe (mabhenguru), uye vachapfeka hanzu nyoro yechiripo uye nesiriki gobvu. Vacharereka imomo pazvigaro zvepamusoro. Mubairo wakanaka sei uye nzvimbo yokugara yakanaka chaizvo
Surah Al-Kahf, Verse 31
۞وَٱضۡرِبۡ لَهُم مَّثَلٗا رَّجُلَيۡنِ جَعَلۡنَا لِأَحَدِهِمَا جَنَّتَيۡنِ مِنۡ أَعۡنَٰبٖ وَحَفَفۡنَٰهُمَا بِنَخۡلٖ وَجَعَلۡنَا بَيۡنَهُمَا زَرۡعٗا
Uye vape muenzaniso wevarume vaviri. Kune umwe chete wavo takamupa mapindu maviri emagirepi, uye takamakomberedza nemadheti, uye tikaisa pakati pawo mbesa dzakasvibira
Surah Al-Kahf, Verse 32
كِلۡتَا ٱلۡجَنَّتَيۡنِ ءَاتَتۡ أُكُلَهَا وَلَمۡ تَظۡلِم مِّنۡهُ شَيۡـٔٗاۚ وَفَجَّرۡنَا خِلَٰلَهُمَا نَهَرٗا
Rimwe nerimwe remapindu maviri raibuditsa zvidyiwa zvaro, uye raisatadza kana (kubereka), uyezve takaita kuti rwizi rwuerera imomo pakati pawo
Surah Al-Kahf, Verse 33
وَكَانَ لَهُۥ ثَمَرٞ فَقَالَ لِصَٰحِبِهِۦ وَهُوَ يُحَاوِرُهُۥٓ أَنَا۠ أَكۡثَرُ مِنكَ مَالٗا وَأَعَزُّ نَفَرٗا
Uyezve aive nemichero uye akati kushamwari yake achitaura nayo: “Ndine hupfumi hwakawanda kudarika iwe uyezve ndine vana vakawanda.”
Surah Al-Kahf, Verse 34
وَدَخَلَ جَنَّتَهُۥ وَهُوَ ظَالِمٞ لِّنَفۡسِهِۦ قَالَ مَآ أَظُنُّ أَن تَبِيدَ هَٰذِهِۦٓ أَبَدٗا
Uye akapinda bindu rake asina kururama pachezvake (achizvikudza uye asingatendi). Akati: “Handifungi kuti izvi zvinoparara zvachose.”
Surah Al-Kahf, Verse 35
وَمَآ أَظُنُّ ٱلسَّاعَةَ قَآئِمَةٗ وَلَئِن رُّدِدتُّ إِلَىٰ رَبِّي لَأَجِدَنَّ خَيۡرٗا مِّنۡهَا مُنقَلَبٗا
“Uye handifungi kuti nguva ichasvika, uye zvirokwazvo kana ndikadzorerwa kuna Tenzi vangu (pazuva rokutongwa), zvirokwazvo ndichawana zviri nani pane izvi kana ndadzokera kwavari.”
Surah Al-Kahf, Verse 36
قَالَ لَهُۥ صَاحِبُهُۥ وَهُوَ يُحَاوِرُهُۥٓ أَكَفَرۡتَ بِٱلَّذِي خَلَقَكَ مِن تُرَابٖ ثُمَّ مِن نُّطۡفَةٖ ثُمَّ سَوَّىٰكَ رَجُلٗا
Shamwari yake ikati kwaari vachitaurirana: “Hautendi mavari vakakusika kubva muivhu, uye kubva muNutfah (mvura yakasangana yemurume nemukadzi), uyezve vakakugadzira kuva munhurume?”
Surah Al-Kahf, Verse 37
لَّـٰكِنَّا۠ هُوَ ٱللَّهُ رَبِّي وَلَآ أُشۡرِكُ بِرَبِّيٓ أَحَدٗا
“Asi kune divi rangu, (ndinotenda) kuti ndiAllah, Tenzi vangu, uye hakuna umwe wandichasanganisa naTenzi vangu.”
Surah Al-Kahf, Verse 38
وَلَوۡلَآ إِذۡ دَخَلۡتَ جَنَّتَكَ قُلۡتَ مَا شَآءَ ٱللَّهُ لَا قُوَّةَ إِلَّا بِٱللَّهِۚ إِن تَرَنِ أَنَا۠ أَقَلَّ مِنكَ مَالٗا وَوَلَدٗا
“Zvange zviri nani kwauri kutaura kuti, apo pawapinda mubindu rako: ‘Izvo zvinoda Allah (zvichaitika)! Hakuna ane simba kunze kwaAllah! Kana uchiona ini ndiri pasi pako muhupfumi nevana,”
Surah Al-Kahf, Verse 39
فَعَسَىٰ رَبِّيٓ أَن يُؤۡتِيَنِ خَيۡرٗا مِّن جَنَّتِكَ وَيُرۡسِلَ عَلَيۡهَا حُسۡبَانٗا مِّنَ ٱلسَّمَآءِ فَتُصۡبِحَ صَعِيدٗا زَلَقًا
“Zvimwe Tenzi vangu vachandipa zviri nani pane bindu rako, uye vachatumira kwariri marwadzo (mheni) kubva kudenga, uyezve ichava nzvimbo inotsvedza isingameri chinhu.”
Surah Al-Kahf, Verse 40
أَوۡ يُصۡبِحَ مَآؤُهَا غَوۡرٗا فَلَن تَسۡتَطِيعَ لَهُۥ طَلَبٗا
“Kana kuti mvura mariri (bindu) ichave pasi zvekuti hauikwanisi kuitsvaga.”
Surah Al-Kahf, Verse 41
وَأُحِيطَ بِثَمَرِهِۦ فَأَصۡبَحَ يُقَلِّبُ كَفَّيۡهِ عَلَىٰ مَآ أَنفَقَ فِيهَا وَهِيَ خَاوِيَةٌ عَلَىٰ عُرُوشِهَا وَيَقُولُ يَٰلَيۡتَنِي لَمۡ أُشۡرِكۡ بِرَبِّيٓ أَحَدٗا
Naizvozvo michero yake yakakomberedzwa (yakaparadzwa), uye akaramba achiuchira maoko ake (nekusuruvara) pane zvaakashandisa mariri, asi zvese zvakanga zvaparara, uye akangokwanisa kuti: “Dai ndisina kusanganisa vamwe naTenzi vangu!”
Surah Al-Kahf, Verse 42
وَلَمۡ تَكُن لَّهُۥ فِئَةٞ يَنصُرُونَهُۥ مِن دُونِ ٱللَّهِ وَمَا كَانَ مُنتَصِرًا
Uye pakange pasina chikwata chinomubetsera kubva kuna Allah, uyezve haana kukwanisa kuzvidzivirira
Surah Al-Kahf, Verse 43
هُنَالِكَ ٱلۡوَلَٰيَةُ لِلَّهِ ٱلۡحَقِّۚ هُوَ خَيۡرٞ ثَوَابٗا وَخَيۡرٌ عُقۡبٗا
Ikoko (pazuva rekumutswa) Al-Walaayah (Simba) richange riri raAllah, Mwari vechokwadi. Allah ndivo vane mubairo wakanaka uye nemagumo akanaka
Surah Al-Kahf, Verse 44
وَٱضۡرِبۡ لَهُم مَّثَلَ ٱلۡحَيَوٰةِ ٱلدُّنۡيَا كَمَآءٍ أَنزَلۡنَٰهُ مِنَ ٱلسَّمَآءِ فَٱخۡتَلَطَ بِهِۦ نَبَاتُ ٱلۡأَرۡضِ فَأَصۡبَحَ هَشِيمٗا تَذۡرُوهُ ٱلرِّيَٰحُۗ وَكَانَ ٱللَّهُ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٖ مُّقۡتَدِرًا
Uye vape muenzaniso wehupenyu hwepano pasi, semvura yatinotumidzira kubva kudenga, uye zvirimwa zvepanyika zvinosangana nayo (uye zvobva zvakura zvosvibirira). Asi inobva yaoma yova zvidimbu zvidimbu, izvo mhepo inozviparadzira. Uye Allah vanokwanisa kuita zvese
Surah Al-Kahf, Verse 45
ٱلۡمَالُ وَٱلۡبَنُونَ زِينَةُ ٱلۡحَيَوٰةِ ٱلدُّنۡيَاۖ وَٱلۡبَٰقِيَٰتُ ٱلصَّـٰلِحَٰتُ خَيۡرٌ عِندَ رَبِّكَ ثَوَابٗا وَخَيۡرٌ أَمَلٗا
Hupfumi nevana zviyevedzo zvehupenyu hwepanyika. Asi mabasa akanaka anogara ari nani kuna Tenzi vako mumubairo uye tarisiro yakanaka
Surah Al-Kahf, Verse 46
وَيَوۡمَ نُسَيِّرُ ٱلۡجِبَالَ وَتَرَى ٱلۡأَرۡضَ بَارِزَةٗ وَحَشَرۡنَٰهُمۡ فَلَمۡ نُغَادِرۡ مِنۡهُمۡ أَحَدٗا
Uye (rangarira) zuva ratichaita makomo kuti aparare (semakore), uye uchaona nyika seyakasandarika, uye tichavaunganidza vese pamwe chete pasina kusiya ani zvake
Surah Al-Kahf, Verse 47
وَعُرِضُواْ عَلَىٰ رَبِّكَ صَفّٗا لَّقَدۡ جِئۡتُمُونَا كَمَا خَلَقۡنَٰكُمۡ أَوَّلَ مَرَّةِۭۚ بَلۡ زَعَمۡتُمۡ أَلَّن نَّجۡعَلَ لَكُم مَّوۡعِدٗا
Uye vachaunganidzwa pamberi paTenzi vako mumitsara (uye Allah vachati): “Zvirokwazvo, mauya kwatiri semasikiro atakakukuitai pekutanga. Kwete, asi maifunga kuti hatina kusarudza nguva yekusangana kwenyu (nesu).”
Surah Al-Kahf, Verse 48
وَوُضِعَ ٱلۡكِتَٰبُ فَتَرَى ٱلۡمُجۡرِمِينَ مُشۡفِقِينَ مِمَّا فِيهِ وَيَقُولُونَ يَٰوَيۡلَتَنَا مَالِ هَٰذَا ٱلۡكِتَٰبِ لَا يُغَادِرُ صَغِيرَةٗ وَلَا كَبِيرَةً إِلَّآ أَحۡصَىٰهَاۚ وَوَجَدُواْ مَا عَمِلُواْ حَاضِرٗاۗ وَلَا يَظۡلِمُ رَبُّكَ أَحَدٗا
Uye Gwaro richagadzikwa (muruoko rwerudyi rwemutendi muhumwechete hwaAllah, uye muruoko rweruboshwe kune asingatendi muhumwechete hwaAllah), uye muchaona vatadzi vachitya izvo zvakanyorwa mariri. Vachati: “Matambudziko kwatiri! Igwaro rwudzii iri risingasiyi chidiki kana chihombe, asi zvakanyorwa nemanhamba mariri!” Uye vachawana zvese zvavaiita zvagadzikwa pamberi pavo, uye Tenzi vako havabati upi zvake zvisina kufanira
Surah Al-Kahf, Verse 49
وَإِذۡ قُلۡنَا لِلۡمَلَـٰٓئِكَةِ ٱسۡجُدُواْ لِأٓدَمَ فَسَجَدُوٓاْ إِلَّآ إِبۡلِيسَ كَانَ مِنَ ٱلۡجِنِّ فَفَسَقَ عَنۡ أَمۡرِ رَبِّهِۦٓۗ أَفَتَتَّخِذُونَهُۥ وَذُرِّيَّتَهُۥٓ أَوۡلِيَآءَ مِن دُونِي وَهُمۡ لَكُمۡ عَدُوُّۢۚ بِئۡسَ لِلظَّـٰلِمِينَ بَدَلٗا
Uye (Rangarira) patakati kune ngirozi: “Pfugamirai Adam.” Dzakapfugama dzese kunze kwaSatani, uyo anga ari umwe wemaJinn (Zvisikwa zvakasikwa nemoto). Haana kuteerera murawo waTenzi vake. Saka munomutora iye (Satani) nevana vake sevadziviriri nevabatsiri pane ini (Allah) asi vari vavengi venyu? Kwakaipa kudii kuchinjana kwevatadzi
Surah Al-Kahf, Verse 50
۞مَّآ أَشۡهَدتُّهُمۡ خَلۡقَ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ وَلَا خَلۡقَ أَنفُسِهِمۡ وَمَا كُنتُ مُتَّخِذَ ٱلۡمُضِلِّينَ عَضُدٗا
Ini (Allah) ndakaita (Satani nevana vake) kuti vasapupure (uye handina kutora rubatsiro rwavo) pakusika matenga nenyika uye pakusikwa kwavo (maJinn). Uye zvange zvisina kukodzera kuti ini (Allah) nditore vanotsaudzira sevabetseri
Surah Al-Kahf, Verse 51
وَيَوۡمَ يَقُولُ نَادُواْ شُرَكَآءِيَ ٱلَّذِينَ زَعَمۡتُمۡ فَدَعَوۡهُمۡ فَلَمۡ يَسۡتَجِيبُواْ لَهُمۡ وَجَعَلۡنَا بَيۡنَهُم مَّوۡبِقٗا
Uye (rangarira) zuva ravachati: “Sheedzai vabetseri vangu avo vamaitaura.” Naizvozvo vachachema kwavari (vachavasheedza), asi havavadaviri, uye tichaisa mupingo pakati pavo
Surah Al-Kahf, Verse 52
وَرَءَا ٱلۡمُجۡرِمُونَ ٱلنَّارَ فَظَنُّوٓاْ أَنَّهُم مُّوَاقِعُوهَا وَلَمۡ يَجِدُواْ عَنۡهَا مَصۡرِفٗا
Uye vatadzi vachaona moto uye vachaziva kuti ndimo mavachagara. Uyezve hapana nzira yavachabuda nayo imomo
Surah Al-Kahf, Verse 53
وَلَقَدۡ صَرَّفۡنَا فِي هَٰذَا ٱلۡقُرۡءَانِ لِلنَّاسِ مِن كُلِّ مَثَلٖۚ وَكَانَ ٱلۡإِنسَٰنُ أَكۡثَرَ شَيۡءٖ جَدَلٗا
Uye zvirokwazvo taisira vanhu muenzaniso wezvese muQur’aan iri, asi vanhu vanopokana zvikuru kupfuura zvinhu zvese
Surah Al-Kahf, Verse 54
وَمَا مَنَعَ ٱلنَّاسَ أَن يُؤۡمِنُوٓاْ إِذۡ جَآءَهُمُ ٱلۡهُدَىٰ وَيَسۡتَغۡفِرُواْ رَبَّهُمۡ إِلَّآ أَن تَأۡتِيَهُمۡ سُنَّةُ ٱلۡأَوَّلِينَ أَوۡ يَأۡتِيَهُمُ ٱلۡعَذَابُ قُبُلٗا
Uye hapana chinotadzisa vanhu kutenda, apo kutungamirirwa (Qur’aan) kwauya kwavari, uye nekukumbira ruregerero kuna Tenzi vavo, kunze kwekuti nzira yemadzitateguru idzokorodzwe kwavari (kuparadzwa naAllah), kana kuti marwadzo aunzwe pamberi pavo zviripachena
Surah Al-Kahf, Verse 55
وَمَا نُرۡسِلُ ٱلۡمُرۡسَلِينَ إِلَّا مُبَشِّرِينَ وَمُنذِرِينَۚ وَيُجَٰدِلُ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ بِٱلۡبَٰطِلِ لِيُدۡحِضُواْ بِهِ ٱلۡحَقَّۖ وَٱتَّخَذُوٓاْ ءَايَٰتِي وَمَآ أُنذِرُواْ هُزُوٗا
Uye hatitumiri vatumwa kunze kwekuti sevapi vemashoko akanaka uye vaeuchidzi. Asi avo vasingatendi vanopokana nemanyepo kuti vaparadze nawo chokwadi. Uye vanotora ndima dzangu neyambiro sedambe
Surah Al-Kahf, Verse 56
وَمَنۡ أَظۡلَمُ مِمَّن ذُكِّرَ بِـَٔايَٰتِ رَبِّهِۦ فَأَعۡرَضَ عَنۡهَا وَنَسِيَ مَا قَدَّمَتۡ يَدَاهُۚ إِنَّا جَعَلۡنَا عَلَىٰ قُلُوبِهِمۡ أَكِنَّةً أَن يَفۡقَهُوهُ وَفِيٓ ءَاذَانِهِمۡ وَقۡرٗاۖ وَإِن تَدۡعُهُمۡ إِلَى ٱلۡهُدَىٰ فَلَن يَهۡتَدُوٓاْ إِذًا أَبَدٗا
Uye ndiani anoita zvakaipa pane uyo anoeuchidzwa zviratidzo zvaTenzi vake, asi anofuratira kubva kwazviri, achikanganwa zvakatumirwa mberi nemaoko ake? Chokwadi, takaisa mambure pamwoyo yavo, kuti vasarinzwisise (Qur’aan), uye munzeve dzavo umatsi. Uye kana ukavasheedzera (Muhammad (SAW)) kunzira yakatwasuka, nyangwe zvazvo havambotungamirwi
Surah Al-Kahf, Verse 57
وَرَبُّكَ ٱلۡغَفُورُ ذُو ٱلرَّحۡمَةِۖ لَوۡ يُؤَاخِذُهُم بِمَا كَسَبُواْ لَعَجَّلَ لَهُمُ ٱلۡعَذَابَۚ بَل لَّهُم مَّوۡعِدٞ لَّن يَجِدُواْ مِن دُونِهِۦ مَوۡئِلٗا
Uye Tenzi vako vane ruregerero zhinji, muridzi wetsitsi dzose. Dai vakavasheedza kuvabvunza zvavakaita, zvirokwazvo, vangadai vakavakurumidzira mutongo wavo. Asi vane nguva yavo yakatarwa, iyo havambokwanisi kutiza kubva kwairi
Surah Al-Kahf, Verse 58
وَتِلۡكَ ٱلۡقُرَىٰٓ أَهۡلَكۡنَٰهُمۡ لَمَّا ظَلَمُواْ وَجَعَلۡنَا لِمَهۡلِكِهِم مَّوۡعِدٗا
Uye madhorobha aya (emaAad neThamood) takamaparadza pavakatadza. Uye takatara nguva yavo yekuvaparadza
Surah Al-Kahf, Verse 59
وَإِذۡ قَالَ مُوسَىٰ لِفَتَىٰهُ لَآ أَبۡرَحُ حَتَّىٰٓ أَبۡلُغَ مَجۡمَعَ ٱلۡبَحۡرَيۡنِ أَوۡ أَمۡضِيَ حُقُبٗا
Uye (rangarira) apo Musa paakati kune murandakomana wake: “Handiregeri (kufamba) kusvika ndasvika pakati pemakungwa maviri, kana ndichaita makore nemakore ndichifamba
Surah Al-Kahf, Verse 60
فَلَمَّا بَلَغَا مَجۡمَعَ بَيۡنِهِمَا نَسِيَا حُوتَهُمَا فَٱتَّخَذَ سَبِيلَهُۥ فِي ٱلۡبَحۡرِ سَرَبٗا
Asi pavakasvika pakati pemakungwa maviri, vakakanganwa hove yavo, uye yakatora nzira yayo mugungwa semumugero
Surah Al-Kahf, Verse 61
فَلَمَّا جَاوَزَا قَالَ لِفَتَىٰهُ ءَاتِنَا غَدَآءَنَا لَقَدۡ لَقِينَا مِن سَفَرِنَا هَٰذَا نَصَبٗا
Naizvozvo pavakapfurira, Musa akati kune murandakomana wake: “Huya nechikafu chedu chemangwanani, zvirokwazvo, taneta zvakanyanya kubva murwendo rwedu urwu.”
Surah Al-Kahf, Verse 62
قَالَ أَرَءَيۡتَ إِذۡ أَوَيۡنَآ إِلَى ٱلصَّخۡرَةِ فَإِنِّي نَسِيتُ ٱلۡحُوتَ وَمَآ أَنسَىٰنِيهُ إِلَّا ٱلشَّيۡطَٰنُ أَنۡ أَذۡكُرَهُۥۚ وَٱتَّخَذَ سَبِيلَهُۥ فِي ٱلۡبَحۡرِ عَجَبٗا
Akati: “Unoyeuka here patazorora padombo? Zvirokwazvo, ndakanganwa hove, hapana umwe asi Satani andiita kuti ndikanganwe kuzvirangarira. Uye yakatora nzira yayo mugungwa nenzira inoshamisa!”
Surah Al-Kahf, Verse 63
قَالَ ذَٰلِكَ مَا كُنَّا نَبۡغِۚ فَٱرۡتَدَّا عَلَىٰٓ ءَاثَارِهِمَا قَصَصٗا
Musa akati: “Ndipo patiri kutsvaga.” Naizvozvo vakadzokera shure vachironda mitsindo yavo
Surah Al-Kahf, Verse 64
فَوَجَدَا عَبۡدٗا مِّنۡ عِبَادِنَآ ءَاتَيۡنَٰهُ رَحۡمَةٗ مِّنۡ عِندِنَا وَعَلَّمۡنَٰهُ مِن لَّدُنَّا عِلۡمٗا
Naizvozvo vakawana muranda kubva kuvaranda vedu, uyo atakamupa tsitsi kubva kwatiri, uye tikamudzidzisa ruzivo kubva kwatiri
Surah Al-Kahf, Verse 65
قَالَ لَهُۥ مُوسَىٰ هَلۡ أَتَّبِعُكَ عَلَىٰٓ أَن تُعَلِّمَنِ مِمَّا عُلِّمۡتَ رُشۡدٗا
Musa akati kwaari (Al-Khidr): “Ndikutevere here kuti undidzidzise zvimwe zveruzivo rwawakadzidziswa (naAllah)?”
Surah Al-Kahf, Verse 66
قَالَ إِنَّكَ لَن تَسۡتَطِيعَ مَعِيَ صَبۡرٗا
Akati (Al-Khidr): “Zvirokwazvo, haukwanisi kutsungirira neni!”
Surah Al-Kahf, Verse 67
وَكَيۡفَ تَصۡبِرُ عَلَىٰ مَا لَمۡ تُحِطۡ بِهِۦ خُبۡرٗا
“Uye unokwanisa kutsungirira sei pane chinhu chausingazivi?”
Surah Al-Kahf, Verse 68
قَالَ سَتَجِدُنِيٓ إِن شَآءَ ٱللَّهُ صَابِرٗا وَلَآ أَعۡصِي لَكَ أَمۡرٗا
Musa akati: “Kana Allah vada, uchandiwana ndakatsungirira, uye handikutadziri kana chii zvacho.”
Surah Al-Kahf, Verse 69
قَالَ فَإِنِ ٱتَّبَعۡتَنِي فَلَا تَسۡـَٔلۡنِي عَن شَيۡءٍ حَتَّىٰٓ أُحۡدِثَ لَكَ مِنۡهُ ذِكۡرٗا
(Al-Khidr) akati: “Kana ukanditevera, usandibvunze chipi zvacho kusvika ndakutaurira.”
Surah Al-Kahf, Verse 70
فَٱنطَلَقَا حَتَّىٰٓ إِذَا رَكِبَا فِي ٱلسَّفِينَةِ خَرَقَهَاۖ قَالَ أَخَرَقۡتَهَا لِتُغۡرِقَ أَهۡلَهَا لَقَدۡ جِئۡتَ شَيۡـًٔا إِمۡرٗا
Naizvozvo vakaenderera mberi kusvika vakakwira ngarava, (Al-Khidr) akaiboora. Musa akati: “Waiboora kuti unyudze vanhu vayo? Zvirokwazvo, waita chinhu chakaipa!”
Surah Al-Kahf, Verse 71
قَالَ أَلَمۡ أَقُلۡ إِنَّكَ لَن تَسۡتَطِيعَ مَعِيَ صَبۡرٗا
Akati (Al-Khidr): “Handina kukuudza here kuti haukwanisi kutsungirira neni?”
Surah Al-Kahf, Verse 72
قَالَ لَا تُؤَاخِذۡنِي بِمَا نَسِيتُ وَلَا تُرۡهِقۡنِي مِنۡ أَمۡرِي عُسۡرٗا
(Musa) akati: “Ndiregererewo pane zvandakanganwa, uye usava unondiomesera nenyaya yangu.”
Surah Al-Kahf, Verse 73
فَٱنطَلَقَا حَتَّىٰٓ إِذَا لَقِيَا غُلَٰمٗا فَقَتَلَهُۥ قَالَ أَقَتَلۡتَ نَفۡسٗا زَكِيَّةَۢ بِغَيۡرِ نَفۡسٖ لَّقَدۡ جِئۡتَ شَيۡـٔٗا نُّكۡرٗا
Naizvozvo vakaenderera mberi kusvika vasangana nemukomana, uye (Al-Khidr) akamuuraya. Musa akati: “Wauraya munhu akanaka asina kuuraya munhu? Zvirokwazvo, waita chinhu chakaipa!”
Surah Al-Kahf, Verse 74
۞قَالَ أَلَمۡ أَقُل لَّكَ إِنَّكَ لَن تَسۡتَطِيعَ مَعِيَ صَبۡرٗا
(Al-Khidr) akati: “Handina kukuudza here kuti haukwanisi kutsungirira neni?”
Surah Al-Kahf, Verse 75
قَالَ إِن سَأَلۡتُكَ عَن شَيۡءِۭ بَعۡدَهَا فَلَا تُصَٰحِبۡنِيۖ قَدۡ بَلَغۡتَ مِن لَّدُنِّي عُذۡرٗا
(Musa) akati: “Kana ndikakubvunza chimwe chinhu mushure meichi usafambe neni (ndisiye), zvirokwazvo, unenge une chikonzero kubva kwandiri.”
Surah Al-Kahf, Verse 76
فَٱنطَلَقَا حَتَّىٰٓ إِذَآ أَتَيَآ أَهۡلَ قَرۡيَةٍ ٱسۡتَطۡعَمَآ أَهۡلَهَا فَأَبَوۡاْ أَن يُضَيِّفُوهُمَا فَوَجَدَا فِيهَا جِدَارٗا يُرِيدُ أَن يَنقَضَّ فَأَقَامَهُۥۖ قَالَ لَوۡ شِئۡتَ لَتَّخَذۡتَ عَلَيۡهِ أَجۡرٗا
Naizvozvo vakafamba vari vaviri, kusvika vasvika pavanhu vemumusha, vakavakumbira chikafu, naizvozvo vakaramba kuvatambira sevaenzi. Naizvozvo vakaona mudhuri waida kudonha, uye (Al-Khidr) akautwasanudza. Musa akati: “Dai wanga uchida, zvirokwazvo, waivabhadharisa mari pamusoro pavo (mudhuri)!”
Surah Al-Kahf, Verse 77
قَالَ هَٰذَا فِرَاقُ بَيۡنِي وَبَيۡنِكَۚ سَأُنَبِّئُكَ بِتَأۡوِيلِ مَا لَمۡ تَسۡتَطِع عَّلَيۡهِ صَبۡرًا
(Al-Khidr) akati: “Uku ndiko kupesana kwangu newe, ndichakuudza dudziro yezvinhu zvawatadza kutsungirira.”
Surah Al-Kahf, Verse 78
أَمَّا ٱلسَّفِينَةُ فَكَانَتۡ لِمَسَٰكِينَ يَعۡمَلُونَ فِي ٱلۡبَحۡرِ فَأَرَدتُّ أَنۡ أَعِيبَهَا وَكَانَ وَرَآءَهُم مَّلِكٞ يَأۡخُذُ كُلَّ سَفِينَةٍ غَصۡبٗا
“Maererano nengarava, yange iri yevanhu vanotambura vanoshanda mugungwa. Naizvozvo ndaida kuyikanganisa nekuti kumashure kwavo kwanga kuna mambo aipamba ngarava yese yakanaka nechisimba.”
Surah Al-Kahf, Verse 79
وَأَمَّا ٱلۡغُلَٰمُ فَكَانَ أَبَوَاهُ مُؤۡمِنَيۡنِ فَخَشِينَآ أَن يُرۡهِقَهُمَا طُغۡيَٰنٗا وَكُفۡرٗا
“Uye maererano nechikomana, vabereki vake vanga vari vatendi, naizvozvo tatya kuti angazovadzvanyirira nekupanduka pamwe nekusatenda.”
Surah Al-Kahf, Verse 80
فَأَرَدۡنَآ أَن يُبۡدِلَهُمَا رَبُّهُمَا خَيۡرٗا مِّنۡهُ زَكَوٰةٗ وَأَقۡرَبَ رُحۡمٗا
“Naizvozvo tada kuti Tenzi vavo avachinjire neumwe ari nani pakuita mabasa akanaka uye ari pedyo netsitsi.”
Surah Al-Kahf, Verse 81
وَأَمَّا ٱلۡجِدَارُ فَكَانَ لِغُلَٰمَيۡنِ يَتِيمَيۡنِ فِي ٱلۡمَدِينَةِ وَكَانَ تَحۡتَهُۥ كَنزٞ لَّهُمَا وَكَانَ أَبُوهُمَا صَٰلِحٗا فَأَرَادَ رَبُّكَ أَن يَبۡلُغَآ أَشُدَّهُمَا وَيَسۡتَخۡرِجَا كَنزَهُمَا رَحۡمَةٗ مِّن رَّبِّكَۚ وَمَا فَعَلۡتُهُۥ عَنۡ أَمۡرِيۚ ذَٰلِكَ تَأۡوِيلُ مَا لَمۡ تَسۡطِع عَّلَيۡهِ صَبۡرٗا
“Uye maererano nemudhuri, wanga uri wenherera komana mbiri muguta, uye pasi pawo (mudhuri) panga pane hupfumi hwavo, uye baba vavo vakanga vari munhu akanaka (anotya Allah), uye Tenzi vako vada kuti vakure vozotora hupfumi hwavo setsitsi kubva kuna Tenzi vako. Uye handina kuzviita nekuda kwangu. Iyi ndiyo dudziro yeizvo zvausina kutsungirira.”
Surah Al-Kahf, Verse 82
وَيَسۡـَٔلُونَكَ عَن ذِي ٱلۡقَرۡنَيۡنِۖ قُلۡ سَأَتۡلُواْ عَلَيۡكُم مِّنۡهُ ذِكۡرًا
Uye vachakubvunza maererano naDhul-Qarnain. Iti: “Ndichakuudzai nyaya yake.”
Surah Al-Kahf, Verse 83
إِنَّا مَكَّنَّا لَهُۥ فِي ٱلۡأَرۡضِ وَءَاتَيۡنَٰهُ مِن كُلِّ شَيۡءٖ سَبَبٗا
Zvirokwazvo, takamudzika panyika uye tikamupa zvinhu zvese
Surah Al-Kahf, Verse 84
فَأَتۡبَعَ سَبَبًا
Naizvozvo akatevera nzira
Surah Al-Kahf, Verse 85
حَتَّىٰٓ إِذَا بَلَغَ مَغۡرِبَ ٱلشَّمۡسِ وَجَدَهَا تَغۡرُبُ فِي عَيۡنٍ حَمِئَةٖ وَوَجَدَ عِندَهَا قَوۡمٗاۖ قُلۡنَا يَٰذَا ٱلۡقَرۡنَيۡنِ إِمَّآ أَن تُعَذِّبَ وَإِمَّآ أَن تَتَّخِذَ فِيهِمۡ حُسۡنٗا
Kusvikira asvika kwainyura zuva (kumadokero), akariwana richinyura muchitubu chenhope nhema yaipisa, uye akawana pedyo pacho (chitubu) pane vanhu. Tikati (Allah): “Iwe Dhul- Qarnain! Unokwanisa kuvaranga kana kuvabata zvakanaka.”
Surah Al-Kahf, Verse 86
قَالَ أَمَّا مَن ظَلَمَ فَسَوۡفَ نُعَذِّبُهُۥ ثُمَّ يُرَدُّ إِلَىٰ رَبِّهِۦ فَيُعَذِّبُهُۥ عَذَابٗا نُّكۡرٗا
Akati (Dhul-Qarnain): “Uyo anoita mabasa akaipa, tichamuranga, uye achadzoswa kuna Tenzi vake avo vachamuranga nemurango wakaomarara (Gehena).”
Surah Al-Kahf, Verse 87
وَأَمَّا مَنۡ ءَامَنَ وَعَمِلَ صَٰلِحٗا فَلَهُۥ جَزَآءً ٱلۡحُسۡنَىٰۖ وَسَنَقُولُ لَهُۥ مِنۡ أَمۡرِنَا يُسۡرٗا
“Uye uyo achatenda (muhumwechete hwaAllah), uye oita mabasa akanaka, achawana mubairo wakanaka (Paradhiso), uye achataura naye (Dhul-Qarnain) mashoko akanaka.”
Surah Al-Kahf, Verse 88
ثُمَّ أَتۡبَعَ سَبَبًا
Naizvozvo akatevera (imwe) nzira
Surah Al-Kahf, Verse 89
حَتَّىٰٓ إِذَا بَلَغَ مَطۡلِعَ ٱلشَّمۡسِ وَجَدَهَا تَطۡلُعُ عَلَىٰ قَوۡمٖ لَّمۡ نَجۡعَل لَّهُم مِّن دُونِهَا سِتۡرٗا
Kusvika asvika kunzvimbo yaibudira zuva (kumabvazuva), akariwana richibudira kune vanhu vatisina kupa bvute kuzuva
Surah Al-Kahf, Verse 90
كَذَٰلِكَۖ وَقَدۡ أَحَطۡنَا بِمَا لَدَيۡهِ خُبۡرٗا
Zvakaitika kudaro! Zvirokwazvo, taiziva zvese maererano naye (Dhul-Qarnain)
Surah Al-Kahf, Verse 91
ثُمَّ أَتۡبَعَ سَبَبًا
Naizvozvo akatevera (imwe) nzira
Surah Al-Kahf, Verse 92
حَتَّىٰٓ إِذَا بَلَغَ بَيۡنَ ٱلسَّدَّيۡنِ وَجَدَ مِن دُونِهِمَا قَوۡمٗا لَّا يَكَادُونَ يَفۡقَهُونَ قَوۡلٗا
Kusvika asvika pakati pemakomo maviri, akawana pedyo nawo (makomo) vanhu vakanga vari pedyo kusanzwa kana shoko
Surah Al-Kahf, Verse 93
قَالُواْ يَٰذَا ٱلۡقَرۡنَيۡنِ إِنَّ يَأۡجُوجَ وَمَأۡجُوجَ مُفۡسِدُونَ فِي ٱلۡأَرۡضِ فَهَلۡ نَجۡعَلُ لَكَ خَرۡجًا عَلَىٰٓ أَن تَجۡعَلَ بَيۡنَنَا وَبَيۡنَهُمۡ سَدّٗا
Vakati: “Iwe Dhul-Qarnain! Zvirokwazvo, vana Ya’jooj naMa’jooj (Gog naMagog) vari kukonzeresa panyika. Naizvozvo tingakupe matano here kuti uvake mudhuri pakati pedu navo?”
Surah Al-Kahf, Verse 94
قَالَ مَا مَكَّنِّي فِيهِ رَبِّي خَيۡرٞ فَأَعِينُونِي بِقُوَّةٍ أَجۡعَلۡ بَيۡنَكُمۡ وَبَيۡنَهُمۡ رَدۡمًا
Akati: “Zvandakatsigiswa naTenzi vangu zvirinani. Naizvozvo ndibetserei nesimba (varume) kuti ndimise mudhuri pakati penyu navo.”
Surah Al-Kahf, Verse 95
ءَاتُونِي زُبَرَ ٱلۡحَدِيدِۖ حَتَّىٰٓ إِذَا سَاوَىٰ بَيۡنَ ٱلصَّدَفَيۡنِ قَالَ ٱنفُخُواْۖ حَتَّىٰٓ إِذَا جَعَلَهُۥ نَارٗا قَالَ ءَاتُونِيٓ أُفۡرِغۡ عَلَيۡهِ قِطۡرٗا
“Ndipei zvidimbu zvesimbi.” Naizvozvo paakazadza mpata pakati pemakomo maviri, akati: “Furidzai.” Naizvozvo paakazviita kunge moto akati: “Ndipei mhangura yakanyunguduka ndidire pamusoro pazvo.”
Surah Al-Kahf, Verse 96
فَمَا ٱسۡطَٰعُوٓاْ أَن يَظۡهَرُوهُ وَمَا ٱسۡتَطَٰعُواْ لَهُۥ نَقۡبٗا
Naizvozvo (vana Gog naMagog) vakatadza kuukwira (mudhuri) nepamusoro kana kuuchera kusvika kuseri
Surah Al-Kahf, Verse 97
قَالَ هَٰذَا رَحۡمَةٞ مِّن رَّبِّيۖ فَإِذَا جَآءَ وَعۡدُ رَبِّي جَعَلَهُۥ دَكَّآءَۖ وَكَانَ وَعۡدُ رَبِّي حَقّٗا
(Dhul-Qarnain) akati: “Idzi itsitsi kubva kuna Tenzi vangu, asi kana vimbiso yaTenzi vangu yauya, vachaudonhedzera pasi. Uye vimbiso yaTenzi vangu ndeye chokwadi.”
Surah Al-Kahf, Verse 98
۞وَتَرَكۡنَا بَعۡضَهُمۡ يَوۡمَئِذٖ يَمُوجُ فِي بَعۡضٖۖ وَنُفِخَ فِي ٱلصُّورِ فَجَمَعۡنَٰهُمۡ جَمۡعٗا
Uye pazuva iroro (pachabuda vana Gog naMagog), tichasiya vamwe vavo vachiita kunge masaisai pane vamwe vavo, uye hwamanda icharidzwa, uye tichavaunganidza pamwe chete
Surah Al-Kahf, Verse 99
وَعَرَضۡنَا جَهَنَّمَ يَوۡمَئِذٖ لِّلۡكَٰفِرِينَ عَرۡضًا
Uye pazuva iroro ticharatidza Gehena kune avo vasingatendi zviri pachena
Surah Al-Kahf, Verse 100
ٱلَّذِينَ كَانَتۡ أَعۡيُنُهُمۡ فِي غِطَآءٍ عَن ذِكۡرِي وَكَانُواْ لَا يَسۡتَطِيعُونَ سَمۡعًا
Avo maziso avo akanga akavharwa kurangaridzo yangu, uye vakanga vasingakwanisi kunzwa (chokwadi)
Surah Al-Kahf, Verse 101
أَفَحَسِبَ ٱلَّذِينَ كَفَرُوٓاْ أَن يَتَّخِذُواْ عِبَادِي مِن دُونِيٓ أَوۡلِيَآءَۚ إِنَّآ أَعۡتَدۡنَا جَهَنَّمَ لِلۡكَٰفِرِينَ نُزُلٗا
Avo vasingatendi vanofunga here kuti vangatore varanda vangu (ngirozi, vatumwa) sevabetseri kunze kwangu? Zvirokwazvo, takagadzira Gehena semafaro evasingatendi (muhumwechete hwaAllah)
Surah Al-Kahf, Verse 102
قُلۡ هَلۡ نُنَبِّئُكُم بِٱلۡأَخۡسَرِينَ أَعۡمَٰلًا
Iti (Muhammad (SAW)): “Tikuudzei here vakarasikirwa zvikuru mumabasa?”
Surah Al-Kahf, Verse 103
ٱلَّذِينَ ضَلَّ سَعۡيُهُمۡ فِي ٱلۡحَيَوٰةِ ٱلدُّنۡيَا وَهُمۡ يَحۡسَبُونَ أَنَّهُمۡ يُحۡسِنُونَ صُنۡعًا
“Avo mabasa avo akatambisika muhupenyu hwepano pasi, asi vachifunga kuti varikuwana zvakanaka nemabasa avo.”
Surah Al-Kahf, Verse 104
أُوْلَـٰٓئِكَ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ بِـَٔايَٰتِ رَبِّهِمۡ وَلِقَآئِهِۦ فَحَبِطَتۡ أَعۡمَٰلُهُمۡ فَلَا نُقِيمُ لَهُمۡ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِ وَزۡنٗا
“Ndeavo vanoramba zviratidzo zvaTenzi vavo uye nekusangana navo (muzuva rekumutswa). Naizvozvo mabasa avo achashaya basa, uye muzuva rekumutswa hatimbovapi huremu.”
Surah Al-Kahf, Verse 105
ذَٰلِكَ جَزَآؤُهُمۡ جَهَنَّمُ بِمَا كَفَرُواْ وَٱتَّخَذُوٓاْ ءَايَٰتِي وَرُسُلِي هُزُوًا
“Uyo mubairo wavo, iGehena, nekuti vairamba kutenda, uye vaitora zviratidzo zvangu nevatumwa vangu sedambe.”
Surah Al-Kahf, Verse 106
إِنَّ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّـٰلِحَٰتِ كَانَتۡ لَهُمۡ جَنَّـٰتُ ٱلۡفِرۡدَوۡسِ نُزُلًا
“Zvirokwazvo avo vanotenda (muIslaam) uye voita mabasa akanaka, vachawana minda ye Al- Firdaus (Paradhiso) yemafaro
Surah Al-Kahf, Verse 107
خَٰلِدِينَ فِيهَا لَا يَبۡغُونَ عَنۡهَا حِوَلٗا
Vachagara imomo zvachose. Havamboshuviri kubuda imomo
Surah Al-Kahf, Verse 108
قُل لَّوۡ كَانَ ٱلۡبَحۡرُ مِدَادٗا لِّكَلِمَٰتِ رَبِّي لَنَفِدَ ٱلۡبَحۡرُ قَبۡلَ أَن تَنفَدَ كَلِمَٰتُ رَبِّي وَلَوۡ جِئۡنَا بِمِثۡلِهِۦ مَدَدٗا
Iti (Muhammad (SAW) kune vanhu): “Dai gungwa raiva ingi yekunyora mazwi aTenzi vangu, zvirokwazvo, gungwa ringadai rakapwa mazwi aTenzi vangu asati apera, kunyangwe tikaunza (rimwe gungwa) rakafanana kunowedzera.”
Surah Al-Kahf, Verse 109
قُلۡ إِنَّمَآ أَنَا۠ بَشَرٞ مِّثۡلُكُمۡ يُوحَىٰٓ إِلَيَّ أَنَّمَآ إِلَٰهُكُمۡ إِلَٰهٞ وَٰحِدٞۖ فَمَن كَانَ يَرۡجُواْ لِقَآءَ رَبِّهِۦ فَلۡيَعۡمَلۡ عَمَلٗا صَٰلِحٗا وَلَا يُشۡرِكۡ بِعِبَادَةِ رَبِّهِۦٓ أَحَدَۢا
Iti (Muhammad (SAW)): “Zvirokwazvo, ndiri munhu semi. Zvakadzikiswa kwandiri kuti Mwari wenyu ndiMwari mumwechete. Naizvozvo uyo anoshuvira kusangana naTenzi vake, ngaaite mabasa akanaka, uye ngaasasanganise umwe mukunamata Tenzi vake.”
Surah Al-Kahf, Verse 110