UAE Prayer Times

  • Dubai
  • Abu Dhabi
  • Sharjah
  • Ajman
  • Fujairah
  • Umm Al Quwain
  • Ras Al Khaimah
  • Quran Translations

Surah Al-Mumenoon - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students


قَدۡ أَفۡلَحَ ٱلۡمُؤۡمِنُونَ

Zvirokwazvo vatendi ndivo vakabudirira
Surah Al-Mumenoon, Verse 1


ٱلَّذِينَ هُمۡ فِي صَلَاتِهِمۡ خَٰشِعُونَ

Avo vanoita minamato yavo yose vachitya uye kuzvipira
Surah Al-Mumenoon, Verse 2


وَٱلَّذِينَ هُمۡ عَنِ ٱللَّغۡوِ مُعۡرِضُونَ

Uye avo vanofuratira manyepo (nehutsvina neizvo zvose zvakarambidzwa naAllah)
Surah Al-Mumenoon, Verse 3


وَٱلَّذِينَ هُمۡ لِلزَّكَوٰةِ فَٰعِلُونَ

Uye avo vanopa Zakaah (zvipo kune vanhu vanotambura)
Surah Al-Mumenoon, Verse 4


وَٱلَّذِينَ هُمۡ لِفُرُوجِهِمۡ حَٰفِظُونَ

Uye avo vanochengetedza nhengo dzavo dzakavandika (kubva mune chehupombwe)
Surah Al-Mumenoon, Verse 5


إِلَّا عَلَىٰٓ أَزۡوَٰجِهِمۡ أَوۡ مَا مَلَكَتۡ أَيۡمَٰنُهُمۡ فَإِنَّهُمۡ غَيۡرُ مَلُومِينَ

Kunze kune vakadzi vavo kana varanda kadzi avo vavanochengeta vari mumaoko avo, nokudaro vari kure nekushoropodzwa
Surah Al-Mumenoon, Verse 6


فَمَنِ ٱبۡتَغَىٰ وَرَآءَ ذَٰلِكَ فَأُوْلَـٰٓئِكَ هُمُ ٱلۡعَادُونَ

Asi uyo anoda zvakadarika izvi, nokudaro avo vatadzi chose (vanopfurikidza mirairo)
Surah Al-Mumenoon, Verse 7


وَٱلَّذِينَ هُمۡ لِأَمَٰنَٰتِهِمۡ وَعَهۡدِهِمۡ رَٰعُونَ

Uye avo vanochengetedza zvivimbiso zvavo (zvese zvakakomekedzwa naAllah) uyezve nezvibvumirano zvavo
Surah Al-Mumenoon, Verse 8


وَٱلَّذِينَ هُمۡ عَلَىٰ صَلَوَٰتِهِمۡ يُحَافِظُونَ

Uye avo vanochengetedza minamato yavo mishanu (5) nenguva dzakatarwa
Surah Al-Mumenoon, Verse 9


أُوْلَـٰٓئِكَ هُمُ ٱلۡوَٰرِثُونَ

Avo ndivo vagari venhaka yemangwana
Surah Al-Mumenoon, Verse 10


ٱلَّذِينَ يَرِثُونَ ٱلۡفِرۡدَوۡسَ هُمۡ فِيهَا خَٰلِدُونَ

Vachava vanogara nhaka yeParadhiso (Firdaus). Umo vachagara zvachose
Surah Al-Mumenoon, Verse 11


وَلَقَدۡ خَلَقۡنَا ٱلۡإِنسَٰنَ مِن سُلَٰلَةٖ مِّن طِينٖ

Uye zvirokwazvo takave tinosika munhu (Adam) kubva muvhu remutapo (mvura nevhu)
Surah Al-Mumenoon, Verse 12


ثُمَّ جَعَلۡنَٰهُ نُطۡفَةٗ فِي قَرَارٖ مَّكِينٖ

Pedzezvo takave tinomuita kuti (vana vaAdam) ave Nutfah (musanganiswa wemvura dzechirume nedzechikadzi uye tikave tinougadzika) panzvimbo yakachengetedzeka (munhumbu yemukadzi)
Surah Al-Mumenoon, Verse 13


ثُمَّ خَلَقۡنَا ٱلنُّطۡفَةَ عَلَقَةٗ فَخَلَقۡنَا ٱلۡعَلَقَةَ مُضۡغَةٗ فَخَلَقۡنَا ٱلۡمُضۡغَةَ عِظَٰمٗا فَكَسَوۡنَا ٱلۡعِظَٰمَ لَحۡمٗا ثُمَّ أَنشَأۡنَٰهُ خَلۡقًا ءَاخَرَۚ فَتَبَارَكَ ٱللَّهُ أَحۡسَنُ ٱلۡخَٰلِقِينَ

Pedzezvo takave tinoita Nutfah (musanganiswa wemvura yababa naamai) kuti ive godo reropa, tikave tinoita godo reropa kuti rive chidimbu chenyama, tikave tinogadzira mapfupa kubva muchidimbu chenyama, tikave tinoshongedza mapfupa nenyama, uye tikave tinochiunza sechimwe chisikwa. Naizvozvo makomborero nde aAllah musiki akanaka
Surah Al-Mumenoon, Verse 14


ثُمَّ إِنَّكُم بَعۡدَ ذَٰلِكَ لَمَيِّتُونَ

Uye mushure maizvozvo, zvirokwazvo, muchave munofa
Surah Al-Mumenoon, Verse 15


ثُمَّ إِنَّكُمۡ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِ تُبۡعَثُونَ

Uye zvirokwazvo, pazuva reQiyaamah (Kumutswa) muchave munomutswa
Surah Al-Mumenoon, Verse 16


وَلَقَدۡ خَلَقۡنَا فَوۡقَكُمۡ سَبۡعَ طَرَآئِقَ وَمَا كُنَّا عَنِ ٱلۡخَلۡقِ غَٰفِلِينَ

Uye zvirokwazvo, takave tinosika pamusoro penyu matenga manomwe (rimwe pamusoro perimwe), uyezve hatimborivari zvisikwa zvedu
Surah Al-Mumenoon, Verse 17


وَأَنزَلۡنَا مِنَ ٱلسَّمَآءِ مَآءَۢ بِقَدَرٖ فَأَسۡكَنَّـٰهُ فِي ٱلۡأَرۡضِۖ وَإِنَّا عَلَىٰ ذَهَابِۭ بِهِۦ لَقَٰدِرُونَ

Uye tinodzikisa mvura kubva kudenga nesimba (redu), toiita kuti ive nenzvimbo yekugara pano pasi, uye zvirokwazvo, tine simba rekuitora (mvura)
Surah Al-Mumenoon, Verse 18


فَأَنشَأۡنَا لَكُم بِهِۦ جَنَّـٰتٖ مِّن نَّخِيلٖ وَأَعۡنَٰبٖ لَّكُمۡ فِيهَا فَوَٰكِهُ كَثِيرَةٞ وَمِنۡهَا تَأۡكُلُونَ

Uye tinokukudzirai nayo mapindu emadheti nemagirepu, muine michero mizhinji yenyu, iyo yamunodya
Surah Al-Mumenoon, Verse 19


وَشَجَرَةٗ تَخۡرُجُ مِن طُورِ سَيۡنَآءَ تَنۢبُتُ بِٱلدُّهۡنِ وَصِبۡغٖ لِّلۡأٓكِلِينَ

Uye muti (weOrivhi) unomera mugomo reSinai, unoburitsa mafuta, uye muriwo kune avo vanodya
Surah Al-Mumenoon, Verse 20


وَإِنَّ لَكُمۡ فِي ٱلۡأَنۡعَٰمِ لَعِبۡرَةٗۖ نُّسۡقِيكُم مِّمَّا فِي بُطُونِهَا وَلَكُمۡ فِيهَا مَنَٰفِعُ كَثِيرَةٞ وَمِنۡهَا تَأۡكُلُونَ

Uye zvirokwazvo kubva mumhuka (mombe) mune chidzidzo kwamuri. Tinokupai kuti munwe izvo zviri mumatumbu adzo (mukaka). Uye madziri mune zvizhinji zvinokubatsirai, uye kubva kwadziri munodya
Surah Al-Mumenoon, Verse 21


وَعَلَيۡهَا وَعَلَى ٱلۡفُلۡكِ تُحۡمَلُونَ

Uye pamusoro padzo (mhuka) uye ngarava munova munotakurwa (munzendo dzamunofamba)
Surah Al-Mumenoon, Verse 22


وَلَقَدۡ أَرۡسَلۡنَا نُوحًا إِلَىٰ قَوۡمِهِۦ فَقَالَ يَٰقَوۡمِ ٱعۡبُدُواْ ٱللَّهَ مَا لَكُم مِّنۡ إِلَٰهٍ غَيۡرُهُۥٓۚ أَفَلَا تَتَّقُونَ

Uye zvirokwazvo takave tinotuma Nowa kuvanhu vake, akave anotaura kuti: “Imi vanhu vangu! Namatai Allah! Hamuna vamwe mwari kusara kwavo. Saka hamuve munovatya here?”
Surah Al-Mumenoon, Verse 23


فَقَالَ ٱلۡمَلَؤُاْ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ مِن قَوۡمِهِۦ مَا هَٰذَآ إِلَّا بَشَرٞ مِّثۡلُكُمۡ يُرِيدُ أَن يَتَفَضَّلَ عَلَيۡكُمۡ وَلَوۡ شَآءَ ٱللَّهُ لَأَنزَلَ مَلَـٰٓئِكَةٗ مَّا سَمِعۡنَا بِهَٰذَا فِيٓ ءَابَآئِنَا ٱلۡأَوَّلِينَ

Asi madzimambo asingatendi pakati pevanhu vake vakataura kuti: “Uyu murume (munhu) akafananawo nemi, uye ari kuda kuva pamusoro penyu. Uye dai Allah vaida (kutumira mutumwa), zvirokwazvo vaitumira ngirozi. Hatisati tambonzwa zvakadai kubva kumadzibaba edu (madzitateguru edu).”
Surah Al-Mumenoon, Verse 24


إِنۡ هُوَ إِلَّا رَجُلُۢ بِهِۦ جِنَّةٞ فَتَرَبَّصُواْ بِهِۦ حَتَّىٰ حِينٖ

“Uyu murume ari kupenga, saka chimbomirai maererano nezvake kwekanguva kadiki.”
Surah Al-Mumenoon, Verse 25


قَالَ رَبِّ ٱنصُرۡنِي بِمَا كَذَّبُونِ

Nowa akati: “Tenzi vangu! Ivai munonditsigira nekuti vave vanondiramba.”
Surah Al-Mumenoon, Verse 26


فَأَوۡحَيۡنَآ إِلَيۡهِ أَنِ ٱصۡنَعِ ٱلۡفُلۡكَ بِأَعۡيُنِنَا وَوَحۡيِنَا فَإِذَا جَآءَ أَمۡرُنَا وَفَارَ ٱلتَّنُّورُ فَٱسۡلُكۡ فِيهَا مِن كُلّٖ زَوۡجَيۡنِ ٱثۡنَيۡنِ وَأَهۡلَكَ إِلَّا مَن سَبَقَ عَلَيۡهِ ٱلۡقَوۡلُ مِنۡهُمۡۖ وَلَا تُخَٰطِبۡنِي فِي ٱلَّذِينَ ظَلَمُوٓاْ إِنَّهُم مُّغۡرَقُونَ

Saka takave tinotaura (tinotumira) kwaari (kuti): “Vaka ngarava uri pasi pemeso edu uye nemashoko edu. Uye kana mutsigo wedu wauya, uye mvura yatanga kubuda kubva muchitofu, isa mungarava kubva kuchisikwa chimwe nechimwe zviviri zviviri (chirume nechikadzi), uye nemhuri yako, kusara kweavo kubva kwavari vakave vanotarwa kuti vachave vanoparadzwa. Uye usave unotaura neni maererano neavo vakave vanotadza. Zvirokwazvo, vari kuva vanonyudzwa.”
Surah Al-Mumenoon, Verse 27


فَإِذَا ٱسۡتَوَيۡتَ أَنتَ وَمَن مَّعَكَ عَلَى ٱلۡفُلۡكِ فَقُلِ ٱلۡحَمۡدُ لِلَّهِ ٱلَّذِي نَجَّىٰنَا مِنَ ٱلۡقَوۡمِ ٱلظَّـٰلِمِينَ

“Uye kana mapinda mungarava, iwe neavo vanewe, taura kuti: ‘Rumbidzo ngaive kuna Allah, avo vatidzivirira kubva kune vanhu vanotadza.’”
Surah Al-Mumenoon, Verse 28


وَقُل رَّبِّ أَنزِلۡنِي مُنزَلٗا مُّبَارَكٗا وَأَنتَ خَيۡرُ ٱلۡمُنزِلِينَ

“Uye taura kuti: ‘Tenzi vangu! Itai kuti tive tinomira panzvimbo yakakomborerwa, uye ndimi munokwanisa kutiburutsa zvakanaka.’”
Surah Al-Mumenoon, Verse 29


إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَٰتٖ وَإِن كُنَّا لَمُبۡتَلِينَ

Zvirokwazvo, mazviri (zvatakaita vanhu vaNowa) mune zviratidzo, uye zvirokwazvo, tinogara tichiedza varanda vedu
Surah Al-Mumenoon, Verse 30


ثُمَّ أَنشَأۡنَا مِنۢ بَعۡدِهِمۡ قَرۡنًا ءَاخَرِينَ

Uye takave tinosika vamwe vanhu mushure mavo
Surah Al-Mumenoon, Verse 31


فَأَرۡسَلۡنَا فِيهِمۡ رَسُولٗا مِّنۡهُمۡ أَنِ ٱعۡبُدُواْ ٱللَّهَ مَا لَكُم مِّنۡ إِلَٰهٍ غَيۡرُهُۥٓۚ أَفَلَا تَتَّقُونَ

Uye takatuma mutumwa kubva kwavari achitaura kuti: “Namatai Allah! Hamuna umwe mwari kusara kwavo. Saka hamuvi munotya here (kuti vachakurangai kana mukanamata zvimwe zvinhu)?”
Surah Al-Mumenoon, Verse 32


وَقَالَ ٱلۡمَلَأُ مِن قَوۡمِهِ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ وَكَذَّبُواْ بِلِقَآءِ ٱلۡأٓخِرَةِ وَأَتۡرَفۡنَٰهُمۡ فِي ٱلۡحَيَوٰةِ ٱلدُّنۡيَا مَا هَٰذَآ إِلَّا بَشَرٞ مِّثۡلُكُمۡ يَأۡكُلُ مِمَّا تَأۡكُلُونَ مِنۡهُ وَيَشۡرَبُ مِمَّا تَشۡرَبُونَ

Uye avo vakakwirira (vapfumi, vatongi) pakati pevanhu vake avo vasina kutenda, uye vakaramba kuti kuchasanganwa mushure mekufa, uye takavapa kugarika kwehupenyu hwepasi, vakataura kuti: “Uyu haasi (chimwe chinhu) asi kuti murume akafananawo nemi. Anodya izvo zvamunodyawo, uye anonwa izvo zvamunonwa.”
Surah Al-Mumenoon, Verse 33


وَلَئِنۡ أَطَعۡتُم بَشَرٗا مِّثۡلَكُمۡ إِنَّكُمۡ إِذٗا لَّخَٰسِرُونَ

“Uye kana mukateerera munhu (murume) akaitawo semi, zvirokwazvo, muchava munorasikirwa.”
Surah Al-Mumenoon, Verse 34


أَيَعِدُكُمۡ أَنَّكُمۡ إِذَا مِتُّمۡ وَكُنتُمۡ تُرَابٗا وَعِظَٰمًا أَنَّكُم مُّخۡرَجُونَ

“Anokuvimbisai here kuti kana mafa mova munoita ivhu nemapfupa, kuti muchave munomutswa (zvakare)?”
Surah Al-Mumenoon, Verse 35


۞هَيۡهَاتَ هَيۡهَاتَ لِمَا تُوعَدُونَ

“Zviri kure, zviri kure, izvo zvamunovimbiswa!”
Surah Al-Mumenoon, Verse 36


إِنۡ هِيَ إِلَّا حَيَاتُنَا ٱلدُّنۡيَا نَمُوتُ وَنَحۡيَا وَمَا نَحۡنُ بِمَبۡعُوثِينَ

“Hapana chiripo kusara kwehupenyu hwedu hwepasi rino, tichafa uye tinorarama! Asi hative tinomutswa zvakare (mushure mekufa)!”
Surah Al-Mumenoon, Verse 37


إِنۡ هُوَ إِلَّا رَجُلٌ ٱفۡتَرَىٰ عَلَى ٱللَّهِ كَذِبٗا وَمَا نَحۡنُ لَهُۥ بِمُؤۡمِنِينَ

“Haasi umwe munhu asi kuti murume aronga manyepo pamusoro paAllah, uye hatimbofi takatenda maari.”
Surah Al-Mumenoon, Verse 38


قَالَ رَبِّ ٱنصُرۡنِي بِمَا كَذَّبُونِ

Akataura kuti: “Tenzi vangu! Nditsigirei nokuti vave vanondiramba.”
Surah Al-Mumenoon, Verse 39


قَالَ عَمَّا قَلِيلٖ لَّيُصۡبِحُنَّ نَٰدِمِينَ

(Allah) vakataura kuti: “Munguva shoma, zvirokwazvo vachave vanodemba.”
Surah Al-Mumenoon, Verse 40


فَأَخَذَتۡهُمُ ٱلصَّيۡحَةُ بِٱلۡحَقِّ فَجَعَلۡنَٰهُمۡ غُثَآءٗۚ فَبُعۡدٗا لِّلۡقَوۡمِ ٱلظَّـٰلِمِينَ

Nokudaro murango wakavaparadza muchokwadi, uye takaita kuti vave marara sezvidyarwa zvakafa. Nokudaro ngavave kure avo vanhu vanotadza
Surah Al-Mumenoon, Verse 41


ثُمَّ أَنشَأۡنَا مِنۢ بَعۡدِهِمۡ قُرُونًا ءَاخَرِينَ

Uye takasika mamwe marudzi mushure mavo
Surah Al-Mumenoon, Verse 42


مَا تَسۡبِقُ مِنۡ أُمَّةٍ أَجَلَهَا وَمَا يَسۡتَـٔۡخِرُونَ

Hakuna rudzi (vanhu) rungaita kuti nguva yavo ikasire, kana kuve inonoka
Surah Al-Mumenoon, Verse 43


ثُمَّ أَرۡسَلۡنَا رُسُلَنَا تَتۡرَاۖ كُلَّ مَا جَآءَ أُمَّةٗ رَّسُولُهَا كَذَّبُوهُۖ فَأَتۡبَعۡنَا بَعۡضَهُم بَعۡضٗا وَجَعَلۡنَٰهُمۡ أَحَادِيثَۚ فَبُعۡدٗا لِّقَوۡمٖ لَّا يُؤۡمِنُونَ

Uye takave tinotumira vatumwa vedu vachiteverana (umwe mushure memumwe). Nguva dzose paiuya mutumwa wavo kune boka revanhu, vaimuramba; nokudaro takave tinoita kuti vave vanoteverana mukuparadzwa, uye takave tinoita kuti vave nyaya (pakati pevanhu sechidzidzo). Saka ngavave kure avo vanhu vsingatendi
Surah Al-Mumenoon, Verse 44


ثُمَّ أَرۡسَلۡنَا مُوسَىٰ وَأَخَاهُ هَٰرُونَ بِـَٔايَٰتِنَا وَسُلۡطَٰنٖ مُّبِينٍ

Uye takave tinotuma Musa nemukoma wake Haaroon (Aroni) nezviratidzo zvedu uye nemasimba ari pachena
Surah Al-Mumenoon, Verse 45


إِلَىٰ فِرۡعَوۡنَ وَمَلَإِيْهِۦ فَٱسۡتَكۡبَرُواْ وَكَانُواْ قَوۡمًا عَالِينَ

Kuna Farawo nemakurukota ake, asi vakave vanozvitutumadza, uye vakave vanhu vanozvikudza
Surah Al-Mumenoon, Verse 46


فَقَالُوٓاْ أَنُؤۡمِنُ لِبَشَرَيۡنِ مِثۡلِنَا وَقَوۡمُهُمَا لَنَا عَٰبِدُونَ

Uye vakataura kuti (Farawo nemakurukota ake): “Tingatenda here mune varume vaviri vakaita sesu, avo vekuti rudzi rwavo varanda vedu?”
Surah Al-Mumenoon, Verse 47


فَكَذَّبُوهُمَا فَكَانُواْ مِنَ ٱلۡمُهۡلَكِينَ

Vakave vanovaramba vose (vari vaviri), uye vakave veavo vakaparadzwa
Surah Al-Mumenoon, Verse 48


وَلَقَدۡ ءَاتَيۡنَا مُوسَى ٱلۡكِتَٰبَ لَعَلَّهُمۡ يَهۡتَدُونَ

Zvirokwazvo, takave tinopa Musa, Gwaro, kuti zvimwe vangave vanotungamirwa
Surah Al-Mumenoon, Verse 49


وَجَعَلۡنَا ٱبۡنَ مَرۡيَمَ وَأُمَّهُۥٓ ءَايَةٗ وَءَاوَيۡنَٰهُمَآ إِلَىٰ رَبۡوَةٖ ذَاتِ قَرَارٖ وَمَعِينٖ

Uye takave tinoita mwanakomana waMariya uye naamai vake chiratidzo, uye takavachengetedza panzvimbo yakakwirira, nzvimbo yekuzorora, ine chengetedzo uye mvura inoerera
Surah Al-Mumenoon, Verse 50


يَـٰٓأَيُّهَا ٱلرُّسُلُ كُلُواْ مِنَ ٱلطَّيِّبَٰتِ وَٱعۡمَلُواْ صَٰلِحًاۖ إِنِّي بِمَا تَعۡمَلُونَ عَلِيمٞ

(Allah vakataura kuti): “Imi vatumwa! Idyai zvakachena, mova munoita mabasa akanaka. Zvirokwazvo, ndinoziva zvikuru zvose zvamunoita.”
Surah Al-Mumenoon, Verse 51


وَإِنَّ هَٰذِهِۦٓ أُمَّتُكُمۡ أُمَّةٗ وَٰحِدَةٗ وَأَنَا۠ رَبُّكُمۡ فَٱتَّقُونِ

“Uye zvirokwazvo, ichi chitendero chenyu (Islaam) chimwe chete, uye ndini Tenzi venyu. Nokudaro, ivai munonditya.”
Surah Al-Mumenoon, Verse 52


فَتَقَطَّعُوٓاْ أَمۡرَهُم بَيۡنَهُمۡ زُبُرٗاۖ كُلُّ حِزۡبِۭ بِمَا لَدَيۡهِمۡ فَرِحُونَ

Asi (vanhu) vakave vanopatsanura chitendero chavo pakati pavo mumapoka-poka, boka rimwe nerimwe (boka rose) richifara nezvarinazvo
Surah Al-Mumenoon, Verse 53


فَذَرۡهُمۡ فِي غَمۡرَتِهِمۡ حَتَّىٰ حِينٍ

Saka vasiyei mukurasika kwavo kwekanguva
Surah Al-Mumenoon, Verse 54


أَيَحۡسَبُونَ أَنَّمَا نُمِدُّهُم بِهِۦ مِن مَّالٖ وَبَنِينَ

Vanofunga here kuti kuvawedzera muhupfumi nevana
Surah Al-Mumenoon, Verse 55


نُسَارِعُ لَهُمۡ فِي ٱلۡخَيۡرَٰتِۚ بَل لَّا يَشۡعُرُونَ

Kuti tirikuvapa zvakanaka nekukurumidza? Kwete! (Asi muedzo pasi pano kuti vasave nemugove muhupenyu hwemangwana) asi havazvifungi
Surah Al-Mumenoon, Verse 56


إِنَّ ٱلَّذِينَ هُم مِّنۡ خَشۡيَةِ رَبِّهِم مُّشۡفِقُونَ

Zvirokwazvo, avo vanotya Tenzi vavo vakangwarira
Surah Al-Mumenoon, Verse 57


وَٱلَّذِينَ هُم بِـَٔايَٰتِ رَبِّهِمۡ يُؤۡمِنُونَ

Uye avo vanotenda muzviratidzo zvaTenzi vavo
Surah Al-Mumenoon, Verse 58


وَٱلَّذِينَ هُم بِرَبِّهِمۡ لَا يُشۡرِكُونَ

Uye avo vasingasanganisi Tenzi vavo nechimwe chinhu (mukunamata)
Surah Al-Mumenoon, Verse 59


وَٱلَّذِينَ يُؤۡتُونَ مَآ ءَاتَواْ وَّقُلُوبُهُمۡ وَجِلَةٌ أَنَّهُمۡ إِلَىٰ رَبِّهِمۡ رَٰجِعُونَ

Uye avo vanopa (Swadaqah) zvavanopa moyo yavo izere nokutya (kuti zvatambirwa here kana kuti kwete), nokuti vachave zvirokwazvo vanodzokera kuna Tenzi vavo
Surah Al-Mumenoon, Verse 60


أُوْلَـٰٓئِكَ يُسَٰرِعُونَ فِي ٱلۡخَيۡرَٰتِ وَهُمۡ لَهَا سَٰبِقُونَ

Ndeavo vanomhanyira kumabasa akanaka, uye ndivo vekutanga maari
Surah Al-Mumenoon, Verse 61


وَلَا نُكَلِّفُ نَفۡسًا إِلَّا وُسۡعَهَاۚ وَلَدَيۡنَا كِتَٰبٞ يَنطِقُ بِٱلۡحَقِّ وَهُمۡ لَا يُظۡلَمُونَ

Uye hatikomekedzi munhu kusara kweizvo zvaanogona, uye tine gwaro rinotaura chokwadi, uye havave vachatadzirwa
Surah Al-Mumenoon, Verse 62


بَلۡ قُلُوبُهُمۡ فِي غَمۡرَةٖ مِّنۡ هَٰذَا وَلَهُمۡ أَعۡمَٰلٞ مِّن دُونِ ذَٰلِكَ هُمۡ لَهَا عَٰمِلُونَ

Asi moyo yavo yakaputirwa kubva kwariri (Qur’aan, kurinzwisisa), uye vane mabasa mamwe (akaipa) kusara kweayo avari kuita
Surah Al-Mumenoon, Verse 63


حَتَّىٰٓ إِذَآ أَخَذۡنَا مُتۡرَفِيهِم بِٱلۡعَذَابِ إِذَا هُمۡ يَجۡـَٔرُونَ

Kusvika taparadza vapfumi pakati pavo nemurango (vasingatarisiri); tarisai, vanova vanochema neizwi riripamusoro (kuna Allah) vachida rubatsiro
Surah Al-Mumenoon, Verse 64


لَا تَجۡـَٔرُواْ ٱلۡيَوۡمَۖ إِنَّكُم مِّنَّا لَا تُنصَرُونَ

Musacheme neizwi riripamusoro nhasi! Zvirokwazvo, hamuve munobatsirwa nesu
Surah Al-Mumenoon, Verse 65


قَدۡ كَانَتۡ ءَايَٰتِي تُتۡلَىٰ عَلَيۡكُمۡ فَكُنتُمۡ عَلَىٰٓ أَعۡقَٰبِكُمۡ تَنكِصُونَ

Zvirokwazvo, ndima dzangu dzakave dzinoverengwa kwamuri, asi imi maifuratira nezvitsitsinho zvenyu (muchidziramba)
Surah Al-Mumenoon, Verse 66


مُسۡتَكۡبِرِينَ بِهِۦ سَٰمِرٗا تَهۡجُرُونَ

Muchizvitutumadza, muchitaura usiku zvakashata pamusoro paro (Qur’aan)
Surah Al-Mumenoon, Verse 67


أَفَلَمۡ يَدَّبَّرُواْ ٱلۡقَوۡلَ أَمۡ جَآءَهُم مَّا لَمۡ يَأۡتِ ءَابَآءَهُمُ ٱلۡأَوَّلِينَ

Uye havave here vanodzamisa pfungwa dzavo pamusoro peshoko (raAllah, Qur’aan), kana kuti kwakauya kwavari izvo zvisina kuuya kune madzitateguru avo
Surah Al-Mumenoon, Verse 68


أَمۡ لَمۡ يَعۡرِفُواْ رَسُولَهُمۡ فَهُمۡ لَهُۥ مُنكِرُونَ

Kana kuti havazivi mutumwa wavo (Muhammad (SAW)), saka vachimuramba
Surah Al-Mumenoon, Verse 69


أَمۡ يَقُولُونَ بِهِۦ جِنَّةُۢۚ بَلۡ جَآءَهُم بِٱلۡحَقِّ وَأَكۡثَرُهُمۡ لِلۡحَقِّ كَٰرِهُونَ

Kana kuti vanotaura (kuti): “Ane kupenga maari?” Asi akavawunzira chokwadi (Islaam), asi vazhinji vavo (vasingatendi) vanoramba chokwadi
Surah Al-Mumenoon, Verse 70


وَلَوِ ٱتَّبَعَ ٱلۡحَقُّ أَهۡوَآءَهُمۡ لَفَسَدَتِ ٱلسَّمَٰوَٰتُ وَٱلۡأَرۡضُ وَمَن فِيهِنَّۚ بَلۡ أَتَيۡنَٰهُم بِذِكۡرِهِمۡ فَهُمۡ عَن ذِكۡرِهِم مُّعۡرِضُونَ

Asi dai chokwadi chakatevera izvo zvavanoshuvira, zvirokwazvo, matenga uye nepasi uye avo vari mazviri zvaidai zvisina kumira zvakanaka (zvaishata)! Asi tavaunzira yeuchidzo yavo, asi ivo vanofuratira yeuchidzo yavo
Surah Al-Mumenoon, Verse 71


أَمۡ تَسۡـَٔلُهُمۡ خَرۡجٗا فَخَرَاجُ رَبِّكَ خَيۡرٞۖ وَهُوَ خَيۡرُ ٱلرَّـٰزِقِينَ

Kana kuti iwe (Muhammad (SAW)) unovabvunza mubairo? Asi mubairo waTenzi vako ndiwo wakanaka, uye ndivo (Tenzi vako) nyanzvi pakupa raramo
Surah Al-Mumenoon, Verse 72


وَإِنَّكَ لَتَدۡعُوهُمۡ إِلَىٰ صِرَٰطٖ مُّسۡتَقِيمٖ

Uye zvirokwazvo, unovakoka (Muhammad (SAW)) kunzira yakatwasuka (Islaam)
Surah Al-Mumenoon, Verse 73


وَإِنَّ ٱلَّذِينَ لَا يُؤۡمِنُونَ بِٱلۡأٓخِرَةِ عَنِ ٱلصِّرَٰطِ لَنَٰكِبُونَ

Asi zvirokwazvo, avo vasingatendi muhupenyu huri mushure mekufa, vari zvirokwazvo kubva munzira yakatwasuka (Islaam)
Surah Al-Mumenoon, Verse 74


۞وَلَوۡ رَحِمۡنَٰهُمۡ وَكَشَفۡنَا مَا بِهِم مِّن ضُرّٖ لَّلَجُّواْ فِي طُغۡيَٰنِهِمۡ يَعۡمَهُونَ

Uye nyangwe tikavapa tsitsi uye tobvisa matambudziko ari pavari, vanoramba vachingoita zvitadzo zvavo, vachidzungaira vasingadi (chokwadi, vachiita nokusaziva)
Surah Al-Mumenoon, Verse 75


وَلَقَدۡ أَخَذۡنَٰهُم بِٱلۡعَذَابِ فَمَا ٱسۡتَكَانُواْ لِرَبِّهِمۡ وَمَا يَتَضَرَّعُونَ

Uye takave tinovabata nemarwadzo (tinovatumira seyambiro), asi havana kuva vanozvininipisa kuna Tenzi vavo, uye havana kusheedza (Allah) vachizvipira kwavari
Surah Al-Mumenoon, Verse 76


حَتَّىٰٓ إِذَا فَتَحۡنَا عَلَيۡهِم بَابٗا ذَا عَذَابٖ شَدِيدٍ إِذَا هُمۡ فِيهِ مُبۡلِسُونَ

Kusvikira tavavhurira gonhi remarwadzo makuru, nenguva diki vachange varimo vachishungurudzika
Surah Al-Mumenoon, Verse 77


وَهُوَ ٱلَّذِيٓ أَنشَأَ لَكُمُ ٱلسَّمۡعَ وَٱلۡأَبۡصَٰرَ وَٱلۡأَفۡـِٔدَةَۚ قَلِيلٗا مَّا تَشۡكُرُونَ

Uye ndivo (Allah) vakakugadzirirai kunzwa (nzeve), nokuona (maziso), uye moyo (kufunga kwakakwana). Asi kashoma pamunopa kutenda
Surah Al-Mumenoon, Verse 78


وَهُوَ ٱلَّذِي ذَرَأَكُمۡ فِي ٱلۡأَرۡضِ وَإِلَيۡهِ تُحۡشَرُونَ

Uye ndivo (Allah) vanokusikai panyika, uye kwavarizve muchaunganidzwa
Surah Al-Mumenoon, Verse 79


وَهُوَ ٱلَّذِي يُحۡيِۦ وَيُمِيتُ وَلَهُ ٱخۡتِلَٰفُ ٱلَّيۡلِ وَٱلنَّهَارِۚ أَفَلَا تَعۡقِلُونَ

Uye ndivo (Allah) vanopa upenyu uye vokonzera kufa, uye kupindana (kupesana) kweusiku nemasikai ndekwavo (Allah). Saka hamunzwisisiwo here
Surah Al-Mumenoon, Verse 80


بَلۡ قَالُواْ مِثۡلَ مَا قَالَ ٱلۡأَوَّلُونَ

Asi vanotaura sematauriro evanhu vokutanga ivo vasati vavapo
Surah Al-Mumenoon, Verse 81


قَالُوٓاْ أَءِذَا مِتۡنَا وَكُنَّا تُرَابٗا وَعِظَٰمًا أَءِنَّا لَمَبۡعُوثُونَ

Vakataura kuti: “Kana tafa tova ivhu nemapfupa, tichamutswa here zvechokwadi?”
Surah Al-Mumenoon, Verse 82


لَقَدۡ وُعِدۡنَا نَحۡنُ وَءَابَآؤُنَا هَٰذَا مِن قَبۡلُ إِنۡ هَٰذَآ إِلَّآ أَسَٰطِيرُ ٱلۡأَوَّلِينَ

“Zvirokwazvo, takavimbiswa izvi isu nemadzibaba edu kumashure! Izvi hazvisi chimwe chinhu kusara kwengano dzeavo vaivapo kare!”
Surah Al-Mumenoon, Verse 83


قُل لِّمَنِ ٱلۡأَرۡضُ وَمَن فِيهَآ إِن كُنتُمۡ تَعۡلَمُونَ

Taura kuti (Muhammad (SAW)): “Ndiani muridzi wenyika uye wese arimo, kana muchiziva?”
Surah Al-Mumenoon, Verse 84


سَيَقُولُونَ لِلَّهِۚ قُلۡ أَفَلَا تَذَكَّرُونَ

Vachataura kuti: “NdiAllah!” Taura kuti: “Saka hamurangarire here?”
Surah Al-Mumenoon, Verse 85


قُلۡ مَن رَّبُّ ٱلسَّمَٰوَٰتِ ٱلسَّبۡعِ وَرَبُّ ٱلۡعَرۡشِ ٱلۡعَظِيمِ

Taura kuti: “Ndiani Tenzi vematenga manomwe, uye Tenzi vechigaro chikuru?”
Surah Al-Mumenoon, Verse 86


سَيَقُولُونَ لِلَّهِۚ قُلۡ أَفَلَا تَتَّقُونَ

Vachataura kuti: “Allah.” Taura kuti: “Saka hamuvatyi here?”
Surah Al-Mumenoon, Verse 87


قُلۡ مَنۢ بِيَدِهِۦ مَلَكُوتُ كُلِّ شَيۡءٖ وَهُوَ يُجِيرُ وَلَا يُجَارُ عَلَيۡهِ إِن كُنتُمۡ تَعۡلَمُونَ

Taura kuti: “Mumaoko ani mune ushe wezvinhu zvose? Uye vanodzivirira asi ivo hapana anovadzivirira kana muchiziva?”
Surah Al-Mumenoon, Verse 88


سَيَقُولُونَ لِلَّهِۚ قُلۡ فَأَنَّىٰ تُسۡحَرُونَ

Vachataura kuti: “(Zvese) ndezva Allah.” Taura kuti: “Saka sei muchinyengedzwa muchitendeukira chokwadi?”
Surah Al-Mumenoon, Verse 89


بَلۡ أَتَيۡنَٰهُم بِٱلۡحَقِّ وَإِنَّهُمۡ لَكَٰذِبُونَ

Asi tavaunzira chokwadi (Islaam), asi ivo (vasingatendi) zvirokwazvo vanyepi
Surah Al-Mumenoon, Verse 90


مَا ٱتَّخَذَ ٱللَّهُ مِن وَلَدٖ وَمَا كَانَ مَعَهُۥ مِنۡ إِلَٰهٍۚ إِذٗا لَّذَهَبَ كُلُّ إِلَٰهِۭ بِمَا خَلَقَ وَلَعَلَا بَعۡضُهُمۡ عَلَىٰ بَعۡضٖۚ سُبۡحَٰنَ ٱللَّهِ عَمَّا يَصِفُونَ

Allah havana mwanakomana (kana sikana), kana kuti kune umwe mwari navo. (Dai varipo vanamwari vakawanda), umwe neumwe mwari aizotora izvo zvaakasika, uye vamwe vavo vaizoedza kukunda vamwe. Mukuru ndiAllah vari pamusoro peizvo zvavanovatsanangudza nazvo
Surah Al-Mumenoon, Verse 91


عَٰلِمِ ٱلۡغَيۡبِ وَٱلشَّهَٰدَةِ فَتَعَٰلَىٰ عَمَّا يُشۡرِكُونَ

(Ndivo) vanoziva izvo zvisingaoneki uye izvo zvinooneka! Saka mukuru ndivo pamusoro peizvo zvavanomusanganisa nazvo
Surah Al-Mumenoon, Verse 92


قُل رَّبِّ إِمَّا تُرِيَنِّي مَا يُوعَدُونَ

Taura (Muhammad (SAW)) kuti: “Tenzi vangu! Dai mandiratidza izvo zvavakavimbiswa (murango).”
Surah Al-Mumenoon, Verse 93


رَبِّ فَلَا تَجۡعَلۡنِي فِي ٱلۡقَوۡمِ ٱلظَّـٰلِمِينَ

“Tenzi vangu! Saka (ndinunurei kubva kumurango wenyu), musandiise pakati peavo vanhu vanotadza.”
Surah Al-Mumenoon, Verse 94


وَإِنَّا عَلَىٰٓ أَن نُّرِيَكَ مَا نَعِدُهُمۡ لَقَٰدِرُونَ

Uye zvirokwazvo tinokwanisa kukuratidza (Muhammad (SAW)) izvo zvatinovavimbisa
Surah Al-Mumenoon, Verse 95


ٱدۡفَعۡ بِٱلَّتِي هِيَ أَحۡسَنُ ٱلسَّيِّئَةَۚ نَحۡنُ أَعۡلَمُ بِمَا يَصِفُونَ

Dzivirira zvivi neicho chiri nani. Isu tisu tinoziva izvo zvavanovasanangudza nazvo
Surah Al-Mumenoon, Verse 96


وَقُل رَّبِّ أَعُوذُ بِكَ مِنۡ هَمَزَٰتِ ٱلشَّيَٰطِينِ

Uye taura kuti: “Tenzi vangu! Ndokumbirawo ruponeso kwamuri kubva kune ruzeve-zeve rwemaShayaatween (vanadhiyabhorosi).”
Surah Al-Mumenoon, Verse 97


وَأَعُوذُ بِكَ رَبِّ أَن يَحۡضُرُونِ

“Uye ndinokumbira ruponeso maMuri, Tenzi vangu, nyangwe vakavapo pedyo neni.”
Surah Al-Mumenoon, Verse 98


حَتَّىٰٓ إِذَا جَآءَ أَحَدَهُمُ ٱلۡمَوۡتُ قَالَ رَبِّ ٱرۡجِعُونِ

Kusvikira rufu rwauya kune umwe wavo (weavo vasingatendi), anotaura kuti: “Tenzi vangu! Ndidzorereizve (panyika).”
Surah Al-Mumenoon, Verse 99


لَعَلِّيٓ أَعۡمَلُ صَٰلِحٗا فِيمَا تَرَكۡتُۚ كَلَّآۚ إِنَّهَا كَلِمَةٌ هُوَ قَآئِلُهَاۖ وَمِن وَرَآئِهِم بَرۡزَخٌ إِلَىٰ يَوۡمِ يُبۡعَثُونَ

“Kuti ndinoita mabasa akanaka awo andisina kuita kumashure!” Kwete! Mashoko chete aari kutaura; uye kumberi kwavo kune Barzakh (Chidziviso) kusvikira zuva ravachamutswa (kubva kuvafi)
Surah Al-Mumenoon, Verse 100


فَإِذَا نُفِخَ فِي ٱلصُّورِ فَلَآ أَنسَابَ بَيۡنَهُمۡ يَوۡمَئِذٖ وَلَا يَتَسَآءَلُونَ

Uye kana hwamanda yaridzwa, hapana hukama uchange huripo pakati pavo pazuva iroro, uye hapana achabvunza umwe pamusoro peumwe
Surah Al-Mumenoon, Verse 101


فَمَن ثَقُلَتۡ مَوَٰزِينُهُۥ فَأُوْلَـٰٓئِكَ هُمُ ٱلۡمُفۡلِحُونَ

Uye avo miyero yavo icharema (nezvakanaka), ndivo avo vachabudirira
Surah Al-Mumenoon, Verse 102


وَمَنۡ خَفَّتۡ مَوَٰزِينُهُۥ فَأُوْلَـٰٓئِكَ ٱلَّذِينَ خَسِرُوٓاْ أَنفُسَهُمۡ فِي جَهَنَّمَ خَٰلِدُونَ

Asi avo miyero yavo ichareruka, ndivo vanhu vakazvirasisa pachavo, uye vachava vagari vemuGehena nekusingaperi
Surah Al-Mumenoon, Verse 103


تَلۡفَحُ وُجُوهَهُمُ ٱلنَّارُ وَهُمۡ فِيهَا كَٰلِحُونَ

Moto uchapisa zviso zvavo, uye varimo vachasara vakanyenama (miromo yavo yatsva)
Surah Al-Mumenoon, Verse 104


أَلَمۡ تَكُنۡ ءَايَٰتِي تُتۡلَىٰ عَلَيۡكُمۡ فَكُنتُم بِهَا تُكَذِّبُونَ

(Kuchataurwa) kuti: “Ndima dzangu hadzina kuverengwa kwamuri here, uye maidziramba?”
Surah Al-Mumenoon, Verse 105


قَالُواْ رَبَّنَا غَلَبَتۡ عَلَيۡنَا شِقۡوَتُنَا وَكُنَّا قَوۡمٗا ضَآلِّينَ

Vachataura kuti: “Tenzi vedu! Kushata kwedu kwave kunotikurira, uye taive vanhu vakarasika.”
Surah Al-Mumenoon, Verse 106


رَبَّنَآ أَخۡرِجۡنَا مِنۡهَا فَإِنۡ عُدۡنَا فَإِنَّا ظَٰلِمُونَ

“Tenzi vedu! Tiburitsei mazviri. Uye tikava tinodzekera (kumabasa akaipa), zvirokwazvo, tinenge tiri vanhu vanotadza.”
Surah Al-Mumenoon, Verse 107


قَالَ ٱخۡسَـُٔواْ فِيهَا وَلَا تُكَلِّمُونِ

Vachataura (Allah) kuti: “Rambai murimo makadzikisirwa, uye musave munotaura neni!”
Surah Al-Mumenoon, Verse 108


إِنَّهُۥ كَانَ فَرِيقٞ مِّنۡ عِبَادِي يَقُولُونَ رَبَّنَآ ءَامَنَّا فَٱغۡفِرۡ لَنَا وَٱرۡحَمۡنَا وَأَنتَ خَيۡرُ ٱلرَّـٰحِمِينَ

Zvirokwazvo, paiva neboka revaranda vangu vaitaura kuti: “Tenzi vedu! Tinotenda, saka tiregererei, uye mova munotinzwira tsitsi, uye ndimi nyanzvi kukunda vese pakunzwira tsitsi!”
Surah Al-Mumenoon, Verse 109


فَٱتَّخَذۡتُمُوهُمۡ سِخۡرِيًّا حَتَّىٰٓ أَنسَوۡكُمۡ ذِكۡرِي وَكُنتُم مِّنۡهُمۡ تَضۡحَكُونَ

“Asi makavatora sechisekwa, kusvikira vakuitai kuti mukanganwe rangariro yangu muchivaseka!”
Surah Al-Mumenoon, Verse 110


إِنِّي جَزَيۡتُهُمُ ٱلۡيَوۡمَ بِمَا صَبَرُوٓاْ أَنَّهُمۡ هُمُ ٱلۡفَآئِزُونَ

“Zvirokwazvo, ndavapa makomborero muzuva ranhasi nekuda kwekutsungirira kwavo, kuti zvirokwazvo ndivo vanhu vakabudirira.”
Surah Al-Mumenoon, Verse 111


قَٰلَ كَمۡ لَبِثۡتُمۡ فِي ٱلۡأَرۡضِ عَدَدَ سِنِينَ

(Allah) vachataura kuti: “Makagara makore mangani panyika?”
Surah Al-Mumenoon, Verse 112


قَالُواْ لَبِثۡنَا يَوۡمًا أَوۡ بَعۡضَ يَوۡمٖ فَسۡـَٔلِ ٱلۡعَآدِّينَ

Vachataura kuti: “Takagara zuva rimwe chete kana chidimbu chezuva. Bvunzai avo vanoverenga.”
Surah Al-Mumenoon, Verse 113


قَٰلَ إِن لَّبِثۡتُمۡ إِلَّا قَلِيلٗاۖ لَّوۡ أَنَّكُمۡ كُنتُمۡ تَعۡلَمُونَ

(Allah) vachataura kuti: “Hamuna kugara kusara kwekanguva kadiki kana muchiziva!”
Surah Al-Mumenoon, Verse 114


أَفَحَسِبۡتُمۡ أَنَّمَا خَلَقۡنَٰكُمۡ عَبَثٗا وَأَنَّكُمۡ إِلَيۡنَا لَا تُرۡجَعُونَ

“Maifunga kuti takakusikai sedambe (pasina chinangwa), uye kuti hamusi kuzodzoswa kwatiri (Allah).”
Surah Al-Mumenoon, Verse 115


فَتَعَٰلَى ٱللَّهُ ٱلۡمَلِكُ ٱلۡحَقُّۖ لَآ إِلَٰهَ إِلَّا هُوَ رَبُّ ٱلۡعَرۡشِ ٱلۡكَرِيمِ

Saka mukuru ndiAllah, Mambo vechokwadi! Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna umwe mwari anekodzero yekunamatwa kusara kwavo), Tenzi wechigaro chitsvene
Surah Al-Mumenoon, Verse 116


وَمَن يَدۡعُ مَعَ ٱللَّهِ إِلَٰهًا ءَاخَرَ لَا بُرۡهَٰنَ لَهُۥ بِهِۦ فَإِنَّمَا حِسَابُهُۥ عِندَ رَبِّهِۦٓۚ إِنَّهُۥ لَا يُفۡلِحُ ٱلۡكَٰفِرُونَ

Uye uyo anonamata umwe mwari kusara kwaAllah asina humboo (nazvo), zvino zvirokwazvo mutongo wake huna Tenzi vake. Zvirokwazvo, avo vasingatendi havabudiriri
Surah Al-Mumenoon, Verse 117


وَقُل رَّبِّ ٱغۡفِرۡ وَٱرۡحَمۡ وَأَنتَ خَيۡرُ ٱلرَّـٰحِمِينَ

Uye (iwe Muhammad (SAW)) taura kuti: “Tenzi vangu! Regererai uye ivai netsitsi, uye ndimi nyanzvi inokunda vese pakunzwira tsitsi!”
Surah Al-Mumenoon, Verse 118


Author: Abdullah J. M. Adini And Students


<< Surah 22
>> Surah 24

Shona Translations by other Authors


Shona Translation By Abdullah J. M. Adini And Students
Popular Areas
Apartments for rent in Dubai Apartments for rent Abu Dhabi Villas for rent in Dubai House for rent Abu Dhabi Apartments for sale in Dubai Apartments for sale in Abu Dhabi Flat for rent Sharjah
Popular Searches
Studios for rent in UAE Apartments for rent in UAE Villas for rent in UAE Apartments for sale in UAE Villas for sale in UAE Land for sale in UAE Dubai Real Estate
Trending Areas
Apartments for rent in Dubai Marina Apartments for sale in Dubai Marina Villa for rent in Sharjah Villa for sale in Dubai Flat for rent in Ajman Studio for rent in Abu Dhabi Villa for rent in Ajman
Trending Searches
Villa for rent in Abu Dhabi Shop for rent in Dubai Villas for sale in Ajman Studio for rent in Sharjah 1 Bedroom Apartment for rent in Dubai Property for rent in Abu Dhabi Commercial properties for sale
© Copyright Dubai Prayer Time. All Rights Reserved
Designed by Prayer Time In Dubai