Surah An-Noor Verse 26 - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
Surah An-Noorٱلۡخَبِيثَٰتُ لِلۡخَبِيثِينَ وَٱلۡخَبِيثُونَ لِلۡخَبِيثَٰتِۖ وَٱلطَّيِّبَٰتُ لِلطَّيِّبِينَ وَٱلطَّيِّبُونَ لِلطَّيِّبَٰتِۚ أُوْلَـٰٓئِكَ مُبَرَّءُونَ مِمَّا يَقُولُونَۖ لَهُم مَّغۡفِرَةٞ وَرِزۡقٞ كَرِيمٞ
Mashoko akashata ndeevanhu vakashata (kana kuti vakadzi vakaipa ndevevarume vakaipa), uye vanhu vakashata vakatarirwa mashoko akashata (kana kuti varume vakaipa ndevevakadzi vakaipa). Uye mashoko akanaka ndeevanhu vakanaka (kana kuti vakadzi vakanaka ndevevarume vakanaka), uye vanhu vakanaka vakatarirwa mashoko akanaka (kana kuti varume vakanaka ndevevakadzi vakanaka). Vanhu ava (vakanaka) vakachena kubva kune izvo zvavanotaura (zvakaipa). Vachawana ruregerero, uye neraramo yakanaka (Paradhiso)