Surah An-Noor Verse 35 - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
Surah An-Noor۞ٱللَّهُ نُورُ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۚ مَثَلُ نُورِهِۦ كَمِشۡكَوٰةٖ فِيهَا مِصۡبَاحٌۖ ٱلۡمِصۡبَاحُ فِي زُجَاجَةٍۖ ٱلزُّجَاجَةُ كَأَنَّهَا كَوۡكَبٞ دُرِّيّٞ يُوقَدُ مِن شَجَرَةٖ مُّبَٰرَكَةٖ زَيۡتُونَةٖ لَّا شَرۡقِيَّةٖ وَلَا غَرۡبِيَّةٖ يَكَادُ زَيۡتُهَا يُضِيٓءُ وَلَوۡ لَمۡ تَمۡسَسۡهُ نَارٞۚ نُّورٌ عَلَىٰ نُورٖۚ يَهۡدِي ٱللَّهُ لِنُورِهِۦ مَن يَشَآءُۚ وَيَضۡرِبُ ٱللَّهُ ٱلۡأَمۡثَٰلَ لِلنَّاسِۗ وَٱللَّهُ بِكُلِّ شَيۡءٍ عَلِيمٞ
Allah ndivo chiedza chedenga uye chenyika. Mufananidzo hwechiedza chavo hwakafanana nekamba umo makagadzwa rambi. Rambi riri mugirazi, Girazi rakafanana nenyenyedzi inopenya zvikuru, richibvira kubva mumuti wakakomborerwa, weOrivhi, hausi wekumabudazuva kana kumavirira (asi unowana zuva nguva dzese). Mafuta acho anopfuta nyange asina kubatwa nemoto. Mwenje pamusoro pemwenje (chiedza pamusoro pechiedza)! Allah vanotungamira kuchiedza chavo uyo wavanoda. Uye Allah vanopa mifananidzo yavo kuvanhu, uye Allah vanoziva zvikuru zvinhu zvese