Surah An-Noor Verse 58 - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
Surah An-Noorيَـٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ لِيَسۡتَـٔۡذِنكُمُ ٱلَّذِينَ مَلَكَتۡ أَيۡمَٰنُكُمۡ وَٱلَّذِينَ لَمۡ يَبۡلُغُواْ ٱلۡحُلُمَ مِنكُمۡ ثَلَٰثَ مَرَّـٰتٖۚ مِّن قَبۡلِ صَلَوٰةِ ٱلۡفَجۡرِ وَحِينَ تَضَعُونَ ثِيَابَكُم مِّنَ ٱلظَّهِيرَةِ وَمِنۢ بَعۡدِ صَلَوٰةِ ٱلۡعِشَآءِۚ ثَلَٰثُ عَوۡرَٰتٖ لَّكُمۡۚ لَيۡسَ عَلَيۡكُمۡ وَلَا عَلَيۡهِمۡ جُنَاحُۢ بَعۡدَهُنَّۚ طَوَّـٰفُونَ عَلَيۡكُم بَعۡضُكُمۡ عَلَىٰ بَعۡضٖۚ كَذَٰلِكَ يُبَيِّنُ ٱللَّهُ لَكُمُ ٱلۡأٓيَٰتِۗ وَٱللَّهُ عَلِيمٌ حَكِيمٞ
Imi vanotenda! Itai kuti avo vari mumaoko enyu (varandarume nevarandakadzi), uye vasati vakura pakati penyu kuti vakumbirei mvumo (vasati vapinda) panguva nhatu (3): Munamato wemangwanani (Fajr) usati waitwa, uye apo pamunenge mabvisa nguwo dzenyu (muchida kuzorora) masikati, uye mushure memunamato wemanheru (Isha). Idzi ndidzo nguva nhatu (3) dzamunenge makasununguka (makabvisa nguwo muri pachenyu). Hapana chipomerwa pamuri kana pavari mushure menguva idzi kufamba-famba (mumba), vamwe venyu vachifambira vamwe (mumakamuri avo). Kudaro Allah vanokujekeserai ndima (dzemuQur’aan). Uye Allah vanoziva zvikuru, uye vane ungwaru hwese