Surah Al-Furqan - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
تَبَارَكَ ٱلَّذِي نَزَّلَ ٱلۡفُرۡقَانَ عَلَىٰ عَبۡدِهِۦ لِيَكُونَ لِلۡعَٰلَمِينَ نَذِيرًا
Vakakomborerwa (vakakura) ndivo vakatumira chipatsanuro (chezvivi uye zvakanaka) (Qur’aan) kumuranda wavo (Muhammad (SAW)) kuti ave muyambiri kune nyika yose (vanhu nemaJinn)
Surah Al-Furqan, Verse 1
ٱلَّذِي لَهُۥ مُلۡكُ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ وَلَمۡ يَتَّخِذۡ وَلَدٗا وَلَمۡ يَكُن لَّهُۥ شَرِيكٞ فِي ٱلۡمُلۡكِ وَخَلَقَ كُلَّ شَيۡءٖ فَقَدَّرَهُۥ تَقۡدِيرٗا
Avo vane utongi hwematenga nenyika, uye havana (Allah) kutora mwanakomana (vana), uye havana mubatsiri muhutongi hwavo. Uye vakasika chinhu chose, uye vakachiera chiero chacho chakafanira
Surah Al-Furqan, Verse 2
وَٱتَّخَذُواْ مِن دُونِهِۦٓ ءَالِهَةٗ لَّا يَخۡلُقُونَ شَيۡـٔٗا وَهُمۡ يُخۡلَقُونَ وَلَا يَمۡلِكُونَ لِأَنفُسِهِمۡ ضَرّٗا وَلَا نَفۡعٗا وَلَا يَمۡلِكُونَ مَوۡتٗا وَلَا حَيَوٰةٗ وَلَا نُشُورٗا
Asi vakatora vamwe vanamwari vachisiya ivo, avo (vavanotora vachisiya Allah) hapana chavakasika, asi ivo vakasikwa, uye havakwanisi kuzvikuvadza pachezvavo uye kuzvibatsira (pachezvavo), uye havana simba rerufu (rekukonzera), kana (kupa) upenyu, kana kumutsa vafi
Surah Al-Furqan, Verse 3
وَقَالَ ٱلَّذِينَ كَفَرُوٓاْ إِنۡ هَٰذَآ إِلَّآ إِفۡكٌ ٱفۡتَرَىٰهُ وَأَعَانَهُۥ عَلَيۡهِ قَوۡمٌ ءَاخَرُونَۖ فَقَدۡ جَآءُو ظُلۡمٗا وَزُورٗا
Uye avo vasingatendi vanotaura kuti: “Iri (Qur’aan) harisi kusara kwemanyepo akawagadzira (Muhammad (SAW)), uye vamwe vakamubatsira paizvozvo. Asi zvirokwazvo vaita udzvanyiriri (zvitadzo) uye manyepo.”
Surah Al-Furqan, Verse 4
وَقَالُوٓاْ أَسَٰطِيرُ ٱلۡأَوَّلِينَ ٱكۡتَتَبَهَا فَهِيَ تُمۡلَىٰ عَلَيۡهِ بُكۡرَةٗ وَأَصِيلٗا
Uye vanotaura kuti: “Ingano dzavanhu vakare idzo dzaakanyora pasi, uye dzinodaidzirwa (dzinotaurwa) kwaari mangwanani nemasikati.”
Surah Al-Furqan, Verse 5
قُلۡ أَنزَلَهُ ٱلَّذِي يَعۡلَمُ ٱلسِّرَّ فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۚ إِنَّهُۥ كَانَ غَفُورٗا رَّحِيمٗا
Taura (Muhammad (SAW)) kuti: “Rakadzikiswa (Qur’aan) neavo vanoziva zvakavandika mudenga (kudenga) uye panyika. Uye zvirokwazvo, vanoregerera zvikuru, uye vane tsitsi dzose.”
Surah Al-Furqan, Verse 6
وَقَالُواْ مَالِ هَٰذَا ٱلرَّسُولِ يَأۡكُلُ ٱلطَّعَامَ وَيَمۡشِي فِي ٱلۡأَسۡوَاقِ لَوۡلَآ أُنزِلَ إِلَيۡهِ مَلَكٞ فَيَكُونَ مَعَهُۥ نَذِيرًا
Uye vanotaura kuti: “Mutumwa rudzii uyu (Muhammad (SAW)) anodya chikafu, uye anofamba mumisika? Sei pasina (kusina) kutumwa ngirozi kuti ive naye semuyambiri?”
Surah Al-Furqan, Verse 7
أَوۡ يُلۡقَىٰٓ إِلَيۡهِ كَنزٌ أَوۡ تَكُونُ لَهُۥ جَنَّةٞ يَأۡكُلُ مِنۡهَاۚ وَقَالَ ٱلظَّـٰلِمُونَ إِن تَتَّبِعُونَ إِلَّا رَجُلٗا مَّسۡحُورًا
“Kana (kuti) sei hupfumi husina kupihwa kwaari? Kana sei haana bindu iro raanodya (chikafu) kubva kwariri?” Uye vatadzi vanotaura kuti: “Muri kungotevera murume uyo akaroiwa.”
Surah Al-Furqan, Verse 8
ٱنظُرۡ كَيۡفَ ضَرَبُواْ لَكَ ٱلۡأَمۡثَٰلَ فَضَلُّواْ فَلَا يَسۡتَطِيعُونَ سَبِيلٗا
Tarira (Ona) mapiro avanokupa mifananidzo (mienzaniso), asi vakarasika, uye havawani nzira (yakatwasuka)
Surah Al-Furqan, Verse 9
تَبَارَكَ ٱلَّذِيٓ إِن شَآءَ جَعَلَ لَكَ خَيۡرٗا مِّن ذَٰلِكَ جَنَّـٰتٖ تَجۡرِي مِن تَحۡتِهَا ٱلۡأَنۡهَٰرُ وَيَجۡعَل لَّكَ قُصُورَۢا
Vakakomborerwa (vakakura) ndivo avo, kana vachida, vachakugadzirira (chinhu) chakanaka kudarika icho, mapindu awo ane nzizi dzinoerera pasi pawo (Paradhiso) uye vachakugadzirira dzimba dzakanaka (muParadhiso)
Surah Al-Furqan, Verse 10
بَلۡ كَذَّبُواْ بِٱلسَّاعَةِۖ وَأَعۡتَدۡنَا لِمَن كَذَّبَ بِٱلسَّاعَةِ سَعِيرًا
Asi vanoramba nguva (zuva rekutongwa), uye takavagadzirira moto (Gehena) avo vanoramba nguva (zuva rekutongwa)
Surah Al-Furqan, Verse 11
إِذَا رَأَتۡهُم مِّن مَّكَانِۭ بَعِيدٖ سَمِعُواْ لَهَا تَغَيُّظٗا وَزَفِيرٗا
Kana iro (Gehena) richinge ravaona kubva kuchinhambwe chiri kure, vachanzwa kutsamwa kwaro uye kukuma kwaro
Surah Al-Furqan, Verse 12
وَإِذَآ أُلۡقُواْ مِنۡهَا مَكَانٗا ضَيِّقٗا مُّقَرَّنِينَ دَعَوۡاْ هُنَالِكَ ثُبُورٗا
Uye kana vachinge vakandwa panzvimbo yakamanikana mukati maro (Gehena) vakasungwa nengetani, vachechema ipapo ipapo kuti vaparare
Surah Al-Furqan, Verse 13
لَّا تَدۡعُواْ ٱلۡيَوۡمَ ثُبُورٗا وَٰحِدٗا وَٱدۡعُواْ ثُبُورٗا كَثِيرٗا
(Vachaudzwa kuti): “Musachemera kuparara kamwe muzuva ranhasi, asi chemerai kuparara kazhinji.”
Surah Al-Furqan, Verse 14
قُلۡ أَذَٰلِكَ خَيۡرٌ أَمۡ جَنَّةُ ٱلۡخُلۡدِ ٱلَّتِي وُعِدَ ٱلۡمُتَّقُونَۚ كَانَتۡ لَهُمۡ جَزَآءٗ وَمَصِيرٗا
Taura (Muhammad (SAW)) kuti: “Zvakanaka here izvi kana kuti bindu rekugara zvachose (Paradhiso) iro rakavimbiswa avo vatsvene?” Richave (Paradhiso) kwavari mubairo uye magumo
Surah Al-Furqan, Verse 15
لَّهُمۡ فِيهَا مَا يَشَآءُونَ خَٰلِدِينَۚ كَانَ عَلَىٰ رَبِّكَ وَعۡدٗا مَّسۡـُٔولٗا
Vachawana mariri zvose zvavanoda, uye vachagaramo zvachose. Ichi chivimbiso chechokwadi kubva kuna Tenzi vako chichaiitika
Surah Al-Furqan, Verse 16
وَيَوۡمَ يَحۡشُرُهُمۡ وَمَا يَعۡبُدُونَ مِن دُونِ ٱللَّهِ فَيَقُولُ ءَأَنتُمۡ أَضۡلَلۡتُمۡ عِبَادِي هَـٰٓؤُلَآءِ أَمۡ هُمۡ ضَلُّواْ ٱلسَّبِيلَ
Uye zuva iro ravachavaunganidza pamwe neizvo zvavanonamata vachisiya Allah, uye vachataura kuti: “Makaita kuti varanda vangu ava varasike here, kana kuti ivo vakarasika pachawo kubva munzira (yakatwasuka)?”
Surah Al-Furqan, Verse 17
قَالُواْ سُبۡحَٰنَكَ مَا كَانَ يَنۢبَغِي لَنَآ أَن نَّتَّخِذَ مِن دُونِكَ مِنۡ أَوۡلِيَآءَ وَلَٰكِن مَّتَّعۡتَهُمۡ وَءَابَآءَهُمۡ حَتَّىٰ نَسُواْ ٱلذِّكۡرَ وَكَانُواْ قَوۡمَۢا بُورٗا
Vachataura kuti: “Kurumbidzwa kwese ndekwenyu! Zvaive zvisina kukodzera kwatiri kuti titore vabatsiri kusara kwenyu. Asi makavapa rugare ivo namadzibaba avo kusvikira vakanganwa yambiro, uye vakava vanhu vakarasika.”
Surah Al-Furqan, Verse 18
فَقَدۡ كَذَّبُوكُم بِمَا تَقُولُونَ فَمَا تَسۡتَطِيعُونَ صَرۡفٗا وَلَا نَصۡرٗاۚ وَمَن يَظۡلِم مِّنكُمۡ نُذِقۡهُ عَذَابٗا كَبِيرٗا
Saka zvirokwazvo vachakurambai (vanamwari venhema) mune izvo zvamunotaura (kuti ndaanamwari), uye hamuzvokwanisi kuzvidzivirira (kubva kumutongo), kana kuwana rubatsiro. Uye uyo anoita udzvanyiriri pakati penyu, tichamuita kuti aravire murango wakakura (wakaomarara)
Surah Al-Furqan, Verse 19
وَمَآ أَرۡسَلۡنَا قَبۡلَكَ مِنَ ٱلۡمُرۡسَلِينَ إِلَّآ إِنَّهُمۡ لَيَأۡكُلُونَ ٱلطَّعَامَ وَيَمۡشُونَ فِي ٱلۡأَسۡوَاقِۗ وَجَعَلۡنَا بَعۡضَكُمۡ لِبَعۡضٖ فِتۡنَةً أَتَصۡبِرُونَۗ وَكَانَ رَبُّكَ بَصِيرٗا
Uye hatina kutumira iwe usati wavapo (Muhammad (SAW)) vatumwa, kusara kwekuti zvirokwazvo vaidya chikafu uye vaifamba mumisika. Uye takaita kuti vamwe venyu vave miedzo kune vamwe. Muchatsungirira here? Uye Tenzi vako vanoona zvese
Surah Al-Furqan, Verse 20
۞وَقَالَ ٱلَّذِينَ لَا يَرۡجُونَ لِقَآءَنَا لَوۡلَآ أُنزِلَ عَلَيۡنَا ٱلۡمَلَـٰٓئِكَةُ أَوۡ نَرَىٰ رَبَّنَاۗ لَقَدِ ٱسۡتَكۡبَرُواْ فِيٓ أَنفُسِهِمۡ وَعَتَوۡ عُتُوّٗا كَبِيرٗا
Uye avo vasina tarisiro yekusangana nesu (avo vanoramba zuva rekutongwa) vakati: “Seiko ngirozi dzisingatumirwewo kwatiri? Kana seiko tisingaone Tenzi vedu?” Zvirokwazvo, vanofunga kuti ndivo vanhu vepamusoro, uye vanhu vakazadzwa nekuzvitutumadza
Surah Al-Furqan, Verse 21
يَوۡمَ يَرَوۡنَ ٱلۡمَلَـٰٓئِكَةَ لَا بُشۡرَىٰ يَوۡمَئِذٖ لِّلۡمُجۡرِمِينَ وَيَقُولُونَ حِجۡرٗا مَّحۡجُورٗا
Zuva iro vachaona ngirozi, hakuna mashoko akanaka pazuva iroro kune avo maMajrimoon (vatadzi). Uye (ngirozi) dzichati: “Mashoko ese akanaka arambidzwa kwamuri.” (Hakuna achabvumidzwa kupinda Paradhiso kunze kweuyo akati: Laa ilaaha illaa illaah (Hakuna chimwe chinhu chine kodzero yekunamatwa kusara kwaAllah) uye akatevedzera mitemo yose
Surah Al-Furqan, Verse 22
وَقَدِمۡنَآ إِلَىٰ مَا عَمِلُواْ مِنۡ عَمَلٖ فَجَعَلۡنَٰهُ هَبَآءٗ مَّنثُورًا
Tichaenda kumabasa ose avakaita (vasingatendi, vatadzi), uye tichave tinoita kuti ave kunge guruva rakaparadzirwa
Surah Al-Furqan, Verse 23
أَصۡحَٰبُ ٱلۡجَنَّةِ يَوۡمَئِذٍ خَيۡرٞ مُّسۡتَقَرّٗا وَأَحۡسَنُ مَقِيلٗا
Vagari vemuParadhiso musi uyo vachange vari munzvimbo yakanaka yekugara, uye nzvimbo yakanaka yekuzorora
Surah Al-Furqan, Verse 24
وَيَوۡمَ تَشَقَّقُ ٱلسَّمَآءُ بِٱلۡغَمَٰمِ وَنُزِّلَ ٱلۡمَلَـٰٓئِكَةُ تَنزِيلًا
Uye (rangarirai) zuva iro apo denga richapatsanurwa nemakore, uye ngirozi dzichave dzinoburutswa dzakawanda, kuburutswa kwakanaka
Surah Al-Furqan, Verse 25
ٱلۡمُلۡكُ يَوۡمَئِذٍ ٱلۡحَقُّ لِلرَّحۡمَٰنِۚ وَكَانَ يَوۡمًا عَلَى ٱلۡكَٰفِرِينَ عَسِيرٗا
Humambo hwose hwechokwadi pazuva iri huchange huri wenyanzvi yetsitsi (Allah), uye richave zuva rakaoma kune avo vasingatendi (muIslaam)
Surah Al-Furqan, Verse 26
وَيَوۡمَ يَعَضُّ ٱلظَّالِمُ عَلَىٰ يَدَيۡهِ يَقُولُ يَٰلَيۡتَنِي ٱتَّخَذۡتُ مَعَ ٱلرَّسُولِ سَبِيلٗا
Uye (rangarirai) zuva iro mudzvanyiriri (mutadzi) paacharuma maoko ake, achataura kuti: “Aaa! Dai ndakatora nzira namutumwa (Muhammad (SAW)).”
Surah Al-Furqan, Verse 27
يَٰوَيۡلَتَىٰ لَيۡتَنِي لَمۡ أَتَّخِذۡ فُلَانًا خَلِيلٗا
“Aaa! Matambudziko kwandiri! Dai ndisina kutora nhingi nanhingi seshamwari yangu yepedyo!”
Surah Al-Furqan, Verse 28
لَّقَدۡ أَضَلَّنِي عَنِ ٱلذِّكۡرِ بَعۡدَ إِذۡ جَآءَنِيۗ وَكَانَ ٱلشَّيۡطَٰنُ لِلۡإِنسَٰنِ خَذُولٗا
“Zvirokwazvo akave anondishevedzera kure kubva kurangaridzo (Qur’aan) mushure mekunge yauya kwandiri. Uye Shaytwaan (Satani) munyengedzi wevanhu anotiza panguva iyo yekuda rubatsiro.”
Surah Al-Furqan, Verse 29
وَقَالَ ٱلرَّسُولُ يَٰرَبِّ إِنَّ قَوۡمِي ٱتَّخَذُواْ هَٰذَا ٱلۡقُرۡءَانَ مَهۡجُورٗا
Uye mutumwa (Muhammad (SAW)) achati: “Tenzi vangu! Zvirokwazvo, vanhu vangu vari kusiya Qur’aan (havasi kuteerera Qur’aan).”
Surah Al-Furqan, Verse 30
وَكَذَٰلِكَ جَعَلۡنَا لِكُلِّ نَبِيٍّ عَدُوّٗا مِّنَ ٱلۡمُجۡرِمِينَۗ وَكَفَىٰ بِرَبِّكَ هَادِيٗا وَنَصِيرٗا
Nekudaro takave tinoita mutumwa wese ave nemuvengi kune avo vanotadza. Asi Tenzi vako vanokwana semutungamiri uye mubatsiri
Surah Al-Furqan, Verse 31
وَقَالَ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ لَوۡلَا نُزِّلَ عَلَيۡهِ ٱلۡقُرۡءَانُ جُمۡلَةٗ وَٰحِدَةٗۚ كَذَٰلِكَ لِنُثَبِّتَ بِهِۦ فُؤَادَكَۖ وَرَتَّلۡنَٰهُ تَرۡتِيلٗا
Uye avo vasingatendi vanotaura kuti: “Seiko Qur’aan risingadzikiswi kwaari kamwe chete?” Nokudaro (rinodzikiswa muzvidimbu) kuti tive tinosimbisa hana yako. Uye tinoridzikisa kwauri zvishoma-zvishoma, nguva nenguva. (Rakadzikiswa kuna Muhammad (SAW) mumakore makumi maviri nematatu
Surah Al-Furqan, Verse 32
وَلَا يَأۡتُونَكَ بِمَثَلٍ إِلَّا جِئۡنَٰكَ بِٱلۡحَقِّ وَأَحۡسَنَ تَفۡسِيرًا
Havambokwanise kukupa muenzaniso (wekupikisa kana kutsvaga zvimhingamupini kwauri kana kubva muQur’aan), asi tinokudzikisira chokwadi uye tsanangudzo yakazara
Surah Al-Furqan, Verse 33
ٱلَّذِينَ يُحۡشَرُونَ عَلَىٰ وُجُوهِهِمۡ إِلَىٰ جَهَنَّمَ أُوْلَـٰٓئِكَ شَرّٞ مَّكَانٗا وَأَضَلُّ سَبِيلٗا
Avo vachaunganidzwa muGehena nezviso zvavo, ichi chichave chidanho chakashata, uye kurasika kwakanyanya kubva munzira (yakatwasuka)
Surah Al-Furqan, Verse 34
وَلَقَدۡ ءَاتَيۡنَا مُوسَى ٱلۡكِتَٰبَ وَجَعَلۡنَا مَعَهُۥٓ أَخَاهُ هَٰرُونَ وَزِيرٗا
Zvirokwazvo, takave tinopa Musa, Gwaro (Torah), uye takamupa mukoma wake Haaroon (Aroni) semubatsiri wake
Surah Al-Furqan, Verse 35
فَقُلۡنَا ٱذۡهَبَآ إِلَى ٱلۡقَوۡمِ ٱلَّذِينَ كَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِنَا فَدَمَّرۡنَٰهُمۡ تَدۡمِيرٗا
Uye takataura kuti: “Endai imi vaviri kune vanhu avo vakaramba zviratidzo zvedu.” Uye takave tinovaparadza zvachose
Surah Al-Furqan, Verse 36
وَقَوۡمَ نُوحٖ لَّمَّا كَذَّبُواْ ٱلرُّسُلَ أَغۡرَقۡنَٰهُمۡ وَجَعَلۡنَٰهُمۡ لِلنَّاسِ ءَايَةٗۖ وَأَعۡتَدۡنَا لِلظَّـٰلِمِينَ عَذَابًا أَلِيمٗا
Uye vanhu vaNowa pavakaramba vatumwa, takavanyudza (nemafashamu), uye takavaita muenzaniso kuvanhu vose. Uye takave tinogadzirira avo vanoita mabasa akashata marwadzo akaoma
Surah Al-Furqan, Verse 37
وَعَادٗا وَثَمُودَاْ وَأَصۡحَٰبَ ٱلرَّسِّ وَقُرُونَۢا بَيۡنَ ذَٰلِكَ كَثِيرٗا
Uye vanhu veAad neveThamood, uye avo vaigara munzvimbo inonzi Ar-Rass, uye mapoka mazhinji evanhu aive pakati pavo
Surah Al-Furqan, Verse 38
وَكُلّٗا ضَرَبۡنَا لَهُ ٱلۡأَمۡثَٰلَۖ وَكُلّٗا تَبَّرۡنَا تَتۡبِيرٗا
Uye mumwe nemumwe (pakati pavo) takamuisira mienzaniso (sehumboo), uye umwe neumwe (pakati pavo) takave tinovaparadza zvachose
Surah Al-Furqan, Verse 39
وَلَقَدۡ أَتَوۡاْ عَلَى ٱلۡقَرۡيَةِ ٱلَّتِيٓ أُمۡطِرَتۡ مَطَرَ ٱلسَّوۡءِۚ أَفَلَمۡ يَكُونُواْ يَرَوۡنَهَاۚ بَلۡ كَانُواْ لَا يَرۡجُونَ نُشُورٗا
Uye zvirokwazvo, vanopfuura muguta (revanhu vaLoti) rakanaya mvura yemarwadzo. Avo vasingatendi havana kuriona here? Kwete! Asi vange vasina vimbo kuti vachamutswa
Surah Al-Furqan, Verse 40
وَإِذَا رَأَوۡكَ إِن يَتَّخِذُونَكَ إِلَّا هُزُوًا أَهَٰذَا ٱلَّذِي بَعَثَ ٱللَّهُ رَسُولًا
Uye vakakuona (Muhammad (SAW)) vanongokubata zviya zvekudzikisira (zvekunyomba) (vachitaura kuti): “Uyu ndiye munhu akatumwa naAllah semutumwa here?”
Surah Al-Furqan, Verse 41
إِن كَادَ لَيُضِلُّنَا عَنۡ ءَالِهَتِنَا لَوۡلَآ أَن صَبَرۡنَا عَلَيۡهَاۚ وَسَوۡفَ يَعۡلَمُونَ حِينَ يَرَوۡنَ ٱلۡعَذَابَ مَنۡ أَضَلُّ سَبِيلًا
“Zvirokwazvo, ange aripedyo kutirasisa kubva muvanamwari vedu, dai kusiri kuti takaramba takatsungirira uye takashinga mukuvanamata!” Asi pavachaona marwadzo, vachaziva kuti ndeupi akanyanya kurasika kubva munzira (yakatwasuka)
Surah Al-Furqan, Verse 42
أَرَءَيۡتَ مَنِ ٱتَّخَذَ إِلَٰهَهُۥ هَوَىٰهُ أَفَأَنتَ تَكُونُ عَلَيۡهِ وَكِيلًا
Hauna kuona here (Muhammad (SAW)) uyo munhu akatora zvido zvake samwari wake? Saka ungave mumiriri wake here (Ungave mutariri wake here)
Surah Al-Furqan, Verse 43
أَمۡ تَحۡسَبُ أَنَّ أَكۡثَرَهُمۡ يَسۡمَعُونَ أَوۡ يَعۡقِلُونَۚ إِنۡ هُمۡ إِلَّا كَٱلۡأَنۡعَٰمِ بَلۡ هُمۡ أَضَلُّ سَبِيلًا
Kana unofunga here kuti vazhinji vavo vanonzwa kana kunzwisisa? Vakangofanana nemombe, asi vakatonyanya kurasika kubva munzira tsvene (vakatonyanya kurasika kupinda mombe)
Surah Al-Furqan, Verse 44
أَلَمۡ تَرَ إِلَىٰ رَبِّكَ كَيۡفَ مَدَّ ٱلظِّلَّ وَلَوۡ شَآءَ لَجَعَلَهُۥ سَاكِنٗا ثُمَّ جَعَلۡنَا ٱلشَّمۡسَ عَلَيۡهِ دَلِيلٗا
Hauna kuona here kuwarirwa kunoitwa mumvuri naTenzi vako? Dai vaida, vaingourega wakamira kudaro, asi vakaita kuti zuva rive mutungamiri wavo (mumvuri unofamba nezuva)
Surah Al-Furqan, Verse 45
ثُمَّ قَبَضۡنَٰهُ إِلَيۡنَا قَبۡضٗا يَسِيرٗا
Uye tinoudzora kwatiri zvakavanzika pashoma nepashoma
Surah Al-Furqan, Verse 46
وَهُوَ ٱلَّذِي جَعَلَ لَكُمُ ٱلَّيۡلَ لِبَاسٗا وَٱلنَّوۡمَ سُبَاتٗا وَجَعَلَ ٱلنَّهَارَ نُشُورٗا
Uye ndivo (Allah) vanoita kuti usiku huve chiputiro chenyu, uye kurara kuti muve munozorora, uye vanoita zuva kuti muve munomuka (muzvishandire)
Surah Al-Furqan, Verse 47
وَهُوَ ٱلَّذِيٓ أَرۡسَلَ ٱلرِّيَٰحَ بُشۡرَۢا بَيۡنَ يَدَيۡ رَحۡمَتِهِۦۚ وَأَنزَلۡنَا مِنَ ٱلسَّمَآءِ مَآءٗ طَهُورٗا
Uye ndivo vanotumira mhepo sechiratidzo chezvinhu zvakanaka pamberi petsitsi dzavo (mvura). Uye tinodzikisa mvura yakanaka (yakachena) kubva kudenga
Surah Al-Furqan, Verse 48
لِّنُحۡـِۧيَ بِهِۦ بَلۡدَةٗ مَّيۡتٗا وَنُسۡقِيَهُۥ مِمَّا خَلَقۡنَآ أَنۡعَٰمٗا وَأَنَاسِيَّ كَثِيرٗا
Kuti tive tinopa upenyu kuvhu rinenge rakafa (raoma), uye tinopa (mvura) yokunwa kune mombe nevanhu avo vatakasika
Surah Al-Furqan, Verse 49
وَلَقَدۡ صَرَّفۡنَٰهُ بَيۡنَهُمۡ لِيَذَّكَّرُواْ فَأَبَىٰٓ أَكۡثَرُ ٱلنَّاسِ إِلَّا كُفُورٗا
Uye zvirokwazvo tinova tinogova (mvura) kwavari kuti vagove vanorangarira (nyasha dzaAllah), asi vanhu vazhinji havatambiri kunze kwekusatenda
Surah Al-Furqan, Verse 50
وَلَوۡ شِئۡنَا لَبَعَثۡنَا فِي كُلِّ قَرۡيَةٖ نَّذِيرٗا
Uye dai taida, taiisa muyambiri muguta roga-roga
Surah Al-Furqan, Verse 51
فَلَا تُطِعِ ٱلۡكَٰفِرِينَ وَجَٰهِدۡهُم بِهِۦ جِهَادٗا كَبِيرٗا
Saka usateerere avo vasingatendi, asi simbirira mavari (nekuparidza shoko raAllah) nekupikirira kukuru naro (Qur’aan)
Surah Al-Furqan, Verse 52
۞وَهُوَ ٱلَّذِي مَرَجَ ٱلۡبَحۡرَيۡنِ هَٰذَا عَذۡبٞ فُرَاتٞ وَهَٰذَا مِلۡحٌ أُجَاجٞ وَجَعَلَ بَيۡنَهُمَا بَرۡزَخٗا وَحِجۡرٗا مَّحۡجُورٗا
Uye ndivo vanoita kuti nyanza mbiri (dzine mvura yakasiyana-siyana) kuti iyi yakachena uye inotapira, uye iyi ine munyu uye inovava. Uye vakave vanoisa muganhu uye nechivharo chizere pakati padzo (zvekuti hadzisanganisani)
Surah Al-Furqan, Verse 53
وَهُوَ ٱلَّذِي خَلَقَ مِنَ ٱلۡمَآءِ بَشَرٗا فَجَعَلَهُۥ نَسَبٗا وَصِهۡرٗاۗ وَكَانَ رَبُّكَ قَدِيرٗا
Uye ndivo vakave vanosika munhu kubva kumvura, vakave vanomusarudzira hukama hweropa, uye hukama hwekuroorerana. Uye Tenzi vako vane masimba ose
Surah Al-Furqan, Verse 54
وَيَعۡبُدُونَ مِن دُونِ ٱللَّهِ مَا لَا يَنفَعُهُمۡ وَلَا يَضُرُّهُمۡۗ وَكَانَ ٱلۡكَافِرُ عَلَىٰ رَبِّهِۦ ظَهِيرٗا
Uye vanonamata zvimwe zvinhu zvisiri Allah izvo zvisingavabatsiri kana kuvakuvadza, uye munhu asingatendi mubatsiri (wasatani) pana Tenzi vake
Surah Al-Furqan, Verse 55
وَمَآ أَرۡسَلۡنَٰكَ إِلَّا مُبَشِّرٗا وَنَذِيرٗا
Uye takakutuma (Muhammad (SAW)) kuti uve mupi wemashoko akanaka uye muyambiri chete
Surah Al-Furqan, Verse 56
قُلۡ مَآ أَسۡـَٔلُكُمۡ عَلَيۡهِ مِنۡ أَجۡرٍ إِلَّا مَن شَآءَ أَن يَتَّخِذَ إِلَىٰ رَبِّهِۦ سَبِيلٗا
Taura kuti: “Handisi kuda mubhadharo kubva kwamuri weizvi, kusara kwekuti uyo anoda atore nzira yekuna Tenzi vake.”
Surah Al-Furqan, Verse 57
وَتَوَكَّلۡ عَلَى ٱلۡحَيِّ ٱلَّذِي لَا يَمُوتُ وَسَبِّحۡ بِحَمۡدِهِۦۚ وَكَفَىٰ بِهِۦ بِذُنُوبِ عِبَادِهِۦ خَبِيرًا
Uye iva (Muhammad (SAW)) unovimba neavo vanorarama hupenyu usingaperi vasingafi, uye varumbidze rumbidzo yavo, uye ndivo voga vakakwana (hapadi umwe semubatsiri), vanoziva zvitadzo zvevaranda vavo
Surah Al-Furqan, Verse 58
ٱلَّذِي خَلَقَ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ وَمَا بَيۡنَهُمَا فِي سِتَّةِ أَيَّامٖ ثُمَّ ٱسۡتَوَىٰ عَلَى ٱلۡعَرۡشِۖ ٱلرَّحۡمَٰنُ فَسۡـَٔلۡ بِهِۦ خَبِيرٗا
Uyo vakasika denga nenyika nezvose zviri pakati pazvose mumazuva matanhatu. Uye vakakwidza vakave pachigaro chehumambo (nenzira iyo inoenderana nehushe hwavo (Allah)). Mupi wetsitsi. Saka vabvunze (Allah), sezvo vachiziva zvose
Surah Al-Furqan, Verse 59
وَإِذَا قِيلَ لَهُمُ ٱسۡجُدُواْۤ لِلرَّحۡمَٰنِ قَالُواْ وَمَا ٱلرَّحۡمَٰنُ أَنَسۡجُدُ لِمَا تَأۡمُرُنَا وَزَادَهُمۡ نُفُورٗا۩
Uye pazvinonzi kwavari: “Pfugamai (nehuso hwenyu) kune mupi wetsitsi!” vanotaura kuti: “Chii ichocho mupi wetsitisi? Tingapfugama (Muhammad (SAW)) kune izvo zvaunotiudza?” Uye izvi (kuzvitutumadza kwavo) kunovawedzera kurasika chete
Surah Al-Furqan, Verse 60
تَبَارَكَ ٱلَّذِي جَعَلَ فِي ٱلسَّمَآءِ بُرُوجٗا وَجَعَلَ فِيهَا سِرَٰجٗا وَقَمَرٗا مُّنِيرٗا
Vakakomborerwa ndeavo (Allah) vakaisa nyenyedzi mudenga, uye vakaisa mwenje mukuru (zuva) mariri, uye mwedzi unopa chiedza
Surah Al-Furqan, Verse 61
وَهُوَ ٱلَّذِي جَعَلَ ٱلَّيۡلَ وَٱلنَّهَارَ خِلۡفَةٗ لِّمَنۡ أَرَادَ أَن يَذَّكَّرَ أَوۡ أَرَادَ شُكُورٗا
Uye ndivo vanoita kuti usiku uye masikati zvive zvinoteverana, kune uyo anoda kurangarira (Tenzi vake), uye uyo anoda kuratidza kutenda kwake
Surah Al-Furqan, Verse 62
وَعِبَادُ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلَّذِينَ يَمۡشُونَ عَلَى ٱلۡأَرۡضِ هَوۡنٗا وَإِذَا خَاطَبَهُمُ ٱلۡجَٰهِلُونَ قَالُواْ سَلَٰمٗا
Uye varanda vemupi wengoni (Allah) ndeavo vanoti pavanofamba munyika vanofamba vakazvininipisa, uye vanhu vakarasika vakavataudza (nemashoko akaipa) vanoti: “Rugare! (Vanopindura nemashoko akanaka).”
Surah Al-Furqan, Verse 63
وَٱلَّذِينَ يَبِيتُونَ لِرَبِّهِمۡ سُجَّدٗا وَقِيَٰمٗا
Uye neavo vanopedza usiku hwose vachinamata Tenzi vavo, vachipfugama, uye vakamira
Surah Al-Furqan, Verse 64
وَٱلَّذِينَ يَقُولُونَ رَبَّنَا ٱصۡرِفۡ عَنَّا عَذَابَ جَهَنَّمَۖ إِنَّ عَذَابَهَا كَانَ غَرَامًا
Uye avo vanotaura kuti: “Tenzi vedu! Ivai munotidzivirira kumarwadzo ekuGehena. Zvirokwazvo, marwadzo arwo (Gehena) marwadzo asingaperi.”
Surah Al-Furqan, Verse 65
إِنَّهَا سَآءَتۡ مُسۡتَقَرّٗا وَمُقَامٗا
Chokwadi iyi ndiyo nzvimbo yakashata kugara nekuzororera
Surah Al-Furqan, Verse 66
وَٱلَّذِينَ إِذَآ أَنفَقُواْ لَمۡ يُسۡرِفُواْ وَلَمۡ يَقۡتُرُواْ وَكَانَ بَيۡنَ ذَٰلِكَ قَوَامٗا
Uye avo vanoti kana vachishandisa hupfumi hwavo, havatambisi uye havaomere, asi vanoshandisa nenzira iri pakati nepakati panzira mbiri (Kutambisa nekuomera)
Surah Al-Furqan, Verse 67
وَٱلَّذِينَ لَا يَدۡعُونَ مَعَ ٱللَّهِ إِلَٰهًا ءَاخَرَ وَلَا يَقۡتُلُونَ ٱلنَّفۡسَ ٱلَّتِي حَرَّمَ ٱللَّهُ إِلَّا بِٱلۡحَقِّ وَلَا يَزۡنُونَۚ وَمَن يَفۡعَلۡ ذَٰلِكَ يَلۡقَ أَثَامٗا
Uye avo vasingadani vamwe vanamwari pamwechete naAllah, uye havauraye munhu uyo Allah wavakarambidza kusara pane chinangwa chakakodzera, uye havaite chehupombwe. Uye uyo anoita izvi achawana murango (unorwadza)
Surah Al-Furqan, Verse 68
يُضَٰعَفۡ لَهُ ٱلۡعَذَابُ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِ وَيَخۡلُدۡ فِيهِۦ مُهَانًا
Marwadzo achapamidzwa kaviri paari pazuva rekutongwa, uye achagaramo akadzikisirwa (achinyadziswa)
Surah Al-Furqan, Verse 69
إِلَّا مَن تَابَ وَءَامَنَ وَعَمِلَ عَمَلٗا صَٰلِحٗا فَأُوْلَـٰٓئِكَ يُبَدِّلُ ٱللَّهُ سَيِّـَٔاتِهِمۡ حَسَنَٰتٖۗ وَكَانَ ٱللَّهُ غَفُورٗا رَّحِيمٗا
Kusara kweuyo anokumbira ruregerero (anoita Taubah) uye otenda (muhumwechete hwaAllah), uye oita mabasa akanaka. Ava Allah vachachinja zvitadzo zvavo zvova mabasa akanaka, uye Allah vanoregerera zvikuru, uye vane tsitsi dzose
Surah Al-Furqan, Verse 70
وَمَن تَابَ وَعَمِلَ صَٰلِحٗا فَإِنَّهُۥ يَتُوبُ إِلَى ٱللَّهِ مَتَابٗا
Uye uyo anokumbira ruregerero uye oita mabasa akanaka, zvirokwazvo, anokumbira ruregerero rwaAllah nekumbiro yechokwadi
Surah Al-Furqan, Verse 71
وَٱلَّذِينَ لَا يَشۡهَدُونَ ٱلزُّورَ وَإِذَا مَرُّواْ بِٱللَّغۡوِ مَرُّواْ كِرَامٗا
Uye avo vasingapi uchapupu hwemanyepo, uye vakadarika nepari kutaurwa zvakashata kana pari kutambwa zvakashata, vanodarikapo vane rukudzo
Surah Al-Furqan, Verse 72
وَٱلَّذِينَ إِذَا ذُكِّرُواْ بِـَٔايَٰتِ رَبِّهِمۡ لَمۡ يَخِرُّواْ عَلَيۡهَا صُمّٗا وَعُمۡيَانٗا
Uye avo vokuti kana vakarangaridzwa mashoko aTenzi vavo, havaite sekunge vasinganzwi (vanamatsi) kana mapofu kwaari
Surah Al-Furqan, Verse 73
وَٱلَّذِينَ يَقُولُونَ رَبَّنَا هَبۡ لَنَا مِنۡ أَزۡوَٰجِنَا وَذُرِّيَّـٰتِنَا قُرَّةَ أَعۡيُنٖ وَٱجۡعَلۡنَا لِلۡمُتَّقِينَ إِمَامًا
Uye avo vanotaura kuti: “Tenzi vedu! Isai matiri runyevenuko rwemeso edu pavakadzi vedu uye vana vedu, uye tiitei vatungamiriri veavo vanotya Allah.”
Surah Al-Furqan, Verse 74
أُوْلَـٰٓئِكَ يُجۡزَوۡنَ ٱلۡغُرۡفَةَ بِمَا صَبَرُواْ وَيُلَقَّوۡنَ فِيهَا تَحِيَّةٗ وَسَلَٰمًا
Avo vachapiwa mugove wenzvimbo yepamusoro-soro muParadhiso nokuda kwekutsungirira kwavo. Varimo vachasanganikwa navo nekwaziso uye mashoko erugare uye rukudzo
Surah Al-Furqan, Verse 75
خَٰلِدِينَ فِيهَاۚ حَسُنَتۡ مُسۡتَقَرّٗا وَمُقَامٗا
Vachagaramo (zvisingaperi). Inzvimbo yakanaka yokugara uye nzvimbo yokuzororera
Surah Al-Furqan, Verse 76
قُلۡ مَا يَعۡبَؤُاْ بِكُمۡ رَبِّي لَوۡلَا دُعَآؤُكُمۡۖ فَقَدۡ كَذَّبۡتُمۡ فَسَوۡفَ يَكُونُ لِزَامَۢا
Taura kuti (Muhammad (SAW) kune vasingatendi): “Tenzi wangu vanotarira kwamuri nokuda kwekuita kwenyu maDua (Minamato) kwavari. Asi zvino mavaramba. Saka murango uchava wenyu zvachose.”
Surah Al-Furqan, Verse 77