Surah An-Naml - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
طسٓۚ تِلۡكَ ءَايَٰتُ ٱلۡقُرۡءَانِ وَكِتَابٖ مُّبِينٍ
Twaa – Seen. (Mavara aya ndemamwe ezvishamiso zveQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah). Idzi ndidzo ndima dzeQur’aan, uye Gwaro riri pachena
Surah An-Naml, Verse 1
هُدٗى وَبُشۡرَىٰ لِلۡمُؤۡمِنِينَ
Rinotungamira (kunzira yakatwasuka) uye mashoko akanaka kune vatendi (muIslaam)
Surah An-Naml, Verse 2
ٱلَّذِينَ يُقِيمُونَ ٱلصَّلَوٰةَ وَيُؤۡتُونَ ٱلزَّكَوٰةَ وَهُم بِٱلۡأٓخِرَةِ هُمۡ يُوقِنُونَ
Avo vanoita Swalaah (Munamato), uye vanopa Zakaah (Zvipo kuvarombo), uye vane chokwadi maererano nehupenyu hwemangwana
Surah An-Naml, Verse 3
إِنَّ ٱلَّذِينَ لَا يُؤۡمِنُونَ بِٱلۡأٓخِرَةِ زَيَّنَّا لَهُمۡ أَعۡمَٰلَهُمۡ فَهُمۡ يَعۡمَهُونَ
Zvirokwazvo, avo vasingatendi muhupenyu hwemangwana, takava tinonatsa mabasa avo kuti vangodzungaira (kutenderera panyika) vasingaoni
Surah An-Naml, Verse 4
أُوْلَـٰٓئِكَ ٱلَّذِينَ لَهُمۡ سُوٓءُ ٱلۡعَذَابِ وَهُمۡ فِي ٱلۡأٓخِرَةِ هُمُ ٱلۡأَخۡسَرُونَ
Ndivo avo vachawana marwadzo akashata (Panyika). Uye muhupenyu hwemangwana vachava vanhu vakarasikirwa zvikuru
Surah An-Naml, Verse 5
وَإِنَّكَ لَتُلَقَّى ٱلۡقُرۡءَانَ مِن لَّدُنۡ حَكِيمٍ عَلِيمٍ
Uye iwe (Muhammad (SAW)) uri kudzidziswa Qur’aan kubva kune uyo ane hungwaru hwose, ane ruzivo zvikuru
Surah An-Naml, Verse 6
إِذۡ قَالَ مُوسَىٰ لِأَهۡلِهِۦٓ إِنِّيٓ ءَانَسۡتُ نَارٗا سَـَٔاتِيكُم مِّنۡهَا بِخَبَرٍ أَوۡ ءَاتِيكُم بِشِهَابٖ قَبَسٖ لَّعَلَّكُمۡ تَصۡطَلُونَ
Rangarira apo Musa akati kumhuri yake: “Zvirokwazvo, ndaona moto, ndichakuvigirai kubvako nyaya, kana ndichakuvigirai kubvako chitsiga chiri kubvira kuti muve munodziisa miviri yenyu.”
Surah An-Naml, Verse 7
فَلَمَّا جَآءَهَا نُودِيَ أَنۢ بُورِكَ مَن فِي ٱلنَّارِ وَمَنۡ حَوۡلَهَا وَسُبۡحَٰنَ ٱللَّهِ رَبِّ ٱلۡعَٰلَمِينَ
Asi paakasvika pauri, akashevedzwa: “Akomborerwa ndeuyo ari mumoto, uye uyo ari padyo nawo! Uye akarumbidzwa ndiAllah, Tenzi venyika yose (vanhu, maJinn nezvose zviripo).”
Surah An-Naml, Verse 8
يَٰمُوسَىٰٓ إِنَّهُۥٓ أَنَا ٱللَّهُ ٱلۡعَزِيزُ ٱلۡحَكِيمُ
“Iwe Musa! Zvirokwazvo, ndini Allah, mukuru, ane ungwaru hwose.”
Surah An-Naml, Verse 9
وَأَلۡقِ عَصَاكَۚ فَلَمَّا رَءَاهَا تَهۡتَزُّ كَأَنَّهَا جَآنّٞ وَلَّىٰ مُدۡبِرٗا وَلَمۡ يُعَقِّبۡۚ يَٰمُوسَىٰ لَا تَخَفۡ إِنِّي لَا يَخَافُ لَدَيَّ ٱلۡمُرۡسَلُونَ
“Uye kanda tsvimbo yako!” Asi paakaiona ichifamba sekunge yaiva nyoka akatendeuka achitiza, uye haana kucheuka. (Zvikanzi): “Iwe Musa! Usatya, zvirokwazvo, vatumwa havatyi pamberi pangu.”
Surah An-Naml, Verse 10
إِلَّا مَن ظَلَمَ ثُمَّ بَدَّلَ حُسۡنَۢا بَعۡدَ سُوٓءٖ فَإِنِّي غَفُورٞ رَّحِيمٞ
“Kusara kweuyo akatadza uye mushure mezvo akasandura zvakashata nezvakanaka, uye zvirokwazvo, ndinoregerera zvikuru, uye ndine tsitsi zhinji.”
Surah An-Naml, Verse 11
وَأَدۡخِلۡ يَدَكَ فِي جَيۡبِكَ تَخۡرُجۡ بَيۡضَآءَ مِنۡ غَيۡرِ سُوٓءٖۖ فِي تِسۡعِ ءَايَٰتٍ إِلَىٰ فِرۡعَوۡنَ وَقَوۡمِهِۦٓۚ إِنَّهُمۡ كَانُواْ قَوۡمٗا فَٰسِقِينَ
“Uye isa ruoko rwako muhapwa dzako, richabuda richipenya pasina chinorikanganisa. (Zvimwe zvezviratidzo) kubva kuzviratidzo zvipfumbamwe kuna Farawo uye nevanhu vake. Zvirokwazvo, vari vanhu vanotadza.”
Surah An-Naml, Verse 12
فَلَمَّا جَآءَتۡهُمۡ ءَايَٰتُنَا مُبۡصِرَةٗ قَالُواْ هَٰذَا سِحۡرٞ مُّبِينٞ
Asi zviratidzo zvedu pazvakauya kwavari zviri pachena kuti vaone, vakati: “Aya ndiwo mapipi ari pachena.”
Surah An-Naml, Verse 13
وَجَحَدُواْ بِهَا وَٱسۡتَيۡقَنَتۡهَآ أَنفُسُهُمۡ ظُلۡمٗا وَعُلُوّٗاۚ فَٱنظُرۡ كَيۡفَ كَانَ عَٰقِبَةُ ٱلۡمُفۡسِدِينَ
Uye vakazviramba nekutadza uye nekuzvitutumadza, kunyangwe moyo yavo yaiva nechokwadi nazvo (kuti zvabva kuna Allah). Saka tarisa ndeapi aiva magumo eavo vaitadza
Surah An-Naml, Verse 14
وَلَقَدۡ ءَاتَيۡنَا دَاوُۥدَ وَسُلَيۡمَٰنَ عِلۡمٗاۖ وَقَالَا ٱلۡحَمۡدُ لِلَّهِ ٱلَّذِي فَضَّلَنَا عَلَىٰ كَثِيرٖ مِّنۡ عِبَادِهِ ٱلۡمُؤۡمِنِينَ
Zvirokwazvo, takapa ruzivo kuna Dawood (Davhidha) uye Sulaimaan (Soromoni), uye vese (vari vaviri) vakati: “Rumbidzo dzose uye kutendwa ndekwaAllah, avo vatisarudza pamusoro pevaranda vavo vose vanotenda!”
Surah An-Naml, Verse 15
وَوَرِثَ سُلَيۡمَٰنُ دَاوُۥدَۖ وَقَالَ يَـٰٓأَيُّهَا ٱلنَّاسُ عُلِّمۡنَا مَنطِقَ ٱلطَّيۡرِ وَأُوتِينَا مِن كُلِّ شَيۡءٍۖ إِنَّ هَٰذَا لَهُوَ ٱلۡفَضۡلُ ٱلۡمُبِينُ
Uye Sulaimaan (Soromoni) akagara nhaka Dawood (Davhidha) (muruzivo). Akati: “Imi vanhu! Takava tinodzidziswa rurimi rweshiri, uye takava tinopiwa zvinhu zvose. Izvi, zvirokwazvo, inyasha dziri pachena (kubva kunaAllah).”
Surah An-Naml, Verse 16
وَحُشِرَ لِسُلَيۡمَٰنَ جُنُودُهُۥ مِنَ ٱلۡجِنِّ وَٱلۡإِنسِ وَٱلطَّيۡرِ فَهُمۡ يُوزَعُونَ
Uye pamberi paSulaimaan (Soromoni) mauto ake akaunganidzwa emaJinn, vanhu, uye shiri, uye vose vakagara vakarongeka zvekuhondo (vachienda mberi)
Surah An-Naml, Verse 17
حَتَّىٰٓ إِذَآ أَتَوۡاْ عَلَىٰ وَادِ ٱلنَّمۡلِ قَالَتۡ نَمۡلَةٞ يَـٰٓأَيُّهَا ٱلنَّمۡلُ ٱدۡخُلُواْ مَسَٰكِنَكُمۡ لَا يَحۡطِمَنَّكُمۡ سُلَيۡمَٰنُ وَجُنُودُهُۥ وَهُمۡ لَا يَشۡعُرُونَ
Kusvika vasvika munzvimbo yemasvosve, rimwe remasvosve rikati: “Imi masvosve! Pindai munzvimbo dzenyu, nekuti Sulaimaan (Soromoni) nemauto ake vangakutsikai, apo pavanenge vasingazivi.”
Surah An-Naml, Verse 18
فَتَبَسَّمَ ضَاحِكٗا مِّن قَوۡلِهَا وَقَالَ رَبِّ أَوۡزِعۡنِيٓ أَنۡ أَشۡكُرَ نِعۡمَتَكَ ٱلَّتِيٓ أَنۡعَمۡتَ عَلَيَّ وَعَلَىٰ وَٰلِدَيَّ وَأَنۡ أَعۡمَلَ صَٰلِحٗا تَرۡضَىٰهُ وَأَدۡخِلۡنِي بِرَحۡمَتِكَ فِي عِبَادِكَ ٱلصَّـٰلِحِينَ
Iye Sulaimaan (Soromoni) akanyemwerera achifadzwa nemutauro waro uye akati: “Tenzi vangu! Ndipei simba uye mukana wekuti ndive ndinotenda makomborero enyu ayo amakandipa uye nevabereki vangu, uye kuti ndiite mabasa akanaka ayo anokufadzai, uye ndiisei netsitsi dzenyu pakati pevaranda venyu vakanaka.”
Surah An-Naml, Verse 19
وَتَفَقَّدَ ٱلطَّيۡرَ فَقَالَ مَالِيَ لَآ أَرَى ٱلۡهُدۡهُدَ أَمۡ كَانَ مِنَ ٱلۡغَآئِبِينَ
Akatarisa shiri, akati: “Chii chiri kuitika nekuti handisi kuona Hud-hud (Chigogodza)? Kana kuti ari pakati peavo vasipo?”
Surah An-Naml, Verse 20
لَأُعَذِّبَنَّهُۥ عَذَابٗا شَدِيدًا أَوۡ لَأَاْذۡبَحَنَّهُۥٓ أَوۡ لَيَأۡتِيَنِّي بِسُلۡطَٰنٖ مُّبِينٖ
“Zvirokwazvo, ndichamutonga nemutongo wakaomarara, kana kuti ndichamuuraya, kunze kwekuti ondiunzira chinangwa chiri pachena.”
Surah An-Naml, Verse 21
فَمَكَثَ غَيۡرَ بَعِيدٖ فَقَالَ أَحَطتُ بِمَا لَمۡ تُحِطۡ بِهِۦ وَجِئۡتُكَ مِن سَبَإِۭ بِنَبَإٖ يَقِينٍ
Asi Chigogodza hachina kugarisa, (chakadzoka) chikati: “Ndawana ruzivo urwo rwausati waruziva, uye ndauya kubva kuSaba’ (Sheba) nenyaya yechokwadi.”
Surah An-Naml, Verse 22
إِنِّي وَجَدتُّ ٱمۡرَأَةٗ تَمۡلِكُهُمۡ وَأُوتِيَتۡ مِن كُلِّ شَيۡءٖ وَلَهَا عَرۡشٌ عَظِيمٞ
“Ndawana mukadzi achivatonga, uye akapihwa zvinhu zvose zvinokwanisa kuitwa nemutongi (mambo) wose panyika, uye ane chigaro cheumambo chihombe.”
Surah An-Naml, Verse 23
وَجَدتُّهَا وَقَوۡمَهَا يَسۡجُدُونَ لِلشَّمۡسِ مِن دُونِ ٱللَّهِ وَزَيَّنَ لَهُمُ ٱلشَّيۡطَٰنُ أَعۡمَٰلَهُمۡ فَصَدَّهُمۡ عَنِ ٱلسَّبِيلِ فَهُمۡ لَا يَهۡتَدُونَ
“Ndamuwana iye nevanhu vake vachinamata zuva pachinhambwe chaAllah, uye Satani avanatsira mabasa avo kwavari, uye avatendeutsa kubva kunzira yakatwasuka, saka havana kutungamirwa.”
Surah An-Naml, Verse 24
أَلَّاۤ يَسۡجُدُواْۤ لِلَّهِ ٱلَّذِي يُخۡرِجُ ٱلۡخَبۡءَ فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ وَيَعۡلَمُ مَا تُخۡفُونَ وَمَا تُعۡلِنُونَ
“Havapfugamiri Allah avo vanoburitsa pachena izvo zvakavandika mumatenga uye nepanyika, uye vanoziva izvo zvamunovanza uye izvo zvamunoburitsa pachena.”
Surah An-Naml, Verse 25
ٱللَّهُ لَآ إِلَٰهَ إِلَّا هُوَ رَبُّ ٱلۡعَرۡشِ ٱلۡعَظِيمِ۩
“Allah, Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna vamwe mwari vane kodzero yekunamatwa kunze kwavo), Tenzi vechigaro chikuru!”
Surah An-Naml, Verse 26
۞قَالَ سَنَنظُرُ أَصَدَقۡتَ أَمۡ كُنتَ مِنَ ٱلۡكَٰذِبِينَ
Sulaimaan (Soromoni)) akati: “Tichaona kuti uri kutaura chokwadi here kana kuti uri weavo vanonyepa.”
Surah An-Naml, Verse 27
ٱذۡهَب بِّكِتَٰبِي هَٰذَا فَأَلۡقِهۡ إِلَيۡهِمۡ ثُمَّ تَوَلَّ عَنۡهُمۡ فَٱنظُرۡ مَاذَا يَرۡجِعُونَ
“Enda netsamba yangu iyi, uye wovapa, uye wobva kwavari, uye woona kuti vanoti kudini.”
Surah An-Naml, Verse 28
قَالَتۡ يَـٰٓأَيُّهَا ٱلۡمَلَؤُاْ إِنِّيٓ أُلۡقِيَ إِلَيَّ كِتَٰبٞ كَرِيمٌ
Mambokadzi weSaba’ (Sheba)) akati: “Imi makurukota! Zvirokwazvo, ndaunzirwa tsamba inoremekedzeka.”
Surah An-Naml, Verse 29
إِنَّهُۥ مِن سُلَيۡمَٰنَ وَإِنَّهُۥ بِسۡمِ ٱللَّهِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ
“Zvirokwazvo, yabva kuna Sulaimaan (Soromoni), uye zvirokwazvo iri kuti: ‘Muzita raAllah, vane nyasha, vane tsitsi.’
Surah An-Naml, Verse 30
أَلَّا تَعۡلُواْ عَلَيَّ وَأۡتُونِي مُسۡلِمِينَ
‘Musava munozvitutumadza kwandiri, asi huyai kwandiri muchizvipira kuna Allah (semaMuslim).’”
Surah An-Naml, Verse 31
قَالَتۡ يَـٰٓأَيُّهَا ٱلۡمَلَؤُاْ أَفۡتُونِي فِيٓ أَمۡرِي مَا كُنتُ قَاطِعَةً أَمۡرًا حَتَّىٰ تَشۡهَدُونِ
Akati: “Imi makurukota! Ndipei pfungwa dzenyu panyaya yangu iyi. Handitongi nyaya kusvikira imi mavapo pandiri (mandipa pfungwa dzenyu).”
Surah An-Naml, Verse 32
قَالُواْ نَحۡنُ أُوْلُواْ قُوَّةٖ وَأُوْلُواْ بَأۡسٖ شَدِيدٖ وَٱلۡأَمۡرُ إِلَيۡكِ فَٱنظُرِي مَاذَا تَأۡمُرِينَ
Vakati: “Tine simba rakawanda, uye tinogona hondo zvakanyanya, asi zviri kwamuri kupa mutongo. Saka fungai ndeupi mutongo wamuchapa.”
Surah An-Naml, Verse 33
قَالَتۡ إِنَّ ٱلۡمُلُوكَ إِذَا دَخَلُواْ قَرۡيَةً أَفۡسَدُوهَا وَجَعَلُوٓاْ أَعِزَّةَ أَهۡلِهَآ أَذِلَّةٗۚ وَكَذَٰلِكَ يَفۡعَلُونَ
Akati: “Zvirokwazvo madzimambo, kana vapinda muguta (munyika) vanoiparadza, uye voita vanhu vanoremekedzwa pakati pavo vanhu vepasi pasi. Saizvozvo vanoita.”
Surah An-Naml, Verse 34
وَإِنِّي مُرۡسِلَةٌ إِلَيۡهِم بِهَدِيَّةٖ فَنَاظِرَةُۢ بِمَ يَرۡجِعُ ٱلۡمُرۡسَلُونَ
“Asi zvirokwazvo, ndichavatumira chipo, uye ndoona kuti vatumwa vanodzoka nei.”
Surah An-Naml, Verse 35
فَلَمَّا جَآءَ سُلَيۡمَٰنَ قَالَ أَتُمِدُّونَنِ بِمَالٖ فَمَآ ءَاتَىٰنِۦَ ٱللَّهُ خَيۡرٞ مِّمَّآ ءَاتَىٰكُمۚ بَلۡ أَنتُم بِهَدِيَّتِكُمۡ تَفۡرَحُونَ
Saka vatumwa pavakasvika kuna Sulaimaan (Soromoni), akati: “Munondibatsira nehupfumi? Izvo Allah zvavakandipa zvikuru (zviri nani) kune izvo zvavakakupai! Asi imi munofadzwa nechipo chenyu!”
Surah An-Naml, Verse 36
ٱرۡجِعۡ إِلَيۡهِمۡ فَلَنَأۡتِيَنَّهُم بِجُنُودٖ لَّا قِبَلَ لَهُم بِهَا وَلَنُخۡرِجَنَّهُم مِّنۡهَآ أَذِلَّةٗ وَهُمۡ صَٰغِرُونَ
Sulaimaan (Soromoni) akati kumukuru wevatumwa vake): “Dzokera kwavari! Isu zvirokwazvo, tichauya kwavari nehondo (mauto) ayo avasingakwanisi kurwisa, uye tichavaburitsa kubva kwairi vachidzikisirwa, uye vachinyadziswa.”
Surah An-Naml, Verse 37
قَالَ يَـٰٓأَيُّهَا ٱلۡمَلَؤُاْ أَيُّكُمۡ يَأۡتِينِي بِعَرۡشِهَا قَبۡلَ أَن يَأۡتُونِي مُسۡلِمِينَ
Akati (Sulaimaan): “Imi makurukota! Ndiyani pakati penyu angauya nechigaro chake vasati vauya kwandiri vachizvipira nekuteerera?”
Surah An-Naml, Verse 38
قَالَ عِفۡرِيتٞ مِّنَ ٱلۡجِنِّ أَنَا۠ ءَاتِيكَ بِهِۦ قَبۡلَ أَن تَقُومَ مِن مَّقَامِكَۖ وَإِنِّي عَلَيۡهِ لَقَوِيٌّ أَمِينٞ
Ifreet (Jinn rakasimba) kubva kumaJinn rakati: “Ndinouya nacho kwamuri imi musati masumuka panzvimbo yenyu. Uye zvirokwazvo, ndine simba uye ndinovimbika pabasa rakadai.”
Surah An-Naml, Verse 39
قَالَ ٱلَّذِي عِندَهُۥ عِلۡمٞ مِّنَ ٱلۡكِتَٰبِ أَنَا۠ ءَاتِيكَ بِهِۦ قَبۡلَ أَن يَرۡتَدَّ إِلَيۡكَ طَرۡفُكَۚ فَلَمَّا رَءَاهُ مُسۡتَقِرًّا عِندَهُۥ قَالَ هَٰذَا مِن فَضۡلِ رَبِّي لِيَبۡلُوَنِيٓ ءَأَشۡكُرُ أَمۡ أَكۡفُرُۖ وَمَن شَكَرَ فَإِنَّمَا يَشۡكُرُ لِنَفۡسِهِۦۖ وَمَن كَفَرَ فَإِنَّ رَبِّي غَنِيّٞ كَرِيمٞ
Umwe aiva neruzivo rweGwaro akati: “Ndinouya nacho kwamuri musati mabhwaira meso enyu!” Saka (Sulaimaan (Soromoni)) paakaona chava mberi kwake, akati: “Izvi kuda kwenyasha dzaTenzi vangu, kuti vaone kuti ndinotenda (zvakanaka) kana kuti handitendi! Uye uyo anotenda, zvirokwazvo, kutenda kwake kwakamunakira iye pachezvake; uye uyo asingatendi (kusatenda kwake kurasikirwa iye pachezvake). Zvirokwazvo, Tenzi vangu vakapfuma, uye vanopa zvizhinji.”
Surah An-Naml, Verse 40
قَالَ نَكِّرُواْ لَهَا عَرۡشَهَا نَنظُرۡ أَتَهۡتَدِيٓ أَمۡ تَكُونُ مِنَ ٱلَّذِينَ لَا يَهۡتَدُونَ
Akati: “Chisandurei (chigaro) zvimwe zvinhu kuti tione kuti achatungamirirwa (achachiziva) here, kana kuti achava weavo vasina kutungamirirwa.”
Surah An-Naml, Verse 41
فَلَمَّا جَآءَتۡ قِيلَ أَهَٰكَذَا عَرۡشُكِۖ قَالَتۡ كَأَنَّهُۥ هُوَۚ وَأُوتِينَا ٱلۡعِلۡمَ مِن قَبۡلِهَا وَكُنَّا مُسۡلِمِينَ
Saka paakauya (mambokadzi), zvakanzi (kwaari): “Chigaro chako chakadai here?” Akati: “Zvinenge zvakafanana.” Uye (Sulaimaan (Soromoni) akati): “Ruzivo rwakaunzwa kwatiri iye asati apihwa, uye taiva vanozvipira kuna Allah (semaMuslim).”
Surah An-Naml, Verse 42
وَصَدَّهَا مَا كَانَت تَّعۡبُدُ مِن دُونِ ٱللَّهِۖ إِنَّهَا كَانَتۡ مِن قَوۡمٖ كَٰفِرِينَ
Uye icho chaainamata achisiya Allah chakamudzivirira (kutenda muIslaam), uye aiva weavo vasingatendi
Surah An-Naml, Verse 43
قِيلَ لَهَا ٱدۡخُلِي ٱلصَّرۡحَۖ فَلَمَّا رَأَتۡهُ حَسِبَتۡهُ لُجَّةٗ وَكَشَفَتۡ عَن سَاقَيۡهَاۚ قَالَ إِنَّهُۥ صَرۡحٞ مُّمَرَّدٞ مِّن قَوَارِيرَۗ قَالَتۡ رَبِّ إِنِّي ظَلَمۡتُ نَفۡسِي وَأَسۡلَمۡتُ مَعَ سُلَيۡمَٰنَ لِلَّهِ رَبِّ ٱلۡعَٰلَمِينَ
Zvakanzi kwaari: “Pinda muAs-Sarh (imba yemagirazi ane mvura inoerera pasi pawo).” Asi paakaiona akafunga kuti chaiva chitubu, uye (akasimudza hembe) akavhura makumbo ake. (Sulaimaan (Soromoni) akati): “Zvirokwazvo, iSarh (Imba yemagirazi ane mvura inoerera pasi pawo).” Akati (Mambokadzi): “Tenzi vangu! Zvirokwazvo, ndazvitadzira, uye ndinozvipira muIslaam, pamwechete naSulaimaan (Soromoni) kuna Allah, Tenzi venyika yose (vanhu, maJinn nezvese zviripo).”
Surah An-Naml, Verse 44
وَلَقَدۡ أَرۡسَلۡنَآ إِلَىٰ ثَمُودَ أَخَاهُمۡ صَٰلِحًا أَنِ ٱعۡبُدُواْ ٱللَّهَ فَإِذَا هُمۡ فَرِيقَانِ يَخۡتَصِمُونَ
Uye zvirokwazvo kumaThamood takatumira mukoma wavo Swaalih achiti: “Namatai Allah (voga).” Uye tarisai! Vakava mapoka maviri achikakavadzana pakati pavo
Surah An-Naml, Verse 45
قَالَ يَٰقَوۡمِ لِمَ تَسۡتَعۡجِلُونَ بِٱلسَّيِّئَةِ قَبۡلَ ٱلۡحَسَنَةِۖ لَوۡلَا تَسۡتَغۡفِرُونَ ٱللَّهَ لَعَلَّكُمۡ تُرۡحَمُونَ
Akati: “Imi vanhu vangu! Sei muchimhanyira kutsvaga zvakaipa zvakanaka musati mazvitsvaga? Sei musingatsvagi ruregerero rwaAllah, kuti muve munowana tsitsi?”
Surah An-Naml, Verse 46
قَالُواْ ٱطَّيَّرۡنَا بِكَ وَبِمَن مَّعَكَۚ قَالَ طَـٰٓئِرُكُمۡ عِندَ ٱللَّهِۖ بَلۡ أَنتُمۡ قَوۡمٞ تُفۡتَنُونَ
Vakati: “Tinoona kuti une munyama neavo vanewe.” Akati: “Zvakaipa zvenyu zvina Allah, asi muri vanhu varikuedzwa.”
Surah An-Naml, Verse 47
وَكَانَ فِي ٱلۡمَدِينَةِ تِسۡعَةُ رَهۡطٖ يُفۡسِدُونَ فِي ٱلۡأَرۡضِ وَلَا يُصۡلِحُونَ
Uye muguta maiva nevarume vapfumbamwe (kubva kuvana vemadzimambo avo) vaiita zvakashata munzvimbo, uye havana kumbozvishandura
Surah An-Naml, Verse 48
قَالُواْ تَقَاسَمُواْ بِٱللَّهِ لَنُبَيِّتَنَّهُۥ وَأَهۡلَهُۥ ثُمَّ لَنَقُولَنَّ لِوَلِيِّهِۦ مَا شَهِدۡنَا مَهۡلِكَ أَهۡلِهِۦ وَإِنَّا لَصَٰدِقُونَ
Vakati: “Pikai naAllah umwe kune umwe kuti tichauraya muchivande usiku iye (Swaalih) uye nemhuri yake, uye mushure mezvo tichati kune hama dzake: ‘Hatina kumboona kufa kwake iye nemhuri yake, uye zvirokwazvo, tirikutaura chokwadi.’”
Surah An-Naml, Verse 49
وَمَكَرُواْ مَكۡرٗا وَمَكَرۡنَا مَكۡرٗا وَهُمۡ لَا يَشۡعُرُونَ
Saka vakaronga urongwa, uye isu takaronga urongwa, ivo vasingazivi
Surah An-Naml, Verse 50
فَٱنظُرۡ كَيۡفَ كَانَ عَٰقِبَةُ مَكۡرِهِمۡ أَنَّا دَمَّرۡنَٰهُمۡ وَقَوۡمَهُمۡ أَجۡمَعِينَ
Uye ona kuti magumo eavo vakaronga aiva akaita sei! Zvirokwazvo, takavaparadza ivo nevanhu vavo pamwechete
Surah An-Naml, Verse 51
فَتِلۡكَ بُيُوتُهُمۡ خَاوِيَةَۢ بِمَا ظَلَمُوٓاْۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَةٗ لِّقَوۡمٖ يَعۡلَمُونَ
Idzi ndidzo dzimba dzavo dzakaparadzwa zvachose nekuda kwekutadza kwavo. Zvirokwazvo, umu mune chidzidzo kuvanhu vanoziva
Surah An-Naml, Verse 52
وَأَنجَيۡنَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَكَانُواْ يَتَّقُونَ
Uye takadzivirira avo vanotenda uye vaitya Allah, uye vachiita mabasa vachifadza ivo
Surah An-Naml, Verse 53
وَلُوطًا إِذۡ قَالَ لِقَوۡمِهِۦٓ أَتَأۡتُونَ ٱلۡفَٰحِشَةَ وَأَنتُمۡ تُبۡصِرُونَ
Uye (rangarirai) Loti paakati kuvanhu vake: “Munoita here zvivi (chingochani) muchiona (zviri pachena)?”
Surah An-Naml, Verse 54
أَئِنَّكُمۡ لَتَأۡتُونَ ٱلرِّجَالَ شَهۡوَةٗ مِّن دُونِ ٱلنِّسَآءِۚ بَلۡ أَنتُمۡ قَوۡمٞ تَجۡهَلُونَ
“Munoita here chidaka chenyu (chevakadzi) kuvarume muchisiya vakadzi? Zvirokwazvo, muri vanhu vasingazivi vanotadza.”
Surah An-Naml, Verse 55
۞فَمَا كَانَ جَوَابَ قَوۡمِهِۦٓ إِلَّآ أَن قَالُوٓاْ أَخۡرِجُوٓاْ ءَالَ لُوطٖ مِّن قَرۡيَتِكُمۡۖ إِنَّهُمۡ أُنَاسٞ يَتَطَهَّرُونَ
Hapana imwe mhinduro yaakapihwa nevanhu vake kusara kwekuti vakati: “Buritsai Loti nemhuri yake kubva muguta renyu. Zvirokwazvo, ava vanhu vanoda zvekuchena!”
Surah An-Naml, Verse 56
فَأَنجَيۡنَٰهُ وَأَهۡلَهُۥٓ إِلَّا ٱمۡرَأَتَهُۥ قَدَّرۡنَٰهَا مِنَ ٱلۡغَٰبِرِينَ
Saka takamununura iye nemhuri yake kusara kwemukadzi wake. Takamunyorera kuti ave weavo vakasara shure
Surah An-Naml, Verse 57
وَأَمۡطَرۡنَا عَلَيۡهِم مَّطَرٗاۖ فَسَآءَ مَطَرُ ٱلۡمُنذَرِينَ
Uye takaita kuti mvura (yematombo) inaye pavari. Iyo yaiva yakashata kune avo vange vayambirwa
Surah An-Naml, Verse 58
قُلِ ٱلۡحَمۡدُ لِلَّهِ وَسَلَٰمٌ عَلَىٰ عِبَادِهِ ٱلَّذِينَ ٱصۡطَفَىٰٓۗ ءَآللَّهُ خَيۡرٌ أَمَّا يُشۡرِكُونَ
Taura kuti (Muhammad (SAW)): “Kurumbidzwa kwose uye kutendwa ndekwaAllah, uye runyararo ngaruve kune varanda avo vavakasarudza (kuti vatambire mashoko avo)! NdiAllah here vari nani kana kuti izvo zvavanovasanganisa nazvo?”
Surah An-Naml, Verse 59
أَمَّنۡ خَلَقَ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ وَأَنزَلَ لَكُم مِّنَ ٱلسَّمَآءِ مَآءٗ فَأَنۢبَتۡنَا بِهِۦ حَدَآئِقَ ذَاتَ بَهۡجَةٖ مَّا كَانَ لَكُمۡ أَن تُنۢبِتُواْ شَجَرَهَآۗ أَءِلَٰهٞ مَّعَ ٱللَّهِۚ بَلۡ هُمۡ قَوۡمٞ يَعۡدِلُونَ
Havasi here ivo vakasika matenga nepasi, uye vanotumira mvura kubva kudenga, tinoita nayo kuti mapindu akure murunako nemuyevedzo? Hazvizvi mukugona kwenyu kukudza miti yavo. Kune here umwe mwari naAllah? Kwete, asi vari vanhu vanobatanidza zvimwe zvinamatwa (navo)
Surah An-Naml, Verse 60
أَمَّن جَعَلَ ٱلۡأَرۡضَ قَرَارٗا وَجَعَلَ خِلَٰلَهَآ أَنۡهَٰرٗا وَجَعَلَ لَهَا رَوَٰسِيَ وَجَعَلَ بَيۡنَ ٱلۡبَحۡرَيۡنِ حَاجِزًاۗ أَءِلَٰهٞ مَّعَ ٱللَّهِۚ بَلۡ أَكۡثَرُهُمۡ لَا يَعۡلَمُونَ
Havasi here ivo vakagadzira pasi sechinhu chakagadzikwa, uye vakave vanoisa nzizi pakati paro, uye vakadzika makomo mariri, uye vakaisa muganhu pakati pemakungwa maviri (rine mvura inovava uye rimwe rine mvura inotapira)? Kune here mumwe mwari naAllah? Kwete, asi vazhinji vavo havazivi
Surah An-Naml, Verse 61
أَمَّن يُجِيبُ ٱلۡمُضۡطَرَّ إِذَا دَعَاهُ وَيَكۡشِفُ ٱلسُّوٓءَ وَيَجۡعَلُكُمۡ خُلَفَآءَ ٱلۡأَرۡضِۗ أَءِلَٰهٞ مَّعَ ٱللَّهِۚ قَلِيلٗا مَّا تَذَكَّرُونَ
Havasi here ivo vanodavira uyo anenge akasurukirwa, apo anovadana, uye ndivo vanobvisa zvakaipa, uye vanokuitai vagari venhaka yepasi? Kune here mumwe mwari naAllah? Zvishoma ndizvo zvamunorangarira
Surah An-Naml, Verse 62
أَمَّن يَهۡدِيكُمۡ فِي ظُلُمَٰتِ ٱلۡبَرِّ وَٱلۡبَحۡرِ وَمَن يُرۡسِلُ ٱلرِّيَٰحَ بُشۡرَۢا بَيۡنَ يَدَيۡ رَحۡمَتِهِۦٓۗ أَءِلَٰهٞ مَّعَ ٱللَّهِۚ تَعَٰلَى ٱللَّهُ عَمَّا يُشۡرِكُونَ
Havasi here ivo vanokutungamirai murima repasi nemugungwa, uye vanotumira mhepo senhau yakanaka pamberi petsitsi dzavo (mvura)? Kune here mumwe mwari naAllah? Allah varipamusoro peizvo zvavanovabatanidza nazvo
Surah An-Naml, Verse 63
أَمَّن يَبۡدَؤُاْ ٱلۡخَلۡقَ ثُمَّ يُعِيدُهُۥ وَمَن يَرۡزُقُكُم مِّنَ ٱلسَّمَآءِ وَٱلۡأَرۡضِۗ أَءِلَٰهٞ مَّعَ ٱللَّهِۚ قُلۡ هَاتُواْ بُرۡهَٰنَكُمۡ إِن كُنتُمۡ صَٰدِقِينَ
Havasi here ivo vanosika zvisikwa, uye vachave vanozvidzokorora, uye vanokupai raramo kubva kudenga nepasi? Kune mumwe mwari here naAllah? Taura kuti: “Hunzai humboo hwenyu kana muri pachokwadi.”
Surah An-Naml, Verse 64
قُل لَّا يَعۡلَمُ مَن فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ ٱلۡغَيۡبَ إِلَّا ٱللَّهُۚ وَمَا يَشۡعُرُونَ أَيَّانَ يُبۡعَثُونَ
Taura kuti: “Hapana mumatenga nepasi anoziva zvisingaoneki kunze kwaAllah, uye havazivi apo vachave vanomutswa.”
Surah An-Naml, Verse 65
بَلِ ٱدَّـٰرَكَ عِلۡمُهُمۡ فِي ٱلۡأٓخِرَةِۚ بَلۡ هُمۡ فِي شَكّٖ مِّنۡهَاۖ بَلۡ هُم مِّنۡهَا عَمُونَ
Kwete, havana ruzivo rwehupenyu hwemangwana, asi havagutsikane nawo. Kwete, vari mapofu (murima) pamusoro pawo
Surah An-Naml, Verse 66
وَقَالَ ٱلَّذِينَ كَفَرُوٓاْ أَءِذَا كُنَّا تُرَٰبٗا وَءَابَآؤُنَآ أَئِنَّا لَمُخۡرَجُونَ
Uye avo vasingatendi vanoti: “Kana tave huruva isu nemadzibaba edu, zvirokwazvo tichaunzwa (zvakare) here?”
Surah An-Naml, Verse 67
لَقَدۡ وُعِدۡنَا هَٰذَا نَحۡنُ وَءَابَآؤُنَا مِن قَبۡلُ إِنۡ هَٰذَآ إِلَّآ أَسَٰطِيرُ ٱلۡأَوَّلِينَ
“Zvirokwazvo takavimbiswa izvi isu nemadzitateguru edu mushure (medu), zvirokwazvo, hapana zviripo kunze kwengano dzekare.”
Surah An-Naml, Verse 68
قُلۡ سِيرُواْ فِي ٱلۡأَرۡضِ فَٱنظُرُواْ كَيۡفَ كَانَ عَٰقِبَةُ ٱلۡمُجۡرِمِينَ
Taura (Muhammad (SAW)) kwavari: “Fambai munyika uye muone akave magumo evairamba (vatadzi).”
Surah An-Naml, Verse 69
وَلَا تَحۡزَنۡ عَلَيۡهِمۡ وَلَا تَكُن فِي ضَيۡقٖ مِّمَّا يَمۡكُرُونَ
Usava unoshungurudzika pamusoro pavo, kana kutsutsumwa nemhaka yezvavanoronga
Surah An-Naml, Verse 70
وَيَقُولُونَ مَتَىٰ هَٰذَا ٱلۡوَعۡدُ إِن كُنتُمۡ صَٰدِقِينَ
Uye avo (vasingatendi) vanoti: “Ndirinhi (apo) vimbiso iyi (ichazadziswa), kana muri pachokwadi?”
Surah An-Naml, Verse 71
قُلۡ عَسَىٰٓ أَن يَكُونَ رَدِفَ لَكُم بَعۡضُ ٱلَّذِي تَسۡتَعۡجِلُونَ
Taura: “Dzimwe dzenguva zvamunoshuvira kuti zvikasike zviri pedyo mumashure menyu.”
Surah An-Naml, Verse 72
وَإِنَّ رَبَّكَ لَذُو فَضۡلٍ عَلَى ٱلنَّاسِ وَلَٰكِنَّ أَكۡثَرَهُمۡ لَا يَشۡكُرُونَ
“Zvirokwazvo, Tenzi vako vakazara netsitsi kuvanhu, asi vakawanda vavo havatendi.”
Surah An-Naml, Verse 73
وَإِنَّ رَبَّكَ لَيَعۡلَمُ مَا تُكِنُّ صُدُورُهُمۡ وَمَا يُعۡلِنُونَ
Uye zvirokwazvo, Tenzi vako vanoziva zvakahwanda zviri muhana dzavo uye zvavanoburitsa
Surah An-Naml, Verse 74
وَمَا مِنۡ غَآئِبَةٖ فِي ٱلسَّمَآءِ وَٱلۡأَرۡضِ إِلَّا فِي كِتَٰبٖ مُّبِينٍ
Uye hapana chakavanzika mumatenga uye nepasi, asi kuti zviri muGwaro rakajeka (Al-Lauh Al- Mahfoodh)
Surah An-Naml, Verse 75
إِنَّ هَٰذَا ٱلۡقُرۡءَانَ يَقُصُّ عَلَىٰ بَنِيٓ إِسۡرَـٰٓءِيلَ أَكۡثَرَ ٱلَّذِي هُمۡ فِيهِ يَخۡتَلِفُونَ
Zvirokwazvo, Qur’an iri rinotaura kuvana veIzrairi izvo zvakawanda zvavanosiyana
Surah An-Naml, Verse 76
وَإِنَّهُۥ لَهُدٗى وَرَحۡمَةٞ لِّلۡمُؤۡمِنِينَ
Uye zvirokwazvo, inhungamiri (Qur’aan iri) uye netsitsi kuvatendi
Surah An-Naml, Verse 77
إِنَّ رَبَّكَ يَقۡضِي بَيۡنَهُم بِحُكۡمِهِۦۚ وَهُوَ ٱلۡعَزِيزُ ٱلۡعَلِيمُ
Zvirokwazvo, Tenzi vako vachatonga pakati pavo nemutongo wavo. Uye ndivo mukuru, muzivi wezvose
Surah An-Naml, Verse 78
فَتَوَكَّلۡ عَلَى ٱللَّهِۖ إِنَّكَ عَلَى ٱلۡحَقِّ ٱلۡمُبِينِ
Saka isa vimbo yako kuna Allah; zvirokwazvo, uri (Muhammad (SAW)) pachokwadi chiri pachena
Surah An-Naml, Verse 79
إِنَّكَ لَا تُسۡمِعُ ٱلۡمَوۡتَىٰ وَلَا تُسۡمِعُ ٱلصُّمَّ ٱلدُّعَآءَ إِذَا وَلَّوۡاْ مُدۡبِرِينَ
Zvirokwazvo, haungaite kuti vafi vanzwe kana kuti vanamatsi vanzwe kushevedza, apo pavanotiza, vachipira misana yavo
Surah An-Naml, Verse 80
وَمَآ أَنتَ بِهَٰدِي ٱلۡعُمۡيِ عَن ضَلَٰلَتِهِمۡۖ إِن تُسۡمِعُ إِلَّا مَن يُؤۡمِنُ بِـَٔايَٰتِنَا فَهُم مُّسۡلِمُونَ
Kana kutungamira mapofu kubva mukurasika. Unongokwanisa kuti vanzwe avo vanotenda muzvidzidziso zvedu, uye neavo vakazvipira (maMuslim)
Surah An-Naml, Verse 81
۞وَإِذَا وَقَعَ ٱلۡقَوۡلُ عَلَيۡهِمۡ أَخۡرَجۡنَا لَهُمۡ دَآبَّةٗ مِّنَ ٱلۡأَرۡضِ تُكَلِّمُهُمۡ أَنَّ ٱلنَّاسَ كَانُواْ بِـَٔايَٰتِنَا لَا يُوقِنُونَ
Uye kana shoko (redambudzo) razadziswa kwavari, tichaunza kubva pasi mhuka kwavari, ichitaura navo nemhosva yokuti vanhu havatendi muhuchokwadi hwendima dzedu
Surah An-Naml, Verse 82
وَيَوۡمَ نَحۡشُرُ مِن كُلِّ أُمَّةٖ فَوۡجٗا مِّمَّن يُكَذِّبُ بِـَٔايَٰتِنَا فَهُمۡ يُوزَعُونَ
Uye zuva ratichaunganidza kubva murudzi rwega rwega chikwata chairamba ndima dzedu, uye vachave vanoendeswa (vanotinhirwa) (kunzvimbo yemutongo)
Surah An-Naml, Verse 83
حَتَّىٰٓ إِذَا جَآءُو قَالَ أَكَذَّبۡتُم بِـَٔايَٰتِي وَلَمۡ تُحِيطُواْ بِهَا عِلۡمًا أَمَّاذَا كُنتُمۡ تَعۡمَلُونَ
Kusvikira, apo vachasvika (pamberi paTenzi vavo panzvimbo yemutongo), vachati (Allah): “Mairamba here ndima dzangu apo maisadzinzwisisa neruzivo (rwechokwadi chadzo kana manyepo), kana chiii (chimwe) chamaiita?”
Surah An-Naml, Verse 84
وَوَقَعَ ٱلۡقَوۡلُ عَلَيۡهِم بِمَا ظَلَمُواْ فَهُمۡ لَا يَنطِقُونَ
Uye shoko (redambudzo) richazadziswa kwavari nemhaka yekuti vakaita zvakaipa, uye havazokwanisi kutaura (kuti vazvidzivirire)
Surah An-Naml, Verse 85
أَلَمۡ يَرَوۡاْ أَنَّا جَعَلۡنَا ٱلَّيۡلَ لِيَسۡكُنُواْ فِيهِ وَٱلنَّهَارَ مُبۡصِرًاۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَٰتٖ لِّقَوۡمٖ يُؤۡمِنُونَ
Havaoni here kuti takaita husiku kuti vave vanozorora mauri, uye zuva sechioneso? Zvirokwazvo, mazviri mune zviratidzo kuvanhu vanotenda
Surah An-Naml, Verse 86
وَيَوۡمَ يُنفَخُ فِي ٱلصُّورِ فَفَزِعَ مَن فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَمَن فِي ٱلۡأَرۡضِ إِلَّا مَن شَآءَ ٱللَّهُۚ وَكُلٌّ أَتَوۡهُ دَٰخِرِينَ
Uye pazuva iro hwamanda icharidzwa, uye vose varimumatenga nepasi vachatya kunze kweuyo Allah vachasarudza. Uye vose vachauya kwavari vakazvininipisa
Surah An-Naml, Verse 87
وَتَرَى ٱلۡجِبَالَ تَحۡسَبُهَا جَامِدَةٗ وَهِيَ تَمُرُّ مَرَّ ٱلسَّحَابِۚ صُنۡعَ ٱللَّهِ ٱلَّذِيٓ أَتۡقَنَ كُلَّ شَيۡءٍۚ إِنَّهُۥ خَبِيرُۢ بِمَا تَفۡعَلُونَ
Uye uchaona makomo wofunga kuti akagwinya, asi achadarika semadarikiro emakore. Basa raAllah, avo vakatsetsenura zvose. Zvirokwazvo, vane ruzivo rwezvese zvamunoita
Surah An-Naml, Verse 88
مَن جَآءَ بِٱلۡحَسَنَةِ فَلَهُۥ خَيۡرٞ مِّنۡهَا وَهُم مِّن فَزَعٖ يَوۡمَئِذٍ ءَامِنُونَ
Uyo anounza chakanaka (Islaam), achawana chiri nani kupfuura hukoshi hwacho; uye vachange vakachengetedzeka kubva kukutya kwezuva iroro
Surah An-Naml, Verse 89
وَمَن جَآءَ بِٱلسَّيِّئَةِ فَكُبَّتۡ وُجُوهُهُمۡ فِي ٱلنَّارِ هَلۡ تُجۡزَوۡنَ إِلَّا مَا كُنتُمۡ تَعۡمَلُونَ
Uye uyo anounza chakaipa (kusatenda nezvitadzo), vachakandwa nezviso zvavo mumoto. (Zvichanzi kwavari): “Muri kupuhwa chimwe chinhu here kunze kweizvo maiita?”
Surah An-Naml, Verse 90
إِنَّمَآ أُمِرۡتُ أَنۡ أَعۡبُدَ رَبَّ هَٰذِهِ ٱلۡبَلۡدَةِ ٱلَّذِي حَرَّمَهَا وَلَهُۥ كُلُّ شَيۡءٖۖ وَأُمِرۡتُ أَنۡ أَكُونَ مِنَ ٱلۡمُسۡلِمِينَ
Ndakarairwa (ini Muhammad (SAW)) kuti ndinamate Tenzi veguta rino (Makkah), avo vakariyeresa uye ndivo muridzi wezvose. Uye ndakarairwa kuti ndive pakati pemaMuslim (vanozvipira kuna Allah)
Surah An-Naml, Verse 91
وَأَنۡ أَتۡلُوَاْ ٱلۡقُرۡءَانَۖ فَمَنِ ٱهۡتَدَىٰ فَإِنَّمَا يَهۡتَدِي لِنَفۡسِهِۦۖ وَمَن ضَلَّ فَقُلۡ إِنَّمَآ أَنَا۠ مِنَ ٱلۡمُنذِرِينَ
Uye kuti ndiverenge Qur’aan. Saka uyo anenge agamuchira gwara, anogamuchira munezvakanaka pachake; uye uyo anorasika, iva unoti (kwaari): “Ndingori mumwe wevayambiri.”
Surah An-Naml, Verse 92
وَقُلِ ٱلۡحَمۡدُ لِلَّهِ سَيُرِيكُمۡ ءَايَٰتِهِۦ فَتَعۡرِفُونَهَاۚ وَمَا رَبُّكَ بِغَٰفِلٍ عَمَّا تَعۡمَلُونَ
Uye iva unoti (Muhammad (SAW)): “Kurumbidzwa kwose nekutendwa ndekwa Allah; vachakuratidzai micherechedzo yavo (panyika kana zvirango), uye muchaiziva. Uye Tenzi vako hapana chavasingazivi kubva kune zvamunoita.”
Surah An-Naml, Verse 93