Surah Al-Mumtahana Verse 12 - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
Surah Al-Mumtahanaيَـٰٓأَيُّهَا ٱلنَّبِيُّ إِذَا جَآءَكَ ٱلۡمُؤۡمِنَٰتُ يُبَايِعۡنَكَ عَلَىٰٓ أَن لَّا يُشۡرِكۡنَ بِٱللَّهِ شَيۡـٔٗا وَلَا يَسۡرِقۡنَ وَلَا يَزۡنِينَ وَلَا يَقۡتُلۡنَ أَوۡلَٰدَهُنَّ وَلَا يَأۡتِينَ بِبُهۡتَٰنٖ يَفۡتَرِينَهُۥ بَيۡنَ أَيۡدِيهِنَّ وَأَرۡجُلِهِنَّ وَلَا يَعۡصِينَكَ فِي مَعۡرُوفٖ فَبَايِعۡهُنَّ وَٱسۡتَغۡفِرۡ لَهُنَّ ٱللَّهَۚ إِنَّ ٱللَّهَ غَفُورٞ رَّحِيمٞ
Iwe muporofita! Kana vakadzi vanotenda vauya kwauri vachikupa Bai’ah (Mhiko), kuti havasi kuzosanganisa chimwe chinhu naAllah, havasi kuzoba, uye kuti havasi kuzoita cheupombwe, uye kuti havasi kuzouraya vana vavo, uye kuti havasi kuzombotaura manyepo vachinyepa kuti vana vavainavo ndevevarume vavo, uye kuti havasi kuzorega kukuteerera pane izvo zvakana (Islaam), chitambira Mhiko (Bai’ah) dzavo kwauri, uye vokumbira Allah kuti vavaregerere. Zvirokwazvo, Allah vanoregerera zvikuru, vane tsitsi dzakanyanya