Surah Al-Muddathir Verse 31 - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
Surah Al-Muddathirوَمَا جَعَلۡنَآ أَصۡحَٰبَ ٱلنَّارِ إِلَّا مَلَـٰٓئِكَةٗۖ وَمَا جَعَلۡنَا عِدَّتَهُمۡ إِلَّا فِتۡنَةٗ لِّلَّذِينَ كَفَرُواْ لِيَسۡتَيۡقِنَ ٱلَّذِينَ أُوتُواْ ٱلۡكِتَٰبَ وَيَزۡدَادَ ٱلَّذِينَ ءَامَنُوٓاْ إِيمَٰنٗا وَلَا يَرۡتَابَ ٱلَّذِينَ أُوتُواْ ٱلۡكِتَٰبَ وَٱلۡمُؤۡمِنُونَ وَلِيَقُولَ ٱلَّذِينَ فِي قُلُوبِهِم مَّرَضٞ وَٱلۡكَٰفِرُونَ مَاذَآ أَرَادَ ٱللَّهُ بِهَٰذَا مَثَلٗاۚ كَذَٰلِكَ يُضِلُّ ٱللَّهُ مَن يَشَآءُ وَيَهۡدِي مَن يَشَآءُۚ وَمَا يَعۡلَمُ جُنُودَ رَبِّكَ إِلَّا هُوَۚ وَمَا هِيَ إِلَّا ذِكۡرَىٰ لِلۡبَشَرِ
Uye hatina kuisa vamwe sevachengetedzi veJahannam kunze kwengirozi. Uye takave tinotara huwandu hwadzo (19) semuyedzo kune (avo) vasingatendi, nechinangwa chokuti avo vakapuhwa Bhuku (Gwaro) (maJudha nemaKristu) vave nechokwadi nazvo (kuti Qur’aan irori ndere chokwadi uyezve rine chokwadi chose nekuwirirana neMabhuku (Taurah, Injeel) panyaya dzouwandu wengirozi dziri pamusoro peJahannam (19)), uye kuti vatendi vave vanowedzera kutenda (Iymaan) kwavo, zvekare vanhu veBhuku pamwe nevatendi kuti vasave nokusagutsikana, uye kuti avo vane chirwere (chehunyengedzi) mumoyo yavo pamwe neavo vasingatendi vataure kuti: “Ko Allah vanodeiko kuburikidza nemuenzaniso uyu?” Saizvozvo Allah vanorasisa uyo wavanoda pamwe nekutungamirira wavanoda (mugwara rakaswatuka). Uye hakuna anoziva mauto aTenzi vako (Allah) kunze kwavo chete. Zvekare (Gehena iri) hapana zvariri kunze kwekuti (iyambiro) iyeuchidzo kune vanhu