UAE Prayer Times

  • Dubai
  • Abu Dhabi
  • Sharjah
  • Ajman
  • Fujairah
  • Umm Al Quwain
  • Ras Al Khaimah
  • Quran Translations

Surah Al-Insan - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students


هَلۡ أَتَىٰ عَلَى ٱلۡإِنسَٰنِ حِينٞ مِّنَ ٱلدَّهۡرِ لَمۡ يَكُن شَيۡـٔٗا مَّذۡكُورًا

Paiva pasina here nguva apo munhu aive chimwe chinhu chaisataurwa
Surah Al-Insan, Verse 1


إِنَّا خَلَقۡنَا ٱلۡإِنسَٰنَ مِن نُّطۡفَةٍ أَمۡشَاجٖ نَّبۡتَلِيهِ فَجَعَلۡنَٰهُ سَمِيعَۢا بَصِيرًا

Zvirokwazvo, takasika munhu kubva kuNutfah yakazangana (mvura yepabonde yemurume nemukadzi) kuti tive tino muedza. Saka takamuita kuti ave munzwi nemuoni
Surah Al-Insan, Verse 2


إِنَّا هَدَيۡنَٰهُ ٱلسَّبِيلَ إِمَّا شَاكِرٗا وَإِمَّا كَفُورًا

Zvirokwazvo, takamuratidza gwara, kunyangwe akave anotenda kana kusatenda
Surah Al-Insan, Verse 3


إِنَّآ أَعۡتَدۡنَا لِلۡكَٰفِرِينَ سَلَٰسِلَاْ وَأَغۡلَٰلٗا وَسَعِيرًا

Zvirokwazvo, takave tinogadzirira vasingatendi ngetani dzesimbi, zvichangadzo zvesimbi, uye nemoto unovirima
Surah Al-Insan, Verse 4


إِنَّ ٱلۡأَبۡرَارَ يَشۡرَبُونَ مِن كَأۡسٖ كَانَ مِزَاجُهَا كَافُورًا

Zvirokwazvo, avo vanotenda vachave vanomwa komichi (yewaini) yakasanganiswa ne (mvura kubva muchitubu chinonzi) Kaafoor
Surah Al-Insan, Verse 5


عَيۡنٗا يَشۡرَبُ بِهَا عِبَادُ ٱللَّهِ يُفَجِّرُونَهَا تَفۡجِيرٗا

Chitubu icho varanda vaAllah vachamwa, vochiita kuti chipopome zvakanyanya
Surah Al-Insan, Verse 6


يُوفُونَ بِٱلنَّذۡرِ وَيَخَافُونَ يَوۡمٗا كَانَ شَرُّهُۥ مُسۡتَطِيرٗا

Ndivo (avo) vanozadzikisa mhiko (dzavo), uye vanotya zuva zvakaipa zvaro zvichafararira
Surah Al-Insan, Verse 7


وَيُطۡعِمُونَ ٱلطَّعَامَ عَلَىٰ حُبِّهِۦ مِسۡكِينٗا وَيَتِيمٗا وَأَسِيرًا

Uye vanopa chikafu, kunyangwe vanerudo nacho (kana kuti vachiratidza rudo kwavari Allah), kune anoshaya, nherera, uye mubatwi
Surah Al-Insan, Verse 8


إِنَّمَا نُطۡعِمُكُمۡ لِوَجۡهِ ٱللَّهِ لَا نُرِيدُ مِنكُمۡ جَزَآءٗ وَلَا شُكُورًا

(Vachiti): “Tinokudyisai kuri kutsvaga Nyasha dzaAllah chete. Hatidi mubairo kana kutendwa kubva kwamuri.”
Surah Al-Insan, Verse 9


إِنَّا نَخَافُ مِن رَّبِّنَا يَوۡمًا عَبُوسٗا قَمۡطَرِيرٗا

“Zvirokwazvo, tinotya kubva kuna Tenzi vedu iro zuva rakaoma uye kushaiwa, richaita kuti zviso zvityise (kubva mukusarida).”
Surah Al-Insan, Verse 10


فَوَقَىٰهُمُ ٱللَّهُ شَرَّ ذَٰلِكَ ٱلۡيَوۡمِ وَلَقَّىٰهُمۡ نَضۡرَةٗ وَسُرُورٗا

Naizvozvo Allah vakave vanova nunura kubva muhuipi wezuva racho, uye vakave vanovapa Nadrah (chiedza cherunako) uye mufaro
Surah Al-Insan, Verse 11


وَجَزَىٰهُم بِمَا صَبَرُواْ جَنَّةٗ وَحَرِيرٗا

Uye mubairo wavo uchave Paradhiso, uye magamenzi esiriki, nemhaka yokuti vaiva vanotsungirira
Surah Al-Insan, Verse 12


مُّتَّكِـِٔينَ فِيهَا عَلَى ٱلۡأَرَآئِكِۖ لَا يَرَوۡنَ فِيهَا شَمۡسٗا وَلَا زَمۡهَرِيرٗا

Vakatsamhira imomo pamatendamo akakwirira. Havaoni varimo kupisa kwakanyanya, kana kutonhorwa kwakanyanya (sezvo kuParadhiso hakuna zuva kana mwedzi)
Surah Al-Insan, Verse 13


وَدَانِيَةً عَلَيۡهِمۡ ظِلَٰلُهَا وَذُلِّلَتۡ قُطُوفُهَا تَذۡلِيلٗا

Uye mvuri wemo unenge uri pavari, uye nemapazi emichero achava anorembera pedyo navo
Surah Al-Insan, Verse 14


وَيُطَافُ عَلَيۡهِم بِـَٔانِيَةٖ مِّن فِضَّةٖ وَأَكۡوَابٖ كَانَتۡ قَوَارِيرَا۠

Uye pakati pavo pachava pano fambiswa midziyo yesirivha uye nemakomichi egirazi
Surah Al-Insan, Verse 15


قَوَارِيرَاْ مِن فِضَّةٖ قَدَّرُوهَا تَقۡدِيرٗا

Girazi rakachena, rakagadzirwa nesirivha. Vachave vanosarudza huwandu hwawo (nekuda kwavo)
Surah Al-Insan, Verse 16


وَيُسۡقَوۡنَ فِيهَا كَأۡسٗا كَانَ مِزَاجُهَا زَنجَبِيلًا

Uye vachapiwa kuti vamwe komichi (yewaini) yakazanganiswa neZanjabeel (Tsangamidzi)
Surah Al-Insan, Verse 17


عَيۡنٗا فِيهَا تُسَمَّىٰ سَلۡسَبِيلٗا

Kune chitubu imomo chinonzi Salsabeel
Surah Al-Insan, Verse 18


۞وَيَطُوفُ عَلَيۡهِمۡ وِلۡدَٰنٞ مُّخَلَّدُونَ إِذَا رَأَيۡتَهُمۡ حَسِبۡتَهُمۡ لُؤۡلُؤٗا مَّنثُورٗا

Uye pavari pachave nemajaya (vachiva pakurira) vaine hujaya husingaperi. Kana ukavaona, unofunga kuti matombo akakosha (mapera) akafararira
Surah Al-Insan, Verse 19


وَإِذَا رَأَيۡتَ ثَمَّ رَأَيۡتَ نَعِيمٗا وَمُلۡكٗا كَبِيرًا

Uye ukatarisa imomo (muParadhiso), unoona zvakanaka (izvo zvisingafungirike), uye nenyika huru
Surah Al-Insan, Verse 20


عَٰلِيَهُمۡ ثِيَابُ سُندُسٍ خُضۡرٞ وَإِسۡتَبۡرَقٞۖ وَحُلُّوٓاْ أَسَاوِرَ مِن فِضَّةٖ وَسَقَىٰهُمۡ رَبُّهُمۡ شَرَابٗا طَهُورًا

Pavari vanenge vaine hanzu dzegirini dzakapfava dzakanaka uye siriki yakakora. Vanenge vakashongedzwa nejati dzesirivha, uye Tenzi vavo vachavapa kumwa kwakachena
Surah Al-Insan, Verse 21


إِنَّ هَٰذَا كَانَ لَكُمۡ جَزَآءٗ وَكَانَ سَعۡيُكُم مَّشۡكُورًا

(Uye zvichanzi kwavari): “Zvirokwazvo mubairo ndewenyu, uye mabasa enyu atambirwa.”
Surah Al-Insan, Verse 22


إِنَّا نَحۡنُ نَزَّلۡنَا عَلَيۡكَ ٱلۡقُرۡءَانَ تَنزِيلٗا

Zvirokwazvo, tisu takatumidza (Qur’aan) kwauri (Muhammad (SAW)) muzvidimbu
Surah Al-Insan, Verse 23


فَٱصۡبِرۡ لِحُكۡمِ رَبِّكَ وَلَا تُطِعۡ مِنۡهُمۡ ءَاثِمًا أَوۡ كَفُورٗا

Saka iva unotsungirira kumirairo ya Tenzi vako, uye usave unoteerera mutadzi kana asingatendi kubva mavari
Surah Al-Insan, Verse 24


وَٱذۡكُرِ ٱسۡمَ رَبِّكَ بُكۡرَةٗ وَأَصِيلٗا

Uye rangarira zita raTenzi vako mangwanani uye nemasikati (nekuita minamato yeFajr, Dhuhr neAsr)
Surah Al-Insan, Verse 25


وَمِنَ ٱلَّيۡلِ فَٱسۡجُدۡ لَهُۥ وَسَبِّحۡهُ لَيۡلٗا طَوِيلًا

Uye nguva yeusiku, pfugama kwavari (nekuita munamato weMaghrib neIsha), uye varumbidze muhusiku hurefu (Nemunamato weTahajjud)
Surah Al-Insan, Verse 26


إِنَّ هَـٰٓؤُلَآءِ يُحِبُّونَ ٱلۡعَاجِلَةَ وَيَذَرُونَ وَرَآءَهُمۡ يَوۡمٗا ثَقِيلٗا

Zvirokwazvo, ava (vasingatendi) vanoda upenyu wepano pasi, uye vanosendeka shure zuva rinorema (iro rinenge rakaoma)
Surah Al-Insan, Verse 27


نَّحۡنُ خَلَقۡنَٰهُمۡ وَشَدَدۡنَآ أَسۡرَهُمۡۖ وَإِذَا شِئۡنَا بَدَّلۡنَآ أَمۡثَٰلَهُمۡ تَبۡدِيلًا

Tisu takavasika, uye tikavaiita zvigwindiri. Kana tichida, zvirokwazvo tinokwanisa kuunza vamwe vanhu vakafanana navo panzvimbo yavo
Surah Al-Insan, Verse 28


إِنَّ هَٰذِهِۦ تَذۡكِرَةٞۖ فَمَن شَآءَ ٱتَّخَذَ إِلَىٰ رَبِّهِۦ سَبِيلٗا

Zvirokwazvo iyi (ndima) iyeuchidzo, saka kune uyo anoda, ngaasarudze nzira yekuna Tenzi vake (Allah)
Surah Al-Insan, Verse 29


وَمَا تَشَآءُونَ إِلَّآ أَن يَشَآءَ ٱللَّهُۚ إِنَّ ٱللَّهَ كَانَ عَلِيمًا حَكِيمٗا

Asi hamudi, kunze ivo Allah vada. Zvirokwazvo Allah ndivo muzivi wezvose, muchenjeri
Surah Al-Insan, Verse 30


يُدۡخِلُ مَن يَشَآءُ فِي رَحۡمَتِهِۦۚ وَٱلظَّـٰلِمِينَ أَعَدَّ لَهُمۡ عَذَابًا أَلِيمَۢا

Vachaisa mutsitsi dzavo uyo wevaranda wavanoda. Asi avo vanoita zvakaipa vakavagadzirira dambudzo rinorwadza
Surah Al-Insan, Verse 31


Author: Abdullah J. M. Adini And Students


<< Surah 75
>> Surah 77

Shona Translations by other Authors


Shona Translation By Abdullah J. M. Adini And Students
Popular Areas
Apartments for rent in Dubai Apartments for rent Abu Dhabi Villas for rent in Dubai House for rent Abu Dhabi Apartments for sale in Dubai Apartments for sale in Abu Dhabi Flat for rent Sharjah
Popular Searches
Studios for rent in UAE Apartments for rent in UAE Villas for rent in UAE Apartments for sale in UAE Villas for sale in UAE Land for sale in UAE Dubai Real Estate
Trending Areas
Apartments for rent in Dubai Marina Apartments for sale in Dubai Marina Villa for rent in Sharjah Villa for sale in Dubai Flat for rent in Ajman Studio for rent in Abu Dhabi Villa for rent in Ajman
Trending Searches
Villa for rent in Abu Dhabi Shop for rent in Dubai Villas for sale in Ajman Studio for rent in Sharjah 1 Bedroom Apartment for rent in Dubai Property for rent in Abu Dhabi Commercial properties for sale
© Copyright Dubai Prayer Time. All Rights Reserved
Designed by Prayer Time In Dubai