Surah An-Naba - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
عَمَّ يَتَسَآءَلُونَ
Vanobvunzana maererano nei
Surah An-Naba, Verse 1
عَنِ ٱلنَّبَإِ ٱلۡعَظِيمِ
Maererano nenhaurwa huru (Islaam, Qur’aan iri uye Zuva Rekutongwa)
Surah An-Naba, Verse 2
ٱلَّذِي هُمۡ فِيهِ مُخۡتَلِفُونَ
Pamusoro payo vanopokana
Surah An-Naba, Verse 3
كَلَّا سَيَعۡلَمُونَ
Hongu, vachazviziva
Surah An-Naba, Verse 4
ثُمَّ كَلَّا سَيَعۡلَمُونَ
Hongu, vachazviziva zvekare
Surah An-Naba, Verse 5
أَلَمۡ نَجۡعَلِ ٱلۡأَرۡضَ مِهَٰدٗا
Hatina here kusika pasi semubhedha
Surah An-Naba, Verse 6
وَٱلۡجِبَالَ أَوۡتَادٗا
Uye makomo sehoko
Surah An-Naba, Verse 7
وَخَلَقۡنَٰكُمۡ أَزۡوَٰجٗا
Zvakare tikave tinokusikai muri vaviri vaviri (murume nemukadzi, akareba neakapfupika, akanaka neakaipa)
Surah An-Naba, Verse 8
وَجَعَلۡنَا نَوۡمَكُمۡ سُبَاتٗا
Uye tikava tinokupai hope kuti muve munozorora
Surah An-Naba, Verse 9
وَجَعَلۡنَا ٱلَّيۡلَ لِبَاسٗا
Uye tikave tinosika usiku sehwidibiro
Surah An-Naba, Verse 10
وَجَعَلۡنَا ٱلنَّهَارَ مَعَاشٗا
Uye takasika masikati kuti muwane raramo
Surah An-Naba, Verse 11
وَبَنَيۡنَا فَوۡقَكُمۡ سَبۡعٗا شِدَادٗا
Tikava tinovaka pamusoro penyu matenga manomwe
Surah An-Naba, Verse 12
وَجَعَلۡنَا سِرَاجٗا وَهَّاجٗا
Uye tikasika mwenje unopenya (zuva)
Surah An-Naba, Verse 13
وَأَنزَلۡنَا مِنَ ٱلۡمُعۡصِرَٰتِ مَآءٗ ثَجَّاجٗا
Uye tikatumira mvura zhinji kubva kumakore
Surah An-Naba, Verse 14
لِّنُخۡرِجَ بِهِۦ حَبّٗا وَنَبَاتٗا
Kuti tive tinoburitsa zvirimwa
Surah An-Naba, Verse 15
وَجَنَّـٰتٍ أَلۡفَافًا
Uye nemapindu ezvirimwa zvakabatana zvakasvibira
Surah An-Naba, Verse 16
إِنَّ يَوۡمَ ٱلۡفَصۡلِ كَانَ مِيقَٰتٗا
Zvirokwazvo, zuva remutongo inguva yakatarwa
Surah An-Naba, Verse 17
يَوۡمَ يُنفَخُ فِي ٱلصُّورِ فَتَأۡتُونَ أَفۡوَاجٗا
Zuva iro richaridzwa hwamanda, uye muchauya muri muzvikwata
Surah An-Naba, Verse 18
وَفُتِحَتِ ٱلسَّمَآءُ فَكَانَتۡ أَبۡوَٰبٗا
Uye matenga achavhurwa oita segonhi
Surah An-Naba, Verse 19
وَسُيِّرَتِ ٱلۡجِبَالُ فَكَانَتۡ سَرَابًا
Uye makomo achabviswa munzvimbo dzawo sezvinonzi aiva madzimudzangara
Surah An-Naba, Verse 20
إِنَّ جَهَنَّمَ كَانَتۡ مِرۡصَادٗا
Zvirokwazvo, Gehena inzvimbo yakaipa
Surah An-Naba, Verse 21
لِّلطَّـٰغِينَ مَـَٔابٗا
Nzvimbo ichapindwa neavo vanotyora mirawo yaAllah
Surah An-Naba, Verse 22
لَّـٰبِثِينَ فِيهَآ أَحۡقَابٗا
Vachapindamo zvachose
Surah An-Naba, Verse 23
لَّا يَذُوقُونَ فِيهَا بَرۡدٗا وَلَا شَرَابًا
Hapana kana chinwiwa chichange chichitonhorera chavachamwa imomo, kana chinwiwa chipi zvacho
Surah An-Naba, Verse 24
إِلَّا حَمِيمٗا وَغَسَّاقٗا
Kusara kwemvura yakwatiswa, uye nezvose zvakaipa zvinobuda pamuviri
Surah An-Naba, Verse 25
جَزَآءٗ وِفَاقًا
Mubairo unoenderana nezvavaiita
Surah An-Naba, Verse 26
إِنَّهُمۡ كَانُواْ لَا يَرۡجُونَ حِسَابٗا
Zvirokwazvo, vakange vasingambotarisiri kuzotongwa
Surah An-Naba, Verse 27
وَكَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِنَا كِذَّابٗا
Uye vakaramba zviratidzo zvedu zvachose
Surah An-Naba, Verse 28
وَكُلَّ شَيۡءٍ أَحۡصَيۡنَٰهُ كِتَٰبٗا
Uye zvinhu zvose takave tinozvinyora muGwaro
Surah An-Naba, Verse 29
فَذُوقُواْ فَلَن نَّزِيدَكُمۡ إِلَّا عَذَابًا
Saka chiravirai (magumo emabasa enyu akaipa). Hatisi kuzokuwedzerai kusara kwemarwadzo
Surah An-Naba, Verse 30
إِنَّ لِلۡمُتَّقِينَ مَفَازًا
Muzvokwadi, kune avo vanotya Allah kuchange kune budiriro (Paradhiso)
Surah An-Naba, Verse 31
حَدَآئِقَ وَأَعۡنَٰبٗا
Yemapindu nemagirepi
Surah An-Naba, Verse 32
وَكَوَاعِبَ أَتۡرَابٗا
Uye mhandara dzezera rimwe dzakanaka
Surah An-Naba, Verse 33
وَكَأۡسٗا دِهَاقٗا
Uye komichi izere newaini
Surah An-Naba, Verse 34
لَّا يَسۡمَعُونَ فِيهَا لَغۡوٗا وَلَا كِذَّـٰبٗا
Havambonzwi imomo nhaurwa dzakaipa kana manyepo
Surah An-Naba, Verse 35
جَزَآءٗ مِّن رَّبِّكَ عَطَآءً حِسَابٗا
Mubairo kubva kuna Tenzi vako, chipo chakaverengwa (chinoenderana nezvakanaka zvavaiita)
Surah An-Naba, Verse 36
رَّبِّ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ وَمَا بَيۡنَهُمَا ٱلرَّحۡمَٰنِۖ لَا يَمۡلِكُونَ مِنۡهُ خِطَابٗا
Kubva kuna Tenzi vematenga nepasi rino uye zvose zviri mukati mavo, vane ngoni zhinji, avo vasingakwanise kutaura navo (kunze kwekuti vavapa mvumo)
Surah An-Naba, Verse 37
يَوۡمَ يَقُومُ ٱلرُّوحُ وَٱلۡمَلَـٰٓئِكَةُ صَفّٗاۖ لَّا يَتَكَلَّمُونَ إِلَّا مَنۡ أَذِنَ لَهُ ٱلرَّحۡمَٰنُ وَقَالَ صَوَابٗا
Pazuva iro Ar-Rooh (Gabriel kana imwe ngirozi) nengirozi dzichange dzakamira mumitsara, hapana achataura kana nani kusara kweuyo Allah vavanopa mvumo, uye achitaura zvinhu zvakanaka
Surah An-Naba, Verse 38
ذَٰلِكَ ٱلۡيَوۡمُ ٱلۡحَقُّۖ فَمَن شَآءَ ٱتَّخَذَ إِلَىٰ رَبِّهِۦ مَـَٔابًا
(Pasina kana kusagutsikana) Iri ndiro zuva rechokwadi. Saka, uyo anoda ngaave anotsvaga nzvimbo yakanaka (kana nzira yakanaka ye) kuna Tenzi vake (nekuvateerera pasi rino)
Surah An-Naba, Verse 39
إِنَّآ أَنذَرۡنَٰكُمۡ عَذَابٗا قَرِيبٗا يَوۡمَ يَنظُرُ ٱلۡمَرۡءُ مَا قَدَّمَتۡ يَدَاهُ وَيَقُولُ ٱلۡكَافِرُ يَٰلَيۡتَنِي كُنتُ تُرَٰبَۢا
Zvirokwazvo, takakuyambirai pamusoro pemarwadzo epadyo epazuva iro munhu wese achange achiona zvose zvakatungamidzwa nemaoko ake (zvaaita), uye uyo akange asingatendi achati: “Ndinokungura kuti ndingadai ndaiva ivhu.”
Surah An-Naba, Verse 40