Surah Ash-Shams - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
وَٱلشَّمۡسِ وَضُحَىٰهَا
(Ndinopika) nezuva nekubwinya kwaro
Surah Ash-Shams, Verse 1
وَٱلۡقَمَرِ إِذَا تَلَىٰهَا
Nemwedzi paunoritevera (zuva)
Surah Ash-Shams, Verse 2
وَٱلنَّهَارِ إِذَا جَلَّىٰهَا
(Ndinopika) nemasikati paanoratidza (kubwinya kwezuva)
Surah Ash-Shams, Verse 3
وَٱلَّيۡلِ إِذَا يَغۡشَىٰهَا
Neusiku paunorivhara (zuva)
Surah Ash-Shams, Verse 4
وَٱلسَّمَآءِ وَمَا بَنَىٰهَا
Nedenga neavo vakarivaka
Surah Ash-Shams, Verse 5
وَٱلۡأَرۡضِ وَمَا طَحَىٰهَا
(Ndinopika) nepasi neavo vakari tambanudza
Surah Ash-Shams, Verse 6
وَنَفۡسٖ وَمَا سَوَّىٰهَا
Nemoyo (munhu) neavo vakamugadzira mune zvakanaka
Surah Ash-Shams, Verse 7
فَأَلۡهَمَهَا فُجُورَهَا وَتَقۡوَىٰهَا
Uye vakamuratidza zvakaipa kwaari nezvakanaka kwaari
Surah Ash-Shams, Verse 8
قَدۡ أَفۡلَحَ مَن زَكَّىٰهَا
Zvirokwazvo, anobudirira uyo anozvichenesa (anotevedzera Islaam)
Surah Ash-Shams, Verse 9
وَقَدۡ خَابَ مَن دَسَّىٰهَا
Uye zvirokwazvo anokundikana uyo anozvikanganisira pachake (anoramba Islaam)
Surah Ash-Shams, Verse 10
كَذَّبَتۡ ثَمُودُ بِطَغۡوَىٰهَآ
(Vanhu) veThamud vakaramba kuburikidza nekudarikidza kwavo mitemo (vairamba chitendero chechokwadi, Islaam, uye vachiita mabasa akaipa)
Surah Ash-Shams, Verse 11
إِذِ ٱنۢبَعَثَ أَشۡقَىٰهَا
Apo muipi wavo akaenda mberi (kuti auraye ngamera)
Surah Ash-Shams, Verse 12
فَقَالَ لَهُمۡ رَسُولُ ٱللَّهِ نَاقَةَ ٱللَّهِ وَسُقۡيَٰهَا
Asi mutumwa waAllah (Swaalih (AS)) akati kwavari: “Iyi ingamera yaAllah (musaikuvadze), uye (musairambidze) kunwa kwayo!”
Surah Ash-Shams, Verse 13
فَكَذَّبُوهُ فَعَقَرُوهَا فَدَمۡدَمَ عَلَيۡهِمۡ رَبُّهُم بِذَنۢبِهِمۡ فَسَوَّىٰهَا
Naizvozvo vakamuramba uye vakaiuraya. Naizvozvo Tenzi vavo vakavaparadza nekuda kwechitadzo chavo, uye vakavaenzanisa mukuparadzwa (vanhu vose, vapfumi, nevarombo, vane simba nevasina simba)
Surah Ash-Shams, Verse 14
وَلَا يَخَافُ عُقۡبَٰهَا
Uye ivo (Allah) havana kutya zvichaitika mumashure mazvo
Surah Ash-Shams, Verse 15