Surah Al-Alaq - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
ٱقۡرَأۡ بِٱسۡمِ رَبِّكَ ٱلَّذِي خَلَقَ
Verenga! Muzita raTenzi vako avo vakasika (zvinhu zvese)
Surah Al-Alaq, Verse 1
خَلَقَ ٱلۡإِنسَٰنَ مِنۡ عَلَقٍ
Vakasika munhu kubva mubumbu reropa
Surah Al-Alaq, Verse 2
ٱقۡرَأۡ وَرَبُّكَ ٱلۡأَكۡرَمُ
Verenga! Uye Tenzi vako ndivo mukomboreri mukuru
Surah Al-Alaq, Verse 3
ٱلَّذِي عَلَّمَ بِٱلۡقَلَمِ
Avo vakadzidzisa (kunyora) nechinyoreso
Surah Al-Alaq, Verse 4
عَلَّمَ ٱلۡإِنسَٰنَ مَا لَمۡ يَعۡلَمۡ
Vakadzidzisa munhu izvo zvaakanga asingazivi
Surah Al-Alaq, Verse 5
كَلَّآ إِنَّ ٱلۡإِنسَٰنَ لَيَطۡغَىٰٓ
Asi, zvirokwazvo, munhu anodarika mirairo
Surah Al-Alaq, Verse 6
أَن رَّءَاهُ ٱسۡتَغۡنَىٰٓ
Nokuda kwekuti anozviona sekunge akapfuma
Surah Al-Alaq, Verse 7
إِنَّ إِلَىٰ رَبِّكَ ٱلرُّجۡعَىٰٓ
Zvirokazvo, kuna Tenzi vako ndiko kune kudzokera
Surah Al-Alaq, Verse 8
أَرَءَيۡتَ ٱلَّذِي يَنۡهَىٰ
Wakamuona here (Muhammad (SAW)) uyo anodzivirira (anorambidza - Abu Jahl)
Surah Al-Alaq, Verse 9
عَبۡدًا إِذَا صَلَّىٰٓ
Muranda (Muhammad (SAW)) kana achinamata
Surah Al-Alaq, Verse 10
أَرَءَيۡتَ إِن كَانَ عَلَى ٱلۡهُدَىٰٓ
Wakamboona here kana iye (Muhammad (SAW)) ari kutungamirwa (naAllah)
Surah Al-Alaq, Verse 11
أَوۡ أَمَرَ بِٱلتَّقۡوَىٰٓ
Kana ari kukomekedza kutya (Allah)
Surah Al-Alaq, Verse 12
أَرَءَيۡتَ إِن كَذَّبَ وَتَوَلَّىٰٓ
Wakamboona here kana iye (Abu Jahl) achiramba chokwadi (Qur’aan) uye achifuratira
Surah Al-Alaq, Verse 13
أَلَمۡ يَعۡلَم بِأَنَّ ٱللَّهَ يَرَىٰ
Haazivi here kuti Allah vanoona (zvose)
Surah Al-Alaq, Verse 14
كَلَّا لَئِن لَّمۡ يَنتَهِ لَنَسۡفَعَۢا بِٱلنَّاصِيَةِ
Asi, kana asina kusiya (Abu Jahl), tichamubata nebvudzi rekumberi
Surah Al-Alaq, Verse 15
نَاصِيَةٖ كَٰذِبَةٍ خَاطِئَةٖ
Bvudzi repamberi (pemusoro) rinonyepa nekukanganisa
Surah Al-Alaq, Verse 16
فَلۡيَدۡعُ نَادِيَهُۥ
Naizvozvo chimusiyai adaidze dare rake (revabetseri)
Surah Al-Alaq, Verse 17
سَنَدۡعُ ٱلزَّبَانِيَةَ
Isu tichadaidza vachengeti veGehena (kuti vaone chekuita naye)
Surah Al-Alaq, Verse 18
كَلَّا لَا تُطِعۡهُ وَٱسۡجُدۡۤ وَٱقۡتَرِب۩
Kwete! (Muhammad (SAW)) usamuteerera (Abu Jahl). Pfugama uye uswedere pedyo (naAllah)
Surah Al-Alaq, Verse 19