Surah Yunus Verse 22 - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
Surah Yunusهُوَ ٱلَّذِي يُسَيِّرُكُمۡ فِي ٱلۡبَرِّ وَٱلۡبَحۡرِۖ حَتَّىٰٓ إِذَا كُنتُمۡ فِي ٱلۡفُلۡكِ وَجَرَيۡنَ بِهِم بِرِيحٖ طَيِّبَةٖ وَفَرِحُواْ بِهَا جَآءَتۡهَا رِيحٌ عَاصِفٞ وَجَآءَهُمُ ٱلۡمَوۡجُ مِن كُلِّ مَكَانٖ وَظَنُّوٓاْ أَنَّهُمۡ أُحِيطَ بِهِمۡ دَعَوُاْ ٱللَّهَ مُخۡلِصِينَ لَهُ ٱلدِّينَ لَئِنۡ أَنجَيۡتَنَا مِنۡ هَٰذِهِۦ لَنَكُونَنَّ مِنَ ٱلشَّـٰكِرِينَ
Ndivo vanoita kuti mukwanise kufamba pasi nemumvura (nyanza), kusvika pamunenge muri mungarava, uye dzofamba navo nemhepo dzakanaka, uye vanofara imomo, uye kobva kwauya kuvhuvhuta kwakanyanya uye masai-sai ovavinga kubva kumativi ose, uye vofunga kuti vaunganirwa imomo. Nokudaro vanodana Allah vachiita kuti kutenda kwavo kuchenere Allah voga (vachiti): “Kana Allah mukatibuditsa muizvi, zvirokwazvo, tichava pakati pevanotenda.”