Surah Yunus Verse 4 - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
Surah Yunusإِلَيۡهِ مَرۡجِعُكُمۡ جَمِيعٗاۖ وَعۡدَ ٱللَّهِ حَقًّاۚ إِنَّهُۥ يَبۡدَؤُاْ ٱلۡخَلۡقَ ثُمَّ يُعِيدُهُۥ لِيَجۡزِيَ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّـٰلِحَٰتِ بِٱلۡقِسۡطِۚ وَٱلَّذِينَ كَفَرُواْ لَهُمۡ شَرَابٞ مِّنۡ حَمِيمٖ وَعَذَابٌ أَلِيمُۢ بِمَا كَانُواْ يَكۡفُرُونَ
Kwavari ivo ndiko kwamuchadzokera mese. Vimbiso yaAllah ndeye chokwadi. Zvirokwazvo, ndivo (Allah) vakatanga kusika zvisikwa uye vachadzokororazve, kuti vave vanopa mugove zvakaringana avo vaitenda (muhumwe chete hwaAllah) uye kuita mabasa ehutsvene. Asi avo vasingatendi, vachamwa zvinwiwa zvemvura dzinopisa, uye vachawana marwadzo akaomarara nokuti vakanga vasingatendi