Surah Yunus Verse 61 - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
Surah Yunusوَمَا تَكُونُ فِي شَأۡنٖ وَمَا تَتۡلُواْ مِنۡهُ مِن قُرۡءَانٖ وَلَا تَعۡمَلُونَ مِنۡ عَمَلٍ إِلَّا كُنَّا عَلَيۡكُمۡ شُهُودًا إِذۡ تُفِيضُونَ فِيهِۚ وَمَا يَعۡزُبُ عَن رَّبِّكَ مِن مِّثۡقَالِ ذَرَّةٖ فِي ٱلۡأَرۡضِ وَلَا فِي ٱلسَّمَآءِ وَلَآ أَصۡغَرَ مِن ذَٰلِكَ وَلَآ أَكۡبَرَ إِلَّا فِي كِتَٰبٖ مُّبِينٍ
Kunyange iwe (Muhammad (SAW)) ukaita basa kana kuverenga chero ndima yemuQur’aan, kana imi (vanhu) mukaita chero basa (rakanaka kana rakaipa), asi isu tiri vafakazi mazviri pamunozviita. Uye hapana chakavanzika kubva kuna Tenzi vako (kunyange) huremu hwekanhu kadiki-diki panyika kana kudenga. Kunyange kari kadiki pane ikako kana kahombe kupfuura ikako, asi kari (kakanyorwa) mugwaro riri pachena