Surah Al-Qaria - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
ٱلۡقَارِعَةُ
Nguva yokuparadzwa (zuva rokumutswa)
Surah Al-Qaria, Verse 1
مَا ٱلۡقَارِعَةُ
Chii chinonzi nguva yokuparadzwa
Surah Al-Qaria, Verse 2
وَمَآ أَدۡرَىٰكَ مَا ٱلۡقَارِعَةُ
Uye chii chichakuita kuti uzive kuti nguva yokuparadzwa chii
Surah Al-Qaria, Verse 3
يَوۡمَ يَكُونُ ٱلنَّاسُ كَٱلۡفَرَاشِ ٱلۡمَبۡثُوثِ
Izuva iro vachange vakaita sokunge shave-shave dzakapararira
Surah Al-Qaria, Verse 4
وَتَكُونُ ٱلۡجِبَالُ كَٱلۡعِهۡنِ ٱلۡمَنفُوشِ
Uye makomo achaita sokunge shinda (wuru) yakaparadzirwa
Surah Al-Qaria, Verse 5
فَأَمَّا مَن ثَقُلَتۡ مَوَٰزِينُهُۥ
Asi kune uyo huremu hwemabasa ake (akanaka) huchange huchirema
Surah Al-Qaria, Verse 6
فَهُوَ فِي عِيشَةٖ رَّاضِيَةٖ
Achagara hupenyu hunofadza (kuJannah)
Surah Al-Qaria, Verse 7
وَأَمَّا مَنۡ خَفَّتۡ مَوَٰزِينُهُۥ
Asi kune uyo huremu hwemabasa ake achange asingaremi
Surah Al-Qaria, Verse 8
فَأُمُّهُۥ هَاوِيَةٞ
Achawana imba yake iri Haawiya (gomba, Gehena)
Surah Al-Qaria, Verse 9
وَمَآ أَدۡرَىٰكَ مَا هِيَهۡ
Uye chii chichakuita kuti uzive kuti chii
Surah Al-Qaria, Verse 10
نَارٌ حَامِيَةُۢ
Imoto unovirima (viriri remoto)
Surah Al-Qaria, Verse 11