Surah At-Takathur - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
أَلۡهَىٰكُمُ ٱلتَّكَاثُرُ
Kuunganidza (zvenyika) kunokuitai kuti murivare
Surah At-Takathur, Verse 1
حَتَّىٰ زُرۡتُمُ ٱلۡمَقَابِرَ
Kusvikira mashanyira makuva (mafa)
Surah At-Takathur, Verse 2
كَلَّا سَوۡفَ تَعۡلَمُونَ
Kwete! Muchasvika pakuziva
Surah At-Takathur, Verse 3
ثُمَّ كَلَّا سَوۡفَ تَعۡلَمُونَ
Zvakare kwete! Muchasvika pakuziva
Surah At-Takathur, Verse 4
كَلَّا لَوۡ تَعۡلَمُونَ عِلۡمَ ٱلۡيَقِينِ
Kwete! Dai maiziva noruzivo rwechokwadi (magumo ekuunganidza, maisadaro)
Surah At-Takathur, Verse 5
لَتَرَوُنَّ ٱلۡجَحِيمَ
Zvirokwazvo, muchaona viriri remoto (weGehena)
Surah At-Takathur, Verse 6
ثُمَّ لَتَرَوُنَّهَا عَيۡنَ ٱلۡيَقِينِ
Uye zvakare, muchauona (iwo moto) nemeso akajeka
Surah At-Takathur, Verse 7
ثُمَّ لَتُسۡـَٔلُنَّ يَوۡمَئِذٍ عَنِ ٱلنَّعِيمِ
Uye nezuva iroro zvirokwazvo muchabvunzwa nezvemafaro (zvamaiita panyika)
Surah At-Takathur, Verse 8