Surah Hud - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
الٓرۚ كِتَٰبٌ أُحۡكِمَتۡ ءَايَٰتُهُۥ ثُمَّ فُصِّلَتۡ مِن لَّدُنۡ حَكِيمٍ خَبِيرٍ
Alif – Laam – Raa. (Aya mashoko ndiwo mamwe ezvishamiso zviri muQur’aan, uye hakuna anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah (voga)). Iri iGwaro ndima dzaro dzakanatsurudzwa, uye dzikatsanangudzwa zvizere neavo vazere nehungwaru (Allah), vanoziva zvese
Surah Hud, Verse 1
أَلَّا تَعۡبُدُوٓاْ إِلَّا ٱللَّهَۚ إِنَّنِي لَكُم مِّنۡهُ نَذِيرٞ وَبَشِيرٞ
(Vachiti): “Musave munonamata kunze kwaAllah voga. Zvirokwazvo, ndiri muyambiri kwamuri kubva kwavari uye mupi wemashoko akanaka.”
Surah Hud, Verse 2
وَأَنِ ٱسۡتَغۡفِرُواْ رَبَّكُمۡ ثُمَّ تُوبُوٓاْ إِلَيۡهِ يُمَتِّعۡكُم مَّتَٰعًا حَسَنًا إِلَىٰٓ أَجَلٖ مُّسَمّٗى وَيُؤۡتِ كُلَّ ذِي فَضۡلٖ فَضۡلَهُۥۖ وَإِن تَوَلَّوۡاْ فَإِنِّيٓ أَخَافُ عَلَيۡكُمۡ عَذَابَ يَوۡمٖ كَبِيرٍ
Uye kuti: “Kumbirai ruregerero rwaTenzi venyu, uye motendeukira kwavari muchikumbira ruregerero, kuti vave vanokupai mufaro wakanaka wenguva yakatarwa, uye kupa muridzi wemakomborero (uyo anobatsira vanotambura pachake, uye nehupfume wake kana mashoko akanaka) makomborero ake. Asi mukava munofuratira, nokudaro zvirokwazvo ndinokutyirai marwadzo ezuva hombe (Zuva Rokutongwa).”
Surah Hud, Verse 3
إِلَى ٱللَّهِ مَرۡجِعُكُمۡۖ وَهُوَ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٖ قَدِيرٌ
“Kuna Allah ndiko kwamuchadzokera, uye vanokwanisa kuita zvose.”
Surah Hud, Verse 4
أَلَآ إِنَّهُمۡ يَثۡنُونَ صُدُورَهُمۡ لِيَسۡتَخۡفُواْ مِنۡهُۚ أَلَا حِينَ يَسۡتَغۡشُونَ ثِيَابَهُمۡ يَعۡلَمُ مَا يُسِرُّونَ وَمَا يُعۡلِنُونَۚ إِنَّهُۥ عَلِيمُۢ بِذَاتِ ٱلصُّدُورِ
Pasina kusagutsikana! Vakavhara zvipfuva zvavo kuti vave vanohwanda kubva kwavari (Allah). Zvirokwazvo, kunyange vakazvivhara pachezvavo nenhumbi dzavo, (Allah) vanoziva zvavanoviga nezvavanobudisa pachena. Zvirokwazvo, ndivo vanoziva zvikuru zviri mumoyo
Surah Hud, Verse 5
۞وَمَا مِن دَآبَّةٖ فِي ٱلۡأَرۡضِ إِلَّا عَلَى ٱللَّهِ رِزۡقُهَا وَيَعۡلَمُ مُسۡتَقَرَّهَا وَمُسۡتَوۡدَعَهَاۚ كُلّٞ فِي كِتَٰبٖ مُّبِينٖ
Uye hapana chisikwa chinofamba pasi, asi zvokudya zvacho zvinobva kuna Allah. Uye vanoziva pazvinogara uye nzvimbo yakanaka yazvinogara (mudumbu kana muguva). Zvose zviri mubhuku riri pachena
Surah Hud, Verse 6
وَهُوَ ٱلَّذِي خَلَقَ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ فِي سِتَّةِ أَيَّامٖ وَكَانَ عَرۡشُهُۥ عَلَى ٱلۡمَآءِ لِيَبۡلُوَكُمۡ أَيُّكُمۡ أَحۡسَنُ عَمَلٗاۗ وَلَئِن قُلۡتَ إِنَّكُم مَّبۡعُوثُونَ مِنۢ بَعۡدِ ٱلۡمَوۡتِ لَيَقُولَنَّ ٱلَّذِينَ كَفَرُوٓاْ إِنۡ هَٰذَآ إِلَّا سِحۡرٞ مُّبِينٞ
Uye ndivo vakasika matenga nenyika mumazuva matanhatu uye Chigaro chavo chehumambo chakanga chiri pamusoro pemvura, kuti vave vanokuedzai kuti ndiani pakati penyu anoita mabasa akanaka. Asi dai ukati kwavari: “Zvirokwazvo, muchava munomutswa mushure mokufa,” zvirokwazvo avo vasingatendi vanoti: “Izvi hapana zvazviri kusara kwemapipi ari pachena.”
Surah Hud, Verse 7
وَلَئِنۡ أَخَّرۡنَا عَنۡهُمُ ٱلۡعَذَابَ إِلَىٰٓ أُمَّةٖ مَّعۡدُودَةٖ لَّيَقُولُنَّ مَا يَحۡبِسُهُۥٓۗ أَلَا يَوۡمَ يَأۡتِيهِمۡ لَيۡسَ مَصۡرُوفًا عَنۡهُمۡ وَحَاقَ بِهِم مَّا كَانُواْ بِهِۦ يَسۡتَهۡزِءُونَ
Uye zvirokwazvo tikanonotsa marwadzo kwavari kusvika panguva yakatarwa, zvirokwazvo vanoti: “Chii chiri kuwanonotsa?” Zvirokwazvo, pazuva paachasvika kwavari, hapana chichaaita kuti avafuratire, uye vachave vanokomboredzwa neizvo zvavaiwanzotora sedambe
Surah Hud, Verse 8
وَلَئِنۡ أَذَقۡنَا ٱلۡإِنسَٰنَ مِنَّا رَحۡمَةٗ ثُمَّ نَزَعۡنَٰهَا مِنۡهُ إِنَّهُۥ لَيَـُٔوسٞ كَفُورٞ
Uye tikave tinopa munhu kuti aravire tsitsi kubva kwatiri, uye tobva tadzibvisa kubva kwaari, zvirokwazvo, anoshaiwa tarisiro, oratidza kusatenda
Surah Hud, Verse 9
وَلَئِنۡ أَذَقۡنَٰهُ نَعۡمَآءَ بَعۡدَ ضَرَّآءَ مَسَّتۡهُ لَيَقُولَنَّ ذَهَبَ ٱلسَّيِّـَٔاتُ عَنِّيٓۚ إِنَّهُۥ لَفَرِحٞ فَخُورٌ
Asi tikaita kuti ave anoravira zvakanaka (makomborero) mushure mekunge zvakaipa (nzara nemarwadzo) zvamubata, muzvirokwazvo anoti: “Zvakaipa zvabva kwandiri.” Zvirokwazvo, anofarisa, uye kuzvitutumadza
Surah Hud, Verse 10
إِلَّا ٱلَّذِينَ صَبَرُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّـٰلِحَٰتِ أُوْلَـٰٓئِكَ لَهُم مَّغۡفِرَةٞ وَأَجۡرٞ كَبِيرٞ
Kunze kweavo vanoratidza moyo murefu uye voita mabasa akanaka, ava vachawana ruregero uye mubairo muhombe (Paradhiso)
Surah Hud, Verse 11
فَلَعَلَّكَ تَارِكُۢ بَعۡضَ مَا يُوحَىٰٓ إِلَيۡكَ وَضَآئِقُۢ بِهِۦ صَدۡرُكَ أَن يَقُولُواْ لَوۡلَآ أُنزِلَ عَلَيۡهِ كَنزٌ أَوۡ جَآءَ مَعَهُۥ مَلَكٌۚ إِنَّمَآ أَنتَ نَذِيرٞۚ وَٱللَّهُ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٖ وَكِيلٌ
Saka pamwe iwe (Muhammad (SAW)) unosiya chidimbu chezvawakazarurirwa, uye chipfuva chako chinomanikana nazvo nokuda kwekuti vanoti: “Nei hupfumi husina kutumirwa kwaari, kana ngirozi kuuya naye?” Asi uri muyambiri chete. Uye Allah ndiWakil (Mumiriri kana Muchengetedzi) wezvinhu zvose
Surah Hud, Verse 12
أَمۡ يَقُولُونَ ٱفۡتَرَىٰهُۖ قُلۡ فَأۡتُواْ بِعَشۡرِ سُوَرٖ مِّثۡلِهِۦ مُفۡتَرَيَٰتٖ وَٱدۡعُواْ مَنِ ٱسۡتَطَعۡتُم مِّن دُونِ ٱللَّهِ إِن كُنتُمۡ صَٰدِقِينَ
Kana kuti vanoti: “Iye (Muporofita Muhammad (SAW)) akaribirira (iri Qur’aan).” Iti: “Hunzai imi ndima gumi dzakabirirwa saizvozvo, uye danai ani nani wamunokwanisa kusiya kwaAllah (kuti akubetserei), kana muchitaura chokwadi!”
Surah Hud, Verse 13
فَإِلَّمۡ يَسۡتَجِيبُواْ لَكُمۡ فَٱعۡلَمُوٓاْ أَنَّمَآ أُنزِلَ بِعِلۡمِ ٱللَّهِ وَأَن لَّآ إِلَٰهَ إِلَّا هُوَۖ فَهَلۡ أَنتُم مُّسۡلِمُونَ
Asi kana vakasakupindura, ziva kuti (Qur’aan) rakadzikiswa neruzivo rwaAllah, uye kuti Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna anekodzero yokunamatwa asi ivo)! Saka muchava here maMuslim (avo vanozvipira kuchitendero cheIslaam)
Surah Hud, Verse 14
مَن كَانَ يُرِيدُ ٱلۡحَيَوٰةَ ٱلدُّنۡيَا وَزِينَتَهَا نُوَفِّ إِلَيۡهِمۡ أَعۡمَٰلَهُمۡ فِيهَا وَهُمۡ فِيهَا لَا يُبۡخَسُونَ
Ani nani anoshuvira hupenyu hwepano pasi uye zvinopenya zvavo, tichavapa mubairo wakazara wemabasa avo imomo, uye havamboderedzerwa (mubairo wavo) imomo
Surah Hud, Verse 15
أُوْلَـٰٓئِكَ ٱلَّذِينَ لَيۡسَ لَهُمۡ فِي ٱلۡأٓخِرَةِ إِلَّا ٱلنَّارُۖ وَحَبِطَ مَا صَنَعُواْ فِيهَا وَبَٰطِلٞ مَّا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ
Ndivo avo vasina chavanacho muhupenyu hwamangwana kunze kwemoto, uye mabasa avaiita imomo achange asina mature. Uye zvavaiiata zvichange zvisina basa
Surah Hud, Verse 16
أَفَمَن كَانَ عَلَىٰ بَيِّنَةٖ مِّن رَّبِّهِۦ وَيَتۡلُوهُ شَاهِدٞ مِّنۡهُ وَمِن قَبۡلِهِۦ كِتَٰبُ مُوسَىٰٓ إِمَامٗا وَرَحۡمَةًۚ أُوْلَـٰٓئِكَ يُؤۡمِنُونَ بِهِۦۚ وَمَن يَكۡفُرۡ بِهِۦ مِنَ ٱلۡأَحۡزَابِ فَٱلنَّارُ مَوۡعِدُهُۥۚ فَلَا تَكُ فِي مِرۡيَةٖ مِّنۡهُۚ إِنَّهُ ٱلۡحَقُّ مِن رَّبِّكَ وَلَٰكِنَّ أَكۡثَرَ ٱلنَّاسِ لَا يُؤۡمِنُونَ
Saka vakafanana here avo (maMuslim) vanovimba nehumboo huri pachena (Qur’aan) wakabva kuna Tenzi vavo, uyezve rine mufakazi (Jibreel (Gabriel)) akabva kwavari (Allah) anoriverenga (nevanhu vasingatendi)? Uye mushure maro makauya Bhuku raMusa, segwara uye tsitsi, ava ndivo vanotenda mariri, asi avo kubva muzvikwata (zvemaJudha, maKristu nemamwe marudzi) vanoriramba (Qur’aan), moto uchava nzvimbo yavo yakavimbiswa yokusanganira. Nokudaro usava nekugunun’una pamusoro pazvo (kuti avo vanoramba Islaam, vachapinda kuGehena). Zvirokwazvo, ichokwadi kubva kuna Tenzi vako, asi vanhu vakawanda havatendi
Surah Hud, Verse 17
وَمَنۡ أَظۡلَمُ مِمَّنِ ٱفۡتَرَىٰ عَلَى ٱللَّهِ كَذِبًاۚ أُوْلَـٰٓئِكَ يُعۡرَضُونَ عَلَىٰ رَبِّهِمۡ وَيَقُولُ ٱلۡأَشۡهَٰدُ هَـٰٓؤُلَآءِ ٱلَّذِينَ كَذَبُواْ عَلَىٰ رَبِّهِمۡۚ أَلَا لَعۡنَةُ ٱللَّهِ عَلَى ٱلظَّـٰلِمِينَ
Uye ndiani anotadza zvakanyanya kudarika uyo anovamba manyepo pamusoro paAllah? Avo ndivo vachaunzwa pamberi paTenzi vavo, uye vafakazi vachati: “Ava ndivo vainyepa pamusoro paTenzi vavo!” Pasina kugunun’una! Kurengera (kutukwa) kwaAllah kuri kumaDhaalimoon (vatadzi)
Surah Hud, Verse 18
ٱلَّذِينَ يَصُدُّونَ عَن سَبِيلِ ٱللَّهِ وَيَبۡغُونَهَا عِوَجٗا وَهُم بِٱلۡأٓخِرَةِ هُمۡ كَٰفِرُونَ
Avo vanodzivisa (vanhu) munzira yaAllah (Islaam), uye kutsvaga gonyongodzo mairi, uye ivo vari vasingatendi muhupenyu hwamangwana
Surah Hud, Verse 19
أُوْلَـٰٓئِكَ لَمۡ يَكُونُواْ مُعۡجِزِينَ فِي ٱلۡأَرۡضِ وَمَا كَانَ لَهُم مِّن دُونِ ٱللَّهِ مِنۡ أَوۡلِيَآءَۘ يُضَٰعَفُ لَهُمُ ٱلۡعَذَابُۚ مَا كَانُواْ يَسۡتَطِيعُونَ ٱلسَّمۡعَ وَمَا كَانُواْ يُبۡصِرُونَ
Avo hapana nzira yavachatiza nayo (murango hwaAllah) pano pasi kana kuve nevabetseri kunze kwaAllah! Mutongo wavo uchapetwa kaviri! Havana kumboita hanya nekunzwa (vaparidzi vechokwadi), uye vaigara vasingaoni (chokwadi, kunyangwe vange vane nzeve nemaziso)
Surah Hud, Verse 20
أُوْلَـٰٓئِكَ ٱلَّذِينَ خَسِرُوٓاْ أَنفُسَهُمۡ وَضَلَّ عَنۡهُم مَّا كَانُواْ يَفۡتَرُونَ
Ndivo avo vakazvirasa ivo pachavo, uye zvinamatwa zvenhema zvavakavamba zvichanyangarika kubva kwavari
Surah Hud, Verse 21
لَا جَرَمَ أَنَّهُمۡ فِي ٱلۡأٓخِرَةِ هُمُ ٱلۡأَخۡسَرُونَ
Zvirokwazvo, ava ndivo varasikirwi vahombe muhupenyu hwamangwana
Surah Hud, Verse 22
إِنَّ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّـٰلِحَٰتِ وَأَخۡبَتُوٓاْ إِلَىٰ رَبِّهِمۡ أُوْلَـٰٓئِكَ أَصۡحَٰبُ ٱلۡجَنَّةِۖ هُمۡ فِيهَا خَٰلِدُونَ
Zvirokwazvo, avo vanotenda (muhumwechete hwaAllah) uye vachiita mabasa akanaka, uye vachizvininipisa pamberi paTenzi vavo, vachave vagari vekuParadhiso, umo vachagara zvachose
Surah Hud, Verse 23
۞مَثَلُ ٱلۡفَرِيقَيۡنِ كَٱلۡأَعۡمَىٰ وَٱلۡأَصَمِّ وَٱلۡبَصِيرِ وَٱلسَّمِيعِۚ هَلۡ يَسۡتَوِيَانِ مَثَلًاۚ أَفَلَا تَذَكَّرُونَ
Fanano yezvikwata zviviri yakafanana neye bofu nematsi, neanoona neanonzwa. Vakaenzana here kana vakafananidzwa? Saka hamutori here chidzidzo
Surah Hud, Verse 24
وَلَقَدۡ أَرۡسَلۡنَا نُوحًا إِلَىٰ قَوۡمِهِۦٓ إِنِّي لَكُمۡ نَذِيرٞ مُّبِينٌ
Zvirokwazvo, takatumira Nowa kuvanhu vake (uye akati): “Ndauya kwamuri semuyambiri ari pachena.”
Surah Hud, Verse 25
أَن لَّا تَعۡبُدُوٓاْ إِلَّا ٱللَّهَۖ إِنِّيٓ أَخَافُ عَلَيۡكُمۡ عَذَابَ يَوۡمٍ أَلِيمٖ
“Kuti musanamate chimwe chinhu kunze kwaAllah; zvirokwazvo, ndokutyirai imi chirango chezuva remarwadzo.”
Surah Hud, Verse 26
فَقَالَ ٱلۡمَلَأُ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ مِن قَوۡمِهِۦ مَا نَرَىٰكَ إِلَّا بَشَرٗا مِّثۡلَنَا وَمَا نَرَىٰكَ ٱتَّبَعَكَ إِلَّا ٱلَّذِينَ هُمۡ أَرَاذِلُنَا بَادِيَ ٱلرَّأۡيِ وَمَا نَرَىٰ لَكُمۡ عَلَيۡنَا مِن فَضۡلِۭ بَلۡ نَظُنُّكُمۡ كَٰذِبِينَ
Madzishe aisatenda pakati pevanhu vake akati: “Tinokuona asi semunhu akangofanana nesu, uye hationi vanokutevera vari kunze kweavo vasina maturo pakati pedu uye vasina kufunga. Uye hationi mauri muine chiremekedzo chinopfuura isu, asi pachokwadi tinokuona semunyepi.”
Surah Hud, Verse 27
قَالَ يَٰقَوۡمِ أَرَءَيۡتُمۡ إِن كُنتُ عَلَىٰ بَيِّنَةٖ مِّن رَّبِّي وَءَاتَىٰنِي رَحۡمَةٗ مِّنۡ عِندِهِۦ فَعُمِّيَتۡ عَلَيۡكُمۡ أَنُلۡزِمُكُمُوهَا وَأَنتُمۡ لَهَا كَٰرِهُونَ
Iye akati: “Imi vanhu vangu! Ndiudzei, ko kana ndine humboo huri pachena kubva kuna Tenzi vangu, uye vandipa tsitsi (chiporofita) kubva kwavari, asi (tsitsi) idzodzo dzakavanzwa mumaziso enyu. Tokumanikidzirai here kuchigamuchira (chitendero cheIslaam) imi muchichivenga?”
Surah Hud, Verse 28
وَيَٰقَوۡمِ لَآ أَسۡـَٔلُكُمۡ عَلَيۡهِ مَالًاۖ إِنۡ أَجۡرِيَ إِلَّا عَلَى ٱللَّهِۚ وَمَآ أَنَا۠ بِطَارِدِ ٱلَّذِينَ ءَامَنُوٓاْۚ إِنَّهُم مُّلَٰقُواْ رَبِّهِمۡ وَلَٰكِنِّيٓ أَرَىٰكُمۡ قَوۡمٗا تَجۡهَلُونَ
“Uye imi vanhu vangu! Handina kukubvunzai hupfumi pamusoro pacho. Mubairo wangu hauna anawo kunze kwaAllah. Handisi kuzombofa ndakadzinga avo vanotenda. Zvirokwazvo, vachasangana naTenzi vavo, asi ndinokuonai muri vanhu vasina ruzivo.”
Surah Hud, Verse 29
وَيَٰقَوۡمِ مَن يَنصُرُنِي مِنَ ٱللَّهِ إِن طَرَدتُّهُمۡۚ أَفَلَا تَذَكَّرُونَ
“Uye imi vanhu vangu! Ndiani achandibetsera kuna Allah kana ndikavadzinga? Hamurangarirewo here?”
Surah Hud, Verse 30
وَلَآ أَقُولُ لَكُمۡ عِندِي خَزَآئِنُ ٱللَّهِ وَلَآ أَعۡلَمُ ٱلۡغَيۡبَ وَلَآ أَقُولُ إِنِّي مَلَكٞ وَلَآ أَقُولُ لِلَّذِينَ تَزۡدَرِيٓ أَعۡيُنُكُمۡ لَن يُؤۡتِيَهُمُ ٱللَّهُ خَيۡرًاۖ ٱللَّهُ أَعۡلَمُ بِمَا فِيٓ أَنفُسِهِمۡ إِنِّيٓ إِذٗا لَّمِنَ ٱلظَّـٰلِمِينَ
“Uye handisi kuti kwamuri ndine hupfumi hwaAllah, kana kuti ndinoziva zvakavanzika, kana kuti ndiri kuti ini ndiri ngirozi, uye handisi kuti kune avo maziso enyu anovatarisira pasi kuti Allah havazovapi chakanaka. Allah vanoziva zviri mumoyo yavo. Zvirokwazvo, kana ndikadaro ndichave umwe wemaDhaalimoon (vatadzi).”
Surah Hud, Verse 31
قَالُواْ يَٰنُوحُ قَدۡ جَٰدَلۡتَنَا فَأَكۡثَرۡتَ جِدَٰلَنَا فَأۡتِنَا بِمَا تَعِدُنَآ إِن كُنتَ مِنَ ٱلصَّـٰدِقِينَ
Vakati: “Iwe Nowa! Wapikidzana nesu uye warebesa kupikidzana kwako nesu. Nokudaro tiunzire zvaunoti tyityidzira nazvo kana uri pachokwadi.”
Surah Hud, Verse 32
قَالَ إِنَّمَا يَأۡتِيكُم بِهِ ٱللَّهُ إِن شَآءَ وَمَآ أَنتُم بِمُعۡجِزِينَ
Iye akati: “Zvirokwazvo, Allah chete ndivo vachawaunza (marwadzo) kwamuri kana vachida, uye hamumbofi makapukunyuka.”
Surah Hud, Verse 33
وَلَا يَنفَعُكُمۡ نُصۡحِيٓ إِنۡ أَرَدتُّ أَنۡ أَنصَحَ لَكُمۡ إِن كَانَ ٱللَّهُ يُرِيدُ أَن يُغۡوِيَكُمۡۚ هُوَ رَبُّكُمۡ وَإِلَيۡهِ تُرۡجَعُونَ
“Uye yambiro yangu haikubetserei kunyange kana ndikashuvira kukupai zano rakanaka, kana kuda kwaAllah kuri kwekuti musave pagwara. Ndi Tenzi venyu uye kwavari muchadzokera.”
Surah Hud, Verse 34
أَمۡ يَقُولُونَ ٱفۡتَرَىٰهُۖ قُلۡ إِنِ ٱفۡتَرَيۡتُهُۥ فَعَلَيَّ إِجۡرَامِي وَأَنَا۠ بَرِيٓءٞ مِّمَّا تُجۡرِمُونَ
Kana kuti avo (vasingatendi vemuMakkah) vanoti: “Uyu (Muhammad (SAW)) akarigadzira iri (Qur’aan).” Iti: “Kana ndakarigadzira, kwandiri ngakuve nemhosva yangu, asi handina mhosva pamhosva dzose dzamunoita.”
Surah Hud, Verse 35
وَأُوحِيَ إِلَىٰ نُوحٍ أَنَّهُۥ لَن يُؤۡمِنَ مِن قَوۡمِكَ إِلَّا مَن قَدۡ ءَامَنَ فَلَا تَبۡتَئِسۡ بِمَا كَانُواْ يَفۡعَلُونَ
Uye zvakazarurirwa Nowa: “Hapana pakati pevanhu vako vachatenda kunze kweavo vakatenda kare. Nokudaro usashungurudzike nezvavanoita.”
Surah Hud, Verse 36
وَٱصۡنَعِ ٱلۡفُلۡكَ بِأَعۡيُنِنَا وَوَحۡيِنَا وَلَا تُخَٰطِبۡنِي فِي ٱلَّذِينَ ظَلَمُوٓاْ إِنَّهُم مُّغۡرَقُونَ
“Uye vaka ngarava takakutarisa nemaziso edu uye nemashoko edu (nekuzarurirwa kwedu), uye usandidane uchimiririra avo vakaita zvakaipa; zvirokwazvo vachanyudzwa.”
Surah Hud, Verse 37
وَيَصۡنَعُ ٱلۡفُلۡكَ وَكُلَّمَا مَرَّ عَلَيۡهِ مَلَأٞ مِّن قَوۡمِهِۦ سَخِرُواْ مِنۡهُۚ قَالَ إِن تَسۡخَرُواْ مِنَّا فَإِنَّا نَسۡخَرُ مِنكُمۡ كَمَا تَسۡخَرُونَ
Uye paaivaka ngarava, pose-pose pavaimupfuura madzishe evanhu vake, vaimutsvinyira. Iye akati: “Kana mukatitsvinyira, saizvozvo tichakutsvinyiraiwo sematsvinyiro amuri kuita.”
Surah Hud, Verse 38
فَسَوۡفَ تَعۡلَمُونَ مَن يَأۡتِيهِ عَذَابٞ يُخۡزِيهِ وَيَحِلُّ عَلَيۡهِ عَذَابٞ مُّقِيمٌ
“Uye muchaziva kuti kuna ani kuchauya murango uyo uchamufukidza nenyadzi, uye kuna ani kuchawira murango usingaperi.”
Surah Hud, Verse 39
حَتَّىٰٓ إِذَا جَآءَ أَمۡرُنَا وَفَارَ ٱلتَّنُّورُ قُلۡنَا ٱحۡمِلۡ فِيهَا مِن كُلّٖ زَوۡجَيۡنِ ٱثۡنَيۡنِ وَأَهۡلَكَ إِلَّا مَن سَبَقَ عَلَيۡهِ ٱلۡقَوۡلُ وَمَنۡ ءَامَنَۚ وَمَآ ءَامَنَ مَعَهُۥٓ إِلَّا قَلِيلٞ
(Zvakava sokudaro) kusvika apo murairo wedu wakauya, uye hovhoni yakapfachuka (mvura ichibva pasi nesimba). Tikati: “Pinza mairi (ngarava) parudzi rwega rwega zviviri (hadzi nerume), uye nemhuri yako, kusara kweuyo shoko rakapfuura paari (kuti achaparadzwa), neavo vanotenda.” Uye hapana akatenda kwaari kunze kwevashoma
Surah Hud, Verse 40
۞وَقَالَ ٱرۡكَبُواْ فِيهَا بِسۡمِ ٱللَّهِ مَجۡرٜىٰهَا وَمُرۡسَىٰهَآۚ إِنَّ رَبِّي لَغَفُورٞ رَّحِيمٞ
Uye Nowa akati: “Pindai mairi: muzita raAllah ichafamba munzira mayo uye kumira kwayo. Zvirokwazvo, Tenzi vangu vanoregerera zvikuru, vane tsitsi dzakanyanya.”
Surah Hud, Verse 41
وَهِيَ تَجۡرِي بِهِمۡ فِي مَوۡجٖ كَٱلۡجِبَالِ وَنَادَىٰ نُوحٌ ٱبۡنَهُۥ وَكَانَ فِي مَعۡزِلٖ يَٰبُنَيَّ ٱرۡكَب مَّعَنَا وَلَا تَكُن مَّعَ ٱلۡكَٰفِرِينَ
Nokudaro (ngarava) yakafamba navo pakati pemasai-sai akafanana nemakomo, uye Nowa akasheedza mwana wake, uyo akanga aparadzana naye: “Iwe mwanangu! Kwira nesu uye usave neavo vasingatendi.”
Surah Hud, Verse 42
قَالَ سَـَٔاوِيٓ إِلَىٰ جَبَلٖ يَعۡصِمُنِي مِنَ ٱلۡمَآءِۚ قَالَ لَا عَاصِمَ ٱلۡيَوۡمَ مِنۡ أَمۡرِ ٱللَّهِ إِلَّا مَن رَّحِمَۚ وَحَالَ بَيۡنَهُمَا ٱلۡمَوۡجُ فَكَانَ مِنَ ٱلۡمُغۡرَقِينَ
(Mwana) akapindura: “Ndichatsvaga rubatsiro kubva kune mamwe makomo achava anondibatsira kubva kumvura.” Nowa akati: “Zuva ranhasi hakuna mununuri kubva kumurairo waAllah kusiya kweuyo wavanzwira tsitsi.” Uye masai-sai akauya pakati pavo, nokudaro akava mumwe wevakanyudzwa
Surah Hud, Verse 43
وَقِيلَ يَـٰٓأَرۡضُ ٱبۡلَعِي مَآءَكِ وَيَٰسَمَآءُ أَقۡلِعِي وَغِيضَ ٱلۡمَآءُ وَقُضِيَ ٱلۡأَمۡرُ وَٱسۡتَوَتۡ عَلَى ٱلۡجُودِيِّۖ وَقِيلَ بُعۡدٗا لِّلۡقَوۡمِ ٱلظَّـٰلِمِينَ
Uye zvakava zvinonzi: “Iwe nyika! Nyudza mvura yako, uye Iwe denga! Misa (kunaya).” Uye mvura yakaitwa kuti iserere uye murairo (waAllah) wakazadziswa. Uye ngarava yakamira mugomo reJudi, uye zvikanzi: “Ngavave kure vanhu avo vanotadza!”
Surah Hud, Verse 44
وَنَادَىٰ نُوحٞ رَّبَّهُۥ فَقَالَ رَبِّ إِنَّ ٱبۡنِي مِنۡ أَهۡلِي وَإِنَّ وَعۡدَكَ ٱلۡحَقُّ وَأَنتَ أَحۡكَمُ ٱلۡحَٰكِمِينَ
Uye Nowa akadana Tenzi vake uye akati: “Imi Tenzi vangu! Zvirokwazvo, mwana wangu mumwe wemhuri yangu! Uye zvirokwazvo vimbiso yenyu ndeye chokwadi, uye ndimi muenzanisi mukuru wevatongi.”
Surah Hud, Verse 45
قَالَ يَٰنُوحُ إِنَّهُۥ لَيۡسَ مِنۡ أَهۡلِكَۖ إِنَّهُۥ عَمَلٌ غَيۡرُ صَٰلِحٖۖ فَلَا تَسۡـَٔلۡنِ مَا لَيۡسَ لَكَ بِهِۦ عِلۡمٌۖ إِنِّيٓ أَعِظُكَ أَن تَكُونَ مِنَ ٱلۡجَٰهِلِينَ
(Allah) Vakati: “Iwe Nowa! Zvirokwazvo, haasi mumwe wemhuri yako; zvirokwazvo, mabasa ake akaipa, nokudaro usandibvunza zvausina ruzivo nazvo! Ndiri kukuyambira pamwe ungazova umwe wevasingazivi.”
Surah Hud, Verse 46
قَالَ رَبِّ إِنِّيٓ أَعُوذُ بِكَ أَنۡ أَسۡـَٔلَكَ مَا لَيۡسَ لِي بِهِۦ عِلۡمٞۖ وَإِلَّا تَغۡفِرۡ لِي وَتَرۡحَمۡنِيٓ أَكُن مِّنَ ٱلۡخَٰسِرِينَ
Nowa akati: “Imi Tenzi vangu! Ndinotsvaga kupotera kwamuri kubva mukukubvunzai zvandisina ruzivo nazvo. Uye mukasava munondiregerera kana kundinzwira tsitsi, ndichave zvirokwazvo mumwe wevakarasika.”
Surah Hud, Verse 47
قِيلَ يَٰنُوحُ ٱهۡبِطۡ بِسَلَٰمٖ مِّنَّا وَبَرَكَٰتٍ عَلَيۡكَ وَعَلَىٰٓ أُمَمٖ مِّمَّن مَّعَكَۚ وَأُمَمٞ سَنُمَتِّعُهُمۡ ثُمَّ يَمَسُّهُم مِّنَّا عَذَابٌ أَلِيمٞ
Zvakava zvinonzi: “Iwe Nowa! Dzika pasi kubva mungarava neruyamuro (nerunyararo) kubva kwatiri uye makomborero kwauri uye nevanhu vauri navo, asi (kuchava nevamwe) vanhu vatichapa mafaro (kwekanguvana), asi pakupedzisira marwadzo akaomarara achavasvikira kubva kwatiri.”
Surah Hud, Verse 48
تِلۡكَ مِنۡ أَنۢبَآءِ ٱلۡغَيۡبِ نُوحِيهَآ إِلَيۡكَۖ مَا كُنتَ تَعۡلَمُهَآ أَنتَ وَلَا قَوۡمُكَ مِن قَبۡلِ هَٰذَاۖ فَٱصۡبِرۡۖ إِنَّ ٱلۡعَٰقِبَةَ لِلۡمُتَّقِينَ
Iyi inyaya yezvakavanzika yatiri kukuzarurira (Muhammad (SAW)), kunyange iwe nevanhu vako makanga musingaizivi mushure meizvi. Saka iva nemoyo murefu. Zvirokwazvo, magumo (akanaka) ndee Al-Muttaqoon (Vatsvene)
Surah Hud, Verse 49
وَإِلَىٰ عَادٍ أَخَاهُمۡ هُودٗاۚ قَالَ يَٰقَوۡمِ ٱعۡبُدُواْ ٱللَّهَ مَا لَكُم مِّنۡ إِلَٰهٍ غَيۡرُهُۥٓۖ إِنۡ أَنتُمۡ إِلَّا مُفۡتَرُونَ
Uye kumaAad (takatumira) mukoma wavo Hud. Iye akati: “Imi vanhu vangu! Namatai Allah! Hamuna mumwe mwari kunze kwavo. Zvirokwazvo, hapana zvamunoita kunze kwekuvamba manyepo.”
Surah Hud, Verse 50
يَٰقَوۡمِ لَآ أَسۡـَٔلُكُمۡ عَلَيۡهِ أَجۡرًاۖ إِنۡ أَجۡرِيَ إِلَّا عَلَى ٱلَّذِي فَطَرَنِيٓۚ أَفَلَا تَعۡقِلُونَ
“Imi vanhu vangu! Handikubvunzei imi mubairo waro (Shoko). Mubairo wangu unobva kwavari ivo vakandisika. Hamunzwisise here?”
Surah Hud, Verse 51
وَيَٰقَوۡمِ ٱسۡتَغۡفِرُواْ رَبَّكُمۡ ثُمَّ تُوبُوٓاْ إِلَيۡهِ يُرۡسِلِ ٱلسَّمَآءَ عَلَيۡكُم مِّدۡرَارٗا وَيَزِدۡكُمۡ قُوَّةً إِلَىٰ قُوَّتِكُمۡ وَلَا تَتَوَلَّوۡاْ مُجۡرِمِينَ
“Uye Imi vanhu! Kumbirai ruregerero rwaTenzi venyu uye mobva madzoka kwavari, vachakutumirai kubva kudenga mvura yakawanda, uye kukuwedzerai simba pamusoro pesimba renyu, saka musava munofuratira semaMujrimoon (vasingatendi muhumwechete hwaAllah uye vatadzi).”
Surah Hud, Verse 52
قَالُواْ يَٰهُودُ مَا جِئۡتَنَا بِبَيِّنَةٖ وَمَا نَحۡنُ بِتَارِكِيٓ ءَالِهَتِنَا عَن قَوۡلِكَ وَمَا نَحۡنُ لَكَ بِمُؤۡمِنِينَ
Vakati: “Iwe Hud! Hapana huchapupu hwawatiunzira, uye hatizi kuzosiya vanamwari vedu nokutaura kwako! Uye hatisi vatendi kwauri.”
Surah Hud, Verse 53
إِن نَّقُولُ إِلَّا ٱعۡتَرَىٰكَ بَعۡضُ ءَالِهَتِنَا بِسُوٓءٖۗ قَالَ إِنِّيٓ أُشۡهِدُ ٱللَّهَ وَٱشۡهَدُوٓاْ أَنِّي بَرِيٓءٞ مِّمَّا تُشۡرِكُونَ
“Tinongoti (zvese zvaunotaura) ndezve kuti vamwe vevanamwari vedu vakubata nezvakaipa (kupenga).” Iye akati: “Ndinodana Allah kuti vaite mufakazi uye ndoita imi vafakazi kuti handina chokuita nazvo izvo zvamunosanganisa nazvo Allah mukuvanamata,”
Surah Hud, Verse 54
مِن دُونِهِۦۖ فَكِيدُونِي جَمِيعٗا ثُمَّ لَا تُنظِرُونِ
“Kusiya ivo (Allah). Nokudaro rongai kupokana neni, mose zvenyu, uye musandipe zororo.”
Surah Hud, Verse 55
إِنِّي تَوَكَّلۡتُ عَلَى ٱللَّهِ رَبِّي وَرَبِّكُمۚ مَّا مِن دَآبَّةٍ إِلَّا هُوَ ءَاخِذُۢ بِنَاصِيَتِهَآۚ إِنَّ رَبِّي عَلَىٰ صِرَٰطٖ مُّسۡتَقِيمٖ
“Ndinovimba naAllah, Tenzi vangu uye Tenzi venyu! Hakuna chero chinhu zvacho chinorarama asi chiri mumaoko avo (vane simba pamusoro pacho). Zvirokwazvo, Tenzi vangu vari pagwara rakatwasuka.”
Surah Hud, Verse 56
فَإِن تَوَلَّوۡاْ فَقَدۡ أَبۡلَغۡتُكُم مَّآ أُرۡسِلۡتُ بِهِۦٓ إِلَيۡكُمۡۚ وَيَسۡتَخۡلِفُ رَبِّي قَوۡمًا غَيۡرَكُمۡ وَلَا تَضُرُّونَهُۥ شَيۡـًٔاۚ إِنَّ رَبِّي عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٍ حَفِيظٞ
“Asi kana mukava munofuratira, zvirokwazvo shoko ndasvitsa randakatumwa naro kwamuri. Tenzi vangu vachakutsivai imi nevamwe vanhu, uye hamukwanisi kuvakuvadza kunyange padiki-diki. Zvirokwazvo, Tenzi vangu muchengeti wezvinhu zvose.”
Surah Hud, Verse 57
وَلَمَّا جَآءَ أَمۡرُنَا نَجَّيۡنَا هُودٗا وَٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ مَعَهُۥ بِرَحۡمَةٖ مِّنَّا وَنَجَّيۡنَٰهُم مِّنۡ عَذَابٍ غَلِيظٖ
Uye apo pakauya murairo wedu, takachengetedza Hud neavo vaitenda pamwe chete naye netsitsi dzinobva kwatiri, uye takavabuditsa kubva mumarwadzo akaomarara
Surah Hud, Verse 58
وَتِلۡكَ عَادٞۖ جَحَدُواْ بِـَٔايَٰتِ رَبِّهِمۡ وَعَصَوۡاْ رُسُلَهُۥ وَٱتَّبَعُوٓاْ أَمۡرَ كُلِّ جَبَّارٍ عَنِيدٖ
Ava vaive vanhu vaAad. Vakaramba humboo hwaTenzi vavo uye vakaramba kuteerera vatumwa vavo, uye vakatevera murairo hwewese aizvitutumadza
Surah Hud, Verse 59
وَأُتۡبِعُواْ فِي هَٰذِهِ ٱلدُّنۡيَا لَعۡنَةٗ وَيَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِۗ أَلَآ إِنَّ عَادٗا كَفَرُواْ رَبَّهُمۡۗ أَلَا بُعۡدٗا لِّعَادٖ قَوۡمِ هُودٖ
Uye vakabatwa nekurengerwa muno munyika uye (vachave kudaro) pazuva rokumutswa. Pasina kusagutsikana! Zvirokwazvo, maAad vakaramba kutenda muna Tenzi vavo. Saka kure nemaAad vanhu vaHud
Surah Hud, Verse 60
۞وَإِلَىٰ ثَمُودَ أَخَاهُمۡ صَٰلِحٗاۚ قَالَ يَٰقَوۡمِ ٱعۡبُدُواْ ٱللَّهَ مَا لَكُم مِّنۡ إِلَٰهٍ غَيۡرُهُۥۖ هُوَ أَنشَأَكُم مِّنَ ٱلۡأَرۡضِ وَٱسۡتَعۡمَرَكُمۡ فِيهَا فَٱسۡتَغۡفِرُوهُ ثُمَّ تُوبُوٓاْ إِلَيۡهِۚ إِنَّ رَبِّي قَرِيبٞ مُّجِيبٞ
Uye kumaThamood takatumira mukoma wavo Swaalih. Akati: “Imi vanhu vangu! Namatai Allah: hamuna umwe mwari kunze kwavo. Vakakusikai kubva munyika uye vakakugarisai mairi, nokudaro kumbirai ruregerero kwavari uye modzoka kwavari. Zvirokwazvo, Tenzi vangu vari pedyo (neruzivo rwavo), vanopindura.”
Surah Hud, Verse 61
قَالُواْ يَٰصَٰلِحُ قَدۡ كُنتَ فِينَا مَرۡجُوّٗا قَبۡلَ هَٰذَآۖ أَتَنۡهَىٰنَآ أَن نَّعۡبُدَ مَا يَعۡبُدُ ءَابَآؤُنَا وَإِنَّنَا لَفِي شَكّٖ مِّمَّا تَدۡعُونَآ إِلَيۡهِ مُرِيبٖ
Vakati: “Iwe Swaalih! Waive pakati pedu semunhu akanaka (uye taikushuvira kuti uve mutungamiri wedu) mushure meizvi (zvekuti tinamate Allah voga)! Uri kutirambidza kunamata izvo zvainamatwa nemadzibaba edu? Asi tine kusagutsikana kwakanyanya maererano nezvaunotidanira.”
Surah Hud, Verse 62
قَالَ يَٰقَوۡمِ أَرَءَيۡتُمۡ إِن كُنتُ عَلَىٰ بَيِّنَةٖ مِّن رَّبِّي وَءَاتَىٰنِي مِنۡهُ رَحۡمَةٗ فَمَن يَنصُرُنِي مِنَ ٱللَّهِ إِنۡ عَصَيۡتُهُۥۖ فَمَا تَزِيدُونَنِي غَيۡرَ تَخۡسِيرٖ
Iye akati: “Imi vanhu vangu! Ndiudzei, ko kana ndiine humbooo huri pachena kubva kuna Tenzi vangu, uye kwauya kwandiri tsitsi (chiporofita) kubva kwavari, saka ndiani achandibetsera pamberi paAllah, kana ndikasavateerera? Nokudaro hamundiwedzeri kusara kwekurasikirwa.”
Surah Hud, Verse 63
وَيَٰقَوۡمِ هَٰذِهِۦ نَاقَةُ ٱللَّهِ لَكُمۡ ءَايَةٗۖ فَذَرُوهَا تَأۡكُلۡ فِيٓ أَرۡضِ ٱللَّهِۖ وَلَا تَمَسُّوهَا بِسُوٓءٖ فَيَأۡخُذَكُمۡ عَذَابٞ قَرِيبٞ
“Uye Imi vanhu! Iyi ngamera yechikadzi yaAllah chiratidzo kwamuri, nokudaro isiyei ifure munyika yaAllah, uye musava munoibata nezvakaipa, nokuti pamwe murango uri pedyo ungakuwirai.”
Surah Hud, Verse 64
فَعَقَرُوهَا فَقَالَ تَمَتَّعُواْ فِي دَارِكُمۡ ثَلَٰثَةَ أَيَّامٖۖ ذَٰلِكَ وَعۡدٌ غَيۡرُ مَكۡذُوبٖ
Asi vakaiuraya. Saka akati: “Farai mudzimba dzenyu kwemazuva matatu. Iyi ivimbiso isingakoni (isiri yekunyepa).”
Surah Hud, Verse 65
فَلَمَّا جَآءَ أَمۡرُنَا نَجَّيۡنَا صَٰلِحٗا وَٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ مَعَهُۥ بِرَحۡمَةٖ مِّنَّا وَمِنۡ خِزۡيِ يَوۡمِئِذٍۚ إِنَّ رَبَّكَ هُوَ ٱلۡقَوِيُّ ٱلۡعَزِيزُ
Saka pakauya murairo wedu, takanunura Swaalih neavo vaitenda pamwe chete naye netsitsi dzakabva kwatiri, uye kubva mukunyadziswa kwezuva iri. Zvirokwazvo, Tenzi venyu ndivo vane masimba ose, mukuru wezvose
Surah Hud, Verse 66
وَأَخَذَ ٱلَّذِينَ ظَلَمُواْ ٱلصَّيۡحَةُ فَأَصۡبَحُواْ فِي دِيَٰرِهِمۡ جَٰثِمِينَ
Uye marwadzo akabata vaiti vezvakaipa, nokudaro vakarara vakapfugama (vakafa) mudzimba dzavo
Surah Hud, Verse 67
كَأَن لَّمۡ يَغۡنَوۡاْ فِيهَآۗ أَلَآ إِنَّ ثَمُودَاْ كَفَرُواْ رَبَّهُمۡۗ أَلَا بُعۡدٗا لِّثَمُودَ
Sezvinonzi havana kumbobvira vagara ipapo. Pasina kusagutsikana! Zvirokwazvo, maThamood havana kutenda muna Tenzi vavo. Nokudaro ngavave kure vanhu vaThamood
Surah Hud, Verse 68
وَلَقَدۡ جَآءَتۡ رُسُلُنَآ إِبۡرَٰهِيمَ بِٱلۡبُشۡرَىٰ قَالُواْ سَلَٰمٗاۖ قَالَ سَلَٰمٞۖ فَمَا لَبِثَ أَن جَآءَ بِعِجۡلٍ حَنِيذٖ
Uye zvirokwazvo, vatumwa vedu vakauya kuna Abrahamu nemashoko akanaka. Vakati: “Salaam (Runyararo kana Mhoroi)!” Akapindura: “Salaam (Runyararo kana Mhoroi)!” Uye akamhanyira kuvafadza nemhuru yakagochwa
Surah Hud, Verse 69
فَلَمَّا رَءَآ أَيۡدِيَهُمۡ لَا تَصِلُ إِلَيۡهِ نَكِرَهُمۡ وَأَوۡجَسَ مِنۡهُمۡ خِيفَةٗۚ قَالُواْ لَا تَخَفۡ إِنَّآ أُرۡسِلۡنَآ إِلَىٰ قَوۡمِ لُوطٖ
Asi paakaona maoko avo asingaendi pairi (nyama yakagochwa), haana kuvimba navo, uye akave nekuvatya. Vakati: “Usatye, zvirokwazvo tatumwa kuvanhu vaLoti.”
Surah Hud, Verse 70
وَٱمۡرَأَتُهُۥ قَآئِمَةٞ فَضَحِكَتۡ فَبَشَّرۡنَٰهَا بِإِسۡحَٰقَ وَمِن وَرَآءِ إِسۡحَٰقَ يَعۡقُوبَ
Uye mukadzi wake akanga akamira, uye akaseka (nekusadya kwevatumwa chikafu kana kuti nekufarira kuparadzwa kwevanhu vaLoti). Asi takamupa (mukadzi waAbrahamu) mashoko akanaka aIshaaq (Isaka), uye mushure maIshaaq (Isaka) aYa’qoob (Jakobho)
Surah Hud, Verse 71
قَالَتۡ يَٰوَيۡلَتَىٰٓ ءَأَلِدُ وَأَنَا۠ عَجُوزٞ وَهَٰذَا بَعۡلِي شَيۡخًاۖ إِنَّ هَٰذَا لَشَيۡءٌ عَجِيبٞ
Akati (achishamisika): “Matambudziko kwandiri! Ndingazvare here mwana ini ndiri mukadzi achembera, uye uyu murume wangu achembera? Zvirokwazvo ichi chinhu chinoshamisa!”
Surah Hud, Verse 72
قَالُوٓاْ أَتَعۡجَبِينَ مِنۡ أَمۡرِ ٱللَّهِۖ رَحۡمَتُ ٱللَّهِ وَبَرَكَٰتُهُۥ عَلَيۡكُمۡ أَهۡلَ ٱلۡبَيۡتِۚ إِنَّهُۥ حَمِيدٞ مَّجِيدٞ
Vakati: “Munoshamiswa here nemurairo waAllah? Tsitsi dzaAllah uye makomborero avo ngaave kwamuri, imi mhuri (yaAbrahamu). Zvirokwazvo, ivo (Allah) ndivo vane rumbidzo dzose, vane rukudzo rwese.”
Surah Hud, Verse 73
فَلَمَّا ذَهَبَ عَنۡ إِبۡرَٰهِيمَ ٱلرَّوۡعُ وَجَآءَتۡهُ ٱلۡبُشۡرَىٰ يُجَٰدِلُنَا فِي قَوۡمِ لُوطٍ
Nokudaro kutya pakwakabuda muna Abrahamu, uye mashoko akanaka asvika kwaari, akatanga kutikumbira (vatumwa vedu) pamusoro pevanhu vaLoti
Surah Hud, Verse 74
إِنَّ إِبۡرَٰهِيمَ لَحَلِيمٌ أَوَّـٰهٞ مُّنِيبٞ
Zvirokwazvo Abrahamu, pasina kusagutsikana, akanga ari munhu anotsungirira, aiwanzo kukumbira Allah zvine kuzvininipisa, uye aiva munhu anodzoka (kuna Allah nguva nenguva achikumbira ruregerero)
Surah Hud, Verse 75
يَـٰٓإِبۡرَٰهِيمُ أَعۡرِضۡ عَنۡ هَٰذَآۖ إِنَّهُۥ قَدۡ جَآءَ أَمۡرُ رَبِّكَۖ وَإِنَّهُمۡ ءَاتِيهِمۡ عَذَابٌ غَيۡرُ مَرۡدُودٖ
“Iwe Abraham! Siyana nazvo. Zvirokwazvo, murairo hwaTenzi vako wava unouya. Zvirokwazvo, kuchauya marwadzo kwavari asingadzorereke kumashure.”
Surah Hud, Verse 76
وَلَمَّا جَآءَتۡ رُسُلُنَا لُوطٗا سِيٓءَ بِهِمۡ وَضَاقَ بِهِمۡ ذَرۡعٗا وَقَالَ هَٰذَا يَوۡمٌ عَصِيبٞ
Uye pakauya vatumwa vedu kuna Loti, akava anobatwa nekutya pamusoro pavo, uye akazviona asina simba kwavari (pamwe vanhu vemuguta vangauye vachida kuita chingochani navo). Akabva ati: “Iri izuva rekushungurudzwa.”
Surah Hud, Verse 77
وَجَآءَهُۥ قَوۡمُهُۥ يُهۡرَعُونَ إِلَيۡهِ وَمِن قَبۡلُ كَانُواْ يَعۡمَلُونَ ٱلسَّيِّـَٔاتِۚ قَالَ يَٰقَوۡمِ هَـٰٓؤُلَآءِ بَنَاتِي هُنَّ أَطۡهَرُ لَكُمۡۖ فَٱتَّقُواْ ٱللَّهَ وَلَا تُخۡزُونِ فِي ضَيۡفِيٓۖ أَلَيۡسَ مِنكُمۡ رَجُلٞ رَّشِيدٞ
Uye vanhu vake vakauya vachimhanyidzana kwaari, sezvo mumashure vaigaro ita zvisakarurama (hungochani), iye akati: “Imi vanhu vangu! Ava vanasikana vangu (vakadzi vemunzvimbo), vakakuchenerai (kana mukavaroora zvakanaka). Nokudaro ityai Allah uye musava munondinyadzisa maererano nevaenzi vangu! Hapana here murume akakwana pakati penyu?”
Surah Hud, Verse 78
قَالُواْ لَقَدۡ عَلِمۡتَ مَا لَنَا فِي بَنَاتِكَ مِنۡ حَقّٖ وَإِنَّكَ لَتَعۡلَمُ مَا نُرِيدُ
Ivo vakati: “Zvirokwazvo, unozviziva kuti hatina kana shuviro kana kuda vanasikana vako, uye zvirokwazvo unonyatsoziva zvatinoda!”
Surah Hud, Verse 79
قَالَ لَوۡ أَنَّ لِي بِكُمۡ قُوَّةً أَوۡ ءَاوِيٓ إِلَىٰ رُكۡنٖ شَدِيدٖ
Iye akati: “Dai ndakanga ndiine simba rekukundai, kana kuti kuwana rumwe rubatsiro rwakasimba (rokukudzivisai).”
Surah Hud, Verse 80
قَالُواْ يَٰلُوطُ إِنَّا رُسُلُ رَبِّكَ لَن يَصِلُوٓاْ إِلَيۡكَۖ فَأَسۡرِ بِأَهۡلِكَ بِقِطۡعٖ مِّنَ ٱلَّيۡلِ وَلَا يَلۡتَفِتۡ مِنكُمۡ أَحَدٌ إِلَّا ٱمۡرَأَتَكَۖ إِنَّهُۥ مُصِيبُهَا مَآ أَصَابَهُمۡۚ إِنَّ مَوۡعِدَهُمُ ٱلصُّبۡحُۚ أَلَيۡسَ ٱلصُّبۡحُ بِقَرِيبٖ
(Vatumwa) vakati: “Iwe Loti! Zvirokwazvo, tiri vatumwa kubva kuna Tenzi vako! Havasi kuzosvika pauri! Saka famba nemhuri yako muchidimbu chehusiku, uye musaite kuti ani nani pakati penyu atarise kumashure; kusara kwemukadzi wako. Pachokwadi marwadzo achavawana, achamuwanawo (mukadzi wako). Zvirokwazvo, mangwanani ndiyo nguva yavo yakatarwa. Ko mangwanani haasi pedyo here?”
Surah Hud, Verse 81
فَلَمَّا جَآءَ أَمۡرُنَا جَعَلۡنَا عَٰلِيَهَا سَافِلَهَا وَأَمۡطَرۡنَا عَلَيۡهَا حِجَارَةٗ مِّن سِجِّيلٖ مَّنضُودٖ
Nokudaro pakauya murairo wedu, takapindikura (dhorobha reSodom), uye tikanaisa matombo anopisa, zvakarongeka rimwe mushure merimwe
Surah Hud, Verse 82
مُّسَوَّمَةً عِندَ رَبِّكَۖ وَمَا هِيَ مِنَ ٱلظَّـٰلِمِينَ بِبَعِيدٖ
Akatarwa kuna Tenzi vako, uye ange asiri kure nevatadzi
Surah Hud, Verse 83
۞وَإِلَىٰ مَدۡيَنَ أَخَاهُمۡ شُعَيۡبٗاۚ قَالَ يَٰقَوۡمِ ٱعۡبُدُواْ ٱللَّهَ مَا لَكُم مِّنۡ إِلَٰهٍ غَيۡرُهُۥۖ وَلَا تَنقُصُواْ ٱلۡمِكۡيَالَ وَٱلۡمِيزَانَۖ إِنِّيٓ أَرَىٰكُم بِخَيۡرٖ وَإِنِّيٓ أَخَافُ عَلَيۡكُمۡ عَذَابَ يَوۡمٖ مُّحِيطٖ
Uye kuvanhu veMadyan (Midian, takatumira) mukoma wavo Shuaib. Akati: “Imi vanhu vangu! Namatai Allah, hamuna umwe mwari kunze kwavo, uye musava munobirira pakuera kana huremu. Ndinokuonai makabudirira, uye ndinokutyirai mutongo wezuva rinokomberedza (rekutongwa).”
Surah Hud, Verse 84
وَيَٰقَوۡمِ أَوۡفُواْ ٱلۡمِكۡيَالَ وَٱلۡمِيزَانَ بِٱلۡقِسۡطِۖ وَلَا تَبۡخَسُواْ ٱلنَّاسَ أَشۡيَآءَهُمۡ وَلَا تَعۡثَوۡاْ فِي ٱلۡأَرۡضِ مُفۡسِدِينَ
“Uye Imi vanhu vangu! Ipai muero kana mupimo wakakwana uye musava munodzikisa zvinhu zvakakodzera kuvanhu, uye musava munoita zvisakarurama panyika, kukonzeresa huhori.”
Surah Hud, Verse 85
بَقِيَّتُ ٱللَّهِ خَيۡرٞ لَّكُمۡ إِن كُنتُم مُّؤۡمِنِينَۚ وَمَآ أَنَا۠ عَلَيۡكُم بِحَفِيظٖ
“Izvo zvamunosiirwa naAllah (mushure mekupa vanhu kodzero dzavo), zvakakunakirai kana muri vatendi. Uye handisi mumiriri kwamuri (muchengetedzi wenyu).”
Surah Hud, Verse 86
قَالُواْ يَٰشُعَيۡبُ أَصَلَوٰتُكَ تَأۡمُرُكَ أَن نَّتۡرُكَ مَا يَعۡبُدُ ءَابَآؤُنَآ أَوۡ أَن نَّفۡعَلَ فِيٓ أَمۡوَٰلِنَا مَا نَشَـٰٓؤُاْۖ إِنَّكَ لَأَنتَ ٱلۡحَلِيمُ ٱلرَّشِيدُ
Vakati: “Iwe Shuaib! Ko munamato wako unokukurudzira here kuti tisiye izvo zvainamatwa nemadzibaba edu, kana kuti tisiye kuita zvatinoda nehupfumi hwedu? Zvirokwazvo, uri munhu ane moyo murefu ane pfungwa dzakatwasuka!”
Surah Hud, Verse 87
قَالَ يَٰقَوۡمِ أَرَءَيۡتُمۡ إِن كُنتُ عَلَىٰ بَيِّنَةٖ مِّن رَّبِّي وَرَزَقَنِي مِنۡهُ رِزۡقًا حَسَنٗاۚ وَمَآ أُرِيدُ أَنۡ أُخَالِفَكُمۡ إِلَىٰ مَآ أَنۡهَىٰكُمۡ عَنۡهُۚ إِنۡ أُرِيدُ إِلَّا ٱلۡإِصۡلَٰحَ مَا ٱسۡتَطَعۡتُۚ وَمَا تَوۡفِيقِيٓ إِلَّا بِٱللَّهِۚ عَلَيۡهِ تَوَكَّلۡتُ وَإِلَيۡهِ أُنِيبُ
Iye akati: “Imi vanhu vangu! Ndiudzei kana ndiine humboo huri pachena kubva kuna Tenzi vangu, uye vakandipa raramo yakanaka kubva kwavari (ndoikanganisa here nekuisanganisa nemari yeuhori)? Uye handishuvire kupesana nemi ndichiita izvo zvandinokurambidzai. Asi ndinoshuvira chete shanduko yakanaka yandinokwanisa. Uye gwara rangu haribve kuna ani asi kuna Allah, kwavari ndinovimba uye kwavari ndinokumbira ruregerero.”
Surah Hud, Verse 88
وَيَٰقَوۡمِ لَا يَجۡرِمَنَّكُمۡ شِقَاقِيٓ أَن يُصِيبَكُم مِّثۡلُ مَآ أَصَابَ قَوۡمَ نُوحٍ أَوۡ قَوۡمَ هُودٍ أَوۡ قَوۡمَ صَٰلِحٖۚ وَمَا قَوۡمُ لُوطٖ مِّنكُم بِبَعِيدٖ
“Uye imi vanhu vangu! Musave munoita kuti kupokana kwangu (kupikisana kwangu nemi panyaya dzekusatenda) kuve kunokonzera rushambwa urwo rwakafanana nerwakavinga vanhu vaNowa kana kuti vaHud kana kuti vaSwaalih rwukuvingeiwo (rwukurwadziseiwo), uye vanhu vaLoti havasi kure nemi zvakanyanya!”
Surah Hud, Verse 89
وَٱسۡتَغۡفِرُواْ رَبَّكُمۡ ثُمَّ تُوبُوٓاْ إِلَيۡهِۚ إِنَّ رَبِّي رَحِيمٞ وَدُودٞ
“Uye kumbirai ruregero kuna Tenzi venyu uye tendeukirai kwavari. Zvirokwazvo, Tenzi vangu ndivo vane tsitsi dzose, nerudo rwose.”
Surah Hud, Verse 90
قَالُواْ يَٰشُعَيۡبُ مَا نَفۡقَهُ كَثِيرٗا مِّمَّا تَقُولُ وَإِنَّا لَنَرَىٰكَ فِينَا ضَعِيفٗاۖ وَلَوۡلَا رَهۡطُكَ لَرَجَمۡنَٰكَۖ وَمَآ أَنتَ عَلَيۡنَا بِعَزِيزٖ
Vakati: “Iwe Shuaib! Hatisi kunzwisisa pane zvizhinji zvaunotaura, uye tinokuona usina simba (zvinonzi aiva bofu) pakati pedu. Dai kusiri kuti mhuri yako, ingadai zvirokwazvo takakutema nematombo, uye hauna simba kupinda isu.”
Surah Hud, Verse 91
قَالَ يَٰقَوۡمِ أَرَهۡطِيٓ أَعَزُّ عَلَيۡكُم مِّنَ ٱللَّهِ وَٱتَّخَذۡتُمُوهُ وَرَآءَكُمۡ ظِهۡرِيًّاۖ إِنَّ رَبِّي بِمَا تَعۡمَلُونَ مُحِيطٞ
Iye akati: “Imi vanhu! Saka munoti mhuri yangu yakakosha kwamuri kupfuura Allah here? Uye munovakandira kumashure kwenyu. Zvirokwazvo, Tenzi vangu vanoziva (vanokomberedza) zvose zvamunoita.”
Surah Hud, Verse 92
وَيَٰقَوۡمِ ٱعۡمَلُواْ عَلَىٰ مَكَانَتِكُمۡ إِنِّي عَٰمِلٞۖ سَوۡفَ تَعۡلَمُونَ مَن يَأۡتِيهِ عَذَابٞ يُخۡزِيهِ وَمَنۡ هُوَ كَٰذِبٞۖ وَٱرۡتَقِبُوٓاْ إِنِّي مَعَكُمۡ رَقِيبٞ
“Uye imi vanhu vangu! Itai zvamunokwanisa nenzira yenyu, uye zvirokwazvo ndichaitawo (nenzira yangu). Muchaziva kuti kuna ani kuchasvikira marwadzo achamunyadzisa, uye ndiani munyepi! Uye Tarirai imi! Zvirokwazvo, neni ndakatarisawo nemi.”
Surah Hud, Verse 93
وَلَمَّا جَآءَ أَمۡرُنَا نَجَّيۡنَا شُعَيۡبٗا وَٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ مَعَهُۥ بِرَحۡمَةٖ مِّنَّا وَأَخَذَتِ ٱلَّذِينَ ظَلَمُواْ ٱلصَّيۡحَةُ فَأَصۡبَحُواْ فِي دِيَٰرِهِمۡ جَٰثِمِينَ
Asi pakauya murairo wedu, takanunura (takachengetedza) Shuaib uye neavo vaitenda pamwechete naye netsitsi dzedu. Uye marwadzo akasvikira vaiti vezvakaipa, uye vakarara (vakafa), vakapfugama mudzimba dzavo
Surah Hud, Verse 94
كَأَن لَّمۡ يَغۡنَوۡاْ فِيهَآۗ أَلَا بُعۡدٗا لِّمَدۡيَنَ كَمَا بَعِدَتۡ ثَمُودُ
Sekunge vasina kumbogaramo! Nokudaro ngaive kure Madyan (Midian) kufana nekure kweThamood! (Nzvimbo dzose idzi dzakaparadzwa)
Surah Hud, Verse 95
وَلَقَدۡ أَرۡسَلۡنَا مُوسَىٰ بِـَٔايَٰتِنَا وَسُلۡطَٰنٖ مُّبِينٍ
Uye zvirokwazvo, takatumira Musa nezviratidzo zvedu nesimba riri pachena
Surah Hud, Verse 96
إِلَىٰ فِرۡعَوۡنَ وَمَلَإِيْهِۦ فَٱتَّبَعُوٓاْ أَمۡرَ فِرۡعَوۡنَۖ وَمَآ أَمۡرُ فِرۡعَوۡنَ بِرَشِيدٖ
Kuna Farawo nemadzimambo ake, asi vakatevera murairo hwaFarawo, uye murairo hwaFarawo hwakanga usiri pagwara rechokwadi
Surah Hud, Verse 97
يَقۡدُمُ قَوۡمَهُۥ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِ فَأَوۡرَدَهُمُ ٱلنَّارَۖ وَبِئۡسَ ٱلۡوِرۡدُ ٱلۡمَوۡرُودُ
Achaenda (Achafamba) pamberi pevanhu vake pazuva rekumutswa, uye achavatungamirira kupinda mumoto, uye zvirokwazvo yakaipa inzvimbo yavachatungamirirwa
Surah Hud, Verse 98
وَأُتۡبِعُواْ فِي هَٰذِهِۦ لَعۡنَةٗ وَيَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِۚ بِئۡسَ ٱلرِّفۡدُ ٱلۡمَرۡفُودُ
Vakanga vachiteverwa nokurengerwa muuhu (hupenyu hwepasi pano) uye (vachateverwa nokurengerwa) pazuva rokumutswa. Chakaipa zvikuru chipo chavakapihwa (kurengerwa pasi rino kuchiteverwa nokurengerwa muhupenyu hwemangwana)
Surah Hud, Verse 99
ذَٰلِكَ مِنۡ أَنۢبَآءِ ٱلۡقُرَىٰ نَقُصُّهُۥ عَلَيۡكَۖ مِنۡهَا قَآئِمٞ وَحَصِيدٞ
Idzi ndidzo dzimwe dzenhau dzemaguta dzatiri kukuudza (Muhammad (SAW)), mamwe acho achiri akamira, uye mamwe akakohwewa (akaparadzwa)
Surah Hud, Verse 100
وَمَا ظَلَمۡنَٰهُمۡ وَلَٰكِن ظَلَمُوٓاْ أَنفُسَهُمۡۖ فَمَآ أَغۡنَتۡ عَنۡهُمۡ ءَالِهَتُهُمُ ٱلَّتِي يَدۡعُونَ مِن دُونِ ٱللَّهِ مِن شَيۡءٖ لَّمَّا جَآءَ أَمۡرُ رَبِّكَۖ وَمَا زَادُوهُمۡ غَيۡرَ تَتۡبِيبٖ
Hatina kuvakanganisira asi vakazvikanganisira pachavo. Nokudaro vanamwari vavo vavaidaidza vachisiya Allah, havana kuvabatsira kunyange nechii zvacho apo pakauya murairo waTenzi vako, uye havana kuvawedzera kusara kwekuparadzwa
Surah Hud, Verse 101
وَكَذَٰلِكَ أَخۡذُ رَبِّكَ إِذَآ أَخَذَ ٱلۡقُرَىٰ وَهِيَ ظَٰلِمَةٌۚ إِنَّ أَخۡذَهُۥٓ أَلِيمٞ شَدِيدٌ
Aya ndiwo maparadziro aTenzi vako kana vachinge vachiparadza maguta kana vachiita zvakaipa. Zvirokwazvo, kuranga kwavo kunorwadza, (uye) kwakaomarara
Surah Hud, Verse 102
إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَةٗ لِّمَنۡ خَافَ عَذَابَ ٱلۡأٓخِرَةِۚ ذَٰلِكَ يَوۡمٞ مَّجۡمُوعٞ لَّهُ ٱلنَّاسُ وَذَٰلِكَ يَوۡمٞ مَّشۡهُودٞ
Zvirokwazvo, mazviri mune chiratidzo kune avo vanotya marwadzo ehupenyu hunotevera. Iri ndiro zuva richaunganidzwa vanhu vose pamwechete, uye iri ndiro zuva rokuti vose vachange varipo (vagari vekudenga nevepasi rino)
Surah Hud, Verse 103
وَمَا نُؤَخِّرُهُۥٓ إِلَّا لِأَجَلٖ مَّعۡدُودٖ
Uye tinorinonotsa chete kwenguva yakatarwa
Surah Hud, Verse 104
يَوۡمَ يَأۡتِ لَا تَكَلَّمُ نَفۡسٌ إِلَّا بِإِذۡنِهِۦۚ فَمِنۡهُمۡ شَقِيّٞ وَسَعِيدٞ
Pachauya zuva iri, hakuna munhu achataura kunze nekuda kwavo (Allah). Vamwe pakati pavo vachange vakaipa (vakatsamwa) uye vamwe vakakomborerwa
Surah Hud, Verse 105
فَأَمَّا ٱلَّذِينَ شَقُواْ فَفِي ٱلنَّارِ لَهُمۡ فِيهَا زَفِيرٞ وَشَهِيقٌ
Uye avo vachange vakaipa (vakatsamwa), vachange vari mumoto, vachifemera pamusoro nepazasi
Surah Hud, Verse 106
خَٰلِدِينَ فِيهَا مَا دَامَتِ ٱلسَّمَٰوَٰتُ وَٱلۡأَرۡضُ إِلَّا مَا شَآءَ رَبُّكَۚ إِنَّ رَبَّكَ فَعَّالٞ لِّمَا يُرِيدُ
Vachagara imomo zvachose kwenguva matenga nenyika zvicharamba zviripo, kunze kwekuda kwaTenzi vako. Zvirokwazvo, Tenzi venyu ndivo muiti wezvose zvavanoda
Surah Hud, Verse 107
۞وَأَمَّا ٱلَّذِينَ سُعِدُواْ فَفِي ٱلۡجَنَّةِ خَٰلِدِينَ فِيهَا مَا دَامَتِ ٱلسَّمَٰوَٰتُ وَٱلۡأَرۡضُ إِلَّا مَا شَآءَ رَبُّكَۖ عَطَآءً غَيۡرَ مَجۡذُوذٖ
Uye avo vakakomborerwa vachava muParadhiso, umo vachagara zvachose kwenguva matenga nenyika zvicharamba zviripo, kunze kwekuda kwaTenzi vako. Chipo chisina magumo
Surah Hud, Verse 108
فَلَا تَكُ فِي مِرۡيَةٖ مِّمَّا يَعۡبُدُ هَـٰٓؤُلَآءِۚ مَا يَعۡبُدُونَ إِلَّا كَمَا يَعۡبُدُ ءَابَآؤُهُم مِّن قَبۡلُۚ وَإِنَّا لَمُوَفُّوهُمۡ نَصِيبَهُمۡ غَيۡرَ مَنقُوصٖ
Usava nekusagutsikana (iwe Muhammad (SAW)) pane zvinonamata vanhu ava. Hapana chavanonamata kusara kwezvainamatwa nemadzibaba avo mumashure. Uye zvirokwazvo, tichavabhadhara muripo wavo wakakwana pasina kutapudzwa
Surah Hud, Verse 109
وَلَقَدۡ ءَاتَيۡنَا مُوسَى ٱلۡكِتَٰبَ فَٱخۡتُلِفَ فِيهِۚ وَلَوۡلَا كَلِمَةٞ سَبَقَتۡ مِن رَّبِّكَ لَقُضِيَ بَيۡنَهُمۡۚ وَإِنَّهُمۡ لَفِي شَكّٖ مِّنۡهُ مُرِيبٖ
Uye zvirokwazvo, takapa Musa gwaro, asi mariri ndomakatanga kupikisana, kuti dai kwakanga kusiri kweshoko rakauya kare kubva kuna Tenzi vako, dai mhosva yakatongwa pakati pavo, uye zvirokwazvo vari mukusagutsikana kwakanyanya maererano naro (Qur’aan)
Surah Hud, Verse 110
وَإِنَّ كُلّٗا لَّمَّا لَيُوَفِّيَنَّهُمۡ رَبُّكَ أَعۡمَٰلَهُمۡۚ إِنَّهُۥ بِمَا يَعۡمَلُونَ خَبِيرٞ
Uye zvirokwazvo, kune umwe neumwe wavo Tenzi vako vachavabhadhara mabasa avo zvakazara. Zvirokwazvo, (Allah) vanoziva zvizere zvavanoita
Surah Hud, Verse 111
فَٱسۡتَقِمۡ كَمَآ أُمِرۡتَ وَمَن تَابَ مَعَكَ وَلَا تَطۡغَوۡاْۚ إِنَّهُۥ بِمَا تَعۡمَلُونَ بَصِيرٞ
Nokudaro mira iwe (Muhammad (SAW)) nesimba wakatwasuka (pachitendero cheIslaam) sezvawakarairwa uye nevaya (vadzidzi vako) avo vanotendeuka mukureurura pamwe newe, uye musaita zvakaipa. Zvirokwazvo, (Allah) vanoona zvose zvamunoita
Surah Hud, Verse 112
وَلَا تَرۡكَنُوٓاْ إِلَى ٱلَّذِينَ ظَلَمُواْ فَتَمَسَّكُمُ ٱلنَّارُ وَمَا لَكُم مِّن دُونِ ٱللَّهِ مِنۡ أَوۡلِيَآءَ ثُمَّ لَا تُنصَرُونَ
Musava munorerekera kune avo vanoita zvakaipa, uye moto wokubatai, uye hamuna vabatsiri (vachengetedzi) kunze kwaAllah, uye hamuzobetserwi
Surah Hud, Verse 113
وَأَقِمِ ٱلصَّلَوٰةَ طَرَفَيِ ٱلنَّهَارِ وَزُلَفٗا مِّنَ ٱلَّيۡلِۚ إِنَّ ٱلۡحَسَنَٰتِ يُذۡهِبۡنَ ٱلسَّيِّـَٔاتِۚ ذَٰلِكَ ذِكۡرَىٰ لِلذَّـٰكِرِينَ
Uye ita Swalaah (Munamato) mumativi maviri ezuva uye munguva dzimwe dzousiku (Minamato mishanu yepazuva). Zvirokwazvo, mabasa akanaka anobvisa mabasa akaipa (zvitadzo zvidiki). Iyi iyeuchidzo kune avo vanoyeuka (avo vanotambira yeuchidzo)
Surah Hud, Verse 114
وَٱصۡبِرۡ فَإِنَّ ٱللَّهَ لَا يُضِيعُ أَجۡرَ ٱلۡمُحۡسِنِينَ
Uye iva nemoyo murefu, zvirokwazvo, Allah havatambisi mubairo wevanhu vanoita mabasa akanaka
Surah Hud, Verse 115
فَلَوۡلَا كَانَ مِنَ ٱلۡقُرُونِ مِن قَبۡلِكُمۡ أُوْلُواْ بَقِيَّةٖ يَنۡهَوۡنَ عَنِ ٱلۡفَسَادِ فِي ٱلۡأَرۡضِ إِلَّا قَلِيلٗا مِّمَّنۡ أَنجَيۡنَا مِنۡهُمۡۗ وَٱتَّبَعَ ٱلَّذِينَ ظَلَمُواْ مَآ أُتۡرِفُواْ فِيهِ وَكَانُواْ مُجۡرِمِينَ
Dai paiva nevanhu vane uchenjeri muvamwe vemarudzi akapfuura, vachirambidza (vamwe) mabasa akaipa munyika, (asi pakanga pasina) kunze kwevashoma veavo vakaponeswa pakati pavo! Uye vaiti vezvakaipa vaitevera zvinhu zvakanaka zvinofadzwa zvehupenyu (hwepasi pano), uye vaive vatadzi
Surah Hud, Verse 116
وَمَا كَانَ رَبُّكَ لِيُهۡلِكَ ٱلۡقُرَىٰ بِظُلۡمٖ وَأَهۡلُهَا مُصۡلِحُونَ
Uye Tenzi vako, havaparadzi maguta pasina mhaka, uye vagari vemo vari vaiti vemabasa akanaka
Surah Hud, Verse 117
وَلَوۡ شَآءَ رَبُّكَ لَجَعَلَ ٱلنَّاسَ أُمَّةٗ وَٰحِدَةٗۖ وَلَا يَزَالُونَ مُخۡتَلِفِينَ
Uye dai Tenzi vako vaida, vaiita vanhu vose boka rimwe (vari vechitendero chimwe, Islaam), asi (vanhu) havambosiyi kusawirirana
Surah Hud, Verse 118
إِلَّا مَن رَّحِمَ رَبُّكَۚ وَلِذَٰلِكَ خَلَقَهُمۡۗ وَتَمَّتۡ كَلِمَةُ رَبِّكَ لَأَمۡلَأَنَّ جَهَنَّمَ مِنَ ٱلۡجِنَّةِ وَٱلنَّاسِ أَجۡمَعِينَ
Kunze kweuyo akapuhwa tsitsi naTenzi vako, uye izvozvo ndizvo zvavakavasikira (kupa tsitsi kavaiiti vezvakanaka, uye kuranga vaiiti vezvakaipa). Uye shoko raTenzi vako rakazadziswa (nekuti): “Zvirokwazvo ndichazadza Gehena nemaJinn (mashavi) nevanhu pamwechete.”
Surah Hud, Verse 119
وَكُلّٗا نَّقُصُّ عَلَيۡكَ مِنۡ أَنۢبَآءِ ٱلرُّسُلِ مَا نُثَبِّتُ بِهِۦ فُؤَادَكَۚ وَجَآءَكَ فِي هَٰذِهِ ٱلۡحَقُّ وَمَوۡعِظَةٞ وَذِكۡرَىٰ لِلۡمُؤۡمِنِينَ
Uye zvose zvatinokuudza iwe (Muhammad (SAW)) kubva kunhau dzevatumwa ndezvekuti tive tinosimbisa moyo wako nadzo. Uye muichi (chikamu cheQur’aan) chokwadi chauya kwauri, uye yambiro neyeuchidzo kuvatendi
Surah Hud, Verse 120
وَقُل لِّلَّذِينَ لَا يُؤۡمِنُونَ ٱعۡمَلُواْ عَلَىٰ مَكَانَتِكُمۡ إِنَّا عَٰمِلُونَ
Iti kune avo vasingatendi: “Itai muitiro wenyu, isu tirikuita (muitiro wedu).”
Surah Hud, Verse 121
وَٱنتَظِرُوٓاْ إِنَّا مُنتَظِرُونَ
“Uye mirirai! Zvirokwazvo nesu takamirira.”
Surah Hud, Verse 122
وَلِلَّهِ غَيۡبُ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ وَإِلَيۡهِ يُرۡجَعُ ٱلۡأَمۡرُ كُلُّهُۥ فَٱعۡبُدۡهُ وَتَوَكَّلۡ عَلَيۡهِۚ وَمَا رَبُّكَ بِغَٰفِلٍ عَمَّا تَعۡمَلُونَ
Uye Allah ndivo muridzi wezvakavanzika zvekumatenga nepanyika, uye kwavari ndiko kunodzokera hurongwa hwese. Nokudaro vanamate (iwe Muhammad (SAW)) uye vimba navo. Uye Tenzi vako vanoziva zvose zvamunoita
Surah Hud, Verse 123