Surah Yusuf - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
الٓرۚ تِلۡكَ ءَايَٰتُ ٱلۡكِتَٰبِ ٱلۡمُبِينِ
Alif – Laam – Raa. (Mashoko aya ndiwo mamwe ezvishamiso zviri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah (voga)). Idzi indima dzeGwaro riri pachena (rinoburitsa pachena zvinobvumidzwa nezvinorambidzwa, mitemo, nhungamiri uye makomborero)
Surah Yusuf, Verse 1
إِنَّآ أَنزَلۡنَٰهُ قُرۡءَٰنًا عَرَبِيّٗا لَّعَلَّكُمۡ تَعۡقِلُونَ
Zvirokwazvo, takaburutsa iri Qur’aan muchirudzi chechiArabhu kuti muve munorinzwisisa
Surah Yusuf, Verse 2
نَحۡنُ نَقُصُّ عَلَيۡكَ أَحۡسَنَ ٱلۡقَصَصِ بِمَآ أَوۡحَيۡنَآ إِلَيۡكَ هَٰذَا ٱلۡقُرۡءَانَ وَإِن كُنتَ مِن قَبۡلِهِۦ لَمِنَ ٱلۡغَٰفِلِينَ
Tinokutsanangurira iwe (Muhammad (SAW)) nhaurwa dzakanaka kuburikidza muzvizvarurwa zvedu kwauri muQur’aan iri. Uye mushure meizvi (kwekuuya Qur’aan kwauri) waive umwe weavo vasina chavanoziva
Surah Yusuf, Verse 3
إِذۡ قَالَ يُوسُفُ لِأَبِيهِ يَـٰٓأَبَتِ إِنِّي رَأَيۡتُ أَحَدَ عَشَرَ كَوۡكَبٗا وَٱلشَّمۡسَ وَٱلۡقَمَرَ رَأَيۡتُهُمۡ لِي سَٰجِدِينَ
(Rangarira) Josefa paakati kuna baba vake: “Imi baba vangu! Zvirokwazvo, ndaona (muhope dzangu) nyeredzi gumi neimwe uye zuva uye mwedzi, ndazviona zvichindipfugamira.”
Surah Yusuf, Verse 4
قَالَ يَٰبُنَيَّ لَا تَقۡصُصۡ رُءۡيَاكَ عَلَىٰٓ إِخۡوَتِكَ فَيَكِيدُواْ لَكَ كَيۡدًاۖ إِنَّ ٱلشَّيۡطَٰنَ لِلۡإِنسَٰنِ عَدُوّٞ مُّبِينٞ
Ivo (baba) vakati: “Iwe mwana wangu! Usava unoudza zvawaona madzikoma ako, pamwe vangakurongera zvakaipa. Zvirokwazvo, Satani kuvanhu muvengi ari pachena!”
Surah Yusuf, Verse 5
وَكَذَٰلِكَ يَجۡتَبِيكَ رَبُّكَ وَيُعَلِّمُكَ مِن تَأۡوِيلِ ٱلۡأَحَادِيثِ وَيُتِمُّ نِعۡمَتَهُۥ عَلَيۡكَ وَعَلَىٰٓ ءَالِ يَعۡقُوبَ كَمَآ أَتَمَّهَا عَلَىٰٓ أَبَوَيۡكَ مِن قَبۡلُ إِبۡرَٰهِيمَ وَإِسۡحَٰقَۚ إِنَّ رَبَّكَ عَلِيمٌ حَكِيمٞ
“Saizvozvo Tenzi vako vachakusarudza uye vokudzidzisa tsanangudzo dzehope (nezvimwe zvinhu), uye vozadzisa makomborero kwauri uye kuvana vaJakobho, sekunatsurudza kwavakaita kumadzibaba ako, Abrahamu, naIsaka kare! Zvirokwazvo, Tenzi vako ndivo muzivi wezvose, vane uchenjeri hwese.”
Surah Yusuf, Verse 6
۞لَّقَدۡ كَانَ فِي يُوسُفَ وَإِخۡوَتِهِۦٓ ءَايَٰتٞ لِّلسَّآئِلِينَ
Zvirokwazvo, muna Josefa nemadzikoma ake makange mune zviratidzo kune avo vanobvunza
Surah Yusuf, Verse 7
إِذۡ قَالُواْ لَيُوسُفُ وَأَخُوهُ أَحَبُّ إِلَىٰٓ أَبِينَا مِنَّا وَنَحۡنُ عُصۡبَةٌ إِنَّ أَبَانَا لَفِي ضَلَٰلٖ مُّبِينٍ
Pavakati: “Zvechokwadi, Josefa nemukoma wake (Benjamini) vanofarirwa nababa vedu kupfuura isu, asi isu tiri chikwata chakasimba. Zvirokwazvo, baba vedu vakarasika (vari kutadza) zviri pachena.”
Surah Yusuf, Verse 8
ٱقۡتُلُواْ يُوسُفَ أَوِ ٱطۡرَحُوهُ أَرۡضٗا يَخۡلُ لَكُمۡ وَجۡهُ أَبِيكُمۡ وَتَكُونُواْ مِنۢ بَعۡدِهِۦ قَوۡمٗا صَٰلِحِينَ
“Urayai Josefa kana kuti murasirei kuimwe nzvimbo (iri kure), kuitira kuti makomborero ababa venyu apihwe imi moga, uye mushure mezvo muchava vanhu vakanaka (nekuva nepfungwa dzekukumbira ruregerero musati matadza).”
Surah Yusuf, Verse 9
قَالَ قَآئِلٞ مِّنۡهُمۡ لَا تَقۡتُلُواْ يُوسُفَ وَأَلۡقُوهُ فِي غَيَٰبَتِ ٱلۡجُبِّ يَلۡتَقِطۡهُ بَعۡضُ ٱلسَّيَّارَةِ إِن كُنتُمۡ فَٰعِلِينَ
Umwe pakati pavo akati: “Musauraya Josefa, asi mukandei pasi pasi petsime, achazonhongwa nevapfuuri venzira.”
Surah Yusuf, Verse 10
قَالُواْ يَـٰٓأَبَانَا مَا لَكَ لَا تَأۡمَ۬نَّا عَلَىٰ يُوسُفَ وَإِنَّا لَهُۥ لَنَٰصِحُونَ
Ivo vakati: “Imi baba vedu! Nemhaka yei musingativimbe naJosefa kunyangwe zvirokwazvo isu tiri kwaari vashuviri vezvakanaka?”
Surah Yusuf, Verse 11
أَرۡسِلۡهُ مَعَنَا غَدٗا يَرۡتَعۡ وَيَلۡعَبۡ وَإِنَّا لَهُۥ لَحَٰفِظُونَ
“Mutumirei nesu mangwana kuti ave anofara nekutamba, uye zvirokwazvo, tichamuchengetedza.”
Surah Yusuf, Verse 12
قَالَ إِنِّي لَيَحۡزُنُنِيٓ أَن تَذۡهَبُواْ بِهِۦ وَأَخَافُ أَن يَأۡكُلَهُ ٱلذِّئۡبُ وَأَنتُمۡ عَنۡهُ غَٰفِلُونَ
Iye (Jakobho) akati: “Zvirokwazvo, kuenda kwenyu naye kunondishaisa mufaro, uye ndinotya kuti anodyiwa nemhumhi imi makarivara nezvake.”
Surah Yusuf, Verse 13
قَالُواْ لَئِنۡ أَكَلَهُ ٱلذِّئۡبُ وَنَحۡنُ عُصۡبَةٌ إِنَّآ إِذٗا لَّخَٰسِرُونَ
Vakati: “Zvirokwazvo, kana mhumhi ikamudya, isu tiri chikwata chakasimba (chekumuchengetedza), nokudaro zvirokwazvo, tiri avo vakarasikirwa.”
Surah Yusuf, Verse 14
فَلَمَّا ذَهَبُواْ بِهِۦ وَأَجۡمَعُوٓاْ أَن يَجۡعَلُوهُ فِي غَيَٰبَتِ ٱلۡجُبِّۚ وَأَوۡحَيۡنَآ إِلَيۡهِ لَتُنَبِّئَنَّهُم بِأَمۡرِهِمۡ هَٰذَا وَهُمۡ لَا يَشۡعُرُونَ
Nokudaro pavakaenda naye, uye vose vakawirirana kumukandira pazasi petsime (vakadaro), uye takava tinomuzarurira (Josefa) kuti: “Zvirokwazvo, uchava (rimwe zuva) unovaudza hurongwa hwavo uhu ivo vasingazivi.”
Surah Yusuf, Verse 15
وَجَآءُوٓ أَبَاهُمۡ عِشَآءٗ يَبۡكُونَ
Uye vakauya kuna baba vavo manheru vachichema
Surah Yusuf, Verse 16
قَالُواْ يَـٰٓأَبَانَآ إِنَّا ذَهَبۡنَا نَسۡتَبِقُ وَتَرَكۡنَا يُوسُفَ عِندَ مَتَٰعِنَا فَأَكَلَهُ ٱلذِّئۡبُۖ وَمَآ أَنتَ بِمُؤۡمِنٖ لَّنَا وَلَوۡ كُنَّا صَٰدِقِينَ
Vakati: “Imi baba vedu! Tanga tichimhanya tichikwikwidzana, uye tikasiya Josefa nezvinhu zvedu, uye mhumhi ikamudya; asi hamufi makatitenda kunyange tikataura chokwadi.”
Surah Yusuf, Verse 17
وَجَآءُو عَلَىٰ قَمِيصِهِۦ بِدَمٖ كَذِبٖۚ قَالَ بَلۡ سَوَّلَتۡ لَكُمۡ أَنفُسُكُمۡ أَمۡرٗاۖ فَصَبۡرٞ جَمِيلٞۖ وَٱللَّهُ ٱلۡمُسۡتَعَانُ عَلَىٰ مَا تَصِفُونَ
Uye vakauya nehembe yake ine ropa renhema. Iye akati: “Asi nyaya iyi maironga pachenyu. Nokudaro kutsungirira kwakandinakira. Uye Allah voga ndivo vanokumbirwa rubatsiro pamusoro pezvamatsanangudza.”
Surah Yusuf, Verse 18
وَجَآءَتۡ سَيَّارَةٞ فَأَرۡسَلُواْ وَارِدَهُمۡ فَأَدۡلَىٰ دَلۡوَهُۥۖ قَالَ يَٰبُشۡرَىٰ هَٰذَا غُلَٰمٞۚ وَأَسَرُّوهُ بِضَٰعَةٗۚ وَٱللَّهُ عَلِيمُۢ بِمَا يَعۡمَلُونَ
Uye pakauya vapfuuri venzira (vafambi), uye vakatuma mucheri wemvura wavo, uye akadzikisa mugomo wake (mutsime). Akati: “Mashoko akanaka! Pano pane mukomana.” Nokudaro vakamuviga sechitengeswa (muranda). Uye Allah ndivo vaiziva zvose zvavaiita
Surah Yusuf, Verse 19
وَشَرَوۡهُ بِثَمَنِۭ بَخۡسٖ دَرَٰهِمَ مَعۡدُودَةٖ وَكَانُواْ فِيهِ مِنَ ٱلزَّـٰهِدِينَ
Uye vakamutengesa nemutengo wakadzikira hwemadhirihamu (masirivha) mashoma shoma. Uye vakange vari avo vaimuona sechinhu chisina basa
Surah Yusuf, Verse 20
وَقَالَ ٱلَّذِي ٱشۡتَرَىٰهُ مِن مِّصۡرَ لِٱمۡرَأَتِهِۦٓ أَكۡرِمِي مَثۡوَىٰهُ عَسَىٰٓ أَن يَنفَعَنَآ أَوۡ نَتَّخِذَهُۥ وَلَدٗاۚ وَكَذَٰلِكَ مَكَّنَّا لِيُوسُفَ فِي ٱلۡأَرۡضِ وَلِنُعَلِّمَهُۥ مِن تَأۡوِيلِ ٱلۡأَحَادِيثِۚ وَٱللَّهُ غَالِبٌ عَلَىٰٓ أَمۡرِهِۦ وَلَٰكِنَّ أَكۡثَرَ ٱلنَّاسِ لَا يَعۡلَمُونَ
Uye iye (murume) akamutenga kuEgypt akati kumukadzi wake: “Ita kuti agare zvakanaka, dzimwe nguva angatibatsira kana kuti tichamutora semwana.” Uye ndiwo magadziro atakaita Josefa munzvimbo kuti tive tinomudzidzisa zvirevo zvezviitiko. Uye Allah vane masimba ose pahurongwa hwavo, asi vanhu vazhinji havazivi
Surah Yusuf, Verse 21
وَلَمَّا بَلَغَ أَشُدَّهُۥٓ ءَاتَيۡنَٰهُ حُكۡمٗا وَعِلۡمٗاۚ وَكَذَٰلِكَ نَجۡزِي ٱلۡمُحۡسِنِينَ
Uye (Josefa) paakasvika pahurume hwake, takamupa huchenjeri neruzivo (huporofita), uye aya ndiwo mapiro mubairo atinoita vanoita mabasa akanaka
Surah Yusuf, Verse 22
وَرَٰوَدَتۡهُ ٱلَّتِي هُوَ فِي بَيۡتِهَا عَن نَّفۡسِهِۦ وَغَلَّقَتِ ٱلۡأَبۡوَٰبَ وَقَالَتۡ هَيۡتَ لَكَۚ قَالَ مَعَاذَ ٱللَّهِۖ إِنَّهُۥ رَبِّيٓ أَحۡسَنَ مَثۡوَايَۖ إِنَّهُۥ لَا يُفۡلِحُ ٱلظَّـٰلِمُونَ
Uye iye (mukadzi), mumba make maakange ari (Josefa), akada kuita zvakaipa naye, uye akavhara misuwo uye akati: “Huya pano, iwe.” Iye akati: “Ndinokumbira rudziviriro kubva kuna Allah! Zvirokwazvo, iye (murume wako) ndimambo vangu! Vakaita kuti kugara kwangu kuve kwakanaka! (Nokudaro handimbofi ndakamurasisa). Zvirokwazvo, vaiti vezvakaipa havafi vakabudirira.”
Surah Yusuf, Verse 23
وَلَقَدۡ هَمَّتۡ بِهِۦۖ وَهَمَّ بِهَا لَوۡلَآ أَن رَّءَا بُرۡهَٰنَ رَبِّهِۦۚ كَذَٰلِكَ لِنَصۡرِفَ عَنۡهُ ٱلسُّوٓءَ وَٱلۡفَحۡشَآءَۚ إِنَّهُۥ مِنۡ عِبَادِنَا ٱلۡمُخۡلَصِينَ
Uye zvirokwazvo (mukadzi) akange ave anomuda, uye (Josefa) akange ave kuda kurerekera kumadirwo ake, dai asina kuona humboo hwaTenzi vake. Sokudaro zvakaitika, kuti tive tinomubvisa kubva mune zvakaipa uye choupombwe. Zvirokwazvo, akange ari mumwe wevaranda vedu vatakasarudza
Surah Yusuf, Verse 24
وَٱسۡتَبَقَا ٱلۡبَابَ وَقَدَّتۡ قَمِيصَهُۥ مِن دُبُرٖ وَأَلۡفَيَا سَيِّدَهَا لَدَا ٱلۡبَابِۚ قَالَتۡ مَا جَزَآءُ مَنۡ أَرَادَ بِأَهۡلِكَ سُوٓءًا إِلَّآ أَن يُسۡجَنَ أَوۡ عَذَابٌ أَلِيمٞ
Uye vakamhanyidzana kumusuwo, uye (mukadzi) akamubvarurira hembe yake (Josefa) kumashure. Vose vakava vanoona mambo vake (murume wake) pamusuwo. (Mukadzi) akati: “Ndeupiko mugove (murango) kune uyo anga achida kuita zvakaipa kumukadzi wako, kusara kwekuti ave anopinda mujere kana murango unorwadza?”
Surah Yusuf, Verse 25
قَالَ هِيَ رَٰوَدَتۡنِي عَن نَّفۡسِيۚ وَشَهِدَ شَاهِدٞ مِّنۡ أَهۡلِهَآ إِن كَانَ قَمِيصُهُۥ قُدَّ مِن قُبُلٖ فَصَدَقَتۡ وَهُوَ مِنَ ٱلۡكَٰذِبِينَ
Iye (Josefa) akati: “Ndiye anga achida kundinyengedza;” uye chapupu chemumba make chakava chinopupura (chichiti): “Kana hembe yake yakabvaruka mberi nyaya yake (mukadzi) ndeye chokwadi, uye uyu munyepi (Josefa)!”
Surah Yusuf, Verse 26
وَإِن كَانَ قَمِيصُهُۥ قُدَّ مِن دُبُرٖ فَكَذَبَتۡ وَهُوَ مِنَ ٱلصَّـٰدِقِينَ
“Asi kana kuri kuti hembe yake yakabvaruka kumashure, nokudaro ari kunyepa (mukadzi), uye iye (Josefa) ari kutaura chokwadi!”
Surah Yusuf, Verse 27
فَلَمَّا رَءَا قَمِيصَهُۥ قُدَّ مِن دُبُرٖ قَالَ إِنَّهُۥ مِن كَيۡدِكُنَّۖ إِنَّ كَيۡدَكُنَّ عَظِيمٞ
Saka paakaona (murume wake) hembe yake (Josefa) yakabvaruka kumashure akabva ati: “Zvirokwazvo, hurongwa hwenyu imi vakadzi! Zvirokwazvo, hurongwa hwenyu hwakakuru!”
Surah Yusuf, Verse 28
يُوسُفُ أَعۡرِضۡ عَنۡ هَٰذَاۚ وَٱسۡتَغۡفِرِي لِذَنۢبِكِۖ إِنَّكِ كُنتِ مِنَ ٱلۡخَاطِـِٔينَ
“Iwe Josefa! Furatira izvi! (Iwe mukadzi!) Kumbira ruregerero kuchitadzo chako. Zvirokwazvo, wanga uri umwe wevatadzi.”
Surah Yusuf, Verse 29
۞وَقَالَ نِسۡوَةٞ فِي ٱلۡمَدِينَةِ ٱمۡرَأَتُ ٱلۡعَزِيزِ تُرَٰوِدُ فَتَىٰهَا عَن نَّفۡسِهِۦۖ قَدۡ شَغَفَهَا حُبًّاۖ إِنَّا لَنَرَىٰهَا فِي ضَلَٰلٖ مُّبِينٖ
Uye vakadzi vemuguta vakati: “Mukadzi waAziz ari kuda kunyengedza kamukomana kake kechidiki (muranda wake). Zvirokwazvo, anomuda zvakanyanya. Zvirokwazvo, tinomuona akarasika zviri pachena.”
Surah Yusuf, Verse 30
فَلَمَّا سَمِعَتۡ بِمَكۡرِهِنَّ أَرۡسَلَتۡ إِلَيۡهِنَّ وَأَعۡتَدَتۡ لَهُنَّ مُتَّكَـٔٗا وَءَاتَتۡ كُلَّ وَٰحِدَةٖ مِّنۡهُنَّ سِكِّينٗا وَقَالَتِ ٱخۡرُجۡ عَلَيۡهِنَّۖ فَلَمَّا رَأَيۡنَهُۥٓ أَكۡبَرۡنَهُۥ وَقَطَّعۡنَ أَيۡدِيَهُنَّ وَقُلۡنَ حَٰشَ لِلَّهِ مَا هَٰذَا بَشَرًا إِنۡ هَٰذَآ إِلَّا مَلَكٞ كَرِيمٞ
Nokudaro paakanzwa chipomherwa chavo, akavakoka kumabiko akavagadzirira kudya kwavo, uye akapa mumwe nemumwe pakati pavo banga (kuti ave anocheka chokudya), uye akati (kuna Josefa): “Buda pachena pamberi pavo.” Pavakamuona, vakashamisika naye (nerunako rwake), uye (mukushamisika kwavo) vakazvicheka maoko avo. Vakati: “Hunyanzvi hwaAllah here uhu! Haasi munhu uyu! Asi ingirozi inoremekedzwa!”
Surah Yusuf, Verse 31
قَالَتۡ فَذَٰلِكُنَّ ٱلَّذِي لُمۡتُنَّنِي فِيهِۖ وَلَقَدۡ رَٰوَدتُّهُۥ عَن نَّفۡسِهِۦ فَٱسۡتَعۡصَمَۖ وَلَئِن لَّمۡ يَفۡعَلۡ مَآ ءَامُرُهُۥ لَيُسۡجَنَنَّ وَلَيَكُونٗا مِّنَ ٱلصَّـٰغِرِينَ
Iye (mukadzi waAziz) akati: “Uyu ndiye (mukomana) wamandipomera naye, uye zvirokwazvo, ndaida kumunyengedza, asi akaramba. Uye akaramba iyezvino kuteerera murairo wangu, zvirokwazvo achapinda mujere, uye zvirokwazvo achava umwe wevakadzikisirwa.”
Surah Yusuf, Verse 32
قَالَ رَبِّ ٱلسِّجۡنُ أَحَبُّ إِلَيَّ مِمَّا يَدۡعُونَنِيٓ إِلَيۡهِۖ وَإِلَّا تَصۡرِفۡ عَنِّي كَيۡدَهُنَّ أَصۡبُ إِلَيۡهِنَّ وَأَكُن مِّنَ ٱلۡجَٰهِلِينَ
Iye (Josefa) akati: “Tenzi vangu! Jere rakandinakira kudarika izvo zvavari kundidaidzira kwazviri. Uye kana mukasandidzivirira kubva muhurongwa hwavo, ndichava ndinorerekera kwavari, uye ndova uyo weavo vasina ruzivo (vatadzi).”
Surah Yusuf, Verse 33
فَٱسۡتَجَابَ لَهُۥ رَبُّهُۥ فَصَرَفَ عَنۡهُ كَيۡدَهُنَّۚ إِنَّهُۥ هُوَ ٱلسَّمِيعُ ٱلۡعَلِيمُ
Naizvozvo Tenzi vake vakapindura chikumbiro chake, vakamunzvengesa kubva muhurongwa hwavo. Zvirokwazvo, ndivo vanonzwa zvese, vanoziva zvese
Surah Yusuf, Verse 34
ثُمَّ بَدَا لَهُم مِّنۢ بَعۡدِ مَا رَأَوُاْ ٱلۡأٓيَٰتِ لَيَسۡجُنُنَّهُۥ حَتَّىٰ حِينٖ
Nokudaro vakaona mushure mekunge vaona humboo (wekushaya kwake mhosva), kuti zvirokwazvo vamuise mujere kwekanguva
Surah Yusuf, Verse 35
وَدَخَلَ مَعَهُ ٱلسِّجۡنَ فَتَيَانِۖ قَالَ أَحَدُهُمَآ إِنِّيٓ أَرَىٰنِيٓ أَعۡصِرُ خَمۡرٗاۖ وَقَالَ ٱلۡأٓخَرُ إِنِّيٓ أَرَىٰنِيٓ أَحۡمِلُ فَوۡقَ رَأۡسِي خُبۡزٗا تَأۡكُلُ ٱلطَّيۡرُ مِنۡهُۖ نَبِّئۡنَا بِتَأۡوِيلِهِۦٓۖ إِنَّا نَرَىٰكَ مِنَ ٱلۡمُحۡسِنِينَ
Uye akapinda mujere nevarume vechidiki vaviri. Mumwechete wavo akati: “Zvirokwazvo, ndaona (muhope) ndichisvina waini.” Uye umwe akati: “Zvirokwazvo, ndaona (muhope) ndakasenga chingwa nemusoro, asi shiri dzanga dzichidya kubva kwachiri.” (Vakati): “Tiudzewo zvinoreva izvi. Zvirokwazvo, tinopfunga kuti uri umwe wevanoita zvakanaka.”
Surah Yusuf, Verse 36
قَالَ لَا يَأۡتِيكُمَا طَعَامٞ تُرۡزَقَانِهِۦٓ إِلَّا نَبَّأۡتُكُمَا بِتَأۡوِيلِهِۦ قَبۡلَ أَن يَأۡتِيَكُمَاۚ ذَٰلِكُمَا مِمَّا عَلَّمَنِي رَبِّيٓۚ إِنِّي تَرَكۡتُ مِلَّةَ قَوۡمٖ لَّا يُؤۡمِنُونَ بِٱللَّهِ وَهُم بِٱلۡأٓخِرَةِ هُمۡ كَٰفِرُونَ
Iye (Josefa) akati: “Hakuna chokudya chichauya kwamuri muchipihwa sekudya kwenyu, asi ndichakuudzai zvadzinoreva (hope) chisati chauya (chokudya). Izvi ndizvo Tenzi vangu zvavandidzidzisa. Zvirokwazvo, ndakasiya chitendero chevanhu vasingatendi muna Allah uye havatendi muhupenyu hwamangwana (vanhu vekuKenani vaive kuEgypt avo vainamata zuva nevamwe vanamwari venhema).”
Surah Yusuf, Verse 37
وَٱتَّبَعۡتُ مِلَّةَ ءَابَآءِيٓ إِبۡرَٰهِيمَ وَإِسۡحَٰقَ وَيَعۡقُوبَۚ مَا كَانَ لَنَآ أَن نُّشۡرِكَ بِٱللَّهِ مِن شَيۡءٖۚ ذَٰلِكَ مِن فَضۡلِ ٱللَّهِ عَلَيۡنَا وَعَلَى ٱلنَّاسِ وَلَٰكِنَّ أَكۡثَرَ ٱلنَّاسِ لَا يَشۡكُرُونَ
“Uye ndikatevera chitendero chemadzibaba angu, Abrahamu, Isaka, naJakobho, uye hatifi takasanganisa zvimwe zvinhu naAllah. Izvi zvinobva kunyasha dzaAllah kwatiri uye kuvanhu vose, asi vanhu vazhinji havatendi (havatendi muna Allah kana kuvanamata).”
Surah Yusuf, Verse 38
يَٰصَٰحِبَيِ ٱلسِّجۡنِ ءَأَرۡبَابٞ مُّتَفَرِّقُونَ خَيۡرٌ أَمِ ٱللَّهُ ٱلۡوَٰحِدُ ٱلۡقَهَّارُ
“Imi shamwari mbiri dzemujere! Vanamwari vakawanda vari nani here kupfuura Allah, vamwechete, vasingakundiki?”
Surah Yusuf, Verse 39
مَا تَعۡبُدُونَ مِن دُونِهِۦٓ إِلَّآ أَسۡمَآءٗ سَمَّيۡتُمُوهَآ أَنتُمۡ وَءَابَآؤُكُم مَّآ أَنزَلَ ٱللَّهُ بِهَا مِن سُلۡطَٰنٍۚ إِنِ ٱلۡحُكۡمُ إِلَّا لِلَّهِ أَمَرَ أَلَّا تَعۡبُدُوٓاْ إِلَّآ إِيَّاهُۚ ذَٰلِكَ ٱلدِّينُ ٱلۡقَيِّمُ وَلَٰكِنَّ أَكۡثَرَ ٱلنَّاسِ لَا يَعۡلَمُونَ
“Zvamunonamata zvisiri ivo (Allah) anongova mazita chete amakatumidza imi nemadzibaba enyu, izvo pamusoro pazvo Allah havana kudzikisa murairo (masimba). Kuraira hakuzi komumwe kunze kwaAllah. Vakakomekedza kuti musava munonamata zvimwe zvinhu kunze kwavo (voga). Ichi ndicho chitendero chakatwasuka (chechokwadi), asi vanhu vazhinji havazivi.”
Surah Yusuf, Verse 40
يَٰصَٰحِبَيِ ٱلسِّجۡنِ أَمَّآ أَحَدُكُمَا فَيَسۡقِي رَبَّهُۥ خَمۡرٗاۖ وَأَمَّا ٱلۡأٓخَرُ فَيُصۡلَبُ فَتَأۡكُلُ ٱلطَّيۡرُ مِن رَّأۡسِهِۦۚ قُضِيَ ٱلۡأَمۡرُ ٱلَّذِي فِيهِ تَسۡتَفۡتِيَانِ
“Imi shamwari mbiri dzemujere! Umwe pakati penyu achadirira waini mambo vake kuti vamwe; asi umwe acharoverwa (pamuchinjikwa) uye shiri dzichadya kubva mumusoro make. Uhu ndiwo hurongwa hwatongwa maererano nezvamanga muchibvunza.”
Surah Yusuf, Verse 41
وَقَالَ لِلَّذِي ظَنَّ أَنَّهُۥ نَاجٖ مِّنۡهُمَا ٱذۡكُرۡنِي عِندَ رَبِّكَ فَأَنسَىٰهُ ٱلشَّيۡطَٰنُ ذِكۡرَ رَبِّهِۦ فَلَبِثَ فِي ٱلسِّجۡنِ بِضۡعَ سِنِينَ
Uye akati kune uyo waaiziva kuti aizonunurwa pakati pavo: “Undirangarirewo pamberi pamambo vako (kuti ndive ndinobuda mujere).” Asi Satani akaita kuti ave anokanganwa kumurangarira pamberi pamambo vake. Nokudaro (Josefa) akagara mujere kwemakore (mamwe) mashoma
Surah Yusuf, Verse 42
وَقَالَ ٱلۡمَلِكُ إِنِّيٓ أَرَىٰ سَبۡعَ بَقَرَٰتٖ سِمَانٖ يَأۡكُلُهُنَّ سَبۡعٌ عِجَافٞ وَسَبۡعَ سُنۢبُلَٰتٍ خُضۡرٖ وَأُخَرَ يَابِسَٰتٖۖ يَـٰٓأَيُّهَا ٱلۡمَلَأُ أَفۡتُونِي فِي رُءۡيَٰيَ إِن كُنتُمۡ لِلرُّءۡيَا تَعۡبُرُونَ
Uye mambo (wekuEgypt) vakati: “Zvirokwazvo, ndaona (muhope) mombe nomwe dzakasimba dzichidya dzimwe nomwe dzakawonda, uye nemiguri minomwe yechibage inyoro uye neimwe minomwe yakaoma. Imi vanoremekedzwa! Nditsanangurireiwo hope dzangu, kana muchikwanisa kutsanangura hope.”
Surah Yusuf, Verse 43
قَالُوٓاْ أَضۡغَٰثُ أَحۡلَٰمٖۖ وَمَا نَحۡنُ بِتَأۡوِيلِ ٱلۡأَحۡلَٰمِ بِعَٰلِمِينَ
Ivo vakati: “Hope dzenhema dzakasanganiswa, uye hatina hunyanzvi wekutsanangura hope.”
Surah Yusuf, Verse 44
وَقَالَ ٱلَّذِي نَجَا مِنۡهُمَا وَٱدَّكَرَ بَعۡدَ أُمَّةٍ أَنَا۠ أُنَبِّئُكُم بِتَأۡوِيلِهِۦ فَأَرۡسِلُونِ
Nokudaro murume weavo vaiva vabudiswa (kubva mujere pavaviri vaya) akarangarira mushure menguva refu uye akati: “Ndichakuudzai zvadzinoreva, nokudaro nditumei (kuna Josefa).”
Surah Yusuf, Verse 45
يُوسُفُ أَيُّهَا ٱلصِّدِّيقُ أَفۡتِنَا فِي سَبۡعِ بَقَرَٰتٖ سِمَانٖ يَأۡكُلُهُنَّ سَبۡعٌ عِجَافٞ وَسَبۡعِ سُنۢبُلَٰتٍ خُضۡرٖ وَأُخَرَ يَابِسَٰتٖ لَّعَلِّيٓ أَرۡجِعُ إِلَى ٱلنَّاسِ لَعَلَّهُمۡ يَعۡلَمُونَ
(Uye akati): “Iwe Josefa, murume wechokwadi! Titsanangurirewo (hope) dzemombe nomwe dzakasimba dzichidya dzimwe nomwe dzakawonda, uye miguri minomwe inyoro yechibage neimwe minomwe yakaoma, kuti ndive ndinodzokera kuvanhu, uye kuti vave vanoziva.”
Surah Yusuf, Verse 46
قَالَ تَزۡرَعُونَ سَبۡعَ سِنِينَ دَأَبٗا فَمَا حَصَدتُّمۡ فَذَرُوهُ فِي سُنۢبُلِهِۦٓ إِلَّا قَلِيلٗا مِّمَّا تَأۡكُلُونَ
(Josefa) akati: “Kwemakore manomwe akatevedzana muchakohwa senguva dzose, uye goho iroro risiyei mumashizha aro (risina kufururwa), kunze kwezvishoma zvazvo zvamuchadya.”
Surah Yusuf, Verse 47
ثُمَّ يَأۡتِي مِنۢ بَعۡدِ ذَٰلِكَ سَبۡعٞ شِدَادٞ يَأۡكُلۡنَ مَا قَدَّمۡتُمۡ لَهُنَّ إِلَّا قَلِيلٗا مِّمَّا تُحۡصِنُونَ
“Mushure mazvo kuchauya makore manomwe akaoma, ayo achadya zvamakaachengetedzera, kunze kwezvishoma zvamakachengetedza.”
Surah Yusuf, Verse 48
ثُمَّ يَأۡتِي مِنۢ بَعۡدِ ذَٰلِكَ عَامٞ فِيهِ يُغَاثُ ٱلنَّاسُ وَفِيهِ يَعۡصِرُونَ
“Uye mushure mezvo kuchauya gore mariri vanhu vachawana mvura yakawanda, uye mariri vachasvina (doro nemafuta).”
Surah Yusuf, Verse 49
وَقَالَ ٱلۡمَلِكُ ٱئۡتُونِي بِهِۦۖ فَلَمَّا جَآءَهُ ٱلرَّسُولُ قَالَ ٱرۡجِعۡ إِلَىٰ رَبِّكَ فَسۡـَٔلۡهُ مَا بَالُ ٱلنِّسۡوَةِ ٱلَّـٰتِي قَطَّعۡنَ أَيۡدِيَهُنَّۚ إِنَّ رَبِّي بِكَيۡدِهِنَّ عَلِيمٞ
Uye mambo akati: “Muunzei kwandiri!” Asi paakauya mutumwa kwaari, (Josefa) akati: “Dzokera kuna mambo vako uye unovabvunza kuti: ‘Chii chakaitika kuvakadzi vekuzvicheka maoko avo? Zvirokwazvo, Tenzi vangu (Allah) vanoziva zvikuru hurongwa wavo (vakadzi ivavo).’”
Surah Yusuf, Verse 50
قَالَ مَا خَطۡبُكُنَّ إِذۡ رَٰوَدتُّنَّ يُوسُفَ عَن نَّفۡسِهِۦۚ قُلۡنَ حَٰشَ لِلَّهِ مَا عَلِمۡنَا عَلَيۡهِ مِن سُوٓءٖۚ قَالَتِ ٱمۡرَأَتُ ٱلۡعَزِيزِ ٱلۡـَٰٔنَ حَصۡحَصَ ٱلۡحَقُّ أَنَا۠ رَٰوَدتُّهُۥ عَن نَّفۡسِهِۦ وَإِنَّهُۥ لَمِنَ ٱلصَّـٰدِقِينَ
(Mambo) vakati (kuvakadzi): “Nyaya yenyu yanga iri yei pamaida kunyengedza Josefa?” Vakadzi vakati: “Allah ngavatidzivirire! Hatina chakaipa chatinoziva pamusoro pake!” Mukadzi waAziz akati: “Iyezvino chokwadi chabuda pachena; ndini ndaida kumunyengedza, uye zvirokwazvo ari pachokwadi.”
Surah Yusuf, Verse 51
ذَٰلِكَ لِيَعۡلَمَ أَنِّي لَمۡ أَخُنۡهُ بِٱلۡغَيۡبِ وَأَنَّ ٱللَّهَ لَا يَهۡدِي كَيۡدَ ٱلۡخَآئِنِينَ
(Josefa akati: “Ndakumbira ongorora iyi) Kuti (Aziz) ave anoziva kuti zvirokwazvo ini ndaisamunyengedza asipo. Uye zvirokwazvo, Allah havatungamiriri hurongwa hwevanyengedzi.”
Surah Yusuf, Verse 52
۞وَمَآ أُبَرِّئُ نَفۡسِيٓۚ إِنَّ ٱلنَّفۡسَ لَأَمَّارَةُۢ بِٱلسُّوٓءِ إِلَّا مَا رَحِمَ رَبِّيٓۚ إِنَّ رَبِّي غَفُورٞ رَّحِيمٞ
“Uye handisi kuzvisunungura pachangu (kubva kumhosva). Zvirokwazvo, moyo (munhu) unorerekera kuzvitadzo, kunze kwekuti Tenzi vangu vadzikisa tsitsi dzavo (kune wavanoda). Zvirokwazvo, Tenzi vangu ndivo vane ruregerero rwose, vane nyasha zhinji.”
Surah Yusuf, Verse 53
وَقَالَ ٱلۡمَلِكُ ٱئۡتُونِي بِهِۦٓ أَسۡتَخۡلِصۡهُ لِنَفۡسِيۖ فَلَمَّا كَلَّمَهُۥ قَالَ إِنَّكَ ٱلۡيَوۡمَ لَدَيۡنَا مَكِينٌ أَمِينٞ
Uye mambo vakati: “Muunzei kwandiri kuti ndimuite hwepedyo neni.” Nokudaro pavakataura naye, vakati: “Zvirokwazvo, zuva ranhasi uri nesu pachinzvimbo chepamusoro uye tinovimba (newe) zvikuru.”
Surah Yusuf, Verse 54
قَالَ ٱجۡعَلۡنِي عَلَىٰ خَزَآئِنِ ٱلۡأَرۡضِۖ إِنِّي حَفِيظٌ عَلِيمٞ
Josefa akati: “Ndiisei panochengeterwa zviwanikwa zvenyika, zvirokwazvo, ndichazvichengetedza neruzivo rwepamusoro (segurukota rezvemari reku Egypt).”
Surah Yusuf, Verse 55
وَكَذَٰلِكَ مَكَّنَّا لِيُوسُفَ فِي ٱلۡأَرۡضِ يَتَبَوَّأُ مِنۡهَا حَيۡثُ يَشَآءُۚ نُصِيبُ بِرَحۡمَتِنَا مَن نَّشَآءُۖ وَلَا نُضِيعُ أَجۡرَ ٱلۡمُحۡسِنِينَ
Aya ndiwo mapiro atakaita Josefa hukuru (chinzvimbo) munyika, kutora chinzvimbo mairi, paanoda kana kwaanoda. Tinodzikisa nyasha dzedu kune watinoda, uye tinoita kuti mubairo wevakanaka usarasike
Surah Yusuf, Verse 56
وَلَأَجۡرُ ٱلۡأٓخِرَةِ خَيۡرٞ لِّلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَكَانُواْ يَتَّقُونَ
Uye zvirokwazvo, mubairo hweupenyu hunotevera huri nani kune avo vanotenda uye vachitya Allah (vosiya zvese zvakaipa uye voiita zvese zvakanaka)
Surah Yusuf, Verse 57
وَجَآءَ إِخۡوَةُ يُوسُفَ فَدَخَلُواْ عَلَيۡهِ فَعَرَفَهُمۡ وَهُمۡ لَهُۥ مُنكِرُونَ
Uye madzikoma aJosefa akauya uye vakapinda maakanga ari, uye akavaziva, asi ivo havana kumuziva
Surah Yusuf, Verse 58
وَلَمَّا جَهَّزَهُم بِجَهَازِهِمۡ قَالَ ٱئۡتُونِي بِأَخٖ لَّكُم مِّنۡ أَبِيكُمۡۚ أَلَا تَرَوۡنَ أَنِّيٓ أُوفِي ٱلۡكَيۡلَ وَأَنَا۠ خَيۡرُ ٱلۡمُنزِلِينَ
Uye paakavagadzirira chikafu chavo (chavaida), iye akati: “Ndiunzirei mukoma wenyu kubva kuna baba venyu (Benjamini). Hamuzvioni here kuti ini ndinopa mupimo wakakwana, uye ndiri nyanzvi pakubata zvakanaka vaenzi?”
Surah Yusuf, Verse 59
فَإِن لَّمۡ تَأۡتُونِي بِهِۦ فَلَا كَيۡلَ لَكُمۡ عِندِي وَلَا تَقۡرَبُونِ
“Asi kana mukasamuunza, pachange pasina chipimo chenyu kubva kwandiri, uye musauya padyo neni.”
Surah Yusuf, Verse 60
قَالُواْ سَنُرَٰوِدُ عَنۡهُ أَبَاهُ وَإِنَّا لَفَٰعِلُونَ
Vakati: “Tichaedza kukumbira mvumo kuna baba vake, uye zvirokwazvo tichazviita.”
Surah Yusuf, Verse 61
وَقَالَ لِفِتۡيَٰنِهِ ٱجۡعَلُواْ بِضَٰعَتَهُمۡ فِي رِحَالِهِمۡ لَعَلَّهُمۡ يَعۡرِفُونَهَآ إِذَا ٱنقَلَبُوٓاْ إِلَىٰٓ أَهۡلِهِمۡ لَعَلَّهُمۡ يَرۡجِعُونَ
Uye (Josefa) akaudza varanda vake kuti vaise mari yavo (yavanga vashandisa kutenga nayo) mumasaga avo, kuti vagozviziva kana vadzokera kuvanhu vavo, zvimwe vangadzoka zvakare
Surah Yusuf, Verse 62
فَلَمَّا رَجَعُوٓاْ إِلَىٰٓ أَبِيهِمۡ قَالُواْ يَـٰٓأَبَانَا مُنِعَ مِنَّا ٱلۡكَيۡلُ فَأَرۡسِلۡ مَعَنَآ أَخَانَا نَكۡتَلۡ وَإِنَّا لَهُۥ لَحَٰفِظُونَ
Pavakadzokera kuna baba vavo, vakati: “Imi baba vedu! Hakuna chipimo chechokudya chatichakwanisa kuwana (kunze kokuti tikaenda naBenjamini). Nokudaro titumirei pamwechete nemukoma wedu, uye tichawana chipimo chedu uye tichamuchengetedza.”
Surah Yusuf, Verse 63
قَالَ هَلۡ ءَامَنُكُمۡ عَلَيۡهِ إِلَّا كَمَآ أَمِنتُكُمۡ عَلَىٰٓ أَخِيهِ مِن قَبۡلُ فَٱللَّهُ خَيۡرٌ حَٰفِظٗاۖ وَهُوَ أَرۡحَمُ ٱلرَّـٰحِمِينَ
Iye (Jakobho) akati: “Ndingakuvimbai here naye (Benjamini) sekukuvimbai kwandakaita nemukoma wake (Josefa) nguva yapfuura? Asi Allah ndivo muchengetedzi mukuru, uye vane tsitsi dzose kune avo vanoratidza tsitsi.”
Surah Yusuf, Verse 64
وَلَمَّا فَتَحُواْ مَتَٰعَهُمۡ وَجَدُواْ بِضَٰعَتَهُمۡ رُدَّتۡ إِلَيۡهِمۡۖ قَالُواْ يَـٰٓأَبَانَا مَا نَبۡغِيۖ هَٰذِهِۦ بِضَٰعَتُنَا رُدَّتۡ إِلَيۡنَاۖ وَنَمِيرُ أَهۡلَنَا وَنَحۡفَظُ أَخَانَا وَنَزۡدَادُ كَيۡلَ بَعِيرٖۖ ذَٰلِكَ كَيۡلٞ يَسِيرٞ
Uye pavakavhura masaga avo, vakawana mari yavo yadzoserwa kwavari. Vakati: “Imi baba vedu! Chii chatinoda? Iyi imari yedu yadzoswa kwatiri, nokudaro tichawana (zvakawanda) zvokudya zvemhuri yedu, uye tichachengetedza mukoma wedu uye kuwedzera chipimo chokutakurwa nengamera imwechete. Huwandu uhu hauna kuoma (kuna mambo kuti atipe).”
Surah Yusuf, Verse 65
قَالَ لَنۡ أُرۡسِلَهُۥ مَعَكُمۡ حَتَّىٰ تُؤۡتُونِ مَوۡثِقٗا مِّنَ ٱللَّهِ لَتَأۡتُنَّنِي بِهِۦٓ إِلَّآ أَن يُحَاطَ بِكُمۡۖ فَلَمَّآ ءَاتَوۡهُ مَوۡثِقَهُمۡ قَالَ ٱللَّهُ عَلَىٰ مَا نَقُولُ وَكِيلٞ
(Jakobho) akati: “Handimbomutumire pamwechete nemi kusvika mapika zvakasimba pamberi pangu nezita raAllah, kuti muri kudzoka naye kwandiri kunze kwekuti maunganirwa (nevavengi).” Uye pavakapika zvakasimba, iye (Jakobho) akati: “Allah ndivo mufakazi wezvatataura.”
Surah Yusuf, Verse 66
وَقَالَ يَٰبَنِيَّ لَا تَدۡخُلُواْ مِنۢ بَابٖ وَٰحِدٖ وَٱدۡخُلُواْ مِنۡ أَبۡوَٰبٖ مُّتَفَرِّقَةٖۖ وَمَآ أُغۡنِي عَنكُم مِّنَ ٱللَّهِ مِن شَيۡءٍۖ إِنِ ٱلۡحُكۡمُ إِلَّا لِلَّهِۖ عَلَيۡهِ تَوَكَّلۡتُۖ وَعَلَيۡهِ فَلۡيَتَوَكَّلِ ٱلۡمُتَوَكِّلُونَ
Uye akati: “Imi vana vangu! Musava munopinda nemusuwo mumwechete, asi mopinda nemisuwo yakasiyana, uye handikwanisi kukudzivirirai kuna Allah nechimwe chinhu. Zvirokwazvo, mutongo tinousiira kuna Allah. Kwavari ndinovimba, uye regai vose vanovimba vavimbe navo.”
Surah Yusuf, Verse 67
وَلَمَّا دَخَلُواْ مِنۡ حَيۡثُ أَمَرَهُمۡ أَبُوهُم مَّا كَانَ يُغۡنِي عَنۡهُم مِّنَ ٱللَّهِ مِن شَيۡءٍ إِلَّا حَاجَةٗ فِي نَفۡسِ يَعۡقُوبَ قَضَىٰهَاۚ وَإِنَّهُۥ لَذُو عِلۡمٖ لِّمَا عَلَّمۡنَٰهُ وَلَٰكِنَّ أَكۡثَرَ ٱلنَّاسِ لَا يَعۡلَمُونَ
Uye pavakapinda sekurairwa kwavakange vaitwa nababa vavo, hazvina kuvavharidzira chimwe chinhu kuna Allah, asi chaive chido chemukati-kati chemumoyo waJakobho chaakabuditsa. Uye zvirokwazvo, akanga ane ruzivo nokuti takamudzidzisa, asi vanhu vakawanda havazive
Surah Yusuf, Verse 68
وَلَمَّا دَخَلُواْ عَلَىٰ يُوسُفَ ءَاوَىٰٓ إِلَيۡهِ أَخَاهُۖ قَالَ إِنِّيٓ أَنَا۠ أَخُوكَ فَلَا تَبۡتَئِسۡ بِمَا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ
Uye pavakapinda maiva naJosefa, akatora mukoma wake (Benjamini) uye akati: “Zvirokwazvo, ndiri mukoma wako, saka usashushikane nezvavaigaro ita.”
Surah Yusuf, Verse 69
فَلَمَّا جَهَّزَهُم بِجَهَازِهِمۡ جَعَلَ ٱلسِّقَايَةَ فِي رَحۡلِ أَخِيهِ ثُمَّ أَذَّنَ مُؤَذِّنٌ أَيَّتُهَا ٱلۡعِيرُ إِنَّكُمۡ لَسَٰرِقُونَ
Nokudaro paakavapa chikafu chavo, akaisa ndiro (yerudzi rwendarama) musaga remukoma wake (Benjamini). Nokudaro musheedzi akasheedza: “Imi muri mungoro! Zvirokwazvo, muri mbavha!”
Surah Yusuf, Verse 70
قَالُواْ وَأَقۡبَلُواْ عَلَيۡهِم مَّاذَا تَفۡقِدُونَ
Vakacheukira kwavari, vakati: “Ndechipiko chamashaya?”
Surah Yusuf, Verse 71
قَالُواْ نَفۡقِدُ صُوَاعَ ٱلۡمَلِكِ وَلِمَن جَآءَ بِهِۦ حِمۡلُ بَعِيرٖ وَأَنَا۠ بِهِۦ زَعِيمٞ
Ivo vakati: “Tashaya ndiro (yerudzi rwendarama) yamambo, uye kune uyo anoiwana (kune mubairo) wechikafu chinotakurwa nengamera; uye ndichachengetedza vimbiso iyi.”
Surah Yusuf, Verse 72
قَالُواْ تَٱللَّهِ لَقَدۡ عَلِمۡتُم مَّا جِئۡنَا لِنُفۡسِدَ فِي ٱلۡأَرۡضِ وَمَا كُنَّا سَٰرِقِينَ
Ivo vakati: “Tinopika naAllah! Zvirokwazvo, munoziva kuti hatina kuuya kuzokonzera musikanzwa munzvimbo, uye hatizi mbavha!”
Surah Yusuf, Verse 73
قَالُواْ فَمَا جَزَـٰٓؤُهُۥٓ إِن كُنتُمۡ كَٰذِبِينَ
Ivo (vakomana vaJosefa) vakati: “Saka mubairo wake (uyo anowanika nendiro) uchange wakaita sei, kana muri vanyepi?”
Surah Yusuf, Verse 74
قَالُواْ جَزَـٰٓؤُهُۥ مَن وُجِدَ فِي رَحۡلِهِۦ فَهُوَ جَزَـٰٓؤُهُۥۚ كَذَٰلِكَ نَجۡزِي ٱلظَّـٰلِمِينَ
Ivo (madzikoma aJosefa) vakati: “Murango wake ndeuyu, uyo musaga rake muchawanika (ndiro), anofanira kusarira mutongo (wake). Ndiwo marangiro atinoita vaiti vezvakaipa!”
Surah Yusuf, Verse 75
فَبَدَأَ بِأَوۡعِيَتِهِمۡ قَبۡلَ وِعَآءِ أَخِيهِ ثُمَّ ٱسۡتَخۡرَجَهَا مِن وِعَآءِ أَخِيهِۚ كَذَٰلِكَ كِدۡنَا لِيُوسُفَۖ مَا كَانَ لِيَأۡخُذَ أَخَاهُ فِي دِينِ ٱلۡمَلِكِ إِلَّآ أَن يَشَآءَ ٱللَّهُۚ نَرۡفَعُ دَرَجَٰتٖ مَّن نَّشَآءُۗ وَفَوۡقَ كُلِّ ذِي عِلۡمٍ عَلِيمٞ
Nokudaro (Josefa) akatanga (kutsvaga) mumasaga avo asati musaga remukoma wake. Nokudaro akaibuditsa musaga remukoma wake. Aya ndiwo marongero atakaitira Josefa. Akanga asingakwanisi kutora mukoma wake nemutemo wamambo (semuranda) kunze kwekuti Allah vazvida. Tinokwidziridza zvinhanho watinoda, asi pamusoro pevose vane ruzivo pane muzivi wezvose (Allah)
Surah Yusuf, Verse 76
۞قَالُوٓاْ إِن يَسۡرِقۡ فَقَدۡ سَرَقَ أَخٞ لَّهُۥ مِن قَبۡلُۚ فَأَسَرَّهَا يُوسُفُ فِي نَفۡسِهِۦ وَلَمۡ يُبۡدِهَا لَهُمۡۚ قَالَ أَنتُمۡ شَرّٞ مَّكَانٗاۖ وَٱللَّهُ أَعۡلَمُ بِمَا تَصِفُونَ
Ivo (madzikoma aJosefa) vakati: “Kana aba, zvirokwazvo mukoma wake (Josefa) akamboba kare.” Asi Josefa akazviviga maari, uye haana kuzvibuditsa kwavari. Akati: “(Maari) Muri panhaurwa yakaipa, uye Allah ndivo muzivi wezvose zvamatsanangura!”
Surah Yusuf, Verse 77
قَالُواْ يَـٰٓأَيُّهَا ٱلۡعَزِيزُ إِنَّ لَهُۥٓ أَبٗا شَيۡخٗا كَبِيرٗا فَخُذۡ أَحَدَنَا مَكَانَهُۥٓۖ إِنَّا نَرَىٰكَ مِنَ ٱلۡمُحۡسِنِينَ
Vakati: “Imi Aziz (mutongi wenzvimbo)! Zvirokwazvo, ana baba vachembera, nokudaro torai mumwe wedu pachinzvimbo chake. Zvirokwazvo, tinofunga kuti muri umwe wevaiti vezvakanaka.”
Surah Yusuf, Verse 78
قَالَ مَعَاذَ ٱللَّهِ أَن نَّأۡخُذَ إِلَّا مَن وَجَدۡنَا مَتَٰعَنَا عِندَهُۥٓ إِنَّآ إِذٗا لَّظَٰلِمُونَ
Iye (Josefa) akati: “Allah ngavarambidze kuti tive tinotora umwe, asi kutora watawana nechinhu chedu. Zvirokwazvo (kana tikadaro), tingave vaiti vezvakaipa.”
Surah Yusuf, Verse 79
فَلَمَّا ٱسۡتَيۡـَٔسُواْ مِنۡهُ خَلَصُواْ نَجِيّٗاۖ قَالَ كَبِيرُهُمۡ أَلَمۡ تَعۡلَمُوٓاْ أَنَّ أَبَاكُمۡ قَدۡ أَخَذَ عَلَيۡكُم مَّوۡثِقٗا مِّنَ ٱللَّهِ وَمِن قَبۡلُ مَا فَرَّطتُمۡ فِي يُوسُفَۖ فَلَنۡ أَبۡرَحَ ٱلۡأَرۡضَ حَتَّىٰ يَأۡذَنَ لِيٓ أَبِيٓ أَوۡ يَحۡكُمَ ٱللَّهُ لِيۖ وَهُوَ خَيۡرُ ٱلۡحَٰكِمِينَ
Nokudaro, pavakarambirwa naye (Josefa), vakasangana pachihwande. Mukoma wavo mukuru akati: “Hamuzivi here kuti baba venyu vakatora kupika kwenyu nemuzita raAllah, uye mushure makatadza mubasa renyu naJosefa? Nokudaro handisikubuda munyika ino kusvika baba vangu vanditendera, kana kuti Allah vatonga panyaya yangu (nekuregedza Benjamini), uye ndivo mutongi wakanaka.”
Surah Yusuf, Verse 80
ٱرۡجِعُوٓاْ إِلَىٰٓ أَبِيكُمۡ فَقُولُواْ يَـٰٓأَبَانَآ إِنَّ ٱبۡنَكَ سَرَقَ وَمَا شَهِدۡنَآ إِلَّا بِمَا عَلِمۡنَا وَمَا كُنَّا لِلۡغَيۡبِ حَٰفِظِينَ
“Dzokerai kuna baba venyu uye moti: ‘Imi baba vedu! Zvirokwazvo, mwana wenyu (Benjamini) akaba, uye tinopa huchapupu chete maererano nezvatinoziva, uye hatina kukwanisa kuona zvakavanzika!’
Surah Yusuf, Verse 81
وَسۡـَٔلِ ٱلۡقَرۡيَةَ ٱلَّتِي كُنَّا فِيهَا وَٱلۡعِيرَ ٱلَّتِيٓ أَقۡبَلۡنَا فِيهَاۖ وَإِنَّا لَصَٰدِقُونَ
‘Uye bvunzai (vanhu) veguta ratanga tiri, uye ngoro yatadzoka nayo, uye zvirokwazvo tiri kutaura chokwadi.’”
Surah Yusuf, Verse 82
قَالَ بَلۡ سَوَّلَتۡ لَكُمۡ أَنفُسُكُمۡ أَمۡرٗاۖ فَصَبۡرٞ جَمِيلٌۖ عَسَى ٱللَّهُ أَن يَأۡتِيَنِي بِهِمۡ جَمِيعًاۚ إِنَّهُۥ هُوَ ٱلۡعَلِيمُ ٱلۡحَكِيمُ
Iye (Jakobho) akati: “Asi hunhu hwenyu hwakupinzai mune zvimwe. Nokudaro moyo murefu ndowakanaka. Pamwe Allah vachavadzosa (vose) kwandiri. Zvirokwazvo, ivo ndivo voga muzivi wezvose, vane huchenjeri hwese.”
Surah Yusuf, Verse 83
وَتَوَلَّىٰ عَنۡهُمۡ وَقَالَ يَـٰٓأَسَفَىٰ عَلَىٰ يُوسُفَ وَٱبۡيَضَّتۡ عَيۡنَاهُ مِنَ ٱلۡحُزۡنِ فَهُوَ كَظِيمٞ
Akatendeuka kubva kwavari uye akati: “Aah, marwadzo angu aJosefa!” Uye akarasikirwa nekuona nokuda kwekushushikana kwaakange achikudzora
Surah Yusuf, Verse 84
قَالُواْ تَٱللَّهِ تَفۡتَؤُاْ تَذۡكُرُ يُوسُفَ حَتَّىٰ تَكُونَ حَرَضًا أَوۡ تَكُونَ مِنَ ٱلۡهَٰلِكِينَ
Vakati: “Tinopika naAllah! Hamufi makaguma kufunga Josefa kusvika musisina simba nekuchembera, kana kuti mave umwe wevafi.”
Surah Yusuf, Verse 85
قَالَ إِنَّمَآ أَشۡكُواْ بَثِّي وَحُزۡنِيٓ إِلَى ٱللَّهِ وَأَعۡلَمُ مِنَ ٱللَّهِ مَا لَا تَعۡلَمُونَ
Iye akati: “Ndinogunun’una marwadzo nekushushikana kwangu kuna Allah, uye ndinoziva kubva kuna Allah zvamusingazivi.”
Surah Yusuf, Verse 86
يَٰبَنِيَّ ٱذۡهَبُواْ فَتَحَسَّسُواْ مِن يُوسُفَ وَأَخِيهِ وَلَا تَاْيۡـَٔسُواْ مِن رَّوۡحِ ٱللَّهِۖ إِنَّهُۥ لَا يَاْيۡـَٔسُ مِن رَّوۡحِ ٱللَّهِ إِلَّا ٱلۡقَوۡمُ ٱلۡكَٰفِرُونَ
“Imi vana vangu! Endai munotsvaga nezvaJosefa namukoma wake, uye musafe marasa tariro dzetsitsi dzaAllah. Zvirokwazvo, hakuna anorasa tariro dzetsitsi dzaAllah, kunze kwevanhu vasingatendi.”
Surah Yusuf, Verse 87
فَلَمَّا دَخَلُواْ عَلَيۡهِ قَالُواْ يَـٰٓأَيُّهَا ٱلۡعَزِيزُ مَسَّنَا وَأَهۡلَنَا ٱلضُّرُّ وَجِئۡنَا بِبِضَٰعَةٖ مُّزۡجَىٰةٖ فَأَوۡفِ لَنَا ٱلۡكَيۡلَ وَتَصَدَّقۡ عَلَيۡنَآۖ إِنَّ ٱللَّهَ يَجۡزِي ٱلۡمُتَصَدِّقِينَ
Nokudaro pavakapinda maiva naJosefa vakati: “Imi mutongi wenyika! Nguva yakaoma yatisvikira uye mhuri yedu, uye taunza mubhadharo wenhando, nokudaro tipei chipimo chakazara uye ivai mupi kwatiri. Zvirokwazvo, Allah vanopa mubairo vapi vezvipo.”
Surah Yusuf, Verse 88
قَالَ هَلۡ عَلِمۡتُم مَّا فَعَلۡتُم بِيُوسُفَ وَأَخِيهِ إِذۡ أَنتُمۡ جَٰهِلُونَ
Iye akati: “Munoziva here zvamakaita naJosefa nemukoma wake pamakange musingazivi?”
Surah Yusuf, Verse 89
قَالُوٓاْ أَءِنَّكَ لَأَنتَ يُوسُفُۖ قَالَ أَنَا۠ يُوسُفُ وَهَٰذَآ أَخِيۖ قَدۡ مَنَّ ٱللَّهُ عَلَيۡنَآۖ إِنَّهُۥ مَن يَتَّقِ وَيَصۡبِرۡ فَإِنَّ ٱللَّهَ لَا يُضِيعُ أَجۡرَ ٱلۡمُحۡسِنِينَ
Ivo vakati: “Zvirokwazvo, ndiwe here Josefa?” Iye akati: “Ndini Josefa, uye uyu mukoma wangu (Benjamini). Zvirokwazvo, Allah vane tsitsi nesu. Zvirokwazvo, uyo anotya Allah uye aine moyo murefu, nokudaro, zvirokwazvo Allah havaiti mugove wevaiti vezvakanaka kuti urasike.”
Surah Yusuf, Verse 90
قَالُواْ تَٱللَّهِ لَقَدۡ ءَاثَرَكَ ٱللَّهُ عَلَيۡنَا وَإِن كُنَّا لَخَٰطِـِٔينَ
Vakati: “Tinopika naAllah! Zvirokwazvo, Allah vakusarudza iwe kwatiri, uye zvirokwazvo taive tiri vatadzi.”
Surah Yusuf, Verse 91
قَالَ لَا تَثۡرِيبَ عَلَيۡكُمُ ٱلۡيَوۡمَۖ يَغۡفِرُ ٱللَّهُ لَكُمۡۖ وَهُوَ أَرۡحَمُ ٱلرَّـٰحِمِينَ
Iye (Josefa) akati: “Hakuna raidzo kwamuri zuva ranhasi; Allah ngavakuregererei, uye ndivo (Allah) vane tsitsi dzose pakati peavo vanoratidza tsitsi!”
Surah Yusuf, Verse 92
ٱذۡهَبُواْ بِقَمِيصِي هَٰذَا فَأَلۡقُوهُ عَلَىٰ وَجۡهِ أَبِي يَأۡتِ بَصِيرٗا وَأۡتُونِي بِأَهۡلِكُمۡ أَجۡمَعِينَ
“Endai nehembe yangu iyi, uye moikanda pamberi pechiso chababa vangu, vachatanga kuona, uye ndiunzirei mhuri yenyu yose.”
Surah Yusuf, Verse 93
وَلَمَّا فَصَلَتِ ٱلۡعِيرُ قَالَ أَبُوهُمۡ إِنِّي لَأَجِدُ رِيحَ يُوسُفَۖ لَوۡلَآ أَن تُفَنِّدُونِ
Uye pakasvika ngoro, baba vavo vakati: “Ndirikunzwa zvirokwazvo munhuwi waJosefa, ndokunge musingafunge kuti ndachembera.”
Surah Yusuf, Verse 94
قَالُواْ تَٱللَّهِ إِنَّكَ لَفِي ضَلَٰلِكَ ٱلۡقَدِيمِ
Vakati: “Topika naAllah! Zvirokwazvo, muri mukurasika kwenyu kwekare.”
Surah Yusuf, Verse 95
فَلَمَّآ أَن جَآءَ ٱلۡبَشِيرُ أَلۡقَىٰهُ عَلَىٰ وَجۡهِهِۦ فَٱرۡتَدَّ بَصِيرٗاۖ قَالَ أَلَمۡ أَقُل لَّكُمۡ إِنِّيٓ أَعۡلَمُ مِنَ ٱللَّهِ مَا لَا تَعۡلَمُونَ
Nokudaro, apo pakauya musengi wemashoko akanaka, akaikanda pamberi pechiso chavo, uye vakatanga kuona zvakanaka. Iye (Jakobho) akati: “Handina here kuti kwamuri ndinoziva kubva kuna Allah izvo zvamusingazivi.”
Surah Yusuf, Verse 96
قَالُواْ يَـٰٓأَبَانَا ٱسۡتَغۡفِرۡ لَنَا ذُنُوبَنَآ إِنَّا كُنَّا خَٰطِـِٔينَ
Vakati: “Imi baba vedu! Tikumbirireiwo ruregerero (kuna Allah) pazvitadzo zvedu. Zvirokwazvo, tanga tiri vatadzi.”
Surah Yusuf, Verse 97
قَالَ سَوۡفَ أَسۡتَغۡفِرُ لَكُمۡ رَبِّيٓۖ إِنَّهُۥ هُوَ ٱلۡغَفُورُ ٱلرَّحِيمُ
Iye akati: “Ndichakukumbirirai ruregerero kuna Tenzi vangu, zvirokwazvo, ivo chete ndivo vane ruregerero rwose, vane tsitsi dzakanyanya.”
Surah Yusuf, Verse 98
فَلَمَّا دَخَلُواْ عَلَىٰ يُوسُفَ ءَاوَىٰٓ إِلَيۡهِ أَبَوَيۡهِ وَقَالَ ٱدۡخُلُواْ مِصۡرَ إِن شَآءَ ٱللَّهُ ءَامِنِينَ
Nokudaro pavakapinda kwaiva naJosefa, akatora vabereki vake akati: “Pindai Egypt, kana Allah vachida, nechengetedzo.”
Surah Yusuf, Verse 99
وَرَفَعَ أَبَوَيۡهِ عَلَى ٱلۡعَرۡشِ وَخَرُّواْ لَهُۥ سُجَّدٗاۖ وَقَالَ يَـٰٓأَبَتِ هَٰذَا تَأۡوِيلُ رُءۡيَٰيَ مِن قَبۡلُ قَدۡ جَعَلَهَا رَبِّي حَقّٗاۖ وَقَدۡ أَحۡسَنَ بِيٓ إِذۡ أَخۡرَجَنِي مِنَ ٱلسِّجۡنِ وَجَآءَ بِكُم مِّنَ ٱلۡبَدۡوِ مِنۢ بَعۡدِ أَن نَّزَغَ ٱلشَّيۡطَٰنُ بَيۡنِي وَبَيۡنَ إِخۡوَتِيٓۚ إِنَّ رَبِّي لَطِيفٞ لِّمَا يَشَآءُۚ إِنَّهُۥ هُوَ ٱلۡعَلِيمُ ٱلۡحَكِيمُ
Uye akasimudzira vabereki vake pachigaro chehutongi uye vakava vanomupfugamira. Iye akati: “Imi baba vangu! Iyi ndiyo tsanangudzo yehope dzangu dzekare! Tenzi vangu vadziita dzechokwadi! Uye vanga vakandinakira apo pavakandibuditsa mujere, uye vakakuunzai (imi mose) kubva muhupenyu hwekumusha, mushure mekunge Satani akanda ruvengo pakati pangu nemadzikoma angu. Zvirokwazvo, Tenzi vangu vane tsitsi kuna ani-nani wavanoda. Zvirokwazvo, ivo ndivo chete muzivi wezvose, vane njere dzose.”
Surah Yusuf, Verse 100
۞رَبِّ قَدۡ ءَاتَيۡتَنِي مِنَ ٱلۡمُلۡكِ وَعَلَّمۡتَنِي مِن تَأۡوِيلِ ٱلۡأَحَادِيثِۚ فَاطِرَ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ أَنتَ وَلِيِّۦ فِي ٱلدُّنۡيَا وَٱلۡأٓخِرَةِۖ تَوَفَّنِي مُسۡلِمٗا وَأَلۡحِقۡنِي بِٱلصَّـٰلِحِينَ
“Tenzi vangu! Zvirokwazvo, makandipa masimba ehutongi, uye kundidzidzisa zvimwe kubva kukududzira hope. Musiki wedenga nenyika! Muri muchengeti wangu pano pasi nehupenyu hwamangwana. Itai kuti ndife ndiri muMuslim (uyo anozvipira kutevedzera mirairo yenyu), uye ndibatanidzei nevatsvene.”
Surah Yusuf, Verse 101
ذَٰلِكَ مِنۡ أَنۢبَآءِ ٱلۡغَيۡبِ نُوحِيهِ إِلَيۡكَۖ وَمَا كُنتَ لَدَيۡهِمۡ إِذۡ أَجۡمَعُوٓاْ أَمۡرَهُمۡ وَهُمۡ يَمۡكُرُونَ
Idzi ndidzo nhaurwa dzakavanzika dzatinokuzarurira iwe (Muhammad (SAW)). Wakanga usinavo pavakaronga hurongwa hwavo pamwechete, uye pavakanga vachironga
Surah Yusuf, Verse 102
وَمَآ أَكۡثَرُ ٱلنَّاسِ وَلَوۡ حَرَصۡتَ بِمُؤۡمِنِينَ
Uye vanhu vazhinji havasi kuzotenda kunyange uchizvishuvira zvakanyanya
Surah Yusuf, Verse 103
وَمَا تَسۡـَٔلُهُمۡ عَلَيۡهِ مِنۡ أَجۡرٍۚ إِنۡ هُوَ إِلَّا ذِكۡرٞ لِّلۡعَٰلَمِينَ
Uye hapana mubairo wauri kuvabvunza (Muhammad (SAW)) avo vari kuramba huporofita hwako) kubva pariri (Qur’aan), asi ringori yeuchidzo neyambiro kuvanhu vose
Surah Yusuf, Verse 104
وَكَأَيِّن مِّنۡ ءَايَةٖ فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ يَمُرُّونَ عَلَيۡهَا وَهُمۡ عَنۡهَا مُعۡرِضُونَ
Uye zvingani kubva muzviratidzo zvedenga nenyika zvavanopfuura nazvo, asi vachizvifuratira
Surah Yusuf, Verse 105
وَمَا يُؤۡمِنُ أَكۡثَرُهُم بِٱللَّهِ إِلَّا وَهُم مُّشۡرِكُونَ
Uye vazhinji vavo havatendi muna Allah kunze kwekuti vachivasanganisa (Allah) (nezvimwe zvivanamwari)
Surah Yusuf, Verse 106
أَفَأَمِنُوٓاْ أَن تَأۡتِيَهُمۡ غَٰشِيَةٞ مِّنۡ عَذَابِ ٱللَّهِ أَوۡ تَأۡتِيَهُمُ ٱلسَّاعَةُ بَغۡتَةٗ وَهُمۡ لَا يَشۡعُرُونَ
Vanonzwa here vane chengetedzo kubva mukuputirwa nemarwadzo aAllah, kana kuti kuuya kwavari kwenguva yekupedzisira vakarivara, ivo vasingazivi
Surah Yusuf, Verse 107
قُلۡ هَٰذِهِۦ سَبِيلِيٓ أَدۡعُوٓاْ إِلَى ٱللَّهِۚ عَلَىٰ بَصِيرَةٍ أَنَا۠ وَمَنِ ٱتَّبَعَنِيۖ وَسُبۡحَٰنَ ٱللَّهِ وَمَآ أَنَا۠ مِنَ ٱلۡمُشۡرِكِينَ
Iti (Muhammad (SAW)): “Iyi ndiyo nzira yangu, ndinodana kuna Allah zvine ruzivo, ini naani- nani vanonditevera. Uye rumbidzo ngadzive kuna Allah, uye handisi umwe weavo vanosanganisa (Allah nezvimwe zvinhu mukunamata)
Surah Yusuf, Verse 108
وَمَآ أَرۡسَلۡنَا مِن قَبۡلِكَ إِلَّا رِجَالٗا نُّوحِيٓ إِلَيۡهِم مِّنۡ أَهۡلِ ٱلۡقُرَىٰٓۗ أَفَلَمۡ يَسِيرُواْ فِي ٱلۡأَرۡضِ فَيَنظُرُواْ كَيۡفَ كَانَ عَٰقِبَةُ ٱلَّذِينَ مِن قَبۡلِهِمۡۗ وَلَدَارُ ٱلۡأٓخِرَةِ خَيۡرٞ لِّلَّذِينَ ٱتَّقَوۡاْۚ أَفَلَا تَعۡقِلُونَ
Uye hatina kutuma mumashure mako (sevatumwa) kunze kwevarume vataivazarurira (vataipa mashoko) kubva muvanhu vemudunhu. Havasati vambofamba here munyika uye vakaona kuti ndeapi akava magumo evaiva mumashure mavo? Uye zvirokwazvo, imba yehupenyu hwamangwana yakanakira avo vanotya Allah (voita mabasa akanaka uye vosiya akaipa). Ko hamunawo njere here
Surah Yusuf, Verse 109
حَتَّىٰٓ إِذَا ٱسۡتَيۡـَٔسَ ٱلرُّسُلُ وَظَنُّوٓاْ أَنَّهُمۡ قَدۡ كُذِبُواْ جَآءَهُمۡ نَصۡرُنَا فَنُجِّيَ مَن نَّشَآءُۖ وَلَا يُرَدُّ بَأۡسُنَا عَنِ ٱلۡقَوۡمِ ٱلۡمُجۡرِمِينَ
(Vakaregererwa) Kusvika apo vatumwa vakarasa tarisiro uye vakafunga kuti vakange varambwa (nevanhu vavo), nokudaro rubatsiro rwedu rwakauya kwavari, uye vakanunurwa avo vataida. Uye marwadzo edu haafi akadzivirirwa kubva kuvanhu vasingatendi (vanotadza)
Surah Yusuf, Verse 110
لَقَدۡ كَانَ فِي قَصَصِهِمۡ عِبۡرَةٞ لِّأُوْلِي ٱلۡأَلۡبَٰبِۗ مَا كَانَ حَدِيثٗا يُفۡتَرَىٰ وَلَٰكِن تَصۡدِيقَ ٱلَّذِي بَيۡنَ يَدَيۡهِ وَتَفۡصِيلَ كُلِّ شَيۡءٖ وَهُدٗى وَرَحۡمَةٗ لِّقَوۡمٖ يُؤۡمِنُونَ
Zvirokwazvo munyaya dzavo, mune chidzidzo kuvanhu vanonzwisisa. Iri (Qur’aan) harisi mashoko akakanganiswa, asi chisimbiso cheizvo zvakauya mushure maro (Torah, Vhangeri nemamwe mabhuku), uye tsanangudzo yakazara yezvinhu zvose, uye gwara, uye tsitsi kuvanhu vanotenda
Surah Yusuf, Verse 111