Surah Ar-Rad - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
الٓمٓرۚ تِلۡكَ ءَايَٰتُ ٱلۡكِتَٰبِۗ وَٱلَّذِيٓ أُنزِلَ إِلَيۡكَ مِن رَّبِّكَ ٱلۡحَقُّ وَلَٰكِنَّ أَكۡثَرَ ٱلنَّاسِ لَا يُؤۡمِنُونَ
Alif – Laam – Meem – Raa. (Aya mashoko ndemamwe ezvishamiso zviri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah). Idzi ndidzo ndima dzeGwaro (Qur’aan), uye izvo zvadzikiswa kwauri (Muhammad (SAW)) kubva kuna Tenzi vako muchokwadi, asi vanhu vazhinji havatendi
Surah Ar-Rad, Verse 1
ٱللَّهُ ٱلَّذِي رَفَعَ ٱلسَّمَٰوَٰتِ بِغَيۡرِ عَمَدٖ تَرَوۡنَهَاۖ ثُمَّ ٱسۡتَوَىٰ عَلَى ٱلۡعَرۡشِۖ وَسَخَّرَ ٱلشَّمۡسَ وَٱلۡقَمَرَۖ كُلّٞ يَجۡرِي لِأَجَلٖ مُّسَمّٗىۚ يُدَبِّرُ ٱلۡأَمۡرَ يُفَصِّلُ ٱلۡأٓيَٰتِ لَعَلَّكُم بِلِقَآءِ رَبِّكُمۡ تُوقِنُونَ
Allah ndivo vakasimudza matenga pasina zvitsigiro zvamunoona. Vakabva vakwira pamusoro pechigaro chehumambo (nenzira inoenderana nehumambo hwavo). Vakaita kuti zuva nemwedzi chimwe nechimwe chazvo chive chino mhanya nenguva yakatarwa. Vanoongorora nekuronga nyaya dzose. Vanotsanangura zviratidzo zvizere, kuti muve nokutenda kwakazara nekuzosanga naTenzi venyu
Surah Ar-Rad, Verse 2
وَهُوَ ٱلَّذِي مَدَّ ٱلۡأَرۡضَ وَجَعَلَ فِيهَا رَوَٰسِيَ وَأَنۡهَٰرٗاۖ وَمِن كُلِّ ٱلثَّمَرَٰتِ جَعَلَ فِيهَا زَوۡجَيۡنِ ٱثۡنَيۡنِۖ يُغۡشِي ٱلَّيۡلَ ٱلنَّهَارَۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَٰتٖ لِّقَوۡمٖ يَتَفَكَّرُونَ
Uye ndivo vakawaridza nyika, uye vakava vanoisa imomo makomo uye nenzizi, uye vakaisa imomo mhando dzakasiyana-siyana dzemichero zviviri-zviviri (zvitema nezvichena, zvinotapira nezvinovava, zvihombe nezvidiki). Vanoita kuti usiku huve hunofukidza masikati. Zvirokwazvo, muzvinhu izvi, mune humboo kuvanhu vanoongorora
Surah Ar-Rad, Verse 3
وَفِي ٱلۡأَرۡضِ قِطَعٞ مُّتَجَٰوِرَٰتٞ وَجَنَّـٰتٞ مِّنۡ أَعۡنَٰبٖ وَزَرۡعٞ وَنَخِيلٞ صِنۡوَانٞ وَغَيۡرُ صِنۡوَانٖ يُسۡقَىٰ بِمَآءٖ وَٰحِدٖ وَنُفَضِّلُ بَعۡضَهَا عَلَىٰ بَعۡضٖ فِي ٱلۡأُكُلِۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَٰتٖ لِّقَوۡمٖ يَعۡقِلُونَ
Uye munyika mune tunzvimbo twakavakidzana, nemapindu emagirepi, uye zvirimwa zvinyoro, uye miti yemadheti, inokura iri miviri kana nhatu kubva pamudzi wemuti mumwechete, kana uri muti mumwechete kubva pamudzi umwe, inodiridzirwa nemvura imwe cheteyo, asi mamwe acho tinoita kuti ave akanaka kupfuura mamwe pakudya. Zvirokwazvo, muzvinhu izvi mune humboo kuvanhu vanonzwisisa
Surah Ar-Rad, Verse 4
۞وَإِن تَعۡجَبۡ فَعَجَبٞ قَوۡلُهُمۡ أَءِذَا كُنَّا تُرَٰبًا أَءِنَّا لَفِي خَلۡقٖ جَدِيدٍۗ أُوْلَـٰٓئِكَ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ بِرَبِّهِمۡۖ وَأُوْلَـٰٓئِكَ ٱلۡأَغۡلَٰلُ فِيٓ أَعۡنَاقِهِمۡۖ وَأُوْلَـٰٓئِكَ أَصۡحَٰبُ ٱلنَّارِۖ هُمۡ فِيهَا خَٰلِدُونَ
Kana (iwe Muhammad (SAW)) uchishamiswa (nevasingatendi vanoramba Islaam), mashoko avo avanotaura anoshamisa zvekare: “Kana tave ivhu, tichamutswa here kuve muzvirokwazvo chisikwa chitsva?” Ndivo avo vanoramba Tenzi vavo! Ndivo avo vachange vane ngetani dzesimbi dzakasungirira maoko avo muhuro dzavo. Vachava vanhu vekumoto umo vachagara zvachose
Surah Ar-Rad, Verse 5
وَيَسۡتَعۡجِلُونَكَ بِٱلسَّيِّئَةِ قَبۡلَ ٱلۡحَسَنَةِ وَقَدۡ خَلَتۡ مِن قَبۡلِهِمُ ٱلۡمَثُلَٰتُۗ وَإِنَّ رَبَّكَ لَذُو مَغۡفِرَةٖ لِّلنَّاسِ عَلَىٰ ظُلۡمِهِمۡۖ وَإِنَّ رَبَّكَ لَشَدِيدُ ٱلۡعِقَابِ
Uye vanokubvunza kuti ukasikise zvakaipa, zvakanaka zvisati zvauya, kunyange zvirokwazvo mushure mavo mienzaniso (yakawanda) yemarwadzo yakaitika. Zvirokwazvo, Tenzi vako ndivo vazere neruregerero kuvanhu zvisinei nekutadza kwavo. Uye zvirokwazvo Tenzi vako vane murango wakaomarara
Surah Ar-Rad, Verse 6
وَيَقُولُ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ لَوۡلَآ أُنزِلَ عَلَيۡهِ ءَايَةٞ مِّن رَّبِّهِۦٓۗ إِنَّمَآ أَنتَ مُنذِرٞۖ وَلِكُلِّ قَوۡمٍ هَادٍ
Uye vasingatendi vanoti: “Sei chiratidzo chisingadzikiswi kwaari kubva kuna Tenzi vake?” Uri muyambiri chete, uye vanhu vose vane mutungamiriri
Surah Ar-Rad, Verse 7
ٱللَّهُ يَعۡلَمُ مَا تَحۡمِلُ كُلُّ أُنثَىٰ وَمَا تَغِيضُ ٱلۡأَرۡحَامُ وَمَا تَزۡدَادُۚ وَكُلُّ شَيۡءٍ عِندَهُۥ بِمِقۡدَارٍ
Allah vanoziva zvinotakura mukadzi wega-wega mudumbu, uye kuti nhumbu dzine nguva yasara zvakadii kana kuti yapfuura zvakadii. Uye zvese zvavanazvo zvine muero
Surah Ar-Rad, Verse 8
عَٰلِمُ ٱلۡغَيۡبِ وَٱلشَّهَٰدَةِ ٱلۡكَبِيرُ ٱلۡمُتَعَالِ
Muzivi wezvakavanzika uye zvinooneka, mukuru-kuru, mukuru vekumusoro-soro
Surah Ar-Rad, Verse 9
سَوَآءٞ مِّنكُم مَّنۡ أَسَرَّ ٱلۡقَوۡلَ وَمَن جَهَرَ بِهِۦ وَمَنۡ هُوَ مُسۡتَخۡفِۭ بِٱلَّيۡلِ وَسَارِبُۢ بِٱلنَّهَارِ
Zvakafanana (kwavari) kuti umwe wenyu anoviga mashoko kana kuwabuditsa pachena, kana kuti anohwanda husiku kana kufamba akasununguka masikati
Surah Ar-Rad, Verse 10
لَهُۥ مُعَقِّبَٰتٞ مِّنۢ بَيۡنِ يَدَيۡهِ وَمِنۡ خَلۡفِهِۦ يَحۡفَظُونَهُۥ مِنۡ أَمۡرِ ٱللَّهِۗ إِنَّ ٱللَّهَ لَا يُغَيِّرُ مَا بِقَوۡمٍ حَتَّىٰ يُغَيِّرُواْ مَا بِأَنفُسِهِمۡۗ وَإِذَآ أَرَادَ ٱللَّهُ بِقَوۡمٖ سُوٓءٗا فَلَا مَرَدَّ لَهُۥۚ وَمَا لَهُم مِّن دُونِهِۦ مِن وَالٍ
Paari (munhu wega-wega), pane ngirozi dzinochinjana kumberi uye mumashure make. Dzinomuchengetedza nemurairo waAllah. Zvirokwazvo, Allah havachinje mararamiro (akanaka) evanhu kusvika vazvichinja pachavo (nekuita mabasa akaipa). Asi kana Allah vada marwadzo kuvanhu, hakuna kudzorerwa kumashure kwawo (marwadzo), uye havawani kunze kwavo (Allah) mudziviriri mumwe
Surah Ar-Rad, Verse 11
هُوَ ٱلَّذِي يُرِيكُمُ ٱلۡبَرۡقَ خَوۡفٗا وَطَمَعٗا وَيُنشِئُ ٱلسَّحَابَ ٱلثِّقَالَ
Ndivo vanokuratidzai imi kupenya (mheni) sechityiso (kuvafambi) uye tarisiro (kune avo vakamirira kunaya kwemvura). Uye ndivo vanounza makore anorema (nemvura)
Surah Ar-Rad, Verse 12
وَيُسَبِّحُ ٱلرَّعۡدُ بِحَمۡدِهِۦ وَٱلۡمَلَـٰٓئِكَةُ مِنۡ خِيفَتِهِۦ وَيُرۡسِلُ ٱلصَّوَٰعِقَ فَيُصِيبُ بِهَا مَن يَشَآءُ وَهُمۡ يُجَٰدِلُونَ فِي ٱللَّهِ وَهُوَ شَدِيدُ ٱلۡمِحَالِ
Uye mabhanan’ana anorumbidza nekukudza ivo, uye ngirozi dzinodarowo nekuvatya. Uye vanotumira mheni kuti vave vanorova nayo ani nani wavanoda, asi ivo (vasingatendi) vanopikisa pamusoro paAllah. Uye vane simba rese uye vanoranga zvakaomarara
Surah Ar-Rad, Verse 13
لَهُۥ دَعۡوَةُ ٱلۡحَقِّۚ وَٱلَّذِينَ يَدۡعُونَ مِن دُونِهِۦ لَا يَسۡتَجِيبُونَ لَهُم بِشَيۡءٍ إِلَّا كَبَٰسِطِ كَفَّيۡهِ إِلَى ٱلۡمَآءِ لِيَبۡلُغَ فَاهُ وَمَا هُوَ بِبَٰلِغِهِۦۚ وَمَا دُعَآءُ ٱلۡكَٰفِرِينَ إِلَّا فِي ضَلَٰلٖ
Ndivo vane shoko rechokwadi (Hapana ane kodzero yekunamatwa kunze kwaAllah). Uye avo vanovadana kunze kwavo (Allah), havavapinduri chimwe chinhu, kufanana nemunhu anotambanudza ruoko rwake (mumucheto metsime rinonyudza) kuti mvura ive inosvika pamuromo wake, asi haisviki kwaari; uye chikumbiro chevasingatendi hapana zviripo asi chinhu chisina basa
Surah Ar-Rad, Verse 14
وَلِلَّهِۤ يَسۡجُدُۤ مَن فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ طَوۡعٗا وَكَرۡهٗا وَظِلَٰلُهُم بِٱلۡغُدُوِّ وَٱلۡأٓصَالِ۩
Uye kuna Allah (chete) ndokwavanopfugamira vese vari mumatenga uye munyika vachida kana vasingadi, uye mimvuri yavo ndozvainoita mangwanani uye masikati
Surah Ar-Rad, Verse 15
قُلۡ مَن رَّبُّ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ قُلِ ٱللَّهُۚ قُلۡ أَفَٱتَّخَذۡتُم مِّن دُونِهِۦٓ أَوۡلِيَآءَ لَا يَمۡلِكُونَ لِأَنفُسِهِمۡ نَفۡعٗا وَلَا ضَرّٗاۚ قُلۡ هَلۡ يَسۡتَوِي ٱلۡأَعۡمَىٰ وَٱلۡبَصِيرُ أَمۡ هَلۡ تَسۡتَوِي ٱلظُّلُمَٰتُ وَٱلنُّورُۗ أَمۡ جَعَلُواْ لِلَّهِ شُرَكَآءَ خَلَقُواْ كَخَلۡقِهِۦ فَتَشَٰبَهَ ٱلۡخَلۡقُ عَلَيۡهِمۡۚ قُلِ ٱللَّهُ خَٰلِقُ كُلِّ شَيۡءٖ وَهُوَ ٱلۡوَٰحِدُ ٱلۡقَهَّـٰرُ
Iti (iwe Muhammad (SAW)): “Ndiani Tenzi vematenga nenyika?” Iti: “(Ndi) Allah.” Iti: “Saka munotora here (pakunamata) vamwe vasiri Allah sevadziviriri, avo vasina simba rokuzvibetsera kana kuzvikuvadza pachavo?” Iti: “Bofu rakafanana here neuyo anoona? Kana rima (rakafanana here) nechiedza? Kana kuti vanosanganisa naAllah vamwe vanosika zvakafanana nezvakasikwa naAllah, nokudaro zvisikiwa zvacho zvakafanana kwavari?” Iti: “Allah ndivo musiki wezvose zvinhu, uye vamwechete, vane masimba (vasingakundwi).”
Surah Ar-Rad, Verse 16
أَنزَلَ مِنَ ٱلسَّمَآءِ مَآءٗ فَسَالَتۡ أَوۡدِيَةُۢ بِقَدَرِهَا فَٱحۡتَمَلَ ٱلسَّيۡلُ زَبَدٗا رَّابِيٗاۖ وَمِمَّا يُوقِدُونَ عَلَيۡهِ فِي ٱلنَّارِ ٱبۡتِغَآءَ حِلۡيَةٍ أَوۡ مَتَٰعٖ زَبَدٞ مِّثۡلُهُۥۚ كَذَٰلِكَ يَضۡرِبُ ٱللَّهُ ٱلۡحَقَّ وَٱلۡبَٰطِلَۚ فَأَمَّا ٱلزَّبَدُ فَيَذۡهَبُ جُفَآءٗۖ وَأَمَّا مَا يَنفَعُ ٱلنَّاسَ فَيَمۡكُثُ فِي ٱلۡأَرۡضِۚ كَذَٰلِكَ يَضۡرِبُ ٱللَّهُ ٱلۡأَمۡثَالَ
Vanotumira kubva kudenga mvura, uye nzizi dzinoyerera nechipimo chadzo, asi mapfashamu anokukura mafuro (epamusoro pevhu), uye kubva pa (chicherwa) chavanopisa mumoto kuti vave vanogadzira hukoshwa kana midziyo, inosimudza furo rakafanana nayo. Aya ndiwo maitiro aAllah mukutiratidza chokwadi uye manyepo. Nokudaro furo rinoenda sezvarinoita kumucheto erwizi. Asi izvo zvakanakira ruzhinji zvinosara munyika. Aya ndiwo mapiro anoita Allah maparabhuro (mienzaniso)
Surah Ar-Rad, Verse 17
لِلَّذِينَ ٱسۡتَجَابُواْ لِرَبِّهِمُ ٱلۡحُسۡنَىٰۚ وَٱلَّذِينَ لَمۡ يَسۡتَجِيبُواْ لَهُۥ لَوۡ أَنَّ لَهُم مَّا فِي ٱلۡأَرۡضِ جَمِيعٗا وَمِثۡلَهُۥ مَعَهُۥ لَٱفۡتَدَوۡاْ بِهِۦٓۚ أُوْلَـٰٓئِكَ لَهُمۡ سُوٓءُ ٱلۡحِسَابِ وَمَأۡوَىٰهُمۡ جَهَنَّمُۖ وَبِئۡسَ ٱلۡمِهَادُ
Avo vanodavira kusheedza kwaTenzi vavo (vakatenda muIslaam), vachawana zvakanaka (Paradhiso). Uye avo vasingadavire kusheedza kwavo (Tenzi), kunyange vakava nezvese zviri munyika nezvakafanana neizvozvo, vaizvipa kuti vazvinunure (kubva kumarwadzo aAllah, asi zvaishaiwa basa). Vakadaro vachatongwa (bvunzurudzwa) zvakaomarara. Uye nzvimbo yavo yokugara ichave Gehena. Inzvimbo yakaipisisa yekuzororera
Surah Ar-Rad, Verse 18
۞أَفَمَن يَعۡلَمُ أَنَّمَآ أُنزِلَ إِلَيۡكَ مِن رَّبِّكَ ٱلۡحَقُّ كَمَنۡ هُوَ أَعۡمَىٰٓۚ إِنَّمَا يَتَذَكَّرُ أُوْلُواْ ٱلۡأَلۡبَٰبِ
Uye anoziva izvo zvakadzikiswa kwauri (iwe Muhammad (SAW)) kubva kuna Tenzi vako kuti ichokwadi, akafanana here nebofu? Zvirokwazvo, avo vane nzwisiso ndivo vanorangarira
Surah Ar-Rad, Verse 19
ٱلَّذِينَ يُوفُونَ بِعَهۡدِ ٱللَّهِ وَلَا يَنقُضُونَ ٱلۡمِيثَٰقَ
Avo vanozadzisa chibvumirano chaAllah uye vasingachiputse
Surah Ar-Rad, Verse 20
وَٱلَّذِينَ يَصِلُونَ مَآ أَمَرَ ٱللَّهُ بِهِۦٓ أَن يُوصَلَ وَيَخۡشَوۡنَ رَبَّهُمۡ وَيَخَافُونَ سُوٓءَ ٱلۡحِسَابِ
Uye avo vanobatanidza izvo zvakakomekedzwa kuti zvibatanidzwe naAllah (vanochengetedza hukama), uye vanotya Tenzi vavo, uye kubvunzurudzwa kwakaomarara (pazuva rokutongwa)
Surah Ar-Rad, Verse 21
وَٱلَّذِينَ صَبَرُواْ ٱبۡتِغَآءَ وَجۡهِ رَبِّهِمۡ وَأَقَامُواْ ٱلصَّلَوٰةَ وَأَنفَقُواْ مِمَّا رَزَقۡنَٰهُمۡ سِرّٗا وَعَلَانِيَةٗ وَيَدۡرَءُونَ بِٱلۡحَسَنَةِ ٱلسَّيِّئَةَ أُوْلَـٰٓئِكَ لَهُمۡ عُقۡبَى ٱلدَّارِ
Uye avo vanoramba vakatsungirira vachitsvaga kufadza Tenzi vavo, vachiita munamato, uye vachishandisa izvo zvatakavapa muchihwande uye pachena, uye vachidzivirira zvakaipa kuburikidza nezvakanaka, vakadaro vachawana magumo akanaka
Surah Ar-Rad, Verse 22
جَنَّـٰتُ عَدۡنٖ يَدۡخُلُونَهَا وَمَن صَلَحَ مِنۡ ءَابَآئِهِمۡ وَأَزۡوَٰجِهِمۡ وَذُرِّيَّـٰتِهِمۡۖ وَٱلۡمَلَـٰٓئِكَةُ يَدۡخُلُونَ عَلَيۡهِم مِّن كُلِّ بَابٖ
Paradhiso ravachapinda uye (zvekare) avo vaiita mabasa akanaka pakati pemadzibaba avo, uye vakadzi vavo, uye vana vavo. Uye ngirozi dzichapinda kwavari nemisuwo yese (dzichiti)
Surah Ar-Rad, Verse 23
سَلَٰمٌ عَلَيۡكُم بِمَا صَبَرۡتُمۡۚ فَنِعۡمَ عُقۡبَى ٱلدَّارِ
“Salaamun Alaykum (Rugare ngaruve kwamuri) nekutsungirira kwenyu! Zvirokwazvo, imba yokupedzisira yakanaka zvikuru!”
Surah Ar-Rad, Verse 24
وَٱلَّذِينَ يَنقُضُونَ عَهۡدَ ٱللَّهِ مِنۢ بَعۡدِ مِيثَٰقِهِۦ وَيَقۡطَعُونَ مَآ أَمَرَ ٱللَّهُ بِهِۦٓ أَن يُوصَلَ وَيُفۡسِدُونَ فِي ٱلۡأَرۡضِ أُوْلَـٰٓئِكَ لَهُمُ ٱللَّعۡنَةُ وَلَهُمۡ سُوٓءُ ٱلدَّارِ
Uye avo vanoputsa chibvumirano chaAllah mushure mokuwirirana kwacho, uye vachityora izvo zvakarairwa naAllah kuti zvibatanidzwe (Hukama), uye vachiita mabasa akaipa munyika, kwavari kune kurengerwa (kutukwa), uye vachawana imba isina mufaro (Gehena)
Surah Ar-Rad, Verse 25
ٱللَّهُ يَبۡسُطُ ٱلرِّزۡقَ لِمَن يَشَآءُ وَيَقۡدِرُۚ وَفَرِحُواْ بِٱلۡحَيَوٰةِ ٱلدُّنۡيَا وَمَا ٱلۡحَيَوٰةُ ٱلدُّنۡيَا فِي ٱلۡأٓخِرَةِ إِلَّا مَتَٰعٞ
Allah vanowedzera raramo kuna ani wavanoda kana kudzora (kuderedza), uye vobva vafara muhupenyu hwepanyika, asi iwo hupenyu hwepanyika tichiufananidza nehupenyu hwamangwana kamufaro kadiki (kanopfuura)
Surah Ar-Rad, Verse 26
وَيَقُولُ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ لَوۡلَآ أُنزِلَ عَلَيۡهِ ءَايَةٞ مِّن رَّبِّهِۦۚ قُلۡ إِنَّ ٱللَّهَ يُضِلُّ مَن يَشَآءُ وَيَهۡدِيٓ إِلَيۡهِ مَنۡ أَنَابَ
Uye avo vasingatendi vanoti: “Sei chiratidzo chisingadzikiswi kwaari (Muhammad (SAW)) kubva kuna Tenzi vake?” Iti: “Zvirokwazvo, Allah vanotsaudzira ani nani wavanoda uye vanotungamirira avo vanodzokera kwavari (Allah) vachikumbira ruregerero.”
Surah Ar-Rad, Verse 27
ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَتَطۡمَئِنُّ قُلُوبُهُم بِذِكۡرِ ٱللَّهِۗ أَلَا بِذِكۡرِ ٱللَّهِ تَطۡمَئِنُّ ٱلۡقُلُوبُ
Avo vanotenda (muIslaam), uye moyo yavo inogadzikana nekurangarira Allah. Zvirokwazvo, mukurangarira Allah ndimo munowana moyo zororo
Surah Ar-Rad, Verse 28
ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّـٰلِحَٰتِ طُوبَىٰ لَهُمۡ وَحُسۡنُ مَـَٔابٖ
Avo vanotenda (muIslaam), uye voita mabasa akanaka, mufaro wese uchave kwavari nenzvimbo yakanaka yokudzokera (Paradhiso)
Surah Ar-Rad, Verse 29
كَذَٰلِكَ أَرۡسَلۡنَٰكَ فِيٓ أُمَّةٖ قَدۡ خَلَتۡ مِن قَبۡلِهَآ أُمَمٞ لِّتَتۡلُوَاْ عَلَيۡهِمُ ٱلَّذِيٓ أَوۡحَيۡنَآ إِلَيۡكَ وَهُمۡ يَكۡفُرُونَ بِٱلرَّحۡمَٰنِۚ قُلۡ هُوَ رَبِّي لَآ إِلَٰهَ إِلَّا هُوَ عَلَيۡهِ تَوَكَّلۡتُ وَإِلَيۡهِ مَتَابِ
Saizvozvo takutumira iwe (Muhammad (SAW)) kuvanhu avo vamwe vanhu (marudzi) vakapfuura mushure mavo, kuti uve unovaverengera izvo zvatakuzarurira, asi ivo varimukusatenda muna muzvina tsitsi dzakanyanya (Allah). Iti: “Ndivo Tenzi vangu! Laa ilaaha illaa Huwa (Hapana chinokodzera kunamatwa kunze kwavo)! Kwavari ndinoisa vimbo yangu, uye kwavari ndiko kwandinodzokera ndichikumbira ruregerero.”
Surah Ar-Rad, Verse 30
وَلَوۡ أَنَّ قُرۡءَانٗا سُيِّرَتۡ بِهِ ٱلۡجِبَالُ أَوۡ قُطِّعَتۡ بِهِ ٱلۡأَرۡضُ أَوۡ كُلِّمَ بِهِ ٱلۡمَوۡتَىٰۗ بَل لِّلَّهِ ٱلۡأَمۡرُ جَمِيعًاۗ أَفَلَمۡ يَاْيۡـَٔسِ ٱلَّذِينَ ءَامَنُوٓاْ أَن لَّوۡ يَشَآءُ ٱللَّهُ لَهَدَى ٱلنَّاسَ جَمِيعٗاۗ وَلَا يَزَالُ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ تُصِيبُهُم بِمَا صَنَعُواْ قَارِعَةٌ أَوۡ تَحُلُّ قَرِيبٗا مِّن دَارِهِمۡ حَتَّىٰ يَأۡتِيَ وَعۡدُ ٱللَّهِۚ إِنَّ ٱللَّهَ لَا يُخۡلِفُ ٱلۡمِيعَادَ
Uye dai zvirokwazvo pane Qur’aan rinoita kuti makomo afambe, kana kuti nyika itsemuke, kana kuti vakafa vataure (pasina rimwe kunze kweQur’aan rino). Asi zvirokwazvo mirairo yezvinhu zvose ina Allah. Nokudaro avo vanotenda havazizivi here kuti dai Allah vachida, vaitungamirira vanhu vose? Uye kuparadzwa hakugumi kuvawira avo vasingatendi nokuda kwemabasa avo (akaipa), kana kuti (kuparadzwa) kunogara padyo nedzimba dzavo, kusvika chivimbiso chaAllah chaitika. Zvirokwazvo, Allah havaputsi chivimbiso chavo
Surah Ar-Rad, Verse 31
وَلَقَدِ ٱسۡتُهۡزِئَ بِرُسُلٖ مِّن قَبۡلِكَ فَأَمۡلَيۡتُ لِلَّذِينَ كَفَرُواْ ثُمَّ أَخَذۡتُهُمۡۖ فَكَيۡفَ كَانَ عِقَابِ
Uye zvirokwazvo vatumwa (vakawanda) vakashoropodzwa (vakasekwa) mushure mako (Muhammad (SAW)), asi ndakavapa nguva yokurarama avo vasingatendi, uye pakupedzisira ndakavaranga. Saka change chakaita sei chirango changu
Surah Ar-Rad, Verse 32
أَفَمَنۡ هُوَ قَآئِمٌ عَلَىٰ كُلِّ نَفۡسِۭ بِمَا كَسَبَتۡۗ وَجَعَلُواْ لِلَّهِ شُرَكَآءَ قُلۡ سَمُّوهُمۡۚ أَمۡ تُنَبِّـُٔونَهُۥ بِمَا لَا يَعۡلَمُ فِي ٱلۡأَرۡضِ أَم بِظَٰهِرٖ مِّنَ ٱلۡقَوۡلِۗ بَلۡ زُيِّنَ لِلَّذِينَ كَفَرُواْ مَكۡرُهُمۡ وَصُدُّواْ عَنِ ٱلسَّبِيلِۗ وَمَن يُضۡلِلِ ٱللَّهُ فَمَا لَهُۥ مِنۡ هَادٖ
Saka (Allah) vanochengetedza munhu wese uye vanoziva zvaanowana (vakafanana here navanamwari vasingazivi chinhu)? Asi vanosanganisa Allah nezvimwe zvinhu. Iti: “Vataurei mazita avo! Ndizvo here kuti muchavaudza (Allah) zvavasingazivi munyika kana kuti kushamisira nemashoko enhema.” Asi kune avo vasingatendi, zvirongwa zvavo zvakaitwa kuti zvioneke sezvakanaka, uye vakavharirwa kunzira yakatwasuka, uye uyo Allah vanomuita kuti arasike, hapana angamutungamirire
Surah Ar-Rad, Verse 33
لَّهُمۡ عَذَابٞ فِي ٱلۡحَيَوٰةِ ٱلدُّنۡيَاۖ وَلَعَذَابُ ٱلۡأٓخِرَةِ أَشَقُّۖ وَمَا لَهُم مِّنَ ٱللَّهِ مِن وَاقٖ
Kwavari marwadzo muhupenyu hwepano pasi, uye zvirokwazvo, marwadzo ehupenyu hwamangwana akanyanya. Uye havana mudziviriri pamberi paAllah
Surah Ar-Rad, Verse 34
۞مَّثَلُ ٱلۡجَنَّةِ ٱلَّتِي وُعِدَ ٱلۡمُتَّقُونَۖ تَجۡرِي مِن تَحۡتِهَا ٱلۡأَنۡهَٰرُۖ أُكُلُهَا دَآئِمٞ وَظِلُّهَاۚ تِلۡكَ عُقۡبَى ٱلَّذِينَ ٱتَّقَواْۚ وَّعُقۡبَى ٱلۡكَٰفِرِينَ ٱلنَّارُ
Mufananidzo weParadhiso iro rakavimbiswa vatsvene: Muzasi maro mune nzizi dzinoerera, chokudya chemo hachiperi uye mvuri wayo; aya ndiwo magumo evatsvene, uye magumo evasingatendi moto (Gehena)
Surah Ar-Rad, Verse 35
وَٱلَّذِينَ ءَاتَيۡنَٰهُمُ ٱلۡكِتَٰبَ يَفۡرَحُونَ بِمَآ أُنزِلَ إِلَيۡكَۖ وَمِنَ ٱلۡأَحۡزَابِ مَن يُنكِرُ بَعۡضَهُۥۚ قُلۡ إِنَّمَآ أُمِرۡتُ أَنۡ أَعۡبُدَ ٱللَّهَ وَلَآ أُشۡرِكَ بِهِۦٓۚ إِلَيۡهِ أَدۡعُواْ وَإِلَيۡهِ مَـَٔابِ
Uye avo vatakapa Bhuku (vakafanana naAbdullah bin Salaam nemamwe maJudha vakagamuchira chitendero cheIslaam) vanofarira izvo zvatakadzikisa kwauri (Qur’aan), asi mune vamwe pakati pemubatanidzwa (wemaJudha nevasingatendi) avo vanoramba chidimbu charo. Iti (Muhammad (SAW)): “Zvirokwazvo, ndakakomekedzwa kunamata Allah chete, kwete kusanganisa zvimwe navo. Kwavari (chete) ndinodana uye kudzokera kwangu kuchange kuri kwavari.”
Surah Ar-Rad, Verse 36
وَكَذَٰلِكَ أَنزَلۡنَٰهُ حُكۡمًا عَرَبِيّٗاۚ وَلَئِنِ ٱتَّبَعۡتَ أَهۡوَآءَهُم بَعۡدَ مَا جَآءَكَ مِنَ ٱلۡعِلۡمِ مَا لَكَ مِنَ ٱللَّهِ مِن وَلِيّٖ وَلَا وَاقٖ
Uye nokudaro takaritumira (Qur’aan) pasi kuti rive rinotonga mururimi rwechiArabhu. Uye zvirokwazvo, ukatevera (Muhammad (SAW)) zvido zvavo mushure mekunge ruzivo rwauya kwauri, hauzowani (kana ukadaro) muchengetedzi kana mudziviriri pamberi paAllah
Surah Ar-Rad, Verse 37
وَلَقَدۡ أَرۡسَلۡنَا رُسُلٗا مِّن قَبۡلِكَ وَجَعَلۡنَا لَهُمۡ أَزۡوَٰجٗا وَذُرِّيَّةٗۚ وَمَا كَانَ لِرَسُولٍ أَن يَأۡتِيَ بِـَٔايَةٍ إِلَّا بِإِذۡنِ ٱللَّهِۗ لِكُلِّ أَجَلٖ كِتَابٞ
Uye zvirokwazvo, takatumira vatumwa mushure mako (Muhammad (SAW)), uye tikavapa madzimai uye nevana. Uye zvakanga zvisiri kumutumwa kuunza chiratidzo kunze nekuda kwaAllah. Pachinhu chose pane murairo (kubva kuna Allah)
Surah Ar-Rad, Verse 38
يَمۡحُواْ ٱللَّهُ مَا يَشَآءُ وَيُثۡبِتُۖ وَعِندَهُۥٓ أُمُّ ٱلۡكِتَٰبِ
Allah vanobvisa zvavanoda nekusiya zvakadaro (zvavanoda). Uye kwavari ndiko kuna Amai veBhuku (Al-Lauh al-Mahfoodh)
Surah Ar-Rad, Verse 39
وَإِن مَّا نُرِيَنَّكَ بَعۡضَ ٱلَّذِي نَعِدُهُمۡ أَوۡ نَتَوَفَّيَنَّكَ فَإِنَّمَا عَلَيۡكَ ٱلۡبَلَٰغُ وَعَلَيۡنَا ٱلۡحِسَابُ
Kunyangwe (iwe Muhammad (SAW)) tikakuratidza chidimbu chezvatakavavimbisa kana kuita kuti ufe, basa rako chete ndere kusvitsa (Shoko), uye tisu tichabvunzurudza (tichatonga)
Surah Ar-Rad, Verse 40
أَوَلَمۡ يَرَوۡاْ أَنَّا نَأۡتِي ٱلۡأَرۡضَ نَنقُصُهَا مِنۡ أَطۡرَافِهَاۚ وَٱللَّهُ يَحۡكُمُ لَا مُعَقِّبَ لِحُكۡمِهِۦۚ وَهُوَ سَرِيعُ ٱلۡحِسَابِ
Havazvioni here kuti tirikutapudza nzvimbo (dzevatadzi tichidzipa vatendi kuburikidza mukukunda kwavo muhondo) kubva mumiganhu yadzo. Uye Allah ndivo mutongi, hakuna anodzora mumashure mutongo wavo, uye (Allah) vanokurumidza mukutonga
Surah Ar-Rad, Verse 41
وَقَدۡ مَكَرَ ٱلَّذِينَ مِن قَبۡلِهِمۡ فَلِلَّهِ ٱلۡمَكۡرُ جَمِيعٗاۖ يَعۡلَمُ مَا تَكۡسِبُ كُلُّ نَفۡسٖۗ وَسَيَعۡلَمُ ٱلۡكُفَّـٰرُ لِمَنۡ عُقۡبَى ٱلدَّارِ
Uye zvirokwazvo, avo vaiva mumashure mavo vakaronga, asi hurongwa hwese ndehwaAllah. Vanoziva zvinowanikwa nemunhu wese, uye vasingatendi vachaziva kuti ndiani achawana magumo akanaka
Surah Ar-Rad, Verse 42
وَيَقُولُ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ لَسۡتَ مُرۡسَلٗاۚ قُلۡ كَفَىٰ بِٱللَّهِ شَهِيدَۢا بَيۡنِي وَبَيۡنَكُمۡ وَمَنۡ عِندَهُۥ عِلۡمُ ٱلۡكِتَٰبِ
Uye avo vasingatendi vanoti: “Iwe (Muhammad (SAW)) hausi mutumwa.” Iti: “Allah vakakwana semufakazi pakati penyu neni, uye neavo vane ruzivo rweBhuku (saAbdullah bin Salaam nemamwe maJudha nemaKristu vakatambira chitendero cheIslaam).”
Surah Ar-Rad, Verse 43