Surah Al-Hijr - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
الٓرۚ تِلۡكَ ءَايَٰتُ ٱلۡكِتَٰبِ وَقُرۡءَانٖ مُّبِينٖ
Alif – Laam – Raa. (Aya mavara ndemamwe ezvishamiso zviri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah chete). Idzi ndidzo ndima dzeGwaro uye neQur’aan riri pachena
Surah Al-Hijr, Verse 1
رُّبَمَا يَوَدُّ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ لَوۡ كَانُواْ مُسۡلِمِينَ
Pamwe avo vasingatendi vanoshuvira kuti dai vanga vari maMuslim (avo vanozvipira kutevedzera mirawo yaAllah, Islaam)
Surah Al-Hijr, Verse 2
ذَرۡهُمۡ يَأۡكُلُواْ وَيَتَمَتَّعُواْ وَيُلۡهِهِمُ ٱلۡأَمَلُۖ فَسَوۡفَ يَعۡلَمُونَ
Vasiyei vadye pamwe nekufara, uye vasiyei vakazadzwa nechishuwo chenhema. Vachasvika pakuziva
Surah Al-Hijr, Verse 3
وَمَآ أَهۡلَكۡنَا مِن قَرۡيَةٍ إِلَّا وَلَهَا كِتَابٞ مَّعۡلُومٞ
Hatina kuparadza musha asi wakanga une zvawakanyorerwa zvinozivikanwa
Surah Al-Hijr, Verse 4
مَّا تَسۡبِقُ مِنۡ أُمَّةٍ أَجَلَهَا وَمَا يَسۡتَـٔۡخِرُونَ
Hapana dzinza rinokwanisa kuwedzera nguva yaro (yekurarama) kana kuinonotsa
Surah Al-Hijr, Verse 5
وَقَالُواْ يَـٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِي نُزِّلَ عَلَيۡهِ ٱلذِّكۡرُ إِنَّكَ لَمَجۡنُونٞ
Uye vanoti: “Iwe (Muhammad (SAW)) wakapihwa Dhikr (Qur’aan)! Zvirokwazvo, uri murume anopenga!”
Surah Al-Hijr, Verse 6
لَّوۡمَا تَأۡتِينَا بِٱلۡمَلَـٰٓئِكَةِ إِن كُنتَ مِنَ ٱلصَّـٰدِقِينَ
“Ko sei usingauyi nengirozi kwatiri kana uri pachokwadi?”
Surah Al-Hijr, Verse 7
مَا نُنَزِّلُ ٱلۡمَلَـٰٓئِكَةَ إِلَّا بِٱلۡحَقِّ وَمَا كَانُوٓاْ إِذٗا مُّنظَرِينَ
Hatitumire ngirozi pasi asi nechokwadi (murango), uye ipapo havambopihwi (vasingatendi) nguva yekurarama
Surah Al-Hijr, Verse 8
إِنَّا نَحۡنُ نَزَّلۡنَا ٱلذِّكۡرَ وَإِنَّا لَهُۥ لَحَٰفِظُونَ
Zvirokwazvo, tisu takadzikisa Dhikr (Qur’aan), uye zvirokwazvo, tisu ticharichengetedza (kubva mukuchinjwa)
Surah Al-Hijr, Verse 9
وَلَقَدۡ أَرۡسَلۡنَا مِن قَبۡلِكَ فِي شِيَعِ ٱلۡأَوَّلِينَ
Zvirokwazvo, takatumira vatumwa iwe usati wavapo (Muhammad (SAW)) kumapoka ekutanga
Surah Al-Hijr, Verse 10
وَمَا يَأۡتِيهِم مِّن رَّسُولٍ إِلَّا كَانُواْ بِهِۦ يَسۡتَهۡزِءُونَ
Uye muporofita haana kusvika kwavari asi vaiita zvedambe naye
Surah Al-Hijr, Verse 11
كَذَٰلِكَ نَسۡلُكُهُۥ فِي قُلُوبِ ٱلۡمُجۡرِمِينَ
Saizvozvo tinoita (kusatenda nekusanganisa Allah nezvimwe zvinhu pakuvanamata) kuti zvipinde mumoyo yeavo vasingatendi
Surah Al-Hijr, Verse 12
لَا يُؤۡمِنُونَ بِهِۦ وَقَدۡ خَلَتۡ سُنَّةُ ٱلۡأَوَّلِينَ
Havambotendi mariri (Qur’aan), uye mucherechedzo wemadzitateguru (murango wavo) wakatopfuura
Surah Al-Hijr, Verse 13
وَلَوۡ فَتَحۡنَا عَلَيۡهِم بَابٗا مِّنَ ٱلسَّمَآءِ فَظَلُّواْ فِيهِ يَعۡرُجُونَ
Kunyangwe dai takavazarurira musuwo kudenga uye voramba vachikwira (zuva rese)
Surah Al-Hijr, Verse 14
لَقَالُوٓاْ إِنَّمَا سُكِّرَتۡ أَبۡصَٰرُنَا بَلۡ نَحۡنُ قَوۡمٞ مَّسۡحُورُونَ
Zvirokwazvo vaizoti (manheru): “Meso edu aita kunge avhiringwa (hatina kumboona ngirozi kana denga). Pamwe tiri vanhu vakaroiwa.”
Surah Al-Hijr, Verse 15
وَلَقَدۡ جَعَلۡنَا فِي ٱلسَّمَآءِ بُرُوجٗا وَزَيَّنَّـٰهَا لِلنَّـٰظِرِينَ
Zvirokwazvo, takava tinoisa nyenyedzi hombe mudenga uye tikarishongedza kune avo vanoritarisa
Surah Al-Hijr, Verse 16
وَحَفِظۡنَٰهَا مِن كُلِّ شَيۡطَٰنٖ رَّجِيمٍ
Uye takava tinorichengetedza kubva kuna dhiyabhorosi wese akashorwa
Surah Al-Hijr, Verse 17
إِلَّا مَنِ ٱسۡتَرَقَ ٱلسَّمۡعَ فَأَتۡبَعَهُۥ شِهَابٞ مُّبِينٞ
Kunze kweuyo (dhiyabhorosi) anoda kuba kuteerera mashoko, uye naizvozvo oteverwa nenyenyedzi inemoto iri pachena
Surah Al-Hijr, Verse 18
وَٱلۡأَرۡضَ مَدَدۡنَٰهَا وَأَلۡقَيۡنَا فِيهَا رَوَٰسِيَ وَأَنۢبَتۡنَا فِيهَا مِن كُلِّ شَيۡءٖ مَّوۡزُونٖ
Uye nyika takaiwaridza, uye tikadzika makomo akasimba mairi, uye tikaita kuti zvirimwa zvimere mairi nemuero wazvo
Surah Al-Hijr, Verse 19
وَجَعَلۡنَا لَكُمۡ فِيهَا مَعَٰيِشَ وَمَن لَّسۡتُمۡ لَهُۥ بِرَٰزِقِينَ
Uye takava tinokuisirai mairi nzira dzekurarama nadzo, pamwe neizvo zvamusingakwanisi kupa chikafu (zvipfuwo nemhuka dzesango)
Surah Al-Hijr, Verse 20
وَإِن مِّن شَيۡءٍ إِلَّا عِندَنَا خَزَآئِنُهُۥ وَمَا نُنَزِّلُهُۥٓ إِلَّا بِقَدَرٖ مَّعۡلُومٖ
Uye hapana chinhu, asi kwatiri ndiko kune kwekuchengetera kwacho. Uye hatichitumiri pasi asi nechipimo chinozivikanwa chakafanira
Surah Al-Hijr, Verse 21
وَأَرۡسَلۡنَا ٱلرِّيَٰحَ لَوَٰقِحَ فَأَنزَلۡنَا مِنَ ٱلسَّمَآءِ مَآءٗ فَأَسۡقَيۡنَٰكُمُوهُ وَمَآ أَنتُمۡ لَهُۥ بِخَٰزِنِينَ
Uye tinotumira mhepo ichibatanidza makore, uye toita kuti mvura inaye kubva kudenga, uye tokupai kuti mumwe, uye hamusi varidzi vepainochengeterwa (kuti muchipa mvura wamunoda uye kunyima wamunoda)
Surah Al-Hijr, Verse 22
وَإِنَّا لَنَحۡنُ نُحۡيِۦ وَنُمِيتُ وَنَحۡنُ ٱلۡوَٰرِثُونَ
Uye zvirokwazvo isusu! Tisu tinopa hupenyu nekukonzeresa rufu, uye tisu vagari venhaka
Surah Al-Hijr, Verse 23
وَلَقَدۡ عَلِمۡنَا ٱلۡمُسۡتَقۡدِمِينَ مِنكُمۡ وَلَقَدۡ عَلِمۡنَا ٱلۡمُسۡتَـٔۡخِرِينَ
Uye zvirokwazvo, tinoziva madzinza enyu ekutanga, uye tinoziva madzinza enyu aiyezvino, uye neavo vachauya mushure
Surah Al-Hijr, Verse 24
وَإِنَّ رَبَّكَ هُوَ يَحۡشُرُهُمۡۚ إِنَّهُۥ حَكِيمٌ عَلِيمٞ
Uye zvirokwazvo, Tenzi vako vachavaunganidza pamwechete. Zvechokwadi, ndivo vazere nehungwaru, neruzivo
Surah Al-Hijr, Verse 25
وَلَقَدۡ خَلَقۡنَا ٱلۡإِنسَٰنَ مِن صَلۡصَٰلٖ مِّنۡ حَمَإٖ مَّسۡنُونٖ
Uye zvirokwazvo, takasika vanhu kubva kuivhu rakaoma rakasiyana-siyana
Surah Al-Hijr, Verse 26
وَٱلۡجَآنَّ خَلَقۡنَٰهُ مِن قَبۡلُ مِن نَّارِ ٱلسَّمُومِ
Uye maJinn, takamasika kare kubva kumoto usina hutsi
Surah Al-Hijr, Verse 27
وَإِذۡ قَالَ رَبُّكَ لِلۡمَلَـٰٓئِكَةِ إِنِّي خَٰلِقُۢ بَشَرٗا مِّن صَلۡصَٰلٖ مِّنۡ حَمَإٖ مَّسۡنُونٖ
Uye (rangarira) apo Tenzi vako vakati kungirozi: “Zvirokwazvo, ndichasika munhu (Adam) kubva kuivhu rakaoma rakasiyana-siyana.”
Surah Al-Hijr, Verse 28
فَإِذَا سَوَّيۡتُهُۥ وَنَفَخۡتُ فِيهِ مِن رُّوحِي فَقَعُواْ لَهُۥ سَٰجِدِينَ
“Saka naizvozvo, kana ndichinge ndapedza kumushongedza uye ndafemera maari mweya wandakamusikira, ivai munomupfugamira moisa zviso zvenyu pasi.”
Surah Al-Hijr, Verse 29
فَسَجَدَ ٱلۡمَلَـٰٓئِكَةُ كُلُّهُمۡ أَجۡمَعُونَ
Naizvozvo ngirozi dzakava dzinopfugama nekuisa zviso zvadzo pasi pamwe chete
Surah Al-Hijr, Verse 30
إِلَّآ إِبۡلِيسَ أَبَىٰٓ أَن يَكُونَ مَعَ ٱلسَّـٰجِدِينَ
Kusara kwa Iblees (Satani) akaramba kuva pakati peavo vanopfugama
Surah Al-Hijr, Verse 31
قَالَ يَـٰٓإِبۡلِيسُ مَا لَكَ أَلَّا تَكُونَ مَعَ ٱلسَّـٰجِدِينَ
Allah vakati: “Iwe Iblees (Satani)! Chikonzero chako ndecheyi kuti usave pakati peavo vakapfugama?”
Surah Al-Hijr, Verse 32
قَالَ لَمۡ أَكُن لِّأَسۡجُدَ لِبَشَرٍ خَلَقۡتَهُۥ مِن صَلۡصَٰلٖ مِّنۡ حَمَإٖ مَّسۡنُونٖ
(Satani) akati: “Hazviite kuti ndipfugamire munhu, uyo wamakasika kubva kuivhu rakaoma rakasiyana-siyana.”
Surah Al-Hijr, Verse 33
قَالَ فَٱخۡرُجۡ مِنۡهَا فَإِنَّكَ رَجِيمٞ
(Allah) vakati: “Kana zvakadaro buda muno, zvirokwazvo, uri Rajeem (akashorwa).”
Surah Al-Hijr, Verse 34
وَإِنَّ عَلَيۡكَ ٱللَّعۡنَةَ إِلَىٰ يَوۡمِ ٱلدِّينِ
“Uye zvirokwazvo, kutsamwa (kwaAllah) kuchange kuri pauri kusvika zuva rekutongwa.”
Surah Al-Hijr, Verse 35
قَالَ رَبِّ فَأَنظِرۡنِيٓ إِلَىٰ يَوۡمِ يُبۡعَثُونَ
(Satani) akati: “Tenzi vangu! Ndipeiwo nguva kusvikira zuva rekutongwa (zuva ravachamutswa kubva kuvafi).”
Surah Al-Hijr, Verse 36
قَالَ فَإِنَّكَ مِنَ ٱلۡمُنظَرِينَ
(Allah) vakati: “Zvirokwazvo, uri pakati peavo vakapihwa nguva.”
Surah Al-Hijr, Verse 37
إِلَىٰ يَوۡمِ ٱلۡوَقۡتِ ٱلۡمَعۡلُومِ
“Kusvika zuva renguva yakatarwa.”
Surah Al-Hijr, Verse 38
قَالَ رَبِّ بِمَآ أَغۡوَيۡتَنِي لَأُزَيِّنَنَّ لَهُمۡ فِي ٱلۡأَرۡضِ وَلَأُغۡوِيَنَّهُمۡ أَجۡمَعِينَ
(Satani) akati: “Tenzi vangu! Nechikonzero chekuti mandirasisa gwara, zvirokwazvo, ndichavashongedzera (vanhu) nzira dzezvakaipa panyika, uye ndichavatsaudza vose mugwara rakatwasuka.”
Surah Al-Hijr, Verse 39
إِلَّا عِبَادَكَ مِنۡهُمُ ٱلۡمُخۡلَصِينَ
“Kusara kwevaranda venyu vamakasarudza pakati pavo.”
Surah Al-Hijr, Verse 40
قَالَ هَٰذَا صِرَٰطٌ عَلَيَّ مُسۡتَقِيمٌ
(Allah) vakati: “Iyi ndiyo nzira yakatwasuka inotungamira kwandiri.”
Surah Al-Hijr, Verse 41
إِنَّ عِبَادِي لَيۡسَ لَكَ عَلَيۡهِمۡ سُلۡطَٰنٌ إِلَّا مَنِ ٱتَّبَعَكَ مِنَ ٱلۡغَاوِينَ
“Zvirokwazvo, hauna masimba kune varanda vangu, kusara kweavo vanokutevera vanoita zvakaipa uye vasingatendi.”
Surah Al-Hijr, Verse 42
وَإِنَّ جَهَنَّمَ لَمَوۡعِدُهُمۡ أَجۡمَعِينَ
“Uye zvirokwazvo, Gehena ndiyo nzvimbo irikuvimbiswa kwavari vose (pamwe chete).”
Surah Al-Hijr, Verse 43
لَهَا سَبۡعَةُ أَبۡوَٰبٖ لِّكُلِّ بَابٖ مِّنۡهُمۡ جُزۡءٞ مَّقۡسُومٌ
“Rine (Gehena) misuwo minomwe, musuwo wese kubva kwavari une boka (revatadzi) rakatarwa.”
Surah Al-Hijr, Verse 44
إِنَّ ٱلۡمُتَّقِينَ فِي جَنَّـٰتٖ وَعُيُونٍ
“Zvirokwazvo! Avo vanoita mabasa akanaka (Al-Muttaqqoon), vachange vari muminda uye nezvitubu zvemvura (Paradhiso).”
Surah Al-Hijr, Verse 45
ٱدۡخُلُوهَا بِسَلَٰمٍ ءَامِنِينَ
“(Zvichanzi kwavari): ‘Pindai mariri (Paradhiso) murugare uye mukudzivirirwa.’”
Surah Al-Hijr, Verse 46
وَنَزَعۡنَا مَا فِي صُدُورِهِم مِّنۡ غِلٍّ إِخۡوَٰنًا عَلَىٰ سُرُرٖ مُّتَقَٰبِلِينَ
“Uye tichava tinobvisa kubva muhana dzavo shanje. Naizvozvo vachave vanotarisana semadzikoma vari pazvigaro.”
Surah Al-Hijr, Verse 47
لَا يَمَسُّهُمۡ فِيهَا نَصَبٞ وَمَا هُم مِّنۡهَا بِمُخۡرَجِينَ
“Hapana marwadzo achavawira imomo kana kubuditswa imomo.”
Surah Al-Hijr, Verse 48
۞نَبِّئۡ عِبَادِيٓ أَنِّيٓ أَنَا ٱلۡغَفُورُ ٱلرَّحِيمُ
Udza (Muhammad (SAW)) varanda vangu, kuti zvirokwazvo, inini ndiri muregereri zvikuru, ane nyasha zhinji
Surah Al-Hijr, Verse 49
وَأَنَّ عَذَابِي هُوَ ٱلۡعَذَابُ ٱلۡأَلِيمُ
Uye kuti zvirokwazvo marwadzo angu marwadzo akaomarara
Surah Al-Hijr, Verse 50
وَنَبِّئۡهُمۡ عَن ضَيۡفِ إِبۡرَٰهِيمَ
Uye vaudze nezve vaenzi (ngirozi) vaAbrahamu
Surah Al-Hijr, Verse 51
إِذۡ دَخَلُواْ عَلَيۡهِ فَقَالُواْ سَلَٰمٗا قَالَ إِنَّا مِنكُمۡ وَجِلُونَ
Pavakapinda maakanga ari, vakati: “Salaam (Rugare)!” (Abrahamu) akati: “Zvirokwazvo! Tirikukutyai.”
Surah Al-Hijr, Verse 52
قَالُواْ لَا تَوۡجَلۡ إِنَّا نُبَشِّرُكَ بِغُلَٰمٍ عَلِيمٖ
(Ngirozi) dzikati: “Usatye! Zvirokwazvo, tiri kukupa mashoko akanaka emwanakomana ane ruzivo nehungwaru.”
Surah Al-Hijr, Verse 53
قَالَ أَبَشَّرۡتُمُونِي عَلَىٰٓ أَن مَّسَّنِيَ ٱلۡكِبَرُ فَبِمَ تُبَشِّرُونَ
(Abrahamu) akati: “Muri kundipa mashoko akanaka (emwanakomana) ini ndachembera? Saka nhau yenyu ndeyeyi?”
Surah Al-Hijr, Verse 54
قَالُواْ بَشَّرۡنَٰكَ بِٱلۡحَقِّ فَلَا تَكُن مِّنَ ٱلۡقَٰنِطِينَ
(Ngirozi) dzikati: “Tinokupa mashoko akanaka muchokwadi. Saka usave weavo vasina tarisiro.”
Surah Al-Hijr, Verse 55
قَالَ وَمَن يَقۡنَطُ مِن رَّحۡمَةِ رَبِّهِۦٓ إِلَّا ٱلضَّآلُّونَ
(Abrahamu) akati: “Ndiani asina tarisiro yenyasha dzaTenzi vake kusara kweavo vakarasika?”
Surah Al-Hijr, Verse 56
قَالَ فَمَا خَطۡبُكُمۡ أَيُّهَا ٱلۡمُرۡسَلُونَ
(Abrahamu) akatizve: “Saka nyaya yenyu ndeipi, imi vatumwa?”
Surah Al-Hijr, Verse 57
قَالُوٓاْ إِنَّآ أُرۡسِلۡنَآ إِلَىٰ قَوۡمٖ مُّجۡرِمِينَ
(Ngirozi) dzikati: “Zvirokwazvo, tave tinotumwa kune vanhu vasingatendi (vanotadza).”
Surah Al-Hijr, Verse 58
إِلَّآ ءَالَ لُوطٍ إِنَّا لَمُنَجُّوهُمۡ أَجۡمَعِينَ
“Kusara kwemhuri yaLut (Loti). Zvirokwazvo tichave tinovadzivirira (tinovanunura) vese (kubva mukuparadzwa).”
Surah Al-Hijr, Verse 59
إِلَّا ٱمۡرَأَتَهُۥ قَدَّرۡنَآ إِنَّهَا لَمِنَ ٱلۡغَٰبِرِينَ
“Kusara kwemukadzi wake, uyo takava tinotara zvirokwazvo kuti achave weavo vanosara mumashure (vanoparadzwa).”
Surah Al-Hijr, Verse 60
فَلَمَّا جَآءَ ءَالَ لُوطٍ ٱلۡمُرۡسَلُونَ
Naizvozvo vatumwa (ngirozi) pavakauya kune mhuri yaLut (Loti)
Surah Al-Hijr, Verse 61
قَالَ إِنَّكُمۡ قَوۡمٞ مُّنكَرُونَ
(Loti) Akati: “Zvirokwazvo, muri vanhu vasingazivikanwi kwandiri.”
Surah Al-Hijr, Verse 62
قَالُواْ بَلۡ جِئۡنَٰكَ بِمَا كَانُواْ فِيهِ يَمۡتَرُونَ
(Ngirozi) Dzikati: “Asi tauya kwauri neizvo zvavaisatenda mazviri.”
Surah Al-Hijr, Verse 63
وَأَتَيۡنَٰكَ بِٱلۡحَقِّ وَإِنَّا لَصَٰدِقُونَ
“Uye taunza chokwadi kwauri (nyaya yekuparadzwa kwevanhu vako), uye zvirokwazvo, tinotaura chokwadi.”
Surah Al-Hijr, Verse 64
فَأَسۡرِ بِأَهۡلِكَ بِقِطۡعٖ مِّنَ ٱلَّيۡلِ وَٱتَّبِعۡ أَدۡبَٰرَهُمۡ وَلَا يَلۡتَفِتۡ مِنكُمۡ أَحَدٞ وَٱمۡضُواْ حَيۡثُ تُؤۡمَرُونَ
“Saka chiva unofamba muchidimbu cheusiku nemhuri yako, uye iwe wotevera kumashure kwavo, uye pakati penyu ngapasave nemunhu anocheuka kumashure, asi endai kwamakakomekedzwa.”
Surah Al-Hijr, Verse 65
وَقَضَيۡنَآ إِلَيۡهِ ذَٰلِكَ ٱلۡأَمۡرَ أَنَّ دَابِرَ هَـٰٓؤُلَآءِ مَقۡطُوعٞ مُّصۡبِحِينَ
Uye takaita basa iri kuti rizivikamwe kwaari, kuti midzi yeavo (vatadzi) ichave inodamburwa mangwanani ngwanani
Surah Al-Hijr, Verse 66
وَجَآءَ أَهۡلُ ٱلۡمَدِينَةِ يَسۡتَبۡشِرُونَ
Uye vagari vemudhorobha vakauya vachifara (nenyaya yemajaya ange auya aya)
Surah Al-Hijr, Verse 67
قَالَ إِنَّ هَـٰٓؤُلَآءِ ضَيۡفِي فَلَا تَفۡضَحُونِ
(Loti) Akati: “Zvirokwazvo, ava vaenzi vangu, saka musandinyadzisewo.”
Surah Al-Hijr, Verse 68
وَٱتَّقُواْ ٱللَّهَ وَلَا تُخۡزُونِ
“Uye ityai Allah uye musave munondinyadzisa.”
Surah Al-Hijr, Verse 69
قَالُوٓاْ أَوَلَمۡ نَنۡهَكَ عَنِ ٱلۡعَٰلَمِينَ
(Vagari vemudhorobha) vakati: “Hatina kukurambidza here kutambira (kana kudzivirira) vanhu?”
Surah Al-Hijr, Verse 70
قَالَ هَـٰٓؤُلَآءِ بَنَاتِيٓ إِن كُنتُمۡ فَٰعِلِينَ
(Loti) akati: “Ava vanasikana vangu (kana muchida kuroora zviri pamutemo), kana muchikwanisa kudaro.”
Surah Al-Hijr, Verse 71
لَعَمۡرُكَ إِنَّهُمۡ لَفِي سَكۡرَتِهِمۡ يَعۡمَهُونَ
Zvirokwazvo, ndinopika nehupenyu hwako (Muhammad (SAW)), zvirokwazvo varimukudhakwa vaingofamba
Surah Al-Hijr, Verse 72
فَأَخَذَتۡهُمُ ٱلصَّيۡحَةُ مُشۡرِقِينَ
Naizvozvo vakava vanoparadzwa neAs-Swaaihah (Ruzha) panguva dzemangwanani
Surah Al-Hijr, Verse 73
فَجَعَلۡنَا عَٰلِيَهَا سَافِلَهَا وَأَمۡطَرۡنَا عَلَيۡهِمۡ حِجَارَةٗ مِّن سِجِّيلٍ
Uye takapindurudza (Sodom kuPalestine) tikaita kuti pamusoro paende pasi, uye tikave tinonaisa matombo akaumbwa nedhaka
Surah Al-Hijr, Verse 74
إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَٰتٖ لِّلۡمُتَوَسِّمِينَ
Zvirokwazvo, mukati meizvi mune micherechedzo kune avo vanoona
Surah Al-Hijr, Verse 75
وَإِنَّهَا لَبِسَبِيلٖ مُّقِيمٍ
Uye zvirokwazvo, maguta maviri aya akanga ari munzira hombe (kubva kuMakkah kuenda kuSyria, pane gungwa reDead Sea iyezvino)
Surah Al-Hijr, Verse 76
إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَةٗ لِّلۡمُؤۡمِنِينَ
Zvokwadi, zvirokwazvo mune izvi mune mucherechedzo kune avo vanotenda
Surah Al-Hijr, Verse 77
وَإِن كَانَ أَصۡحَٰبُ ٱلۡأَيۡكَةِ لَظَٰلِمِينَ
Uye vagari vemusango (vekuMadyan (Midian)) avo vakatumirwa Muporofita Shuaib (AS)) vakanga vari vanhu vaiita zvakaipa
Surah Al-Hijr, Verse 78
فَٱنتَقَمۡنَا مِنۡهُمۡ وَإِنَّهُمَا لَبِإِمَامٖ مُّبِينٖ
Naizvozvo takatsiva nemutongo wakaomarara kwavari. Ari maviri ari munzira hombe iri pachena
Surah Al-Hijr, Verse 79
وَلَقَدۡ كَذَّبَ أَصۡحَٰبُ ٱلۡحِجۡرِ ٱلۡمُرۡسَلِينَ
Uye zvirokwazvo, vagari vemu Al-Hijr (Nzvimbo ine matombo) vakaramba vatumwa
Surah Al-Hijr, Verse 80
وَءَاتَيۡنَٰهُمۡ ءَايَٰتِنَا فَكَانُواْ عَنۡهَا مُعۡرِضِينَ
Uye takavapa zviratidzo zvedu, asi vakazviramba
Surah Al-Hijr, Verse 81
وَكَانُواْ يَنۡحِتُونَ مِنَ ٱلۡجِبَالِ بُيُوتًا ءَامِنِينَ
Uye vaigadzira dzimba mumakomo, vachifunga kuti vakachengetedzeka
Surah Al-Hijr, Verse 82
فَأَخَذَتۡهُمُ ٱلصَّيۡحَةُ مُصۡبِحِينَ
Asi vakave vanoparadzwa neruzha munguva dzemangwanani (pazuva rechina kubva kumazuva vange vavimbiswa murango)
Surah Al-Hijr, Verse 83
فَمَآ أَغۡنَىٰ عَنۡهُم مَّا كَانُواْ يَكۡسِبُونَ
Uye zvavaiwana hazvina kukwanisa kuvabatsira
Surah Al-Hijr, Verse 84
وَمَا خَلَقۡنَا ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ وَمَا بَيۡنَهُمَآ إِلَّا بِٱلۡحَقِّۗ وَإِنَّ ٱلسَّاعَةَ لَأٓتِيَةٞۖ فَٱصۡفَحِ ٱلصَّفۡحَ ٱلۡجَمِيلَ
Hatina kusika matenga nenyika nezvese zviri pakati pazvo asi muzvokwadi, uye zvirokwazvo nguva ichakwana, saka naizvozvo iva (Muhammad (SAW)) unovaregerera mune zvakanaka. (Izvi zvange zvakadaro kurwa (munzira yaAllah) kusati kwakomekedzwa
Surah Al-Hijr, Verse 85
إِنَّ رَبَّكَ هُوَ ٱلۡخَلَّـٰقُ ٱلۡعَلِيمُ
Zvirokwazvo, Tenzi vako ndivo musiki vanoziva zvese
Surah Al-Hijr, Verse 86
وَلَقَدۡ ءَاتَيۡنَٰكَ سَبۡعٗا مِّنَ ٱلۡمَثَانِي وَٱلۡقُرۡءَانَ ٱلۡعَظِيمَ
Uye zvirokwazvo, takupa Al-Mathaani (ndima nomwe dzinoramba dzichidzokorodzwa, Surah Al-Faatihah), pamwe neQur’aan hombe
Surah Al-Hijr, Verse 87
لَا تَمُدَّنَّ عَيۡنَيۡكَ إِلَىٰ مَا مَتَّعۡنَا بِهِۦٓ أَزۡوَٰجٗا مِّنۡهُمۡ وَلَا تَحۡزَنۡ عَلَيۡهِمۡ وَٱخۡفِضۡ جَنَاحَكَ لِلۡمُؤۡمِنِينَ
Usava zvirokwazvo unotarisa nemaziso ako aine ruchiva pane izvo zvatakapa mamwe mapoka avo (vasingatendi), uye usava unobatikana pamusoro pavo. Uye iva unodzikisa mapapiro ako kune avo vanotenda (kuvaremekedza)
Surah Al-Hijr, Verse 88
وَقُلۡ إِنِّيٓ أَنَا ٱلنَّذِيرُ ٱلۡمُبِينُ
Iti (Muhammad (SAW)): “Zvirokwazvo, inini ndiri muyambiri ari pachena.”
Surah Al-Hijr, Verse 89
كَمَآ أَنزَلۡنَا عَلَى ٱلۡمُقۡتَسِمِينَ
Sekudzikisa kwatakaita kune avo vanopatsanura (maQuraish anonamata zvidhori, kana maJudha nemaKristu)
Surah Al-Hijr, Verse 90
ٱلَّذِينَ جَعَلُواْ ٱلۡقُرۡءَانَ عِضِينَ
Avo vakapatsanura Qur’aan muzvidimbu zvidumbu (vakatenda muzvimwe uye vakaramba zvimwe)
Surah Al-Hijr, Verse 91
فَوَرَبِّكَ لَنَسۡـَٔلَنَّهُمۡ أَجۡمَعِينَ
Saka ndinopika naTenzi vako (Muhammad (SAW)), zvirokwazvo, tichava tinovabvunza vese
Surah Al-Hijr, Verse 92
عَمَّا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ
Maererano neizvo zvavaiita
Surah Al-Hijr, Verse 93
فَٱصۡدَعۡ بِمَا تُؤۡمَرُ وَأَعۡرِضۡ عَنِ ٱلۡمُشۡرِكِينَ
Naizvozvo paridza pachena zvawakakomekedzwa (Islaam), ova unosiyana neavo vasingatendi
Surah Al-Hijr, Verse 94
إِنَّا كَفَيۡنَٰكَ ٱلۡمُسۡتَهۡزِءِينَ
Zvirokwazvo! Tichava tinokukwanira kune avo vanokushoropodza
Surah Al-Hijr, Verse 95
ٱلَّذِينَ يَجۡعَلُونَ مَعَ ٱللَّهِ إِلَٰهًا ءَاخَرَۚ فَسَوۡفَ يَعۡلَمُونَ
Avo vanosanganisa Allah neumwe mwari; asi vachasvika pakuziva
Surah Al-Hijr, Verse 96
وَلَقَدۡ نَعۡلَمُ أَنَّكَ يَضِيقُ صَدۡرُكَ بِمَا يَقُولُونَ
Zvirokwazvo, tinoziva kuti zvavanotaura zvinokubata-bata muhana mako
Surah Al-Hijr, Verse 97
فَسَبِّحۡ بِحَمۡدِ رَبِّكَ وَكُن مِّنَ ٱلسَّـٰجِدِينَ
Naizvozvo rumbidza kurumbidzwa kwaTenzi vako uye ova pakati peavo vanopfugama
Surah Al-Hijr, Verse 98
وَٱعۡبُدۡ رَبَّكَ حَتَّىٰ يَأۡتِيَكَ ٱلۡيَقِينُ
Uye namata Tenzi vako kusvikira rufu rwauya kwauri
Surah Al-Hijr, Verse 99