Surah An-Nahl - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
أَتَىٰٓ أَمۡرُ ٱللَّهِ فَلَا تَسۡتَعۡجِلُوهُۚ سُبۡحَٰنَهُۥ وَتَعَٰلَىٰ عَمَّا يُشۡرِكُونَ
Murawo wakatarwa naAllah (Zuva Rekutongwa) uchasvika, saka musave munoda kuukurumidzisa. Kurumbidzwa ngakuve kwavari uye vari pamusoro pezvese zvavanovasanganisa nazvo
Surah An-Nahl, Verse 1
يُنَزِّلُ ٱلۡمَلَـٰٓئِكَةَ بِٱلرُّوحِ مِنۡ أَمۡرِهِۦ عَلَىٰ مَن يَشَآءُ مِنۡ عِبَادِهِۦٓ أَنۡ أَنذِرُوٓاْ أَنَّهُۥ لَآ إِلَٰهَ إِلَّآ أَنَا۠ فَٱتَّقُونِ
Vanotumidzira ngirozi neRooh (Mashoko avo) nemurawo wavo kune wavada kubva kune varanda vavo (vachiti): “Yambirai (vanhu) kuti Laa ilaaha illaa Ana (Hapana anekodzero yekunamatwa kunze kwangu), saka ityai inini (nekusaita mabasa akaipa).”
Surah An-Nahl, Verse 2
خَلَقَ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ بِٱلۡحَقِّۚ تَعَٰلَىٰ عَمَّا يُشۡرِكُونَ
Vakasika matenga nenyika muchokwadi. Vari pamusoro pezvese zvavanovasanganisa nazvo
Surah An-Nahl, Verse 3
خَلَقَ ٱلۡإِنسَٰنَ مِن نُّطۡفَةٖ فَإِذَا هُوَ خَصِيمٞ مُّبِينٞ
Vakasika munhu kubva kuNutfah (musanganiswa wemvura yababa naamai), asi tarisai, anobva aita mupikisi ari pachena
Surah An-Nahl, Verse 4
وَٱلۡأَنۡعَٰمَ خَلَقَهَاۖ لَكُمۡ فِيهَا دِفۡءٞ وَمَنَٰفِعُ وَمِنۡهَا تَأۡكُلُونَ
Uye nemombe, vakakusikirai; munowana kubva madziri kudziirwa (mbasha dzinodziya) nezvakati wandei zvinobatsira, uye kubva madziri munodya
Surah An-Nahl, Verse 5
وَلَكُمۡ فِيهَا جَمَالٌ حِينَ تُرِيحُونَ وَحِينَ تَسۡرَحُونَ
Uye munowana kubva madziri runako pamunodzitora kubva kumafuro manheru, uye nepamunodziendesa kumafuro mangwanani
Surah An-Nahl, Verse 6
وَتَحۡمِلُ أَثۡقَالَكُمۡ إِلَىٰ بَلَدٖ لَّمۡ تَكُونُواْ بَٰلِغِيهِ إِلَّا بِشِقِّ ٱلۡأَنفُسِۚ إِنَّ رَبَّكُمۡ لَرَءُوفٞ رَّحِيمٞ
Uye dzinotakura mikwende yenyu kusvika kunzvimbo yamusingakwanisi kusvika kunze kwekuti mashungurudzika zvakanyanya. Uye Tenzi venyu vazere nerudo, vane tsitsi zhinji
Surah An-Nahl, Verse 7
وَٱلۡخَيۡلَ وَٱلۡبِغَالَ وَٱلۡحَمِيرَ لِتَرۡكَبُوهَا وَزِينَةٗۚ وَيَخۡلُقُ مَا لَا تَعۡلَمُونَ
Uye (vakakusikirai) mabhiza, nyurusi nembongoro kuti muzvitasve uye senzira yekuzvishongedza. Uye vanosika zvinhu zvamusina ruzivo nazvo
Surah An-Nahl, Verse 8
وَعَلَى ٱللَّهِ قَصۡدُ ٱلسَّبِيلِ وَمِنۡهَا جَآئِرٞۚ وَلَوۡ شَآءَ لَهَدَىٰكُمۡ أَجۡمَعِينَ
Uye Allah ndivo vane kodzero yekutsanangudza nzira yakatwasuka. Asi pane nzira dzinotsauka (Kunamata zvidhori, chiJudha nechiKristu). Uye dai vaida, vangadai vakakutungamirirai mose
Surah An-Nahl, Verse 9
هُوَ ٱلَّذِيٓ أَنزَلَ مِنَ ٱلسَّمَآءِ مَآءٗۖ لَّكُم مِّنۡهُ شَرَابٞ وَمِنۡهُ شَجَرٞ فِيهِ تُسِيمُونَ
Ndivo (Allah) vanonaisa mvura kubva kudenga; kubva mairi munomwa uye zvirimwa (zvinokura) zvamunozotumira zvipfuwo zvenyu kunofura
Surah An-Nahl, Verse 10
يُنۢبِتُ لَكُم بِهِ ٱلزَّرۡعَ وَٱلزَّيۡتُونَ وَٱلنَّخِيلَ وَٱلۡأَعۡنَٰبَ وَمِن كُلِّ ٱلثَّمَرَٰتِۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَةٗ لِّقَوۡمٖ يَتَفَكَّرُونَ
Vanokumereserai nemvura iyoyo zvirimwa nemaOrivhi (Zaitoon), nemadheti, nemagirepi, uye nemichero yese. Zvirokwazvo, mune izvi mune chiratidzo kune vanhu vanofunga
Surah An-Nahl, Verse 11
وَسَخَّرَ لَكُمُ ٱلَّيۡلَ وَٱلنَّهَارَ وَٱلشَّمۡسَ وَٱلۡقَمَرَۖ وَٱلنُّجُومُ مُسَخَّرَٰتُۢ بِأَمۡرِهِۦٓۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَٰتٖ لِّقَوۡمٖ يَعۡقِلُونَ
Uye vakakugadzikirai usiku nesikati, uye zuva nemwedzi, uye vakagadzika nyenyedzi nemurawo wavo. Zvirokwazvo, mune izvi mune chiratidzo kune vanhu vanonzwisisa
Surah An-Nahl, Verse 12
وَمَا ذَرَأَ لَكُمۡ فِي ٱلۡأَرۡضِ مُخۡتَلِفًا أَلۡوَٰنُهُۥٓۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَةٗ لِّقَوۡمٖ يَذَّكَّرُونَ
Uye vakakusikirai zvese pano pasi zvine ndarama dzakasiyana-siyana. Zvirokwazvo, mune izvi mune chiratidzo kune vanhu vanorangarira
Surah An-Nahl, Verse 13
وَهُوَ ٱلَّذِي سَخَّرَ ٱلۡبَحۡرَ لِتَأۡكُلُواْ مِنۡهُ لَحۡمٗا طَرِيّٗا وَتَسۡتَخۡرِجُواْ مِنۡهُ حِلۡيَةٗ تَلۡبَسُونَهَاۖ وَتَرَى ٱلۡفُلۡكَ مَوَاخِرَ فِيهِ وَلِتَبۡتَغُواْ مِن فَضۡلِهِۦ وَلَعَلَّكُمۡ تَشۡكُرُونَ
Uye ndivo vakakugadzikirai gungwa, kuti muve munodya kubva mariri nyama nhete nyoro (hove), uye kuti muve munoburitsa kubva mariri zvinemo zvekupfeka. Uye unoona ngarava dzichifamba mariri, kuti muve munotsvaga makomborero avo, uye kuti muve munotenda
Surah An-Nahl, Verse 14
وَأَلۡقَىٰ فِي ٱلۡأَرۡضِ رَوَٰسِيَ أَن تَمِيدَ بِكُمۡ وَأَنۡهَٰرٗا وَسُبُلٗا لَّعَلَّكُمۡ تَهۡتَدُونَ
Uye vakagadzika panyika makomo akamira zvakabata, kuti zvimwe ingabvunde nemi; uye nzizi nenzira, kuti muve munotungamirirwa
Surah An-Nahl, Verse 15
وَعَلَٰمَٰتٖۚ وَبِٱلنَّجۡمِ هُمۡ يَهۡتَدُونَ
Uye zviratidzo (masikati) uye nenyenyedzi (husiku) munozvitungamirira
Surah An-Nahl, Verse 16
أَفَمَن يَخۡلُقُ كَمَن لَّا يَخۡلُقُۚ أَفَلَا تَذَكَّرُونَ
Vakafanana here vanosika neuyo asingasiki? Hamurangariri here
Surah An-Nahl, Verse 17
وَإِن تَعُدُّواْ نِعۡمَةَ ٱللَّهِ لَا تُحۡصُوهَآۗ إِنَّ ٱللَّهَ لَغَفُورٞ رَّحِيمٞ
Uye mukada kuverenga makomborero aAllah, hamukwanisi kumaverenga. Zvirokwazvo, Allah vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji
Surah An-Nahl, Verse 18
وَٱللَّهُ يَعۡلَمُ مَا تُسِرُّونَ وَمَا تُعۡلِنُونَ
Uye Allah vanoziva zvamunovanza nezvamunoburitsa
Surah An-Nahl, Verse 19
وَٱلَّذِينَ يَدۡعُونَ مِن دُونِ ٱللَّهِ لَا يَخۡلُقُونَ شَيۡـٔٗا وَهُمۡ يُخۡلَقُونَ
Avo (vanosanganisa Allah nezvimwe zvinhu) vavanokumbira kunze kwaAllah, havana kana chavakasika, asi ivo zvisikwa (vakasikwa)
Surah An-Nahl, Verse 20
أَمۡوَٰتٌ غَيۡرُ أَحۡيَآءٖۖ وَمَا يَشۡعُرُونَ أَيَّانَ يُبۡعَثُونَ
Zvitunha, havasi vapenyu, uye havazivi kuti vachamutswa rinhi
Surah An-Nahl, Verse 21
إِلَٰهُكُمۡ إِلَٰهٞ وَٰحِدٞۚ فَٱلَّذِينَ لَا يُؤۡمِنُونَ بِٱلۡأٓخِرَةِ قُلُوبُهُم مُّنكِرَةٞ وَهُم مُّسۡتَكۡبِرُونَ
Mwari wenyu ndiMwari vamwechete (Allah). Asi avo vasingatendi muhupenyu hwemangwana, moyo yavo inoramba (kutenda muhumwechete hwaAllah), uye vanozvikudza
Surah An-Nahl, Verse 22
لَا جَرَمَ أَنَّ ٱللَّهَ يَعۡلَمُ مَا يُسِرُّونَ وَمَا يُعۡلِنُونَۚ إِنَّهُۥ لَا يُحِبُّ ٱلۡمُسۡتَكۡبِرِينَ
Zvirokwazvo, Allah vanoziva zvavanovanza nezvavanoburitsa. Zvirokwazvo, (Allah) havadi vanozvikudza
Surah An-Nahl, Verse 23
وَإِذَا قِيلَ لَهُم مَّاذَآ أَنزَلَ رَبُّكُمۡ قَالُوٓاْ أَسَٰطِيرُ ٱلۡأَوَّلِينَ
Uye kana zvikanzi kwavari: “Chii chakadzikiswa naTenzi venyu (kuna Muhammad (SAW))?” Vanoti: “Ingano dzemadzitateguru!”
Surah An-Nahl, Verse 24
لِيَحۡمِلُوٓاْ أَوۡزَارَهُمۡ كَامِلَةٗ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِ وَمِنۡ أَوۡزَارِ ٱلَّذِينَ يُضِلُّونَهُم بِغَيۡرِ عِلۡمٍۗ أَلَا سَآءَ مَا يَزِرُونَ
Vachatakura mutoro wavo zvizere pazuva rekumutswa, uye nemutoro weavo vavakarunzira (vavakarasisa) vasina ruzivo. Zvirokwazvo, uipi ndeizvo zvavachatakura
Surah An-Nahl, Verse 25
قَدۡ مَكَرَ ٱلَّذِينَ مِن قَبۡلِهِمۡ فَأَتَى ٱللَّهُ بُنۡيَٰنَهُم مِّنَ ٱلۡقَوَاعِدِ فَخَرَّ عَلَيۡهِمُ ٱلسَّقۡفُ مِن فَوۡقِهِمۡ وَأَتَىٰهُمُ ٱلۡعَذَابُ مِنۡ حَيۡثُ لَا يَشۡعُرُونَ
Zvirokwazvo, avo vakanga varipo mushure mavo vakaronga, asi Allah vakaparadza migero yemidhadhadha (dzimba) yavo, uye denga (remba) rakadonha pasi pavari kubva pamusoro pavo, uye marwadzo akavabata kubva kune mativi avakanga vasina kutarisira
Surah An-Nahl, Verse 26
ثُمَّ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِ يُخۡزِيهِمۡ وَيَقُولُ أَيۡنَ شُرَكَآءِيَ ٱلَّذِينَ كُنتُمۡ تُشَـٰٓقُّونَ فِيهِمۡۚ قَالَ ٱلَّذِينَ أُوتُواْ ٱلۡعِلۡمَ إِنَّ ٱلۡخِزۡيَ ٱلۡيَوۡمَ وَٱلسُّوٓءَ عَلَى ٱلۡكَٰفِرِينَ
Uye nezuva rekumutswa, vachavanyadzisa uye vachati: “Varipi vamwe vangu avo pamusoro pavo maipikisana nekukakavadzana (nevatendi musingateereri Allah)?” Avo vakapihwa ruzivo (rwemutongo waAllah kune vasingatendi) vachati: “Zvirokwazvo, kudzikisirwa nemarwadzo zvichave kune vasingatendi zuva iri.”
Surah An-Nahl, Verse 27
ٱلَّذِينَ تَتَوَفَّىٰهُمُ ٱلۡمَلَـٰٓئِكَةُ ظَالِمِيٓ أَنفُسِهِمۡۖ فَأَلۡقَوُاْ ٱلسَّلَمَ مَا كُنَّا نَعۡمَلُ مِن سُوٓءِۭۚ بَلَىٰٓۚ إِنَّ ٱللَّهَ عَلِيمُۢ بِمَا كُنتُمۡ تَعۡمَلُونَ
“Avo hupenyu hwavo unotorwa nengirozi vachizvitadzira (vasingatendi munaAllah uye vachiita mabasa akaipa).” Vachapa uchapupu hwekunyepa (vachiti): “Taisaita zvakaipa.” (Ngirozi dzichapindura dzichiti): “Hongu! Zvirokwazvo, Allah vanoziva zvikuru zvamaiita.”
Surah An-Nahl, Verse 28
فَٱدۡخُلُوٓاْ أَبۡوَٰبَ جَهَنَّمَ خَٰلِدِينَ فِيهَاۖ فَلَبِئۡسَ مَثۡوَى ٱلۡمُتَكَبِّرِينَ
“Naizvozvo pindai mikova yekuGehena kunogaramo, uye zvirokwazvo, inzvimbo yakaipa chaizvo kune vanozvikudza.”
Surah An-Nahl, Verse 29
۞وَقِيلَ لِلَّذِينَ ٱتَّقَوۡاْ مَاذَآ أَنزَلَ رَبُّكُمۡۚ قَالُواْ خَيۡرٗاۗ لِّلَّذِينَ أَحۡسَنُواْ فِي هَٰذِهِ ٱلدُّنۡيَا حَسَنَةٞۚ وَلَدَارُ ٱلۡأٓخِرَةِ خَيۡرٞۚ وَلَنِعۡمَ دَارُ ٱلۡمُتَّقِينَ
Uye zvikanzi kune avo vakarurama: “Ko chii chatumirwa naTenzi venyu?” Vanoti: “Zvakanaka.” Avo vanoita zvakanaka pano panyika vachawana zvakanaka, uye imba yehupenyu hwemangwana yakanaka. Uye imba (Paradhiso) yeavo vakarurama (Al-Muttaqqoon) ichange yakanaka chose
Surah An-Nahl, Verse 30
جَنَّـٰتُ عَدۡنٖ يَدۡخُلُونَهَا تَجۡرِي مِن تَحۡتِهَا ٱلۡأَنۡهَٰرُۖ لَهُمۡ فِيهَا مَا يَشَآءُونَۚ كَذَٰلِكَ يَجۡزِي ٱللَّهُ ٱلۡمُتَّقِينَ
Mapindu ehupenyu husingaperi avachapinda, nzizi dzichiyerera nechekuzasi kwavo, vachawana zvese zvavaishuvira ikoko. Saizvozvo, Allah vanopa muripo kune Al-Muttaqqoon (vakarurama)
Surah An-Nahl, Verse 31
ٱلَّذِينَ تَتَوَفَّىٰهُمُ ٱلۡمَلَـٰٓئِكَةُ طَيِّبِينَ يَقُولُونَ سَلَٰمٌ عَلَيۡكُمُ ٱدۡخُلُواْ ٱلۡجَنَّةَ بِمَا كُنتُمۡ تَعۡمَلُونَ
Avo ngirozi dzinotora hupenyu hwavo vakanaka (vachinamata Allah chete uye vachiita zvakanaka) dzinoti kwavari: “Salaamun Alaykum (Rugare ngaruve kwamuri), pindai muParadhiso nekuda kwemabasa akanaka amaiita (panyika).”
Surah An-Nahl, Verse 32
هَلۡ يَنظُرُونَ إِلَّآ أَن تَأۡتِيَهُمُ ٱلۡمَلَـٰٓئِكَةُ أَوۡ يَأۡتِيَ أَمۡرُ رَبِّكَۚ كَذَٰلِكَ فَعَلَ ٱلَّذِينَ مِن قَبۡلِهِمۡۚ وَمَا ظَلَمَهُمُ ٱللَّهُ وَلَٰكِن كَانُوٓاْ أَنفُسَهُمۡ يَظۡلِمُونَ
Vanomirira (avo vasingatendi) here asi kuti ngirozi dziuye kwavari (kuzotora hupenyu hwavo), kana kuti murawo (marwadzo kana zuva rekumutswa) waTenzi vako uuye? Saizvozvo zvakaitwa neavo vaivepo ivo vasati vavepo. Uye Allah havana kuvatadzira asi vakazvitadzira pachavo
Surah An-Nahl, Verse 33
فَأَصَابَهُمۡ سَيِّـَٔاتُ مَا عَمِلُواْ وَحَاقَ بِهِم مَّا كَانُواْ بِهِۦ يَسۡتَهۡزِءُونَ
Zvakaipa zvemabasa avaiita zvakavawira, uye izvo zvavaishora zvakavakomberedza
Surah An-Nahl, Verse 34
وَقَالَ ٱلَّذِينَ أَشۡرَكُواْ لَوۡ شَآءَ ٱللَّهُ مَا عَبَدۡنَا مِن دُونِهِۦ مِن شَيۡءٖ نَّحۡنُ وَلَآ ءَابَآؤُنَا وَلَا حَرَّمۡنَا مِن دُونِهِۦ مِن شَيۡءٖۚ كَذَٰلِكَ فَعَلَ ٱلَّذِينَ مِن قَبۡلِهِمۡۚ فَهَلۡ عَلَى ٱلرُّسُلِ إِلَّا ٱلۡبَلَٰغُ ٱلۡمُبِينُ
Uye avo vaisanganisa Allah nevamwe vanamwari mukunamata vakati: “Dai Allah vaida, tingadai tisina kunamata chimwe chinhu kunze kwaivo (Allah) isusu kana madzitateguru edu, kana kurambidza chimwe chinhu pasina ivo (murawo kubva kwavari).” Saizvozvo zvakaitwa neavo vaivepo vasati vavepo. Naizvozvo vatumwa havana kutumwa asi kuzosvitsa shoko raAllah zviri pachena
Surah An-Nahl, Verse 35
وَلَقَدۡ بَعَثۡنَا فِي كُلِّ أُمَّةٖ رَّسُولًا أَنِ ٱعۡبُدُواْ ٱللَّهَ وَٱجۡتَنِبُواْ ٱلطَّـٰغُوتَۖ فَمِنۡهُم مَّنۡ هَدَى ٱللَّهُ وَمِنۡهُم مَّنۡ حَقَّتۡ عَلَيۡهِ ٱلضَّلَٰلَةُۚ فَسِيرُواْ فِي ٱلۡأَرۡضِ فَٱنظُرُواْ كَيۡفَ كَانَ عَٰقِبَةُ ٱلۡمُكَذِّبِينَ
Zvirokwazo, takatumira kudzinza rega-rega mutumwa achiti: “Namatai Allah, mova munosiya Taaghoot (vanamwari venhema).” Uye pakati pavo pane vakatungamirirwa naAllah, uye pakati pavo pane avo kurasika kwange kwakakodzera zvachose. Naizvozvo fambai nenyika muone kuti magumo eavo vakaramba chokwadi akanga akaita sei
Surah An-Nahl, Verse 36
إِن تَحۡرِصۡ عَلَىٰ هُدَىٰهُمۡ فَإِنَّ ٱللَّهَ لَا يَهۡدِي مَن يُضِلُّۖ وَمَا لَهُم مِّن نَّـٰصِرِينَ
Kunyange ukashuvira (Muhammad (SAW)) kutungamirwa kwavo, zvirokwazvo, Allah havatungamiriri avo vanoita kuti varasike (kana kuti hapana anokwanisa kutungamirira uyo Allah wavanoita kuti arasike). Uye vachange vasina vabatsiri
Surah An-Nahl, Verse 37
وَأَقۡسَمُواْ بِٱللَّهِ جَهۡدَ أَيۡمَٰنِهِمۡ لَا يَبۡعَثُ ٱللَّهُ مَن يَمُوتُۚ بَلَىٰ وَعۡدًا عَلَيۡهِ حَقّٗا وَلَٰكِنَّ أَكۡثَرَ ٱلنَّاسِ لَا يَعۡلَمُونَ
Uye vanopika naAllah zvakasimba mukutenda kwavo kuti Allah havamutsi uyo munhu anenge afa. Hongu, (vachavamutsa), vimbiso yechokwadi kwavari, asi vanhu vazhinji havazivi
Surah An-Nahl, Verse 38
لِيُبَيِّنَ لَهُمُ ٱلَّذِي يَخۡتَلِفُونَ فِيهِ وَلِيَعۡلَمَ ٱلَّذِينَ كَفَرُوٓاْ أَنَّهُمۡ كَانُواْ كَٰذِبِينَ
Kuti vavaburitsire pachena pane izvo zvavanopikisana, uye kuti vazive avo vasingatendi (mukumutswa neIslaam) kuti zvirokwazvo vaive vanyepi
Surah An-Nahl, Verse 39
إِنَّمَا قَوۡلُنَا لِشَيۡءٍ إِذَآ أَرَدۡنَٰهُ أَن نَّقُولَ لَهُۥ كُن فَيَكُونُ
Zvirokwazvo, shoko redu kune chinhu chatinenge tada, tinongoti kwachiri: “Ivapo!” Chinobva chavepo
Surah An-Nahl, Verse 40
وَٱلَّذِينَ هَاجَرُواْ فِي ٱللَّهِ مِنۢ بَعۡدِ مَا ظُلِمُواْ لَنُبَوِّئَنَّهُمۡ فِي ٱلدُّنۡيَا حَسَنَةٗۖ وَلَأَجۡرُ ٱلۡأٓخِرَةِ أَكۡبَرُۚ لَوۡ كَانُواْ يَعۡلَمُونَ
Uye avo vakatama munzira yaAllah, mushure mekunge vatadzirwa (vadzvinyirirwa), zvirokwazvo, tichavapa pekugara pakanaka pano pasi, asi muripo wehupenyu hunotevera wakakura chaizvo dai vachiziva
Surah An-Nahl, Verse 41
ٱلَّذِينَ صَبَرُواْ وَعَلَىٰ رَبِّهِمۡ يَتَوَكَّلُونَ
Avo vakatsungirira (pasi pano) uye vakaisa vimbo yavo kuna Tenzi vavo
Surah An-Nahl, Verse 42
وَمَآ أَرۡسَلۡنَا مِن قَبۡلِكَ إِلَّا رِجَالٗا نُّوحِيٓ إِلَيۡهِمۡۖ فَسۡـَٔلُوٓاْ أَهۡلَ ٱلذِّكۡرِ إِن كُنتُمۡ لَا تَعۡلَمُونَ
Uye hatina kutumira (sevatumwa) kumashure kwako (Muhammad (SAW)) asi varume vataitumira mashoko. Bvunzai (imi vanonamata zvidhori) avo vanoziva Magwaro (Torah neVhangeri) kana musingazivi
Surah An-Nahl, Verse 43
بِٱلۡبَيِّنَٰتِ وَٱلزُّبُرِۗ وَأَنزَلۡنَآ إِلَيۡكَ ٱلذِّكۡرَ لِتُبَيِّنَ لِلنَّاسِ مَا نُزِّلَ إِلَيۡهِمۡ وَلَعَلَّهُمۡ يَتَفَكَّرُونَ
Nezviratidzo zviri pachena neMagwaro (Takatuma vatumwa). Uye takatumira kwauri (Muhammad (SAW)) yeuchidzo (Qur’aan), kuti utsanangurire vanhu zviri pachena zvatumirwa kwavari, uye kuti zvimwe vangafunge
Surah An-Nahl, Verse 44
أَفَأَمِنَ ٱلَّذِينَ مَكَرُواْ ٱلسَّيِّـَٔاتِ أَن يَخۡسِفَ ٱللَّهُ بِهِمُ ٱلۡأَرۡضَ أَوۡ يَأۡتِيَهُمُ ٱلۡعَذَابُ مِنۡ حَيۡثُ لَا يَشۡعُرُونَ
Avo vanopangana zvakaipa vanonzwa kuchengetedzeka here kuti Allah havavanyudzi pasi, kana kuti marwadzo haavabati kubva kune mativi avasingatarisiri
Surah An-Nahl, Verse 45
أَوۡ يَأۡخُذَهُمۡ فِي تَقَلُّبِهِمۡ فَمَا هُم بِمُعۡجِزِينَ
Kana kuti achavabata pakati pekuenda nekudzoka (kumabasa avo), kuti pasave nekupukunyuka kwavari (kubva kune mutongo waAllah)
Surah An-Nahl, Verse 46
أَوۡ يَأۡخُذَهُمۡ عَلَىٰ تَخَوُّفٖ فَإِنَّ رَبَّكُمۡ لَرَءُوفٞ رَّحِيمٌ
Kana kuti achavabata (achavaparadza) zvishoma nezvishoma (muhupenyu nehupfumi hwavo)? Zvirokwazvo, Tenzi venyu vazere nenyasha netsitsi
Surah An-Nahl, Verse 47
أَوَلَمۡ يَرَوۡاْ إِلَىٰ مَا خَلَقَ ٱللَّهُ مِن شَيۡءٖ يَتَفَيَّؤُاْ ظِلَٰلُهُۥ عَنِ ٱلۡيَمِينِ وَٱلشَّمَآئِلِ سُجَّدٗا لِّلَّهِ وَهُمۡ دَٰخِرُونَ
Havana kuona here izvo zvakasikwa naAllah kubva kune zvese, mimvuri yazvo inorerekera kurudyi nekuruboshwe zvichipfugamira Allah, uye ndevepasi
Surah An-Nahl, Verse 48
وَلِلَّهِۤ يَسۡجُدُۤ مَا فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَمَا فِي ٱلۡأَرۡضِ مِن دَآبَّةٖ وَٱلۡمَلَـٰٓئِكَةُ وَهُمۡ لَا يَسۡتَكۡبِرُونَ
Uye Allah vanopfugamirwa nezvinhu zvese zviri kudenga nepasi, kubva kumhuka nengirozi, uye havazvitutumadzi
Surah An-Nahl, Verse 49
يَخَافُونَ رَبَّهُم مِّن فَوۡقِهِمۡ وَيَفۡعَلُونَ مَا يُؤۡمَرُونَ۩
Vanotya Tenzi vavo vari pamusoro pavo, uye vanoita zvavanenge vakomekedzwa
Surah An-Nahl, Verse 50
۞وَقَالَ ٱللَّهُ لَا تَتَّخِذُوٓاْ إِلَٰهَيۡنِ ٱثۡنَيۡنِۖ إِنَّمَا هُوَ إِلَٰهٞ وَٰحِدٞ فَإِيَّـٰيَ فَٱرۡهَبُونِ
Uye Allah vakati: “(Imi vanhu!) Musava munotora vanamwari vaviri. Zvirokwazvo (Allah) ndiMwari mumwechete. Naizvozvo ityai inini (Allah) zvakanyanya (mosiya zvese zvakaipa uye moita mabasa ese akanaka).”
Surah An-Nahl, Verse 51
وَلَهُۥ مَا فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ وَلَهُ ٱلدِّينُ وَاصِبًاۚ أَفَغَيۡرَ ٱللَّهِ تَتَّقُونَ
Ndivo muridzi wezviri kudenga nepasi, uye chitendero chechokwadi ndechavo (Allah). Naizvozvo mungatye chimwe chinhu kunze kwaAllah
Surah An-Nahl, Verse 52
وَمَا بِكُم مِّن نِّعۡمَةٖ فَمِنَ ٱللَّهِۖ ثُمَّ إِذَا مَسَّكُمُ ٱلضُّرُّ فَإِلَيۡهِ تَجۡـَٔرُونَ
Uye zvese zvamunowana kubva mune zvakanaka, zvinobva kuna Allah. Naizvozvo kana muchinge mawirwa nematambudziko, kwavari munochema muchikumbira rubatsiro
Surah An-Nahl, Verse 53
ثُمَّ إِذَا كَشَفَ ٱلضُّرَّ عَنكُمۡ إِذَا فَرِيقٞ مِّنكُم بِرَبِّهِمۡ يُشۡرِكُونَ
Naizvozvo kana vachinge vabvisa matambudziko pamuri, vamwe venyu vanosanganisa Tenzi vavo nevamwe vanamwari mukunamata
Surah An-Nahl, Verse 54
لِيَكۡفُرُواْ بِمَآ ءَاتَيۡنَٰهُمۡۚ فَتَمَتَّعُواْ فَسَوۡفَ تَعۡلَمُونَ
Vanoramba zvatakavapa! Naizvozvo chimbofarai, asi muchasvika pakuziva (muchidemba)
Surah An-Nahl, Verse 55
وَيَجۡعَلُونَ لِمَا لَا يَعۡلَمُونَ نَصِيبٗا مِّمَّا رَزَقۡنَٰهُمۡۗ تَٱللَّهِ لَتُسۡـَٔلُنَّ عَمَّا كُنتُمۡ تَفۡتَرُونَ
Uye vanopa chidimbu chezvatakavapa kune izvo zvavasingazivi (vanamwari venhema). Ndinopika naAllah, zvirokwazvo, muchabvunzwa maererano nezvamainyepa
Surah An-Nahl, Verse 56
وَيَجۡعَلُونَ لِلَّهِ ٱلۡبَنَٰتِ سُبۡحَٰنَهُۥ وَلَهُم مَّا يَشۡتَهُونَ
Uye vanopa vanasikana kuna Allah! Kurumbidzwa kwese ngakuve kwavari vari pamusoro pezvose zvavanovasanganisa nazvo! Uye kwavari (vasingatendi) vanozvipa zvavanoshuvira
Surah An-Nahl, Verse 57
وَإِذَا بُشِّرَ أَحَدُهُم بِٱلۡأُنثَىٰ ظَلَّ وَجۡهُهُۥ مُسۡوَدّٗا وَهُوَ كَظِيمٞ
Uye kana nhau dzekuzvarwa kwemwanasikana dzikasvika kune umwe wavo, chiso chake chinosviba, uye wozara nekubatikana (nekushushikana)
Surah An-Nahl, Verse 58
يَتَوَٰرَىٰ مِنَ ٱلۡقَوۡمِ مِن سُوٓءِ مَا بُشِّرَ بِهِۦٓۚ أَيُمۡسِكُهُۥ عَلَىٰ هُونٍ أَمۡ يَدُسُّهُۥ فِي ٱلتُّرَابِۗ أَلَا سَآءَ مَا يَحۡكُمُونَ
Anozvihwandisa kuvanhu nekuda kweuipi wechaanenge audzwa. Omuchengeta here nekushorwa kana kuti omuviga muivhu? Zvirokwazvo, zvakaipa ndezvavanoronga
Surah An-Nahl, Verse 59
لِلَّذِينَ لَا يُؤۡمِنُونَ بِٱلۡأٓخِرَةِ مَثَلُ ٱلسَّوۡءِۖ وَلِلَّهِ ٱلۡمَثَلُ ٱلۡأَعۡلَىٰۚ وَهُوَ ٱلۡعَزِيزُ ٱلۡحَكِيمُ
Kune avo vasingatendi muhupenyu hunotevera muenzaniso wakashata, uye Allah vane muenzaniso wakanaka wepamusoro, uye ndivo mukuru-kuru, vane hungwaru hwese
Surah An-Nahl, Verse 60
وَلَوۡ يُؤَاخِذُ ٱللَّهُ ٱلنَّاسَ بِظُلۡمِهِم مَّا تَرَكَ عَلَيۡهَا مِن دَآبَّةٖ وَلَٰكِن يُؤَخِّرُهُمۡ إِلَىٰٓ أَجَلٖ مُّسَمّٗىۖ فَإِذَا جَآءَ أَجَلُهُمۡ لَا يَسۡتَـٔۡخِرُونَ سَاعَةٗ وَلَا يَسۡتَقۡدِمُونَ
Uye dai Allah vaida kuparadza vanhu nekuda kwezvitadzo zvavo, havaizombosiya kunyangwe mhuka zvayo. Asi vanovamirira kusvikira nguva yavakanyorerwa yakwana. Naizvozvo kana nguva yavo yakwana, (vanhu) havagoni kuinonotsa neawa kana kuikurumidzisa neawa
Surah An-Nahl, Verse 61
وَيَجۡعَلُونَ لِلَّهِ مَا يَكۡرَهُونَۚ وَتَصِفُ أَلۡسِنَتُهُمُ ٱلۡكَذِبَ أَنَّ لَهُمُ ٱلۡحُسۡنَىٰۚ لَا جَرَمَ أَنَّ لَهُمُ ٱلنَّارَ وَأَنَّهُم مُّفۡرَطُونَ
Uye vanopa kuna Allah zvavasingadi, uye ndimi dzavo dzinonyepa kuti zvirokwazvo zvakanaka zvichange zviri zvavo. Pasina kugunun’una, zvirokwazvo vachawana moto, uye vachava vanoendeswa ikoko nekukasika, uye vosiiwa vakarasirirwa
Surah An-Nahl, Verse 62
تَٱللَّهِ لَقَدۡ أَرۡسَلۡنَآ إِلَىٰٓ أُمَمٖ مِّن قَبۡلِكَ فَزَيَّنَ لَهُمُ ٱلشَّيۡطَٰنُ أَعۡمَٰلَهُمۡ فَهُوَ وَلِيُّهُمُ ٱلۡيَوۡمَ وَلَهُمۡ عَذَابٌ أَلِيمٞ
Ndinopika naAllah, zvirokwazvo takatumira vatumwa kumarwudzi akawanda iwe (Muhammad (SAW)) usati wavapo, asi Shaitwaan (Satani) akavashongedzera mabasa avo. Naizvozvo (Satani) ndiye mubatsiri wavo zuva ranhasi (pasi pano), uye vachawana marwadzo akaomarara
Surah An-Nahl, Verse 63
وَمَآ أَنزَلۡنَا عَلَيۡكَ ٱلۡكِتَٰبَ إِلَّا لِتُبَيِّنَ لَهُمُ ٱلَّذِي ٱخۡتَلَفُواْ فِيهِ وَهُدٗى وَرَحۡمَةٗ لِّقَوۡمٖ يُؤۡمِنُونَ
Uye hatina kutumira Gwaro (Qur’aan) kwauri (Muhammad (SAW)), asi kuti uvajekesere izvo zvavanopikisana, uye segwara uye setsitsi kune avo vanotenda
Surah An-Nahl, Verse 64
وَٱللَّهُ أَنزَلَ مِنَ ٱلسَّمَآءِ مَآءٗ فَأَحۡيَا بِهِ ٱلۡأَرۡضَ بَعۡدَ مَوۡتِهَآۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَةٗ لِّقَوۡمٖ يَسۡمَعُونَ
Uye Allah vanodzikisa mvura kubva kudenga, uye vanomutsa nyika nemvura iyoyo mushure mekunge yafa. Zvirokwazvo, mune izvi mune chiratidzo kune avo vanhu vanonzwa (vanoteerera Allah)
Surah An-Nahl, Verse 65
وَإِنَّ لَكُمۡ فِي ٱلۡأَنۡعَٰمِ لَعِبۡرَةٗۖ نُّسۡقِيكُم مِّمَّا فِي بُطُونِهِۦ مِنۢ بَيۡنِ فَرۡثٖ وَدَمٖ لَّبَنًا خَالِصٗا سَآئِغٗا لِّلشَّـٰرِبِينَ
Uye zvirokwazvo, kwamuri kubva kumombe mune chidzidzo. Tinoita kuti mumwe kubva mune zviri mumatumbu adzo, kubva pakati pendove neropa, mukaka wakachena, unotapira kune vanonwa
Surah An-Nahl, Verse 66
وَمِن ثَمَرَٰتِ ٱلنَّخِيلِ وَٱلۡأَعۡنَٰبِ تَتَّخِذُونَ مِنۡهُ سَكَرٗا وَرِزۡقًا حَسَنًاۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَةٗ لِّقَوۡمٖ يَعۡقِلُونَ
Uye kubva kune michero yemadheti nemagirepu, munowana kumwa neraramo yakanaka. Zvirokwazvo, mune izvi mune chiratidzo kune vanhu vane njere
Surah An-Nahl, Verse 67
وَأَوۡحَىٰ رَبُّكَ إِلَى ٱلنَّحۡلِ أَنِ ٱتَّخِذِي مِنَ ٱلۡجِبَالِ بُيُوتٗا وَمِنَ ٱلشَّجَرِ وَمِمَّا يَعۡرِشُونَ
Uye Tenzi vako vakaudza nyuchi vachiti: “Torai pekugara mumakomo, uye mumiti uye kubva kune zvavanodzimika (zvavanovaka).”
Surah An-Nahl, Verse 68
ثُمَّ كُلِي مِن كُلِّ ٱلثَّمَرَٰتِ فَٱسۡلُكِي سُبُلَ رَبِّكِ ذُلُلٗاۚ يَخۡرُجُ مِنۢ بُطُونِهَا شَرَابٞ مُّخۡتَلِفٌ أَلۡوَٰنُهُۥ فِيهِ شِفَآءٞ لِّلنَّاسِۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَةٗ لِّقَوۡمٖ يَتَفَكَّرُونَ
“Naizvozvo idyai kubva kune michero yese, uye teverai nzira dzaTenzi venyu dzakarerutswa.” Mumatumbu adzo munobuda chinwiwa (huchi) chine mavara akasiyana-siyana, mukati macho (chinwiwa) mune zvinorapa vanhu. Zvirokwazvo, mukati meizvi mune chiratidzo kune vanhu vanofunga
Surah An-Nahl, Verse 69
وَٱللَّهُ خَلَقَكُمۡ ثُمَّ يَتَوَفَّىٰكُمۡۚ وَمِنكُم مَّن يُرَدُّ إِلَىٰٓ أَرۡذَلِ ٱلۡعُمُرِ لِكَيۡ لَا يَعۡلَمَ بَعۡدَ عِلۡمٖ شَيۡـًٔاۚ إِنَّ ٱللَّهَ عَلِيمٞ قَدِيرٞ
Uye Allah vakakusikai uye vachaita kuti mufe; uye pakati penyu pane avo vanosvitswa pakuchembera zvekusvika pakusaziva zvavaimboziva. Zvirokwazvo, Allah ndivo vanoziva zvese, vane simba rose
Surah An-Nahl, Verse 70
وَٱللَّهُ فَضَّلَ بَعۡضَكُمۡ عَلَىٰ بَعۡضٖ فِي ٱلرِّزۡقِۚ فَمَا ٱلَّذِينَ فُضِّلُواْ بِرَآدِّي رِزۡقِهِمۡ عَلَىٰ مَا مَلَكَتۡ أَيۡمَٰنُهُمۡ فَهُمۡ فِيهِ سَوَآءٌۚ أَفَبِنِعۡمَةِ ٱللَّهِ يَجۡحَدُونَ
Uye Allah vakasarudza vamwe venyu pamusoro pevamwe maererano neraramo. Naizvozvo avo vakasarudzwa neipi nzira zvayo, havazombofa vakapa mari yavo nehupfumi kune varanda vavo kuti vave vanoenzana navo. Saka vanoramba makomborero aAllah here
Surah An-Nahl, Verse 71
وَٱللَّهُ جَعَلَ لَكُم مِّنۡ أَنفُسِكُمۡ أَزۡوَٰجٗا وَجَعَلَ لَكُم مِّنۡ أَزۡوَٰجِكُم بَنِينَ وَحَفَدَةٗ وَرَزَقَكُم مِّنَ ٱلطَّيِّبَٰتِۚ أَفَبِٱلۡبَٰطِلِ يُؤۡمِنُونَ وَبِنِعۡمَتِ ٱللَّهِ هُمۡ يَكۡفُرُونَ
Uye Allah vakakusikirai madzimai akafanana nemi, uye vakakusikirai kubva kune madzimai enyu vanakomana nevazukuru, uye vakakupai raramo kubva kune zvakanaka. Naizvozvo vanotenda here muna vanamwari venhema uye voramba makomborero aAllah
Surah An-Nahl, Verse 72
وَيَعۡبُدُونَ مِن دُونِ ٱللَّهِ مَا لَا يَمۡلِكُ لَهُمۡ رِزۡقٗا مِّنَ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ شَيۡـٔٗا وَلَا يَسۡتَطِيعُونَ
Uye vanonamata vamwe kunze kwaAllah seizvo zvisingapi raramo ipi zvayo kwavari kubva kumatenga nepasi, uye hazvikwanisi
Surah An-Nahl, Verse 73
فَلَا تَضۡرِبُواْ لِلَّهِ ٱلۡأَمۡثَالَۚ إِنَّ ٱللَّهَ يَعۡلَمُ وَأَنتُمۡ لَا تَعۡلَمُونَ
Saka musava munoisa mberi mienzaniso naAllah. Zvirokwazvo, Allah vanoziva uye imi hamuzivi
Surah An-Nahl, Verse 74
۞ضَرَبَ ٱللَّهُ مَثَلًا عَبۡدٗا مَّمۡلُوكٗا لَّا يَقۡدِرُ عَلَىٰ شَيۡءٖ وَمَن رَّزَقۡنَٰهُ مِنَّا رِزۡقًا حَسَنٗا فَهُوَ يُنفِقُ مِنۡهُ سِرّٗا وَجَهۡرًاۖ هَلۡ يَسۡتَوُۥنَۚ ٱلۡحَمۡدُ لِلَّهِۚ بَلۡ أَكۡثَرُهُمۡ لَا يَعۡلَمُونَ
Allah vanoisa mberi muenzaniso wemuranda (asingatendi) ari pasi peumwe munhu, haana simba rezvese, uye nemurume (mutendi) uyo watakapa raramo yakanaka kubva kwatiri uye anoishandisa muchivande uye nepachena. Vakaenzana here? Kurumbidzwa kwese nekutenda ndekwa Allah. Asi vakawanda vavo havazivi
Surah An-Nahl, Verse 75
وَضَرَبَ ٱللَّهُ مَثَلٗا رَّجُلَيۡنِ أَحَدُهُمَآ أَبۡكَمُ لَا يَقۡدِرُ عَلَىٰ شَيۡءٖ وَهُوَ كَلٌّ عَلَىٰ مَوۡلَىٰهُ أَيۡنَمَا يُوَجِّههُّ لَا يَأۡتِ بِخَيۡرٍ هَلۡ يَسۡتَوِي هُوَ وَمَن يَأۡمُرُ بِٱلۡعَدۡلِ وَهُوَ عَلَىٰ صِرَٰطٖ مُّسۡتَقِيمٖ
Uye Allah vanopa muenzaniso wevarume vaviri, mumwe chete wavo chimumumu (asingatendi), haana simba pane zvese, uye mutoro kune mukuru wake; zvese zvaanomutuma, haauyi nezvakanaka. Akaenzana here neuyo (mutendi) anoraira zvakafanira, uye ari pagwara rakatwasuka
Surah An-Nahl, Verse 76
وَلِلَّهِ غَيۡبُ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۚ وَمَآ أَمۡرُ ٱلسَّاعَةِ إِلَّا كَلَمۡحِ ٱلۡبَصَرِ أَوۡ هُوَ أَقۡرَبُۚ إِنَّ ٱللَّهَ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٖ قَدِيرٞ
Uye Allah ndivo muridzi wezvese zvisingaoneki zviri mumatenga nepasi. Uye nyaya yenguva (zuva rekutongwa) yakafanana nekubwaira kweziso, kana kuti iri pedyo. Zvirokwazvo, Allah vane simba pamusoro pezvese
Surah An-Nahl, Verse 77
وَٱللَّهُ أَخۡرَجَكُم مِّنۢ بُطُونِ أُمَّهَٰتِكُمۡ لَا تَعۡلَمُونَ شَيۡـٔٗا وَجَعَلَ لَكُمُ ٱلسَّمۡعَ وَٱلۡأَبۡصَٰرَ وَٱلۡأَفۡـِٔدَةَ لَعَلَّكُمۡ تَشۡكُرُونَ
Uye Allah vakakuburitsai kubva munhumbu dzana amai venyu musingazivi kana chii zvacho, uye vakakupai nzeve, maziso nemoyo kuti zvimwe mungatende
Surah An-Nahl, Verse 78
أَلَمۡ يَرَوۡاْ إِلَى ٱلطَّيۡرِ مُسَخَّرَٰتٖ فِي جَوِّ ٱلسَّمَآءِ مَا يُمۡسِكُهُنَّ إِلَّا ٱللَّهُۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَٰتٖ لِّقَوۡمٖ يُؤۡمِنُونَ
Havaoni here shiri dzichibhururuka mumhepo? Hapana anodzikata kunze kwaAllah. Zvirokwazvo, mune izvi mune zviratidzo kune avo vanotenda (muhumwechete hwaAllah)
Surah An-Nahl, Verse 79
وَٱللَّهُ جَعَلَ لَكُم مِّنۢ بُيُوتِكُمۡ سَكَنٗا وَجَعَلَ لَكُم مِّن جُلُودِ ٱلۡأَنۡعَٰمِ بُيُوتٗا تَسۡتَخِفُّونَهَا يَوۡمَ ظَعۡنِكُمۡ وَيَوۡمَ إِقَامَتِكُمۡ وَمِنۡ أَصۡوَافِهَا وَأَوۡبَارِهَا وَأَشۡعَارِهَآ أَثَٰثٗا وَمَتَٰعًا إِلَىٰ حِينٖ
Uye Allah vakakugadzirirai mudzimba dzenyu pekugara, uye vakakugadzirirai kubva kumatehwe emombe dzimba (matende), dzamunoona dzakareruka pamunofamba uye nepamunogara (munguva dzekufamba); uye kubva kumakushe adzo, mambava nemvere (hwai, ngamera nembudzi) midziyo nemufaro kwenguva diki
Surah An-Nahl, Verse 80
وَٱللَّهُ جَعَلَ لَكُم مِّمَّا خَلَقَ ظِلَٰلٗا وَجَعَلَ لَكُم مِّنَ ٱلۡجِبَالِ أَكۡنَٰنٗا وَجَعَلَ لَكُمۡ سَرَٰبِيلَ تَقِيكُمُ ٱلۡحَرَّ وَسَرَٰبِيلَ تَقِيكُم بَأۡسَكُمۡۚ كَذَٰلِكَ يُتِمُّ نِعۡمَتَهُۥ عَلَيۡكُمۡ لَعَلَّكُمۡ تُسۡلِمُونَ
Uye Allah vakakugadzirirai kubva kune izvo zvavakasika mimvuri, uye vakakugadzirirai nzvimbo kubva mumakomo, uye vakakugadzirirai zvipfeko zvinokudzivirirai kune kupisa (nekutonhora), uye nemabhachi anokudzivirirai kubva kune simba renyu (kurwisana kwenyu). Naizvozvo (Allah) vanozadzisa makomborero avo kwamuri kuti muve munozvipira (muIslaam)
Surah An-Nahl, Verse 81
فَإِن تَوَلَّوۡاْ فَإِنَّمَا عَلَيۡكَ ٱلۡبَلَٰغُ ٱلۡمُبِينُ
Asi kana vakafuratira, chako (Muhammad (SAW)) kusvitsa shoko zviri pachena
Surah An-Nahl, Verse 82
يَعۡرِفُونَ نِعۡمَتَ ٱللَّهِ ثُمَّ يُنكِرُونَهَا وَأَكۡثَرُهُمُ ٱلۡكَٰفِرُونَ
Uye vanoziva makomborero aAllah, pamusoro pazvo vomaramba (nekunamata zvimwe kunze kwaAllah), uye vazhinji vavo havatendi (vanoramba Muhammad (SAW)
Surah An-Nahl, Verse 83
وَيَوۡمَ نَبۡعَثُ مِن كُلِّ أُمَّةٖ شَهِيدٗا ثُمَّ لَا يُؤۡذَنُ لِلَّذِينَ كَفَرُواْ وَلَا هُمۡ يُسۡتَعۡتَبُونَ
Uye neiro zuva ratichamutsa kubva kune madzinza ose mupupuri (mutumwa wavo), naizvozvo avo vasingatendi havazombopihwi mukana (hwekupa zvikonzero), uye havazombopihwi mukana wekuti vadzokere panyika kunoreurura nekukumbira Allah ruregerero
Surah An-Nahl, Verse 84
وَإِذَا رَءَا ٱلَّذِينَ ظَلَمُواْ ٱلۡعَذَابَ فَلَا يُخَفَّفُ عَنۡهُمۡ وَلَا هُمۡ يُنظَرُونَ
Uye avo vakaita zvakaipa (vasingatendi) vachaona mutongo, uye havazomborerutsirwi kana kupihwa kanguva kekuzorora
Surah An-Nahl, Verse 85
وَإِذَا رَءَا ٱلَّذِينَ أَشۡرَكُواْ شُرَكَآءَهُمۡ قَالُواْ رَبَّنَا هَـٰٓؤُلَآءِ شُرَكَآؤُنَا ٱلَّذِينَ كُنَّا نَدۡعُواْ مِن دُونِكَۖ فَأَلۡقَوۡاْ إِلَيۡهِمُ ٱلۡقَوۡلَ إِنَّكُمۡ لَكَٰذِبُونَ
Uye apo avo vaisanganisa Allah nevamwe vanamwari vachaona vamwe vavo vaivasanganisa naAllah vachati: “Tenzi vedu! Ava ndivo vamwe vedu vataisheedza kunze kwenyu.” Asi vachadzorera shoko kwavari (vachiti): “Zvirokwazvo! Muri vanyepi!”
Surah An-Nahl, Verse 86
وَأَلۡقَوۡاْ إِلَى ٱللَّهِ يَوۡمَئِذٍ ٱلسَّلَمَۖ وَضَلَّ عَنۡهُم مَّا كَانُواْ يَفۡتَرُونَ
Uye vachava vanozvipira kuna Allah musi uyu, uye vanamwari vavo vavaisheedza vachasakatika kubva kwavari (vachashaya basa kwavari)
Surah An-Nahl, Verse 87
ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ وَصَدُّواْ عَن سَبِيلِ ٱللَّهِ زِدۡنَٰهُمۡ عَذَابٗا فَوۡقَ ٱلۡعَذَابِ بِمَا كَانُواْ يُفۡسِدُونَ
Avo vasina kutenda uye vachidzivirira vanhu nzira yaAllah, tichavawedzera marwadzo pamusoro pemarwadzo nekuti vaikonzeresa zvisakarurama
Surah An-Nahl, Verse 88
وَيَوۡمَ نَبۡعَثُ فِي كُلِّ أُمَّةٖ شَهِيدًا عَلَيۡهِم مِّنۡ أَنفُسِهِمۡۖ وَجِئۡنَا بِكَ شَهِيدًا عَلَىٰ هَـٰٓؤُلَآءِۚ وَنَزَّلۡنَا عَلَيۡكَ ٱلۡكِتَٰبَ تِبۡيَٰنٗا لِّكُلِّ شَيۡءٖ وَهُدٗى وَرَحۡمَةٗ وَبُشۡرَىٰ لِلۡمُسۡلِمِينَ
Uye iro zuva ratichasimudza kubva kumadzinza ese mupupuri kwavari kubva mavari. Uye tichakuunza (Muhammad (SAW)) semupupuri kwavari. Uye takatumidzira kwauri Gwaro (Qur’aan) setsanangudzo yezvose, gwara, tsitsi, uye mashoko akanaka kune avo vakazvipira pachavo (kuna Allah semaMuslim)
Surah An-Nahl, Verse 89
۞إِنَّ ٱللَّهَ يَأۡمُرُ بِٱلۡعَدۡلِ وَٱلۡإِحۡسَٰنِ وَإِيتَآيِٕ ذِي ٱلۡقُرۡبَىٰ وَيَنۡهَىٰ عَنِ ٱلۡفَحۡشَآءِ وَٱلۡمُنكَرِ وَٱلۡبَغۡيِۚ يَعِظُكُمۡ لَعَلَّكُمۡ تَذَكَّرُونَ
Zvirokwazvo, Allah vanokomekedza kuita zvakarurama nezvakanaka, uye nekubatsira hama dzepedyo, uye vanorambidza kuita mabasa akaipa nekusatenda uye neudzvanyiriri. Vanokurairai, zvimwe mungava munorangarira
Surah An-Nahl, Verse 90
وَأَوۡفُواْ بِعَهۡدِ ٱللَّهِ إِذَا عَٰهَدتُّمۡ وَلَا تَنقُضُواْ ٱلۡأَيۡمَٰنَ بَعۡدَ تَوۡكِيدِهَا وَقَدۡ جَعَلۡتُمُ ٱللَّهَ عَلَيۡكُمۡ كَفِيلًاۚ إِنَّ ٱللَّهَ يَعۡلَمُ مَا تَفۡعَلُونَ
Uye zadzisai chibvumirano chaAllah kana maita chibvumirano ichocho, uye musava munoputsa mhiko mushure mekunge madzitora, uye zvirokwazvo mave munotora Allah semumiriri wenyu. Zvirokwazvo, Allah vanoziva zvamunoita
Surah An-Nahl, Verse 91
وَلَا تَكُونُواْ كَٱلَّتِي نَقَضَتۡ غَزۡلَهَا مِنۢ بَعۡدِ قُوَّةٍ أَنكَٰثٗا تَتَّخِذُونَ أَيۡمَٰنَكُمۡ دَخَلَۢا بَيۡنَكُمۡ أَن تَكُونَ أُمَّةٌ هِيَ أَرۡبَىٰ مِنۡ أُمَّةٍۚ إِنَّمَا يَبۡلُوكُمُ ٱللَّهُ بِهِۦۚ وَلَيُبَيِّنَنَّ لَكُمۡ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِ مَا كُنتُمۡ فِيهِ تَخۡتَلِفُونَ
Uye musava munoita semukadzi uyo anorudunura shinda yaanenge aruka mushure mekunge yasimba, nekutora mhiko senzira yekunyengedzana pakati penyu, zvimwe rimwe dzinza ringawande kupfuura rimwe dzinza. Zvirokwazvo, Allah vanokuedzai nazvo. Uye zvirokwazvo vachava pazuva rekumutswa vanokuburitsirai pachena izvo zvamaipesana (umwe achitenda muhumwechete hwaAllah uye umwe achiramba)
Surah An-Nahl, Verse 92
وَلَوۡ شَآءَ ٱللَّهُ لَجَعَلَكُمۡ أُمَّةٗ وَٰحِدَةٗ وَلَٰكِن يُضِلُّ مَن يَشَآءُ وَيَهۡدِي مَن يَشَآءُۚ وَلَتُسۡـَٔلُنَّ عَمَّا كُنتُمۡ تَعۡمَلُونَ
Uye dai Allah vaida, vaikuitai dzinza rimwe chete (muve vechitendero chimwe chete), asi vanoita kuti wavanoda arasike, uye vanotungamira wavanoda. Uye zvirokwazvo muchava munobvunzwa pane izvo zvamaiita
Surah An-Nahl, Verse 93
وَلَا تَتَّخِذُوٓاْ أَيۡمَٰنَكُمۡ دَخَلَۢا بَيۡنَكُمۡ فَتَزِلَّ قَدَمُۢ بَعۡدَ ثُبُوتِهَا وَتَذُوقُواْ ٱلسُّوٓءَ بِمَا صَدَدتُّمۡ عَن سَبِيلِ ٱللَّهِ وَلَكُمۡ عَذَابٌ عَظِيمٞ
Uye musatore mhiko dzenyu senzira yekunyengedzana pakati penyu, zvimwe tsoka ingatsvedze mushure mekunge yasimbiswa, uye kuti muravire zvakaipa (murango pasi pano) nekudzivirira kwamakaita vanhu nzira yaAllah, uye muchawana murango mukuru wakaomarara (Gehena)
Surah An-Nahl, Verse 94
وَلَا تَشۡتَرُواْ بِعَهۡدِ ٱللَّهِ ثَمَنٗا قَلِيلًاۚ إِنَّمَا عِندَ ٱللَّهِ هُوَ خَيۡرٞ لَّكُمۡ إِن كُنتُمۡ تَعۡلَمُونَ
Uye musava munotengesa chibvumirano chaAllah nemari shoma. Zvirokwazvo, zvina Allah zvakanakira imimi kana muchiziva
Surah An-Nahl, Verse 95
مَا عِندَكُمۡ يَنفَدُ وَمَا عِندَ ٱللَّهِ بَاقٖۗ وَلَنَجۡزِيَنَّ ٱلَّذِينَ صَبَرُوٓاْ أَجۡرَهُم بِأَحۡسَنِ مَا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ
Zvese zvamunazvo zvichapera, asi zvina Allah hazviperi. Uye avo vanotsungirira, zvirokwazvo, tichavapa muripo wavo weizvo zvakanaka zvavaiita
Surah An-Nahl, Verse 96
مَنۡ عَمِلَ صَٰلِحٗا مِّن ذَكَرٍ أَوۡ أُنثَىٰ وَهُوَ مُؤۡمِنٞ فَلَنُحۡيِيَنَّهُۥ حَيَوٰةٗ طَيِّبَةٗۖ وَلَنَجۡزِيَنَّهُمۡ أَجۡرَهُم بِأَحۡسَنِ مَا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ
Upi neupi anoita mabasa akanaka, angave murume kana mukadzi, ari mutendi wechokwadi, tinomupa hupenyu hwakanaka (pasi pano), uye zvirokwazvo tichavapa muripo wavo weizvo zvakanaka zvavaiita (Paradhiso)
Surah An-Nahl, Verse 97
فَإِذَا قَرَأۡتَ ٱلۡقُرۡءَانَ فَٱسۡتَعِذۡ بِٱللَّهِ مِنَ ٱلشَّيۡطَٰنِ ٱلرَّجِيمِ
Naizvozvo kana uchiverenga Qur’aan, kumbira kudzivirirwa kuna Allah kubva kuna Satani, akashorwa
Surah An-Nahl, Verse 98
إِنَّهُۥ لَيۡسَ لَهُۥ سُلۡطَٰنٌ عَلَى ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَلَىٰ رَبِّهِمۡ يَتَوَكَّلُونَ
Zvirokwazvo, haana simba pamusoro peavo vanotenda uye vanoisa ruvimbo rwavo muna Tenzi vavo
Surah An-Nahl, Verse 99
إِنَّمَا سُلۡطَٰنُهُۥ عَلَى ٱلَّذِينَ يَتَوَلَّوۡنَهُۥ وَٱلَّذِينَ هُم بِهِۦ مُشۡرِكُونَ
Simba rake (Satani) riri pane avo vanomuteerera nekumutevera, uye neavo vanosanganisa Allah nezvimwe zvinhu
Surah An-Nahl, Verse 100
وَإِذَا بَدَّلۡنَآ ءَايَةٗ مَّكَانَ ءَايَةٖ وَٱللَّهُ أَعۡلَمُ بِمَا يُنَزِّلُ قَالُوٓاْ إِنَّمَآ أَنتَ مُفۡتَرِۭۚ بَلۡ أَكۡثَرُهُمۡ لَا يَعۡلَمُونَ
Uye tikachinja ndima (yemuQur’aan) panzvimbo peimwe ndima, uye Allah vanoziva zvakanyanya izvo zvavanodzikisa, (vasingatendi) vanoti: “Zvirokwazvo uri munyepi.” Asi vazhinji vavo havazivi
Surah An-Nahl, Verse 101
قُلۡ نَزَّلَهُۥ رُوحُ ٱلۡقُدُسِ مِن رَّبِّكَ بِٱلۡحَقِّ لِيُثَبِّتَ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَهُدٗى وَبُشۡرَىٰ لِلۡمُسۡلِمِينَ
Iti (Muhammad (SAW)): “Roohul-Qudus (Mweya Mutsvene Gabriel) akariunza (Qur’aan) pasi kubva kuna Tenzi venyu muchokwadi, kuti rive rinosimbisa avo vanotenda, uye segwara uye mashoko akanaka kune avo vanozvipira (kuna Allah semaMuslim).”
Surah An-Nahl, Verse 102
وَلَقَدۡ نَعۡلَمُ أَنَّهُمۡ يَقُولُونَ إِنَّمَا يُعَلِّمُهُۥ بَشَرٞۗ لِّسَانُ ٱلَّذِي يُلۡحِدُونَ إِلَيۡهِ أَعۡجَمِيّٞ وَهَٰذَا لِسَانٌ عَرَبِيّٞ مُّبِينٌ
Uye zvirokwazvo, tinoziva kuti (vasingatendi) vanoti: “Zvirokwazvo, ari kudzidziswa (Muhammad (SAW)) nendambasukuse.” Rurimi rwemurume avarikutaura nderwemubvakure, asi iri (Qur’aan) rurimi rwuri pachena rwechiArabhu
Surah An-Nahl, Verse 103
إِنَّ ٱلَّذِينَ لَا يُؤۡمِنُونَ بِـَٔايَٰتِ ٱللَّهِ لَا يَهۡدِيهِمُ ٱللَّهُ وَلَهُمۡ عَذَابٌ أَلِيمٌ
Zvirokwazvo, avo vasingatendi muzviratidzo (kana ndima) dzaAllah, Allah havavatungamiri uye vachawana marwadzo akaomarara
Surah An-Nahl, Verse 104
إِنَّمَا يَفۡتَرِي ٱلۡكَذِبَ ٱلَّذِينَ لَا يُؤۡمِنُونَ بِـَٔايَٰتِ ٱللَّهِۖ وَأُوْلَـٰٓئِكَ هُمُ ٱلۡكَٰذِبُونَ
Zvirokwazvo, ndeavo vasingatendi muzviratidzo (kana ndima) dzaAllah vanogadzira manyepo, uye ndivo vanyepi
Surah An-Nahl, Verse 105
مَن كَفَرَ بِٱللَّهِ مِنۢ بَعۡدِ إِيمَٰنِهِۦٓ إِلَّا مَنۡ أُكۡرِهَ وَقَلۡبُهُۥ مُطۡمَئِنُّۢ بِٱلۡإِيمَٰنِ وَلَٰكِن مَّن شَرَحَ بِٱلۡكُفۡرِ صَدۡرٗا فَعَلَيۡهِمۡ غَضَبٞ مِّنَ ٱللَّهِ وَلَهُمۡ عَذَابٌ عَظِيمٞ
Upi zvake asingatendi muna Allah mushure mekutenda kwake, kunze kweuyo anomanikidzwa uye moyo wake wakazorora nekutenda, asi avo vanovhurira zvipfuva zvavo kusatenda, kwavari ihasha kubva kuna Allah, uye kwavari marwadzo makuru
Surah An-Nahl, Verse 106
ذَٰلِكَ بِأَنَّهُمُ ٱسۡتَحَبُّواْ ٱلۡحَيَوٰةَ ٱلدُّنۡيَا عَلَى ٱلۡأٓخِرَةِ وَأَنَّ ٱللَّهَ لَا يَهۡدِي ٱلۡقَوۡمَ ٱلۡكَٰفِرِينَ
Nekuda kwekuti vakada uye vakakoshesa hupenyu hwepano pasi kudarika hwemangwana. Uye Allah havatungamiriri vanhu vasingatendi
Surah An-Nahl, Verse 107
أُوْلَـٰٓئِكَ ٱلَّذِينَ طَبَعَ ٱللَّهُ عَلَىٰ قُلُوبِهِمۡ وَسَمۡعِهِمۡ وَأَبۡصَٰرِهِمۡۖ وَأُوْلَـٰٓئِكَ هُمُ ٱلۡغَٰفِلُونَ
Ndeavo Allah vakavhara moyo yavo, kunzwa (nzeve) kwavo uye kuona (maziso) kwavo. Uye ndeavo vasina hanya
Surah An-Nahl, Verse 108
لَا جَرَمَ أَنَّهُمۡ فِي ٱلۡأٓخِرَةِ هُمُ ٱلۡخَٰسِرُونَ
Hapana kugunun’una kuti muhupenyu hwemangwana, vachange vari vakarasikirwa
Surah An-Nahl, Verse 109
ثُمَّ إِنَّ رَبَّكَ لِلَّذِينَ هَاجَرُواْ مِنۢ بَعۡدِ مَا فُتِنُواْ ثُمَّ جَٰهَدُواْ وَصَبَرُوٓاْ إِنَّ رَبَّكَ مِنۢ بَعۡدِهَا لَغَفُورٞ رَّحِيمٞ
Uye zvirokwazvo, Tenzi vako kune avo vakatama mushure mekunge vaiswa pamuedzo uye vakarwa zvakanyanya uye vakanga vakatsungirira, zvirokwazvo, Tenzi vako mushure mazvo vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji
Surah An-Nahl, Verse 110
۞يَوۡمَ تَأۡتِي كُلُّ نَفۡسٖ تُجَٰدِلُ عَن نَّفۡسِهَا وَتُوَفَّىٰ كُلُّ نَفۡسٖ مَّا عَمِلَتۡ وَهُمۡ لَا يُظۡلَمُونَ
(Rangarira) zuva iro munhu wese achauya achikumbira (achizvidzivirira) pachezvake, uye munhu wese achapihwa zvakazara pane izvo zvaakaiita (zvakanaka kana zvakaipa), uye havambodzvanyirirwi
Surah An-Nahl, Verse 111
وَضَرَبَ ٱللَّهُ مَثَلٗا قَرۡيَةٗ كَانَتۡ ءَامِنَةٗ مُّطۡمَئِنَّةٗ يَأۡتِيهَا رِزۡقُهَا رَغَدٗا مِّن كُلِّ مَكَانٖ فَكَفَرَتۡ بِأَنۡعُمِ ٱللَّهِ فَأَذَٰقَهَا ٱللَّهُ لِبَاسَ ٱلۡجُوعِ وَٱلۡخَوۡفِ بِمَا كَانُواْ يَصۡنَعُونَ
Uye Allah varikupa muenzaniso wedhorobha (Makkah), raigara rakachengetedzwa uye rakagadzikika, raramo yaro ichiuya muhuwandu kubva kune nzvimbo dzese, asi rakaramba makomborero aAllah. Naizvozvo Allah vakaita kuti varavire nzara yakaomarara nekutya, nekuda kweizvo zvavaiita
Surah An-Nahl, Verse 112
وَلَقَدۡ جَآءَهُمۡ رَسُولٞ مِّنۡهُمۡ فَكَذَّبُوهُ فَأَخَذَهُمُ ٱلۡعَذَابُ وَهُمۡ ظَٰلِمُونَ
Uye zvirokwazvo, mutumwa (Muhammad (SAW)) akauya kwavari kubva pakati pavo, asi vakamuramba, naizvozvo marwadzo akavawira vari vatadzi
Surah An-Nahl, Verse 113
فَكُلُواْ مِمَّا رَزَقَكُمُ ٱللَّهُ حَلَٰلٗا طَيِّبٗا وَٱشۡكُرُواْ نِعۡمَتَ ٱللَّهِ إِن كُنتُمۡ إِيَّاهُ تَعۡبُدُونَ
Saka idyai kubva kune zvamakapihwa naAllah zvakabvumidzwa uye zvakachena. Uye ivai munotenda makomborero aAllah kana vari ivo vamunonamata
Surah An-Nahl, Verse 114
إِنَّمَا حَرَّمَ عَلَيۡكُمُ ٱلۡمَيۡتَةَ وَٱلدَّمَ وَلَحۡمَ ٱلۡخِنزِيرِ وَمَآ أُهِلَّ لِغَيۡرِ ٱللَّهِ بِهِۦۖ فَمَنِ ٱضۡطُرَّ غَيۡرَ بَاغٖ وَلَا عَادٖ فَإِنَّ ٱللَّهَ غَفُورٞ رَّحِيمٞ
Zvirokwazvo, vakakurambidzai Al-Maitah (nyama yemhuka yafa yoga), ropa, nyama yenguruve, uye nemhuka inouraiwa sechibairo kune zvimwe kunze kwaAllah (kana inouraiwa zita raAllah risina kutaurwa). Asi kana umwe ari panguva yakaoma pasina kuzviitira une kana kupfurikidza mwero, zvirokwazvo Allah vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji
Surah An-Nahl, Verse 115
وَلَا تَقُولُواْ لِمَا تَصِفُ أَلۡسِنَتُكُمُ ٱلۡكَذِبَ هَٰذَا حَلَٰلٞ وَهَٰذَا حَرَامٞ لِّتَفۡتَرُواْ عَلَى ٱللَّهِ ٱلۡكَذِبَۚ إِنَّ ٱلَّذِينَ يَفۡتَرُونَ عَلَى ٱللَّهِ ٱلۡكَذِبَ لَا يُفۡلِحُونَ
Uye musataure maererano nezvamunotungamidza nendimi dzenyu zvemanyepo kuti: “Izvi zviri Halaal (zvinobvumidzwa) uye izvi zviri Haraam (zvinorambidzwa),” muchitaura manyepo kuna Allah. Avo vanotaura manyepo kuna Allah havabudiriri
Surah An-Nahl, Verse 116
مَتَٰعٞ قَلِيلٞ وَلَهُمۡ عَذَابٌ أَلِيمٞ
Kufara kushoma-shoma (vachakuwana), asi vachawana marwadzo akaomarara
Surah An-Nahl, Verse 117
وَعَلَى ٱلَّذِينَ هَادُواْ حَرَّمۡنَا مَا قَصَصۡنَا عَلَيۡكَ مِن قَبۡلُۖ وَمَا ظَلَمۡنَٰهُمۡ وَلَٰكِن كَانُوٓاْ أَنفُسَهُمۡ يَظۡلِمُونَ
Uye maJudha takava tinovarambidza sezvatakakutaurira iwe (Muhammad (SAW)) kumashure (Qur’aan 6: 146). Uye hatina kuvadzvanyirira, asi vakazvidzvanyirira pachavo
Surah An-Nahl, Verse 118
ثُمَّ إِنَّ رَبَّكَ لِلَّذِينَ عَمِلُواْ ٱلسُّوٓءَ بِجَهَٰلَةٖ ثُمَّ تَابُواْ مِنۢ بَعۡدِ ذَٰلِكَ وَأَصۡلَحُوٓاْ إِنَّ رَبَّكَ مِنۢ بَعۡدِهَا لَغَفُورٞ رَّحِيمٌ
Uye zvirokwazvo, Tenzi vako kune avo vanoita mabasa akaipa vasingazivi uye vokumbira ruregerero mushure maizvozvo uye voita mabasa akanaka, zvirokwazvo, Tenzi vako mushure maizvozvo vanoregerera zvikuru, vane tsitsi zhinji
Surah An-Nahl, Verse 119
إِنَّ إِبۡرَٰهِيمَ كَانَ أُمَّةٗ قَانِتٗا لِّلَّهِ حَنِيفٗا وَلَمۡ يَكُ مِنَ ٱلۡمُشۡرِكِينَ
Zvirokwazvo, Abrahamu akanga ari Ummah (mutungamiri kana dzinza) aiteerera Allah, Haneef (ainamata Allah chete), uye akanga asiri pakati peavo vanosanganisa Allah nevamwe vanamwari
Surah An-Nahl, Verse 120
شَاكِرٗا لِّأَنۡعُمِهِۚ ٱجۡتَبَىٰهُ وَهَدَىٰهُ إِلَىٰ صِرَٰطٖ مُّسۡتَقِيمٖ
Aitenda makomborero avo (Allah). Vakamusarudza (Allah) (seshamwari yepedyo) uye vakamutungamirira munzira yakatwasuka (Islaam)
Surah An-Nahl, Verse 121
وَءَاتَيۡنَٰهُ فِي ٱلدُّنۡيَا حَسَنَةٗۖ وَإِنَّهُۥ فِي ٱلۡأٓخِرَةِ لَمِنَ ٱلصَّـٰلِحِينَ
Uye takamupa zvakanaka munyika ino, uye muhupenyu hunotevera achange ari umwe wevatsvene
Surah An-Nahl, Verse 122
ثُمَّ أَوۡحَيۡنَآ إِلَيۡكَ أَنِ ٱتَّبِعۡ مِلَّةَ إِبۡرَٰهِيمَ حَنِيفٗاۖ وَمَا كَانَ مِنَ ٱلۡمُشۡرِكِينَ
Uye takakuudza (Muhammad (SAW)) kuti: “Tevera chitendero chaAbrahamu ange ari Haneef (ainamata Allah chete), uye akanga asiri pakati peavo vanosanganisa Allah nevamwe vanamwari.”
Surah An-Nahl, Verse 123
إِنَّمَا جُعِلَ ٱلسَّبۡتُ عَلَى ٱلَّذِينَ ٱخۡتَلَفُواْ فِيهِۚ وَإِنَّ رَبَّكَ لَيَحۡكُمُ بَيۡنَهُمۡ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِ فِيمَا كَانُواْ فِيهِ يَخۡتَلِفُونَ
Zvirokwazvo, takava tinotara Sabata kune avo vaipokana maererano nayo, uye zvirokwazvo, Tenzi vako vachatonga pakati pavo pazuva rekumutswa pane izvo zvavaipokana mazviri
Surah An-Nahl, Verse 124
ٱدۡعُ إِلَىٰ سَبِيلِ رَبِّكَ بِٱلۡحِكۡمَةِ وَٱلۡمَوۡعِظَةِ ٱلۡحَسَنَةِۖ وَجَٰدِلۡهُم بِٱلَّتِي هِيَ أَحۡسَنُۚ إِنَّ رَبَّكَ هُوَ أَعۡلَمُ بِمَن ضَلَّ عَن سَبِيلِهِۦ وَهُوَ أَعۡلَمُ بِٱلۡمُهۡتَدِينَ
Sheedzera (Muhammad (SAW)) kunzira yaTenzi vako (Islaam) nehungwaru uye nemharidzo yakanaka, uye pikisana navo nenzira yakanaka. Zvirokwazvo, Tenzi vako ndivo vanoziva uyo akarasika kubva munzira yavo, uye ndivo vanoziva avo vakatungamirirwa
Surah An-Nahl, Verse 125
وَإِنۡ عَاقَبۡتُمۡ فَعَاقِبُواْ بِمِثۡلِ مَا عُوقِبۡتُم بِهِۦۖ وَلَئِن صَبَرۡتُمۡ لَهُوَ خَيۡرٞ لِّلصَّـٰبِرِينَ
Uye kana muchiranga (muvengi, imi vatendi), naizvozvo rangai nenzira yakafanana neyamakarangwa nayo. Asi kana mukatsungirira, zvirokwazvo, zvakanakira vanotsungirira
Surah An-Nahl, Verse 126
وَٱصۡبِرۡ وَمَا صَبۡرُكَ إِلَّا بِٱللَّهِۚ وَلَا تَحۡزَنۡ عَلَيۡهِمۡ وَلَا تَكُ فِي ضَيۡقٖ مِّمَّا يَمۡكُرُونَ
Uye tsungirira (Muhammad (SAW)), uye kutsungirira kwako kunobva kuna Allah. Uye usava unobatikana pamusoro pavo (vasingatendi), uye usava unoshushikana maererano nezvavanoronga
Surah An-Nahl, Verse 127
إِنَّ ٱللَّهَ مَعَ ٱلَّذِينَ ٱتَّقَواْ وَّٱلَّذِينَ هُم مُّحۡسِنُونَ
Zvirokwazvo, Allah vane avo vanovatya, uye neavo vanoita mabasa akanaka
Surah An-Nahl, Verse 128