Surah Maryam Verse 48 - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
Surah Maryamوَأَعۡتَزِلُكُمۡ وَمَا تَدۡعُونَ مِن دُونِ ٱللَّهِ وَأَدۡعُواْ رَبِّي عَسَىٰٓ أَلَّآ أَكُونَ بِدُعَآءِ رَبِّي شَقِيّٗا
(Abrahamu akaenderera mberi akati): “Ndichashozhonoka (kutarisa rimwe divi kusiri kwamuri baba vangu) kubva kwamuri uye kubva kune izvo zvamunoteketera kunze kwaAllah. Uye (ndichashevedzera) ndichateketera kuna Tenzi vangu (Allah) zvimwe ndingasave mutadzi mukuteketera Tenzi vangu.”