Surah An-Noor Verse 62 - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
Surah An-Noorإِنَّمَا ٱلۡمُؤۡمِنُونَ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ بِٱللَّهِ وَرَسُولِهِۦ وَإِذَا كَانُواْ مَعَهُۥ عَلَىٰٓ أَمۡرٖ جَامِعٖ لَّمۡ يَذۡهَبُواْ حَتَّىٰ يَسۡتَـٔۡذِنُوهُۚ إِنَّ ٱلَّذِينَ يَسۡتَـٔۡذِنُونَكَ أُوْلَـٰٓئِكَ ٱلَّذِينَ يُؤۡمِنُونَ بِٱللَّهِ وَرَسُولِهِۦۚ فَإِذَا ٱسۡتَـٔۡذَنُوكَ لِبَعۡضِ شَأۡنِهِمۡ فَأۡذَن لِّمَن شِئۡتَ مِنۡهُمۡ وَٱسۡتَغۡفِرۡ لَهُمُ ٱللَّهَۚ إِنَّ ٱللَّهَ غَفُورٞ رَّحِيمٞ
Vatendi ndeavo vanotenda muna Allah uye mutumwa wavo (Muhammad (SAW)), uye kana vanavo vachitaura (kana vachiita) zvinhu zvinobata wese, havaendi kusvikira vakumbira mvumo yake. Zvirokwazvo, avo vanokumbira mvumo yake (Muhammad (SAW)), avo ndivo vanotenda muna Allah nemutumwa wavo. Saka kana vakakukumbira mvumo yako pazvinhu zveupenyu hwavo, ipa mvumo kune uyo waunoda pakati pavo, uye wovakumbirira ruregerero kuna Allah. Zvirokwazvo, Allah vanoregerera zvikuru, uye vane tsitsi dzose