Surah An-Noor Verse 61 - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
Surah An-Noorلَّيۡسَ عَلَى ٱلۡأَعۡمَىٰ حَرَجٞ وَلَا عَلَى ٱلۡأَعۡرَجِ حَرَجٞ وَلَا عَلَى ٱلۡمَرِيضِ حَرَجٞ وَلَا عَلَىٰٓ أَنفُسِكُمۡ أَن تَأۡكُلُواْ مِنۢ بُيُوتِكُمۡ أَوۡ بُيُوتِ ءَابَآئِكُمۡ أَوۡ بُيُوتِ أُمَّهَٰتِكُمۡ أَوۡ بُيُوتِ إِخۡوَٰنِكُمۡ أَوۡ بُيُوتِ أَخَوَٰتِكُمۡ أَوۡ بُيُوتِ أَعۡمَٰمِكُمۡ أَوۡ بُيُوتِ عَمَّـٰتِكُمۡ أَوۡ بُيُوتِ أَخۡوَٰلِكُمۡ أَوۡ بُيُوتِ خَٰلَٰتِكُمۡ أَوۡ مَا مَلَكۡتُم مَّفَاتِحَهُۥٓ أَوۡ صَدِيقِكُمۡۚ لَيۡسَ عَلَيۡكُمۡ جُنَاحٌ أَن تَأۡكُلُواْ جَمِيعًا أَوۡ أَشۡتَاتٗاۚ فَإِذَا دَخَلۡتُم بُيُوتٗا فَسَلِّمُواْ عَلَىٰٓ أَنفُسِكُمۡ تَحِيَّةٗ مِّنۡ عِندِ ٱللَّهِ مُبَٰرَكَةٗ طَيِّبَةٗۚ كَذَٰلِكَ يُبَيِّنُ ٱللَّهُ لَكُمُ ٱلۡأٓيَٰتِ لَعَلَّكُمۡ تَعۡقِلُونَ
Hapana chipomerwa kune avo vasingaoni (mapofu), uye avo vakaremara, uye avo vanorwara, uye kana imi pachenyu, kana mukadya mudzimba dzenyu, kana kudzimba dzemadzibaba enyu, kana kudzimba dzaanamai venyu, kana kudzimba dzevakoma venyu, kana kudzimba dzehanzvadzi dzenyu, kana kudzimba dzevakoma vamadzibaba enyu, kana kudzimba kwehanzvadzi dzemadzibaba enyu (vanatete venyu), kana kudzimba dzemadzikoma anaamai venyu (vanamaiguru), kana kudzimba idzo dzamuine svumbunuro yadzo, kana kudzimba dzeshamwari dzenyu. Hapana chipomerwa pamuri kana mukadya pamwe chete kana pakasiyana. Asi kana mukapinda dzimba, ivai munokwazisana nemusununguko pakati penyu, nekwaziso yakabva kuna Allah (Assalaamu Alaykum – Rugare ngaruve kwamuri), yakakomborerwa yakanaka. Saizvozvo Allah vanokujekeserai ndima (dzemuQur’aan) kuti zvimwe munganzwisise