Surah Saba - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
ٱلۡحَمۡدُ لِلَّهِ ٱلَّذِي لَهُۥ مَا فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَمَا فِي ٱلۡأَرۡضِ وَلَهُ ٱلۡحَمۡدُ فِي ٱلۡأٓخِرَةِۚ وَهُوَ ٱلۡحَكِيمُ ٱلۡخَبِيرُ
Kurumbidzwa nekutendwa ndekwaAllah, avo ndivo muridzi wezvese zviri mumatenga nenyika. Kurumbidzwa nekutendwa ndekwavo muhupenyu hunotevera. Uye ndivo muchenjeri, uye muzivi wezvose
Surah Saba, Verse 1
يَعۡلَمُ مَا يَلِجُ فِي ٱلۡأَرۡضِ وَمَا يَخۡرُجُ مِنۡهَا وَمَا يَنزِلُ مِنَ ٱلسَّمَآءِ وَمَا يَعۡرُجُ فِيهَاۚ وَهُوَ ٱلرَّحِيمُ ٱلۡغَفُورُ
Vanoziva zvinopinda pasi uye zvinobuda mariri, uye zvinodzika kubva kudenga nezvinokwira kwariri. Uye ndivo vane tsitsi dzose, neruregerero
Surah Saba, Verse 2
وَقَالَ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ لَا تَأۡتِينَا ٱلسَّاعَةُۖ قُلۡ بَلَىٰ وَرَبِّي لَتَأۡتِيَنَّكُمۡ عَٰلِمِ ٱلۡغَيۡبِۖ لَا يَعۡزُبُ عَنۡهُ مِثۡقَالُ ذَرَّةٖ فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَلَا فِي ٱلۡأَرۡضِ وَلَآ أَصۡغَرُ مِن ذَٰلِكَ وَلَآ أَكۡبَرُ إِلَّا فِي كِتَٰبٖ مُّبِينٖ
Avo vasingatendi vanoti: “Nguva (yekutongwa) haiuye kwatiri.” Taura: “Hongu! Ndinopika naTenzi vangu, muzivi wezvisingaoneki, ichauya kwamuri. Hapana kanhu kadiki pauremu kana kurema kushoma kune ikako kana kukura kukadarika chingatiza ruzivo rwavo mumatenga kana pasi, asi kuti chiri mugwaro rakajeka (Al-Lauh Al-Mahfoodh).”
Surah Saba, Verse 3
لِّيَجۡزِيَ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّـٰلِحَٰتِۚ أُوْلَـٰٓئِكَ لَهُم مَّغۡفِرَةٞ وَرِزۡقٞ كَرِيمٞ
Kuti vave vanopa mubairo kune avo vanotenda (muhumwechete waAllah) nekuita mabasa akanaka. Vakadaro vachawana ruregerero uye neraramo yakanaka (Paradhiso)
Surah Saba, Verse 4
وَٱلَّذِينَ سَعَوۡ فِيٓ ءَايَٰتِنَا مُعَٰجِزِينَ أُوْلَـٰٓئِكَ لَهُمۡ عَذَابٞ مِّن رِّجۡزٍ أَلِيمٞ
Asi avo vanotsungirira mukupikisa ndima dzedu nekudzishingaidza, ivo vachave vanowana mutongo unorwadza
Surah Saba, Verse 5
وَيَرَى ٱلَّذِينَ أُوتُواْ ٱلۡعِلۡمَ ٱلَّذِيٓ أُنزِلَ إِلَيۡكَ مِن رَّبِّكَ هُوَ ٱلۡحَقَّ وَيَهۡدِيٓ إِلَىٰ صِرَٰطِ ٱلۡعَزِيزِ ٱلۡحَمِيدِ
Uye avo vakapuhwa ruzivo vanoona zvakadzikiswa kwauri (Muhammad (SAW)) kubva kuna Tenzi vako kuti ichokwadi, uye zvinotungamira kunzira yeMukuru, neMurumbidzwi
Surah Saba, Verse 6
وَقَالَ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ هَلۡ نَدُلُّكُمۡ عَلَىٰ رَجُلٖ يُنَبِّئُكُمۡ إِذَا مُزِّقۡتُمۡ كُلَّ مُمَزَّقٍ إِنَّكُمۡ لَفِي خَلۡقٖ جَدِيدٍ
Avo vasingatendi vanoti: “Tingakutungamirirei kune murume (Muhammad (SAW)) uyo anokuudzai (kuti) kana maitwa ivhu mave zvimedu zvimedu, chokwadi muchasikwa (zvekare) patsva?”
Surah Saba, Verse 7
أَفۡتَرَىٰ عَلَى ٱللَّهِ كَذِبًا أَم بِهِۦ جِنَّةُۢۗ بَلِ ٱلَّذِينَ لَا يُؤۡمِنُونَ بِٱلۡأٓخِرَةِ فِي ٱلۡعَذَابِ وَٱلضَّلَٰلِ ٱلۡبَعِيدِ
Asi aunza manyepo pamusoro paAllah kana kuti mune kupenga maari? Kwete! Asi vasingatendi muhupenyu hwemangwana ndivo (pachavo) vari mumarwadzo, uye vakarasika zvakanyanya
Surah Saba, Verse 8
أَفَلَمۡ يَرَوۡاْ إِلَىٰ مَا بَيۡنَ أَيۡدِيهِمۡ وَمَا خَلۡفَهُم مِّنَ ٱلسَّمَآءِ وَٱلۡأَرۡضِۚ إِن نَّشَأۡ نَخۡسِفۡ بِهِمُ ٱلۡأَرۡضَ أَوۡ نُسۡقِطۡ عَلَيۡهِمۡ كِسَفٗا مِّنَ ٱلسَّمَآءِۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَةٗ لِّكُلِّ عَبۡدٖ مُّنِيبٖ
Havaoni zviri mberi nemumashure mavo, zvedenga nepasi? Kana tikada, tinonyudza pasi navo, kana kuita kuti zvimedu zvedenga zvivadonhere. Zvirokwazvo, mune izvozvo mune chiratidzo kune wese muranda anotendeukira kuna Allah (achikumbira rugerero)
Surah Saba, Verse 9
۞وَلَقَدۡ ءَاتَيۡنَا دَاوُۥدَ مِنَّا فَضۡلٗاۖ يَٰجِبَالُ أَوِّبِي مَعَهُۥ وَٱلطَّيۡرَۖ وَأَلَنَّا لَهُ ٱلۡحَدِيدَ
Uye zvirokwazvo, takave tinopa Dawood (Davhidha) nyasha kubva kwatiri (tichiti): “Imi makomo! Rumbidzai (Allah) naye! Uye imi shiri (zvekare)! Uye takaita kuti mhangura (simbi) imupfavire.”
Surah Saba, Verse 10
أَنِ ٱعۡمَلۡ سَٰبِغَٰتٖ وَقَدِّرۡ فِي ٱلسَّرۡدِۖ وَٱعۡمَلُواْ صَٰلِحًاۖ إِنِّي بِمَا تَعۡمَلُونَ بَصِيرٞ
Tichiti: “Zvigadzirisire mabhachi, uye enzanisa zvindove zvemadema utare engetani, uye moita (imi vanhu) zvakanaka. Zvirokwazvo, ndiri muoni wezvose zvamunoita.”
Surah Saba, Verse 11
وَلِسُلَيۡمَٰنَ ٱلرِّيحَ غُدُوُّهَا شَهۡرٞ وَرَوَاحُهَا شَهۡرٞۖ وَأَسَلۡنَا لَهُۥ عَيۡنَ ٱلۡقِطۡرِۖ وَمِنَ ٱلۡجِنِّ مَن يَعۡمَلُ بَيۡنَ يَدَيۡهِ بِإِذۡنِ رَبِّهِۦۖ وَمَن يَزِغۡ مِنۡهُمۡ عَنۡ أَمۡرِنَا نُذِقۡهُ مِنۡ عَذَابِ ٱلسَّعِيرِ
Uye Sulaimaan (Soromoni) takamupa mhepo, hungwanani hwayo hwaiva mwedzi (werwendo), uye usikati hwayo hwaiva mwedzi (werwendo). Uye takaita kuti dare (tsime) rendarira rimuerere, uye paiva nemaJinn aishanda pamberi pake nekuda kwaTenzi vake. Uye uyo kubva kwavari akatendeuka kubva kurairo yedu, tichaita kuti ave anoravira kuvirima kwemoto
Surah Saba, Verse 12
يَعۡمَلُونَ لَهُۥ مَا يَشَآءُ مِن مَّحَٰرِيبَ وَتَمَٰثِيلَ وَجِفَانٖ كَٱلۡجَوَابِ وَقُدُورٖ رَّاسِيَٰتٍۚ ٱعۡمَلُوٓاْ ءَالَ دَاوُۥدَ شُكۡرٗاۚ وَقَلِيلٞ مِّنۡ عِبَادِيَ ٱلشَّكُورُ
Vaimushandira sekuda kwake, (vachivaka) makamuri marefu, zvivezwa, shambiro hombe sechengeto, uye mapoto mahombe akagadzikwa (pasi panzvimbo yavo). “Sevenzai, imi vemhuri yaDawood (Davhidha) mune kutenda!” Asi vashoma vevaranda vangu ndivo vanotenda
Surah Saba, Verse 13
فَلَمَّا قَضَيۡنَا عَلَيۡهِ ٱلۡمَوۡتَ مَا دَلَّهُمۡ عَلَىٰ مَوۡتِهِۦٓ إِلَّا دَآبَّةُ ٱلۡأَرۡضِ تَأۡكُلُ مِنسَأَتَهُۥۖ فَلَمَّا خَرَّ تَبَيَّنَتِ ٱلۡجِنُّ أَن لَّوۡ كَانُواْ يَعۡلَمُونَ ٱلۡغَيۡبَ مَا لَبِثُواْ فِي ٱلۡعَذَابِ ٱلۡمُهِينِ
Apo takave tinozadzisa rufu rwake (Sulaimaan (Soromoni)), hapana chakavaudza (maJinn) nezverufu rwake kunze kwegore duku repasi iro rairamba (zvishoma nezvishoma) richidya tsvimbo yake. Saka apo akadonha, Majinn akanyatsoona kuti dai vaiva vaziva zvisingaoneki, vaiva vasingagari mumarwadzo anonyadzisa
Surah Saba, Verse 14
لَقَدۡ كَانَ لِسَبَإٖ فِي مَسۡكَنِهِمۡ ءَايَةٞۖ جَنَّتَانِ عَن يَمِينٖ وَشِمَالٖۖ كُلُواْ مِن رِّزۡقِ رَبِّكُمۡ وَٱشۡكُرُواْ لَهُۥۚ بَلۡدَةٞ طَيِّبَةٞ وَرَبٌّ غَفُورٞ
Zvirokwazvo paiva kuna Sheba chiratidzo munzvimbo dzavaigara – mapindu maviri kudivi rerudyi uye nekuruboshwe, (zvikanzi kwavari): “Idyai pane zvamakapuwa naTenzi venyu, uye ivai munovatenda.” Pasi pakafanira uye naTenzi vanoregerera
Surah Saba, Verse 15
فَأَعۡرَضُواْ فَأَرۡسَلۡنَا عَلَيۡهِمۡ سَيۡلَ ٱلۡعَرِمِ وَبَدَّلۡنَٰهُم بِجَنَّتَيۡهِمۡ جَنَّتَيۡنِ ذَوَاتَيۡ أُكُلٍ خَمۡطٖ وَأَثۡلٖ وَشَيۡءٖ مِّن سِدۡرٖ قَلِيلٖ
Asi vakatendeukira kudivi, saka takatuma kwavari mapopoma, uye tikasandura mapindur avo maviri kuita mapindu emichero inovava, uye nemimwe michero, uye nemiti mishoma yelatosi
Surah Saba, Verse 16
ذَٰلِكَ جَزَيۡنَٰهُم بِمَا كَفَرُواْۖ وَهَلۡ نُجَٰزِيٓ إِلَّا ٱلۡكَفُورَ
Naizvozvo takavapa mubairo nemhaka yokuti vaisatenda. Uye hatipe mubairo (wakadaro) kunze kweavo vasingatendi
Surah Saba, Verse 17
وَجَعَلۡنَا بَيۡنَهُمۡ وَبَيۡنَ ٱلۡقُرَى ٱلَّتِي بَٰرَكۡنَا فِيهَا قُرٗى ظَٰهِرَةٗ وَقَدَّرۡنَا فِيهَا ٱلسَّيۡرَۖ سِيرُواْ فِيهَا لَيَالِيَ وَأَيَّامًا ءَامِنِينَ
Uye takagadzika, pakati pavo nemaguta atakaropafadza, maguta ari nyore kuoneka, uye tikaita kuti zvidimbu (zverwendo) pakati pavo zvive nyore (tichiti): “Fambai maari murugare manheru nemasikati.”
Surah Saba, Verse 18
فَقَالُواْ رَبَّنَا بَٰعِدۡ بَيۡنَ أَسۡفَارِنَا وَظَلَمُوٓاْ أَنفُسَهُمۡ فَجَعَلۡنَٰهُمۡ أَحَادِيثَ وَمَزَّقۡنَٰهُمۡ كُلَّ مُمَزَّقٍۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَٰتٖ لِّكُلِّ صَبَّارٖ شَكُورٖ
Asi vakati: “Tenzi vedu! Itai kuti zvidimbu zvekufamba kwedu pakati pedu zvirebe,” uye vakazvitadzira pachavo. Uye takavaita kuti vave sengano (panyika), uye tikavaparadzira vose zvachose. Zvirokwazvo, mazviri mune mucherechedzo kune wese anotsungirira, anotenda zvikuru
Surah Saba, Verse 19
وَلَقَدۡ صَدَّقَ عَلَيۡهِمۡ إِبۡلِيسُ ظَنَّهُۥ فَٱتَّبَعُوهُ إِلَّا فَرِيقٗا مِّنَ ٱلۡمُؤۡمِنِينَ
Uye zvirokwazvo Satani kufunga kwake kwakave chokwadi pamusoro pavo, uye vakamutevera, kunze kweboka revatendi
Surah Saba, Verse 20
وَمَا كَانَ لَهُۥ عَلَيۡهِم مِّن سُلۡطَٰنٍ إِلَّا لِنَعۡلَمَ مَن يُؤۡمِنُ بِٱلۡأٓخِرَةِ مِمَّنۡ هُوَ مِنۡهَا فِي شَكّٖۗ وَرَبُّكَ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٍ حَفِيظٞ
Uye iye (Satani) ange asina masimba pamusoro pavo, kunze kwekuti tive tinoedza uyo anotenda muhupenyu hwemangwana neuyo asingagutsikani nawo. Uye Tenzi vako vanoona zvose. (Vanonyora zviito zvemunhu wese, uye vachamupa mubairo unoenderana nazvo)
Surah Saba, Verse 21
قُلِ ٱدۡعُواْ ٱلَّذِينَ زَعَمۡتُم مِّن دُونِ ٱللَّهِ لَا يَمۡلِكُونَ مِثۡقَالَ ذَرَّةٖ فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَلَا فِي ٱلۡأَرۡضِ وَمَا لَهُمۡ فِيهِمَا مِن شِرۡكٖ وَمَا لَهُۥ مِنۡهُم مِّن ظَهِيرٖ
Taura (Muhammad (SAW)): “Shevedzai avo vamunoti (ndanamwari) kunze kwaAllah! Havana kana uremu hwekanhu kadiki kudenga kana pasi, uye havana mugove maari, uye Haana (Allah) kana mubatsiri kubva kwavari.”
Surah Saba, Verse 22
وَلَا تَنفَعُ ٱلشَّفَٰعَةُ عِندَهُۥٓ إِلَّا لِمَنۡ أَذِنَ لَهُۥۚ حَتَّىٰٓ إِذَا فُزِّعَ عَن قُلُوبِهِمۡ قَالُواْ مَاذَا قَالَ رَبُّكُمۡۖ قَالُواْ ٱلۡحَقَّۖ وَهُوَ ٱلۡعَلِيُّ ٱلۡكَبِيرُ
Kumirirwa kwavari (Allah) hakubatsiri kunze kune uyo wavanobvumidza. Kusvikira apo kutya kukabviswa kubva madziri (ngirozi) muhana dzadzo, dzinoti (ngirozi): “Chii chataura Tenzi venyu?” Dzinoti: “Chokwadi. Uye ndivo vari pamusoro-soro, vakuru.”
Surah Saba, Verse 23
۞قُلۡ مَن يَرۡزُقُكُم مِّنَ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۖ قُلِ ٱللَّهُۖ وَإِنَّآ أَوۡ إِيَّاكُمۡ لَعَلَىٰ هُدًى أَوۡ فِي ضَلَٰلٖ مُّبِينٖ
Taura (Muhammad (SAW)): “Ndiyani anokupai raramo kubva kumatenga nepasi?” Iti: “Allah. Uye zvirokwazvo isu kana imi takatungamirirwa kana takarasika zviri pachena.”
Surah Saba, Verse 24
قُل لَّا تُسۡـَٔلُونَ عَمَّآ أَجۡرَمۡنَا وَلَا نُسۡـَٔلُ عَمَّا تَعۡمَلُونَ
Taura (Muhammad (SAW) kune vasingatendi): “Hamumbobvunzwi nemhaka yokutadza kwedu, uye hatimbobvunzwi pamusoro pezvamurikuita.”
Surah Saba, Verse 25
قُلۡ يَجۡمَعُ بَيۡنَنَا رَبُّنَا ثُمَّ يَفۡتَحُ بَيۡنَنَا بِٱلۡحَقِّ وَهُوَ ٱلۡفَتَّاحُ ٱلۡعَلِيمُ
Taura: “Tenzi vedu vachatiunganidza tose (pazuva rekutongwa), uye vachatonga pakati pedu nechokwadi. Uye ndivo mutongi anonyatsotonga, vanoziva zvose.”
Surah Saba, Verse 26
قُلۡ أَرُونِيَ ٱلَّذِينَ أَلۡحَقۡتُم بِهِۦ شُرَكَآءَۖ كَلَّاۚ بَلۡ هُوَ ٱللَّهُ ٱلۡعَزِيزُ ٱلۡحَكِيمُ
Taura (Muhammad (SAW)): “Ndiratidzei avo murikuvabatanidza navo (Allah) sevabatsiri. Kwete (hapana vabatsiri)! Asi ndiAllah (chete) vane masimba ose, vane hungwaru hwose.”
Surah Saba, Verse 27
وَمَآ أَرۡسَلۡنَٰكَ إِلَّا كَآفَّةٗ لِّلنَّاسِ بَشِيرٗا وَنَذِيرٗا وَلَٰكِنَّ أَكۡثَرَ ٱلنَّاسِ لَا يَعۡلَمُونَ
Uye hatina kukutuma (Muhammad (SAW)) kunze kwekuve mupi wemashoko akanaka uye muyambiri kune vanhu vose, asi vanhu vakawanda havazvizivi
Surah Saba, Verse 28
وَيَقُولُونَ مَتَىٰ هَٰذَا ٱلۡوَعۡدُ إِن كُنتُمۡ صَٰدِقِينَ
Uye vanoti: “Ndirinhi pachauya vimbiso iyi (zuva rekutongwa) kana uri pachokwadi?”
Surah Saba, Verse 29
قُل لَّكُم مِّيعَادُ يَوۡمٖ لَّا تَسۡتَـٔۡخِرُونَ عَنۡهُ سَاعَةٗ وَلَا تَسۡتَقۡدِمُونَ
Taura (Muhammad (SAW)): “Vimbiso kwamuri ndeye zuva iro ramuchatadza kudzosera awa (nguva) kumashure kana kuendesa mberi.”
Surah Saba, Verse 30
وَقَالَ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ لَن نُّؤۡمِنَ بِهَٰذَا ٱلۡقُرۡءَانِ وَلَا بِٱلَّذِي بَيۡنَ يَدَيۡهِۗ وَلَوۡ تَرَىٰٓ إِذِ ٱلظَّـٰلِمُونَ مَوۡقُوفُونَ عِندَ رَبِّهِمۡ يَرۡجِعُ بَعۡضُهُمۡ إِلَىٰ بَعۡضٍ ٱلۡقَوۡلَ يَقُولُ ٱلَّذِينَ ٱسۡتُضۡعِفُواْ لِلَّذِينَ ٱسۡتَكۡبَرُواْ لَوۡلَآ أَنتُمۡ لَكُنَّا مُؤۡمِنِينَ
Uye avo vasingatendi vanoti: “Hatitendi muQur’aan iri kana mune izvo zvaiva mumashure maro.” Asi dai maiona apo vatadzi vachaitwa kuti vamire pamberi paTenzi vavo, vachitaudzana vachipomerana. Avo vange vakadzvanyirirwa vasina simba vachati kune avo vaizvitutumadza: “Dai pasina imi, zvirokwazvo, tingadai takave vatendi!”
Surah Saba, Verse 31
قَالَ ٱلَّذِينَ ٱسۡتَكۡبَرُواْ لِلَّذِينَ ٱسۡتُضۡعِفُوٓاْ أَنَحۡنُ صَدَدۡنَٰكُمۡ عَنِ ٱلۡهُدَىٰ بَعۡدَ إِذۡ جَآءَكُمۖ بَلۡ كُنتُم مُّجۡرِمِينَ
Uye avo vaizvitutumadza vachati kune avo vange vakadzvanyirirwa: “Takakuvharidzirai kunhungamiri here payakauya kwamuri? Kwete, asi maiva vatadzi.”
Surah Saba, Verse 32
وَقَالَ ٱلَّذِينَ ٱسۡتُضۡعِفُواْ لِلَّذِينَ ٱسۡتَكۡبَرُواْ بَلۡ مَكۡرُ ٱلَّيۡلِ وَٱلنَّهَارِ إِذۡ تَأۡمُرُونَنَآ أَن نَّكۡفُرَ بِٱللَّهِ وَنَجۡعَلَ لَهُۥٓ أَندَادٗاۚ وَأَسَرُّواْ ٱلنَّدَامَةَ لَمَّا رَأَوُاْ ٱلۡعَذَابَۚ وَجَعَلۡنَا ٱلۡأَغۡلَٰلَ فِيٓ أَعۡنَاقِ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْۖ هَلۡ يُجۡزَوۡنَ إِلَّا مَا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ
Avo vainzi havana masimba (vaidzvanyirirwa) vachati kune avo vaizvitutumadza: “Kwete, asi kwaiva kuronga kwenyu husiku nesikati, apo makatikomekedza kusatenda muna Allah uye kuisa vamwe kwavari!” Uye vachaviga kudemba kwavo (nekusateerera kwavo Allah panyika) apo vachaona marwadzo. Uye tichaisa ngetani dzemhangura (simbi) kupoteredza huro dzeavo vaisatenda. Vachapuwa here mubairo kunze kweizvo vaiita
Surah Saba, Verse 33
وَمَآ أَرۡسَلۡنَا فِي قَرۡيَةٖ مِّن نَّذِيرٍ إِلَّا قَالَ مُتۡرَفُوهَآ إِنَّا بِمَآ أُرۡسِلۡتُم بِهِۦ كَٰفِرُونَ
Uye hatina kutumira muyambiri kuguta asi avo vakapuwa hupfumi hwepanyika nekugarika pakati pavo vakati: “Hatitendi muizvo zvamatumwa nazvo.”
Surah Saba, Verse 34
وَقَالُواْ نَحۡنُ أَكۡثَرُ أَمۡوَٰلٗا وَأَوۡلَٰدٗا وَمَا نَحۡنُ بِمُعَذَّبِينَ
Uye vanoti: “Tine upfumi nevana vakawanda, uye hatizove tinopuwa mutongo.”
Surah Saba, Verse 35
قُلۡ إِنَّ رَبِّي يَبۡسُطُ ٱلرِّزۡقَ لِمَن يَشَآءُ وَيَقۡدِرُ وَلَٰكِنَّ أَكۡثَرَ ٱلنَّاسِ لَا يَعۡلَمُونَ
Taura (Muhammad (SAW)): “Zvirokwazvo, Tenzi vangu vanokudza raramo kune uyo wavanoda uye kuderedza, asi vanhu vakawanda havazvizivi.”
Surah Saba, Verse 36
وَمَآ أَمۡوَٰلُكُمۡ وَلَآ أَوۡلَٰدُكُم بِٱلَّتِي تُقَرِّبُكُمۡ عِندَنَا زُلۡفَىٰٓ إِلَّا مَنۡ ءَامَنَ وَعَمِلَ صَٰلِحٗا فَأُوْلَـٰٓئِكَ لَهُمۡ جَزَآءُ ٱلضِّعۡفِ بِمَا عَمِلُواْ وَهُمۡ فِي ٱلۡغُرُفَٰتِ ءَامِنُونَ
Uye hausi upfumi hwenyu, kana vana venyu vanokuunzai pedyo nesu, asi kunze kweuyo anotenda (muIslaam) nekuita mabasa akanaka. Vakadaro vachawana mubairo wakapetwa kaviri nezvavaiita, uye vachave vanogara munzvimbo dzapamusoro (Paradhiso) murunyararo
Surah Saba, Verse 37
وَٱلَّذِينَ يَسۡعَوۡنَ فِيٓ ءَايَٰتِنَا مُعَٰجِزِينَ أُوْلَـٰٓئِكَ فِي ٱلۡعَذَابِ مُحۡضَرُونَ
Uye avo vanoshanda nesimba kuda kuparadza zviratidzo zvedu nechinangwa chekuzvishingaidza, vachava vanounzwa kumarwadzo
Surah Saba, Verse 38
قُلۡ إِنَّ رَبِّي يَبۡسُطُ ٱلرِّزۡقَ لِمَن يَشَآءُ مِنۡ عِبَادِهِۦ وَيَقۡدِرُ لَهُۥۚ وَمَآ أَنفَقۡتُم مِّن شَيۡءٖ فَهُوَ يُخۡلِفُهُۥۖ وَهُوَ خَيۡرُ ٱلرَّـٰزِقِينَ
Taura: “Zvirokwazvo, Tenzi vangu vanowedzera raramo kune uyo wavanoda kubva kune varanda vavo, uye kumuderedzera. Uye chero chamuchashandisa (munzira yaAllah kubva muhupfumi hwenyu), vanodzosera. Uye ndivo mupi anakanaka wepamusoro-soro weraramo.”
Surah Saba, Verse 39
وَيَوۡمَ يَحۡشُرُهُمۡ جَمِيعٗا ثُمَّ يَقُولُ لِلۡمَلَـٰٓئِكَةِ أَهَـٰٓؤُلَآءِ إِيَّاكُمۡ كَانُواْ يَعۡبُدُونَ
Uye zuva ravachavaunganidza wose, vachati kungirozi: “Ndimi here mainamatwa nevanhu ava?”
Surah Saba, Verse 40
قَالُواْ سُبۡحَٰنَكَ أَنتَ وَلِيُّنَا مِن دُونِهِمۖ بَلۡ كَانُواْ يَعۡبُدُونَ ٱلۡجِنَّۖ أَكۡثَرُهُم بِهِم مُّؤۡمِنُونَ
Dzichati (Ngirozi): “Kurumbidzwa ndekwenyu! Ndimi muchengeti wedu kusiya kwavo. Kwete, asi vainamata maJinn; vakawanda vavo vaiva vatendi maari.”
Surah Saba, Verse 41
فَٱلۡيَوۡمَ لَا يَمۡلِكُ بَعۡضُكُمۡ لِبَعۡضٖ نَّفۡعٗا وَلَا ضَرّٗا وَنَقُولُ لِلَّذِينَ ظَلَمُواْ ذُوقُواْ عَذَابَ ٱلنَّارِ ٱلَّتِي كُنتُم بِهَا تُكَذِّبُونَ
Saka zuva ranhasi mumwe wenyu hakwanisi kubatsira kana kukuvadza mumwe. Uye tichati kune avo vaiita zvakaipa (vainamata zvimwe zvinhu pamwechete naAllah): “Ravirai marwadzo emoto uyo wamairamba.”
Surah Saba, Verse 42
وَإِذَا تُتۡلَىٰ عَلَيۡهِمۡ ءَايَٰتُنَا بَيِّنَٰتٖ قَالُواْ مَا هَٰذَآ إِلَّا رَجُلٞ يُرِيدُ أَن يَصُدَّكُمۡ عَمَّا كَانَ يَعۡبُدُ ءَابَآؤُكُمۡ وَقَالُواْ مَا هَٰذَآ إِلَّآ إِفۡكٞ مُّفۡتَرٗىۚ وَقَالَ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ لِلۡحَقِّ لَمَّا جَآءَهُمۡ إِنۡ هَٰذَآ إِلَّا سِحۡرٞ مُّبِينٞ
Uye kana micherechedzo yedu iripachena ikaverengwa kwavari, vanoti: “Chii ichi kunze kwekuti murume (Muhammad (SAW)) anoda kukubvisai kubva kune izvo madzitateguru enyu ainamata.” Uye vanoti: “Iri (Qur’aan) hapana zviripo kunze kwemanyepo akafungwa.” Uye avo vasingatendi vanoti kana chokwadi chauya kwavari: “Hapana zviripo kunze kwemapipi ari pachena!”
Surah Saba, Verse 43
وَمَآ ءَاتَيۡنَٰهُم مِّن كُتُبٖ يَدۡرُسُونَهَاۖ وَمَآ أَرۡسَلۡنَآ إِلَيۡهِمۡ قَبۡلَكَ مِن نَّذِيرٖ
Uye hatina kuvapa magwaro kuti vamadzidze, kana kutumira kwavari muyambiri mushure mako (Muhammad (SAW)
Surah Saba, Verse 44
وَكَذَّبَ ٱلَّذِينَ مِن قَبۡلِهِمۡ وَمَا بَلَغُواْ مِعۡشَارَ مَآ ءَاتَيۡنَٰهُمۡ فَكَذَّبُواْ رُسُلِيۖ فَكَيۡفَ كَانَ نَكِيرِ
Uye vaiva mumashure mavo vakaramba, asi ava havana kumbowana kana kagumi kubva kune izvo zvatakavapa (vekare), asi vakaramba vatumwa vangu. Saka wakanga wakaoma sei murango wangu
Surah Saba, Verse 45
۞قُلۡ إِنَّمَآ أَعِظُكُم بِوَٰحِدَةٍۖ أَن تَقُومُواْ لِلَّهِ مَثۡنَىٰ وَفُرَٰدَىٰ ثُمَّ تَتَفَكَّرُواْۚ مَا بِصَاحِبِكُم مِّن جِنَّةٍۚ إِنۡ هُوَ إِلَّا نَذِيرٞ لَّكُم بَيۡنَ يَدَيۡ عَذَابٖ شَدِيدٖ
Taura (Muhammad (SAW)) kuti: “Ndinokukurudzirai chinhu chimwe: kuti momira nechinangwa chekufadza Allah muri vaviri uye mumwe, uye mofungisisa. Hakuna kupenga kune umwe wenyu (Muhammad (SAW)). Anongova muyambiri kwamuri pamberi pemarwadzo akaomarara.”
Surah Saba, Verse 46
قُلۡ مَا سَأَلۡتُكُم مِّنۡ أَجۡرٖ فَهُوَ لَكُمۡۖ إِنۡ أَجۡرِيَ إِلَّا عَلَى ٱللَّهِۖ وَهُوَ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٖ شَهِيدٞ
Taura (Muhammad (SAW)) kuti: “Chero mubairo wandakakukumbirai ndewenyu. Mubairo wangu unobva kuna Allah bedzi, uye ndivo mupupuri pamusoro pezvinhu zvose.”
Surah Saba, Verse 47
قُلۡ إِنَّ رَبِّي يَقۡذِفُ بِٱلۡحَقِّ عَلَّـٰمُ ٱلۡغُيُوبِ
Taura (Muhammad (SAW)) kuti: “Zvirokwazvo, Tenzi vangu vanodzikisa chokwadi, muzivisisi wezvakavandika.”
Surah Saba, Verse 48
قُلۡ جَآءَ ٱلۡحَقُّ وَمَا يُبۡدِئُ ٱلۡبَٰطِلُ وَمَا يُعِيدُ
Taura (Muhammad (SAW)) kuti: “Chokwadi (Qur’aan) chauya, uye manyepo (satani) haavaki chinhu uye haamutsi (chinhu).”
Surah Saba, Verse 49
قُلۡ إِن ضَلَلۡتُ فَإِنَّمَآ أَضِلُّ عَلَىٰ نَفۡسِيۖ وَإِنِ ٱهۡتَدَيۡتُ فَبِمَا يُوحِيٓ إِلَيَّ رَبِّيٓۚ إِنَّهُۥ سَمِيعٞ قَرِيبٞ
Taura: “Chero ndikarasika, ndinenge ndarasika ndoga. Asi ndikaramba ndakatungamirwa, imhaka yedudziro yaTenzi vangu kwandiri. Zvirokwazvo, ndivo munzwi wezvose, vari padyo (nezvinhu zvose).”
Surah Saba, Verse 50
وَلَوۡ تَرَىٰٓ إِذۡ فَزِعُواْ فَلَا فَوۡتَ وَأُخِذُواْ مِن مَّكَانٖ قَرِيبٖ
Asi dai waiona, apo vachave vatyitya pasina kwekutizira, uye vachabvutwa (vachabatwa) panzvimbo iri pedyo
Surah Saba, Verse 51
وَقَالُوٓاْ ءَامَنَّا بِهِۦ وَأَنَّىٰ لَهُمُ ٱلتَّنَاوُشُ مِن مَّكَانِۭ بَعِيدٖ
Uye vachati (muhupenyu hwemangwana): “Tavakutenda (iyezvino),” asi vangagamuchira kutenda sei kunzvimbo iri kure kure (kwavasingakwanisi kudzoka kuhupenyu wepasi)
Surah Saba, Verse 52
وَقَدۡ كَفَرُواْ بِهِۦ مِن قَبۡلُۖ وَيَقۡذِفُونَ بِٱلۡغَيۡبِ مِن مَّكَانِۭ بَعِيدٖ
Zvirokwazvo, vakarega kutenda (muIslaam) mushure (pasi rino), uye vaiva nekufungidzira pamusoro pezvisingaoneki (Paradhiso, Gehena, Kumutswa, Vimbiso yaAllah vachiti zvese manyepo) kubva kunzvimbo iri kure
Surah Saba, Verse 53
وَحِيلَ بَيۡنَهُمۡ وَبَيۡنَ مَا يَشۡتَهُونَ كَمَا فُعِلَ بِأَشۡيَاعِهِم مِّن قَبۡلُۚ إِنَّهُمۡ كَانُواْ فِي شَكّٖ مُّرِيبِۭ
Uye chidziviriro chichaiswa pakati pavo neizvo zvavanoshuvira (Ruregerero nekutenda) sezvakaitwa mumashure nevanhu vakafanana navo. Zvirokwazvo, vaiva nekufungidzira nekusagutsikana kukuru
Surah Saba, Verse 54