UAE Prayer Times

  • Dubai
  • Abu Dhabi
  • Sharjah
  • Ajman
  • Fujairah
  • Umm Al Quwain
  • Ras Al Khaimah
  • Quran Translations

Surah Al-Ahzab - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students


يَـٰٓأَيُّهَا ٱلنَّبِيُّ ٱتَّقِ ٱللَّهَ وَلَا تُطِعِ ٱلۡكَٰفِرِينَ وَٱلۡمُنَٰفِقِينَۚ إِنَّ ٱللَّهَ كَانَ عَلِيمًا حَكِيمٗا

Iwe muporofita (Muhammad (SAW))! Itya Allah nekuchengetedza basa ravo rawakapiwa, uye usateerere vasingatendi nevanyengedzi. Zvirokwazvo, Allah vanoziva zvose, vane hungwaru hwose
Surah Al-Ahzab, Verse 1


وَٱتَّبِعۡ مَا يُوحَىٰٓ إِلَيۡكَ مِن رَّبِّكَۚ إِنَّ ٱللَّهَ كَانَ بِمَا تَعۡمَلُونَ خَبِيرٗا

Uye tevedzera izvo zvakadzikiswa kwauri kubva kuna Tenzi vako. Zvirokwazvo, Allah vanoziva zvose zvamunoita
Surah Al-Ahzab, Verse 2


وَتَوَكَّلۡ عَلَى ٱللَّهِۚ وَكَفَىٰ بِٱللَّهِ وَكِيلٗا

Uye vimba naAllah, uye Allah ndivo vanokwanisa chete kuva Wakeel (Muvimbwa naye uye mufambisi wenyaya dzese)
Surah Al-Ahzab, Verse 3


مَّا جَعَلَ ٱللَّهُ لِرَجُلٖ مِّن قَلۡبَيۡنِ فِي جَوۡفِهِۦۚ وَمَا جَعَلَ أَزۡوَٰجَكُمُ ٱلَّـٰٓـِٔي تُظَٰهِرُونَ مِنۡهُنَّ أُمَّهَٰتِكُمۡۚ وَمَا جَعَلَ أَدۡعِيَآءَكُمۡ أَبۡنَآءَكُمۡۚ ذَٰلِكُمۡ قَوۡلُكُم بِأَفۡوَٰهِكُمۡۖ وَٱللَّهُ يَقُولُ ٱلۡحَقَّ وَهُوَ يَهۡدِي ٱلسَّبِيلَ

Allah havana kumbobvira vasika munhu mumwechete ane moyo miviri mumuviri wake. Uye havana kuita ayo madzimai enyu vamunopikira kuti vakafanana navanaamai venyu, vanaamai venyu vechokwadi (Dhihaar: Murume kuudza mudzimai wake kuti kwaari akafanana nemusana waamai vake, achireva kuti haabvumidzwi kuswedera pedyo (kuita bonde) naye). Uye havana kuita vana vamunotora muchichengeta, vana venyu vechokwadi. Uku kunongova kutaura kwenyu chete nemiromo yenyu. Asi Allah vanotaura chokwadi, uye vanotungamirira kunzira yakatwasuka
Surah Al-Ahzab, Verse 4


ٱدۡعُوهُمۡ لِأٓبَآئِهِمۡ هُوَ أَقۡسَطُ عِندَ ٱللَّهِۚ فَإِن لَّمۡ تَعۡلَمُوٓاْ ءَابَآءَهُمۡ فَإِخۡوَٰنُكُمۡ فِي ٱلدِّينِ وَمَوَٰلِيكُمۡۚ وَلَيۡسَ عَلَيۡكُمۡ جُنَاحٞ فِيمَآ أَخۡطَأۡتُم بِهِۦ وَلَٰكِن مَّا تَعَمَّدَتۡ قُلُوبُكُمۡۚ وَكَانَ ٱللَّهُ غَفُورٗا رَّحِيمًا

Vashevedzei (vana vamunochengeta) nemazita avana baba vavo, izvo ndizvo zvitsvene pamberi paAllah. Asi kana musingazivi mazita avana baba vavo, vatorei samadzikoma enyu mukutenda uye vasunungurwa venyu. Uye hapana kana chitadzo chamunowana maererano nezvamunoita musingazive kusara kweizvo moyo yenyu inotoronga kuita. Uye Allah vanoregerera zvikuru, uye vane nyasha zhinji
Surah Al-Ahzab, Verse 5


ٱلنَّبِيُّ أَوۡلَىٰ بِٱلۡمُؤۡمِنِينَ مِنۡ أَنفُسِهِمۡۖ وَأَزۡوَٰجُهُۥٓ أُمَّهَٰتُهُمۡۗ وَأُوْلُواْ ٱلۡأَرۡحَامِ بَعۡضُهُمۡ أَوۡلَىٰ بِبَعۡضٖ فِي كِتَٰبِ ٱللَّهِ مِنَ ٱلۡمُؤۡمِنِينَ وَٱلۡمُهَٰجِرِينَ إِلَّآ أَن تَفۡعَلُوٓاْ إِلَىٰٓ أَوۡلِيَآئِكُم مَّعۡرُوفٗاۚ كَانَ ذَٰلِكَ فِي ٱلۡكِتَٰبِ مَسۡطُورٗا

Muporofita ari padyo nevatendi kupinda ivo pachavo, uye madzimai ake ndavanaamai vavo (mukutenda, nekuremekedzwa uye havabvumidzwi kuvaroora). Uye hukama hweropa pakati pavo huri pedyo mukuronga kwaAllah (maererano nenhaka) kupinda (hukama) hwevatendi uye maMuhaajiroon (vatami kubva kuMakkah), kusiya kwekuti moita zvakanaka kune avo madzikoma venyu. Izvi zvakare zvakanyorwa mugwaro rehurongwa hwaAllah (Al-Lauh Al- Mahfoodh)
Surah Al-Ahzab, Verse 6


وَإِذۡ أَخَذۡنَا مِنَ ٱلنَّبِيِّـۧنَ مِيثَٰقَهُمۡ وَمِنكَ وَمِن نُّوحٖ وَإِبۡرَٰهِيمَ وَمُوسَىٰ وَعِيسَى ٱبۡنِ مَرۡيَمَۖ وَأَخَذۡنَا مِنۡهُم مِّيثَٰقًا غَلِيظٗا

Uye (rangarirai) apo takave tinotora chitsidzirano kumaporofita uye kubva kwauri (iwe Muhammad (SAW)), zvekare kubva kunaNowa, Ibrahim (Abrahamu), Musa, pamwe naIsa (Jesu) mwana waMariya. Takave tinotora chitsidzirano chakasimba kubva kwavari
Surah Al-Ahzab, Verse 7


لِّيَسۡـَٔلَ ٱلصَّـٰدِقِينَ عَن صِدۡقِهِمۡۚ وَأَعَدَّ لِلۡكَٰفِرِينَ عَذَابًا أَلِيمٗا

Kuitira kuti vave vanobvunza vechokwadi (maporofita) maererano nechokwadi chavo (kuti vakasvitsa shoko raAllah here ravakapihwa?). Uye vakagadzirira vasingatendi mutongo unorwadza
Surah Al-Ahzab, Verse 8


يَـٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ ٱذۡكُرُواْ نِعۡمَةَ ٱللَّهِ عَلَيۡكُمۡ إِذۡ جَآءَتۡكُمۡ جُنُودٞ فَأَرۡسَلۡنَا عَلَيۡهِمۡ رِيحٗا وَجُنُودٗا لَّمۡ تَرَوۡهَاۚ وَكَانَ ٱللَّهُ بِمَا تَعۡمَلُونَ بَصِيرًا

Imi vatendi! Rangarirai chipo chaAllah kwamuri, apo chikwata chaipokana nemi chakauya kwamuri, tikave tinotumira mhepo pamwe nemauto (ngirozi pahondo yeAhzaab) amusina kumboona. Uye Allah vanoona zvose zvamunoita
Surah Al-Ahzab, Verse 9


إِذۡ جَآءُوكُم مِّن فَوۡقِكُمۡ وَمِنۡ أَسۡفَلَ مِنكُمۡ وَإِذۡ زَاغَتِ ٱلۡأَبۡصَٰرُ وَبَلَغَتِ ٱلۡقُلُوبُ ٱلۡحَنَاجِرَ وَتَظُنُّونَ بِٱللَّهِ ٱلظُّنُونَا۠

Apo vakauya kwamuri nekumusoro pamwe nepasi kwenyu, uye apo maziso akave anokura achitya, moyo ikava inosvika mumitsipa. Zvekare mainge musina kugutsikana maererano naAllah
Surah Al-Ahzab, Verse 10


هُنَالِكَ ٱبۡتُلِيَ ٱلۡمُؤۡمِنُونَ وَزُلۡزِلُواْ زِلۡزَالٗا شَدِيدٗا

Ipapo vatendi vakave vanoedzwa uye vakave vanondengendeswa zvakaomarara
Surah Al-Ahzab, Verse 11


وَإِذۡ يَقُولُ ٱلۡمُنَٰفِقُونَ وَٱلَّذِينَ فِي قُلُوبِهِم مَّرَضٞ مَّا وَعَدَنَا ٱللَّهُ وَرَسُولُهُۥٓ إِلَّا غُرُورٗا

Uye apo vanyengedzi pamwe neavo muhana dzavo mune chirwere vakati: “Allah nemutumwa wavo (SAW) hapana chavakativimbisa kusara kwenyengedzo!”
Surah Al-Ahzab, Verse 12


وَإِذۡ قَالَت طَّآئِفَةٞ مِّنۡهُمۡ يَـٰٓأَهۡلَ يَثۡرِبَ لَا مُقَامَ لَكُمۡ فَٱرۡجِعُواْۚ وَيَسۡتَـٔۡذِنُ فَرِيقٞ مِّنۡهُمُ ٱلنَّبِيَّ يَقُولُونَ إِنَّ بُيُوتَنَا عَوۡرَةٞ وَمَا هِيَ بِعَوۡرَةٍۖ إِن يُرِيدُونَ إِلَّا فِرَارٗا

Uye chimwe chikwata chavo pachakati: “Imi vanhu vekuYathrib (Madinah)! Hapana zvamungavaite (vavengi)! Naizvozvo dzokerai!” Uye chikwata pakati pavo chakave chinokumbira mvumo (yekudzokera) kuna muporofita (SAW) vachiti: “Zvirokwazvo, misha yedu yakatovhurika (kuvavengi).” Asi iyo isina kutombovhurika. Asi vaisada kusara kwematiziro
Surah Al-Ahzab, Verse 13


وَلَوۡ دُخِلَتۡ عَلَيۡهِم مِّنۡ أَقۡطَارِهَا ثُمَّ سُئِلُواْ ٱلۡفِتۡنَةَ لَأٓتَوۡهَا وَمَا تَلَبَّثُواْ بِهَآ إِلَّا يَسِيرٗا

Uye dai vavengi vakapinda nemumativi ose (eguta), uye vakave vanokwezverwa kumiedzo (kusiya Islaam), zvirokwazvo, vaizviita uye vaizengurira zvishoma
Surah Al-Ahzab, Verse 14


وَلَقَدۡ كَانُواْ عَٰهَدُواْ ٱللَّهَ مِن قَبۡلُ لَا يُوَلُّونَ ٱلۡأَدۡبَٰرَۚ وَكَانَ عَهۡدُ ٱللَّهِ مَسۡـُٔولٗا

Uye zvirokwazvo vakanga vatotora chitsidzo naAllah mumashure kuti havasi kuzombotendeudza misana yavo (vachisiya Islaam), uye chitsidzo naAllah chinofanirwa kupindurwa
Surah Al-Ahzab, Verse 15


قُل لَّن يَنفَعَكُمُ ٱلۡفِرَارُ إِن فَرَرۡتُم مِّنَ ٱلۡمَوۡتِ أَوِ ٱلۡقَتۡلِ وَإِذٗا لَّا تُمَتَّعُونَ إِلَّا قَلِيلٗا

Taura (iwe Muhammad (SAW) kune vanyengedzi vanotiza): “Kutiza hakusi kuzombokubatsirai kunyangwe mukatiza rufu kana kuuraya, uyezve hamusi kuzombonakidzwa kusara kwekanguva kadiki!”
Surah Al-Ahzab, Verse 16


قُلۡ مَن ذَا ٱلَّذِي يَعۡصِمُكُم مِّنَ ٱللَّهِ إِنۡ أَرَادَ بِكُمۡ سُوٓءًا أَوۡ أَرَادَ بِكُمۡ رَحۡمَةٗۚ وَلَا يَجِدُونَ لَهُم مِّن دُونِ ٱللَّهِ وَلِيّٗا وَلَا نَصِيرٗا

Taura: “Ndiani angakuchengetedzai kubva kuna Allah kana vakada kukurwadzisai, kana kukutumirai nyasha dzavo?” Uye havasi kuzombozviwanira muchengetedzi (kana mubatsiri) kusara kwaAllah
Surah Al-Ahzab, Verse 17


۞قَدۡ يَعۡلَمُ ٱللَّهُ ٱلۡمُعَوِّقِينَ مِنكُمۡ وَٱلۡقَآئِلِينَ لِإِخۡوَٰنِهِمۡ هَلُمَّ إِلَيۡنَاۖ وَلَا يَأۡتُونَ ٱلۡبَأۡسَ إِلَّا قَلِيلًا

Allah vagara vanoziva pakati penyu vanhu vasingade kurwa munzira yaAllah, uye avo vanoudza madzikoma avo kuti: “Huyai kwatiri,” ivo vasingade kuuyawo kuhondo kusara kwepashoma
Surah Al-Ahzab, Verse 18


أَشِحَّةً عَلَيۡكُمۡۖ فَإِذَا جَآءَ ٱلۡخَوۡفُ رَأَيۡتَهُمۡ يَنظُرُونَ إِلَيۡكَ تَدُورُ أَعۡيُنُهُمۡ كَٱلَّذِي يُغۡشَىٰ عَلَيۡهِ مِنَ ٱلۡمَوۡتِۖ فَإِذَا ذَهَبَ ٱلۡخَوۡفُ سَلَقُوكُم بِأَلۡسِنَةٍ حِدَادٍ أَشِحَّةً عَلَى ٱلۡخَيۡرِۚ أُوْلَـٰٓئِكَ لَمۡ يُؤۡمِنُواْ فَأَحۡبَطَ ٱللَّهُ أَعۡمَٰلَهُمۡۚ وَكَانَ ذَٰلِكَ عَلَى ٱللَّهِ يَسِيرٗا

Vachiomera kwamuri (vasingadi kubatsira munzira yaAllah). Kana kutya kukauya kwavari, unovaona vachikutarisai, maziso avo achiudyura sekunge vave pedyo nerufu; asi kana kutya kukapera, vanokutaurai zvakanyanya. Vanoemera kubatsira muzvinhu zvakanaka. Ava ndivo vasingatendi. Naizvozvo Allah vanoita kuti mabasa avo ave marara, uye izvi zvinhu zvirinyore kuna Allah
Surah Al-Ahzab, Verse 19


يَحۡسَبُونَ ٱلۡأَحۡزَابَ لَمۡ يَذۡهَبُواْۖ وَإِن يَأۡتِ ٱلۡأَحۡزَابُ يَوَدُّواْ لَوۡ أَنَّهُم بَادُونَ فِي ٱلۡأَعۡرَابِ يَسۡـَٔلُونَ عَنۡ أَنۢبَآئِكُمۡۖ وَلَوۡ كَانُواْ فِيكُم مَّا قَٰتَلُوٓاْ إِلَّا قَلِيلٗا

Vanofungidzira kuti maAhzaab (Zvikwata) havasati vadeduka, uye kana maAhzaab akauya (zvekare) vachashuvira kuve mugwenga vari pakati pevagari vemo, vachitsvaga nhau maererano nemi; uye kana vakava pamwechete nemi, havamborwi kusara kwepashoma
Surah Al-Ahzab, Verse 20


لَّقَدۡ كَانَ لَكُمۡ فِي رَسُولِ ٱللَّهِ أُسۡوَةٌ حَسَنَةٞ لِّمَن كَانَ يَرۡجُواْ ٱللَّهَ وَٱلۡيَوۡمَ ٱلۡأٓخِرَ وَذَكَرَ ٱللَّهَ كَثِيرٗا

Zvirokwazvo, pamutumwa waAllah (Muhammad (SAW)) mune muenzaniso wakanaka wekutevedzera kune uyo anotarisira kuzosangana naAllah neZuva rekupedzisira, uyezve achirangarira Allah kakawanda
Surah Al-Ahzab, Verse 21


وَلَمَّا رَءَا ٱلۡمُؤۡمِنُونَ ٱلۡأَحۡزَابَ قَالُواْ هَٰذَا مَا وَعَدَنَا ٱللَّهُ وَرَسُولُهُۥ وَصَدَقَ ٱللَّهُ وَرَسُولُهُۥۚ وَمَا زَادَهُمۡ إِلَّآ إِيمَٰنٗا وَتَسۡلِيمٗا

Uye apo vatendi vakaona maAhzaab (Zvikwata), vakati: “Izvi ndizvo zvatakavimbiswa naAllah pamwe nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)). Uye Allah nemutumwa wavo vakataura chokwadi.” Uye hazvina kuvawedzera kusara kwekutenda nekuzvipira kwavo (kuna Allah)
Surah Al-Ahzab, Verse 22


مِّنَ ٱلۡمُؤۡمِنِينَ رِجَالٞ صَدَقُواْ مَا عَٰهَدُواْ ٱللَّهَ عَلَيۡهِۖ فَمِنۡهُم مَّن قَضَىٰ نَحۡبَهُۥ وَمِنۡهُم مَّن يَنتَظِرُۖ وَمَا بَدَّلُواْ تَبۡدِيلٗا

Kubva muvatendi mune varume vaiva pachokwadi muzvitsidzo zvavo naAllah (vakatsungirira kurwa munzira yaAllah). Mavari mune vamwe vakazadzisa zvirevo zvavo (vakauraiwa kuhondo), uye vamwe vachakangomirira, asi havana kumbobvira vashandura (chitsidzirano chavo naAllah) kana zvishoma
Surah Al-Ahzab, Verse 23


لِّيَجۡزِيَ ٱللَّهُ ٱلصَّـٰدِقِينَ بِصِدۡقِهِمۡ وَيُعَذِّبَ ٱلۡمُنَٰفِقِينَ إِن شَآءَ أَوۡ يَتُوبَ عَلَيۡهِمۡۚ إِنَّ ٱللَّهَ كَانَ غَفُورٗا رَّحِيمٗا

Kuti Allah vave vanoripa varume vechokwadi nekuda kwechokwadi chavo, uyezve vorwadzisa vanyengedzi kana vachida kana kutambira ruregerero rwavo (vachiratidza tsitsi dzavo). Zvirokwazvo, Allah vanoregerera zvikuru, vane nyasha zhinji
Surah Al-Ahzab, Verse 24


وَرَدَّ ٱللَّهُ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ بِغَيۡظِهِمۡ لَمۡ يَنَالُواْ خَيۡرٗاۚ وَكَفَى ٱللَّهُ ٱلۡمُؤۡمِنِينَ ٱلۡقِتَالَۚ وَكَانَ ٱللَّهُ قَوِيًّا عَزِيزٗا

Uye Allah vakadzorera mumashure avo vanhu vasingatendi vakatsamwa. Havana kana chitsvene chavakawana. Allah vakabatsira vatendi mukurwa (nekutumira mhepo nengirozi). Uye Allah ndivo samasimba vane masimba
Surah Al-Ahzab, Verse 25


وَأَنزَلَ ٱلَّذِينَ ظَٰهَرُوهُم مِّنۡ أَهۡلِ ٱلۡكِتَٰبِ مِن صَيَاصِيهِمۡ وَقَذَفَ فِي قُلُوبِهِمُ ٱلرُّعۡبَ فَرِيقٗا تَقۡتُلُونَ وَتَأۡسِرُونَ فَرِيقٗا

Uye avo vanhu vegwaro vakave vanobatsira (vasingatendi), Allah vakavadzikisa kubva munzvimbo dzavo uye vakave vanoisa kutya muhana dzavo, kusvikira chimwe chikwata chavo makauraya uye chimwe mukachisunga
Surah Al-Ahzab, Verse 26


وَأَوۡرَثَكُمۡ أَرۡضَهُمۡ وَدِيَٰرَهُمۡ وَأَمۡوَٰلَهُمۡ وَأَرۡضٗا لَّمۡ تَطَـُٔوهَاۚ وَكَانَ ٱللَّهُ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٖ قَدِيرٗا

Uye vakaita kuti mutore minda yavo, uye dzimba dzavo, neupfumi hwavo, uye zvekare iyo nzvimbo yamange musati mambotsika (mumashure). Uye Allah vane masimba pamusoro pezvinhu zvose
Surah Al-Ahzab, Verse 27


يَـٰٓأَيُّهَا ٱلنَّبِيُّ قُل لِّأَزۡوَٰجِكَ إِن كُنتُنَّ تُرِدۡنَ ٱلۡحَيَوٰةَ ٱلدُّنۡيَا وَزِينَتَهَا فَتَعَالَيۡنَ أُمَتِّعۡكُنَّ وَأُسَرِّحۡكُنَّ سَرَاحٗا جَمِيلٗا

Iwe muporofita (Muhammad SAW))! Taurira madzimai ako kuti: “Kana muchida hupenyu hwepano pasi pamwe nezvinofadza zvavo (hupenyu), kuti huyai ndikugadzirirei zvitsvene pamwe nekukusunungurai mune zvakanaka (kukurambai).”
Surah Al-Ahzab, Verse 28


وَإِن كُنتُنَّ تُرِدۡنَ ٱللَّهَ وَرَسُولَهُۥ وَٱلدَّارَ ٱلۡأٓخِرَةَ فَإِنَّ ٱللَّهَ أَعَدَّ لِلۡمُحۡسِنَٰتِ مِنكُنَّ أَجۡرًا عَظِيمٗا

“Asi kana muchida Allah pamwe nemutumwa wavo (SAW), uye nemisha yamangwana, zvirokwazvo Allah vakagadzirira madzimai vanoita mabasa akanaka kubva kwamuri mubairo mukuru.”
Surah Al-Ahzab, Verse 29


يَٰنِسَآءَ ٱلنَّبِيِّ مَن يَأۡتِ مِنكُنَّ بِفَٰحِشَةٖ مُّبَيِّنَةٖ يُضَٰعَفۡ لَهَا ٱلۡعَذَابُ ضِعۡفَيۡنِۚ وَكَانَ ذَٰلِكَ عَلَى ٱللَّهِ يَسِيرٗا

Imi madzimai amuporofita! Uyo kubva kwamuri anenge aita chitadzo chinooneka (Faahishah: Chitadzo chikuru kana hupombwe), mutongo wamarwadzo kwaari unenge uri pauviri, uye zvinhu zvidukusa kuna Allah
Surah Al-Ahzab, Verse 30


۞وَمَن يَقۡنُتۡ مِنكُنَّ لِلَّهِ وَرَسُولِهِۦ وَتَعۡمَلۡ صَٰلِحٗا نُّؤۡتِهَآ أَجۡرَهَا مَرَّتَيۡنِ وَأَعۡتَدۡنَا لَهَا رِزۡقٗا كَرِيمٗا

Uye kune uyo wese wenyu anoteerera mirairo yaAllah nemutumwa wavo, zvekare oita mabasa akanaka, tichamupa mubairo wake uri pauviri, uye tichamugadzirira raramo yakanaka (Paradhiso)
Surah Al-Ahzab, Verse 31


يَٰنِسَآءَ ٱلنَّبِيِّ لَسۡتُنَّ كَأَحَدٖ مِّنَ ٱلنِّسَآءِ إِنِ ٱتَّقَيۡتُنَّۚ فَلَا تَخۡضَعۡنَ بِٱلۡقَوۡلِ فَيَطۡمَعَ ٱلَّذِي فِي قَلۡبِهِۦ مَرَضٞ وَقُلۡنَ قَوۡلٗا مَّعۡرُوفٗا

Imi madzimai amuporofita! Hamuna kufanana nemamwe madzimai. Mukachengetedza mirairo yenyu, uye musafe munopfava pakutaura, nekuti uyo muhana make mune chirwere (chezvakaipa, nyengedzo nehupombwe) anogona kuva neshuviro, asi taurai zvine chiremerera
Surah Al-Ahzab, Verse 32


وَقَرۡنَ فِي بُيُوتِكُنَّ وَلَا تَبَرَّجۡنَ تَبَرُّجَ ٱلۡجَٰهِلِيَّةِ ٱلۡأُولَىٰۖ وَأَقِمۡنَ ٱلصَّلَوٰةَ وَءَاتِينَ ٱلزَّكَوٰةَ وَأَطِعۡنَ ٱللَّهَ وَرَسُولَهُۥٓۚ إِنَّمَا يُرِيدُ ٱللَّهُ لِيُذۡهِبَ عَنكُمُ ٱلرِّجۡسَ أَهۡلَ ٱلۡبَيۡتِ وَيُطَهِّرَكُمۡ تَطۡهِيرٗا

Uye garai mudzimba dzenyu, uye musave munozvitaridza sezvaiitwa neavo venguva yevasingazivi, uye itai Swalaah, uye ipai zvipo (Zakaah), uye teererai Allah nemutumwa wavo (SAW). Zvirokwazvo, Allah vanoda kubvisa mabasa akaipa nezvitadzo kubva mamuri, imi vanhu vemhuri (yamutumwa (SAW)), uye kukuchenurai zvakazara
Surah Al-Ahzab, Verse 33


وَٱذۡكُرۡنَ مَا يُتۡلَىٰ فِي بُيُوتِكُنَّ مِنۡ ءَايَٰتِ ٱللَّهِ وَٱلۡحِكۡمَةِۚ إِنَّ ٱللَّهَ كَانَ لَطِيفًا خَبِيرًا

Uye rangarirai (imi vanhu vemhuri yamutumwa, zvido zvaTenzi venyu) zvinoverengwa mudzimba dzenyu kubva pandima dzaAllah uye neSunnah (Magariro eMutumwa). Zvirokwazvo, Allah ndivo vega vane nyasha, uye vanoziva (zvinhu zvose)
Surah Al-Ahzab, Verse 34


إِنَّ ٱلۡمُسۡلِمِينَ وَٱلۡمُسۡلِمَٰتِ وَٱلۡمُؤۡمِنِينَ وَٱلۡمُؤۡمِنَٰتِ وَٱلۡقَٰنِتِينَ وَٱلۡقَٰنِتَٰتِ وَٱلصَّـٰدِقِينَ وَٱلصَّـٰدِقَٰتِ وَٱلصَّـٰبِرِينَ وَٱلصَّـٰبِرَٰتِ وَٱلۡخَٰشِعِينَ وَٱلۡخَٰشِعَٰتِ وَٱلۡمُتَصَدِّقِينَ وَٱلۡمُتَصَدِّقَٰتِ وَٱلصَّـٰٓئِمِينَ وَٱلصَّـٰٓئِمَٰتِ وَٱلۡحَٰفِظِينَ فُرُوجَهُمۡ وَٱلۡحَٰفِظَٰتِ وَٱلذَّـٰكِرِينَ ٱللَّهَ كَثِيرٗا وَٱلذَّـٰكِرَٰتِ أَعَدَّ ٱللَّهُ لَهُم مَّغۡفِرَةٗ وَأَجۡرًا عَظِيمٗا

Zvirokwazvo, varume nemadzimai echiMuslim (vanozvipira kuna Allah), varume nemadzimai vanotenda muIslaam, varume nemadzimai vanoteerera (Allah), varume nemadzimai vari pachokwadi, varume nemadzimai vanotsungirira, varume nemadzimai vanozvidzikisira (pamberi paTenzi vavo Allah), varume nemadzimai vanopa zvipo, varume nemadzimai vanotsanya (muRamadhaan nedzimwe nguva apo kutsanya kunenge kusingamanikidzirwi), varume nemadzimai vanochengetedza nhengo dzavo dzakavandika (kubva kuhupombwe), uye varume nemadzimai vanorangarira Allah zvakanyanya (kuburikidza nemuhana dzavo nezvavanotaura), Allah vavagadzirira ruregerero uye mubairo mukuru (Paradhiso)
Surah Al-Ahzab, Verse 35


وَمَا كَانَ لِمُؤۡمِنٖ وَلَا مُؤۡمِنَةٍ إِذَا قَضَى ٱللَّهُ وَرَسُولُهُۥٓ أَمۡرًا أَن يَكُونَ لَهُمُ ٱلۡخِيَرَةُ مِنۡ أَمۡرِهِمۡۗ وَمَن يَعۡصِ ٱللَّهَ وَرَسُولَهُۥ فَقَدۡ ضَلَّ ضَلَٰلٗا مُّبِينٗا

Uye hazvibvumidzwi kumutendi, murume kana mudzimai, kuti kana Allah nemutumwa wavo (SAW) vachinge varonga hurongwa ivo voshandura muhurongwa hwavo. Uye uyo anopokana naAllah nemutumwa wavo (SAW), zvirokwazvo anenge arasika kurasika kuri pachena
Surah Al-Ahzab, Verse 36


وَإِذۡ تَقُولُ لِلَّذِيٓ أَنۡعَمَ ٱللَّهُ عَلَيۡهِ وَأَنۡعَمۡتَ عَلَيۡهِ أَمۡسِكۡ عَلَيۡكَ زَوۡجَكَ وَٱتَّقِ ٱللَّهَ وَتُخۡفِي فِي نَفۡسِكَ مَا ٱللَّهُ مُبۡدِيهِ وَتَخۡشَى ٱلنَّاسَ وَٱللَّهُ أَحَقُّ أَن تَخۡشَىٰهُۖ فَلَمَّا قَضَىٰ زَيۡدٞ مِّنۡهَا وَطَرٗا زَوَّجۡنَٰكَهَا لِكَيۡ لَا يَكُونَ عَلَى ٱلۡمُؤۡمِنِينَ حَرَجٞ فِيٓ أَزۡوَٰجِ أَدۡعِيَآئِهِمۡ إِذَا قَضَوۡاْ مِنۡهُنَّ وَطَرٗاۚ وَكَانَ أَمۡرُ ٱللَّهِ مَفۡعُولٗا

Uye (rangarirai) apo pawakati kwaari (Zaid Ibn Haarithah (RA)) uyo Allah vakamukomborera (nekumupinza muIslaam), uye newe ukamukomborera (nekumusunungura kubva muuranda): “Ramba une mudzimi wako, uye itya Allah!” Asi wakavanza muhana yako (kuti ucharoora murambiwa naZaid) izvo Allah vachave vanoburitsa. Uchitya vanhu (kuti vachati waroora murambiwa waZaid), uye Allah ndivo vanekodzero kuti uvatye. Nokudaro apo Zaid akamuramba, takave tinomuroodza kwauri, nemhaka yokuti (mune ramangwana) pasazove nedambudziko pakati pevatendi kuroora vakadzi vevanakomana vavakarera vasiri vavo apo vanenge vavaramba (madzimai avo). Uye murairo waAllah unofanirwa kuzadzikiswa
Surah Al-Ahzab, Verse 37


مَّا كَانَ عَلَى ٱلنَّبِيِّ مِنۡ حَرَجٖ فِيمَا فَرَضَ ٱللَّهُ لَهُۥۖ سُنَّةَ ٱللَّهِ فِي ٱلَّذِينَ خَلَوۡاْ مِن قَبۡلُۚ وَكَانَ أَمۡرُ ٱللَّهِ قَدَرٗا مَّقۡدُورًا

Hapana kana chitadzo pana muporofita (SAW) pane izvo Allah vakabvumidza. Iyi ndiyo yaiva nzira yaAllah pane ayo (maporofita) enguva yakapfuura. Uye mirairo yaAllah yakatorongwa
Surah Al-Ahzab, Verse 38


ٱلَّذِينَ يُبَلِّغُونَ رِسَٰلَٰتِ ٱللَّهِ وَيَخۡشَوۡنَهُۥ وَلَا يَخۡشَوۡنَ أَحَدًا إِلَّا ٱللَّهَۗ وَكَفَىٰ بِٱللَّهِ حَسِيبٗا

Avo vanoparidza shoko raAllah uye vovatya, uye vorega kutya kana ani zvake kusara kwaAllah. Uye Allah vakatokwana pakubvunzurudza
Surah Al-Ahzab, Verse 39


مَّا كَانَ مُحَمَّدٌ أَبَآ أَحَدٖ مِّن رِّجَالِكُمۡ وَلَٰكِن رَّسُولَ ٱللَّهِ وَخَاتَمَ ٱلنَّبِيِّـۧنَۗ وَكَانَ ٱللَّهُ بِكُلِّ شَيۡءٍ عَلِيمٗا

Muhammad (SAW) haatombori kana baba vaani zvake pakati pevarume venyu, asi mutumwa waAllah zvekare muporofita wekupedzisira. Uye Allah vanoziva zvose
Surah Al-Ahzab, Verse 40


يَـٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ ٱذۡكُرُواْ ٱللَّهَ ذِكۡرٗا كَثِيرٗا

Imi vatendi! Rangarirai Allah zvakanyanya
Surah Al-Ahzab, Verse 41


وَسَبِّحُوهُ بُكۡرَةٗ وَأَصِيلًا

Varumbidzei mangwanani uye nemasikati (Fajr neAsr)
Surah Al-Ahzab, Verse 42


هُوَ ٱلَّذِي يُصَلِّي عَلَيۡكُمۡ وَمَلَـٰٓئِكَتُهُۥ لِيُخۡرِجَكُم مِّنَ ٱلظُّلُمَٰتِ إِلَى ٱلنُّورِۚ وَكَانَ بِٱلۡمُؤۡمِنِينَ رَحِيمٗا

Ndivo vanotumira Swalaah (makomborero avo) kwamuri, uye ngirozi dzavo zvekare (dzinokukumbirirai makomborero neruregerero) kuti vakuburitsei kubva murima (kusatenda) kupinda muchaedza (Islaam). Uye ndivo chete vanetsitsi nevatendi
Surah Al-Ahzab, Verse 43


تَحِيَّتُهُمۡ يَوۡمَ يَلۡقَوۡنَهُۥ سَلَٰمٞۚ وَأَعَدَّ لَهُمۡ أَجۡرٗا كَرِيمٗا

Pazuva ravachasangana navo (Allah) kukwazisa kwazvo (ngirozi) kuchange kuri “Salaam (Runyararo)!” Uye vakavagadzirira mubairo mutsvene (Paradhiso)
Surah Al-Ahzab, Verse 44


يَـٰٓأَيُّهَا ٱلنَّبِيُّ إِنَّآ أَرۡسَلۡنَٰكَ شَٰهِدٗا وَمُبَشِّرٗا وَنَذِيرٗا

Iwe muporofita (Muhammad (SAW))! Zvirokwazvo, takutumira semupupuri, uye mupi wenhaurwa tsvene, uye muyambiri
Surah Al-Ahzab, Verse 45


وَدَاعِيًا إِلَى ٱللَّهِ بِإِذۡنِهِۦ وَسِرَاجٗا مُّنِيرٗا

Uye seuyo anodaidzira kuna Allah (kuti hakuna kana ani anofanirwa kunamatwa kunze kwaAllah vega) nekuda kwavo, uye semwenje unoparadzira chiedza (kuburikidza nemirairo kubva muQur’aan neSunnah)
Surah Al-Ahzab, Verse 46


وَبَشِّرِ ٱلۡمُؤۡمِنِينَ بِأَنَّ لَهُم مِّنَ ٱللَّهِ فَضۡلٗا كَبِيرٗا

Uye shambadzira kuvatendi (muhumwechete hwaAllah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)) nhaurwa tsvene, kuti kubva kuna Allah vachawana mubairo mukuru
Surah Al-Ahzab, Verse 47


وَلَا تُطِعِ ٱلۡكَٰفِرِينَ وَٱلۡمُنَٰفِقِينَ وَدَعۡ أَذَىٰهُمۡ وَتَوَكَّلۡ عَلَى ٱللَّهِۚ وَكَفَىٰ بِٱللَّهِ وَكِيلٗا

Uye usateerere vasingatendi uye nevanyengedzi, uye usavakuvadze (mukudzorera kukuvadza kwavanenge vakuita kusvikira waudzwa). Uye isa chivimbo chako muna Allah, uye vanokwana Allah semuchengetedzi wezvivimbo
Surah Al-Ahzab, Verse 48


يَـٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُوٓاْ إِذَا نَكَحۡتُمُ ٱلۡمُؤۡمِنَٰتِ ثُمَّ طَلَّقۡتُمُوهُنَّ مِن قَبۡلِ أَن تَمَسُّوهُنَّ فَمَا لَكُمۡ عَلَيۡهِنَّ مِنۡ عِدَّةٖ تَعۡتَدُّونَهَاۖ فَمَتِّعُوهُنَّ وَسَرِّحُوهُنَّ سَرَاحٗا جَمِيلٗا

Imi vatendi! Kana muchiroora madzimai anotenda, uye mobva mavaramba musati mamboenda pabonde navo, hapana Iddah (nguva yakatarwa, Qur’aan 65: 4) munofanirwa kuvaverengera. Saka vapei zvipo, mobva mavasiya vakasununguka mune zvakanaka
Surah Al-Ahzab, Verse 49


يَـٰٓأَيُّهَا ٱلنَّبِيُّ إِنَّآ أَحۡلَلۡنَا لَكَ أَزۡوَٰجَكَ ٱلَّـٰتِيٓ ءَاتَيۡتَ أُجُورَهُنَّ وَمَا مَلَكَتۡ يَمِينُكَ مِمَّآ أَفَآءَ ٱللَّهُ عَلَيۡكَ وَبَنَاتِ عَمِّكَ وَبَنَاتِ عَمَّـٰتِكَ وَبَنَاتِ خَالِكَ وَبَنَاتِ خَٰلَٰتِكَ ٱلَّـٰتِي هَاجَرۡنَ مَعَكَ وَٱمۡرَأَةٗ مُّؤۡمِنَةً إِن وَهَبَتۡ نَفۡسَهَا لِلنَّبِيِّ إِنۡ أَرَادَ ٱلنَّبِيُّ أَن يَسۡتَنكِحَهَا خَالِصَةٗ لَّكَ مِن دُونِ ٱلۡمُؤۡمِنِينَۗ قَدۡ عَلِمۡنَا مَا فَرَضۡنَا عَلَيۡهِمۡ فِيٓ أَزۡوَٰجِهِمۡ وَمَا مَلَكَتۡ أَيۡمَٰنُهُمۡ لِكَيۡلَا يَكُونَ عَلَيۡكَ حَرَجٞۗ وَكَانَ ٱللَّهُ غَفُورٗا رَّحِيمٗا

Iwe muporofita (Muhammad (SAW))! Zvirokwazvo, takabvumidza kwauri madzimai ako, avo wavakabvisira Mahr (Mari inobviswa nemurume achipa mudzimai wake), uye avo varandakadzi vaunochengeta vawakapiwa naAllah, nevanasikana vana sekuru vako (kudivi rababa), uye nevanasikana vana tete vako (kudivi rababa), uye nevanasikana vana sekuru vako kudivi raamai, uye nevanasikana vana maiguru nanamainini kudivi raamai, avo vanenge vatama (kubva kuMakkah) pamwe newe, uye nemudzimai anotenda kana achinge azvipa kuna muporofita uye muporofita vodawo kumuroora, chipo (ruremekedzo) kwauri chete, kwete kuvatendi vese. Zvirokwazvo, tinoziva izvo zvatakavakomekedza pamusoro pemadzimai avo uye varandakadzi vavo avo vavanochengeta kuti pasazove nedambudziko kwauri. Zvirokwazvo, Allah ndivo vanoregerera zvikuru, vane ngoni zhinji
Surah Al-Ahzab, Verse 50


۞تُرۡجِي مَن تَشَآءُ مِنۡهُنَّ وَتُـٔۡوِيٓ إِلَيۡكَ مَن تَشَآءُۖ وَمَنِ ٱبۡتَغَيۡتَ مِمَّنۡ عَزَلۡتَ فَلَا جُنَاحَ عَلَيۡكَۚ ذَٰلِكَ أَدۡنَىٰٓ أَن تَقَرَّ أَعۡيُنُهُنَّ وَلَا يَحۡزَنَّ وَيَرۡضَيۡنَ بِمَآ ءَاتَيۡتَهُنَّ كُلُّهُنَّۚ وَٱللَّهُ يَعۡلَمُ مَا فِي قُلُوبِكُمۡۚ وَكَانَ ٱللَّهُ عَلِيمًا حَلِيمٗا

Iwe (Muhammad (SAW)) unokwanisa kumisa chijana cheuyo waunoda pamadzimai ako, uye unokwanisa kutambira uyo waunoda. Kune uyo upi waunenge wambotsveta parutivi, hapana kana chitadzo kwauri (kumutambira zvekare). Zviri nani kuti vachengetedzwe vasashungurudzwa, uye vose vofadzwa neizvo zvaunenge wavapa. Allah vanoziva zviri muhana dzenyu. Uye Allah vanoziva zvinhu zvose, uye vane moyo murefu zvikuru
Surah Al-Ahzab, Verse 51


لَّا يَحِلُّ لَكَ ٱلنِّسَآءُ مِنۢ بَعۡدُ وَلَآ أَن تَبَدَّلَ بِهِنَّ مِنۡ أَزۡوَٰجٖ وَلَوۡ أَعۡجَبَكَ حُسۡنُهُنَّ إِلَّا مَا مَلَكَتۡ يَمِينُكَۗ وَكَانَ ٱللَّهُ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٖ رَّقِيبٗا

Hazvitenderwi kwauri (kuroora) mamwe madzimai mushure meizvi, kana kuchinja nemamwe madzimai kunyangwe vakanaka zvinokufadza kusara kwevarandakadzi vaunochengeta. Uye Allah vanoona zvinhu zvose
Surah Al-Ahzab, Verse 52


يَـٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ لَا تَدۡخُلُواْ بُيُوتَ ٱلنَّبِيِّ إِلَّآ أَن يُؤۡذَنَ لَكُمۡ إِلَىٰ طَعَامٍ غَيۡرَ نَٰظِرِينَ إِنَىٰهُ وَلَٰكِنۡ إِذَا دُعِيتُمۡ فَٱدۡخُلُواْ فَإِذَا طَعِمۡتُمۡ فَٱنتَشِرُواْ وَلَا مُسۡتَـٔۡنِسِينَ لِحَدِيثٍۚ إِنَّ ذَٰلِكُمۡ كَانَ يُؤۡذِي ٱلنَّبِيَّ فَيَسۡتَحۡيِۦ مِنكُمۡۖ وَٱللَّهُ لَا يَسۡتَحۡيِۦ مِنَ ٱلۡحَقِّۚ وَإِذَا سَأَلۡتُمُوهُنَّ مَتَٰعٗا فَسۡـَٔلُوهُنَّ مِن وَرَآءِ حِجَابٖۚ ذَٰلِكُمۡ أَطۡهَرُ لِقُلُوبِكُمۡ وَقُلُوبِهِنَّۚ وَمَا كَانَ لَكُمۡ أَن تُؤۡذُواْ رَسُولَ ٱللَّهِ وَلَآ أَن تَنكِحُوٓاْ أَزۡوَٰجَهُۥ مِنۢ بَعۡدِهِۦٓ أَبَدًاۚ إِنَّ ذَٰلِكُمۡ كَانَ عِندَ ٱللَّهِ عَظِيمًا

Imi vatendi! Musapinda mudzimba dzemuporofita (SAW) kusara kwekuti mvumo yapiwa kwamuri yekuti mudye kwete (kukasika kuuya) kuzomirira gadziriro yacho. Asi kana muchinge makokwa, pindai, uye kana muchinge matora kudya kwenyu shaikai musina kumirira kana nyaya. Zvirokwazvo (kahunhu kakadero), kanogumbura muporofita uye vanokunyarai (kukutaurirai kuti muchienda). Asi Allah havanyari (kukuudzai) chokwadi. Uye kana muchibvunza chero zvamunoda kumadzimai ake, vabvunzei muri seri kwechimwe chinhu, izvi ndizvo zvinhu zvakarurama pamoyo penyo neyavo. Uye hazvina kunaka kuti mugumbure mutumwa waAllah (SAW), kana kuti kuroora madzimai ake mushure mekufa kwake. Zvirokwazvo, izvi naAllah zvichange zviri chitadzo chikuru
Surah Al-Ahzab, Verse 53


إِن تُبۡدُواْ شَيۡـًٔا أَوۡ تُخۡفُوهُ فَإِنَّ ٱللَّهَ كَانَ بِكُلِّ شَيۡءٍ عَلِيمٗا

Kana mukaviga zvimwe zvinhu kana kuzviburitsa, zvirokwazvo, Allah vanoziva zvinhu zvose
Surah Al-Ahzab, Verse 54


لَّا جُنَاحَ عَلَيۡهِنَّ فِيٓ ءَابَآئِهِنَّ وَلَآ أَبۡنَآئِهِنَّ وَلَآ إِخۡوَٰنِهِنَّ وَلَآ أَبۡنَآءِ إِخۡوَٰنِهِنَّ وَلَآ أَبۡنَآءِ أَخَوَٰتِهِنَّ وَلَا نِسَآئِهِنَّ وَلَا مَا مَلَكَتۡ أَيۡمَٰنُهُنَّۗ وَٱتَّقِينَ ٱللَّهَۚ إِنَّ ٱللَّهَ كَانَ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٖ شَهِيدًا

Hapana chitadzo kwavari (madzimai amuporofita (SAW) kana vakabvisa maduku avo) pamberi pamadzibaba avo, kana vanakomana vavo, kana hanzvadzi dzavo, kana vanakomana veanzvadzi dzavo, kana vanakomana vamadzikoma avo, kana mamwe madzimai (anotenda), kana varandakadzi vavo. Uye (imi madzimai) ityai Allah. Zvirokwazvo, Allah vanopupura zvinhu zvose
Surah Al-Ahzab, Verse 55


إِنَّ ٱللَّهَ وَمَلَـٰٓئِكَتَهُۥ يُصَلُّونَ عَلَى ٱلنَّبِيِّۚ يَـٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ صَلُّواْ عَلَيۡهِ وَسَلِّمُواْ تَسۡلِيمًا

Zvirokwazvo, Allah vanotumira makomborero avo kuna muporofita (Muhammad (SAW)), uye nengirozi dzavo (zvinokumbira kuti Allah vavakomborere nekuvaregerera). Imi vatendi! Tumiraiwo minamato kwaari (kukumbira kuna Allah kuti vamukomborere nekumuregerera Muhammad (SAW)), uye momukwazisa nenzira yekukwazisa nayo muIslaam (As-Salaamu Alaykum)
Surah Al-Ahzab, Verse 56


إِنَّ ٱلَّذِينَ يُؤۡذُونَ ٱللَّهَ وَرَسُولَهُۥ لَعَنَهُمُ ٱللَّهُ فِي ٱلدُّنۡيَا وَٱلۡأٓخِرَةِ وَأَعَدَّ لَهُمۡ عَذَابٗا مُّهِينٗا

Zvirokwazvo, avo vanotsamwisa Allah nemutumwa wavo (SAW), Allah vanovarengera pasi rinho, uye muhupenyu hwemangwana, uye vakavagadzirira mutongo unonyadzisa
Surah Al-Ahzab, Verse 57


وَٱلَّذِينَ يُؤۡذُونَ ٱلۡمُؤۡمِنِينَ وَٱلۡمُؤۡمِنَٰتِ بِغَيۡرِ مَا ٱكۡتَسَبُواْ فَقَدِ ٱحۡتَمَلُواْ بُهۡتَٰنٗا وَإِثۡمٗا مُّبِينٗا

Uye avo vanotsamwisa varume nemadzimai anotenda pasina chikonzero, zvirokwazvo, vazvitakurira mhoswa yekupomera mhoswa vamwe (ivo vasina kuipara), uye chitadzo chiri pachena
Surah Al-Ahzab, Verse 58


يَـٰٓأَيُّهَا ٱلنَّبِيُّ قُل لِّأَزۡوَٰجِكَ وَبَنَاتِكَ وَنِسَآءِ ٱلۡمُؤۡمِنِينَ يُدۡنِينَ عَلَيۡهِنَّ مِن جَلَٰبِيبِهِنَّۚ ذَٰلِكَ أَدۡنَىٰٓ أَن يُعۡرَفۡنَ فَلَا يُؤۡذَيۡنَۗ وَكَانَ ٱللَّهُ غَفُورٗا رَّحِيمٗا

Iwe Muporofita! Taurira madzimai ako uye vanasikana vako uye nemadzimai evatendi kuti vavhare miviri yavo yose nenguwo dzavo. Zvinenge zviri nani kuti vazivikanwe (sevakadzi vanoremekedzeka) uye kuti vasave vanoshungurudzwa. Zvirokwazvo, Allah ndivo vane ruregerero rukuru, nenyasha zhinji
Surah Al-Ahzab, Verse 59


۞لَّئِن لَّمۡ يَنتَهِ ٱلۡمُنَٰفِقُونَ وَٱلَّذِينَ فِي قُلُوبِهِم مَّرَضٞ وَٱلۡمُرۡجِفُونَ فِي ٱلۡمَدِينَةِ لَنُغۡرِيَنَّكَ بِهِمۡ ثُمَّ لَا يُجَاوِرُونَكَ فِيهَآ إِلَّا قَلِيلٗا

Asi vanyengedzi, neavo mumoyo yavo mune chirwere (cheupombwe), uye avo vanofambisa makuhwa kubva pavanhu vemuMadeenah vakasasiya, zvirokwazvo, tichakuita kuti uvakurire, uye zvirokwazvo havazombokwanisa kugaramo savavakidzani vako asi kusara kwekanguva kadiki
Surah Al-Ahzab, Verse 60


مَّلۡعُونِينَۖ أَيۡنَمَا ثُقِفُوٓاْ أُخِذُواْ وَقُتِّلُواْ تَقۡتِيلٗا

Vachatsvinyirwa, uye vachange vari vanorwadziswa kwese kwavanenge vari, uye vachauraiwa zvakanyanya
Surah Al-Ahzab, Verse 61


سُنَّةَ ٱللَّهِ فِي ٱلَّذِينَ خَلَوۡاْ مِن قَبۡلُۖ وَلَن تَجِدَ لِسُنَّةِ ٱللَّهِ تَبۡدِيلٗا

Ndiyo yaiva nzira yaAllah panguva yeavo vakapfuura, uye hauzombowana kana imwe shanduko panzira yaAllah
Surah Al-Ahzab, Verse 62


يَسۡـَٔلُكَ ٱلنَّاسُ عَنِ ٱلسَّاعَةِۖ قُلۡ إِنَّمَا عِلۡمُهَا عِندَ ٱللَّهِۚ وَمَا يُدۡرِيكَ لَعَلَّ ٱلسَّاعَةَ تَكُونُ قَرِيبًا

Vanhu vakakuvhunza maererano nenguva, taura kuti: “Ruzivo rwayo runongova naAllah chete. Unombozivei! Inokwanisa (nguva) kunge iri pedyo!”
Surah Al-Ahzab, Verse 63


إِنَّ ٱللَّهَ لَعَنَ ٱلۡكَٰفِرِينَ وَأَعَدَّ لَهُمۡ سَعِيرًا

Zvirokwazvo, Allah vakasvora (vakarengera) vanhu vasingatendi, uye vakavagadzirira moto unopisa
Surah Al-Ahzab, Verse 64


خَٰلِدِينَ فِيهَآ أَبَدٗاۖ لَّا يَجِدُونَ وَلِيّٗا وَلَا نَصِيرٗا

Umo mavachagara zvachose, uye havafi vakawana muchengetedzi kana mubatsiri
Surah Al-Ahzab, Verse 65


يَوۡمَ تُقَلَّبُ وُجُوهُهُمۡ فِي ٱلنَّارِ يَقُولُونَ يَٰلَيۡتَنَآ أَطَعۡنَا ٱللَّهَ وَأَطَعۡنَا ٱلرَّسُولَا۠

Pazuva iro zviso zvavo zvichatendeudzwa mumoto, vachataura kuti: “Imi ingadai takateerera Allah uye nemutumwa (Muhammad (SAW)).”
Surah Al-Ahzab, Verse 66


وَقَالُواْ رَبَّنَآ إِنَّآ أَطَعۡنَا سَادَتَنَا وَكُبَرَآءَنَا فَأَضَلُّونَا ٱلسَّبِيلَا۠

Uye vachataura kuti: “Tenzi vedu! Zvirokwazvo, takave tinoteerera vatungamiriri nevakuru vedu, naizvozvo vakatiburitsa munzira (yakatwasuka).”
Surah Al-Ahzab, Verse 67


رَبَّنَآ ءَاتِهِمۡ ضِعۡفَيۡنِ مِنَ ٱلۡعَذَابِ وَٱلۡعَنۡهُمۡ لَعۡنٗا كَبِيرٗا

“Tenzi vedu! Vapei marwadzo kaviri uye movarengera kurengera kukuru!”
Surah Al-Ahzab, Verse 68


يَـٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ لَا تَكُونُواْ كَٱلَّذِينَ ءَاذَوۡاْ مُوسَىٰ فَبَرَّأَهُ ٱللَّهُ مِمَّا قَالُواْۚ وَكَانَ عِندَ ٱللَّهِ وَجِيهٗا

Imi vatendi! Musaite seavo vakasvota Musa. Asi Allah vakamuchenesa pamusoro peizvo zvavaitaura, uye akava munhu akakosha pamberi paAllah
Surah Al-Ahzab, Verse 69


يَـٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ ٱتَّقُواْ ٱللَّهَ وَقُولُواْ قَوۡلٗا سَدِيدٗا

Imi vatendi! Itai basa renyu kuna Allah uye kuvatya, uye taurai chokwadi (nguva dzose)
Surah Al-Ahzab, Verse 70


يُصۡلِحۡ لَكُمۡ أَعۡمَٰلَكُمۡ وَيَغۡفِرۡ لَكُمۡ ذُنُوبَكُمۡۗ وَمَن يُطِعِ ٱللَّهَ وَرَسُولَهُۥ فَقَدۡ فَازَ فَوۡزًا عَظِيمًا

Vachaita kuti mabasa enyu ave akanaka uye vokuregererai zvitadzo zvenyu. Uye uyo ari upi zvake anoteerera Allah nemutumwa wavo (SAW), zvirokwazvo, anenge abudirira kubudirira kukuru (achanunurwa kubva kumoto uye opinzwa muParadhiso)
Surah Al-Ahzab, Verse 71


إِنَّا عَرَضۡنَا ٱلۡأَمَانَةَ عَلَى ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ وَٱلۡجِبَالِ فَأَبَيۡنَ أَن يَحۡمِلۡنَهَا وَأَشۡفَقۡنَ مِنۡهَا وَحَمَلَهَا ٱلۡإِنسَٰنُۖ إِنَّهُۥ كَانَ ظَلُومٗا جَهُولٗا

Zvirokwazvo, takave tinopa Al-Amaanah (Basa) kumatenga nenyika uye nemakomo, asi zvakaramba kuritakura uye zvikaritya (zvichitya murango waAllah), asi vanhu vakaritakura. Zvirokwazvo, vakazvidzvanyirira uye vari bundu
Surah Al-Ahzab, Verse 72


لِّيُعَذِّبَ ٱللَّهُ ٱلۡمُنَٰفِقِينَ وَٱلۡمُنَٰفِقَٰتِ وَٱلۡمُشۡرِكِينَ وَٱلۡمُشۡرِكَٰتِ وَيَتُوبَ ٱللَّهُ عَلَى ٱلۡمُؤۡمِنِينَ وَٱلۡمُؤۡمِنَٰتِۗ وَكَانَ ٱللَّهُ غَفُورٗا رَّحِيمَۢا

Kuitira kuti Allah vazorwadzisa vanyengedzi vechirume nevechikadzi uye maMushrikoon (vasingatendi muumwechete waAllah). Uye Allah vacharegerera vanotenda (muIslaam) varume nemadzimai. Uye Allah vane ruregerero rukuru, nenyasha zhinji
Surah Al-Ahzab, Verse 73


Author: Abdullah J. M. Adini And Students


<< Surah 32
>> Surah 34

Shona Translations by other Authors


Shona Translation By Abdullah J. M. Adini And Students
Popular Areas
Apartments for rent in Dubai Apartments for rent Abu Dhabi Villas for rent in Dubai House for rent Abu Dhabi Apartments for sale in Dubai Apartments for sale in Abu Dhabi Flat for rent Sharjah
Popular Searches
Studios for rent in UAE Apartments for rent in UAE Villas for rent in UAE Apartments for sale in UAE Villas for sale in UAE Land for sale in UAE Dubai Real Estate
Trending Areas
Apartments for rent in Dubai Marina Apartments for sale in Dubai Marina Villa for rent in Sharjah Villa for sale in Dubai Flat for rent in Ajman Studio for rent in Abu Dhabi Villa for rent in Ajman
Trending Searches
Villa for rent in Abu Dhabi Shop for rent in Dubai Villas for sale in Ajman Studio for rent in Sharjah 1 Bedroom Apartment for rent in Dubai Property for rent in Abu Dhabi Commercial properties for sale
© Copyright Dubai Prayer Time. All Rights Reserved
Designed by Prayer Time In Dubai