Surah As-Sajda - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
الٓمٓ
Alif – Laam – Meem. (Mavara aya ndemamwe ezviratidzo zvaAllah zviri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kusara kwavo)
Surah As-Sajda, Verse 1
تَنزِيلُ ٱلۡكِتَٰبِ لَا رَيۡبَ فِيهِ مِن رَّبِّ ٱلۡعَٰلَمِينَ
Kudzikinurwa kweGwaro (Qur’aan) iro mariri musina kusagutsikana kubva kunaTenzi vepasi rino (vanhu, maJinn nezvese zvirimo)
Surah As-Sajda, Verse 2
أَمۡ يَقُولُونَ ٱفۡتَرَىٰهُۚ بَلۡ هُوَ ٱلۡحَقُّ مِن رَّبِّكَ لِتُنذِرَ قَوۡمٗا مَّآ أَتَىٰهُم مِّن نَّذِيرٖ مِّن قَبۡلِكَ لَعَلَّهُمۡ يَهۡتَدُونَ
Kana kuti vanoti: “(Muhammd (SAW)) azvigadzirira pachake?” Kwete! Ichokwadi kubva kuna Tenzi vako, kuti uyambire avo vanhu vasati vamboshanyirwa nemuyambiri mumashure kwako, kuitira kuti vave vanhu vakatungamirirwa
Surah As-Sajda, Verse 3
ٱللَّهُ ٱلَّذِي خَلَقَ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ وَمَا بَيۡنَهُمَا فِي سِتَّةِ أَيَّامٖ ثُمَّ ٱسۡتَوَىٰ عَلَى ٱلۡعَرۡشِۖ مَا لَكُم مِّن دُونِهِۦ مِن وَلِيّٖ وَلَا شَفِيعٍۚ أَفَلَا تَتَذَكَّرُونَ
Allah ndivo vakasika matenga nepasi pano, uye nezvose zviri mukati pamazuva matanhatu, ndokusimuka vachienda pamusoro pechigaro chavo cheumambo (nenzira inofanira humambo hwavo). Kwamuri imi vanhu hakuna kana anokwanisa kuita semubatsiri, muchengetedzi kana mumiriri kusara kwavo (Allah). Ko hamusimbozvirangarirawo here
Surah As-Sajda, Verse 4
يُدَبِّرُ ٱلۡأَمۡرَ مِنَ ٱلسَّمَآءِ إِلَى ٱلۡأَرۡضِ ثُمَّ يَعۡرُجُ إِلَيۡهِ فِي يَوۡمٖ كَانَ مِقۡدَارُهُۥٓ أَلۡفَ سَنَةٖ مِّمَّا تَعُدُّونَ
Ndivo vanokwanisa kutanga uye kupedzesa hurongwa kubva mumatenga kusvika pano pasi. Zvekare hurongwa hwese hunodzokera kwavari pazuva rimwe, rakaenzana nemakore chiuru sekuverenga kwamunoita (makore panyika)
Surah As-Sajda, Verse 5
ذَٰلِكَ عَٰلِمُ ٱلۡغَيۡبِ وَٱلشَّهَٰدَةِ ٱلۡعَزِيزُ ٱلرَّحِيمُ
Ndivo vanoziva zvose zvakavandika uye nezviri pachena, samasimba, vane nyasha zhinji
Surah As-Sajda, Verse 6
ٱلَّذِيٓ أَحۡسَنَ كُلَّ شَيۡءٍ خَلَقَهُۥۖ وَبَدَأَ خَلۡقَ ٱلۡإِنسَٰنِ مِن طِينٖ
Ndivo vakasika zvinhu zvose mune zvakanaka uye vakasika munhu kubva muvhu
Surah As-Sajda, Verse 7
ثُمَّ جَعَلَ نَسۡلَهُۥ مِن سُلَٰلَةٖ مِّن مَّآءٖ مَّهِينٖ
Ndokubva vasika vana vake kubva mumvura yomunosema (mvura kubva mukusangana kwevanhurume pamwe nevanhukadzi)
Surah As-Sajda, Verse 8
ثُمَّ سَوَّىٰهُ وَنَفَخَ فِيهِ مِن رُّوحِهِۦۖ وَجَعَلَ لَكُمُ ٱلسَّمۡعَ وَٱلۡأَبۡصَٰرَ وَٱلۡأَفۡـِٔدَةَۚ قَلِيلٗا مَّا تَشۡكُرُونَ
Zvekare vakave vanomuumba mune zvakanaka, uye vakafemera mweya (wavakagadzira) maari; uye vakakupai nzeve, maziso pamwe nemoyo. Asi munotenda zvishoma
Surah As-Sajda, Verse 9
وَقَالُوٓاْ أَءِذَا ضَلَلۡنَا فِي ٱلۡأَرۡضِ أَءِنَّا لَفِي خَلۡقٖ جَدِيدِۭۚ بَلۡ هُم بِلِقَآءِ رَبِّهِمۡ كَٰفِرُونَ
Uye vanobvunza kuti: “Kana tichinge taora muivhu (tafa), zvirokwazvo tinozosikwa patsva zvekare here?” Asi vanoramba kuti vachasangana naTenzi vavo
Surah As-Sajda, Verse 10
۞قُلۡ يَتَوَفَّىٰكُم مَّلَكُ ٱلۡمَوۡتِ ٱلَّذِي وُكِّلَ بِكُمۡ ثُمَّ إِلَىٰ رَبِّكُمۡ تُرۡجَعُونَ
Taura kuti: “Iyo ngirozi yerufu yamakatarirwa ichave inotora upenyu hwenyu. Uye muchave munounzwa pamberi paTenzi venyu.”
Surah As-Sajda, Verse 11
وَلَوۡ تَرَىٰٓ إِذِ ٱلۡمُجۡرِمُونَ نَاكِسُواْ رُءُوسِهِمۡ عِندَ رَبِّهِمۡ رَبَّنَآ أَبۡصَرۡنَا وَسَمِعۡنَا فَٱرۡجِعۡنَا نَعۡمَلۡ صَٰلِحًا إِنَّا مُوقِنُونَ
Uye uchaona avo vanoita mabasa akaipa uye vasingatendi muhumwechete hwaAllah vachirembedza misoro yavo pamberi paTenzi vavo vachiti: “Tenzi wedu! Tazviona nekunzwa. Saka titumirei zvekare panyika kuti tive tinoita mabasa akanaka. Zvirokwazvo, tave tinotenda zvizere.”
Surah As-Sajda, Verse 12
وَلَوۡ شِئۡنَا لَأٓتَيۡنَا كُلَّ نَفۡسٍ هُدَىٰهَا وَلَٰكِنۡ حَقَّ ٱلۡقَوۡلُ مِنِّي لَأَمۡلَأَنَّ جَهَنَّمَ مِنَ ٱلۡجِنَّةِ وَٱلنَّاسِ أَجۡمَعِينَ
Uye ingadai taida, taitungamirira munhu wose. Asi shoko rinobva kwandiri rakanyanyo sevenza (kuvaiti vezvakaipa), kuti ndichazadza vanhu namaJinn pamwechete mugomba remoto
Surah As-Sajda, Verse 13
فَذُوقُواْ بِمَا نَسِيتُمۡ لِقَآءَ يَوۡمِكُمۡ هَٰذَآ إِنَّا نَسِينَٰكُمۡۖ وَذُوقُواْ عَذَابَ ٱلۡخُلۡدِ بِمَا كُنتُمۡ تَعۡمَلُونَ
Saka ravirai marwadzo nekuda kwekuti makakanganwa kusangana kwenyu nezuva iri. Chokwadi, nesu tichave tinokukanganwai. Saka ravirai mutongo usingaperi nekuda kwezvamaiita
Surah As-Sajda, Verse 14
إِنَّمَا يُؤۡمِنُ بِـَٔايَٰتِنَا ٱلَّذِينَ إِذَا ذُكِّرُواْ بِهَا خَرُّواْۤ سُجَّدٗاۤ وَسَبَّحُواْ بِحَمۡدِ رَبِّهِمۡ وَهُمۡ لَا يَسۡتَكۡبِرُونَ۩
Avo vanotenda mundima dzedu ndivo chete vanoti vakayeuchidzwa maererano nezvadzo vanogwadama, uye vorumbidza ukuru hwaTenzi vavo, uye havazvitutumadzi
Surah As-Sajda, Verse 15
تَتَجَافَىٰ جُنُوبُهُمۡ عَنِ ٱلۡمَضَاجِعِ يَدۡعُونَ رَبَّهُمۡ خَوۡفٗا وَطَمَعٗا وَمِمَّا رَزَقۡنَٰهُمۡ يُنفِقُونَ
Mativi avo anorasa (anosiya) mibhedha yavo, vokumbira kuna Tenzi vavo vachitya uye nekutarisira, uye vanopa (zvipo munzira yaAllah) kubva pane zvatakavapa
Surah As-Sajda, Verse 16
فَلَا تَعۡلَمُ نَفۡسٞ مَّآ أُخۡفِيَ لَهُم مِّن قُرَّةِ أَعۡيُنٖ جَزَآءَۢ بِمَا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ
Hapana kana munhu anoziva zvakavanzika zvinofadza semubairo wezvavaiita
Surah As-Sajda, Verse 17
أَفَمَن كَانَ مُؤۡمِنٗا كَمَن كَانَ فَاسِقٗاۚ لَّا يَسۡتَوُۥنَ
Vanofanana here uyo anotenda neuyo asingatendi (asingateereri Allah)? Aiwa havana kufanana
Surah As-Sajda, Verse 18
أَمَّا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّـٰلِحَٰتِ فَلَهُمۡ جَنَّـٰتُ ٱلۡمَأۡوَىٰ نُزُلَۢا بِمَا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ
Kune avo vanotenda (muhumwechete hwaAllah) uye voita mabasa akanaka, vachawana mapindu eParadhiso ekugara vachifara (vachibatwa zvakanaka) nekuda kwezvavaiita
Surah As-Sajda, Verse 19
وَأَمَّا ٱلَّذِينَ فَسَقُواْ فَمَأۡوَىٰهُمُ ٱلنَّارُۖ كُلَّمَآ أَرَادُوٓاْ أَن يَخۡرُجُواْ مِنۡهَآ أُعِيدُواْ فِيهَا وَقِيلَ لَهُمۡ ذُوقُواْ عَذَابَ ٱلنَّارِ ٱلَّذِي كُنتُم بِهِۦ تُكَذِّبُونَ
Asi avo vanoramba kutenda uye nekuteerera Allah, vachange vari kumoto. Nguva dzose vanenge vachishuvira kubudamo, vachange vachidzorerwamo. Zvichange zvinotaurwa kwavari kuti: “Ravirai marwadzo emoto uyu wamairamba.”
Surah As-Sajda, Verse 20
وَلَنُذِيقَنَّهُم مِّنَ ٱلۡعَذَابِ ٱلۡأَدۡنَىٰ دُونَ ٱلۡعَذَابِ ٱلۡأَكۡبَرِ لَعَلَّهُمۡ يَرۡجِعُونَ
Uye zvirokwazvo, tichavaiita kuti varavire mutongo wepadyo (paupenyu hwepano pasi sekurasikirwa neupfumi) pamberi pemutongo mukuru (hwemangwana), kuti vave vanodzoka (kuIslaam)
Surah As-Sajda, Verse 21
وَمَنۡ أَظۡلَمُ مِمَّن ذُكِّرَ بِـَٔايَٰتِ رَبِّهِۦ ثُمَّ أَعۡرَضَ عَنۡهَآۚ إِنَّا مِنَ ٱلۡمُجۡرِمِينَ مُنتَقِمُونَ
Uye ndeupi anonyanya kukanganisa kupinda uyo anoyeuchidzwa pamusoro pezvendima dzaTenzi vake obva adzitendeukira? Zvirokwazvo, vatadzi tichavarwadzisa (tichavaranga)
Surah As-Sajda, Verse 22
وَلَقَدۡ ءَاتَيۡنَا مُوسَى ٱلۡكِتَٰبَ فَلَا تَكُن فِي مِرۡيَةٖ مِّن لِّقَآئِهِۦۖ وَجَعَلۡنَٰهُ هُدٗى لِّبَنِيٓ إِسۡرَـٰٓءِيلَ
Uye muzvirokwazvo takave tinopa Musa, Gwaro (Torah). Saka usave nekusagutsikana nekuzosangana naye (paMi’raaj (Rwendo rwekudenga rwaMuhammad (SAW)). Zvekare takariita (Gwaro reTorah) nhungamiriri yevana veIziraeri
Surah As-Sajda, Verse 23
وَجَعَلۡنَا مِنۡهُمۡ أَئِمَّةٗ يَهۡدُونَ بِأَمۡرِنَا لَمَّا صَبَرُواْۖ وَكَانُواْ بِـَٔايَٰتِنَا يُوقِنُونَ
Uye takave tinosarudza kubva kuvana veIziraeri vatungamiriri, kuti vape nhungamiro pasi pemirawo yedu apo pavaive vachitsungirira, uye muzvirokwazvo vachitenda mundima dzedu
Surah As-Sajda, Verse 24
إِنَّ رَبَّكَ هُوَ يَفۡصِلُ بَيۡنَهُمۡ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِ فِيمَا كَانُواْ فِيهِ يَخۡتَلِفُونَ
Zvirokwazvo, Tenzi vako vachatonga pakati pavo pazuva rekumutswa maererano neizvo zvavaipokana
Surah As-Sajda, Verse 25
أَوَلَمۡ يَهۡدِ لَهُمۡ كَمۡ أَهۡلَكۡنَا مِن قَبۡلِهِم مِّنَ ٱلۡقُرُونِ يَمۡشُونَ فِي مَسَٰكِنِهِمۡۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَٰتٍۚ أَفَلَا يَسۡمَعُونَ
Haisi nhungamiro yavo here kuti zvikwata zvingani zvatakaparadza mushure mavo izvo munzvimbo yavo ndivo mavanofambira? Zvirokwazvo, mazviri mune zviratidzo. Ko havanzwewo here
Surah As-Sajda, Verse 26
أَوَلَمۡ يَرَوۡاْ أَنَّا نَسُوقُ ٱلۡمَآءَ إِلَى ٱلۡأَرۡضِ ٱلۡجُرُزِ فَنُخۡرِجُ بِهِۦ زَرۡعٗا تَأۡكُلُ مِنۡهُ أَنۡعَٰمُهُمۡ وَأَنفُسُهُمۡۚ أَفَلَا يُبۡصِرُونَ
Havaone here kaendesero katinoita mvura kunzvimbo yakaoma, uye tobuditsa nayo zvirimwa kuti zvizova kudya kwemhuka dzavo uye naivo? Havaone here
Surah As-Sajda, Verse 27
وَيَقُولُونَ مَتَىٰ هَٰذَا ٱلۡفَتۡحُ إِن كُنتُمۡ صَٰدِقِينَ
Vanoti: “Ko iro zuva rekutongwa riripo rinhi kana muchitaura chokwadi?”
Surah As-Sajda, Verse 28
قُلۡ يَوۡمَ ٱلۡفَتۡحِ لَا يَنفَعُ ٱلَّذِينَ كَفَرُوٓاْ إِيمَٰنُهُمۡ وَلَا هُمۡ يُنظَرُونَ
Vataurire kuti: “Pazuva rekutongwa, kutenda kwavo (pazuva iroro) avo vasingatendi hakumbovabatsiri! Uye havasi kuzombopiwa kana nguva (yekukumbira ruregerero).”
Surah As-Sajda, Verse 29
فَأَعۡرِضۡ عَنۡهُمۡ وَٱنتَظِرۡ إِنَّهُم مُّنتَظِرُونَ
Naizvozvo iva unovafuratira (iwe Muhammad (SAW)) wova unomirira. Zvirokwazvo, vakamirirawo (zvekare)
Surah As-Sajda, Verse 30