Surah Luqman - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
الٓمٓ
Alif – Laam – Meem. (Mavara aya ndemamwe ezviratidzo zvaAllah zviri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kusara kwaAllah)
Surah Luqman, Verse 1
تِلۡكَ ءَايَٰتُ ٱلۡكِتَٰبِ ٱلۡحَكِيمِ
Idzi ndidzo ndima dzegwaro rehungwaru (Qu’aan)
Surah Luqman, Verse 2
هُدٗى وَرَحۡمَةٗ لِّلۡمُحۡسِنِينَ
Nhungamiriri netsitsi kuvanhu vanoita mabasa akanaka
Surah Luqman, Verse 3
ٱلَّذِينَ يُقِيمُونَ ٱلصَّلَوٰةَ وَيُؤۡتُونَ ٱلزَّكَوٰةَ وَهُم بِٱلۡأٓخِرَةِ هُمۡ يُوقِنُونَ
Avo vanoita Swalaah (Munamato) uye vachipa Zakaah (Zvipo kuvarombo) pamwe nekutenda muzvirokwazvo muupenyu hwamangwana
Surah Luqman, Verse 4
أُوْلَـٰٓئِكَ عَلَىٰ هُدٗى مِّن رَّبِّهِمۡۖ وَأُوْلَـٰٓئِكَ هُمُ ٱلۡمُفۡلِحُونَ
Avo vari mugwara raTenzi vavo, uye ndivo vakabudirira
Surah Luqman, Verse 5
وَمِنَ ٱلنَّاسِ مَن يَشۡتَرِي لَهۡوَ ٱلۡحَدِيثِ لِيُضِلَّ عَن سَبِيلِ ٱللَّهِ بِغَيۡرِ عِلۡمٖ وَيَتَّخِذَهَا هُزُوًاۚ أُوْلَـٰٓئِكَ لَهُمۡ عَذَابٞ مُّهِينٞ
Uye kubva muvanhu pane uyo anozvitsvagira mitauro isina kana nematuro (Kuimba, nziyo, nezvimwe zvakadaro) kuti atsaudzire vanhu kubva munzira yaAllah asina kana neruzivo, uye anotsvinyira (nzira yaAllah kana ndima dzemuQur’aan). Avo kwavari kuchave nemutongo unonyadzisa (mugomba remoto)
Surah Luqman, Verse 6
وَإِذَا تُتۡلَىٰ عَلَيۡهِ ءَايَٰتُنَا وَلَّىٰ مُسۡتَكۡبِرٗا كَأَن لَّمۡ يَسۡمَعۡهَا كَأَنَّ فِيٓ أُذُنَيۡهِ وَقۡرٗاۖ فَبَشِّرۡهُ بِعَذَابٍ أَلِيمٍ
Uye kana ndima (dzeQur’aan) dzikave dzinoverengwa kwaari, anodzitendeukira nekudzifuratira mukuzvikudza nekuzvitutumadza, sekunge asingambodzinzwe, sekunge asinganzwi nenzeve. Saka mutaurire maererano nezvemarwadzo akaoma
Surah Luqman, Verse 7
إِنَّ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّـٰلِحَٰتِ لَهُمۡ جَنَّـٰتُ ٱلنَّعِيمِ
Zvirokwazvo, avo vanotenda (muIslaam) uye nekuita mabasa akarurama, vachawana mapindu eraramo inoyevedza (Paradhiso)
Surah Luqman, Verse 8
خَٰلِدِينَ فِيهَاۖ وَعۡدَ ٱللَّهِ حَقّٗاۚ وَهُوَ ٱلۡعَزِيزُ ٱلۡحَكِيمُ
Kuti vagare maari. Uye vimbiso yaAllah ndeyechowadi. Uye ndivo samasimba, vane ungwaru hwose
Surah Luqman, Verse 9
خَلَقَ ٱلسَّمَٰوَٰتِ بِغَيۡرِ عَمَدٖ تَرَوۡنَهَاۖ وَأَلۡقَىٰ فِي ٱلۡأَرۡضِ رَوَٰسِيَ أَن تَمِيدَ بِكُمۡ وَبَثَّ فِيهَا مِن كُلِّ دَآبَّةٖۚ وَأَنزَلۡنَا مِنَ ٱلسَّمَآءِ مَآءٗ فَأَنۢبَتۡنَا فِيهَا مِن كُلِّ زَوۡجٖ كَرِيمٍ
Vakave vanosika matenga pasina kana mitsigo yamunoona, uye vakave vanodzikinura makomo kuitira kuti pasi rino risandengendeke nemi. Uye vakave vanoparadzira mariri mhuka dzakasiya siyana dzinofamba. Uye tikave tinotumira mvura (yekunaya) kubva mumatenga, uye tikaita kuti (zvirimwa) zvakasiyana-siyana zvikure mariri
Surah Luqman, Verse 10
هَٰذَا خَلۡقُ ٱللَّهِ فَأَرُونِي مَاذَا خَلَقَ ٱلَّذِينَ مِن دُونِهِۦۚ بَلِ ٱلظَّـٰلِمُونَ فِي ضَلَٰلٖ مُّبِينٖ
Izvi ndizvo zvisikwa zvaAllah. Saka nditaridzei izvo zvakasikwa (nevamunoti vanamwari) vasiri ivo. Asi avo vasingatendi vakarasika zviri pachena
Surah Luqman, Verse 11
وَلَقَدۡ ءَاتَيۡنَا لُقۡمَٰنَ ٱلۡحِكۡمَةَ أَنِ ٱشۡكُرۡ لِلَّهِۚ وَمَن يَشۡكُرۡ فَإِنَّمَا يَشۡكُرُ لِنَفۡسِهِۦۖ وَمَن كَفَرَ فَإِنَّ ٱللَّهَ غَنِيٌّ حَمِيدٞ
Uye takave tinopa Luqmaan uchenjeri (nenzwisiso yechitendero) tichiti: “Ipa kutenda kuna Allah.” Uye uyo anopa kutenda kuna Allah, anopa kutenda (kunomubatsira) pachezvake. Uye uyo asingatendi kuna Allah, aiwa, zvirokwazvo Allah vakapfuma, vanerukudzo rwose
Surah Luqman, Verse 12
وَإِذۡ قَالَ لُقۡمَٰنُ لِٱبۡنِهِۦ وَهُوَ يَعِظُهُۥ يَٰبُنَيَّ لَا تُشۡرِكۡ بِٱللَّهِۖ إِنَّ ٱلشِّرۡكَ لَظُلۡمٌ عَظِيمٞ
Uye (rangarirai) apo Luqmaan achiraira mwanakoma wake akati: “Iwe mwanakomana wangu! Usave unosanganisa zvimwe zvinamatwa naAllah, nekuti muzvirokwazvo Shirk (Kusanganisa nezvimwe zvinamatwa) chinhu chakaipa zvikuru.”
Surah Luqman, Verse 13
وَوَصَّيۡنَا ٱلۡإِنسَٰنَ بِوَٰلِدَيۡهِ حَمَلَتۡهُ أُمُّهُۥ وَهۡنًا عَلَىٰ وَهۡنٖ وَفِصَٰلُهُۥ فِي عَامَيۡنِ أَنِ ٱشۡكُرۡ لِي وَلِوَٰلِدَيۡكَ إِلَيَّ ٱلۡمَصِيرُ
Uye takave tinokomekedza kumunhu kuti (ave nerukudzo) kuvabereki vake. Amai vake vakave nekumutakura muurwere nemumatambudziko pamusoro peurwere nematambudziko, uye kumuyamwisa (nekubvisa pazamu) kwemakore maviri. Nokudaro ipai kutenda kwandiri nekuvabereki venyu. Kwandiri ndiko chete kune magumo
Surah Luqman, Verse 14
وَإِن جَٰهَدَاكَ عَلَىٰٓ أَن تُشۡرِكَ بِي مَا لَيۡسَ لَكَ بِهِۦ عِلۡمٞ فَلَا تُطِعۡهُمَاۖ وَصَاحِبۡهُمَا فِي ٱلدُّنۡيَا مَعۡرُوفٗاۖ وَٱتَّبِعۡ سَبِيلَ مَنۡ أَنَابَ إِلَيَّۚ ثُمَّ إِلَيَّ مَرۡجِعُكُمۡ فَأُنَبِّئُكُم بِمَا كُنتُمۡ تَعۡمَلُونَ
Asi vakakumanikidza kusanganisa zvimwe zvinamatwa neni izvo usina ruzivo nazvo, saka usave unovatevedzera; asi gara navo mune zvakanaka panyika, zvekare wotevedzera nzira yeuyo anokumbira ruregerero rwangu murukudzo. Uye kwandiri muchadzoka, ndove ndinokuudzai izvo zvamaiita
Surah Luqman, Verse 15
يَٰبُنَيَّ إِنَّهَآ إِن تَكُ مِثۡقَالَ حَبَّةٖ مِّنۡ خَرۡدَلٖ فَتَكُن فِي صَخۡرَةٍ أَوۡ فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ أَوۡ فِي ٱلۡأَرۡضِ يَأۡتِ بِهَا ٱللَّهُۚ إِنَّ ٱللَّهَ لَطِيفٌ خَبِيرٞ
“Iwe mwanakomana wangu! Kana paine (chimwe chinhu) chakaenzana neshanga remhodzi muuremu, uye kunyangwe riri mudombo, mumatenga kana pasi, Allah vachariburitsa pachena. Zvirokwazvo, Allah vanokwanisa (kuburitsa), uye vanoziva zvose.”
Surah Luqman, Verse 16
يَٰبُنَيَّ أَقِمِ ٱلصَّلَوٰةَ وَأۡمُرۡ بِٱلۡمَعۡرُوفِ وَٱنۡهَ عَنِ ٱلۡمُنكَرِ وَٱصۡبِرۡ عَلَىٰ مَآ أَصَابَكَۖ إِنَّ ذَٰلِكَ مِنۡ عَزۡمِ ٱلۡأُمُورِ
“Iwe mwanakomana wangu! Ita Swalaah (Namata), uye wokurudzira vamwe kuita mabasa akanaka, uye wodzivisa (vanhu) kuita zvisakarurama, zvekare wotsungirira pane zvose zvichakuwana. Zvirokwazvo, iyi ndeimwe yemitemo yakakosha (yakakomekedzwa naAllah).”
Surah Luqman, Verse 17
وَلَا تُصَعِّرۡ خَدَّكَ لِلنَّاسِ وَلَا تَمۡشِ فِي ٱلۡأَرۡضِ مَرَحًاۖ إِنَّ ٱللَّهَ لَا يُحِبُّ كُلَّ مُخۡتَالٖ فَخُورٖ
“Uye usave unotendeukira vanhu mukuzvikudza, kana kufamba uchizvidhonza (uchizvitutumadza) panyika. Zvirokwazvo, Allah havade munhu anozvikudza nekuzvitutumadza.”
Surah Luqman, Verse 18
وَٱقۡصِدۡ فِي مَشۡيِكَ وَٱغۡضُضۡ مِن صَوۡتِكَۚ إِنَّ أَنكَرَ ٱلۡأَصۡوَٰتِ لَصَوۡتُ ٱلۡحَمِيرِ
“Uye famba zvinemutsigo, zvekare dzikisa izwi rako (pakutaura). Zvirokwazvo, izwi rakazhandukira pamazwi ose kuchema kwembongoro.”
Surah Luqman, Verse 19
أَلَمۡ تَرَوۡاْ أَنَّ ٱللَّهَ سَخَّرَ لَكُم مَّا فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَمَا فِي ٱلۡأَرۡضِ وَأَسۡبَغَ عَلَيۡكُمۡ نِعَمَهُۥ ظَٰهِرَةٗ وَبَاطِنَةٗۗ وَمِنَ ٱلنَّاسِ مَن يُجَٰدِلُ فِي ٱللَّهِ بِغَيۡرِ عِلۡمٖ وَلَا هُدٗى وَلَا كِتَٰبٖ مُّنِيرٖ
Hamuone here kuti Allah vakaita kuti zviri mumatenga nepanyika zvive pasi penyu, uye vakazadzisa uye vakakupai ropafadzo dzavo (dzose) dzinoonekwa (Islaam, Upfumi, Utano nezwimwe zvakadaro) nedzisingaonekwi (Kutenda kuna Allah, Ungwaru, Ruzivo nezvimwe zvakadaro) (kuti mudzishandise)? Asi kubva muvanhu mune avo vanopokana pamusoro paAllah vasina ruzivo, kana nhungamiro, kana gwaro zvaro rinopa chaedza
Surah Luqman, Verse 20
وَإِذَا قِيلَ لَهُمُ ٱتَّبِعُواْ مَآ أَنزَلَ ٱللَّهُ قَالُواْ بَلۡ نَتَّبِعُ مَا وَجَدۡنَا عَلَيۡهِ ءَابَآءَنَآۚ أَوَلَوۡ كَانَ ٱلشَّيۡطَٰنُ يَدۡعُوهُمۡ إِلَىٰ عَذَابِ ٱلسَّعِيرِ
Uye kana zvikataurwa kwavari kuti: “Teverai izvo zvakadzikiswa naAllah”, vanobva vati: “Aiwa! Tinotevedzera izvo takawana madzitateguru edu (achitevedzera).” (Vachaiita kudaro) kunyangwe zvazvo (Satani) achivadavidza kumarwado emoto
Surah Luqman, Verse 21
۞وَمَن يُسۡلِمۡ وَجۡهَهُۥٓ إِلَى ٱللَّهِ وَهُوَ مُحۡسِنٞ فَقَدِ ٱسۡتَمۡسَكَ بِٱلۡعُرۡوَةِ ٱلۡوُثۡقَىٰۗ وَإِلَى ٱللَّهِ عَٰقِبَةُ ٱلۡأُمُورِ
Uye uyo munhu anenge azvipira kuna Allah, achiita mabasa akarurama, anenge atobatirira chimubato chakavimbika (Laa ilaaha illallaah (Hakuna chimwe chinhu chine kodzero yekunamatwa kusara kwaAllah)). Uye kuna Allah ndiko kunodzokera mhereredzo yose
Surah Luqman, Verse 22
وَمَن كَفَرَ فَلَا يَحۡزُنكَ كُفۡرُهُۥٓۚ إِلَيۡنَا مَرۡجِعُهُمۡ فَنُنَبِّئُهُم بِمَا عَمِلُوٓاْۚ إِنَّ ٱللَّهَ عَلِيمُۢ بِذَاتِ ٱلصُّدُورِ
Uye uyo anenge asingatendi, kusatenda kwake kusakushungurudze (Muhammad (SAW)). Kwatiri ndokwavachadzokera, uye tovataurira maererano neizvo zvavaiita. Zvirokwazvo, Allah vanoziva zvikuru zviri muhana
Surah Luqman, Verse 23
نُمَتِّعُهُمۡ قَلِيلٗا ثُمَّ نَضۡطَرُّهُمۡ إِلَىٰ عَذَابٍ غَلِيظٖ
Tinovasiya kuti vafare zvishoma, uye mumagumo avo tichavasungira kuti vapinde mumurango mukuru
Surah Luqman, Verse 24
وَلَئِن سَأَلۡتَهُم مَّنۡ خَلَقَ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ لَيَقُولُنَّ ٱللَّهُۚ قُلِ ٱلۡحَمۡدُ لِلَّهِۚ بَلۡ أَكۡثَرُهُمۡ لَا يَعۡلَمُونَ
Uye kana iwe (Muhammad (SAW)) ukavabvunza: “Ndiyani akasika matenga nenyika,” zvirokwazvo vachakupindura kuti: “Allah.” Taura: “Kurumbidzwa kwose nekutendwa ngazvive kuna Allah!” Asi vazhinji vavo havazvizivi
Surah Luqman, Verse 25
لِلَّهِ مَا فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۚ إِنَّ ٱللَّهَ هُوَ ٱلۡغَنِيُّ ٱلۡحَمِيدُ
Allah ndivo muridzi wezvose zviri mumatenga uye nepasi. Zvirokwazvo, Allah, ndivo mupfumi, vane kodzero yekurumbidzwa
Surah Luqman, Verse 26
وَلَوۡ أَنَّمَا فِي ٱلۡأَرۡضِ مِن شَجَرَةٍ أَقۡلَٰمٞ وَٱلۡبَحۡرُ يَمُدُّهُۥ مِنۢ بَعۡدِهِۦ سَبۡعَةُ أَبۡحُرٖ مَّا نَفِدَتۡ كَلِمَٰتُ ٱللَّهِۚ إِنَّ ٱللَّهَ عَزِيزٌ حَكِيمٞ
Uye dai miti yose iri panyika yaiva zvinyoreso, uye gungwa (riri ingi yekunyoresa), kusanganisira makungwa manomwe ari mumashure achidira mariri, asi mashoko aAllah haapfuudzike. Zvirokwazvo, Allah ndivo samasimba, uye vane ungwaru hwose
Surah Luqman, Verse 27
مَّا خَلۡقُكُمۡ وَلَا بَعۡثُكُمۡ إِلَّا كَنَفۡسٖ وَٰحِدَةٍۚ إِنَّ ٱللَّهَ سَمِيعُۢ بَصِيرٌ
Kusikwa kwenyu uye nekumutswa kwenyu mose kwakangofanana nekusika munhu mumwe chete nekumumutsa. Zvirokwazvo, Allah ndivo munzwi wezvose, muoni wezvose
Surah Luqman, Verse 28
أَلَمۡ تَرَ أَنَّ ٱللَّهَ يُولِجُ ٱلَّيۡلَ فِي ٱلنَّهَارِ وَيُولِجُ ٱلنَّهَارَ فِي ٱلَّيۡلِ وَسَخَّرَ ٱلشَّمۡسَ وَٱلۡقَمَرَۖ كُلّٞ يَجۡرِيٓ إِلَىٰٓ أَجَلٖ مُّسَمّٗى وَأَنَّ ٱللَّهَ بِمَا تَعۡمَلُونَ خَبِيرٞ
Hauoni here (Muhammad (SAW)) kuti Allah ndivo vanoita kuti usiku upinde muzuva, uye zuva ripinde muusiku, uye vakasika zuva nemwedzi, chimwe nechimwe chichifamba nenguva yakatarwa; uye kuti Allah vanoziva zvose zvamunoita
Surah Luqman, Verse 29
ذَٰلِكَ بِأَنَّ ٱللَّهَ هُوَ ٱلۡحَقُّ وَأَنَّ مَا يَدۡعُونَ مِن دُونِهِ ٱلۡبَٰطِلُ وَأَنَّ ٱللَّهَ هُوَ ٱلۡعَلِيُّ ٱلۡكَبِيرُ
Nemhaka yekuti Allah ndivo vechokwadi, uye zvimwe zvose zvavanosheedza kusiya kwaivo, chokwadi, manyepo; uye kuti Allah ndivo vari pamusoro, ndivo mukuru
Surah Luqman, Verse 30
أَلَمۡ تَرَ أَنَّ ٱلۡفُلۡكَ تَجۡرِي فِي ٱلۡبَحۡرِ بِنِعۡمَتِ ٱللَّهِ لِيُرِيَكُم مِّنۡ ءَايَٰتِهِۦٓۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَٰتٖ لِّكُلِّ صَبَّارٖ شَكُورٖ
Hauoni here kuti ngarava dzinofamba mumakungwa nekuda kwetsitsi dzaAllah kuti vave vanokutaridzai micherechedzo yavo? Zvirokwazvo, mazviri mune micherechedzo kune uyo anotsungirira achipa kutenda
Surah Luqman, Verse 31
وَإِذَا غَشِيَهُم مَّوۡجٞ كَٱلظُّلَلِ دَعَوُاْ ٱللَّهَ مُخۡلِصِينَ لَهُ ٱلدِّينَ فَلَمَّا نَجَّىٰهُمۡ إِلَى ٱلۡبَرِّ فَمِنۡهُم مُّقۡتَصِدٞۚ وَمَا يَجۡحَدُ بِـَٔايَٰتِنَآ إِلَّا كُلُّ خَتَّارٖ كَفُورٖ
Uye kana vakakomberedzwa nemasai-sai kunge mumvuri, vanokumbira kuna Allah, vachikumbira kwavari ivo chete. Asi kana vaunzwa panyika yakanaka, mavari mune avo vanomira pakati (pekutenda nekusatenda). Asi hapana anoramba micherechedzo yedu kusara kweuyo asina moyo wekutenda
Surah Luqman, Verse 32
يَـٰٓأَيُّهَا ٱلنَّاسُ ٱتَّقُواْ رَبَّكُمۡ وَٱخۡشَوۡاْ يَوۡمٗا لَّا يَجۡزِي وَالِدٌ عَن وَلَدِهِۦ وَلَا مَوۡلُودٌ هُوَ جَازٍ عَن وَالِدِهِۦ شَيۡـًٔاۚ إِنَّ وَعۡدَ ٱللَّهِ حَقّٞۖ فَلَا تَغُرَّنَّكُمُ ٱلۡحَيَوٰةُ ٱلدُّنۡيَا وَلَا يَغُرَّنَّكُم بِٱللَّهِ ٱلۡغَرُورُ
Imi vanhu! Ityai Allah Tenzi venyu, uye ityai iro zuva apo baba vanenge vasingakwanise kubatsira mwanakomana wavo, kana mwanakomana kubatsira baba vake. Zvirokwazvo, vimbiso yaAllah ndeyechokwadi. Musave munonyengedzwa nehupenyu hwanhasi, kana mambo wevanyengedzi (Satani) ave anokunyengedzai pamusoro paAllah
Surah Luqman, Verse 33
إِنَّ ٱللَّهَ عِندَهُۥ عِلۡمُ ٱلسَّاعَةِ وَيُنَزِّلُ ٱلۡغَيۡثَ وَيَعۡلَمُ مَا فِي ٱلۡأَرۡحَامِۖ وَمَا تَدۡرِي نَفۡسٞ مَّاذَا تَكۡسِبُ غَدٗاۖ وَمَا تَدۡرِي نَفۡسُۢ بِأَيِّ أَرۡضٖ تَمُوتُۚ إِنَّ ٱللَّهَ عَلِيمٌ خَبِيرُۢ
Zvirokwazvo, Allah vega ndivo vane ruzivo rwenguva. Vanotumidza mvura, uye vanoziva zviri mumimba (dzana amai). Uye hapana anoziva zvaachawana mangwana, uye hapana anoziva uko kwaachafira. Zvirokwazvo, Allah ndivo vanoziva zvizere (zvinhu zvose)
Surah Luqman, Verse 34