Surah Ar-Room - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
الٓمٓ
Alif – Laam – Meem. (Mavara aya ndemamwe ezviratidzo zvaAllah, uye hapana kana ani anoziva zvaanoreva kusara kwavo)
Surah Ar-Room, Verse 1
غُلِبَتِ ٱلرُّومُ
MaRoma akurirwa
Surah Ar-Room, Verse 2
فِيٓ أَدۡنَى ٱلۡأَرۡضِ وَهُم مِّنۢ بَعۡدِ غَلَبِهِمۡ سَيَغۡلِبُونَ
Munzvimbo yepadyo (Syria, Iraq, Jordan, nePalestine), uye mushure mekukurirwa vachazokunda
Surah Ar-Room, Verse 3
فِي بِضۡعِ سِنِينَۗ لِلَّهِ ٱلۡأَمۡرُ مِن قَبۡلُ وَمِنۢ بَعۡدُۚ وَيَوۡمَئِذٖ يَفۡرَحُ ٱلۡمُؤۡمِنُونَ
Mumakore matatu kusvika mapfumbamwe. Urongwa hwezvichazoitika nezvakaitika hunongove chete naAllah. Uye pazuva iroro vatendi (maMuslim) vachafara (nekukunda kwemaRoma achikunda Persia)
Surah Ar-Room, Verse 4
بِنَصۡرِ ٱللَّهِۚ يَنصُرُ مَن يَشَآءُۖ وَهُوَ ٱلۡعَزِيزُ ٱلرَّحِيمُ
Kuburikidza nerubatsiro rwaAllah. Vanobatsira uyo wavanoda, uye ndivo samasimba, vane ngoni zhinji
Surah Ar-Room, Verse 5
وَعۡدَ ٱللَّهِۖ لَا يُخۡلِفُ ٱللَّهُ وَعۡدَهُۥ وَلَٰكِنَّ أَكۡثَرَ ٱلنَّاسِ لَا يَعۡلَمُونَ
Ivimbiso yaAllah (kuti vachaita maRoma akunde), uye Allah havatadze kubudirira pavimbiso yavo, asi vanhu vazhinji havazvizive
Surah Ar-Room, Verse 6
يَعۡلَمُونَ ظَٰهِرٗا مِّنَ ٱلۡحَيَوٰةِ ٱلدُّنۡيَا وَهُمۡ عَنِ ٱلۡأٓخِرَةِ هُمۡ غَٰفِلُونَ
Vanongoziva chete zviri pachena zveupenyu hwepasi rino (kutsvaga raramo, kurima, kukohwa, nezvimwe zvakadaro). Uye zveupenyu hwemangwana vakatorivara
Surah Ar-Room, Verse 7
أَوَلَمۡ يَتَفَكَّرُواْ فِيٓ أَنفُسِهِمۗ مَّا خَلَقَ ٱللَّهُ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ وَمَا بَيۡنَهُمَآ إِلَّا بِٱلۡحَقِّ وَأَجَلٖ مُّسَمّٗىۗ وَإِنَّ كَثِيرٗا مِّنَ ٱلنَّاسِ بِلِقَآيِٕ رَبِّهِمۡ لَكَٰفِرُونَ
Vanombofungawo maererano ivo pachavo (nezvekusikwa kwavo here pasina kana chii zvacho, nekuti Allah vachazovamutsa)? Allah havana kusika matenga nenyika uye zviri mazviri kusara nechokwadi uye kwenguva yakatarwa. Asi zvirokwazvo vanhu vazhinji vanoramba kuti vachave vanosangana naTenzi vavo
Surah Ar-Room, Verse 8
أَوَلَمۡ يَسِيرُواْ فِي ٱلۡأَرۡضِ فَيَنظُرُواْ كَيۡفَ كَانَ عَٰقِبَةُ ٱلَّذِينَ مِن قَبۡلِهِمۡۚ كَانُوٓاْ أَشَدَّ مِنۡهُمۡ قُوَّةٗ وَأَثَارُواْ ٱلۡأَرۡضَ وَعَمَرُوهَآ أَكۡثَرَ مِمَّا عَمَرُوهَا وَجَآءَتۡهُمۡ رُسُلُهُم بِٱلۡبَيِّنَٰتِۖ فَمَا كَانَ ٱللَّهُ لِيَظۡلِمَهُمۡ وَلَٰكِن كَانُوٓاْ أَنفُسَهُمۡ يَظۡلِمُونَ
Havambofamba here munyika vachionawo mhedzisiro yeavo vaivepo mumashure mavo? Vakange vaine masimba mazhinji kuvadarika ivo, uye vairima panyika, uye vakaigara vakawandisa zvokutopfuura izvo zvavari (ava vasingatendi). Uye kwavari kwakauya vatumwa vavo nehumboo hutsvene. Zvirokwazvo, Allah havana kuvadzvanyirira, asi ivo ndivo vega vaizvidzvanyirira
Surah Ar-Room, Verse 9
ثُمَّ كَانَ عَٰقِبَةَ ٱلَّذِينَ أَسَـٰٓـُٔواْ ٱلسُّوٓأَىٰٓ أَن كَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِ ٱللَّهِ وَكَانُواْ بِهَا يَسۡتَهۡزِءُونَ
Huipi hwaive mhedzisiro yeavo vaiita mabasa akashata, nekuda kwekuti vakaramba ndima dzaAllah (humboo, zviratidzo nevatumwa) uye vaidzitsvinyira nekudzishora
Surah Ar-Room, Verse 10
ٱللَّهُ يَبۡدَؤُاْ ٱلۡخَلۡقَ ثُمَّ يُعِيدُهُۥ ثُمَّ إِلَيۡهِ تُرۡجَعُونَ
Allah (voga) ndivo vakatanga kusika zvisikwa, uye vachazvidzokorora, uye kwavari ndiko kwamuchadzorerwa
Surah Ar-Room, Verse 11
وَيَوۡمَ تَقُومُ ٱلسَّاعَةُ يُبۡلِسُ ٱلۡمُجۡرِمُونَ
Uye pazuva iro nguva ichasvika, avo vanoita mabasa akashata (vasingatendi nevatadzi) vachaparadzwa nekusurukirwa
Surah Ar-Room, Verse 12
وَلَمۡ يَكُن لَّهُم مِّن شُرَكَآئِهِمۡ شُفَعَـٰٓؤُاْ وَكَانُواْ بِشُرَكَآئِهِمۡ كَٰفِرِينَ
Panenge pasina kana mumiririri kubva pane avo vavaisanganisa naAllah pakunamata. Uye vavaisanganisa naAllah vacharamba shamwari dzavo (kutenda kwavo mavari)
Surah Ar-Room, Verse 13
وَيَوۡمَ تَقُومُ ٱلسَّاعَةُ يَوۡمَئِذٖ يَتَفَرَّقُونَ
Pazuva iro nguva ichasvika (yekutongwa), pazuva iroro vanhu vachasiyana pamwe nekupatsanurana (Vatendi kwavo uye vasingatendi kwavo)
Surah Ar-Room, Verse 14
فَأَمَّا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّـٰلِحَٰتِ فَهُمۡ فِي رَوۡضَةٖ يُحۡبَرُونَ
Avo vakatenda (muhumwe hwaAllah) zvekare vakaita mabasa akanaka, vachava muhupenyu hwakanaka zvachose uye vari mubindu remufaro (Paradhiso)
Surah Ar-Room, Verse 15
وَأَمَّا ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ وَكَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِنَا وَلِقَآيِٕ ٱلۡأٓخِرَةِ فَأُوْلَـٰٓئِكَ فِي ٱلۡعَذَابِ مُحۡضَرُونَ
Uye avo vaisatenda, uye vakaramba zviratidzo zvedu, uye kusangana kwehupenyu hwemangana, vachakandwa mumarwadzo emumoto (wemuGehena)
Surah Ar-Room, Verse 16
فَسُبۡحَٰنَ ٱللَّهِ حِينَ تُمۡسُونَ وَحِينَ تُصۡبِحُونَ
Naizvozvo kurumbidzwa ngakuve kuna Allah, apo pamunopinda panguva dzemanheru (nekuita minamato yeMaghrib neIsha), nepanguva dzemangwanani (nekuita munamato weFajr)
Surah Ar-Room, Verse 17
وَلَهُ ٱلۡحَمۡدُ فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ وَعَشِيّٗا وَحِينَ تُظۡهِرُونَ
Uye ndivo vane rumbidzo mumatenga nepanyika; uye panguva dzemasikati (nekuita munamato weAsr) nepanguva apo pamunopinda masikati (nekuita munamato weDhuhr). (Ibn Abbaas vakati: “Iyi ndiyo minamato mishanu inokomekedzwa pazuva vanhu vakaungana irikutaurwa muQur’aan).”
Surah Ar-Room, Verse 18
يُخۡرِجُ ٱلۡحَيَّ مِنَ ٱلۡمَيِّتِ وَيُخۡرِجُ ٱلۡمَيِّتَ مِنَ ٱلۡحَيِّ وَيُحۡيِ ٱلۡأَرۡضَ بَعۡدَ مَوۡتِهَاۚ وَكَذَٰلِكَ تُخۡرَجُونَ
Vanoburitsa upenyu kubva kune chakafa, uye voburitsa chakafa kubva kune chipenyu. Uye vanomutsa nyika mushure mekufa kwayo. Uye ndiko kabuditsirwo (kamutsirwo) kamuchazoitwa
Surah Ar-Room, Verse 19
وَمِنۡ ءَايَٰتِهِۦٓ أَنۡ خَلَقَكُم مِّن تُرَابٖ ثُمَّ إِذَآ أَنتُم بَشَرٞ تَنتَشِرُونَ
Uye kubva muzviratidzo zvavo ndezvekuti vakakusikai imi (Adam) kubva muvhu, (uye Hawwa (Evha) kubva mumbabvu yaAdam, uye vana vake kubva mumvura), uye, tarisai, muri vanhu varifararira
Surah Ar-Room, Verse 20
وَمِنۡ ءَايَٰتِهِۦٓ أَنۡ خَلَقَ لَكُم مِّنۡ أَنفُسِكُمۡ أَزۡوَٰجٗا لِّتَسۡكُنُوٓاْ إِلَيۡهَا وَجَعَلَ بَيۡنَكُم مَّوَدَّةٗ وَرَحۡمَةًۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَٰتٖ لِّقَوۡمٖ يَتَفَكَّرُونَ
Uye kubva pazviratidzo zvavo vakave vanokusikirai madzimai kubva mamuri, kuti muwane kugutsikana mavari, uye vakaisa pakati penyu rudo uye tsitsi. Zvirokwazvo, mazviri mune micherechedzo kune avo vanhu vanofunga
Surah Ar-Room, Verse 21
وَمِنۡ ءَايَٰتِهِۦ خَلۡقُ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ وَٱخۡتِلَٰفُ أَلۡسِنَتِكُمۡ وَأَلۡوَٰنِكُمۡۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَٰتٖ لِّلۡعَٰلِمِينَ
Uye kubva pazviratidzo zvavo pane kusikwa kwematenga nenyika, uye musiyano wemitauro yenyu neruvara rwemitumbi yenyu. Zvirokwazvo, mazviri mune zviratidzo kuvanhu vane ruzivo rwakakwana
Surah Ar-Room, Verse 22
وَمِنۡ ءَايَٰتِهِۦ مَنَامُكُم بِٱلَّيۡلِ وَٱلنَّهَارِ وَٱبۡتِغَآؤُكُم مِّن فَضۡلِهِۦٓۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَٰتٖ لِّقَوۡمٖ يَسۡمَعُونَ
Uye kubva pazviratidzo zvavo pane kurara kwamunoita usiku uye panguva dzemasikati, uye nekutsvaga kwenyu zvimwe zvezvipo zvavo. Zvirokwazvo, mazviri mune zviratidzo kune avo vanhu vanoteerera
Surah Ar-Room, Verse 23
وَمِنۡ ءَايَٰتِهِۦ يُرِيكُمُ ٱلۡبَرۡقَ خَوۡفٗا وَطَمَعٗا وَيُنَزِّلُ مِنَ ٱلسَّمَآءِ مَآءٗ فَيُحۡيِۦ بِهِ ٱلۡأَرۡضَ بَعۡدَ مَوۡتِهَآۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَٰتٖ لِّقَوۡمٖ يَعۡقِلُونَ
Uye kubva pazviratidzo zvavo vanokuratidzai mheni kuti mutye uye nekuvimba, uye vanonaisa mvura kubva kumatenga, uye vopeputsa nayo pasirino mushure mekufa kwaro. Zvirokwazvo, mazviri mune micherechedzo kuvanhu vanonzwisisa
Surah Ar-Room, Verse 24
وَمِنۡ ءَايَٰتِهِۦٓ أَن تَقُومَ ٱلسَّمَآءُ وَٱلۡأَرۡضُ بِأَمۡرِهِۦۚ ثُمَّ إِذَا دَعَاكُمۡ دَعۡوَةٗ مِّنَ ٱلۡأَرۡضِ إِذَآ أَنتُمۡ تَخۡرُجُونَ
Uye kubva pamicherechedzo yavo matenga nenyika zvinotevedzera mirairo yavo. Uye mushure mezvo vachakudanai kamwe, naizvozvo muchabuda kubva pasi (kubva mumakuva kuzotongwa)
Surah Ar-Room, Verse 25
وَلَهُۥ مَن فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۖ كُلّٞ لَّهُۥ قَٰنِتُونَ
Ndivo muridzi hwechose chiri mumatenga nepanyika. Uye zvese zvinovateerera
Surah Ar-Room, Verse 26
وَهُوَ ٱلَّذِي يَبۡدَؤُاْ ٱلۡخَلۡقَ ثُمَّ يُعِيدُهُۥ وَهُوَ أَهۡوَنُ عَلَيۡهِۚ وَلَهُ ٱلۡمَثَلُ ٱلۡأَعۡلَىٰ فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۚ وَهُوَ ٱلۡعَزِيزُ ٱلۡحَكِيمُ
Uye ndivo vakasika zvisikwa kwekutanga, uye vachazvisika zvekare (mushure mekuparadzwa kwazvo), uye izvi zviri nyore kwavari. Ndivo vane mucherechedzo hwepamusoro mumatenga nenyika (hapana chimwe chinhu chinofanirwa kunamatwa kusara kwavo, uye hapana chakafanana navo). Uye ndivo samasimba, vane ungwaru hwese
Surah Ar-Room, Verse 27
ضَرَبَ لَكُم مَّثَلٗا مِّنۡ أَنفُسِكُمۡۖ هَل لَّكُم مِّن مَّا مَلَكَتۡ أَيۡمَٰنُكُم مِّن شُرَكَآءَ فِي مَا رَزَقۡنَٰكُمۡ فَأَنتُمۡ فِيهِ سَوَآءٞ تَخَافُونَهُمۡ كَخِيفَتِكُمۡ أَنفُسَكُمۡۚ كَذَٰلِكَ نُفَصِّلُ ٱلۡأٓيَٰتِ لِقَوۡمٖ يَعۡقِلُونَ
Uye vanokupai muenzaniso kubva kwamuri. Mune here vabatsiri kubva pavaranda venyu vekudyidzana navo zvakafanira paupfumi uyo watakakupai, uye vamunotya sokutya kwamunoita vamwe? Kudaro tinotsanangurira zviratidzo zvizere avo vanhu vanonzwisisa
Surah Ar-Room, Verse 28
بَلِ ٱتَّبَعَ ٱلَّذِينَ ظَلَمُوٓاْ أَهۡوَآءَهُم بِغَيۡرِ عِلۡمٖۖ فَمَن يَهۡدِي مَنۡ أَضَلَّ ٱللَّهُۖ وَمَا لَهُم مِّن نَّـٰصِرِينَ
Asi avo vanoita mabasa akaipa vanotevedzera zvido zvavo vasina ruzivo. Ko! Pane here anozokwanisa kutungamirira uyo Allah vanenge vaburitsa mugwara rakanaka? Uye vachange vasina kana vabatsiri
Surah Ar-Room, Verse 29
فَأَقِمۡ وَجۡهَكَ لِلدِّينِ حَنِيفٗاۚ فِطۡرَتَ ٱللَّهِ ٱلَّتِي فَطَرَ ٱلنَّاسَ عَلَيۡهَاۚ لَا تَبۡدِيلَ لِخَلۡقِ ٱللَّهِۚ ذَٰلِكَ ٱلدِّينُ ٱلۡقَيِّمُ وَلَٰكِنَّ أَكۡثَرَ ٱلنَّاسِ لَا يَعۡلَمُونَ
Naizvozvo, taridza (Muhammad (SAW)) chiso chako kuchitendero (cheIslaam) wova Haneef (uyo asinganamati chimwe chinhu kusara kwaAllah). Chitendero chaAllah, icho vakasikira vanhu. Pasave neshanduko pachitendero chaAllah. Ichi ndicho chitendero chakatwasuka, asi vanhu vazhinji havazvizivi
Surah Ar-Room, Verse 30
۞مُنِيبِينَ إِلَيۡهِ وَٱتَّقُوهُ وَأَقِيمُواْ ٱلصَّلَوٰةَ وَلَا تَكُونُواْ مِنَ ٱلۡمُشۡرِكِينَ
Uye (rambai) muchikumbira ruregerero kwavari chete, uye vatyei muchitevedzera zvekare mirairo yavo, uye itai Swalaah (Namatai), uye musava pakati peavo vanonamata zvidhori
Surah Ar-Room, Verse 31
مِنَ ٱلَّذِينَ فَرَّقُواْ دِينَهُمۡ وَكَانُواْ شِيَعٗاۖ كُلُّ حِزۡبِۭ بِمَا لَدَيۡهِمۡ فَرِحُونَ
Kune avo vanosiya chitendero chavo cheIslaam vovamumapoka (vachiunza zvinhu zvitsva (Bid’ah) uye vachitevedzera zvido zvavo), rimwe nerimwe boka richifara nezvarinazvo
Surah Ar-Room, Verse 32
وَإِذَا مَسَّ ٱلنَّاسَ ضُرّٞ دَعَوۡاْ رَبَّهُم مُّنِيبِينَ إِلَيۡهِ ثُمَّ إِذَآ أَذَاقَهُم مِّنۡهُ رَحۡمَةً إِذَا فَرِيقٞ مِّنۡهُم بِرَبِّهِمۡ يُشۡرِكُونَ
Uye kana vanhu vakawirwa nedambudziko, zvirokwazvo vanochemera kuna Tenzi vavo (Allah) vachikumbira ruregerero kubva kwavari. Asi kana Allah vakavaratidza nekuvaravidzisa nyasha dzavo, aiwa, chimwe chikwata chavo chinotobva chasanganisa Tenzi vavo nezvimwe zvinamatwa
Surah Ar-Room, Verse 33
لِيَكۡفُرُواْ بِمَآ ءَاتَيۡنَٰهُمۡۚ فَتَمَتَّعُواْ فَسَوۡفَ تَعۡلَمُونَ
Kuti vasakwanise kutenda zvipo zvatakavapa. Uye chimbofarai (kwekanguva kadiki), asi nenguva isipi muchazviziva
Surah Ar-Room, Verse 34
أَمۡ أَنزَلۡنَا عَلَيۡهِمۡ سُلۡطَٰنٗا فَهُوَ يَتَكَلَّمُ بِمَا كَانُواْ بِهِۦ يُشۡرِكُونَ
Kana kuti takavadzikisira mutemo (Gwaro), uyo unotaura maererano neizvo vaivasanganisa nazvo (Allah)
Surah Ar-Room, Verse 35
وَإِذَآ أَذَقۡنَا ٱلنَّاسَ رَحۡمَةٗ فَرِحُواْ بِهَاۖ وَإِن تُصِبۡهُمۡ سَيِّئَةُۢ بِمَا قَدَّمَتۡ أَيۡدِيهِمۡ إِذَا هُمۡ يَقۡنَطُونَ
Uye tikaita kuti vanhu vave vanoravira tsitsi vanobva vafara nadzo; asi matambudziko akaipa akavawira nekuda kwezvakavaita nemaoko avo, aiwa, vanobva vashaya tarisiro
Surah Ar-Room, Verse 36
أَوَلَمۡ يَرَوۡاْ أَنَّ ٱللَّهَ يَبۡسُطُ ٱلرِّزۡقَ لِمَن يَشَآءُ وَيَقۡدِرُۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَٰتٖ لِّقَوۡمٖ يُؤۡمِنُونَ
Asi havaoni here kuti Allah vanopamhidzira raramo zhinji kune uyo wavanoda uye kuderedza? Zvirokwazvo, mazviri mune micherechedzo kune avo vanhu vanotenda
Surah Ar-Room, Verse 37
فَـَٔاتِ ذَا ٱلۡقُرۡبَىٰ حَقَّهُۥ وَٱلۡمِسۡكِينَ وَٱبۡنَ ٱلسَّبِيلِۚ ذَٰلِكَ خَيۡرٞ لِّلَّذِينَ يُرِيدُونَ وَجۡهَ ٱللَّهِۖ وَأُوْلَـٰٓئِكَ هُمُ ٱلۡمُفۡلِحُونَ
Saka ipa hama kodzero dzake, anoshaya uye munhu ariparwendo. Izvi ndozvinhu zvitsvene kune avo vanotsvaga nyasha dzaAllah; uye ndivo vachange vakabudirira
Surah Ar-Room, Verse 38
وَمَآ ءَاتَيۡتُم مِّن رِّبٗا لِّيَرۡبُوَاْ فِيٓ أَمۡوَٰلِ ٱلنَّاسِ فَلَا يَرۡبُواْ عِندَ ٱللَّهِۖ وَمَآ ءَاتَيۡتُم مِّن زَكَوٰةٖ تُرِيدُونَ وَجۡهَ ٱللَّهِ فَأُوْلَـٰٓئِكَ هُمُ ٱلۡمُضۡعِفُونَ
Uye kune izvo zvamunopa sezvipo kune vamwe nechinangwa chekuti zviwedzerwe kubva pazvinhu zvevamwe vanhu, chokwadi kuna Allah hazviwedzerwi huwandu. Asi kune izvo zvamunopa seZakaah (zvipo kuvarombo) muchitsvaga nyasha dzaAllah, aiwa, vanodaro vachawana kupamhidzirwa kwakakura
Surah Ar-Room, Verse 39
ٱللَّهُ ٱلَّذِي خَلَقَكُمۡ ثُمَّ رَزَقَكُمۡ ثُمَّ يُمِيتُكُمۡ ثُمَّ يُحۡيِيكُمۡۖ هَلۡ مِن شُرَكَآئِكُم مَّن يَفۡعَلُ مِن ذَٰلِكُم مِّن شَيۡءٖۚ سُبۡحَٰنَهُۥ وَتَعَٰلَىٰ عَمَّا يُشۡرِكُونَ
Allah ndivo vakakusikai, vakakupai kudya, uye vachakuitai kuti mufe, zvekare vokupai hupenyu (Pazuva rekutongwa). Kune here vamunoti vabatsiri venyu kuna Allah vangakwanise kuita zvakadaro? Kukudzwa kwese ndekwavo! Uye kurumbidzwa kwose ndekwavo pamusoro pezvose zvavanovasanganisa (navo)
Surah Ar-Room, Verse 40
ظَهَرَ ٱلۡفَسَادُ فِي ٱلۡبَرِّ وَٱلۡبَحۡرِ بِمَا كَسَبَتۡ أَيۡدِي ٱلنَّاسِ لِيُذِيقَهُم بَعۡضَ ٱلَّذِي عَمِلُواْ لَعَلَّهُمۡ يَرۡجِعُونَ
Zvivi zvakauya pano pasi uye nemumakungwa nekuda kwezvinoitwa nevanhu, kuti ivo (Allah) vavaravidzise chidimbu chezvavaiita, kuti vave vanodzokera (kururegerero netsitsi dzaAllah)
Surah Ar-Room, Verse 41
قُلۡ سِيرُواْ فِي ٱلۡأَرۡضِ فَٱنظُرُواْ كَيۡفَ كَانَ عَٰقِبَةُ ٱلَّذِينَ مِن قَبۡلُۚ كَانَ أَكۡثَرُهُم مُّشۡرِكِينَ
Taura (iwe Muhammad (SAW)) kuti: “Fambai munyika uye moona magumo eavo vaive mumashure menyu! Vazhinji vavo vaiva maMushrikoon (Avo vanonamata zvimwe zvinhu vachizvisanganisa naAllah).”
Surah Ar-Room, Verse 42
فَأَقِمۡ وَجۡهَكَ لِلدِّينِ ٱلۡقَيِّمِ مِن قَبۡلِ أَن يَأۡتِيَ يَوۡمٞ لَّا مَرَدَّ لَهُۥ مِنَ ٱللَّهِۖ يَوۡمَئِذٖ يَصَّدَّعُونَ
Saka taridza (iwe Muhammad (SAW)) chiso chako kunzira yakatwasuka uye nechitendero chechokwadi (Islaam), kusati kwauya zuva iro risina kana angarimisa kubva kuna Allah. Zuva racho vanhu vachapatsanurwa (mapoka maviri, rimwe boka kuParadhiso uye rimwe kuGehena)
Surah Ar-Room, Verse 43
مَن كَفَرَ فَعَلَيۡهِ كُفۡرُهُۥۖ وَمَنۡ عَمِلَ صَٰلِحٗا فَلِأَنفُسِهِمۡ يَمۡهَدُونَ
Uyo asingatendi acharwadzisirwa kusatenda kwake. Asi uyo anoita mabasa akanaka, vakadaro vanenge vachizvigadzirira nzvimbo yavo yakanaka (kuParadhiso)
Surah Ar-Room, Verse 44
لِيَجۡزِيَ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّـٰلِحَٰتِ مِن فَضۡلِهِۦٓۚ إِنَّهُۥ لَا يُحِبُّ ٱلۡكَٰفِرِينَ
Kuti vave vanobhadhara avo vanotenda (muhumwechete hwaAllah) uye nokuita mabasa akanaka kubva mumakomborero avo. Zvirokwazvo, (Allah) havafarire avo vasingatendi
Surah Ar-Room, Verse 45
وَمِنۡ ءَايَٰتِهِۦٓ أَن يُرۡسِلَ ٱلرِّيَاحَ مُبَشِّرَٰتٖ وَلِيُذِيقَكُم مِّن رَّحۡمَتِهِۦ وَلِتَجۡرِيَ ٱلۡفُلۡكُ بِأَمۡرِهِۦ وَلِتَبۡتَغُواْ مِن فَضۡلِهِۦ وَلَعَلَّكُمۡ تَشۡكُرُونَ
Uye kubva muzviratidzo zvavo vanotumira mhepo dzichiunza mufaro, vokuravidzisai tsitsi dzavo (mvura), uye kuti ngarava dzifambe kuburikidza nemurawo wavo, kuti mutsvage makomborero avo, uye kuti muve vanhu vanopa kutenda
Surah Ar-Room, Verse 46
وَلَقَدۡ أَرۡسَلۡنَا مِن قَبۡلِكَ رُسُلًا إِلَىٰ قَوۡمِهِمۡ فَجَآءُوهُم بِٱلۡبَيِّنَٰتِ فَٱنتَقَمۡنَا مِنَ ٱلَّذِينَ أَجۡرَمُواْۖ وَكَانَ حَقًّا عَلَيۡنَا نَصۡرُ ٱلۡمُؤۡمِنِينَ
Uye zvirokwazvo takave tinotumira vatumwa kuvanhu vavo mushure mako (Muhammad (SAW)). Vakaenda kwavari nemicherechedzo iri pachena, uye tikatsiva kune avo vaiita zvakaipa (kusatenda nezvimwe zvitadzo). Uye kuvatendi zvakave zvinokomekedzwa kwatiri kuvabatsira
Surah Ar-Room, Verse 47
ٱللَّهُ ٱلَّذِي يُرۡسِلُ ٱلرِّيَٰحَ فَتُثِيرُ سَحَابٗا فَيَبۡسُطُهُۥ فِي ٱلسَّمَآءِ كَيۡفَ يَشَآءُ وَيَجۡعَلُهُۥ كِسَفٗا فَتَرَى ٱلۡوَدۡقَ يَخۡرُجُ مِنۡ خِلَٰلِهِۦۖ فَإِذَآ أَصَابَ بِهِۦ مَن يَشَآءُ مِنۡ عِبَادِهِۦٓ إِذَا هُمۡ يَسۡتَبۡشِرُونَ
Allah ndivo vanotumira mhepo kuti ihwidze makore, uye kumaparadzira muchadenga nekuda kwavo, uye kumapatsanura muzvidimbu kusvikira maona madonhwe emvura kubva pakati pavo! Kana vachinge vaita kuti adonhe kune uyo wavanoda pavaranda vavo nekuda kwavo, vanova vanofara
Surah Ar-Room, Verse 48
وَإِن كَانُواْ مِن قَبۡلِ أَن يُنَزَّلَ عَلَيۡهِم مِّن قَبۡلِهِۦ لَمُبۡلِسِينَ
Uye muzvirokwazvo mushure mayo (mvura), mushure isati yatumidzwa kwavari, vaive vasina tarisiro
Surah Ar-Room, Verse 49
فَٱنظُرۡ إِلَىٰٓ ءَاثَٰرِ رَحۡمَتِ ٱللَّهِ كَيۡفَ يُحۡيِ ٱلۡأَرۡضَ بَعۡدَ مَوۡتِهَآۚ إِنَّ ذَٰلِكَ لَمُحۡيِ ٱلۡمَوۡتَىٰۖ وَهُوَ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٖ قَدِيرٞ
Tarisa uone magumo etsitsi dzaAllah, mumutsiro avanoita ivhu mushure mekufa kwaro. Zvirokwazvo, vachamutsa vafi (pazuva rekumutswa), uye vanokwanisa kuita zvose
Surah Ar-Room, Verse 50
وَلَئِنۡ أَرۡسَلۡنَا رِيحٗا فَرَأَوۡهُ مُصۡفَرّٗا لَّظَلُّواْ مِنۢ بَعۡدِهِۦ يَكۡفُرُونَ
Uye zvirokwazvo kana tikatumira mhepo (inoparadza zvirimwa), uye vozviona zvaoma, aiwa, vanova mushure mezvo (mushure mekufara) vasingatendi (Tenzi vavo)
Surah Ar-Room, Verse 51
فَإِنَّكَ لَا تُسۡمِعُ ٱلۡمَوۡتَىٰ وَلَا تُسۡمِعُ ٱلصُّمَّ ٱلدُّعَآءَ إِذَا وَلَّوۡاْ مُدۡبِرِينَ
Saka muzvirokwazvo iwe (Muhammad (SAW)) haungambokwanisa kuti vafi (vasingatendi) namatsi vakwanise kunzwa kushevedzwa apo vanenge vafuratira vachienda
Surah Ar-Room, Verse 52
وَمَآ أَنتَ بِهَٰدِ ٱلۡعُمۡيِ عَن ضَلَٰلَتِهِمۡۖ إِن تُسۡمِعُ إِلَّا مَن يُؤۡمِنُ بِـَٔايَٰتِنَا فَهُم مُّسۡلِمُونَ
Uye iwe (Muhammad (SAW)) haungambotungamire mapofu kubva mukurasika kwavo, asi unongokwanisa chete kuita kuti avo vanotenda mumicherechedzo yedu vanzwe, uye vanozvipira kuna Allah muIslaam
Surah Ar-Room, Verse 53
۞ٱللَّهُ ٱلَّذِي خَلَقَكُم مِّن ضَعۡفٖ ثُمَّ جَعَلَ مِنۢ بَعۡدِ ضَعۡفٖ قُوَّةٗ ثُمَّ جَعَلَ مِنۢ بَعۡدِ قُوَّةٖ ضَعۡفٗا وَشَيۡبَةٗۚ يَخۡلُقُ مَا يَشَآءُۚ وَهُوَ ٱلۡعَلِيمُ ٱلۡقَدِيرُ
Allah ndivo vakakusikai mune urwere (musina simba), vakakupai simba mushure mekushaiwa simba, uye mushure mesimba vakakupai kushaiwa simba pamwe nevhudzi jena. Vanosika izvo zvavanoda, uye vane ruzivo, nemasimba ezvose
Surah Ar-Room, Verse 54
وَيَوۡمَ تَقُومُ ٱلسَّاعَةُ يُقۡسِمُ ٱلۡمُجۡرِمُونَ مَا لَبِثُواْ غَيۡرَ سَاعَةٖۚ كَذَٰلِكَ كَانُواْ يُؤۡفَكُونَ
Pazuva iro nguva ichavepo (Qiyaamah), avo vanoita zvisakarurama vachapika vachiti havana kumbogara (panyika) kusara kwekanguva kadiki. Naizvozvo vakave nekudzimaidzwa (kubva kuchokwadi)
Surah Ar-Room, Verse 55
وَقَالَ ٱلَّذِينَ أُوتُواْ ٱلۡعِلۡمَ وَٱلۡإِيمَٰنَ لَقَدۡ لَبِثۡتُمۡ فِي كِتَٰبِ ٱللَّهِ إِلَىٰ يَوۡمِ ٱلۡبَعۡثِۖ فَهَٰذَا يَوۡمُ ٱلۡبَعۡثِ وَلَٰكِنَّكُمۡ كُنتُمۡ لَا تَعۡلَمُونَ
Uye avo vakapihwa ruzivo pamwe nekutenda vachati: “Zvirokwazvo, makagara sekutara nekunyorerwa kwamainge maitwa naAllah kusvikira pazuva rekumutswa. Saka iri ndiro zuva rekumutswa, asi imi makange musingazvizive.”
Surah Ar-Room, Verse 56
فَيَوۡمَئِذٖ لَّا يَنفَعُ ٱلَّذِينَ ظَلَمُواْ مَعۡذِرَتُهُمۡ وَلَا هُمۡ يُسۡتَعۡتَبُونَ
Saka zuva iroro kukumbira kwavo hakusi kuzombobatsira avo vaiita mabasa asakarurama, uye havasi kuzombobvumidzwa kudzokera kuti vave vanofadza Allah (nekutenda nekuita mabasa akanaka)
Surah Ar-Room, Verse 57
وَلَقَدۡ ضَرَبۡنَا لِلنَّاسِ فِي هَٰذَا ٱلۡقُرۡءَانِ مِن كُلِّ مَثَلٖۚ وَلَئِن جِئۡتَهُم بِـَٔايَةٖ لَّيَقُولَنَّ ٱلَّذِينَ كَفَرُوٓاْ إِنۡ أَنتُمۡ إِلَّا مُبۡطِلُونَ
Uye zvirokwazvo takave tinotsanangura kuvanhu micherechedzo yose mugwaro iri (Qur’aan). Asi iwe (Muhammad (SAW)) kana ukavaunzira micherechedzo iyi kana humboo, muzvirokwazvo avo vasingatendi vachati (kune avo vanotenda): “Hapana chamurikutevedzera kusara kwemanyepo pamwe nemapipi.”
Surah Ar-Room, Verse 58
كَذَٰلِكَ يَطۡبَعُ ٱللَّهُ عَلَىٰ قُلُوبِ ٱلَّذِينَ لَا يَعۡلَمُونَ
Saizvozvo Allah vanovhara moyo yeavo vasingazive (humboo hwehumwechete hwaAllah)
Surah Ar-Room, Verse 59
فَٱصۡبِرۡ إِنَّ وَعۡدَ ٱللَّهِ حَقّٞۖ وَلَا يَسۡتَخِفَّنَّكَ ٱلَّذِينَ لَا يُوقِنُونَ
Saka tsungirira (iwe Muhammad (SAW)). Zvirokwazvo, vimbiso yaAllah ndeyechokwadi; uye usave unoshungurudzika (unodzikisirwa) neavo vasingade kutenda
Surah Ar-Room, Verse 60