Surah Ya-Seen - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
يسٓ
Yaa – Seen. (Aya mavara mamwe ezvishamiso zveQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kusara kwaAllah)
Surah Ya-Seen, Verse 1
وَٱلۡقُرۡءَانِ ٱلۡحَكِيمِ
Ndinopika neQur’aan rizere nehuchenjeri (Mitemo nehumboo)
Surah Ya-Seen, Verse 2
إِنَّكَ لَمِنَ ٱلۡمُرۡسَلِينَ
Chokwadi, iwe (Muhammad (SAW)) uri mumwe wevatumwa
Surah Ya-Seen, Verse 3
عَلَىٰ صِرَٰطٖ مُّسۡتَقِيمٖ
Munzira yakatwasuka (Islaam)
Surah Ya-Seen, Verse 4
تَنزِيلَ ٱلۡعَزِيزِ ٱلرَّحِيمِ
(Iyi ibvundunuro) yakatumirwa pasi naSamasimba, vane nyasha zhinji
Surah Ya-Seen, Verse 5
لِتُنذِرَ قَوۡمٗا مَّآ أُنذِرَ ءَابَآؤُهُمۡ فَهُمۡ غَٰفِلُونَ
Kuti ukwanise kuyambira vanhu avo madzibaba avo haana kunge akayambirwa, nokudaro havateereri (havana hanya)
Surah Ya-Seen, Verse 6
لَقَدۡ حَقَّ ٱلۡقَوۡلُ عَلَىٰٓ أَكۡثَرِهِمۡ فَهُمۡ لَا يُؤۡمِنُونَ
Zvirokwazvo, shoko (remutongo) rabuda pachena richipokana nevazhinji vavo, saka havasi kuzombotenda
Surah Ya-Seen, Verse 7
إِنَّا جَعَلۡنَا فِيٓ أَعۡنَٰقِهِمۡ أَغۡلَٰلٗا فَهِيَ إِلَى ٱلۡأَذۡقَانِ فَهُم مُّقۡمَحُونَ
Zvirokwazvo, tavatakudza changadzo muhuro dzavo kusvikira muzvirebvu, muzvirokwazvo kuitira kuti misoro yavo irambe yakasimudzwa mudenga
Surah Ya-Seen, Verse 8
وَجَعَلۡنَا مِنۢ بَيۡنِ أَيۡدِيهِمۡ سَدّٗا وَمِنۡ خَلۡفِهِمۡ سَدّٗا فَأَغۡشَيۡنَٰهُمۡ فَهُمۡ لَا يُبۡصِرُونَ
Uye takave tinoisa muganhu mumashure mavo uye takaisa muganhu pakati pavo, uye takavaputira kuitira kuti vasaone
Surah Ya-Seen, Verse 9
وَسَوَآءٌ عَلَيۡهِمۡ ءَأَنذَرۡتَهُمۡ أَمۡ لَمۡ تُنذِرۡهُمۡ لَا يُؤۡمِنُونَ
Zvakangofanana kwavari, kuti unovayambira kana kusayambira, havambotendi
Surah Ya-Seen, Verse 10
إِنَّمَا تُنذِرُ مَنِ ٱتَّبَعَ ٱلذِّكۡرَ وَخَشِيَ ٱلرَّحۡمَٰنَ بِٱلۡغَيۡبِۖ فَبَشِّرۡهُ بِمَغۡفِرَةٖ وَأَجۡرٖ كَرِيمٍ
Unokwanisa kungoyambira uyo anotevedzera yambiro (Qur’aan), uye achitya vane nyasha zhinji (Allah) vasingaoneki. Ipa uyo nhaurwa tsvene dzerugerero uye mubairo wakanaka (Paradhiso)
Surah Ya-Seen, Verse 11
إِنَّا نَحۡنُ نُحۡيِ ٱلۡمَوۡتَىٰ وَنَكۡتُبُ مَا قَدَّمُواْ وَءَاثَٰرَهُمۡۚ وَكُلَّ شَيۡءٍ أَحۡصَيۡنَٰهُ فِيٓ إِمَامٖ مُّبِينٖ
Zvirokwazvo, tinopa hupenyu kune vakafa, uye tinonyora izvo zvavanotumira kumberi (kwavo), uye nemastsimba avo, uye zvinhu zvose takazvinyora zviri mumanhamba mubhuku riri pachena
Surah Ya-Seen, Verse 12
وَٱضۡرِبۡ لَهُم مَّثَلًا أَصۡحَٰبَ ٱلۡقَرۡيَةِ إِذۡ جَآءَهَا ٱلۡمُرۡسَلُونَ
Vataurire maererano nemuenzaniso wenyaya yevagari vedhorobha (Antioch (Antakiya)), apo pakauya vatumwa kwavari
Surah Ya-Seen, Verse 13
إِذۡ أَرۡسَلۡنَآ إِلَيۡهِمُ ٱثۡنَيۡنِ فَكَذَّبُوهُمَا فَعَزَّزۡنَا بِثَالِثٖ فَقَالُوٓاْ إِنَّآ إِلَيۡكُم مُّرۡسَلُونَ
Patakavatumira vatumwa vaviri, vakavaramba. Saka takavasimbisa newechitatu, uye vakati: “Chokwadi, tave tinotumwa kwamuri sevatumwa.”
Surah Ya-Seen, Verse 14
قَالُواْ مَآ أَنتُمۡ إِلَّا بَشَرٞ مِّثۡلُنَا وَمَآ أَنزَلَ ٱلرَّحۡمَٰنُ مِن شَيۡءٍ إِنۡ أَنتُمۡ إِلَّا تَكۡذِبُونَ
Ivo (vanhu vedhorobha) vakati: “Muri vanhu sesu, uye vane nyasha zhinji (Allah) hapana chavadzikisa. Muri kutaura manyepo.”
Surah Ya-Seen, Verse 15
قَالُواْ رَبُّنَا يَعۡلَمُ إِنَّآ إِلَيۡكُمۡ لَمُرۡسَلُونَ
Vatumwa vakati: “Tenzi vedu vanoziva kuti tave tinotumwa sevatumwa kwamuri.”
Surah Ya-Seen, Verse 16
وَمَا عَلَيۡنَآ إِلَّا ٱلۡبَلَٰغُ ٱلۡمُبِينُ
“Uye basa redu ndere kungosvitsa shoko zviri pachena.”
Surah Ya-Seen, Verse 17
قَالُوٓاْ إِنَّا تَطَيَّرۡنَا بِكُمۡۖ لَئِن لَّمۡ تَنتَهُواْ لَنَرۡجُمَنَّكُمۡ وَلَيَمَسَّنَّكُم مِّنَّا عَذَابٌ أَلِيمٞ
Ivo (vanhu) vakati: “Isu tiri kuona chiitiko chakaipa (munyama) kubva kwamuri. Mukasasiya, tinoku temai-temai nematombo zvechokwadi, uye marwadzo akaomarara anokuwanai kubva kwatiri.”
Surah Ya-Seen, Verse 18
قَالُواْ طَـٰٓئِرُكُم مَّعَكُمۡ أَئِن ذُكِّرۡتُمۚ بَلۡ أَنتُمۡ قَوۡمٞ مُّسۡرِفُونَ
(Ivo vatumwa) vakati: “(Munyama) Zviitiko zvenyu zvakaipa zvinemi! (Munochishevedza kuti “chiitiko chakaipa (munyama)”) nekuti murikueuchidzwa? Asi muri vanhu vanotyora mirairo yaAllah (muchiita mhando dzose dzezvitadzo zvikuru uye nekusateerera Allah).”
Surah Ya-Seen, Verse 19
وَجَآءَ مِنۡ أَقۡصَا ٱلۡمَدِينَةِ رَجُلٞ يَسۡعَىٰ قَالَ يَٰقَوۡمِ ٱتَّبِعُواْ ٱلۡمُرۡسَلِينَ
Uye pakauya murume achimhanya kubva kunzvimbo yaiva kure yedhorobha akati: “Imi vanhu vangu! Teererai vatumwa.”
Surah Ya-Seen, Verse 20
ٱتَّبِعُواْ مَن لَّا يَسۡـَٔلُكُمۡ أَجۡرٗا وَهُم مُّهۡتَدُونَ
“Tevedzerai avo vasingambo kubvunzai maererano nemubhadharo wavo, uye vakatungamirirwa (munzira yakatwasuka).”
Surah Ya-Seen, Verse 21
وَمَالِيَ لَآ أَعۡبُدُ ٱلَّذِي فَطَرَنِي وَإِلَيۡهِ تُرۡجَعُونَ
“Uye ndingazotadza sei kunamata avo vakandisika uye kwavari muchava munodzoserwa?”
Surah Ya-Seen, Verse 22
ءَأَتَّخِذُ مِن دُونِهِۦٓ ءَالِهَةً إِن يُرِدۡنِ ٱلرَّحۡمَٰنُ بِضُرّٖ لَّا تُغۡنِ عَنِّي شَفَٰعَتُهُمۡ شَيۡـٔٗا وَلَا يُنقِذُونِ
“Ndingatora here zvinamatwa kunze kwavo? Kana vane nyasha zhinji (Allah) vakandishuvira chakaipa, kumiririra kwazvo (zvinamatwa kunze kwaAllah) hakukwanisi kundibatsira, uye hazvikwanisi kundinunura?”
Surah Ya-Seen, Verse 23
إِنِّيٓ إِذٗا لَّفِي ضَلَٰلٖ مُّبِينٍ
“Zvirokwazvo, ndinenge ndiri mukurasika kuri pachena.”
Surah Ya-Seen, Verse 24
إِنِّيٓ ءَامَنتُ بِرَبِّكُمۡ فَٱسۡمَعُونِ
“Zvirokwazvo, ndave ndinotenda muna Tenzi venyu, naizvozvo nditeererei!”
Surah Ya-Seen, Verse 25
قِيلَ ٱدۡخُلِ ٱلۡجَنَّةَۖ قَالَ يَٰلَيۡتَ قَوۡمِي يَعۡلَمُونَ
Zvakanzi (kwaari apo paakauraiwa nevasingatendi): “Pinda Paradhiso.” Akati: “Ndinoshuvira kuti dai vanhu vangu vaziva.”
Surah Ya-Seen, Verse 26
بِمَا غَفَرَ لِي رَبِّي وَجَعَلَنِي مِنَ ٱلۡمُكۡرَمِينَ
“Kuti Tenzi vangu (Allah) vandiregerera, uye vakandiita umwe wevakaremekedzwa!”
Surah Ya-Seen, Verse 27
۞وَمَآ أَنزَلۡنَا عَلَىٰ قَوۡمِهِۦ مِنۢ بَعۡدِهِۦ مِن جُندٖ مِّنَ ٱلسَّمَآءِ وَمَا كُنَّا مُنزِلِينَ
Uye hatina kuva tinotumira kuvanhu vake mushure make mauto kubva kudenga, uye pange pasina chikonzero chekuti titumire
Surah Ya-Seen, Verse 28
إِن كَانَتۡ إِلَّا صَيۡحَةٗ وَٰحِدَةٗ فَإِذَا هُمۡ خَٰمِدُونَ
Kwakangova kudaidzira (Swaihah) kumwechete uye vakabva vanyaradzwa (vafa)
Surah Ya-Seen, Verse 29
يَٰحَسۡرَةً عَلَى ٱلۡعِبَادِۚ مَا يَأۡتِيهِم مِّن رَّسُولٍ إِلَّا كَانُواْ بِهِۦ يَسۡتَهۡزِءُونَ
Matambudziko kuvanhu (varanda vaAllah)! Hakuna kuva kunouya mutumwa kwavari kusara kwekuti vaimutuka (vaimutsvinyira)
Surah Ya-Seen, Verse 30
أَلَمۡ يَرَوۡاْ كَمۡ أَهۡلَكۡنَا قَبۡلَهُم مِّنَ ٱلۡقُرُونِ أَنَّهُمۡ إِلَيۡهِمۡ لَا يَرۡجِعُونَ
Havaoni here kuti madzinza mangani atakaparadza mushure mavo? Zvirokwazvo, havazombofa vakadzokera kwavari
Surah Ya-Seen, Verse 31
وَإِن كُلّٞ لَّمَّا جَمِيعٞ لَّدَيۡنَا مُحۡضَرُونَ
Uye zvirokwazvo, vose umwe neumwe wavo achava anounzwa kwatiri
Surah Ya-Seen, Verse 32
وَءَايَةٞ لَّهُمُ ٱلۡأَرۡضُ ٱلۡمَيۡتَةُ أَحۡيَيۡنَٰهَا وَأَخۡرَجۡنَا مِنۡهَا حَبّٗا فَمِنۡهُ يَأۡكُلُونَ
Uye chiratidzo kwavari, inyika inenge isina upenyu. Tinoipa upenyu, uye tinoburitsa kubva mairi zvirimwa (mbesa), kuti vave vanodya kubva madziri
Surah Ya-Seen, Verse 33
وَجَعَلۡنَا فِيهَا جَنَّـٰتٖ مِّن نَّخِيلٖ وَأَعۡنَٰبٖ وَفَجَّرۡنَا فِيهَا مِنَ ٱلۡعُيُونِ
Uye tinogadzira mairi (nyika) mapindu emadheti nemagirepi, uye tinokonzera kuti zvitubu zvemvura zvive zvinobuda mairi (nyika)
Surah Ya-Seen, Verse 34
لِيَأۡكُلُواْ مِن ثَمَرِهِۦ وَمَا عَمِلَتۡهُ أَيۡدِيهِمۡۚ أَفَلَا يَشۡكُرُونَ
Kuti vave vanodya kubva kumichero yawo, uye maoko avo haasi anozvigadzira. Saka sei vasingapi kutenda
Surah Ya-Seen, Verse 35
سُبۡحَٰنَ ٱلَّذِي خَلَقَ ٱلۡأَزۡوَٰجَ كُلَّهَا مِمَّا تُنۢبِتُ ٱلۡأَرۡضُ وَمِنۡ أَنفُسِهِمۡ وَمِمَّا لَا يَعۡلَمُونَ
Kurumbidzwa ngakuve kune avo vakasika zvinhu (zvisikwa) zvose muuviri kubva kune izvo zvinoburitswa nepasi, uye kubva kwavari (vanhu, varume nevakadzi), uye kubva kune izvo zvavasingazivi
Surah Ya-Seen, Verse 36
وَءَايَةٞ لَّهُمُ ٱلَّيۡلُ نَسۡلَخُ مِنۡهُ ٱلنَّهَارَ فَإِذَا هُم مُّظۡلِمُونَ
Uye chiratidzo kwavari ndecheusiku. Tinobvisa kubva mahuri (husiku) masikati, uye ngwarirai, vanenge vave murima
Surah Ya-Seen, Verse 37
وَٱلشَّمۡسُ تَجۡرِي لِمُسۡتَقَرّٖ لَّهَاۚ ذَٰلِكَ تَقۡدِيرُ ٱلۡعَزِيزِ ٱلۡعَلِيمِ
Uye zuva rinofamba nemunzira yaro kwenguva yarakatarirwa. Uku ndiko kuronga kwaSamasimba, vane ruzivo rwose
Surah Ya-Seen, Verse 38
وَٱلۡقَمَرَ قَدَّرۡنَٰهُ مَنَازِلَ حَتَّىٰ عَادَ كَٱلۡعُرۡجُونِ ٱلۡقَدِيمِ
Uye mwedzi takava tinoutarira nzira yawo (yekufamba nayo) kusvikira wadzoka kwatiri sedzinde rekare remaDheti rakaminama, rakaoma
Surah Ya-Seen, Verse 39
لَا ٱلشَّمۡسُ يَنۢبَغِي لَهَآ أَن تُدۡرِكَ ٱلۡقَمَرَ وَلَا ٱلَّيۡلُ سَابِقُ ٱلنَّهَارِۚ وَكُلّٞ فِي فَلَكٖ يَسۡبَحُونَ
Hazvikwanisike kuti zuva ridarikire mwedzi kana kuti usiku udarikire masikati. Zvose zvinofamba mudenga zvichitenderera
Surah Ya-Seen, Verse 40
وَءَايَةٞ لَّهُمۡ أَنَّا حَمَلۡنَا ذُرِّيَّتَهُمۡ فِي ٱلۡفُلۡكِ ٱلۡمَشۡحُونِ
Uye chiratidzo kwavari ndechekuti takatakura zvizvarwa zvavo mungarava yakatakura (yaNowa)
Surah Ya-Seen, Verse 41
وَخَلَقۡنَا لَهُم مِّن مِّثۡلِهِۦ مَا يَرۡكَبُونَ
Uye takava tinovasikira zvakafanana nayo (ngarava) izvo zvavanotasva
Surah Ya-Seen, Verse 42
وَإِن نَّشَأۡ نُغۡرِقۡهُمۡ فَلَا صَرِيخَ لَهُمۡ وَلَا هُمۡ يُنقَذُونَ
Uye kana tichida, tichavanyudza uye pachange pasina anodeedzera (kana mununuri achanzwa kuchema kwavo), uye havazombonunurwi
Surah Ya-Seen, Verse 43
إِلَّا رَحۡمَةٗ مِّنَّا وَمَتَٰعًا إِلَىٰ حِينٖ
Kusara kwekuti dziri tsitsi kubva kwatiri, uye semafaro kwekanguva
Surah Ya-Seen, Verse 44
وَإِذَا قِيلَ لَهُمُ ٱتَّقُواْ مَا بَيۡنَ أَيۡدِيكُمۡ وَمَا خَلۡفَكُمۡ لَعَلَّكُمۡ تُرۡحَمُونَ
Uye zvikanzi kwavari: “Ityai izvo zviri pamberi penyu (marwadzo epanyika), uye neizvo zviri pamberi penyu zvamusingaoni (marwadzo emuhupenyu hunotevera), kuti muve munogashira tsitsi (kana mukatambira Islaam).”
Surah Ya-Seen, Verse 45
وَمَا تَأۡتِيهِم مِّنۡ ءَايَةٖ مِّنۡ ءَايَٰتِ رَبِّهِمۡ إِلَّا كَانُواْ عَنۡهَا مُعۡرِضِينَ
Uye hakuna chiratidzo kubva muzviratidzo zvaTenzi vavo chakauya kwavari kusara kwekuti vakachifuratira
Surah Ya-Seen, Verse 46
وَإِذَا قِيلَ لَهُمۡ أَنفِقُواْ مِمَّا رَزَقَكُمُ ٱللَّهُ قَالَ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ لِلَّذِينَ ءَامَنُوٓاْ أَنُطۡعِمُ مَن لَّوۡ يَشَآءُ ٱللَّهُ أَطۡعَمَهُۥٓ إِنۡ أَنتُمۡ إِلَّا فِي ضَلَٰلٖ مُّبِينٖ
Uye pazvinonzi kwavari: “Ipai kubva mune izvo zvamakapihwa naAllah,” avo vasingatendi vanoti kune avo vanotenda: “Tingape kudya avo, dai Allah vaida, ivo (Allah pachezvavo) vaivapa chikafu? Zvirokwazvo, makarasika zviri pachena.”
Surah Ya-Seen, Verse 47
وَيَقُولُونَ مَتَىٰ هَٰذَا ٱلۡوَعۡدُ إِن كُنتُمۡ صَٰدِقِينَ
Uye vanoti: “Chitsidzo ichi (zuva rekutongwa) chichazadzikiswa rinhi kana muri muchokwadi?”
Surah Ya-Seen, Verse 48
مَا يَنظُرُونَ إِلَّا صَيۡحَةٗ وَٰحِدَةٗ تَأۡخُذُهُمۡ وَهُمۡ يَخِصِّمُونَ
Havana kumirira kusara kweSwaihah (kudeedzera) kumwe kuchavaparadza vari pakati pekupikisana
Surah Ya-Seen, Verse 49
فَلَا يَسۡتَطِيعُونَ تَوۡصِيَةٗ وَلَآ إِلَىٰٓ أَهۡلِهِمۡ يَرۡجِعُونَ
Naizvozvo havasi kuzokwanisa kutaura zvido zvavo mushure mavo (vafa), kana kudzokera kumhuri dzavo
Surah Ya-Seen, Verse 50
وَنُفِخَ فِي ٱلصُّورِ فَإِذَا هُم مِّنَ ٱلۡأَجۡدَاثِ إِلَىٰ رَبِّهِمۡ يَنسِلُونَ
Uye hwamanda icharidzwa (kuridzwa kwepiri), uye naizvozvo vachabuda mumarinda avo vakananga kuna Tenzi vavo nokukurumidza
Surah Ya-Seen, Verse 51
قَالُواْ يَٰوَيۡلَنَا مَنۢ بَعَثَنَا مِن مَّرۡقَدِنَاۜۗ هَٰذَا مَا وَعَدَ ٱلرَّحۡمَٰنُ وَصَدَقَ ٱلۡمُرۡسَلُونَ
Vachati: “Matambudziko kwatiri! Ndiani atimutsa kubva munzvimbo yedu yekurara?” (Zvichanzi kwavari): “Izvi ndizvo zvakavimbiswa neavo vane tsitsi dzose (Allah), uye vatumwa vakava vanotaura chokwadi!”
Surah Ya-Seen, Verse 52
إِن كَانَتۡ إِلَّا صَيۡحَةٗ وَٰحِدَةٗ فَإِذَا هُمۡ جَمِيعٞ لَّدَيۡنَا مُحۡضَرُونَ
Kuchangove kusheedzera kumwe, naizvozvo vose vachava vanounzwa pamberi pedu
Surah Ya-Seen, Verse 53
فَٱلۡيَوۡمَ لَا تُظۡلَمُ نَفۡسٞ شَيۡـٔٗا وَلَا تُجۡزَوۡنَ إِلَّا مَا كُنتُمۡ تَعۡمَلُونَ
Zuva iri (rekutongwa) hapana achakanganisirwa pane chimwe chinhu, uye hamusi kuzopihwa chinhu kusara kweizvo zvamaiita
Surah Ya-Seen, Verse 54
إِنَّ أَصۡحَٰبَ ٱلۡجَنَّةِ ٱلۡيَوۡمَ فِي شُغُلٖ فَٰكِهُونَ
Zvirokwazvo, vagari vemuParadhiso, muzuva iri, vanenge vari mubishi nezvinhu zvinofadza
Surah Ya-Seen, Verse 55
هُمۡ وَأَزۡوَٰجُهُمۡ فِي ظِلَٰلٍ عَلَى ٱلۡأَرَآئِكِ مُتَّكِـُٔونَ
Ivo nevakadzi vavo vachange vari mumimvuri, vakatsamhira muzvigaro (zveumambo)
Surah Ya-Seen, Verse 56
لَهُمۡ فِيهَا فَٰكِهَةٞ وَلَهُم مَّا يَدَّعُونَ
Vachave nemichero (yendudzi dzose) imomo uye nezvose zvavanokumbira
Surah Ya-Seen, Verse 57
سَلَٰمٞ قَوۡلٗا مِّن رَّبّٖ رَّحِيمٖ
(Zvichanzi kwavari): “Salaam (rugare ngaruve kwamuri) – shoko kubva kuna Tenzi (Allah), vane tsitsi dzose
Surah Ya-Seen, Verse 58
وَٱمۡتَٰزُواْ ٱلۡيَوۡمَ أَيُّهَا ٱلۡمُجۡرِمُونَ
(Zvichanzi): “Uye Imi maMujrimoon (vatadzi)! Patsanukai muzuva ranhasi (kubva kuvatendi).”
Surah Ya-Seen, Verse 59
۞أَلَمۡ أَعۡهَدۡ إِلَيۡكُمۡ يَٰبَنِيٓ ءَادَمَ أَن لَّا تَعۡبُدُواْ ٱلشَّيۡطَٰنَۖ إِنَّهُۥ لَكُمۡ عَدُوّٞ مُّبِينٞ
“Handina kukuudzai, imi vana vaAdam, kuti musave munonamata Shaitwaan (Satani). Zvirokwazvo, muvengi ari pachena kwamuri.”
Surah Ya-Seen, Verse 60
وَأَنِ ٱعۡبُدُونِيۚ هَٰذَا صِرَٰطٞ مُّسۡتَقِيمٞ
“Uye kuti muve munondinamata. Iri ndiro gwara rakatwasuka.”
Surah Ya-Seen, Verse 61
وَلَقَدۡ أَضَلَّ مِنكُمۡ جِبِلّٗا كَثِيرًاۖ أَفَلَمۡ تَكُونُواْ تَعۡقِلُونَ
“Uye zvirokwazvo iye (Satani) akava anorasisa vakawanda venyu. Hamuna kunzwisisa here?”
Surah Ya-Seen, Verse 62
هَٰذِهِۦ جَهَنَّمُ ٱلَّتِي كُنتُمۡ تُوعَدُونَ
“Iri ndiro Gehena ramakava munovimbiswa!”
Surah Ya-Seen, Verse 63
ٱصۡلَوۡهَا ٱلۡيَوۡمَ بِمَا كُنتُمۡ تَكۡفُرُونَ
“Itsvai mariri muzuva ranhasi, nokuda kweizvo zvamaisatenda.”
Surah Ya-Seen, Verse 64
ٱلۡيَوۡمَ نَخۡتِمُ عَلَىٰٓ أَفۡوَٰهِهِمۡ وَتُكَلِّمُنَآ أَيۡدِيهِمۡ وَتَشۡهَدُ أَرۡجُلُهُم بِمَا كَانُواْ يَكۡسِبُونَ
Nhasi, tichavhara miromo yavo, uye maoko avo achataura nesu, uye makumbo avo achapa uchapupu pamusoro peizvo zvavaiwana. (Zvinonzi chidya cheruboshwe ndicho chichatanga kupa uchapupu)
Surah Ya-Seen, Verse 65
وَلَوۡ نَشَآءُ لَطَمَسۡنَا عَلَىٰٓ أَعۡيُنِهِمۡ فَٱسۡتَبَقُواْ ٱلصِّرَٰطَ فَأَنَّىٰ يُبۡصِرُونَ
Uye dai kwaiva kuda kwedu, tingadai zvirokwazvo takadzima maziso avo, kuti vave vanotambudzika panzira. Vaizoona sei
Surah Ya-Seen, Verse 66
وَلَوۡ نَشَآءُ لَمَسَخۡنَٰهُمۡ عَلَىٰ مَكَانَتِهِمۡ فَمَا ٱسۡتَطَٰعُواْ مُضِيّٗا وَلَا يَرۡجِعُونَ
Uye dai kwaiva kuda kwedu, tingadai takavashandura (kuti vave mhuka kana zvimwe zvisikwa zvisingafemi) panzvimbo dzavo. Naizvozvo vaisakwanisa kuenda mberi kana kudzokera kumashure
Surah Ya-Seen, Verse 67
وَمَن نُّعَمِّرۡهُ نُنَكِّسۡهُ فِي ٱلۡخَلۡقِۚ أَفَلَا يَعۡقِلُونَ
Uye uyo watinopa hupenyu hwakareba, tinomudzosera kuhusikwa (kushaya simba mushure mokuva nesimba). Hamunzwisisi here
Surah Ya-Seen, Verse 68
وَمَا عَلَّمۡنَٰهُ ٱلشِّعۡرَ وَمَا يَنۢبَغِي لَهُۥٓۚ إِنۡ هُوَ إِلَّا ذِكۡرٞ وَقُرۡءَانٞ مُّبِينٞ
Uye hatina kumudzidzisa (Muhammad (SAW)) nhetembo, uye hadzina kukodzera kwaari. Iyi ingori yeuchidzo neQur’aan riri pachena
Surah Ya-Seen, Verse 69
لِّيُنذِرَ مَن كَانَ حَيّٗا وَيَحِقَّ ٱلۡقَوۡلُ عَلَى ٱلۡكَٰفِرِينَ
Kuti rive (Qur’aan) rinochenjedza uyo ari kurarama (mutendi), uye kuti rigova shoko rechokwadi kune avo vasingatendi (vakafa nekusatenda kwavo)
Surah Ya-Seen, Verse 70
أَوَلَمۡ يَرَوۡاْ أَنَّا خَلَقۡنَا لَهُم مِّمَّا عَمِلَتۡ أَيۡدِينَآ أَنۡعَٰمٗا فَهُمۡ لَهَا مَٰلِكُونَ
Havaoni here kuti takavasikira mombe nemaoko edu kuti vave varidzi vadzo
Surah Ya-Seen, Verse 71
وَذَلَّلۡنَٰهَا لَهُمۡ فَمِنۡهَا رَكُوبُهُمۡ وَمِنۡهَا يَأۡكُلُونَ
Uye takaita kuti dzive (mombe) pasi pavo, kuti dzimwe dzacho vave vanotatswa uye dzimwe dzacho vadye
Surah Ya-Seen, Verse 72
وَلَهُمۡ فِيهَا مَنَٰفِعُ وَمَشَارِبُۚ أَفَلَا يَشۡكُرُونَ
Uye vane zvakanaka zvavanowana kubva madziri, uye vanowana mukaka kuti vanwe. Sei vasingatendi
Surah Ya-Seen, Verse 73
وَٱتَّخَذُواْ مِن دُونِ ٱللَّهِ ءَالِهَةٗ لَّعَلَّهُمۡ يُنصَرُونَ
Uye vakatora zvimwe zvisikwa kunze kwaAllah saanamwari vachitarisira kuti vangabatsirwa (nezvinanamwari zvavo)
Surah Ya-Seen, Verse 74
لَا يَسۡتَطِيعُونَ نَصۡرَهُمۡ وَهُمۡ لَهُمۡ جُندٞ مُّحۡضَرُونَ
Havambokwanisi kuvabatsira, asi vachazounzwa pamberi semauto vachipikisana nevaivanamata (pazuva rekutongwa)
Surah Ya-Seen, Verse 75
فَلَا يَحۡزُنكَ قَوۡلُهُمۡۘ إِنَّا نَعۡلَمُ مَا يُسِرُّونَ وَمَا يُعۡلِنُونَ
Naizvozvo mashoko avo ngaasave anokusuwisa (Muhammad (SAW)). Zvirokwazvo, tinoziva zvavanoviga nezvavanobuditsa pachena
Surah Ya-Seen, Verse 76
أَوَلَمۡ يَرَ ٱلۡإِنسَٰنُ أَنَّا خَلَقۡنَٰهُ مِن نُّطۡفَةٖ فَإِذَا هُوَ خَصِيمٞ مُّبِينٞ
Munhu haaoni here kuti takamusika kubva muNutfah (Mvura yemurume nemukadzi yakasangana)? Asi zvirokwazvo anomira semupikisi ari pachena
Surah Ya-Seen, Verse 77
وَضَرَبَ لَنَا مَثَلٗا وَنَسِيَ خَلۡقَهُۥۖ قَالَ مَن يُحۡيِ ٱلۡعِظَٰمَ وَهِيَ رَمِيمٞ
Uye anoisa muenzaniso pamusoro pedu, uye wobva akanganwa kusikwa kwake, achibva ati: “Ndiani achapa hupenyu kumapfupa mushure mekunge aora uye aita mavhu?”
Surah Ya-Seen, Verse 78
قُلۡ يُحۡيِيهَا ٱلَّذِيٓ أَنشَأَهَآ أَوَّلَ مَرَّةٖۖ وَهُوَ بِكُلِّ خَلۡقٍ عَلِيمٌ
Iti (Muhammad (SAW)): “Achapihwa hupenyu (mapfupa) neavo vakaasika pekutanga! Uye vane ruzivo pamusoro pezvisikwa zvose!”
Surah Ya-Seen, Verse 79
ٱلَّذِي جَعَلَ لَكُم مِّنَ ٱلشَّجَرِ ٱلۡأَخۡضَرِ نَارٗا فَإِذَآ أَنتُم مِّنۡهُ تُوقِدُونَ
“Avo vanokubuditsirai moto kubva kumuti munyoro, apo pamunenge mave kubatidza kubva kwauri.”
Surah Ya-Seen, Verse 80
أَوَلَيۡسَ ٱلَّذِي خَلَقَ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ بِقَٰدِرٍ عَلَىٰٓ أَن يَخۡلُقَ مِثۡلَهُمۚ بَلَىٰ وَهُوَ ٱلۡخَلَّـٰقُ ٱلۡعَلِيمُ
Avo vakasika matenga nenyika havana here simba rekusika zvimwe zvakafanana naizvozvo? Hongu, zvirokwazvo ndivo musiki mukuru vane ruzivo
Surah Ya-Seen, Verse 81
إِنَّمَآ أَمۡرُهُۥٓ إِذَآ أَرَادَ شَيۡـًٔا أَن يَقُولَ لَهُۥ كُن فَيَكُونُ
Zvirokwazvo, mutemo wavo kana vada chinhu vanongoti: “Ivapo!” – chobva chavapo
Surah Ya-Seen, Verse 82
فَسُبۡحَٰنَ ٱلَّذِي بِيَدِهِۦ مَلَكُوتُ كُلِّ شَيۡءٖ وَإِلَيۡهِ تُرۡجَعُونَ
Naizvozvo kurumbidzwa ngakuve kwavari, avo muruoko rwavo mune humambo hwezvinhu zvose, uye kwavari muchadzoserwa
Surah Ya-Seen, Verse 83