UAE Prayer Times

  • Dubai
  • Abu Dhabi
  • Sharjah
  • Ajman
  • Fujairah
  • Umm Al Quwain
  • Ras Al Khaimah
  • Quran Translations

Surah As-Saaffat - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students


وَٱلصَّـٰٓفَّـٰتِ صَفّٗا

Ndinopika neavo (ngirozi) vari mumitsara
Surah As-Saaffat, Verse 1


فَٱلزَّـٰجِرَٰتِ زَجۡرٗا

Neavo (ngirozi) vanofambisa makore mune zvakanaka
Surah As-Saaffat, Verse 2


فَٱلتَّـٰلِيَٰتِ ذِكۡرًا

Neavo (ngirozi) vanosvitsa mashoko kuvanhu kubva kuna Allah
Surah As-Saaffat, Verse 3


إِنَّ إِلَٰهَكُمۡ لَوَٰحِدٞ

Zvirokwazvo, Mwari wenyu vamwechete
Surah As-Saaffat, Verse 4


رَّبُّ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ وَمَا بَيۡنَهُمَا وَرَبُّ ٱلۡمَشَٰرِقِ

Tenzi vematenga nenyika neizvo zviri pakati pazvo uye Tenzi vemabvazuva
Surah As-Saaffat, Verse 5


إِنَّا زَيَّنَّا ٱلسَّمَآءَ ٱلدُّنۡيَا بِزِينَةٍ ٱلۡكَوَاكِبِ

Zvirokwazvo, takava tinoshongedza denga repadyo neshongedzo yenyenyedzi
Surah As-Saaffat, Verse 6


وَحِفۡظٗا مِّن كُلِّ شَيۡطَٰنٖ مَّارِدٖ

Uye sechidziviriro kubva kumweya yose yadhiyabhorosi yakapanduka
Surah As-Saaffat, Verse 7


لَّا يَسَّمَّعُونَ إِلَى ٱلۡمَلَإِ ٱلۡأَعۡلَىٰ وَيُقۡذَفُونَ مِن كُلِّ جَانِبٖ

Havakwanisi kuteerera kune gungano riri pamusoro (ngirozi) nokuda kwekuti vanotemwa kubva kumativi ose
Surah As-Saaffat, Verse 8


دُحُورٗاۖ وَلَهُمۡ عَذَابٞ وَاصِبٌ

Vakarasirirwa, uye vachava nemutongo unorwadza usingaperi
Surah As-Saaffat, Verse 9


إِلَّا مَنۡ خَطِفَ ٱلۡخَطۡفَةَ فَأَتۡبَعَهُۥ شِهَابٞ ثَاقِبٞ

Kusara kweuyo anotora (anobvuta) chimwe chinhu mushure mekunge aba, uye oteverwa nemarimi emoto anovheneka
Surah As-Saaffat, Verse 10


فَٱسۡتَفۡتِهِمۡ أَهُمۡ أَشَدُّ خَلۡقًا أَم مَّنۡ خَلَقۡنَآۚ إِنَّا خَلَقۡنَٰهُم مِّن طِينٖ لَّازِبِۭ

Naizvozvo (Muhammad (SAW)) vabvunze (vasingatendi): “Ndivo here vakaoma kusika, kana kuti ndeizvo zvatakasika (matenga nenyika nemakomo)?” Zvirokwazvo, takavasika kubva muivhu rinonamira (matope)
Surah As-Saaffat, Verse 11


بَلۡ عَجِبۡتَ وَيَسۡخَرُونَ

Asi unoshamiswa (Muhammad (SAW)) apo ivo vachituka (vachitsvinyira) (iwe pamwe neQur’aan)
Surah As-Saaffat, Verse 12


وَإِذَا ذُكِّرُواْ لَا يَذۡكُرُونَ

Uye kana vachinge vayeuchidzwa, havayeuki (havarangariri)
Surah As-Saaffat, Verse 13


وَإِذَا رَأَوۡاْ ءَايَةٗ يَسۡتَسۡخِرُونَ

Uye kana vachinge vaona chiratidzo (kubva kuna Allah) vanochitsvinya
Surah As-Saaffat, Verse 14


وَقَالُوٓاْ إِنۡ هَٰذَآ إِلَّا سِحۡرٞ مُّبِينٌ

Uye vanoti: “Hapana zviripo kusara kwemapipi ari pachena!”
Surah As-Saaffat, Verse 15


أَءِذَا مِتۡنَا وَكُنَّا تُرَابٗا وَعِظَٰمًا أَءِنَّا لَمَبۡعُوثُونَ

“Kana tichinge tafa tave huruva nemapfupa, zvirokwazvo tichamutswa here?”
Surah As-Saaffat, Verse 16


أَوَءَابَآؤُنَا ٱلۡأَوَّلُونَ

“Pamwechete nemadzibaba edu ekutanga here?”
Surah As-Saaffat, Verse 17


قُلۡ نَعَمۡ وَأَنتُمۡ دَٰخِرُونَ

Iti (Muhammad (SAW)): “Hongu, zvakare muchava munodzikisirwa.”
Surah As-Saaffat, Verse 18


فَإِنَّمَا هِيَ زَجۡرَةٞ وَٰحِدَةٞ فَإِذَا هُمۡ يَنظُرُونَ

Kuchangova kudeedzera kumwechete (Zajrah – kuridzwa kwehwamanda kechipiri), uye ngwarirai, vachange vakayeva (vakatarisa)
Surah As-Saaffat, Verse 19


وَقَالُواْ يَٰوَيۡلَنَا هَٰذَا يَوۡمُ ٱلدِّينِ

Vachati: “Matambudziko kwatiri! Iri ndiro zuva rekutongwa (remugove)!”
Surah As-Saaffat, Verse 20


هَٰذَا يَوۡمُ ٱلۡفَصۡلِ ٱلَّذِي كُنتُم بِهِۦ تُكَذِّبُونَ

(Zvichanzi kwavari): “Iri ndiro zuva rekutongwa ramairamba.”
Surah As-Saaffat, Verse 21


۞ٱحۡشُرُواْ ٱلَّذِينَ ظَلَمُواْ وَأَزۡوَٰجَهُمۡ وَمَا كَانُواْ يَعۡبُدُونَ

(Zvichanzi kungirozi): “Unganidzai avo vaiita zvisakarurama, pamwechete nevaigara navo (vanadiyabhorosi) uye neizvo zvavainamata.”
Surah As-Saaffat, Verse 22


مِن دُونِ ٱللَّهِ فَٱهۡدُوهُمۡ إِلَىٰ صِرَٰطِ ٱلۡجَحِيمِ

“Kunze kwaAllah, uye vatungamirirei kunzira yekumoto.”
Surah As-Saaffat, Verse 23


وَقِفُوهُمۡۖ إِنَّهُم مَّسۡـُٔولُونَ

“Uye vamisei (vadzorei), zvirokwazvo vanofanirwa kubvunzwa.”
Surah As-Saaffat, Verse 24


مَا لَكُمۡ لَا تَنَاصَرُونَ

“Dambudziko renyu nderei? Sei musiri kubatsirana (sezvamaisiita panyika)?”
Surah As-Saaffat, Verse 25


بَلۡ هُمُ ٱلۡيَوۡمَ مُسۡتَسۡلِمُونَ

Asi zuva iroro vachazvipira (Vachakanda mapfumo pasi)
Surah As-Saaffat, Verse 26


وَأَقۡبَلَ بَعۡضُهُمۡ عَلَىٰ بَعۡضٖ يَتَسَآءَلُونَ

Uye vachava vanocheukirana vachibvunzana
Surah As-Saaffat, Verse 27


قَالُوٓاْ إِنَّكُمۡ كُنتُمۡ تَأۡتُونَنَا عَنِ ٱلۡيَمِينِ

Vachati: “Zvirokwazvo, ndimi maiuya kwatiri kubva kurudyi (muchitikurudzira kusatenda nekuita mabasa akaipa).”
Surah As-Saaffat, Verse 28


قَالُواْ بَل لَّمۡ تَكُونُواْ مُؤۡمِنِينَ

Vachati (Vadzvanyiriri): “Asi imi pachenyu makange musiri vatendi.”
Surah As-Saaffat, Verse 29


وَمَا كَانَ لَنَا عَلَيۡكُم مِّن سُلۡطَٰنِۭۖ بَلۡ كُنتُمۡ قَوۡمٗا طَٰغِينَ

“Uye takanga tisina masimba pamusoro penyu. Asi makange muri vanhu vaisatenda (vaipfurikidza mwero).”
Surah As-Saaffat, Verse 30


فَحَقَّ عَلَيۡنَا قَوۡلُ رَبِّنَآۖ إِنَّا لَذَآئِقُونَ

“Saka izwi raTenzi vedu rava rinonangana nesu kuti zvirokwazvo tichava tinoravira (mutongo wakaomarara).”
Surah As-Saaffat, Verse 31


فَأَغۡوَيۡنَٰكُمۡ إِنَّا كُنَّا غَٰوِينَ

“Uye takakutungamirai kugwara rakarasika nokuda kwekuti isu pachedu takanga takarasika.”
Surah As-Saaffat, Verse 32


فَإِنَّهُمۡ يَوۡمَئِذٖ فِي ٱلۡعَذَابِ مُشۡتَرِكُونَ

Uye zvirokwazvo zuva iroro vachava vese vanowana marwadzo
Surah As-Saaffat, Verse 33


إِنَّا كَذَٰلِكَ نَفۡعَلُ بِٱلۡمُجۡرِمِينَ

Zvirokwazvo, ndiwo maitiro atinoita nevatadzi
Surah As-Saaffat, Verse 34


إِنَّهُمۡ كَانُوٓاْ إِذَا قِيلَ لَهُمۡ لَآ إِلَٰهَ إِلَّا ٱللَّهُ يَسۡتَكۡبِرُونَ

Zvirokwazvo, pazvakanzi kwavari: “Laa ilaaha illallaah (Hakuna umwe mwari anofanirwa kunamatwa kunze kwaAllah),” vakazvitutumadza
Surah As-Saaffat, Verse 35


وَيَقُولُونَ أَئِنَّا لَتَارِكُوٓاْ ءَالِهَتِنَا لِشَاعِرٖ مَّجۡنُونِۭ

Uye vakati: “Tingasiye vanamwari vedu here nokuda kwemudetembi asina kukwana?”
Surah As-Saaffat, Verse 36


بَلۡ جَآءَ بِٱلۡحَقِّ وَصَدَّقَ ٱلۡمُرۡسَلِينَ

Asi iye (Muhammad (SAW)) auya nechokwadi (Islaam) uye achisimbisa (achitsigira) vatumwa (vaivepo iye asati avepo)
Surah As-Saaffat, Verse 37


إِنَّكُمۡ لَذَآئِقُواْ ٱلۡعَذَابِ ٱلۡأَلِيمِ

Zvirokwazvo, muchava (vasingatendi) munoravira mutongo unorwadza
Surah As-Saaffat, Verse 38


وَمَا تُجۡزَوۡنَ إِلَّا مَا كُنتُمۡ تَعۡمَلُونَ

Uye hamusi kuzopihwa chimwe chinhu kusara kweizvo zvamaiita
Surah As-Saaffat, Verse 39


إِلَّا عِبَادَ ٱللَّهِ ٱلۡمُخۡلَصِينَ

Kusara kwevaranda vaAllah vakasarudzwa (maMuslim)
Surah As-Saaffat, Verse 40


أُوْلَـٰٓئِكَ لَهُمۡ رِزۡقٞ مَّعۡلُومٞ

Vachave neraramo inozivikanwa (muParadhiso)
Surah As-Saaffat, Verse 41


فَوَٰكِهُ وَهُم مُّكۡرَمُونَ

Michero, uyezve vacharemekedzwa
Surah As-Saaffat, Verse 42


فِي جَنَّـٰتِ ٱلنَّعِيمِ

Mumapindu emafaro (MuParadhiso)
Surah As-Saaffat, Verse 43


عَلَىٰ سُرُرٖ مُّتَقَٰبِلِينَ

Vakatarisana muzvigaro (zvoumambo)
Surah As-Saaffat, Verse 44


يُطَافُ عَلَيۡهِم بِكَأۡسٖ مِّن مَّعِينِۭ

Mukombe wewaini yakanaka uchitenderedzwa pakati pavo
Surah As-Saaffat, Verse 45


بَيۡضَآءَ لَذَّةٖ لِّلشَّـٰرِبِينَ

(Waini) ichena, inonaka kuvanwi
Surah As-Saaffat, Verse 46


لَا فِيهَا غَوۡلٞ وَلَا هُمۡ عَنۡهَا يُنزَفُونَ

Havasi kuzovhiringidzwa (kurwadziwa) nayo, kana kuti kudhakwa nayo
Surah As-Saaffat, Verse 47


وَعِندَهُمۡ قَٰصِرَٰتُ ٱلطَّرۡفِ عِينٞ

Uye parutivi pavo pachange paine vakadzi vanodzora maziso avo (vasingadi vamwe kunze kwevarume vavo), vane maziso mahombe akanaka
Surah As-Saaffat, Verse 48


كَأَنَّهُنَّ بَيۡضٞ مَّكۡنُونٞ

(Vakachena) sekunge mazai (akavigwa) akachengetedzwa
Surah As-Saaffat, Verse 49


فَأَقۡبَلَ بَعۡضُهُمۡ عَلَىٰ بَعۡضٖ يَتَسَآءَلُونَ

Nokudaro vachava vanotarisana vachibvunzana (kubvunzana kwakanaka)
Surah As-Saaffat, Verse 50


قَالَ قَآئِلٞ مِّنۡهُمۡ إِنِّي كَانَ لِي قَرِينٞ

Mutauri pakati pavo achiti: “Zvirokwazvo, ndaive neshamwari (Panyika).”
Surah As-Saaffat, Verse 51


يَقُولُ أَءِنَّكَ لَمِنَ ٱلۡمُصَدِّقِينَ

“Aitaura kuti: ‘Uri pakati peavo vanotenda (muhupenyu hunotevera here).’
Surah As-Saaffat, Verse 52


أَءِذَا مِتۡنَا وَكُنَّا تُرَابٗا وَعِظَٰمًا أَءِنَّا لَمَدِينُونَ

‘(Kuti) Kana tichinge tafa tova huruva nemapfupa, tichava tinomutswa kuti tinowana mubairo kana murango (zvichienderanda nemabasa edu)?’”
Surah As-Saaffat, Verse 53


قَالَ هَلۡ أَنتُم مُّطَّلِعُونَ

(Mutauri) akati: “Mungatarise here pasi?”
Surah As-Saaffat, Verse 54


فَٱطَّلَعَ فَرَءَاهُ فِي سَوَآءِ ٱلۡجَحِيمِ

Naizvozvo akatarisa pasi uye akamuona ari pakati pemoto
Surah As-Saaffat, Verse 55


قَالَ تَٱللَّهِ إِن كِدتَّ لَتُرۡدِينِ

Akati: “Ndinopika naAllah! Zvirokwazvo, wakaposa hwandidzikisira (hwandiparadza).”
Surah As-Saaffat, Verse 56


وَلَوۡلَا نِعۡمَةُ رَبِّي لَكُنتُ مِنَ ٱلۡمُحۡضَرِينَ

“Dai dzisiri nyasha dzaTenzi vangu, ndingadai ndiri mumwe weavo varimo (mumoto).”
Surah As-Saaffat, Verse 57


أَفَمَا نَحۡنُ بِمَيِّتِينَ

(Vagari vemuParadhiso) vachati: “Hatisi kuzofa (zvakare) here?”
Surah As-Saaffat, Verse 58


إِلَّا مَوۡتَتَنَا ٱلۡأُولَىٰ وَمَا نَحۡنُ بِمُعَذَّبِينَ

“Kusara kwekufa kwedu kwekutanga, uye hatisi kuzopihwa murango (mushure mekupinda muParadhiso)?”
Surah As-Saaffat, Verse 59


إِنَّ هَٰذَا لَهُوَ ٱلۡفَوۡزُ ٱلۡعَظِيمُ

Zvechokwadi, uku ndiko kubudirira kukuru
Surah As-Saaffat, Verse 60


لِمِثۡلِ هَٰذَا فَلۡيَعۡمَلِ ٱلۡعَٰمِلُونَ

Semuenzaniso weizvi siyai vashandi vashande
Surah As-Saaffat, Verse 61


أَذَٰلِكَ خَيۡرٞ نُّزُلًا أَمۡ شَجَرَةُ ٱلزَّقُّومِ

Ndiwo magariro ari nani here (Paradhiso) kana kuti muti weZaqqoom (muti unovava zvekuti wekumoto)
Surah As-Saaffat, Verse 62


إِنَّا جَعَلۡنَٰهَا فِتۡنَةٗ لِّلظَّـٰلِمِينَ

Zvechokwadi, takaugadzira semuedzo kune avo vasingatendi (vatadzi)
Surah As-Saaffat, Verse 63


إِنَّهَا شَجَرَةٞ تَخۡرُجُ فِيٓ أَصۡلِ ٱلۡجَحِيمِ

Zvirokwazvo, imuti unobuda kubva pasi pemoto
Surah As-Saaffat, Verse 64


طَلۡعُهَا كَأَنَّهُۥ رُءُوسُ ٱلشَّيَٰطِينِ

Kupukira kwemadzinde emichero yacho kunenge misoro yemaShayaatween (ana Dhiyabhorosi)
Surah As-Saaffat, Verse 65


فَإِنَّهُمۡ لَأٓكِلُونَ مِنۡهَا فَمَالِـُٔونَ مِنۡهَا ٱلۡبُطُونَ

Zvechokwadi, vachadya kubva mauri uye matumbu avo achazadzwa nawo
Surah As-Saaffat, Verse 66


ثُمَّ إِنَّ لَهُمۡ عَلَيۡهَا لَشَوۡبٗا مِّنۡ حَمِيمٖ

Uye pamusoro pazvo vachapihwa mvura inopisa kuti vanwe kuti ive musanganiswa (wemvura inopisa neZaqqoom)
Surah As-Saaffat, Verse 67


ثُمَّ إِنَّ مَرۡجِعَهُمۡ لَإِلَى ٱلۡجَحِيمِ

Uye mushure mazvo, zvirokwazvo, vachadzokera mumarimi emoto
Surah As-Saaffat, Verse 68


إِنَّهُمۡ أَلۡفَوۡاْ ءَابَآءَهُمۡ ضَآلِّينَ

Zvirokwazvo, vakawana madzibaba avo ari mugwara rakarasika
Surah As-Saaffat, Verse 69


فَهُمۡ عَلَىٰٓ ءَاثَٰرِهِمۡ يُهۡرَعُونَ

Naizvozvo ivo (zvakare) vakatevera tsoka dzavo
Surah As-Saaffat, Verse 70


وَلَقَدۡ ضَلَّ قَبۡلَهُمۡ أَكۡثَرُ ٱلۡأَوَّلِينَ

Uye zvirokwazvo vazhinji vakave vakarasika ivo vasati vavapo
Surah As-Saaffat, Verse 71


وَلَقَدۡ أَرۡسَلۡنَا فِيهِم مُّنذِرِينَ

Uye zvirokwazvo takava tinotumira vayambiri pakati pavo (vatumwa)
Surah As-Saaffat, Verse 72


فَٱنظُرۡ كَيۡفَ كَانَ عَٰقِبَةُ ٱلۡمُنذَرِينَ

Naizvozvo tarisai magumo eavo vakayambirwa (asi havana kuteerera)
Surah As-Saaffat, Verse 73


إِلَّا عِبَادَ ٱللَّهِ ٱلۡمُخۡلَصِينَ

Kusara kwevaranda vaAllah vakasarudzwa (maMuslim)
Surah As-Saaffat, Verse 74


وَلَقَدۡ نَادَىٰنَا نُوحٞ فَلَنِعۡمَ ٱلۡمُجِيبُونَ

Uye zvirokwazvo Nowa akatisheedza, uye ndisu tiri pamusoro peavo vanopa mhinduro
Surah As-Saaffat, Verse 75


وَنَجَّيۡنَٰهُ وَأَهۡلَهُۥ مِنَ ٱلۡكَرۡبِ ٱلۡعَظِيمِ

Uye takamununura pamwechete nemhuri yake kubva kumarwadzo makuru (kunyura)
Surah As-Saaffat, Verse 76


وَجَعَلۡنَا ذُرِّيَّتَهُۥ هُمُ ٱلۡبَاقِينَ

Uye takaita kuti vana vake (Shem, Ham naJapheth) vave vanorarama
Surah As-Saaffat, Verse 77


وَتَرَكۡنَا عَلَيۡهِ فِي ٱلۡأٓخِرِينَ

Uye takava tinomusiira (kurangarira kwakanaka) pakati pemarudzi aizouya
Surah As-Saaffat, Verse 78


سَلَٰمٌ عَلَىٰ نُوحٖ فِي ٱلۡعَٰلَمِينَ

“Rugare (kubva kwatiri) ngaruve kuna Nowa pasi rose!”
Surah As-Saaffat, Verse 79


إِنَّا كَذَٰلِكَ نَجۡزِي ٱلۡمُحۡسِنِينَ

Zvirokwazvo, ndiwo mubairo watinopa maMuhsinoon (vanhu vanoita mabasa akanaka)
Surah As-Saaffat, Verse 80


إِنَّهُۥ مِنۡ عِبَادِنَا ٱلۡمُؤۡمِنِينَ

Zvirokwazvo, (Nowa) akanga ari umwe wevaranda vedu vaitenda
Surah As-Saaffat, Verse 81


ثُمَّ أَغۡرَقۡنَا ٱلۡأٓخَرِينَ

Uyezve takava tinonyudza vamwe vose (vaisatenda)
Surah As-Saaffat, Verse 82


۞وَإِنَّ مِن شِيعَتِهِۦ لَإِبۡرَٰهِيمَ

Uye zvirokwazvo pakati pevakatevera nzira yake (Nowa) aiva Ibrahim (Abrahamu)
Surah As-Saaffat, Verse 83


إِذۡ جَآءَ رَبَّهُۥ بِقَلۡبٖ سَلِيمٍ

Apo paakauya kuna Tenzi vake nemoyo wakachena
Surah As-Saaffat, Verse 84


إِذۡ قَالَ لِأَبِيهِ وَقَوۡمِهِۦ مَاذَا تَعۡبُدُونَ

Apo paakati kuna baba vake nevanhu vake: “Chii chamunonamata?”
Surah As-Saaffat, Verse 85


أَئِفۡكًا ءَالِهَةٗ دُونَ ٱللَّهِ تُرِيدُونَ

“Ndivana mwari venhema here vamunoda muchisiya Allah?”
Surah As-Saaffat, Verse 86


فَمَا ظَنُّكُم بِرَبِّ ٱلۡعَٰلَمِينَ

“Saka munofungei pamusoro paTenzi vepasi rose?”
Surah As-Saaffat, Verse 87


فَنَظَرَ نَظۡرَةٗ فِي ٱلنُّجُومِ

Uye akabva atarisa nyenyedzi
Surah As-Saaffat, Verse 88


فَقَالَ إِنِّي سَقِيمٞ

Uye akati: “Zvirokwazvo, ndiri kurwara. (Akaita izvi kuti asaende kemhemberero dzavo kuti asare achiparadza zvidhori zvavainamata).”
Surah As-Saaffat, Verse 89


فَتَوَلَّوۡاْ عَنۡهُ مُدۡبِرِينَ

Naizvozvo vakabva vamusiya vachibva vaenda
Surah As-Saaffat, Verse 90


فَرَاغَ إِلَىٰٓ ءَالِهَتِهِمۡ فَقَالَ أَلَا تَأۡكُلُونَ

Uye akabva atendeukira kunanamwari vavo achibva ati: “Hamudyi here (chikafu chirimberi kwenyu)?”
Surah As-Saaffat, Verse 91


مَا لَكُمۡ لَا تَنطِقُونَ

“Dambudziko renyu nderei rinoita kuti musataure?”
Surah As-Saaffat, Verse 92


فَرَاغَ عَلَيۡهِمۡ ضَرۡبَۢا بِٱلۡيَمِينِ

Uye akabva atendeukira kwazviri achizvirova neruoko (rwake) rwerudyi
Surah As-Saaffat, Verse 93


فَأَقۡبَلُوٓاْ إِلَيۡهِ يَزِفُّونَ

Uye (vanamati vezvidhori) vakauya kwaari vachimhanya
Surah As-Saaffat, Verse 94


قَالَ أَتَعۡبُدُونَ مَا تَنۡحِتُونَ

Akabva ati: “Munonamata zvamakaveza here (pachenyu)?”
Surah As-Saaffat, Verse 95


وَٱللَّهُ خَلَقَكُمۡ وَمَا تَعۡمَلُونَ

“Asi Allah vakakusikai (imi) nezvamunogadzira!”
Surah As-Saaffat, Verse 96


قَالُواْ ٱبۡنُواْ لَهُۥ بُنۡيَٰنٗا فَأَلۡقُوهُ فِي ٱلۡجَحِيمِ

Vakati: “Muvakirei chivakwa uye momukanda mumoto!”
Surah As-Saaffat, Verse 97


فَأَرَادُواْ بِهِۦ كَيۡدٗا فَجَعَلۡنَٰهُمُ ٱلۡأَسۡفَلِينَ

Naizvozvo vakamurongera zano asi takavaita kuti vave vepasi pasi
Surah As-Saaffat, Verse 98


وَقَالَ إِنِّي ذَاهِبٌ إِلَىٰ رَبِّي سَيَهۡدِينِ

Uye akati (Anunurwa kubva mumoto): “Zvirokwazvo, ndavakuenda kuna Tenzi vangu. Vachanditungamirira!”
Surah As-Saaffat, Verse 99


رَبِّ هَبۡ لِي مِنَ ٱلصَّـٰلِحِينَ

“Tenzi vangu! Ndipeiwo vana vanoita mabasa akanaka.”
Surah As-Saaffat, Verse 100


فَبَشَّرۡنَٰهُ بِغُلَٰمٍ حَلِيمٖ

Naizvozvo takamupa shoko rakanaka remukomana akashinga
Surah As-Saaffat, Verse 101


فَلَمَّا بَلَغَ مَعَهُ ٱلسَّعۡيَ قَالَ يَٰبُنَيَّ إِنِّيٓ أَرَىٰ فِي ٱلۡمَنَامِ أَنِّيٓ أَذۡبَحُكَ فَٱنظُرۡ مَاذَا تَرَىٰۚ قَالَ يَـٰٓأَبَتِ ٱفۡعَلۡ مَا تُؤۡمَرُۖ سَتَجِدُنِيٓ إِن شَآءَ ٱللَّهُ مِنَ ٱلصَّـٰبِرِينَ

Uye paakanga akura (mwana wake) zvekukwanisa kufamba naye, (Ibrahim (Abrahamu)) akati: “Iwe mwana wangu! Zvirokwazvo, ndaona kuhope ndichikucheka (sechipiro kuna Allah). Naizvozvo unozviona sei?” Akati: “Imi baba vangu! Itai zvamaudzwa, kana Allah vachida, muchandiwana ndiri pakati peavo vanotsungirira.”
Surah As-Saaffat, Verse 102


فَلَمَّآ أَسۡلَمَا وَتَلَّهُۥ لِلۡجَبِينِ

Uye apo vose vakanga vazvipira pachezvavo (kuna Allah), uye akanga amuradzika akatarisa pasi
Surah As-Saaffat, Verse 103


وَنَٰدَيۡنَٰهُ أَن يَـٰٓإِبۡرَٰهِيمُ

Takamudaidza: “Iwe Ibrahim (Abrahamu)!”
Surah As-Saaffat, Verse 104


قَدۡ صَدَّقۡتَ ٱلرُّءۡيَآۚ إِنَّا كَذَٰلِكَ نَجۡزِي ٱلۡمُحۡسِنِينَ

“Zvirokwazvo, wava unozadzisa hope (dzako)!” Zvirokwazvo, ndiwo mubairo watinopa maMuhsinoon (vanhu vanoita mabasa akanaka)
Surah As-Saaffat, Verse 105


إِنَّ هَٰذَا لَهُوَ ٱلۡبَلَـٰٓؤُاْ ٱلۡمُبِينُ

Zvirokwazvo, kwaiva kuedzwa kuri pachena
Surah As-Saaffat, Verse 106


وَفَدَيۡنَٰهُ بِذِبۡحٍ عَظِيمٖ

Uye takava tinomubhadhara nechipiro chikuru (Hwai)
Surah As-Saaffat, Verse 107


وَتَرَكۡنَا عَلَيۡهِ فِي ٱلۡأٓخِرِينَ

Uye takava tinomusiira (kurangarira kwakanaka) pakati pemarudzi aizouya
Surah As-Saaffat, Verse 108


سَلَٰمٌ عَلَىٰٓ إِبۡرَٰهِيمَ

“Rugare ngaruve kuna Ibrahim (Abrahamu)!”
Surah As-Saaffat, Verse 109


كَذَٰلِكَ نَجۡزِي ٱلۡمُحۡسِنِينَ

Saizvozvo tinopa mubairo maMuhsinoon (vanhu vanoita mabasa akanaka)
Surah As-Saaffat, Verse 110


إِنَّهُۥ مِنۡ عِبَادِنَا ٱلۡمُؤۡمِنِينَ

Zvirokwazvo, akanga ari umwe wevaranda vedu vaitenda
Surah As-Saaffat, Verse 111


وَبَشَّرۡنَٰهُ بِإِسۡحَٰقَ نَبِيّٗا مِّنَ ٱلصَّـٰلِحِينَ

Uye takamupa shoko rakanaka raIshaaq (Isaka), muporofita kubva kune vanhu vanoita mabasa akanaka
Surah As-Saaffat, Verse 112


وَبَٰرَكۡنَا عَلَيۡهِ وَعَلَىٰٓ إِسۡحَٰقَۚ وَمِن ذُرِّيَّتِهِمَا مُحۡسِنٞ وَظَالِمٞ لِّنَفۡسِهِۦ مُبِينٞ

Takava tinomukomborera naIshaaq (Isaka). Uye kubva muvana vavo pane vamwe vaiita mabasa akanaka, nevamwe vaizvidzvanyirira zviri pachena pachezvavo
Surah As-Saaffat, Verse 113


وَلَقَدۡ مَنَنَّا عَلَىٰ مُوسَىٰ وَهَٰرُونَ

(Naizvozvo) zvirokwazvo, takava tinokomborera Musa naHaroon (Aroni)
Surah As-Saaffat, Verse 114


وَنَجَّيۡنَٰهُمَا وَقَوۡمَهُمَا مِنَ ٱلۡكَرۡبِ ٱلۡعَظِيمِ

Takava tinovanunura pamwechete nevanhu vavo kubva kudambudziko guru
Surah As-Saaffat, Verse 115


وَنَصَرۡنَٰهُمۡ فَكَانُواْ هُمُ ٱلۡغَٰلِبِينَ

Takavabatsira kuti vave vanokunda
Surah As-Saaffat, Verse 116


وَءَاتَيۡنَٰهُمَا ٱلۡكِتَٰبَ ٱلۡمُسۡتَبِينَ

Takava tinovapa Gwaro riri pachena
Surah As-Saaffat, Verse 117


وَهَدَيۡنَٰهُمَا ٱلصِّرَٰطَ ٱلۡمُسۡتَقِيمَ

Tikavatungamira kunzira yakatwasuka
Surah As-Saaffat, Verse 118


وَتَرَكۡنَا عَلَيۡهِمَا فِي ٱلۡأٓخِرِينَ

Takavasiira (ndangariro dzakanaka) pakati pemadzinza akatevera
Surah As-Saaffat, Verse 119


سَلَٰمٌ عَلَىٰ مُوسَىٰ وَهَٰرُونَ

“Salaam (Rugare) ngaruve kuna Musa naHaroon (Aroni)!”
Surah As-Saaffat, Verse 120


إِنَّا كَذَٰلِكَ نَجۡزِي ٱلۡمُحۡسِنِينَ

Zvirokwazvo, ndiwo mapiro atinoita mugove kune vanoita mabasa akanaka
Surah As-Saaffat, Verse 121


إِنَّهُمَا مِنۡ عِبَادِنَا ٱلۡمُؤۡمِنِينَ

Zvirokwazvo, vari vaviri (Musa naHaroon (Aroni)) vakanga vari vamwe vevaranda vedu vanotenda
Surah As-Saaffat, Verse 122


وَإِنَّ إِلۡيَاسَ لَمِنَ ٱلۡمُرۡسَلِينَ

Uye zvirokwazvo Elyaas (Eriya) akanga ari umwe wevatumwa
Surah As-Saaffat, Verse 123


إِذۡ قَالَ لِقَوۡمِهِۦٓ أَلَا تَتَّقُونَ

Paakati kuvanhu vake: “Hamutyi Allah here?”
Surah As-Saaffat, Verse 124


أَتَدۡعُونَ بَعۡلٗا وَتَذَرُونَ أَحۡسَنَ ٱلۡخَٰلِقِينَ

“Mungadaidza Ba’l (chiumbwa chaizivikanwa chavainamata) muchisiya musiki wepamusoro soro.”
Surah As-Saaffat, Verse 125


ٱللَّهَ رَبَّكُمۡ وَرَبَّ ءَابَآئِكُمُ ٱلۡأَوَّلِينَ

“Allah, Tenzi venyu, uye Tenzi vemadzibaba (madzitateguru) enyu ekutanga.”
Surah As-Saaffat, Verse 126


فَكَذَّبُوهُ فَإِنَّهُمۡ لَمُحۡضَرُونَ

Asi vakamuramba (Elyaas (Eriya)), saka naizvozvo vachava vanounzwa (kumutongo)
Surah As-Saaffat, Verse 127


إِلَّا عِبَادَ ٱللَّهِ ٱلۡمُخۡلَصِينَ

Kusara kwevaranda vaAllah vakasarudzwa
Surah As-Saaffat, Verse 128


وَتَرَكۡنَا عَلَيۡهِ فِي ٱلۡأٓخِرِينَ

Takamusiira (ndangariro dzakanaka) kumadzinza akatevera
Surah As-Saaffat, Verse 129


سَلَٰمٌ عَلَىٰٓ إِلۡ يَاسِينَ

“Salaam (Rugare) ngaruve kuna Elyaaseen (Eriya)!”
Surah As-Saaffat, Verse 130


إِنَّا كَذَٰلِكَ نَجۡزِي ٱلۡمُحۡسِنِينَ

Zvirokwazvo, ndiwo mapiro atinoita mugove kune avo vanoita mabasa akanaka
Surah As-Saaffat, Verse 131


إِنَّهُۥ مِنۡ عِبَادِنَا ٱلۡمُؤۡمِنِينَ

Zvirokwazvo, akanga ari umwe wevaranda vedu vanotenda
Surah As-Saaffat, Verse 132


وَإِنَّ لُوطٗا لَّمِنَ ٱلۡمُرۡسَلِينَ

Uye zvirokwazvo Loti akanga ari umwe wevatumwa
Surah As-Saaffat, Verse 133


إِذۡ نَجَّيۡنَٰهُ وَأَهۡلَهُۥٓ أَجۡمَعِينَ

(Rangarirai) patakamununura pamwechete nemhuri yake yose
Surah As-Saaffat, Verse 134


إِلَّا عَجُوزٗا فِي ٱلۡغَٰبِرِينَ

Kusara kwechembere (mudzimai wake) yakava pane vakasara kumashure
Surah As-Saaffat, Verse 135


ثُمَّ دَمَّرۡنَا ٱلۡأٓخَرِينَ

Uye takava tinoparadza vamwe vose (Guta reSodom kuPalestine)
Surah As-Saaffat, Verse 136


وَإِنَّكُمۡ لَتَمُرُّونَ عَلَيۡهِم مُّصۡبِحِينَ

Zvirokwazvo, munopfuura nepavari munguva dzemangwanani
Surah As-Saaffat, Verse 137


وَبِٱلَّيۡلِۚ أَفَلَا تَعۡقِلُونَ

Uye neusiku, hamufungi here
Surah As-Saaffat, Verse 138


وَإِنَّ يُونُسَ لَمِنَ ٱلۡمُرۡسَلِينَ

Uye zvirokwazvo, Yunus (Jonah) akange ari umwe wevatumwa
Surah As-Saaffat, Verse 139


إِذۡ أَبَقَ إِلَى ٱلۡفُلۡكِ ٱلۡمَشۡحُونِ

(Rangarirai) apo paakamhanyira mungarava
Surah As-Saaffat, Verse 140


فَسَاهَمَ فَكَانَ مِنَ ٱلۡمُدۡحَضِينَ

Uye akava (anobvumirana) nekutsvaga mhanza, uye akava anokundwa
Surah As-Saaffat, Verse 141


فَٱلۡتَقَمَهُ ٱلۡحُوتُ وَهُوَ مُلِيمٞ

Uye akamedzwa nehove (hombe) sezvo iye aiva nemhosva
Surah As-Saaffat, Verse 142


فَلَوۡلَآ أَنَّهُۥ كَانَ مِنَ ٱلۡمُسَبِّحِينَ

Dai kusiri kuti akanga ari mumwe wevairumbidza Allah
Surah As-Saaffat, Verse 143


لَلَبِثَ فِي بَطۡنِهِۦٓ إِلَىٰ يَوۡمِ يُبۡعَثُونَ

Angadai akaramba ari mudumbu mayo (hove) kusvikira zuva rekupedzisira (rekumutswa)
Surah As-Saaffat, Verse 144


۞فَنَبَذۡنَٰهُ بِٱلۡعَرَآءِ وَهُوَ سَقِيمٞ

Asi takava tinomukanda kumahombe kombe ava kurwara
Surah As-Saaffat, Verse 145


وَأَنۢبَتۡنَا عَلَيۡهِ شَجَرَةٗ مِّن يَقۡطِينٖ

Takava tinoita kuti munhanga umere pamusoro pake
Surah As-Saaffat, Verse 146


وَأَرۡسَلۡنَٰهُ إِلَىٰ مِاْئَةِ أَلۡفٍ أَوۡ يَزِيدُونَ

Uye takamutumira kuzviuru zana (zvevanhu) kana kudarika ipapo
Surah As-Saaffat, Verse 147


فَـَٔامَنُواْ فَمَتَّعۡنَٰهُمۡ إِلَىٰ حِينٖ

Uye vakatenda; naizvozvo takava tinovapa mafaro kwekanguva
Surah As-Saaffat, Verse 148


فَٱسۡتَفۡتِهِمۡ أَلِرَبِّكَ ٱلۡبَنَاتُ وَلَهُمُ ٱلۡبَنُونَ

Vabvunze (Muhammad (SAW)): “Kuna Tenzi vako ndiko kune vanasikana uye kwavari ndiko kune vanakomana here?”
Surah As-Saaffat, Verse 149


أَمۡ خَلَقۡنَا ٱلۡمَلَـٰٓئِكَةَ إِنَٰثٗا وَهُمۡ شَٰهِدُونَ

“Kana kuti takasika ngirozi dzechikadzi here ivo vachiona (vachipupura)?”
Surah As-Saaffat, Verse 150


أَلَآ إِنَّهُم مِّنۡ إِفۡكِهِمۡ لَيَقُولُونَ

Zvirokwazvo, zvingori zvemanyepo avo (vasingatendi) kuti vanoti
Surah As-Saaffat, Verse 151


وَلَدَ ٱللَّهُ وَإِنَّهُمۡ لَكَٰذِبُونَ

“Allah vane vana (ngirozi)!” Uye zvirokwazvo vanyepi
Surah As-Saaffat, Verse 152


أَصۡطَفَى ٱلۡبَنَاتِ عَلَى ٱلۡبَنِينَ

(Allah) vakasarudza vanasikana here pane vanakomana
Surah As-Saaffat, Verse 153


مَا لَكُمۡ كَيۡفَ تَحۡكُمُونَ

Dambudziko renyu nderei? Ko munoronga sei
Surah As-Saaffat, Verse 154


أَفَلَا تَذَكَّرُونَ

Hamurangariri here
Surah As-Saaffat, Verse 155


أَمۡ لَكُمۡ سُلۡطَٰنٞ مُّبِينٞ

Kana kuti mune kodzero iri pachena here
Surah As-Saaffat, Verse 156


فَأۡتُواْ بِكِتَٰبِكُمۡ إِن كُنتُمۡ صَٰدِقِينَ

Naizvozvo huyai neGwaro renyu kana muri pachokwadi
Surah As-Saaffat, Verse 157


وَجَعَلُواْ بَيۡنَهُۥ وَبَيۡنَ ٱلۡجِنَّةِ نَسَبٗاۚ وَلَقَدۡ عَلِمَتِ ٱلۡجِنَّةُ إِنَّهُمۡ لَمُحۡضَرُونَ

Uye vakagadzira ushamwari pakati pavo (Allah) nemaJinn, asi ivo maJinn anoziva zvakanaka kuti arikuzomira pamberi pavo (Allah)
Surah As-Saaffat, Verse 158


سُبۡحَٰنَ ٱللَّهِ عَمَّا يَصِفُونَ

Kurumbidzwa ndekwaAllah! Kubva kune izvo zvavanovasanganisa (zvavanovatsanangudza) nazvo
Surah As-Saaffat, Verse 159


إِلَّا عِبَادَ ٱللَّهِ ٱلۡمُخۡلَصِينَ

Kusara kwevaranda vaAllah, vavakasarudza (vatendi vechokwadi)
Surah As-Saaffat, Verse 160


فَإِنَّكُمۡ وَمَا تَعۡبُدُونَ

Naizvozvo, zvirokwazvo imi (vasingatendi) neavo vamunonamata (zvidhori)
Surah As-Saaffat, Verse 161


مَآ أَنتُمۡ عَلَيۡهِ بِفَٰتِنِينَ

Hamukwanise kurasisa (kusandura avo vanotenda muna Allah)
Surah As-Saaffat, Verse 162


إِلَّا مَنۡ هُوَ صَالِ ٱلۡجَحِيمِ

Kusara kweavo vakanyorerwa kutsva (muGehena)
Surah As-Saaffat, Verse 163


وَمَامِنَّآ إِلَّا لَهُۥ مَقَامٞ مَّعۡلُومٞ

Uye hakuna pakati pedu (ngirozi) kusara kwekuti ine chinzvimbo chinozivikanwa
Surah As-Saaffat, Verse 164


وَإِنَّا لَنَحۡنُ ٱلصَّآفُّونَ

Uye zvirokwazvo, isu (ngirozi) tinomira mumitsara (tichinamata sezvamunoita maMuslim pakunamata)
Surah As-Saaffat, Verse 165


وَإِنَّا لَنَحۡنُ ٱلۡمُسَبِّحُونَ

Uye zvirokwazvo, isu (ngirozi) ndisu avo vanorumbidza (Allah)
Surah As-Saaffat, Verse 166


وَإِن كَانُواْ لَيَقُولُونَ

Uye zvirokwazvo ivo (vasingatendi) vaiti
Surah As-Saaffat, Verse 167


لَوۡ أَنَّ عِندَنَا ذِكۡرٗا مِّنَ ٱلۡأَوَّلِينَ

“Dai tiine muyeuchidzi sevanhu vekare (Muporofita Muhammad (SAW) asati auya).”
Surah As-Saaffat, Verse 168


لَكُنَّا عِبَادَ ٱللَّهِ ٱلۡمُخۡلَصِينَ

“Taiva zvirokwazvo varanda vaAllah vakasarudzwa (vatendi vechokwadi)!”
Surah As-Saaffat, Verse 169


فَكَفَرُواْ بِهِۦۖ فَسَوۡفَ يَعۡلَمُونَ

Asi (Qur’aan rave rinouya) havasi kutenda mariri, naizvozvo vachaziva
Surah As-Saaffat, Verse 170


وَلَقَدۡ سَبَقَتۡ كَلِمَتُنَا لِعِبَادِنَا ٱلۡمُرۡسَلِينَ

Uye zvirokwazvo, shoko redu rakatopfuura kuvaranda vedu, vatumwa
Surah As-Saaffat, Verse 171


إِنَّهُمۡ لَهُمُ ٱلۡمَنصُورُونَ

Kuti zvirokwazvo vachava vanoitwa vakundi
Surah As-Saaffat, Verse 172


وَإِنَّ جُندَنَا لَهُمُ ٱلۡغَٰلِبُونَ

Uye zvirokwazvo mauto edu achava vakundi
Surah As-Saaffat, Verse 173


فَتَوَلَّ عَنۡهُمۡ حَتَّىٰ حِينٖ

Naizvozvo vafuratire (Muhammad (SAW)) kwekanguva
Surah As-Saaffat, Verse 174


وَأَبۡصِرۡهُمۡ فَسَوۡفَ يُبۡصِرُونَ

Uye vatarise uye vachazoona (mutongo)
Surah As-Saaffat, Verse 175


أَفَبِعَذَابِنَا يَسۡتَعۡجِلُونَ

Vari kuda kukurumidzira mutongo wedu here
Surah As-Saaffat, Verse 176


فَإِذَا نَزَلَ بِسَاحَتِهِمۡ فَسَآءَ صَبَاحُ ٱلۡمُنذَرِينَ

Naizvozvo paunodzikiswa muzvivanze zvavo (padyo navo), kuipa kuchava mangwanani eavo vakayeuchidzwa
Surah As-Saaffat, Verse 177


وَتَوَلَّ عَنۡهُمۡ حَتَّىٰ حِينٖ

Naizvozvo vafuratire (Muhammad (SAW)) kwekanguva
Surah As-Saaffat, Verse 178


وَأَبۡصِرۡ فَسَوۡفَ يُبۡصِرُونَ

Uye vatarise uye vachazoona (mutongo)
Surah As-Saaffat, Verse 179


سُبۡحَٰنَ رَبِّكَ رَبِّ ٱلۡعِزَّةِ عَمَّا يَصِفُونَ

Kurumbidzwa ndekwaTenzi vako, Tenzi veruremekedzo nesimba! Kubva mune izvo zvavanovasanganisa (zvavanovatsanangudza) nazvo
Surah As-Saaffat, Verse 180


وَسَلَٰمٌ عَلَى ٱلۡمُرۡسَلِينَ

Uye rugare ngaruve kune vatumwa
Surah As-Saaffat, Verse 181


وَٱلۡحَمۡدُ لِلَّهِ رَبِّ ٱلۡعَٰلَمِينَ

Uye kurumbidzwa nekutendwa ndekwaAllah, Tenzi vepasi rose (vanhu nemaJinn nezvese zviripo)
Surah As-Saaffat, Verse 182


Author: Abdullah J. M. Adini And Students


<< Surah 36
>> Surah 38

Shona Translations by other Authors


Shona Translation By Abdullah J. M. Adini And Students
Popular Areas
Apartments for rent in Dubai Apartments for rent Abu Dhabi Villas for rent in Dubai House for rent Abu Dhabi Apartments for sale in Dubai Apartments for sale in Abu Dhabi Flat for rent Sharjah
Popular Searches
Studios for rent in UAE Apartments for rent in UAE Villas for rent in UAE Apartments for sale in UAE Villas for sale in UAE Land for sale in UAE Dubai Real Estate
Trending Areas
Apartments for rent in Dubai Marina Apartments for sale in Dubai Marina Villa for rent in Sharjah Villa for sale in Dubai Flat for rent in Ajman Studio for rent in Abu Dhabi Villa for rent in Ajman
Trending Searches
Villa for rent in Abu Dhabi Shop for rent in Dubai Villas for sale in Ajman Studio for rent in Sharjah 1 Bedroom Apartment for rent in Dubai Property for rent in Abu Dhabi Commercial properties for sale
© Copyright Dubai Prayer Time. All Rights Reserved
Designed by Prayer Time In Dubai