Surah Sad - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
صٓۚ وَٱلۡقُرۡءَانِ ذِي ٱلذِّكۡرِ
Swaad. (Aya mavara hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah). Ndinopika neQur’aan rizere neyeuchidzo yose
Surah Sad, Verse 1
بَلِ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ فِي عِزَّةٖ وَشِقَاقٖ
Nokudaro avo vasingatendi vari mukuzvitutumadza nekupikisa
Surah Sad, Verse 2
كَمۡ أَهۡلَكۡنَا مِن قَبۡلِهِم مِّن قَرۡنٖ فَنَادَواْ وَّلَاتَ حِينَ مَنَاصٖ
Mapoka mangani evanhu atakaparadza ivo vasati vavapo! Uye vakachema apo nguva yekutiza pakanga pasisina
Surah Sad, Verse 3
وَعَجِبُوٓاْ أَن جَآءَهُم مُّنذِرٞ مِّنۡهُمۡۖ وَقَالَ ٱلۡكَٰفِرُونَ هَٰذَا سَٰحِرٞ كَذَّابٌ
Uye ivo (maArabhu) vanoshamiswa nokuti muyeuchidzi (Muhammad (SAW)) ava anouya kwavari kubva pakati pavo. Uye vasingatendi vanoti: “Uyu (Muporofita Muhammad (SAW)) munhu wemapipi uye munyepi.”
Surah Sad, Verse 4
أَجَعَلَ ٱلۡأٓلِهَةَ إِلَٰهٗا وَٰحِدًاۖ إِنَّ هَٰذَا لَشَيۡءٌ عُجَابٞ
“Aita vanamwari (vose) kuva Mwari mumwechete? Zvirokwazvo, ichi chinhu chinoshamisa!”
Surah Sad, Verse 5
وَٱنطَلَقَ ٱلۡمَلَأُ مِنۡهُمۡ أَنِ ٱمۡشُواْ وَٱصۡبِرُواْ عَلَىٰٓ ءَالِهَتِكُمۡۖ إِنَّ هَٰذَا لَشَيۡءٞ يُرَادُ
Uye vatungamiriri vavo vakaenderera mberi (vachiti): “Endererai mberi, uye shingirirai nanamwari venyu! Zvirokwazvo, ichi chinhu chakarongwa (chakanangana nemi)!”
Surah Sad, Verse 6
مَا سَمِعۡنَا بِهَٰذَا فِي ٱلۡمِلَّةِ ٱلۡأٓخِرَةِ إِنۡ هَٰذَآ إِلَّا ٱخۡتِلَٰقٌ
“Hatina kumbonzwa (zvakafanana) neizvi muchitendero chemazuva ano (chiKristu). Zvirokwazvo, hakuna chimwe chinhu kusara kwekuti chakagadzirwa!”
Surah Sad, Verse 7
أَءُنزِلَ عَلَيۡهِ ٱلذِّكۡرُ مِنۢ بَيۡنِنَاۚ بَلۡ هُمۡ فِي شَكّٖ مِّن ذِكۡرِيۚ بَل لَّمَّا يَذُوقُواْ عَذَابِ
“Yeuchidzo yadzikiswa here kwaari (chete) kubva kwatiri?” Asi vari mukugunun’una nezveyeuchidzo yangu (Qur’aan)! Asi havasati varavira marwadzo angu
Surah Sad, Verse 8
أَمۡ عِندَهُمۡ خَزَآئِنُ رَحۡمَةِ رَبِّكَ ٱلۡعَزِيزِ ٱلۡوَهَّابِ
Kana kuti vane mubairo wenyasha kubva kuna Tenzi vako, Samasimba, Mupi chaiye-iye
Surah Sad, Verse 9
أَمۡ لَهُم مُّلۡكُ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ وَمَا بَيۡنَهُمَاۖ فَلۡيَرۡتَقُواْ فِي ٱلۡأَسۡبَٰبِ
Kana kuti vane humambo hwepasi nekudenga nezviri pakati pazvo ndezvavo? Kana zviri izvozvo ngavakwire kumusoro (kudenga) nechero nzira dzavanokwanisa
Surah Sad, Verse 10
جُندٞ مَّا هُنَالِكَ مَهۡزُومٞ مِّنَ ٱلۡأَحۡزَابِ
Vachava mauto achakurirwa kunge zvikwata zvenguva yekare
Surah Sad, Verse 11
كَذَّبَتۡ قَبۡلَهُمۡ قَوۡمُ نُوحٖ وَعَادٞ وَفِرۡعَوۡنُ ذُو ٱلۡأَوۡتَادِ
Kumashure kwavo kune vanhu vakaramba, vanhu vaNowa, uye vaAad, uye Farawo muridzi wehoko (dzaairwadzisa vanhu nadzo)
Surah Sad, Verse 12
وَثَمُودُ وَقَوۡمُ لُوطٖ وَأَصۡحَٰبُ لۡـَٔيۡكَةِۚ أُوْلَـٰٓئِكَ ٱلۡأَحۡزَابُ
Uye maThamood, nevanhu vaLoti, uye nevagari vemusango, ivavo ndivo vakanga vari zvikwata
Surah Sad, Verse 13
إِن كُلٌّ إِلَّا كَذَّبَ ٱلرُّسُلَ فَحَقَّ عِقَابِ
Hapana mumwe wavo asi kuti vakaramba vatumwa. Naizvozvo mutongo wangu wange uri wechokwadi (wakakodzera)
Surah Sad, Verse 14
وَمَا يَنظُرُ هَـٰٓؤُلَآءِ إِلَّا صَيۡحَةٗ وَٰحِدَةٗ مَّا لَهَا مِن فَوَاقٖ
Uye ava vakangomirira hwamanda imwechete, uye haizomiri (kurira kusvikira zvose zvaparara kusara kwaAllah)
Surah Sad, Verse 15
وَقَالُواْ رَبَّنَا عَجِّل لَّنَا قِطَّنَا قَبۡلَ يَوۡمِ ٱلۡحِسَابِ
Uye vanoti: “Tenzi vedu! Tiratidzei nekukasika Qittana (Bhuku redu remabasa akanaka neakaipa kuti tive tinoaona) zuva rekutongwa risati rasvika!”
Surah Sad, Verse 16
ٱصۡبِرۡ عَلَىٰ مَا يَقُولُونَ وَٱذۡكُرۡ عَبۡدَنَا دَاوُۥدَ ذَا ٱلۡأَيۡدِۖ إِنَّهُۥٓ أَوَّابٌ
Tsungirira (Muhammad (SAW)) pane zvavanotaura, uye rangarira muranda wedu Davhidha aiva nesimba. Zvirokwazvo, aiva munhu aireurura kuna Allah
Surah Sad, Verse 17
إِنَّا سَخَّرۡنَا ٱلۡجِبَالَ مَعَهُۥ يُسَبِّحۡنَ بِٱلۡعَشِيِّ وَٱلۡإِشۡرَاقِ
Zvirokwazvo, takaita kuti makomo naiye zvive zvinorumbidza munguva yemasikati nemangwanani
Surah Sad, Verse 18
وَٱلطَّيۡرَ مَحۡشُورَةٗۖ كُلّٞ لَّهُۥٓ أَوَّابٞ
Uye shiri dzakaunganidzwa, dzose dzaimuteerera (Davhidha) (dzaiuya dzichirumbidza zita raAllah pamwechete naye)
Surah Sad, Verse 19
وَشَدَدۡنَا مُلۡكَهُۥ وَءَاتَيۡنَٰهُ ٱلۡحِكۡمَةَ وَفَصۡلَ ٱلۡخِطَابِ
Uye takaita kuti humambo hwake husimbe, uye takamupa Al-Hikmah (Huporofita) uye kutonga nekutaura kwakanaka
Surah Sad, Verse 20
۞وَهَلۡ أَتَىٰكَ نَبَؤُاْ ٱلۡخَصۡمِ إِذۡ تَسَوَّرُواْ ٱلۡمِحۡرَابَ
Hadzina kusvika kwauri here nhau dzevaipomerana mhosva? Pavakakwira pamusoro peMihraab (imba yekunamatira)
Surah Sad, Verse 21
إِذۡ دَخَلُواْ عَلَىٰ دَاوُۥدَ فَفَزِعَ مِنۡهُمۡۖ قَالُواْ لَا تَخَفۡۖ خَصۡمَانِ بَغَىٰ بَعۡضُنَا عَلَىٰ بَعۡضٖ فَٱحۡكُم بَيۡنَنَا بِٱلۡحَقِّ وَلَا تُشۡطِطۡ وَٱهۡدِنَآ إِلَىٰ سَوَآءِ ٱلصِّرَٰطِ
Pavakapinda maiva naDawood (Davhidha), akavatya. Vakati: “Usatye! (Tiri) vaviri vari kupomerana mhosva, umwe wedu akanganisira umwe. Naizvozvo titonge nechokwadi, uye zvakare usave unorega kuenzanisa, uye titungamirire kunzira yakatwasuka.”
Surah Sad, Verse 22
إِنَّ هَٰذَآ أَخِي لَهُۥ تِسۡعٞ وَتِسۡعُونَ نَعۡجَةٗ وَلِيَ نَعۡجَةٞ وَٰحِدَةٞ فَقَالَ أَكۡفِلۡنِيهَا وَعَزَّنِي فِي ٱلۡخِطَابِ
“Zvirokwazvo, mukoma wangu uyu (muchitendero) ane hwai makumi mapfumbamwe nepfumbamwe (99), asi ini ndine hwai imwechete (chete), uye akati: ‘Ndipe (hwai iyoyo)’, uye akandikurira mumashoko.”
Surah Sad, Verse 23
قَالَ لَقَدۡ ظَلَمَكَ بِسُؤَالِ نَعۡجَتِكَ إِلَىٰ نِعَاجِهِۦۖ وَإِنَّ كَثِيرٗا مِّنَ ٱلۡخُلَطَآءِ لَيَبۡغِي بَعۡضُهُمۡ عَلَىٰ بَعۡضٍ إِلَّا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّـٰلِحَٰتِ وَقَلِيلٞ مَّا هُمۡۗ وَظَنَّ دَاوُۥدُ أَنَّمَا فَتَنَّـٰهُ فَٱسۡتَغۡفَرَ رَبَّهُۥ وَخَرَّۤ رَاكِعٗاۤ وَأَنَابَ۩
Dawood (Davhidha) akati (asina kuteerera rimwe divi): “Zvirokwazvo, akakukanganisira nekuda hwai yako kuti awedzere pane hwai dzake. Uye zvirokwazvo vashandi pamwechete (vanoisa upfumi pamwechete) vakawanda vanodzvanyirira vamwe, kusara kwevanotenda uye vachiita mabasa akanaka, uye vashoma.” Uye Dawood (Dhavhidha) akazviona kuti zvirokwazvo tamuedza, uye akabva akumbira ruregerero kuna Tenzi vake, uye akabva apfugama achireurura
Surah Sad, Verse 24
فَغَفَرۡنَا لَهُۥ ذَٰلِكَۖ وَإِنَّ لَهُۥ عِندَنَا لَزُلۡفَىٰ وَحُسۡنَ مَـَٔابٖ
Naizvozvo takamuregerera, uye zvirokwazvo ari padyo nekusvika kwatiri, uye nenzvimbo yakanaka kudzokera (Paradhiso)
Surah Sad, Verse 25
يَٰدَاوُۥدُ إِنَّا جَعَلۡنَٰكَ خَلِيفَةٗ فِي ٱلۡأَرۡضِ فَٱحۡكُم بَيۡنَ ٱلنَّاسِ بِٱلۡحَقِّ وَلَا تَتَّبِعِ ٱلۡهَوَىٰ فَيُضِلَّكَ عَن سَبِيلِ ٱللَّهِۚ إِنَّ ٱلَّذِينَ يَضِلُّونَ عَن سَبِيلِ ٱللَّهِ لَهُمۡ عَذَابٞ شَدِيدُۢ بِمَا نَسُواْ يَوۡمَ ٱلۡحِسَابِ
Iwe Dawood (Dhavhidha)! Zvirokwazvo, takakuita mumiririri panyika, naizvozvo tonga vanhu nechokwadi, uye usave unotevedzera chido chako nekuti chichakurasisa kubva munzira yaAllah. Zvirokwazvo, avo vanorasika kubva munzira yaAllah, vachave nemutongo wakaomarara nekuti vakakanganwa zuva rekutongwa
Surah Sad, Verse 26
وَمَا خَلَقۡنَا ٱلسَّمَآءَ وَٱلۡأَرۡضَ وَمَا بَيۡنَهُمَا بَٰطِلٗاۚ ذَٰلِكَ ظَنُّ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْۚ فَوَيۡلٞ لِّلَّذِينَ كَفَرُواْ مِنَ ٱلنَّارِ
Uye hatina kusika denga nenyika nezvose zviri pakati pazvo pasina chinangwa! Ndiwo mafungiro evasingatendi! Naizvozvo matambudziko kune avo vasingatendi (muIslaam) kubva kumoto
Surah Sad, Verse 27
أَمۡ نَجۡعَلُ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّـٰلِحَٰتِ كَٱلۡمُفۡسِدِينَ فِي ٱلۡأَرۡضِ أَمۡ نَجۡعَلُ ٱلۡمُتَّقِينَ كَٱلۡفُجَّارِ
Tingabate avo vanotenda (muna Allah) uye vanoita mabasa akanaka semabatiro atinoita maMufsidoon (avo vanosanganisa Allah nezvimwe zvinhu mukunamata uye vachiita zvitadzo) panyika? Kana kuti tingabate maMuttaqoon (avo vanhu vanotya Allah) semaFujjaar (vanhu vasingatendi uye vanoita mabasa akaipa)
Surah Sad, Verse 28
كِتَٰبٌ أَنزَلۡنَٰهُ إِلَيۡكَ مُبَٰرَكٞ لِّيَدَّبَّرُوٓاْ ءَايَٰتِهِۦ وَلِيَتَذَكَّرَ أُوْلُواْ ٱلۡأَلۡبَٰبِ
(Iri) Igwaro ratakatumira kwauri, rizere nemakomborero, kuti vave vanodzamisa pfungwa (vanorangarira) mundima dzaro, uye kuti vanhu vanonzwisisa vave vanorangarira
Surah Sad, Verse 29
وَوَهَبۡنَا لِدَاوُۥدَ سُلَيۡمَٰنَۚ نِعۡمَ ٱلۡعَبۡدُ إِنَّهُۥٓ أَوَّابٌ
Uye Dawood (Dhavhidha) takamupa Sulaimaan (Soromoni). Muranda akanaka! Zvirokwazvo, aikumbira ruregerero (kwatiri)
Surah Sad, Verse 30
إِذۡ عُرِضَ عَلَيۡهِ بِٱلۡعَشِيِّ ٱلصَّـٰفِنَٰتُ ٱلۡجِيَادُ
Paakaratidzwa nguva dzemasikati, mabhiza akapingudzwa emhando yepamusoro (achienda kunorwa munzira yaAllah)
Surah Sad, Verse 31
فَقَالَ إِنِّيٓ أَحۡبَبۡتُ حُبَّ ٱلۡخَيۡرِ عَن ذِكۡرِ رَبِّي حَتَّىٰ تَوَارَتۡ بِٱلۡحِجَابِ
Akati: “Ini ndada zvakanaka (mabhiza aya) kupinda kurangarira Tenzi vangu (pamunamato wangu wemasikati, Asr)” kusvikira nguva yadarika, uye (zuva) raenda muna amai varo
Surah Sad, Verse 32
رُدُّوهَا عَلَيَّۖ فَطَفِقَ مَسۡحَۢا بِٱلسُّوقِ وَٱلۡأَعۡنَاقِ
Ndokubva ati: “Uyai nawo (Mabhiza) kwandiri!” Akatanga kufambisa ruoko rwake pamakumbo nepahuro pawo (kusvikira kuratidzwa kwapera)
Surah Sad, Verse 33
وَلَقَدۡ فَتَنَّا سُلَيۡمَٰنَ وَأَلۡقَيۡنَا عَلَىٰ كُرۡسِيِّهِۦ جَسَدٗا ثُمَّ أَنَابَ
Uye zvirokwazvo takava tinoedza Sulaimaan (Soromoni). Takava tinoisa Jasad (Dhiyabhorosi) pachigaro chake (akatorasikirwa nehumambo kwekanguvana), uye akava anodzokera (kuna Allah nekuteerera nekukumbira ruregerero, uye pahumambo wake nekuda kwaAllah)
Surah Sad, Verse 34
قَالَ رَبِّ ٱغۡفِرۡ لِي وَهَبۡ لِي مُلۡكٗا لَّا يَنۢبَغِي لِأَحَدٖ مِّنۢ بَعۡدِيٓۖ إِنَّكَ أَنتَ ٱلۡوَهَّابُ
Akati: “Tenzi vangu! Ndiregererei, mova munondipa umambo usina achazova nawo mushure mangu. Zvirokwazvo, ndimi mupi.”
Surah Sad, Verse 35
فَسَخَّرۡنَا لَهُ ٱلرِّيحَ تَجۡرِي بِأَمۡرِهِۦ رُخَآءً حَيۡثُ أَصَابَ
Naizvozvo takamupa mhepo, yaivhuvhuta zvinyoro-nyoro nokuda kwake kwose kwaaida
Surah Sad, Verse 36
وَٱلشَّيَٰطِينَ كُلَّ بَنَّآءٖ وَغَوَّاصٖ
Uyezve maShayaatween (vanaDhiyabhorosi) kubva kumaJinn kusanganisira mhando yose yemuvaki nemushambiri
Surah Sad, Verse 37
وَءَاخَرِينَ مُقَرَّنِينَ فِي ٱلۡأَصۡفَادِ
Uye vamwe vakasungwa pamwechete nengetani
Surah Sad, Verse 38
هَٰذَا عَطَآؤُنَا فَٱمۡنُنۡ أَوۡ أَمۡسِكۡ بِغَيۡرِ حِسَابٖ
(Allah vakati kuna Sulaimaan): “Ichi ndicho chipo chedu, saka ipa kana chengeta zvisina mubvunzo.”
Surah Sad, Verse 39
وَإِنَّ لَهُۥ عِندَنَا لَزُلۡفَىٰ وَحُسۡنَ مَـَٔابٖ
Uye zvirokwazvo ange ari pedyo nesu, uye ane nzvimbo yakanaka yokudzokera (Paradhiso)
Surah Sad, Verse 40
وَٱذۡكُرۡ عَبۡدَنَآ أَيُّوبَ إِذۡ نَادَىٰ رَبَّهُۥٓ أَنِّي مَسَّنِيَ ٱلشَّيۡطَٰنُ بِنُصۡبٖ وَعَذَابٍ
Uye rangarira muranda wedu Ayyoob (Jobho), paakakumbira Tenzi vake achiti: “Zvirokwazvo, Dhiyabhorosi (Satani) andiedza nemarwadzo (urwere) pamwechete nemutongo (kuparadza upfumi wangu)!”
Surah Sad, Verse 41
ٱرۡكُضۡ بِرِجۡلِكَۖ هَٰذَا مُغۡتَسَلُۢ بَارِدٞ وَشَرَابٞ
(Allah vakati kwaari): “Rova pasi netsoka yako. Ichi chitubu chemvura yekugeza inotonhora uye yekunwa.”
Surah Sad, Verse 42
وَوَهَبۡنَا لَهُۥٓ أَهۡلَهُۥ وَمِثۡلَهُم مَّعَهُمۡ رَحۡمَةٗ مِّنَّا وَذِكۡرَىٰ لِأُوْلِي ٱلۡأَلۡبَٰبِ
Uye takamudzosera (zvakare) mhuri yake pamwechete nevamwe vane huwandu hwakafanana navo setsitsi kubva kwatiri, uye sendangariro kune avo vanonzwisisa
Surah Sad, Verse 43
وَخُذۡ بِيَدِكَ ضِغۡثٗا فَٱضۡرِب بِّهِۦ وَلَا تَحۡنَثۡۗ إِنَّا وَجَدۡنَٰهُ صَابِرٗاۚ نِّعۡمَ ٱلۡعَبۡدُ إِنَّهُۥٓ أَوَّابٞ
“Uye tora muruoko rwako chisvumbu cheuswa worova nacho (mukadzi wako), uye usatyora chitsidzo chako.” Zvechokwadi, takamuwana aine kutsungirira. Muranda akanaka! Zvirokwazvo, aiva anokumbira ruregerero (kwatiri)
Surah Sad, Verse 44
وَٱذۡكُرۡ عِبَٰدَنَآ إِبۡرَٰهِيمَ وَإِسۡحَٰقَ وَيَعۡقُوبَ أُوْلِي ٱلۡأَيۡدِي وَٱلۡأَبۡصَٰرِ
Uye rangarira varanda vedu Ibrahim (Abrahamu), Ishaaq (Isaka), naYa’qoob (Jakobho), vaiva nesimba (mukutinamata) uye mukunzwisisa chitendero
Surah Sad, Verse 45
إِنَّآ أَخۡلَصۡنَٰهُم بِخَالِصَةٖ ذِكۡرَى ٱلدَّارِ
Zvirokwazvo takavasarudza nekuvapa (chanakaka chinova) kurangarira imba (yekudenga)
Surah Sad, Verse 46
وَإِنَّهُمۡ عِندَنَا لَمِنَ ٱلۡمُصۡطَفَيۡنَ ٱلۡأَخۡيَارِ
Uye vanesu zvirokwazvo pane vakasarudzwa uye vakanaka
Surah Sad, Verse 47
وَٱذۡكُرۡ إِسۡمَٰعِيلَ وَٱلۡيَسَعَ وَذَا ٱلۡكِفۡلِۖ وَكُلّٞ مِّنَ ٱلۡأَخۡيَارِ
Uye rangarira Ismail (Ishumaeri), Alyasa’ (Elaisha) naDhul-Kifl (Isaiah), vose vari pakati pevakanaka
Surah Sad, Verse 48
هَٰذَا ذِكۡرٞۚ وَإِنَّ لِلۡمُتَّقِينَ لَحُسۡنَ مَـَٔابٖ
Iyi iyeuchidzo. Uye zvirokwazvo Al-Muttaqoon (vanotya Allah) vachave nemagumo akanaka (Paradhiso)
Surah Sad, Verse 49
جَنَّـٰتِ عَدۡنٖ مُّفَتَّحَةٗ لَّهُمُ ٱلۡأَبۡوَٰبُ
(Eden) Paradhiso, iyo mikova yayo vachaivhurirwa
Surah Sad, Verse 50
مُتَّكِـِٔينَ فِيهَا يَدۡعُونَ فِيهَا بِفَٰكِهَةٖ كَثِيرَةٖ وَشَرَابٖ
Vachave vanozorora mairi, vova vanosheedzera michero yakawanda nezvinwiwa
Surah Sad, Verse 51
۞وَعِندَهُمۡ قَٰصِرَٰتُ ٱلطَّرۡفِ أَتۡرَابٌ
Uye parutivi pavo pachave neQaasiraat-At-Tarf (madzimai anozvibata asingadi vamwe varume kunze kwevarume vavo chete) vemazera akaenzana
Surah Sad, Verse 52
هَٰذَا مَا تُوعَدُونَ لِيَوۡمِ ٱلۡحِسَابِ
Izvi ndizvo zvamunovimbiswa (imi vanotya Allah) pazuva rekutongwa
Surah Sad, Verse 53
إِنَّ هَٰذَا لَرِزۡقُنَا مَا لَهُۥ مِن نَّفَادٍ
(Zvichanzi kwavari): Zvirokwazvo iyi iraramo yedu isingaperi
Surah Sad, Verse 54
هَٰذَاۚ وَإِنَّ لِلطَّـٰغِينَ لَشَرَّ مَـَٔابٖ
Zvakadaro! Uye avo vanopfurikidza mwero (vasingatendi) vachave nokudzokera kwakaipa (Moto)
Surah Sad, Verse 55
جَهَنَّمَ يَصۡلَوۡنَهَا فَبِئۡسَ ٱلۡمِهَادُ
Gehena! Mavachatsvira, uye inzvimbo yakaipa yekuzororera
Surah Sad, Verse 56
هَٰذَا فَلۡيَذُوقُوهُ حَمِيمٞ وَغَسَّاقٞ
Zvakadaro! Naizvozvo vasiyei varavire mvura inopisisa uye netsvina inobuda muzvironda
Surah Sad, Verse 57
وَءَاخَرُ مِن شَكۡلِهِۦٓ أَزۡوَٰجٌ
Uye imwe (mitongo) yakafanana neuyu – yese pamwechete
Surah Sad, Verse 58
هَٰذَا فَوۡجٞ مُّقۡتَحِمٞ مَّعَكُمۡ لَا مَرۡحَبَۢا بِهِمۡۚ إِنَّهُمۡ صَالُواْ ٱلنَّارِ
Iri iboka ramuchapinda naro (muGehena), havana muchingamidzo! Zvirokwazvo, vachave vanotsva mumoto
Surah Sad, Verse 59
قَالُواْ بَلۡ أَنتُمۡ لَا مَرۡحَبَۢا بِكُمۡۖ أَنتُمۡ قَدَّمۡتُمُوهُ لَنَاۖ فَبِئۡسَ ٱلۡقَرَارُ
Ivo (vatevedzeri vevakarasika) vachati: “Uye nemi! Hakuna muchingamidzo kwamuri! Ndimi mava munounza izvi kwatiri (nekutirasisa kwenyu panyika), naizvozo iyi inzvimbo yakaipa kugara!”
Surah Sad, Verse 60
قَالُواْ رَبَّنَا مَن قَدَّمَ لَنَا هَٰذَا فَزِدۡهُ عَذَابٗا ضِعۡفٗا فِي ٱلنَّارِ
Vachati: “Tenzi vedu! Chero ani aunza izvi kwatiri, muwedzerei mutongo wakapetwa mumoto!”
Surah Sad, Verse 61
وَقَالُواْ مَا لَنَا لَا نَرَىٰ رِجَالٗا كُنَّا نَعُدُّهُم مِّنَ ٱلۡأَشۡرَارِ
Uye vachati: “Dambudziko redu nderei, hatisi kuona vanhu vataiverengera pavaipi?”
Surah Sad, Verse 62
أَتَّخَذۡنَٰهُمۡ سِخۡرِيًّا أَمۡ زَاغَتۡ عَنۡهُمُ ٱلۡأَبۡصَٰرُ
“Taivatora sechisekwa, kana kuti maziso edu arikutadza kuvaona?”
Surah Sad, Verse 63
إِنَّ ذَٰلِكَ لَحَقّٞ تَخَاصُمُ أَهۡلِ ٱلنَّارِ
Zvirokwazvo, ichi ichokwadi kupikisana kwevanhu vemumoto
Surah Sad, Verse 64
قُلۡ إِنَّمَآ أَنَا۠ مُنذِرٞۖ وَمَا مِنۡ إِلَٰهٍ إِلَّا ٱللَّهُ ٱلۡوَٰحِدُ ٱلۡقَهَّارُ
Iti (Muhammad (SAW)): “Ndingori muyambiri, uye hakuna mumwe mwari (ane kodzero yekunamatwa) kunze kwaAllah, Mumwechete, Samasimba.”
Surah Sad, Verse 65
رَبُّ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ وَمَا بَيۡنَهُمَا ٱلۡعَزِيزُ ٱلۡغَفَّـٰرُ
“Tenzi vematenga nenyika uye nezvose zviri mazviri, vane simba rose, vanoregerera.”
Surah Sad, Verse 66
قُلۡ هُوَ نَبَؤٌاْ عَظِيمٌ
Iti: “(Iri Qur’aan) mashoko makuru.”
Surah Sad, Verse 67
أَنتُمۡ عَنۡهُ مُعۡرِضُونَ
“Ayo amunofuratira!”
Surah Sad, Verse 68
مَا كَانَ لِيَ مِنۡ عِلۡمِۭ بِٱلۡمَلَإِ ٱلۡأَعۡلَىٰٓ إِذۡ يَخۡتَصِمُونَ
“Ndakanga ndisina ruzivo rwemadzimambo epamusoro (ngirozi) pavaipikisana vachikurukura (nezvekusikwa kwaAdam).”
Surah Sad, Verse 69
إِن يُوحَىٰٓ إِلَيَّ إِلَّآ أَنَّمَآ أَنَا۠ نَذِيرٞ مُّبِينٌ
“Izvi zvave zvinodzikiswa kwandiri, kuti ini ndingori muyambiri ari pachena.”
Surah Sad, Verse 70
إِذۡ قَالَ رَبُّكَ لِلۡمَلَـٰٓئِكَةِ إِنِّي خَٰلِقُۢ بَشَرٗا مِّن طِينٖ
(Yeuka) apo Tenzi vako vakati kungirozi: “Muchokwadi, ndichava ndinosika munhu kubva muivhu.”
Surah Sad, Verse 71
فَإِذَا سَوَّيۡتُهُۥ وَنَفَخۡتُ فِيهِ مِن رُّوحِي فَقَعُواْ لَهُۥ سَٰجِدِينَ
“Naizvozvo kana ndamuumba zvakakwana uye ndikamufemera mweya wandakasika, mova munomupfugamira.”
Surah Sad, Verse 72
فَسَجَدَ ٱلۡمَلَـٰٓئِكَةُ كُلُّهُمۡ أَجۡمَعُونَ
Naizvozvo ngirozi dzakapfugama dzose
Surah Sad, Verse 73
إِلَّآ إِبۡلِيسَ ٱسۡتَكۡبَرَ وَكَانَ مِنَ ٱلۡكَٰفِرِينَ
Kusara kwaDhiyabhorosi, akazvitutumadza uye akava umwe wevasingatendi
Surah Sad, Verse 74
قَالَ يَـٰٓإِبۡلِيسُ مَا مَنَعَكَ أَن تَسۡجُدَ لِمَا خَلَقۡتُ بِيَدَيَّۖ أَسۡتَكۡبَرۡتَ أَمۡ كُنتَ مِنَ ٱلۡعَالِينَ
(Allah) vakati: “Iwe Dhiyabhorosi! Chii chakudzivisa kubva mukupfugamira uyo wandasika nemaoko angu? Unozvitutumadza here kana kuti wava umwe wepamusoro-soro?”
Surah Sad, Verse 75
قَالَ أَنَا۠ خَيۡرٞ مِّنۡهُ خَلَقۡتَنِي مِن نَّارٖ وَخَلَقۡتَهُۥ مِن طِينٖ
Iblees (Dhiyabhorosi) akati: “Ndiri nani pane iye. Makandisika kubva mumoto, uye mamusika kubva kuivhu.”
Surah Sad, Verse 76
قَالَ فَٱخۡرُجۡ مِنۡهَا فَإِنَّكَ رَجِيمٞ
(Allah) vakati: “Naizvozvo ibva muno! Zvirokwazvo, uri umwe weavo vakarasirirwa.”
Surah Sad, Verse 77
وَإِنَّ عَلَيۡكَ لَعۡنَتِيٓ إِلَىٰ يَوۡمِ ٱلدِّينِ
“Uye zvirokwazvo kurengera kwangu kuchave pauri kusvika muzuva rokupihwa mubhadharo.”
Surah Sad, Verse 78
قَالَ رَبِّ فَأَنظِرۡنِيٓ إِلَىٰ يَوۡمِ يُبۡعَثُونَ
Iblees (Dhiyabhorosi) akati: “Tenzi vangu! Ndipei kurarama (nguva) kusvika pazuva ravachamutswa (kubva kuvafi).”
Surah Sad, Verse 79
قَالَ فَإِنَّكَ مِنَ ٱلۡمُنظَرِينَ
(Allah) vakati: “Zvirokwazvo, uri umwe weavo vakapihwa nguva (kurarama).”
Surah Sad, Verse 80
إِلَىٰ يَوۡمِ ٱلۡوَقۡتِ ٱلۡمَعۡلُومِ
“Kusvika pazuva renguva yakatarwa.”
Surah Sad, Verse 81
قَالَ فَبِعِزَّتِكَ لَأُغۡوِيَنَّهُمۡ أَجۡمَعِينَ
Iblees (Satani)) akati: “Nesimba renyu, ndichavarasisa vose.”
Surah Sad, Verse 82
إِلَّا عِبَادَكَ مِنۡهُمُ ٱلۡمُخۡلَصِينَ
“Kusara kwevaranda venyu vanotenda vamakasarudza pakati pavo.”
Surah Sad, Verse 83
قَالَ فَٱلۡحَقُّ وَٱلۡحَقَّ أَقُولُ
(Allah) vakati: “Chokwadi, chokwadi ndicho chandinotaura.”
Surah Sad, Verse 84
لَأَمۡلَأَنَّ جَهَنَّمَ مِنكَ وَمِمَّن تَبِعَكَ مِنۡهُمۡ أَجۡمَعِينَ
“Ndichazadza Gehena newe (Satani) neavo vose kubva kwavari (vanhu) vanokutevera.”
Surah Sad, Verse 85
قُلۡ مَآ أَسۡـَٔلُكُمۡ عَلَيۡهِ مِنۡ أَجۡرٖ وَمَآ أَنَا۠ مِنَ ٱلۡمُتَكَلِّفِينَ
Iti (Muhammad (SAW)): “Handikukumbirii mubairo pariri (Qur’an), uye handisi umwe wevanonyengedza.”
Surah Sad, Verse 86
إِنۡ هُوَ إِلَّا ذِكۡرٞ لِّلۡعَٰلَمِينَ
“(Qur’aan) iri ringori yeuchidzo kuAl-Aalameen (vanhu nemaJinn).”
Surah Sad, Verse 87
وَلَتَعۡلَمُنَّ نَبَأَهُۥ بَعۡدَ حِينِۭ
“Uye zvirokwazvo muchaona chokwadi charo mushure mekanguva.”
Surah Sad, Verse 88