Surah Fussilat - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
حمٓ
Haa – Meem. (Mashoko aya ndemamwe ezvishamiso zviri muQur’aan uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah)
Surah Fussilat, Verse 1
تَنزِيلٞ مِّنَ ٱلرَّحۡمَٰنِ ٱلرَّحِيمِ
Mashoko akadzikiswa kubva kune vane tsitsi zhinji (Allah) vane ngoni
Surah Fussilat, Verse 2
كِتَٰبٞ فُصِّلَتۡ ءَايَٰتُهُۥ قُرۡءَانًا عَرَبِيّٗا لِّقَوۡمٖ يَعۡلَمُونَ
Gwaro rine ndima dzakatsanangurwa zvizere, Qur’aan riri mururimi rwechiArab kuvanhu vanoziva
Surah Fussilat, Verse 3
بَشِيرٗا وَنَذِيرٗا فَأَعۡرَضَ أَكۡثَرُهُمۡ فَهُمۡ لَا يَسۡمَعُونَ
Richipa mashoko akanaka (ekupinda kuParadhiso kweavo vanotenda muhumwechete hwaAllah uye vachivatya), uye nekuyambira (avo vasingatendi kuti kune Gehena), asi vazhinji vavo vanofuratira, naizvozvo hapana chavanonzwa
Surah Fussilat, Verse 4
وَقَالُواْ قُلُوبُنَا فِيٓ أَكِنَّةٖ مِّمَّا تَدۡعُونَآ إِلَيۡهِ وَفِيٓ ءَاذَانِنَا وَقۡرٞ وَمِنۢ بَيۡنِنَا وَبَيۡنِكَ حِجَابٞ فَٱعۡمَلۡ إِنَّنَا عَٰمِلُونَ
Uye vanoti: “Moyo yedu yakafukidzwa kubva kune izvo zvaunotikokera kwazviri, uye munzeve dzedu mune umatsi, uye pakati pedu nemi pane mudhuri, naizvozvo shanda (Panzira yako), zvirokwazvo isu tiri kushanda (panzira yedu).”
Surah Fussilat, Verse 5
قُلۡ إِنَّمَآ أَنَا۠ بَشَرٞ مِّثۡلُكُمۡ يُوحَىٰٓ إِلَيَّ أَنَّمَآ إِلَٰهُكُمۡ إِلَٰهٞ وَٰحِدٞ فَٱسۡتَقِيمُوٓاْ إِلَيۡهِ وَٱسۡتَغۡفِرُوهُۗ وَوَيۡلٞ لِّلۡمُشۡرِكِينَ
Iti (Muhammad (SAW)): “Ini ndingori munhu semi. Zvakadzikiswa kwandiri kuti Mwari venyu ndiMwari vamwechete (Allah), naizvozvo torai nzira yakatwasuka kwavari (Islaam) movakumbira ruregerero. Uye matambudziko kumaMushrikoon (vanhu vanosanganisa Allah nezvimwe zvisikwa).”
Surah Fussilat, Verse 6
ٱلَّذِينَ لَا يُؤۡتُونَ ٱلزَّكَوٰةَ وَهُم بِٱلۡأٓخِرَةِ هُمۡ كَٰفِرُونَ
“Avo vasingapi Zakaah (zvipo kuvarombo), uye havatendi muupenyu uchatevera.”
Surah Fussilat, Verse 7
إِنَّ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّـٰلِحَٰتِ لَهُمۡ أَجۡرٌ غَيۡرُ مَمۡنُونٖ
“Zvirokwazvo, avo vanotenda (muhumwechete waAllah uye mumutumwa wavo Muhammad (SAW)) uye vachiita mabasa akanaka, vachave nemugove usingaperi (Paradhiso).”
Surah Fussilat, Verse 8
۞قُلۡ أَئِنَّكُمۡ لَتَكۡفُرُونَ بِٱلَّذِي خَلَقَ ٱلۡأَرۡضَ فِي يَوۡمَيۡنِ وَتَجۡعَلُونَ لَهُۥٓ أَندَادٗاۚ ذَٰلِكَ رَبُّ ٱلۡعَٰلَمِينَ
Iti (Muhammad (SAW)): “Zvirokwazvo, hamutendi mavari here avo vakasika nyika nemazuva maviri? Uye munotora zvimwe zvisikwa (mukunamata) pamwechete navo (Allah)? Ava ndivo Tenzi vezvinhu zvose.”
Surah Fussilat, Verse 9
وَجَعَلَ فِيهَا رَوَٰسِيَ مِن فَوۡقِهَا وَبَٰرَكَ فِيهَا وَقَدَّرَ فِيهَآ أَقۡوَٰتَهَا فِيٓ أَرۡبَعَةِ أَيَّامٖ سَوَآءٗ لِّلسَّآئِلِينَ
“Vakaisa mairi (nyika) makomo pamusoro payo, uye vakaikomborera, uye vakaitarira raramo (yevagari vayo) mumazuva mana akaenzana kune avo vose vanobvunza (maererano nekusikwa kwazvo).”
Surah Fussilat, Verse 10
ثُمَّ ٱسۡتَوَىٰٓ إِلَى ٱلسَّمَآءِ وَهِيَ دُخَانٞ فَقَالَ لَهَا وَلِلۡأَرۡضِ ٱئۡتِيَا طَوۡعًا أَوۡ كَرۡهٗا قَالَتَآ أَتَيۡنَا طَآئِعِينَ
Naizvozvo vakabva vatendeukira (vakakwidza) kudenga apo raiva utsi, uye vakati kwariri pamwechete nekunyika: “Uyai mose (muri vaviri) muchida kana musingadi.” Zvikati (denga nenyika): “Tinouya tichida.”
Surah Fussilat, Verse 11
فَقَضَىٰهُنَّ سَبۡعَ سَمَٰوَاتٖ فِي يَوۡمَيۡنِ وَأَوۡحَىٰ فِي كُلِّ سَمَآءٍ أَمۡرَهَاۚ وَزَيَّنَّا ٱلسَّمَآءَ ٱلدُّنۡيَا بِمَصَٰبِيحَ وَحِفۡظٗاۚ ذَٰلِكَ تَقۡدِيرُ ٱلۡعَزِيزِ ٱلۡعَلِيمِ
Naizvozvo vakapedzisa kuzvisika (se) matenga nanomwe mumazuva maviri vakava vanoudza denga roga roga mabasa aro (nyaya dzaro). Uye takashongedza denga repedyo (nepasi) nemarambi (nyeredzi) kuti dzive shongezo pamwechete nechengetedzo (kubva kuna vana satani). Uku ndiko kutara kwaSamasimba, Muzivi hwezvose
Surah Fussilat, Verse 12
فَإِنۡ أَعۡرَضُواْ فَقُلۡ أَنذَرۡتُكُمۡ صَٰعِقَةٗ مِّثۡلَ صَٰعِقَةِ عَادٖ وَثَمُودَ
Asi kana vakafuratira, naizvozvo iti (Muhammad (SAW)): “Ndinokuyambirai maererano neSwaaiqah (mhere inonyaudza inoparadza) inenge Swaaiqah yakaparadza maAad nemaThamood.”
Surah Fussilat, Verse 13
إِذۡ جَآءَتۡهُمُ ٱلرُّسُلُ مِنۢ بَيۡنِ أَيۡدِيهِمۡ وَمِنۡ خَلۡفِهِمۡ أَلَّا تَعۡبُدُوٓاْ إِلَّا ٱللَّهَۖ قَالُواْ لَوۡ شَآءَ رَبُّنَا لَأَنزَلَ مَلَـٰٓئِكَةٗ فَإِنَّا بِمَآ أُرۡسِلۡتُم بِهِۦ كَٰفِرُونَ
(Rangarirai) apo vatumwa pavakauya kwavari, kubva nekumberi kwavo uye nekumashure kwavo (vachiti): “Musanamate chimwe chinhu kunze kwaAllah,” ivo vakati: “Kana Tenzi vedu vaida, vangadai vatitumira ngirozi. Naizvozvo, zvirokwazvo hatitendi mune izvo zvamatumirwa nazvo.”
Surah Fussilat, Verse 14
فَأَمَّا عَادٞ فَٱسۡتَكۡبَرُواْ فِي ٱلۡأَرۡضِ بِغَيۡرِ ٱلۡحَقِّ وَقَالُواْ مَنۡ أَشَدُّ مِنَّا قُوَّةًۖ أَوَلَمۡ يَرَوۡاْ أَنَّ ٱللَّهَ ٱلَّذِي خَلَقَهُمۡ هُوَ أَشَدُّ مِنۡهُمۡ قُوَّةٗۖ وَكَانُواْ بِـَٔايَٰتِنَا يَجۡحَدُونَ
SemaAad, vaizvitutumadza panyika vasina mvumo, uye vaiti: “Ndiani ane ukuru kutidarika mumasimba?” Havaoni here kuti Allah vakavasika vane ukuru mumasimba kuvadarika. Uye vairamba zviratidzo (ndima) dzedu
Surah Fussilat, Verse 15
فَأَرۡسَلۡنَا عَلَيۡهِمۡ رِيحٗا صَرۡصَرٗا فِيٓ أَيَّامٖ نَّحِسَاتٖ لِّنُذِيقَهُمۡ عَذَابَ ٱلۡخِزۡيِ فِي ٱلۡحَيَوٰةِ ٱلدُّنۡيَاۖ وَلَعَذَابُ ٱلۡأٓخِرَةِ أَخۡزَىٰۖ وَهُمۡ لَا يُنصَرُونَ
Saka takavatumira mhepo mumazuva emweya yakaipa (kwavari) kuti tive tinovaravidza mutongo unodzikisira muupenyu hwepano pasi. Asi zvirokwazvo mutongo weupenyu uchatevera uchanyanya kudzikisira, uye havazombobatsirwi
Surah Fussilat, Verse 16
وَأَمَّا ثَمُودُ فَهَدَيۡنَٰهُمۡ فَٱسۡتَحَبُّواْ ٱلۡعَمَىٰ عَلَى ٱلۡهُدَىٰ فَأَخَذَتۡهُمۡ صَٰعِقَةُ ٱلۡعَذَابِ ٱلۡهُونِ بِمَا كَانُواْ يَكۡسِبُونَ
Uye kuma Thamood, takavaratidza uye tikavajekesera nzira yechokwadi (Islaam), asi vakasarudza upofu vachisiya kutungamirirwa, saka Swaaiqah (mheni, mhere inoparadza) ye mutongo unodzikisira yakavaparadza nekuda kwezvavaiita
Surah Fussilat, Verse 17
وَنَجَّيۡنَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَكَانُواْ يَتَّقُونَ
Uye takanunura avo vaitenda uye vachitya Allah (vachiita mabasa akanaka vachisiya mabasa akaipa)
Surah Fussilat, Verse 18
وَيَوۡمَ يُحۡشَرُ أَعۡدَآءُ ٱللَّهِ إِلَى ٱلنَّارِ فَهُمۡ يُوزَعُونَ
Uye (rangarirai) zuva iro vavengi vaAllah vachaunganidzwa kumoto, naizvozvo vachaperekedzwa (kumoto vachimirirana, vekutanga vachimirira vekupedzisira)
Surah Fussilat, Verse 19
حَتَّىٰٓ إِذَا مَا جَآءُوهَا شَهِدَ عَلَيۡهِمۡ سَمۡعُهُمۡ وَأَبۡصَٰرُهُمۡ وَجُلُودُهُم بِمَا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ
Kusvikira, pavachasvika pauri (moto) nzeve dzavo, meso avo, uye makanda avo zvichapa uchapupu pane izvo zvavaiita
Surah Fussilat, Verse 20
وَقَالُواْ لِجُلُودِهِمۡ لِمَ شَهِدتُّمۡ عَلَيۡنَاۖ قَالُوٓاْ أَنطَقَنَا ٱللَّهُ ٱلَّذِيٓ أَنطَقَ كُلَّ شَيۡءٖۚ وَهُوَ خَلَقَكُمۡ أَوَّلَ مَرَّةٖ وَإِلَيۡهِ تُرۡجَعُونَ
Uye vachati kumakanda avo: “Sei muri kupa uchapupu makanangana nesu?” Achati (makanda avo): “Allah vatiita kuti titaure sekuita kwavaita kuti zvinhu zvose zvitaure, uye ndivo vakakusikai panguva yekutanga, uye kwavari maitwa kuti mudzokere.”
Surah Fussilat, Verse 21
وَمَا كُنتُمۡ تَسۡتَتِرُونَ أَن يَشۡهَدَ عَلَيۡكُمۡ سَمۡعُكُمۡ وَلَآ أَبۡصَٰرُكُمۡ وَلَا جُلُودُكُمۡ وَلَٰكِن ظَنَنتُمۡ أَنَّ ٱللَّهَ لَا يَعۡلَمُ كَثِيرٗا مِّمَّا تَعۡمَلُونَ
Uye maisavanda (panyika) musingazivi kuti nzeve dzenyu, meso enyu, nemakanda enyu zvichapa uchapupu zvakanangana nemi, asi maifunga kuti Allah havazivi zvizhinji zvezvamaiita
Surah Fussilat, Verse 22
وَذَٰلِكُمۡ ظَنُّكُمُ ٱلَّذِي ظَنَنتُم بِرَبِّكُمۡ أَرۡدَىٰكُمۡ فَأَصۡبَحۡتُم مِّنَ ٱلۡخَٰسِرِينَ
Uye mafungiro enyu amaifunga maererano naTenzi venyu, zvakuunzai mukuparadzwa, uye mava vamwe vevakarasikirwa
Surah Fussilat, Verse 23
فَإِن يَصۡبِرُواْ فَٱلنَّارُ مَثۡوٗى لَّهُمۡۖ وَإِن يَسۡتَعۡتِبُواْ فَمَا هُم مِّنَ ٱلۡمُعۡتَبِينَ
Naizvozvo kana vachinge vatsungirira, moto ndiwo uchava imba kwavari, uye kana vakatsvaga kufadza Allah, havasi vamwe veavo vachapihwa mukana wekufadza Allah
Surah Fussilat, Verse 24
۞وَقَيَّضۡنَا لَهُمۡ قُرَنَآءَ فَزَيَّنُواْ لَهُم مَّا بَيۡنَ أَيۡدِيهِمۡ وَمَا خَلۡفَهُمۡ وَحَقَّ عَلَيۡهِمُ ٱلۡقَوۡلُ فِيٓ أُمَمٖ قَدۡ خَلَتۡ مِن قَبۡلِهِم مِّنَ ٱلۡجِنِّ وَٱلۡإِنسِۖ إِنَّهُمۡ كَانُواْ خَٰسِرِينَ
Uye takavagadzirira shamwari dzepedyo (vana satani pano panyika) idzo dzakavashongedzera zvaiva pamberi pavo (mabasa erima) neizvo zvaiva mumashure mavo. Uye shoko raenzaniswa rakanangana navo sekuenzaniswa kwarakanga rakaitwa rakanangana nemadzinza akadarika kubva kumaJinn nevanhu vakadarika mushure mavo. Zvirokwazvo, vaiva vakarasikirwa
Surah Fussilat, Verse 25
وَقَالَ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ لَا تَسۡمَعُواْ لِهَٰذَا ٱلۡقُرۡءَانِ وَٱلۡغَوۡاْ فِيهِ لَعَلَّكُمۡ تَغۡلِبُونَ
Uye avo vasingatendi vanoti: “Musateerere Qur’aan iri, mova munoita ruzha (apo parinenge richiverengwa) kuti muve munokunda.”
Surah Fussilat, Verse 26
فَلَنُذِيقَنَّ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ عَذَابٗا شَدِيدٗا وَلَنَجۡزِيَنَّهُمۡ أَسۡوَأَ ٱلَّذِي كَانُواْ يَعۡمَلُونَ
Asi zvirokwazvo, tichaita kuti vasingatendi varavire mutongo wakaomarara, uye zvirokwazvo tichavapa muripo wakaomesesa nekuda kwezvavaiita
Surah Fussilat, Verse 27
ذَٰلِكَ جَزَآءُ أَعۡدَآءِ ٱللَّهِ ٱلنَّارُۖ لَهُمۡ فِيهَا دَارُ ٱلۡخُلۡدِ جَزَآءَۢ بِمَا كَانُواْ بِـَٔايَٰتِنَا يَجۡحَدُونَ
Uyu ndiwo muripo wevavengi vaAllah: Moto. Imomo vachagaramo zvachose, muripo nekuda kwekuti vairamba zviratidzo zvedu
Surah Fussilat, Verse 28
وَقَالَ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ رَبَّنَآ أَرِنَا ٱلَّذَيۡنِ أَضَلَّانَا مِنَ ٱلۡجِنِّ وَٱلۡإِنسِ نَجۡعَلۡهُمَا تَحۡتَ أَقۡدَامِنَا لِيَكُونَا مِنَ ٱلۡأَسۡفَلِينَ
Uye avo vasingatendi vachati: “Tenzi wedu! Tiratidzei avo pakati pemaJinn nevanhu vakatirasisa (kubva munzira yakatwasuka), kuti tive tinovatsikirira pasi petsoka dzedu kuti vazova vepasi pasi.”
Surah Fussilat, Verse 29
إِنَّ ٱلَّذِينَ قَالُواْ رَبُّنَا ٱللَّهُ ثُمَّ ٱسۡتَقَٰمُواْ تَتَنَزَّلُ عَلَيۡهِمُ ٱلۡمَلَـٰٓئِكَةُ أَلَّا تَخَافُواْ وَلَا تَحۡزَنُواْ وَأَبۡشِرُواْ بِٱلۡجَنَّةِ ٱلَّتِي كُنتُمۡ تُوعَدُونَ
Zvirokwazvo, avo vanoti: “Tenzi vedu ndiAllah (voga),” uye voramba vakatsungirira, ngirozi dzinodzika kwavari (panguva yavo yekufa dzichiti): “Musatye kana kushushikana! Asi gamuchirai mashoko akanaka eParadhiso ramakavimbiswa!”
Surah Fussilat, Verse 30
نَحۡنُ أَوۡلِيَآؤُكُمۡ فِي ٱلۡحَيَوٰةِ ٱلدُّنۡيَا وَفِي ٱلۡأٓخِرَةِۖ وَلَكُمۡ فِيهَا مَا تَشۡتَهِيٓ أَنفُسُكُمۡ وَلَكُمۡ فِيهَا مَا تَدَّعُونَ
“Taiva shamwari dzenyu paupenyu wepasi uye tiri (zvakare) muupenyu uchatevera. Ikoko muchawana zvose zvamunoshuvira, uye imomo muchawana zvose zvamunokumbira.”
Surah Fussilat, Verse 31
نُزُلٗا مِّنۡ غَفُورٖ رَّحِيمٖ
“Mafaro kubva kuna (Allah), muregereri, vane nyasha zhinji.”
Surah Fussilat, Verse 32
وَمَنۡ أَحۡسَنُ قَوۡلٗا مِّمَّن دَعَآ إِلَى ٱللَّهِ وَعَمِلَ صَٰلِحٗا وَقَالَ إِنَّنِي مِنَ ٱلۡمُسۡلِمِينَ
Uye ndiani ari nani mumashoko pane uyo anodana (vanhu) kuna Allah, oita mabasa akanaka, uye oti: “Ndiri umwe wemaMuslim (vanozvipira muchitendero cheIslaam).”
Surah Fussilat, Verse 33
وَلَا تَسۡتَوِي ٱلۡحَسَنَةُ وَلَا ٱلسَّيِّئَةُۚ ٱدۡفَعۡ بِٱلَّتِي هِيَ أَحۡسَنُ فَإِذَا ٱلَّذِي بَيۡنَكَ وَبَيۡنَهُۥ عَدَٰوَةٞ كَأَنَّهُۥ وَلِيٌّ حَمِيمٞ
Basa rakanaka nebasa rakaipa hazvingamboenzani. Tsiva (zvakaipa) neizvo zviri nani, uye zvirokwazvo iye, pakati pake newe paiva neruvengo, achava sekunge aiva shamwari yepedyo
Surah Fussilat, Verse 34
وَمَا يُلَقَّىٰهَآ إِلَّا ٱلَّذِينَ صَبَرُواْ وَمَا يُلَقَّىٰهَآ إِلَّا ذُو حَظٍّ عَظِيمٖ
Asi hapana akapihwa (chimiro chataurwa pandima iri pamusoro) kusara kwe avo vanotsungirira, uye hapana akachipihwa kunze kwemuridzi wechidimbu chikuru (chemafaro kuParadhiso uye ane chimiro chakanaka) pano panyika
Surah Fussilat, Verse 35
وَإِمَّا يَنزَغَنَّكَ مِنَ ٱلشَّيۡطَٰنِ نَزۡغٞ فَٱسۡتَعِذۡ بِٱللَّهِۖ إِنَّهُۥ هُوَ ٱلسَّمِيعُ ٱلۡعَلِيمُ
Uye kana kazevezeve kakaipa kanobva kuna Shaitwaan (Satani) kakada kukutendeutsa (mukuita mabasa akanaka), iva unokumbira ruchengetedzo kuna Allah. Zvirokwazvo, ndivo munzwi wezvose, muzivi wezvose
Surah Fussilat, Verse 36
وَمِنۡ ءَايَٰتِهِ ٱلَّيۡلُ وَٱلنَّهَارُ وَٱلشَّمۡسُ وَٱلۡقَمَرُۚ لَا تَسۡجُدُواْ لِلشَّمۡسِ وَلَا لِلۡقَمَرِ وَٱسۡجُدُواْۤ لِلَّهِۤ ٱلَّذِي خَلَقَهُنَّ إِن كُنتُمۡ إِيَّاهُ تَعۡبُدُونَ
Uye kubva muzviratidzo zvavo pane usiku nemasikati, uye zuva nemwedzi. Musava munopfugamira (munoisa zviso zvenyu kune) zuva kana mwedzi, asi pfugamirai (isai zviso zvenyu kuna) Allah vakazvisika, kana muchivanamata (muchokwadi)
Surah Fussilat, Verse 37
فَإِنِ ٱسۡتَكۡبَرُواْ فَٱلَّذِينَ عِندَ رَبِّكَ يُسَبِّحُونَ لَهُۥ بِٱلَّيۡلِ وَٱلنَّهَارِ وَهُمۡ لَا يَسۡـَٔمُونَ۩
Asi kana vakanyanya kuzvitutumadza (vasingadi kuita kudaro), naizvozvo pane avo vana Tenzi vako (ngirozi) vanovarumbidza usiku nemasikati, uye havamboneti
Surah Fussilat, Verse 38
وَمِنۡ ءَايَٰتِهِۦٓ أَنَّكَ تَرَى ٱلۡأَرۡضَ خَٰشِعَةٗ فَإِذَآ أَنزَلۡنَا عَلَيۡهَا ٱلۡمَآءَ ٱهۡتَزَّتۡ وَرَبَتۡۚ إِنَّ ٱلَّذِيٓ أَحۡيَاهَا لَمُحۡيِ ٱلۡمَوۡتَىٰٓۚ إِنَّهُۥ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٖ قَدِيرٌ
Uye kubva muzviratidzo zvavo, ndezvekuti munoona nyika isina chaiinacho, asi kana tichinge tatumira mvura kwairi inodzorwa kuupenyu nekukura (kwezvinhu). Zvirokwazvo, avo vanoipa upenyu, muzvokwadi vanokwanisa kupa upenyu kune vakafa (pazuva rekutongwa). Zvirokwazvo, vanokwanisa kuita zvinhu zvose
Surah Fussilat, Verse 39
إِنَّ ٱلَّذِينَ يُلۡحِدُونَ فِيٓ ءَايَٰتِنَا لَا يَخۡفَوۡنَ عَلَيۡنَآۗ أَفَمَن يُلۡقَىٰ فِي ٱلنَّارِ خَيۡرٌ أَم مَّن يَأۡتِيٓ ءَامِنٗا يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِۚ ٱعۡمَلُواْ مَا شِئۡتُمۡ إِنَّهُۥ بِمَا تَعۡمَلُونَ بَصِيرٌ
Zvirokwazvo, avo vanofuratira ndima dzedu, havana kuvandika kwatiri. Ari nani here uyo anokandwa kumoto kana uyo anouya akasununguka zuva rekutongwa? Itai zvamunoda. Zvirokwazvo, vanoona (Allah) zvose zvamunoita (Ichi ityityidziro huru kune avo vasingatendi)
Surah Fussilat, Verse 40
إِنَّ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ بِٱلذِّكۡرِ لَمَّا جَآءَهُمۡۖ وَإِنَّهُۥ لَكِتَٰبٌ عَزِيزٞ
Zvirokwazvo, avo vaisatenda murangaridzo (Qur’aan) mushure mekunge yauya kwavari (vachawana mutongo). Uye zvirokwazvo iGwaro rinoremekedzwa (rine chiremera nekuti ishoko raAllah iro ravari kurichengetedza kubva mukuchinjwa)
Surah Fussilat, Verse 41
لَّا يَأۡتِيهِ ٱلۡبَٰطِلُ مِنۢ بَيۡنِ يَدَيۡهِ وَلَا مِنۡ خَلۡفِهِۦۖ تَنزِيلٞ مِّنۡ حَكِيمٍ حَمِيدٖ
Manyepo haakwanisi kuuya kwariri kubva kumberi kana kumashure kwaro: rakatumirwa nevane ungwaru hwose, vane kodzero yekurumbidzwa (Allah)
Surah Fussilat, Verse 42
مَّا يُقَالُ لَكَ إِلَّا مَا قَدۡ قِيلَ لِلرُّسُلِ مِن قَبۡلِكَۚ إِنَّ رَبَّكَ لَذُو مَغۡفِرَةٖ وَذُو عِقَابٍ أَلِيمٖ
Hapana chinotaurwa kwauri (Muhammad (SAW)) kunze kwe izvo zvakataurwa kuvatumwa mumashure mako. Zvirokwazvo, Tenzi vako ndivo muridzi weruregerero, uye muridzi wemutongo unorwadza
Surah Fussilat, Verse 43
وَلَوۡ جَعَلۡنَٰهُ قُرۡءَانًا أَعۡجَمِيّٗا لَّقَالُواْ لَوۡلَا فُصِّلَتۡ ءَايَٰتُهُۥٓۖ ءَا۬عۡجَمِيّٞ وَعَرَبِيّٞۗ قُلۡ هُوَ لِلَّذِينَ ءَامَنُواْ هُدٗى وَشِفَآءٞۚ وَٱلَّذِينَ لَا يُؤۡمِنُونَ فِيٓ ءَاذَانِهِمۡ وَقۡرٞ وَهُوَ عَلَيۡهِمۡ عَمًىۚ أُوْلَـٰٓئِكَ يُنَادَوۡنَ مِن مَّكَانِۭ بَعِيدٖ
Uye dai takatumira Qur’aan nemutauro wekunze (mutauro usiri wechiArabhu) vaiti: “Sei ndima dzaro (Qur’an) dzisina kutsanangurwa zvizere (mumutauro wedu)? Sei (Qur’aan) risiri mumutauro wechiArabhu uye (Mutumwa) iye ari muArabhu?” Iti: “Kune avo vanotenda riri nhungamiri uye rinopodza (rinorapa). Uye kune avo vasingatendi, mune urema (umatsi) munzeve dzavo, uye (Qur’aan) rinovapofumadza. Ndeavo vanodaidzwa kubva kunzvimbo iri kure (nokudaro havateereri kana kunzwisisa).”
Surah Fussilat, Verse 44
وَلَقَدۡ ءَاتَيۡنَا مُوسَى ٱلۡكِتَٰبَ فَٱخۡتُلِفَ فِيهِۚ وَلَوۡلَا كَلِمَةٞ سَبَقَتۡ مِن رَّبِّكَ لَقُضِيَ بَيۡنَهُمۡۚ وَإِنَّهُمۡ لَفِي شَكّٖ مِّنۡهُ مُرِيبٖ
Uye zvirokwazvo takapa Musa, Gwaro (Torah), asi kupokana kwakawanikwa pariri. Uye dai kusiri kuti kwakatumirwa shoko mumashure kubva kuna Tenzi vako, (murango ingadai wakavawira uye) uye zvirokwazvo nyaya iyi ingadai yakatogadziriswa pakati pavo. Asi zvirokwazvo, vane kugunun’una nekusagutsikana kwakanyanya mariri (Qur’aan)
Surah Fussilat, Verse 45
مَّنۡ عَمِلَ صَٰلِحٗا فَلِنَفۡسِهِۦۖ وَمَنۡ أَسَآءَ فَعَلَيۡهَاۗ وَمَا رَبُّكَ بِظَلَّـٰمٖ لِّلۡعَبِيدِ
Ani nani (zvake) anoita basa rakanaka, nderake pachake; uye ani nani anoita chakaipa zvinenge zvakanangana naye. Uye Tenzi vako havasi mudzvinyiriri kuvaranda vavo
Surah Fussilat, Verse 46
۞إِلَيۡهِ يُرَدُّ عِلۡمُ ٱلسَّاعَةِۚ وَمَا تَخۡرُجُ مِن ثَمَرَٰتٖ مِّنۡ أَكۡمَامِهَا وَمَا تَحۡمِلُ مِنۡ أُنثَىٰ وَلَا تَضَعُ إِلَّا بِعِلۡمِهِۦۚ وَيَوۡمَ يُنَادِيهِمۡ أَيۡنَ شُرَكَآءِي قَالُوٓاْ ءَاذَنَّـٰكَ مَامِنَّا مِن شَهِيدٖ
Kwavari (Allah) chete ndiko kune ruzivo rwenguva. Hapana muchero unobuda kubva muchinyedza chawo, kana chikadzi kuzvitakura kana kubara kusara neruzivo rwavo. Uye pazuva iro (Allah) vachadaidzira kwavari (vachiti): “Varipi vamwe vangu (vamaindisanganisa navo)?” Ivo vachati: “Tinokutaurirai kuti hapana umwe wedu anopa uchapupu kwazviri (kuti vamwe venyu)!”
Surah Fussilat, Verse 47
وَضَلَّ عَنۡهُم مَّا كَانُواْ يَدۡعُونَ مِن قَبۡلُۖ وَظَنُّواْ مَا لَهُم مِّن مَّحِيصٖ
Uye avo vavaidana mumashure (Panyika pano) vachanyangarika kubva kwavari, uye vachava vanoziva kuti havana nzvimbo yekutizira (kubva kumutongo waAllah)
Surah Fussilat, Verse 48
لَّا يَسۡـَٔمُ ٱلۡإِنسَٰنُ مِن دُعَآءِ ٱلۡخَيۡرِ وَإِن مَّسَّهُ ٱلشَّرُّ فَيَـُٔوسٞ قَنُوطٞ
Munhu (asingatendi) haaneti kukumbira zvakanaka (kubva kuna Allah). Asi chakaipa kana chichinge chamubata, anoshaya tarisiro uye orasikirwa
Surah Fussilat, Verse 49
وَلَئِنۡ أَذَقۡنَٰهُ رَحۡمَةٗ مِّنَّا مِنۢ بَعۡدِ ضَرَّآءَ مَسَّتۡهُ لَيَقُولَنَّ هَٰذَا لِي وَمَآ أَظُنُّ ٱلسَّاعَةَ قَآئِمَةٗ وَلَئِن رُّجِعۡتُ إِلَىٰ رَبِّيٓ إِنَّ لِي عِندَهُۥ لَلۡحُسۡنَىٰۚ فَلَنُنَبِّئَنَّ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ بِمَا عَمِلُواْ وَلَنُذِيقَنَّهُم مِّنۡ عَذَابٍ غَلِيظٖ
Uye muzvokwadi, kana tichinge tamuravidza netsitsi kubva kwatiri, mushure mekunge chakaipa (urombo hwakanyanya kana urwere) chamubata, anotaura muzvokwadi achiti: “Izvi zvaitika nokuda (kwekugona) kwangu, handifungi kuti nguva ichava inosvika. Asi kana ndichinge ndadzoswa kuna Tenzi vangu, chokwadi pachange paine zvakanaka zvangu (upfumi) navo.” Pedzezvo, zvirokwazvo, tichava tinoratidza vasingatendi izvo zvavaiita, uye tichavaita kuti varavire mutongo wakaomarara
Surah Fussilat, Verse 50
وَإِذَآ أَنۡعَمۡنَا عَلَى ٱلۡإِنسَٰنِ أَعۡرَضَ وَنَـَٔا بِجَانِبِهِۦ وَإِذَا مَسَّهُ ٱلشَّرُّ فَذُو دُعَآءٍ عَرِيضٖ
Uye kana tichinge taratidza munhu makomborero, anodzoka kumashure ofuratira; asi kana chakaipa chamubata, anoita minamato yakareba
Surah Fussilat, Verse 51
قُلۡ أَرَءَيۡتُمۡ إِن كَانَ مِنۡ عِندِ ٱللَّهِ ثُمَّ كَفَرۡتُم بِهِۦ مَنۡ أَضَلُّ مِمَّنۡ هُوَ فِي شِقَاقِۭ بَعِيدٖ
Iti: “Nditaurirei, kana (Qur’aan) richibva kuna Allah, uye hamutendi mariri? Ndeupi akanyanya kurasika kudarika uyo anopikisa zvakanyanya zviri kure (kubva kunzira yaAllah)?”
Surah Fussilat, Verse 52
سَنُرِيهِمۡ ءَايَٰتِنَا فِي ٱلۡأٓفَاقِ وَفِيٓ أَنفُسِهِمۡ حَتَّىٰ يَتَبَيَّنَ لَهُمۡ أَنَّهُ ٱلۡحَقُّۗ أَوَلَمۡ يَكۡفِ بِرَبِّكَ أَنَّهُۥ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٖ شَهِيدٌ
Tichavaritidza zviratidzo zvedu pasi rose, uye mavari pachavo, kusvikira zvava pachena kwavari kuti izvi (zviri muQur’aan) ndezve chokwadi. Hazvina kukwana here kuti Tenzi vako mupupuri pamusoro pezvinhu zvese
Surah Fussilat, Verse 53
أَلَآ إِنَّهُمۡ فِي مِرۡيَةٖ مِّن لِّقَآءِ رَبِّهِمۡۗ أَلَآ إِنَّهُۥ بِكُلِّ شَيۡءٖ مُّحِيطُۢ
Zvirokwazvo, havasi kugutsikana nekusangana kwavo naTenzi vavo (kumutswa kubva kuvafi nekudzokera kuna Tenzi vavo). Zvirokwazvo, ndivo (Allah) vakakomberedza zvinhu zvose
Surah Fussilat, Verse 54