Surah Ash-Shura - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
حمٓ
Haa – Meem
Surah Ash-Shura, Verse 1
عٓسٓقٓ
Ain – Seen – Qaaf. (Mashoko ari mundima yekutanga neechipiri ndemamwe ezvishamiso zviri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah)
Surah Ash-Shura, Verse 2
كَذَٰلِكَ يُوحِيٓ إِلَيۡكَ وَإِلَى ٱلَّذِينَ مِن قَبۡلِكَ ٱللَّهُ ٱلۡعَزِيزُ ٱلۡحَكِيمُ
Nokudaro Allah, samasimba vane ungwaru hwose, vanotumira (vanodzikisa) mashoko kwauri (Muhammad (SAW)) sekudzikisa kwavakaita kune avo vaivepo mushure mako
Surah Ash-Shura, Verse 3
لَهُۥ مَا فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَمَا فِي ٱلۡأَرۡضِۖ وَهُوَ ٱلۡعَلِيُّ ٱلۡعَظِيمُ
Kwavari ndiko kunobva zvose zviri mumatenga nezvose zviri pasi, uye ndivo vepamusoro vakuru
Surah Ash-Shura, Verse 4
تَكَادُ ٱلسَّمَٰوَٰتُ يَتَفَطَّرۡنَ مِن فَوۡقِهِنَّۚ وَٱلۡمَلَـٰٓئِكَةُ يُسَبِّحُونَ بِحَمۡدِ رَبِّهِمۡ وَيَسۡتَغۡفِرُونَ لِمَن فِي ٱلۡأَرۡضِۗ أَلَآ إِنَّ ٱللَّهَ هُوَ ٱلۡغَفُورُ ٱلرَّحِيمُ
Matenga anopotsa kupatsanuka pamusoro pawo (nekuda kweukuru hwavo), uye ngirozi dzinorumbidza rukudzo rwaTenzi wadzo, uye dzova dzinokumbirira ruregerero avo vari panyika. Zvirokwazvo, Allah ndivo vane ruregerero rwose, netsitsi dzose
Surah Ash-Shura, Verse 5
وَٱلَّذِينَ ٱتَّخَذُواْ مِن دُونِهِۦٓ أَوۡلِيَآءَ ٱللَّهُ حَفِيظٌ عَلَيۡهِمۡ وَمَآ أَنتَ عَلَيۡهِم بِوَكِيلٖ
Uye avo vanotora (ana mwari venhema) sevabatsiri vachivasiya (Allah), Allah ndivo mutariri wavo (vanoona zviito zvavo uye vachavapa mubairo wazvo), uye iwe (Muhammad (SAW)) hausi muchengetedzi (mumiririri) pamusoro pavo (wemabasa avo)
Surah Ash-Shura, Verse 6
وَكَذَٰلِكَ أَوۡحَيۡنَآ إِلَيۡكَ قُرۡءَانًا عَرَبِيّٗا لِّتُنذِرَ أُمَّ ٱلۡقُرَىٰ وَمَنۡ حَوۡلَهَا وَتُنذِرَ يَوۡمَ ٱلۡجَمۡعِ لَا رَيۡبَ فِيهِۚ فَرِيقٞ فِي ٱلۡجَنَّةِ وَفَرِيقٞ فِي ٱلسَّعِيرِ
Uye naizvozvo takava tinotumira kwauri (Muhammad (SAW)) Qur’aan murudzi rwechiArab kuti uve unoyambira amai vemaguta (Makkah) nezvakaikomberedza, uye kuyambira nezvezuva regungano iro risina fungidziro, apo rimwe bato richave muParadhiso (avo vaitenda muna Allah uye vachitevera dzidziso dzaMuhammad (SAW)), uye rimwe bato mumarimi emoto (avo vaisatenda munaAllah uye vasingatevedzeri dzidziso dzaMuhammad (SAW)
Surah Ash-Shura, Verse 7
وَلَوۡ شَآءَ ٱللَّهُ لَجَعَلَهُمۡ أُمَّةٗ وَٰحِدَةٗ وَلَٰكِن يُدۡخِلُ مَن يَشَآءُ فِي رَحۡمَتِهِۦۚ وَٱلظَّـٰلِمُونَ مَا لَهُم مِّن وَلِيّٖ وَلَا نَصِيرٍ
Uye dai Allah vaida, dai vakavaita boka rimwechete, asi Allah vanoisa uyo wavanoda mutsitsi dzavo. Uye avo vanoita mabasa akaipa havasi kuzowana mumiririri kana mubatsiri
Surah Ash-Shura, Verse 8
أَمِ ٱتَّخَذُواْ مِن دُونِهِۦٓ أَوۡلِيَآءَۖ فَٱللَّهُ هُوَ ٱلۡوَلِيُّ وَهُوَ يُحۡيِ ٱلۡمَوۡتَىٰ وَهُوَ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٖ قَدِيرٞ
Kana kuti vave vanotora vabatsiri (vanamwari venhema) vachivasiya (Allah)? Asi Allah ndivo vega muchengeti. Uye ndivo vanopa hupenyu kune vakafa, uye vane simba rekuita zvose
Surah Ash-Shura, Verse 9
وَمَا ٱخۡتَلَفۡتُمۡ فِيهِ مِن شَيۡءٖ فَحُكۡمُهُۥٓ إِلَى ٱللَّهِۚ ذَٰلِكُمُ ٱللَّهُ رَبِّي عَلَيۡهِ تَوَكَّلۡتُ وَإِلَيۡهِ أُنِيبُ
Uye mune zvose zvamunopikisana, zvirokwazvo mutongo wazvo una Allah. (Uye iti Muhammad (SAW) kune vasingatendi): Ndivo Allah, Tenzi vangu avo vandinovimba navo, uye ndivo vandinokumbira ruregerero
Surah Ash-Shura, Verse 10
فَاطِرُ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۚ جَعَلَ لَكُم مِّنۡ أَنفُسِكُمۡ أَزۡوَٰجٗا وَمِنَ ٱلۡأَنۡعَٰمِ أَزۡوَٰجٗا يَذۡرَؤُكُمۡ فِيهِۚ لَيۡسَ كَمِثۡلِهِۦ شَيۡءٞۖ وَهُوَ ٱلسَّمِيعُ ٱلۡبَصِيرُ
Musiki wedenga nenyika. Vakakugadzirirai vakadzi kubva kwamuri, uye mombe vakadzigadzirira mombe dzechikadzi. Nenzira iyi vanokusikai. Hapana chakafanana naivo, uye ndivo munzwi wezvose, muoni wezvose
Surah Ash-Shura, Verse 11
لَهُۥ مَقَالِيدُ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۖ يَبۡسُطُ ٱلرِّزۡقَ لِمَن يَشَآءُ وَيَقۡدِرُۚ إِنَّهُۥ بِكُلِّ شَيۡءٍ عَلِيمٞ
Ndivo vane svumbunuro dzedenga nenyika. Vanowedzera raramo kune uyo wavanoshuvira, uye kuderedza (kune wavanoshuvira). Zvirokwazvo, ndivo muzivi wezvose
Surah Ash-Shura, Verse 12
۞شَرَعَ لَكُم مِّنَ ٱلدِّينِ مَا وَصَّىٰ بِهِۦ نُوحٗا وَٱلَّذِيٓ أَوۡحَيۡنَآ إِلَيۡكَ وَمَا وَصَّيۡنَا بِهِۦٓ إِبۡرَٰهِيمَ وَمُوسَىٰ وَعِيسَىٰٓۖ أَنۡ أَقِيمُواْ ٱلدِّينَ وَلَا تَتَفَرَّقُواْ فِيهِۚ كَبُرَ عَلَى ٱلۡمُشۡرِكِينَ مَا تَدۡعُوهُمۡ إِلَيۡهِۚ ٱللَّهُ يَجۡتَبِيٓ إِلَيۡهِ مَن يَشَآءُ وَيَهۡدِيٓ إِلَيۡهِ مَن يُنِيبُ
Vakave (Allah) vanotsidza kwauri chitendero (Islaam) chavakatsidza kuna Nowa, uye neizvo zvatadzikisa kwauri (Muhammad (SAW)), uye neizvo zvatakatsidza kuna Abrahamu, Musa, uye Isa (Jesu), tichiti munofanira kuchengetedza chitendero uye musava munopatsanura machiri (kuva mapoka akasiyana siyana). Hazvitambirwi kune avo vasingatendi, izvo zvaunovadeedzera (Muhammad (SAW)) kwazviri. Allah vanozvisarudzira uyo wavanoda, uye vanomutungamirira uyo anokumbira ruregerero uye achivateerera
Surah Ash-Shura, Verse 13
وَمَا تَفَرَّقُوٓاْ إِلَّا مِنۢ بَعۡدِ مَا جَآءَهُمُ ٱلۡعِلۡمُ بَغۡيَۢا بَيۡنَهُمۡۚ وَلَوۡلَا كَلِمَةٞ سَبَقَتۡ مِن رَّبِّكَ إِلَىٰٓ أَجَلٖ مُّسَمّٗى لَّقُضِيَ بَيۡنَهُمۡۚ وَإِنَّ ٱلَّذِينَ أُورِثُواْ ٱلۡكِتَٰبَ مِنۢ بَعۡدِهِمۡ لَفِي شَكّٖ مِّنۡهُ مُرِيبٖ
Uye havana kupatsanuka kusara kwemushure mekunge ruzivo rwauya kwavari, nokuda kwekupfurikidza mwero pakati pavo. Uye dai risiri shoko rakauya kwavari kubva kuna Tenzi vako kwenguva yakatarwa, dai zvakagadziriswa pakati pavo izvo zvainetsa. Uye zvirokwazvo avo vakagariswa nhaka yeGwaro (Torah neVhangeri) mushure mavo (maJudha nemaKristu) vari mufungidziro zvikuru pamusoro pacho (chi Islaam)
Surah Ash-Shura, Verse 14
فَلِذَٰلِكَ فَٱدۡعُۖ وَٱسۡتَقِمۡ كَمَآ أُمِرۡتَۖ وَلَا تَتَّبِعۡ أَهۡوَآءَهُمۡۖ وَقُلۡ ءَامَنتُ بِمَآ أَنزَلَ ٱللَّهُ مِن كِتَٰبٖۖ وَأُمِرۡتُ لِأَعۡدِلَ بَيۡنَكُمُۖ ٱللَّهُ رَبُّنَا وَرَبُّكُمۡۖ لَنَآ أَعۡمَٰلُنَا وَلَكُمۡ أَعۡمَٰلُكُمۡۖ لَا حُجَّةَ بَيۡنَنَا وَبَيۡنَكُمُۖ ٱللَّهُ يَجۡمَعُ بَيۡنَنَاۖ وَإِلَيۡهِ ٱلۡمَصِيرُ
Saka naizvozvo shevedza (vanhu) (iwe Muhammad (SAW)), uye mira zvakasimba (uri muchi Islaam) sekukomekedzwa kwawakaitwa, uye usave unotevedzera zvido zvavo, uye iti: “Ndinotenda mune zvakadzikiswa naAllah mumabhuku ese (Qur’aan nemabhuku ari mushure maro, Torah, Injeel (Vhangeri), nebhuku raAbrahamu), uye ndava ndinokomekedzwa kuenzanisa pakati penyu. Allah ndiTenzi vedu uye Tenzi venyu. Isu tine mabasa edu uye imi mune mabasa enyu. Hapana kupokana pakati pedu nemi. Allah vachava vanotiunganidza tose, uye kwavari ndiko kwatichadzokera.”
Surah Ash-Shura, Verse 15
وَٱلَّذِينَ يُحَآجُّونَ فِي ٱللَّهِ مِنۢ بَعۡدِ مَا ٱسۡتُجِيبَ لَهُۥ حُجَّتُهُمۡ دَاحِضَةٌ عِندَ رَبِّهِمۡ وَعَلَيۡهِمۡ غَضَبٞ وَلَهُمۡ عَذَابٞ شَدِيدٌ
Uye avo vanopikisa pamusoro paAllah (chitendero chavo Islaam) mushure mekunge chatambirwa (nevanhu), kupikisa kwavo hakuna basa pamberi paAllah, Tenzi vavo, uye kutsamwa nemarwadzo akanyanya zvichange zviri kwavari
Surah Ash-Shura, Verse 16
ٱللَّهُ ٱلَّذِيٓ أَنزَلَ ٱلۡكِتَٰبَ بِٱلۡحَقِّ وَٱلۡمِيزَانَۗ وَمَا يُدۡرِيكَ لَعَلَّ ٱلسَّاعَةَ قَرِيبٞ
Allah ndivo vakadzikisa Bhuku (Qur’aan) muzvokwadi, uye chikero (kuti muve munoenzanisa). Uye chii chinoita kuti uzive kuti dzimwe nguva, nguva yekupedzisira yava pedyo
Surah Ash-Shura, Verse 17
يَسۡتَعۡجِلُ بِهَا ٱلَّذِينَ لَا يُؤۡمِنُونَ بِهَاۖ وَٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ مُشۡفِقُونَ مِنۡهَا وَيَعۡلَمُونَ أَنَّهَا ٱلۡحَقُّۗ أَلَآ إِنَّ ٱلَّذِينَ يُمَارُونَ فِي ٱلسَّاعَةِ لَفِي ضَلَٰلِۭ بَعِيدٍ
Avo vasingatendi mairi (nguva yekupedzisira) vanoda kuti ikurumidze, asi avo vanotenda, vanoitya zvakanyanya, uye vanoziva kuti zvirokwazvo ichokwadi. Zvirokwazvo, avo vanopikisa maererano nenguva (yekupedzisira) vari mukurasika zvakanyanya
Surah Ash-Shura, Verse 18
ٱللَّهُ لَطِيفُۢ بِعِبَادِهِۦ يَرۡزُقُ مَن يَشَآءُۖ وَهُوَ ٱلۡقَوِيُّ ٱلۡعَزِيزُ
Allah vane tsitsi kuvaranda vavo. Vanopa raramo kune wavanoda. Uye ndivo samasimba, mukuru wezvose
Surah Ash-Shura, Verse 19
مَن كَانَ يُرِيدُ حَرۡثَ ٱلۡأٓخِرَةِ نَزِدۡ لَهُۥ فِي حَرۡثِهِۦۖ وَمَن كَانَ يُرِيدُ حَرۡثَ ٱلدُّنۡيَا نُؤۡتِهِۦ مِنۡهَا وَمَا لَهُۥ فِي ٱلۡأٓخِرَةِ مِن نَّصِيبٍ
Uyo anoda (nemabasa ake) mubairo wehupenyu huchatevera, tinova tinomuwedzera mubairo wake; uye uyo anoda mubairo wepasi pano (nemabasa ake), tinomupa (Pano pasi), uye achange asina chidimbu muhupenyu hwemangwana
Surah Ash-Shura, Verse 20
أَمۡ لَهُمۡ شُرَكَـٰٓؤُاْ شَرَعُواْ لَهُم مِّنَ ٱلدِّينِ مَا لَمۡ يَأۡذَنۢ بِهِ ٱللَّهُۚ وَلَوۡلَا كَلِمَةُ ٱلۡفَصۡلِ لَقُضِيَ بَيۡنَهُمۡۗ وَإِنَّ ٱلظَّـٰلِمِينَ لَهُمۡ عَذَابٌ أَلِيمٞ
Kana kuti vane vabatsiri vakavagadzirira chitendero chisina mvumo kubva kuna Allah? Uye dai rakanga risiri shoko rechokwadi (rakataurwa kare naAllah), iyi nyaya ingadai yakatongwa pakati pavo. Uye zvirokwazvo vatadzi vachange vaine mutongo unorwadza
Surah Ash-Shura, Verse 21
تَرَى ٱلظَّـٰلِمِينَ مُشۡفِقِينَ مِمَّا كَسَبُواْ وَهُوَ وَاقِعُۢ بِهِمۡۗ وَٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّـٰلِحَٰتِ فِي رَوۡضَاتِ ٱلۡجَنَّاتِۖ لَهُم مَّا يَشَآءُونَ عِندَ رَبِّهِمۡۚ ذَٰلِكَ هُوَ ٱلۡفَضۡلُ ٱلۡكَبِيرُ
Uchaona (pazuva rekutongwa) vatadzi vachitya zvavakawana, uye marwadzo achava anovawira. Uye avo vanotenda (muIslaam) nekuita mabasa akanaka, vachange vari mumapindu emuParadhiso. Vachange vaine zvose zvavanoshuvira kuna Tenzi vavo. Iwawo ndiwo makomborero makuru (Paradhiso)
Surah Ash-Shura, Verse 22
ذَٰلِكَ ٱلَّذِي يُبَشِّرُ ٱللَّهُ عِبَادَهُ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّـٰلِحَٰتِۗ قُل لَّآ أَسۡـَٔلُكُمۡ عَلَيۡهِ أَجۡرًا إِلَّا ٱلۡمَوَدَّةَ فِي ٱلۡقُرۡبَىٰۗ وَمَن يَقۡتَرِفۡ حَسَنَةٗ نَّزِدۡ لَهُۥ فِيهَا حُسۡنًاۚ إِنَّ ٱللَّهَ غَفُورٞ شَكُورٌ
Iyo ndiyo Paradhiso iyo Allah vanopa mashoko akanaka kuvaranda vavo vanotenda nekuita mabasa akanaka. Iti (Muhammad (SAW)): “Handisi kukukumbirai mubairo pazviri kusara kwetsitsi dzenyu kwandiri neukama hwangu nemi.” Uye uyo anowana basa rakanaka tichava tinomuwedzera zvakanaka. Zvirokwazvo, Allah ndivo muregereri, mutendi (anotenda mabasa akanaka anoitwa neavo vanomuteerera)
Surah Ash-Shura, Verse 23
أَمۡ يَقُولُونَ ٱفۡتَرَىٰ عَلَى ٱللَّهِ كَذِبٗاۖ فَإِن يَشَإِ ٱللَّهُ يَخۡتِمۡ عَلَىٰ قَلۡبِكَۗ وَيَمۡحُ ٱللَّهُ ٱلۡبَٰطِلَ وَيُحِقُّ ٱلۡحَقَّ بِكَلِمَٰتِهِۦٓۚ إِنَّهُۥ عَلِيمُۢ بِذَاتِ ٱلصُّدُورِ
Kana kuti vari kuti: “Akagadzira manyepo pamusoro paAllah?” Kana Allah vaida, vangadai vakavhara moyo wako (kuti ukanganwe Qur’aan rese). Uye vanodzima manyepo nekubuditsa chokwadi pachena neshoko ravo (Qur’aan). Zvirokwazvo, (Allah) vanoziva zvese zviri mumatundundu
Surah Ash-Shura, Verse 24
وَهُوَ ٱلَّذِي يَقۡبَلُ ٱلتَّوۡبَةَ عَنۡ عِبَادِهِۦ وَيَعۡفُواْ عَنِ ٱلسَّيِّـَٔاتِ وَيَعۡلَمُ مَا تَفۡعَلُونَ
Uye ndivo vanotambira ruregerero kubva kuvaranda vavo, uye kuregerera zvitadzo, uye vanoziva zvamunoita
Surah Ash-Shura, Verse 25
وَيَسۡتَجِيبُ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّـٰلِحَٰتِ وَيَزِيدُهُم مِّن فَضۡلِهِۦۚ وَٱلۡكَٰفِرُونَ لَهُمۡ عَذَابٞ شَدِيدٞ
Uye (Allah) vanodaira avo vanotenda vachiita mabasa akanaka, uye vovawedzera kubva mumakomborero avo (Allah). Uye kune avo vasingatendi, kwavari vachava nemutongo wakaomarara
Surah Ash-Shura, Verse 26
۞وَلَوۡ بَسَطَ ٱللَّهُ ٱلرِّزۡقَ لِعِبَادِهِۦ لَبَغَوۡاْ فِي ٱلۡأَرۡضِ وَلَٰكِن يُنَزِّلُ بِقَدَرٖ مَّا يَشَآءُۚ إِنَّهُۥ بِعِبَادِهِۦ خَبِيرُۢ بَصِيرٞ
Uye dai Allah vakawedzera raramo kuvaranda vavo, zvirokwazvo vaizopanduka panyika, asi vanotumira zvine chiero sekuda kwavo. Zvirokwazvo, (Allah) varanda vavo vanovaziva pamwechete nekuvaona
Surah Ash-Shura, Verse 27
وَهُوَ ٱلَّذِي يُنَزِّلُ ٱلۡغَيۡثَ مِنۢ بَعۡدِ مَا قَنَطُواْ وَيَنشُرُ رَحۡمَتَهُۥۚ وَهُوَ ٱلۡوَلِيُّ ٱلۡحَمِيدُ
Uye ndivo vanotumira mvura mushure mekunge (vanhu) vashushikana, uye voparadzira tsitsi dzavo. Uye ndivo Wali (Muchengeti, Tenzi), vane kodzero yekurumbidzwa
Surah Ash-Shura, Verse 28
وَمِنۡ ءَايَٰتِهِۦ خَلۡقُ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ وَمَا بَثَّ فِيهِمَا مِن دَآبَّةٖۚ وَهُوَ عَلَىٰ جَمۡعِهِمۡ إِذَا يَشَآءُ قَدِيرٞ
Uye muzviratidzo zvavo mune kusikwa kwematenga nenyika, uye zvisikwa zvose zvinofamba zvavakaparadzira maari ese. Uye (Allah) vanokwanisa kuzviunganidza zvose pamwechete kana vada
Surah Ash-Shura, Verse 29
وَمَآ أَصَٰبَكُم مِّن مُّصِيبَةٖ فَبِمَا كَسَبَتۡ أَيۡدِيكُمۡ وَيَعۡفُواْ عَن كَثِيرٖ
Uye chose chakaipa chinokuwana, chinokuwana nekuda kwezvaunenge wabata nemaoko ako. Uye (Allah) vanoregerera kazhinji
Surah Ash-Shura, Verse 30
وَمَآ أَنتُم بِمُعۡجِزِينَ فِي ٱلۡأَرۡضِۖ وَمَا لَكُم مِّن دُونِ ٱللَّهِ مِن وَلِيّٖ وَلَا نَصِيرٖ
Uye hamukwanisi kutiza (mutongo wa) Allah pano panyika, uye kunze kwaAllah hamuna mumwe muchengeti kana mubatsiri
Surah Ash-Shura, Verse 31
وَمِنۡ ءَايَٰتِهِ ٱلۡجَوَارِ فِي ٱلۡبَحۡرِ كَٱلۡأَعۡلَٰمِ
Uye kubva muzviratidzo zvavo mune ngarava munzizi semakomo
Surah Ash-Shura, Verse 32
إِن يَشَأۡ يُسۡكِنِ ٱلرِّيحَ فَيَظۡلَلۡنَ رَوَاكِدَ عَلَىٰ ظَهۡرِهِۦٓۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَٰتٖ لِّكُلِّ صَبَّارٖ شَكُورٍ
Kana vachida, vanoita kuti mhepo ipere kuvhuvhuta, naizvozvo zvobva (ngarava) dzamira pamusoro (pemvura mugungwa). Zvirokwazvo, mazviri mune zviratidzo kune wese anotsungirira uye achitenda
Surah Ash-Shura, Verse 33
أَوۡ يُوبِقۡهُنَّ بِمَا كَسَبُواْ وَيَعۡفُ عَن كَثِيرٖ
Kana kuti (Allah) vanovaparadza (vanhu) (nekunyura kwengarava) nekuda kwezvavakawana. Uye vanoregerera zvakanyanya
Surah Ash-Shura, Verse 34
وَيَعۡلَمَ ٱلَّذِينَ يُجَٰدِلُونَ فِيٓ ءَايَٰتِنَا مَا لَهُم مِّن مَّحِيصٖ
Uye avo vanopikisa maererano nezviratidzo zvedu, kuti vazive kuti hakuna nzvimbo yavo yekutizira (kubva kumutongo waAllah)
Surah Ash-Shura, Verse 35
فَمَآ أُوتِيتُم مِّن شَيۡءٖ فَمَتَٰعُ ٱلۡحَيَوٰةِ ٱلدُّنۡيَاۚ وَمَا عِندَ ٱللَّهِ خَيۡرٞ وَأَبۡقَىٰ لِلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَلَىٰ رَبِّهِمۡ يَتَوَكَّلُونَ
Saka chose chamakapihwa chingave chii zvacho anongova mafaro ehupenyu hwepano panyika, asi izvo zvina Allah (Paradhiso) zviri nani uye hazviperi kune avo vanotenda (muhumwechete hwaAllah), uye vachiisa kuvimba kwavo muna Tenzi vavo (munyaya dzavo dzese)
Surah Ash-Shura, Verse 36
وَٱلَّذِينَ يَجۡتَنِبُونَ كَبَـٰٓئِرَ ٱلۡإِثۡمِ وَٱلۡفَوَٰحِشَ وَإِذَا مَا غَضِبُواْ هُمۡ يَغۡفِرُونَ
Uye avo vanozvidzora kubva mukuita zvitadzo zvikuru, uye Al-Fawaahish (cheupombwe), uye kana vachinge vatsamwa vanoregerera
Surah Ash-Shura, Verse 37
وَٱلَّذِينَ ٱسۡتَجَابُواْ لِرَبِّهِمۡ وَأَقَامُواْ ٱلصَّلَوٰةَ وَأَمۡرُهُمۡ شُورَىٰ بَيۡنَهُمۡ وَمِمَّا رَزَقۡنَٰهُمۡ يُنفِقُونَ
Uye avo vanodaira kudana kwaTenzi vavo (kuti vatende kuti vamwechete uye kuvanamata), uye vachiita Swalaah, neavo vanofambisa nyaya dzavo kuburikidza nekupana mazano, uye vachipa kubva kune izvo zvatakavapa
Surah Ash-Shura, Verse 38
وَٱلَّذِينَ إِذَآ أَصَابَهُمُ ٱلۡبَغۡيُ هُمۡ يَنتَصِرُونَ
Uye avo vanoti kana udzvanyiriri uchinge waitwa kwavari vanotsiva
Surah Ash-Shura, Verse 39
وَجَزَـٰٓؤُاْ سَيِّئَةٖ سَيِّئَةٞ مِّثۡلُهَاۖ فَمَنۡ عَفَا وَأَصۡلَحَ فَأَجۡرُهُۥ عَلَى ٱللَّهِۚ إِنَّهُۥ لَا يُحِبُّ ٱلظَّـٰلِمِينَ
Mugove wechakaipa ndechakaipa chakafanana nacho, asi uyo anoregerera uye owadzanisa, mugove wake una Allah. Zvirokwazvo, Allah havafariri vatadzi
Surah Ash-Shura, Verse 40
وَلَمَنِ ٱنتَصَرَ بَعۡدَ ظُلۡمِهِۦ فَأُوْلَـٰٓئِكَ مَا عَلَيۡهِم مِّن سَبِيلٍ
Uye zvirokwazvo uyo anotsiva mushure mekunge akanganisirwa, kune avo hapana nzira (yekupomerwa mhosva) kwavari
Surah Ash-Shura, Verse 41
إِنَّمَا ٱلسَّبِيلُ عَلَى ٱلَّذِينَ يَظۡلِمُونَ ٱلنَّاسَ وَيَبۡغُونَ فِي ٱلۡأَرۡضِ بِغَيۡرِ ٱلۡحَقِّۚ أُوْلَـٰٓئِكَ لَهُمۡ عَذَابٌ أَلِيمٞ
Zvirokwazvo, nzira (yekupomera mhosva) iri kune avo vanodzvinyirira vanhu uye vachipanduka panyika zvisina kodzero. Kwavari kuchave nemutongo unorwadza wakaoma
Surah Ash-Shura, Verse 42
وَلَمَن صَبَرَ وَغَفَرَ إِنَّ ذَٰلِكَ لَمِنۡ عَزۡمِ ٱلۡأُمُورِ
Uye zvirokwazvo ani nani anotsungirira uye oregerera, izvi zvirokwazvo zvinenge zviri zvinhu zvinobva kune zvinokurudzirwa naAllah
Surah Ash-Shura, Verse 43
وَمَن يُضۡلِلِ ٱللَّهُ فَمَا لَهُۥ مِن وَلِيّٖ مِّنۢ بَعۡدِهِۦۗ وَتَرَى ٱلظَّـٰلِمِينَ لَمَّا رَأَوُاْ ٱلۡعَذَابَ يَقُولُونَ هَلۡ إِلَىٰ مَرَدّٖ مِّن سَبِيلٖ
Uye uyo Allah wavanoita kuti arasike, kwaari haana Wali (Mununuri) mushure mavo (Allah). Uye uchaona vatadzi apo pavachaona mutongo vachati: “Pane here chero nzira yekudzokera (Panyika)?”
Surah Ash-Shura, Verse 44
وَتَرَىٰهُمۡ يُعۡرَضُونَ عَلَيۡهَا خَٰشِعِينَ مِنَ ٱلذُّلِّ يَنظُرُونَ مِن طَرۡفٍ خَفِيّٖۗ وَقَالَ ٱلَّذِينَ ءَامَنُوٓاْ إِنَّ ٱلۡخَٰسِرِينَ ٱلَّذِينَ خَسِرُوٓاْ أَنفُسَهُمۡ وَأَهۡلِيهِمۡ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِۗ أَلَآ إِنَّ ٱلظَّـٰلِمِينَ فِي عَذَابٖ مُّقِيمٖ
Uye uchavaona vachiunzwa kwariri (Gehena) vakazvininipisa nekuda kwekukudzikisrwa, vachitarisa zvinyoro-nyoro. Uye avo vanotenda vachati: “Zvirokwazvo, vakarasikirwa ndeavo vanorasikirwa pachavo pamwechete nemhuri dzavo pazuva rekutongwa. Zvirokwazvo, vatadzi (vange vasingatendi) vachave nemutongo usingaperi.”
Surah Ash-Shura, Verse 45
وَمَا كَانَ لَهُم مِّنۡ أَوۡلِيَآءَ يَنصُرُونَهُم مِّن دُونِ ٱللَّهِۗ وَمَن يُضۡلِلِ ٱللَّهُ فَمَا لَهُۥ مِن سَبِيلٍ
Uye vachange vasina maAwliya (Vanunuri/Vabatsiri) kuti vavabatsire kunze kwaAllah. Uye uyo Allah wavanoita kuti arasike, kwaari hapana nzira (yekutevera)
Surah Ash-Shura, Verse 46
ٱسۡتَجِيبُواْ لِرَبِّكُم مِّن قَبۡلِ أَن يَأۡتِيَ يَوۡمٞ لَّا مَرَدَّ لَهُۥ مِنَ ٱللَّهِۚ مَا لَكُم مِّن مَّلۡجَإٖ يَوۡمَئِذٖ وَمَا لَكُم مِّن نَّكِيرٖ
Dairai kudana kwaTenzi venyu (Tambirai Islaam imi vanhu nemaJinn) kusati kwasvika kubva kuna Allah zuva iro risingakwanisiki kutiza (zuva rekutongwa). Muchange musina kwekutizira zuva iri uye hamuzokwanisi kuramba (mhosva dzenyu nekuti dzakanyorwa mumabhuku emabasa enyu)
Surah Ash-Shura, Verse 47
فَإِنۡ أَعۡرَضُواْ فَمَآ أَرۡسَلۡنَٰكَ عَلَيۡهِمۡ حَفِيظًاۖ إِنۡ عَلَيۡكَ إِلَّا ٱلۡبَلَٰغُۗ وَإِنَّآ إِذَآ أَذَقۡنَا ٱلۡإِنسَٰنَ مِنَّا رَحۡمَةٗ فَرِحَ بِهَاۖ وَإِن تُصِبۡهُمۡ سَيِّئَةُۢ بِمَا قَدَّمَتۡ أَيۡدِيهِمۡ فَإِنَّ ٱلۡإِنسَٰنَ كَفُورٞ
Asi kana vachinge vafuratira (Iwe Muhammad (SAW)), (ziva kuti) hatina kukutumira kwavari semuchengetedzi. Basa rako nderekusvitsa shoko. Uye zvirokwazvo kana tichinge taita kuti munhu aravire tsitsi dzedu kubva kwatiri anofadzwa nazvo; asi kana chakaipa chikamuwira nekuda kwemabasa akaitwa nemaoko avo, naizvozvo zvirokwazvo munhu haatendi
Surah Ash-Shura, Verse 48
لِّلَّهِ مُلۡكُ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۚ يَخۡلُقُ مَا يَشَآءُۚ يَهَبُ لِمَن يَشَآءُ إِنَٰثٗا وَيَهَبُ لِمَن يَشَآءُ ٱلذُّكُورَ
Allah ndivo muridzi weumambo hwematenga nepasi, vanosika zvavanoda. Vanopa vanasikana wavanoda uye vanopa wavanoda vanakomana
Surah Ash-Shura, Verse 49
أَوۡ يُزَوِّجُهُمۡ ذُكۡرَانٗا وَإِنَٰثٗاۖ وَيَجۡعَلُ مَن يَشَآءُ عَقِيمًاۚ إِنَّهُۥ عَلِيمٞ قَدِيرٞ
Kana kuti vanopa vese vanakomana nevanasikana, uye vanoita ngomwa uyo wavanoda. Zvirokwazvo, vanoziva zvose uye vanokwanisa kuita zvinhu zvose
Surah Ash-Shura, Verse 50
۞وَمَا كَانَ لِبَشَرٍ أَن يُكَلِّمَهُ ٱللَّهُ إِلَّا وَحۡيًا أَوۡ مِن وَرَآيِٕ حِجَابٍ أَوۡ يُرۡسِلَ رَسُولٗا فَيُوحِيَ بِإِذۡنِهِۦ مَا يَشَآءُۚ إِنَّهُۥ عَلِيٌّ حَكِيمٞ
Hazvina kuva zvinopihwa munhu kuti Allah vanotaura naye kunze kwekunge riri shoko rinenge radzikiswa, kana kuti paine chidziro, kana kuti (Allah) vanotumira mutumwa kuti ave anobuditsa zvavanoda nekuda kwemvumo yavo. Zvirokwazvo, ndivo vepamusoro-soro, vazere neungwaru
Surah Ash-Shura, Verse 51
وَكَذَٰلِكَ أَوۡحَيۡنَآ إِلَيۡكَ رُوحٗا مِّنۡ أَمۡرِنَاۚ مَا كُنتَ تَدۡرِي مَا ٱلۡكِتَٰبُ وَلَا ٱلۡإِيمَٰنُ وَلَٰكِن جَعَلۡنَٰهُ نُورٗا نَّهۡدِي بِهِۦ مَن نَّشَآءُ مِنۡ عِبَادِنَاۚ وَإِنَّكَ لَتَهۡدِيٓ إِلَىٰ صِرَٰطٖ مُّسۡتَقِيمٖ
Saizvozvo takava tinotumira kwauri (Muhammad (SAW)) Rooh (Shoko uye tsitsi) nekuda kwedu. Hawaiziva Gwaro (Qur’aan) kana kuti chii chinonzi kutenda, asi takariita (Qur’aan) sechiedza chatinotungamidza nacho watinoda kubva kuvaranda vedu. Uye zvirokwazvo, (Muhammad (SAW) uri kutungamirira (vanhu) kunzira yakatwasuka (Islaam)
Surah Ash-Shura, Verse 52
صِرَٰطِ ٱللَّهِ ٱلَّذِي لَهُۥ مَا فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَمَا فِي ٱلۡأَرۡضِۗ أَلَآ إِلَى ٱللَّهِ تَصِيرُ ٱلۡأُمُورُ
Nzira yaAllah, avo vari muridzi hwezvose zviri mumatenga nezvose zviri pasi. Zvirokwazvo, zvinhu zvose mukuguma kwazvo zvichadzokera kuna Allah
Surah Ash-Shura, Verse 53