Surah Az-Zukhruf - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
حمٓ
Haa – Meem. (Mashoko aya ndemamwe ezvishamiso zviri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah)
Surah Az-Zukhruf, Verse 1
وَٱلۡكِتَٰبِ ٱلۡمُبِينِ
Ndinopika neGwaro (Qur’aan) riri pachena (Rinobuditsa zvinhu zvese pachena)
Surah Az-Zukhruf, Verse 2
إِنَّا جَعَلۡنَٰهُ قُرۡءَٰنًا عَرَبِيّٗا لَّعَلَّكُمۡ تَعۡقِلُونَ
Zvirokwazvo, takariita Qur’aan rive muchirudzi chechiArabhu kuti muve munonzwisisa
Surah Az-Zukhruf, Verse 3
وَإِنَّهُۥ فِيٓ أُمِّ ٱلۡكِتَٰبِ لَدَيۡنَا لَعَلِيٌّ حَكِيمٌ
Uye zvirokwazvo (Qur’aan) riri muna Amai veBhuku (Al-Lauh Al-Mahfoodh) nesu, zvirokwazvo ndere pamusoro, rizere neungwaru
Surah Az-Zukhruf, Verse 4
أَفَنَضۡرِبُ عَنكُمُ ٱلذِّكۡرَ صَفۡحًا أَن كُنتُمۡ قَوۡمٗا مُّسۡرِفِينَ
Tochitora here yeuchidzo (Qur’aan) kubva kwamuri, nokuda kwekuti muri vanhu vanopfurikidza mwero
Surah Az-Zukhruf, Verse 5
وَكَمۡ أَرۡسَلۡنَا مِن نَّبِيّٖ فِي ٱلۡأَوَّلِينَ
Uyezve vaporofita vangani vatakatumira pakati pevanhu vekare
Surah Az-Zukhruf, Verse 6
وَمَا يَأۡتِيهِم مِّن نَّبِيٍّ إِلَّا كَانُواْ بِهِۦ يَسۡتَهۡزِءُونَ
Uyezve hakuna kuuya muporofita kwavari kusara kwekuti vaimuseka
Surah Az-Zukhruf, Verse 7
فَأَهۡلَكۡنَآ أَشَدَّ مِنۡهُم بَطۡشٗا وَمَضَىٰ مَثَلُ ٱلۡأَوَّلِينَ
Naizvozvo takaparadza vanhu vakasimba pane ava, uye muenzaniso wevekare wakapfuura (Pamberi pavo)
Surah Az-Zukhruf, Verse 8
وَلَئِن سَأَلۡتَهُم مَّنۡ خَلَقَ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ لَيَقُولُنَّ خَلَقَهُنَّ ٱلۡعَزِيزُ ٱلۡعَلِيمُ
Uye zvirokwazvo ukavabvunza: “Ndiani akasika matenga nenyika?” Zvirokwazvo, vachataura kuti: “Samasimba vane ruzivo rwose ndivo vakawasika.”
Surah Az-Zukhruf, Verse 9
ٱلَّذِي جَعَلَ لَكُمُ ٱلۡأَرۡضَ مَهۡدٗا وَجَعَلَ لَكُمۡ فِيهَا سُبُلٗا لَّعَلَّكُمۡ تَهۡتَدُونَ
Avo vakakugadzirirai nyika semubhedha, uye vakakugadzirirai nzira mairi, kuti muve munotungamirirwa (munofamba zvakanaka)
Surah Az-Zukhruf, Verse 10
وَٱلَّذِي نَزَّلَ مِنَ ٱلسَّمَآءِ مَآءَۢ بِقَدَرٖ فَأَنشَرۡنَا بِهِۦ بَلۡدَةٗ مَّيۡتٗاۚ كَذَٰلِكَ تُخۡرَجُونَ
Uye avo vanotumira mvura (inonaya) kubva kudenga zvakaenzanirana, naizvozvo tinopa upenyu kuivhu nayo mvura, uye saizvozvo muchava munodzoswa (kuupenyu mushure mekunge mafa)
Surah Az-Zukhruf, Verse 11
وَٱلَّذِي خَلَقَ ٱلۡأَزۡوَٰجَ كُلَّهَا وَجَعَلَ لَكُم مِّنَ ٱلۡفُلۡكِ وَٱلۡأَنۡعَٰمِ مَا تَرۡكَبُونَ
Uye avo vakasika zvinhu zvose zviri zviviri zviviri (chirume nechikadzi), uye vakakugadzirirai ngarava nezvipfuyo izvo zvamunotasva
Surah Az-Zukhruf, Verse 12
لِتَسۡتَوُۥاْ عَلَىٰ ظُهُورِهِۦ ثُمَّ تَذۡكُرُواْ نِعۡمَةَ رَبِّكُمۡ إِذَا ٱسۡتَوَيۡتُمۡ عَلَيۡهِ وَتَقُولُواْ سُبۡحَٰنَ ٱلَّذِي سَخَّرَ لَنَا هَٰذَا وَمَا كُنَّا لَهُۥ مُقۡرِنِينَ
Kuti muve munotasva kumisana yazvo (zvipfuyo), uye kuti muve munorangarira makomborero aTenzi venyu pamunotasva, uye moti: “Kurumbidzwa ngakuve kune avo vakatungamidza izvi kwatiri, uye hataikwanisa kuzviwana (nekuda kwesimba redu)!”
Surah Az-Zukhruf, Verse 13
وَإِنَّآ إِلَىٰ رَبِّنَا لَمُنقَلِبُونَ
“Uye zvirokwazvo kuna Tenzi vedu tichadzokera!”
Surah Az-Zukhruf, Verse 14
وَجَعَلُواْ لَهُۥ مِنۡ عِبَادِهِۦ جُزۡءًاۚ إِنَّ ٱلۡإِنسَٰنَ لَكَفُورٞ مُّبِينٌ
Asi vanovasanganisa (Allah) nechidimbu kubva mune vamwe varanda vavo (vachiti vane vana uye vachivaenzanisa pakunamata). Zvirokwazvo, munhu ari mukusatenda kuri pachena
Surah Az-Zukhruf, Verse 15
أَمِ ٱتَّخَذَ مِمَّا يَخۡلُقُ بَنَاتٖ وَأَصۡفَىٰكُم بِٱلۡبَنِينَ
Kana kuti (Allah) vakatora vanasikana kubva mune zvavakasika, uye ivo (Allah) vakakusarudzirai imi vanakomana
Surah Az-Zukhruf, Verse 16
وَإِذَا بُشِّرَ أَحَدُهُم بِمَا ضَرَبَ لِلرَّحۡمَٰنِ مَثَلٗا ظَلَّ وَجۡهُهُۥ مُسۡوَدّٗا وَهُوَ كَظِيمٌ
Uye kana umwe wavo akaudzwa nezvemashoko (ekuzvarwa kwemwanasikana) zvaanotaura kune Mupi wenyasha (Allah), chiso chake chinosviba uye anozadzwa nekutsamwa
Surah Az-Zukhruf, Verse 17
أَوَمَن يُنَشَّؤُاْ فِي ٱلۡحِلۡيَةِ وَهُوَ فِي ٱلۡخِصَامِ غَيۡرُ مُبِينٖ
Uyo anokudzwa achishongedzwa (achipfekedzwa siriki negoridhe, mukadzi), uye asingakwanisi pakupokana kutaura mashoko ari pachena
Surah Az-Zukhruf, Verse 18
وَجَعَلُواْ ٱلۡمَلَـٰٓئِكَةَ ٱلَّذِينَ هُمۡ عِبَٰدُ ٱلرَّحۡمَٰنِ إِنَٰثًاۚ أَشَهِدُواْ خَلۡقَهُمۡۚ سَتُكۡتَبُ شَهَٰدَتُهُمۡ وَيُسۡـَٔلُونَ
Uye vanoita ngirozi izvo dziri varanda veMupi ane nyasha (Allah), vakadzi. Vakamboona kusikwa kwazvo here? Uchapupu hwavo hwuchanyorwa uye vachabvunzwa
Surah Az-Zukhruf, Verse 19
وَقَالُواْ لَوۡ شَآءَ ٱلرَّحۡمَٰنُ مَا عَبَدۡنَٰهُمۗ مَّا لَهُم بِذَٰلِكَ مِنۡ عِلۡمٍۖ إِنۡ هُمۡ إِلَّا يَخۡرُصُونَ
Uye vanoti: “Dai kusiri kuda kweMupi ane nyasha (Allah), tingadai tisina kuzvinamata.” Havana ruzivo nazvo, uye hapana chavanoita kusara kwekunyepa
Surah Az-Zukhruf, Verse 20
أَمۡ ءَاتَيۡنَٰهُمۡ كِتَٰبٗا مِّن قَبۡلِهِۦ فَهُم بِهِۦ مُسۡتَمۡسِكُونَ
Kana kuti takavapa rimwe Bhuku mushure meiri (Qur’aan) iro ravarikubatisisa
Surah Az-Zukhruf, Verse 21
بَلۡ قَالُوٓاْ إِنَّا وَجَدۡنَآ ءَابَآءَنَا عَلَىٰٓ أُمَّةٖ وَإِنَّا عَلَىٰٓ ءَاثَٰرِهِم مُّهۡتَدُونَ
Asi vanoti: “Takawana madzibaba edu vachitevera imwe nzira nechitendero, uye tinozvitungamirira kuburikidza netsoka dzavo.”
Surah Az-Zukhruf, Verse 22
وَكَذَٰلِكَ مَآ أَرۡسَلۡنَا مِن قَبۡلِكَ فِي قَرۡيَةٖ مِّن نَّذِيرٍ إِلَّا قَالَ مُتۡرَفُوهَآ إِنَّا وَجَدۡنَآ ءَابَآءَنَا عَلَىٰٓ أُمَّةٖ وَإِنَّا عَلَىٰٓ ءَاثَٰرِهِم مُّقۡتَدُونَ
Uye saizvozvo, hatina kutuma muyambiri mushure mako (Muhammad (SAW)) kune guta ripi zvarwo (vanhu), asi vaigara zvakanaka pakati pavo vakati: “Zvirokwazvo, takawana madzibaba edu vachitevera imwe nzira nechitendero, uye zvirokwazvo ticharamba tichitevera tsoka dzavo.”
Surah Az-Zukhruf, Verse 23
۞قَٰلَ أَوَلَوۡ جِئۡتُكُم بِأَهۡدَىٰ مِمَّا وَجَدتُّمۡ عَلَيۡهِ ءَابَآءَكُمۡۖ قَالُوٓاْ إِنَّا بِمَآ أُرۡسِلۡتُم بِهِۦ كَٰفِرُونَ
(Muyambiri) akati: “Kunyangwe ndakuunzirai gwara rakanaka pane ramakawana madzibaba enyu achitevera?” Vakati: “Zvirokwazvo, hatitendi mune zvawakatumwa nazvo.”
Surah Az-Zukhruf, Verse 24
فَٱنتَقَمۡنَا مِنۡهُمۡۖ فَٱنظُرۡ كَيۡفَ كَانَ عَٰقِبَةُ ٱلۡمُكَذِّبِينَ
Naizvozvo takavadzorera (takavaranga), uye tarisai ndeapi akazova magumo eavo vakaramba (Islaam)
Surah Az-Zukhruf, Verse 25
وَإِذۡ قَالَ إِبۡرَٰهِيمُ لِأَبِيهِ وَقَوۡمِهِۦٓ إِنَّنِي بَرَآءٞ مِّمَّا تَعۡبُدُونَ
Uye (Rangarira) apo Abrahamu paakati kuna baba vake nevanhu vake: “Zvirokwazvo, handipo pane zvamunonamata.”
Surah Az-Zukhruf, Verse 26
إِلَّا ٱلَّذِي فَطَرَنِي فَإِنَّهُۥ سَيَهۡدِينِ
“Kusara kwaivo (Allah) vakandisika; uye zvirokwazvo, vachanditungamirira.”
Surah Az-Zukhruf, Verse 27
وَجَعَلَهَا كَلِمَةَۢ بَاقِيَةٗ فِي عَقِبِهِۦ لَعَلَّهُمۡ يَرۡجِعُونَ
Uye akariita shoko (Laa ilaaha illallaah (Hapana chimwe chinhu chine kodzero yekunamatwa kunze kwaAllah)) rinogara muvana vake, uye kuti zvimwe vangadzoke (kuna Allah kana kuwana yambiro)
Surah Az-Zukhruf, Verse 28
بَلۡ مَتَّعۡتُ هَـٰٓؤُلَآءِ وَءَابَآءَهُمۡ حَتَّىٰ جَآءَهُمُ ٱلۡحَقُّ وَرَسُولٞ مُّبِينٞ
Asi ndakapa (zvakanaka zvehupenyu hwuno) kune ava (vasingatendi) nemadzibaba avo kuti vafare, kusvikira chokwadi chauya kwavari (Qur’aan), nemutumwa (Muhammad (SAW)) ari pachena (anoburitsa zvinhu zvese pachena)
Surah Az-Zukhruf, Verse 29
وَلَمَّا جَآءَهُمُ ٱلۡحَقُّ قَالُواْ هَٰذَا سِحۡرٞ وَإِنَّا بِهِۦ كَٰفِرُونَ
Asi pakauya chokwadi kwavari (Qur’aan), vakati (vasingatendi mariri): “Aya ndiwo mapipi, uye hatitendi maari.”
Surah Az-Zukhruf, Verse 30
وَقَالُواْ لَوۡلَا نُزِّلَ هَٰذَا ٱلۡقُرۡءَانُ عَلَىٰ رَجُلٖ مِّنَ ٱلۡقَرۡيَتَيۡنِ عَظِيمٍ
Uye vakati: “Sei Qur’aan iri risina kudzikiswa kumurume mukuru wemaguta maviri (Makkah neTaif)?”
Surah Az-Zukhruf, Verse 31
أَهُمۡ يَقۡسِمُونَ رَحۡمَتَ رَبِّكَۚ نَحۡنُ قَسَمۡنَا بَيۡنَهُم مَّعِيشَتَهُمۡ فِي ٱلۡحَيَوٰةِ ٱلدُّنۡيَاۚ وَرَفَعۡنَا بَعۡضَهُمۡ فَوۡقَ بَعۡضٖ دَرَجَٰتٖ لِّيَتَّخِذَ بَعۡضُهُم بَعۡضٗا سُخۡرِيّٗاۗ وَرَحۡمَتُ رَبِّكَ خَيۡرٞ مِّمَّا يَجۡمَعُونَ
Ndivo here vanopa tsitsi dzaTenzi vako? Tisu tinopa pakati pavo raramo yavo muhupenyu hwepano pasi, uye tinosimudzira vamwe vavo pamusoro pevamwe muzvidanho, kuti vamwe vave vanotora vamwe mumabasa avo. Asi tsitsi dzaTenzi vako (Paradhiso) dziri nani pane zvavanounganidza
Surah Az-Zukhruf, Verse 32
وَلَوۡلَآ أَن يَكُونَ ٱلنَّاسُ أُمَّةٗ وَٰحِدَةٗ لَّجَعَلۡنَا لِمَن يَكۡفُرُ بِٱلرَّحۡمَٰنِ لِبُيُوتِهِمۡ سُقُفٗا مِّن فِضَّةٖ وَمَعَارِجَ عَلَيۡهَا يَظۡهَرُونَ
Uye dai vanhu vakanga vari boka rimwe chete (vasingatendi), tingadai takapa vanhu vasingatendi muna Mupi ane nyasha (Allah) matenga esirivha edzimba dzavo, nemanera avanokwira nawo
Surah Az-Zukhruf, Verse 33
وَلِبُيُوتِهِمۡ أَبۡوَٰبٗا وَسُرُرًا عَلَيۡهَا يَتَّكِـُٔونَ
Uye padzimba dzavo paiva nemisiwo (yesirivha) nemibhedha (yesirivha) yavairarira
Surah Az-Zukhruf, Verse 34
وَزُخۡرُفٗاۚ وَإِن كُلُّ ذَٰلِكَ لَمَّا مَتَٰعُ ٱلۡحَيَوٰةِ ٱلدُّنۡيَاۚ وَٱلۡأٓخِرَةُ عِندَ رَبِّكَ لِلۡمُتَّقِينَ
Uye shongedzo dzegoridhe. Asi zvose izvi hapana zvazviri kusara kwemafaro epano panyika. Uye hupenyu hwuchatevera hwuna Tenzi vako ndewe avo vanotya Allah (vanoteerera Allah)
Surah Az-Zukhruf, Verse 35
وَمَن يَعۡشُ عَن ذِكۡرِ ٱلرَّحۡمَٰنِ نُقَيِّضۡ لَهُۥ شَيۡطَٰنٗا فَهُوَ لَهُۥ قَرِينٞ
Uye uyo anofuratira kubva kurangariro yeMupi ane nyasha (Allah) (Qur’aan nekunamata Allah), tinomusarudzira Satani kuti ave shamwari yake
Surah Az-Zukhruf, Verse 36
وَإِنَّهُمۡ لَيَصُدُّونَهُمۡ عَنِ ٱلسَّبِيلِ وَيَحۡسَبُونَ أَنَّهُم مُّهۡتَدُونَ
Uye zvirokwazvo vanasatani vanovadzivirira kubva munzira (yaAllah), asi vanofunga kuti vakatungamiririrwa
Surah Az-Zukhruf, Verse 37
حَتَّىٰٓ إِذَا جَآءَنَا قَالَ يَٰلَيۡتَ بَيۡنِي وَبَيۡنَكَ بُعۡدَ ٱلۡمَشۡرِقَيۡنِ فَبِئۡسَ ٱلۡقَرِينُ
Kusvika (iye) auya kwatiri, anoti (kushamwari yake satani): “Ndinoshuvira kuti dai pakati pangu newe pange pane musiyano wemufambo wemabvazuva maviri (kana wemabvazuva nemadokero).” Zvirokwazvo uri shamwari yakaipa
Surah Az-Zukhruf, Verse 38
وَلَن يَنفَعَكُمُ ٱلۡيَوۡمَ إِذ ظَّلَمۡتُمۡ أَنَّكُمۡ فِي ٱلۡعَذَابِ مُشۡتَرِكُونَ
Hazvikubatsirei zuva ranhasi (imi vasingatendi) nekuti maiita zvakaipa. Muchava vagovani (iwe neshamwari yako) mumarwadzo
Surah Az-Zukhruf, Verse 39
أَفَأَنتَ تُسۡمِعُ ٱلصُّمَّ أَوۡ تَهۡدِي ٱلۡعُمۡيَ وَمَن كَانَ فِي ضَلَٰلٖ مُّبِينٖ
Muhammad (SAW)) ungaite kuti matsi anzwe here, kana kutungamirira bofu, kana uyo ari mukurasika kuri pachena
Surah Az-Zukhruf, Verse 40
فَإِمَّا نَذۡهَبَنَّ بِكَ فَإِنَّا مِنۡهُم مُّنتَقِمُونَ
Uye kunyangwe tikakutora (Muhammad (SAW)), zvirokwazvo tichava tinovadzorera (tinovaranga)
Surah Az-Zukhruf, Verse 41
أَوۡ نُرِيَنَّكَ ٱلَّذِي وَعَدۡنَٰهُمۡ فَإِنَّا عَلَيۡهِم مُّقۡتَدِرُونَ
Kana (tikava) tinokuratidza zvatakavavimbisa, zvirokwazvo tine simba pamusoro pavo
Surah Az-Zukhruf, Verse 42
فَٱسۡتَمۡسِكۡ بِٱلَّذِيٓ أُوحِيَ إِلَيۡكَۖ إِنَّكَ عَلَىٰ صِرَٰطٖ مُّسۡتَقِيمٖ
Naizvozvo batisisa (Muhammad (SAW)) izvo zvirikudzikiswa kwauri. Zvirokwazvo, uri panzira yakaswatuka
Surah Az-Zukhruf, Verse 43
وَإِنَّهُۥ لَذِكۡرٞ لَّكَ وَلِقَوۡمِكَۖ وَسَوۡفَ تُسۡـَٔلُونَ
Uye zvirokwazvo (Qur’aan) iri zvirokwazvo iyambiro kwauri (Muhammad (SAW)) nevanhu vako, uye muchabvunzwa (nezvaro)
Surah Az-Zukhruf, Verse 44
وَسۡـَٔلۡ مَنۡ أَرۡسَلۡنَا مِن قَبۡلِكَ مِن رُّسُلِنَآ أَجَعَلۡنَا مِن دُونِ ٱلرَّحۡمَٰنِ ءَالِهَةٗ يُعۡبَدُونَ
Uye (Muhammad (SAW)) bvunza vamwe vevatumwa vedu vatakatuma mushure mako kuti: “Takasarudza here vamwe vanamwari kuti vave vanonamatwa kunze kweMupi ane nyasha (Allah)?”
Surah Az-Zukhruf, Verse 45
وَلَقَدۡ أَرۡسَلۡنَا مُوسَىٰ بِـَٔايَٰتِنَآ إِلَىٰ فِرۡعَوۡنَ وَمَلَإِيْهِۦ فَقَالَ إِنِّي رَسُولُ رَبِّ ٱلۡعَٰلَمِينَ
Uye zvirokwazvo takatuma Musa nezviratidzo zvedu kuna Farawo nemadzimambo ake (achivakoka kuchitendero chaAllah cheIslaam). Akati: “Zvirokwazvo, ndiri mutumwa waTenzi vepasi rose (vanhu nemaJinn nezvihnu zvese).”
Surah Az-Zukhruf, Verse 46
فَلَمَّا جَآءَهُم بِـَٔايَٰتِنَآ إِذَا هُم مِّنۡهَا يَضۡحَكُونَ
Asi apo paakasvika kwavari nezviratidzo zvedu kwavari, zvirokwazvo vakazviseka
Surah Az-Zukhruf, Verse 47
وَمَا نُرِيهِم مِّنۡ ءَايَةٍ إِلَّا هِيَ أَكۡبَرُ مِنۡ أُخۡتِهَاۖ وَأَخَذۡنَٰهُم بِٱلۡعَذَابِ لَعَلَّهُمۡ يَرۡجِعُونَ
Uye hapana chiratidzo chatakavaratidza asi kuti chaiva chikuru kudarika chimwe chacho, uye takavabata nemarwadzo kuti pamwe vangadzoke (kuchitendero chaAllah, Islaam)
Surah Az-Zukhruf, Verse 48
وَقَالُواْ يَـٰٓأَيُّهَ ٱلسَّاحِرُ ٱدۡعُ لَنَا رَبَّكَ بِمَا عَهِدَ عِندَكَ إِنَّنَا لَمُهۡتَدُونَ
Uye vakati (kuna Musa): “Iwe wemapipi! Tikumbirire kuna Tenzi vako maererano nezvavakakuvimbisa. Zvirokwazvo, tichava tinozvitungamirira (zvakanaka).”
Surah Az-Zukhruf, Verse 49
فَلَمَّا كَشَفۡنَا عَنۡهُمُ ٱلۡعَذَابَ إِذَا هُمۡ يَنكُثُونَ
Asi patakabvisa mutongo kwavari, vakave vanotyora chitsidzo (kuti vaizotenda tikabvisa marwadzo kubva kwavari)
Surah Az-Zukhruf, Verse 50
وَنَادَىٰ فِرۡعَوۡنُ فِي قَوۡمِهِۦ قَالَ يَٰقَوۡمِ أَلَيۡسَ لِي مُلۡكُ مِصۡرَ وَهَٰذِهِ ٱلۡأَنۡهَٰرُ تَجۡرِي مِن تَحۡتِيٓۚ أَفَلَا تُبۡصِرُونَ
Uye Farawo akasheedzera kuvanhu vake (achiti): “Imi vanhu vangu! Hausi hwangu here humambo hweEgypt, uye nzizi idzi dzinoyerera pasi pangu? Hamuoni here?”
Surah Az-Zukhruf, Verse 51
أَمۡ أَنَا۠ خَيۡرٞ مِّنۡ هَٰذَا ٱلَّذِي هُوَ مَهِينٞ وَلَا يَكَادُ يُبِينُ
“Handisi nani here pane uyu (Musa) wepasi, uye asingagoni kutaura zvinonzwika?”
Surah Az-Zukhruf, Verse 52
فَلَوۡلَآ أُلۡقِيَ عَلَيۡهِ أَسۡوِرَةٞ مِّن ذَهَبٍ أَوۡ جَآءَ مَعَهُ ٱلۡمَلَـٰٓئِكَةُ مُقۡتَرِنِينَ
“Sei nguwo dzendarama dzisina kuiswa paari, kana kutumwa aine ngirozi?”
Surah Az-Zukhruf, Verse 53
فَٱسۡتَخَفَّ قَوۡمَهُۥ فَأَطَاعُوهُۚ إِنَّهُمۡ كَانُواْ قَوۡمٗا فَٰسِقِينَ
Naizvozvo (Farawo) akafurira vanhu vake uye vakamuteerera. Zvirokwazvo, vange vari vanhu vakapanduka (vasingateereri Allah)
Surah Az-Zukhruf, Verse 54
فَلَمَّآ ءَاسَفُونَا ٱنتَقَمۡنَا مِنۡهُمۡ فَأَغۡرَقۡنَٰهُمۡ أَجۡمَعِينَ
Naizvozvo pavakatitsamwisa, takavapa murango, uye tikavanyudza vose
Surah Az-Zukhruf, Verse 55
فَجَعَلۡنَٰهُمۡ سَلَفٗا وَمَثَلٗا لِّلۡأٓخِرِينَ
Uye takavaita chidzidzo uye muenzaniso kune vaizotevera
Surah Az-Zukhruf, Verse 56
۞وَلَمَّا ضُرِبَ ٱبۡنُ مَرۡيَمَ مَثَلًا إِذَا قَوۡمُكَ مِنۡهُ يَصِدُّونَ
Uye panotorwa mwanakomana waMariya (Jesu) somuenzaniso, vanhu vako vanoseka muenzaniso iwowo
Surah Az-Zukhruf, Verse 57
وَقَالُوٓاْ ءَأَٰلِهَتُنَا خَيۡرٌ أَمۡ هُوَۚ مَا ضَرَبُوهُ لَكَ إِلَّا جَدَلَۢاۚ بَلۡ هُمۡ قَوۡمٌ خَصِمُونَ
Uye vanoti: “Vanamwari vedu vari nani here kana kuti iye (Jesu)?” Havape muenzaniso uyu, kusara kwekuda kupikisa. Naizvozvo vari vanhu vanopikisa
Surah Az-Zukhruf, Verse 58
إِنۡ هُوَ إِلَّا عَبۡدٌ أَنۡعَمۡنَا عَلَيۡهِ وَجَعَلۡنَٰهُ مَثَلٗا لِّبَنِيٓ إِسۡرَـٰٓءِيلَ
Zvirokwazvo, (Isa (Jesu)) anga asiri kunze kwemuranda. Takamupa makomborero edu, uye tikamuita muenzaniso kuvana vaIzirairi (kusikwa kwake pasina baba)
Surah Az-Zukhruf, Verse 59
وَلَوۡ نَشَآءُ لَجَعَلۡنَا مِنكُم مَّلَـٰٓئِكَةٗ فِي ٱلۡأَرۡضِ يَخۡلُفُونَ
Uye dai taida, ingadai (takakuparadzai imi vanhu mese, uye) tikaisa ngirozi pachinzvimbo chenyu panyika
Surah Az-Zukhruf, Verse 60
وَإِنَّهُۥ لَعِلۡمٞ لِّلسَّاعَةِ فَلَا تَمۡتَرُنَّ بِهَا وَٱتَّبِعُونِۚ هَٰذَا صِرَٰطٞ مُّسۡتَقِيمٞ
Uye iye (Isa (Jesu)) mwanakomana waMariya (nekuburuka kwake achibva kudenga achiuya pasi pano) achave chiratidzo chinozivikanwa chenguva (zuva rekutongwa). Naizvozvo musave nefungidziro pamusoro paro (zuva rekutongwa). Uye nditeverei (ini Allah)! Iri ndiro gwara rakatwasuka (Islaam)
Surah Az-Zukhruf, Verse 61
وَلَا يَصُدَّنَّكُمُ ٱلشَّيۡطَٰنُۖ إِنَّهُۥ لَكُمۡ عَدُوّٞ مُّبِينٞ
Uye musave munosiya Satani achikurasisai (kubva muchitendero cheIslaam). Zvirokwazvo, (satani) muvengi ari pachena kwamuri
Surah Az-Zukhruf, Verse 62
وَلَمَّا جَآءَ عِيسَىٰ بِٱلۡبَيِّنَٰتِ قَالَ قَدۡ جِئۡتُكُم بِٱلۡحِكۡمَةِ وَلِأُبَيِّنَ لَكُم بَعۡضَ ٱلَّذِي تَخۡتَلِفُونَ فِيهِۖ فَٱتَّقُواْ ٱللَّهَ وَأَطِيعُونِ
Uye Isa (Jesu) paakauya nehumboo huri pachena akati: “Zvirokwazvo, ndave ndinouya kwamuri neAl-Hikmah ( Huporofita), uye kuti ndive ndinoburitsa pachena izvo zvamaisiyana. Naizvozvo ityai Allah uye mova munonditeerera.”
Surah Az-Zukhruf, Verse 63
إِنَّ ٱللَّهَ هُوَ رَبِّي وَرَبُّكُمۡ فَٱعۡبُدُوهُۚ هَٰذَا صِرَٰطٞ مُّسۡتَقِيمٞ
“Zvirokwazvo, Allah ndi Tenzi vangu uye Tenzi venyu. Naizvozvo vanamatei. Iri ndiro gwara rakatwasuka (Islaam).”
Surah Az-Zukhruf, Verse 64
فَٱخۡتَلَفَ ٱلۡأَحۡزَابُ مِنۢ بَيۡنِهِمۡۖ فَوَيۡلٞ لِّلَّذِينَ ظَلَمُواْ مِنۡ عَذَابِ يَوۡمٍ أَلِيمٍ
Asi mapato pakati pavo akapatsanurana. Nokudaro matambudziko kune avo vanokanganisa (nekutaura manyepo pamusoro paJesu) kubva kune mutongo wakaomarara unorwadza
Surah Az-Zukhruf, Verse 65
هَلۡ يَنظُرُونَ إِلَّا ٱلسَّاعَةَ أَن تَأۡتِيَهُم بَغۡتَةٗ وَهُمۡ لَا يَشۡعُرُونَ
Vanomirira here nguva ichauya nekukurumidza kwavari vasingazive
Surah Az-Zukhruf, Verse 66
ٱلۡأَخِلَّآءُ يَوۡمَئِذِۭ بَعۡضُهُمۡ لِبَعۡضٍ عَدُوٌّ إِلَّا ٱلۡمُتَّقِينَ
Shamwari pazuva iri dzichave vavengi, kusara kwevaitya (Allah)
Surah Az-Zukhruf, Verse 67
يَٰعِبَادِ لَا خَوۡفٌ عَلَيۡكُمُ ٱلۡيَوۡمَ وَلَآ أَنتُمۡ تَحۡزَنُونَ
(Zvichanzi kune avo vaitenda): Vanamati vangu! Hapana kutya kuchave kwamuri zuva ranhasi, kana kuti kusuruvara
Surah Az-Zukhruf, Verse 68
ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ بِـَٔايَٰتِنَا وَكَانُواْ مُسۡلِمِينَ
Avo vaitenda muzviratidzo zvedu uye vaive vakazvipira kuna Allah (maMuslim)
Surah Az-Zukhruf, Verse 69
ٱدۡخُلُواْ ٱلۡجَنَّةَ أَنتُمۡ وَأَزۡوَٰجُكُمۡ تُحۡبَرُونَ
Pindai muParadhiso imi nevakadzi venyu murufaro
Surah Az-Zukhruf, Verse 70
يُطَافُ عَلَيۡهِم بِصِحَافٖ مِّن ذَهَبٖ وَأَكۡوَابٖۖ وَفِيهَا مَا تَشۡتَهِيهِ ٱلۡأَنفُسُ وَتَلَذُّ ٱلۡأَعۡيُنُۖ وَأَنتُمۡ فِيهَا خَٰلِدُونَ
Matireyi egoridhe nemakomichi achatenderedzwa mavari. Mariri (Paradhiso) muchange muine zvinoshuvirwa nemoyo yavo, neizvo meso anoyevedzwa nazvo, uye vachagaramo zvachose
Surah Az-Zukhruf, Verse 71
وَتِلۡكَ ٱلۡجَنَّةُ ٱلَّتِيٓ أُورِثۡتُمُوهَا بِمَا كُنتُمۡ تَعۡمَلُونَ
Iri ndiro Paradhiso ramagadzwa nhaka nekuda kwemabasa enyu amaiita (pahupenyu hwepanyika)
Surah Az-Zukhruf, Verse 72
لَكُمۡ فِيهَا فَٰكِهَةٞ كَثِيرَةٞ مِّنۡهَا تَأۡكُلُونَ
Mariri (Paradhiso) kwamuri muchange muine michero yakawanda yamuchange muchidya (sezvamunoshuvira)
Surah Az-Zukhruf, Verse 73
إِنَّ ٱلۡمُجۡرِمِينَ فِي عَذَابِ جَهَنَّمَ خَٰلِدُونَ
Zvirokwazo, maMujrimoon (vatadzi) vachange vari mumarwadzo ekumoto umo mavachagara zvachose
Surah Az-Zukhruf, Verse 74
لَا يُفَتَّرُ عَنۡهُمۡ وَهُمۡ فِيهِ مُبۡلِسُونَ
Marwadzo haazomborerutswi kwavari, uye vachakandwa mumatambudziko vaine kudemba kwakanyanya, uye vaine kushushikana mariri
Surah Az-Zukhruf, Verse 75
وَمَا ظَلَمۡنَٰهُمۡ وَلَٰكِن كَانُواْ هُمُ ٱلظَّـٰلِمِينَ
Hatina kuva tinovakanganisira, asi (kuti) ivo pachavo vaiva vatadzi
Surah Az-Zukhruf, Verse 76
وَنَادَوۡاْ يَٰمَٰلِكُ لِيَقۡضِ عَلَيۡنَا رَبُّكَۖ قَالَ إِنَّكُم مَّـٰكِثُونَ
Uye vachachema: “Iwe Malik (muchengetedzi weGehena)! Ita kuti Tenzi vako vatipedzise (vatiuraye).” Achati: “Zvirokwazvo, muchagaramo zvachose.”
Surah Az-Zukhruf, Verse 77
لَقَدۡ جِئۡنَٰكُم بِٱلۡحَقِّ وَلَٰكِنَّ أَكۡثَرَكُمۡ لِلۡحَقِّ كَٰرِهُونَ
Zvirokwazvo, taunza chokwadi (Muhammad (SAW) neQur’aan) kwamuri, asi vazhinji venyu vanovenga chokwadi
Surah Az-Zukhruf, Verse 78
أَمۡ أَبۡرَمُوٓاْ أَمۡرٗا فَإِنَّا مُبۡرِمُونَ
Kana kuti vakaronga urongwa? Naizvozvo nesuwo tiri kuronga
Surah Az-Zukhruf, Verse 79
أَمۡ يَحۡسَبُونَ أَنَّا لَا نَسۡمَعُ سِرَّهُمۡ وَنَجۡوَىٰهُمۚ بَلَىٰ وَرُسُلُنَا لَدَيۡهِمۡ يَكۡتُبُونَ
Kana kuti vanofunga here kuti hatinzwi zvakavandika zvavo uye zvavanoutaura muchivande? Hongu (tinozinzwa), uye vatumwa vedu (ngirozi) vanawo, vachinyora
Surah Az-Zukhruf, Verse 80
قُلۡ إِن كَانَ لِلرَّحۡمَٰنِ وَلَدٞ فَأَنَا۠ أَوَّلُ ٱلۡعَٰبِدِينَ
Iti (Muhammad (SAW)): “Kana vane nyasha dzose (Allah) vaine mwana (kana vana sezvamunotaura), naizvozvo ndiri wekutanga weavo vanomunamata (kuramba zvamunotaura, uye kutenda kuti Allah vari vega uye havana vana).”
Surah Az-Zukhruf, Verse 81
سُبۡحَٰنَ رَبِّ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ رَبِّ ٱلۡعَرۡشِ عَمَّا يَصِفُونَ
Kukudzwa kwose ngakuve kuna Tenzi vematenga nenyika, Tenzi vechigaro chepamusoro-soro. Kurumbidzwa kwose ngakuve kwavari pane zvose zvavanovasanganisa navo
Surah Az-Zukhruf, Verse 82
فَذَرۡهُمۡ يَخُوضُواْ وَيَلۡعَبُواْ حَتَّىٰ يُلَٰقُواْ يَوۡمَهُمُ ٱلَّذِي يُوعَدُونَ
Saka vasiyei vachitaura zvisina maturo uye vachitamba kusvikira vasangana nezuva ravo iro ravakavimbiswa
Surah Az-Zukhruf, Verse 83
وَهُوَ ٱلَّذِي فِي ٱلسَّمَآءِ إِلَٰهٞ وَفِي ٱلۡأَرۡضِ إِلَٰهٞۚ وَهُوَ ٱلۡحَكِيمُ ٱلۡعَلِيمُ
Ndivo (Allah) vanova vamwechete Ilaah (Mwari vanofanirwa kunamatwa) kudenga, vanova zvakare Ilaah (Mwari vanofanirwa kunamatwa) panyika. Ndivo vazere neungwaru, muzivi wezvose
Surah Az-Zukhruf, Verse 84
وَتَبَارَكَ ٱلَّذِي لَهُۥ مُلۡكُ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ وَمَا بَيۡنَهُمَا وَعِندَهُۥ عِلۡمُ ٱلسَّاعَةِ وَإِلَيۡهِ تُرۡجَعُونَ
Makomborero ndeavo, muridzi weumambo hwekudenga nepasi, nezvose zviri pakati pawo, uye kwavari ndiko kune ruzivo rwenguva, uye kwavari muchadzoserwa (mese)
Surah Az-Zukhruf, Verse 85
وَلَا يَمۡلِكُ ٱلَّذِينَ يَدۡعُونَ مِن دُونِهِ ٱلشَّفَٰعَةَ إِلَّا مَن شَهِدَ بِٱلۡحَقِّ وَهُمۡ يَعۡلَمُونَ
Uye avo vavanodana kunze kwavo (Allah) havana masimba ekumiririra – kusara kweavo vanopa uchapupu pachokwadi (vanotenda muhumwechete hwaAllah uye vachiteerera mirairo yavo), uye vanoziva (humwechete hwaAllah)
Surah Az-Zukhruf, Verse 86
وَلَئِن سَأَلۡتَهُم مَّنۡ خَلَقَهُمۡ لَيَقُولُنَّ ٱللَّهُۖ فَأَنَّىٰ يُؤۡفَكُونَ
Asi kana ukavabvunza kuti ndiani akavasika, muzvokwadi vanoti: “Allah.” Saka vanofuratira sei (mukunamata Allah vakavasika)
Surah Az-Zukhruf, Verse 87
وَقِيلِهِۦ يَٰرَبِّ إِنَّ هَـٰٓؤُلَآءِ قَوۡمٞ لَّا يُؤۡمِنُونَ
(Uye Allah vane ruzivo) rwe (Mashoko aMuhammad (SAW)) anoti: “Tenzi wangu! Zvirokwazvo, ava vanhu vasingatendi!”
Surah Az-Zukhruf, Verse 88
فَٱصۡفَحۡ عَنۡهُمۡ وَقُلۡ سَلَٰمٞۚ فَسَوۡفَ يَعۡلَمُونَ
Saka vafuratire (Muhammad (SAW)) uye oti: Salaam (Runyararo)! Asi vachazviziva
Surah Az-Zukhruf, Verse 89