Surah Ad-Dukhan - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
حمٓ
Haa – Meem. (Mashoko aya ndemamwe ezvishamiso zvri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah)
Surah Ad-Dukhan, Verse 1
وَٱلۡكِتَٰبِ ٱلۡمُبِينِ
Ndinopika neGwaro riri pachena (Qur’aan rinoburitsa zvinhu pachena)
Surah Ad-Dukhan, Verse 2
إِنَّآ أَنزَلۡنَٰهُ فِي لَيۡلَةٖ مُّبَٰرَكَةٍۚ إِنَّا كُنَّا مُنذِرِينَ
Zvirokwazvo, takaridzikisa (Qur’aan) pausiku hwakakomborerwa (usiku hwe Al-Qadr mumwedzi weRamadhaan). Zvirokwazvo, tiri kuyambira (kuti ticharanga avo vasingatendi)
Surah Ad-Dukhan, Verse 3
فِيهَا يُفۡرَقُ كُلُّ أَمۡرٍ حَكِيمٍ
Mauri (usiku uhwu) munotarwa nyaya dzose dzakarongwa (ndufu, keberekwa kwemhuka, nezviitiko zvese zvichaitika gore rinotevera)
Surah Ad-Dukhan, Verse 4
أَمۡرٗا مِّنۡ عِندِنَآۚ إِنَّا كُنَّا مُرۡسِلِينَ
Sechikomekedzo (Qur’aan iri kana kutarwa kwezviitiko) kubva kwatiri. Zvirokwazvo, tinotumira (vatumwa)
Surah Ad-Dukhan, Verse 5
رَحۡمَةٗ مِّن رَّبِّكَۚ إِنَّهُۥ هُوَ ٱلسَّمِيعُ ٱلۡعَلِيمُ
Setsitsi kubva kuna Tenzi vako. Zvirokwazvo, ndivo vanonzwa, muzivi wezvose
Surah Ad-Dukhan, Verse 6
رَبِّ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ وَمَا بَيۡنَهُمَآۖ إِن كُنتُم مُّوقِنِينَ
Tenzi vematenga nenyika nezvose zviri pakati pawo, kana muine kutenda kwechokwadi (nekusangana naTenzi venyu)
Surah Ad-Dukhan, Verse 7
لَآ إِلَٰهَ إِلَّا هُوَ يُحۡيِۦ وَيُمِيتُۖ رَبُّكُمۡ وَرَبُّ ءَابَآئِكُمُ ٱلۡأَوَّلِينَ
Laa ilaaha illaa huwa (Hakuna mumwe ane kodzero yekunamatwa kunze kwavo). Ndivo vanopa upenyu uye vanokonzera rufu – Tenzi venyu uye Tenzi vemadzibaba enyu
Surah Ad-Dukhan, Verse 8
بَلۡ هُمۡ فِي شَكّٖ يَلۡعَبُونَ
Asi vanotamba vari mukugunun’una
Surah Ad-Dukhan, Verse 9
فَٱرۡتَقِبۡ يَوۡمَ تَأۡتِي ٱلسَّمَآءُ بِدُخَانٖ مُّبِينٖ
Naizvozvo mirira zuva iro denga parichaunza chiutsi chiri pachena (chinooneka)
Surah Ad-Dukhan, Verse 10
يَغۡشَى ٱلنَّاسَۖ هَٰذَا عَذَابٌ أَلِيمٞ
Chichafukidza vanhu. Ichi chirango chinorwadza
Surah Ad-Dukhan, Verse 11
رَّبَّنَا ٱكۡشِفۡ عَنَّا ٱلۡعَذَابَ إِنَّا مُؤۡمِنُونَ
(Vachati): “Tenzi vedu! Bvisai mutongo kwatiri, muzvokwadi tichava vatendi!”
Surah Ad-Dukhan, Verse 12
أَنَّىٰ لَهُمُ ٱلذِّكۡرَىٰ وَقَدۡ جَآءَهُمۡ رَسُولٞ مُّبِينٞ
Vangave sei nendangariro (murango wauya kwavari), apo mutumwa ari pachena akauya kwavari (achivajekesera)
Surah Ad-Dukhan, Verse 13
ثُمَّ تَوَلَّوۡاْ عَنۡهُ وَقَالُواْ مُعَلَّمٞ مَّجۡنُونٌ
Naizvozvo vakamufuratira (Muhammad (SAW)) vakati: “Munhu akadzidziswa (nemumwe munhu), uye anopenga!”
Surah Ad-Dukhan, Verse 14
إِنَّا كَاشِفُواْ ٱلۡعَذَابِ قَلِيلًاۚ إِنَّكُمۡ عَآئِدُونَ
Zvirokwavo, tichabvisa mutongo kwekanguva. Zvirokwazvo, muchadzokera (mukusatenda)
Surah Ad-Dukhan, Verse 15
يَوۡمَ نَبۡطِشُ ٱلۡبَطۡشَةَ ٱلۡكُبۡرَىٰٓ إِنَّا مُنتَقِمُونَ
Pazuva iro ratichakutorai nenzira hombe inorwadza. Zvirokwazvo tichadzorera nekupa chirango
Surah Ad-Dukhan, Verse 16
۞وَلَقَدۡ فَتَنَّا قَبۡلَهُمۡ قَوۡمَ فِرۡعَوۡنَ وَجَآءَهُمۡ رَسُولٞ كَرِيمٌ
Uye zvirokwazvo takaedza mushure mavo vanhu vaFarawo, apo mutumwa anoremekedzwa akauya kwavari (Musa (AS)
Surah Ad-Dukhan, Verse 17
أَنۡ أَدُّوٓاْ إِلَيَّ عِبَادَ ٱللَّهِۖ إِنِّي لَكُمۡ رَسُولٌ أَمِينٞ
Achiti: “Ndipei varanda vaAllah (vana vaIzirairi). Zvirokwazvo, ndiri mutumwa anovimbika kwamuri.”
Surah Ad-Dukhan, Verse 18
وَأَن لَّا تَعۡلُواْ عَلَى ٱللَّهِۖ إِنِّيٓ ءَاتِيكُم بِسُلۡطَٰنٖ مُّبِينٖ
“Uye musava munozvikudza pamusoro paAllah. Zvirokwazvo, ndauya kwamuri nenzira iri pachena (murairo uri pachena).”
Surah Ad-Dukhan, Verse 19
وَإِنِّي عُذۡتُ بِرَبِّي وَرَبِّكُمۡ أَن تَرۡجُمُونِ
“Uye zvirokwazvo ndinokumbira chengetedzo kubva kuna (Allah) Tenzi vangu naTenzi venyu, nekuti munganditeme (kana kunditi ndiri ngan’a kana kundiuraya).”
Surah Ad-Dukhan, Verse 20
وَإِن لَّمۡ تُؤۡمِنُواْ لِي فَٱعۡتَزِلُونِ
“Asi kana musingatendi mandiri, naizvozvo swederai kure neni mondisiya ndega ndakadaro.”
Surah Ad-Dukhan, Verse 21
فَدَعَا رَبَّهُۥٓ أَنَّ هَـٰٓؤُلَآءِ قَوۡمٞ مُّجۡرِمُونَ
Asi (Musa (AS)) akadana Tenzi vake achiti: “Zvirokwazvo, ava vanhu vanotadza (vatadzi).”
Surah Ad-Dukhan, Verse 22
فَأَسۡرِ بِعِبَادِي لَيۡلًا إِنَّكُم مُّتَّبَعُونَ
(Allah vakati): “Buda pamwechete nevaranda vangu neusiku. Zvirokwazvo muchateverwa.”
Surah Ad-Dukhan, Verse 23
وَٱتۡرُكِ ٱلۡبَحۡرَ رَهۡوًاۖ إِنَّهُمۡ جُندٞ مُّغۡرَقُونَ
“Uye siya gungwa riri zvariri (rakapatsanuka). Zvirokwazvo vari mauto achanyudzwa.”
Surah Ad-Dukhan, Verse 24
كَمۡ تَرَكُواْ مِن جَنَّـٰتٖ وَعُيُونٖ
Mapindu mangani nezvitubu zvavakasiya (vanhu vaFarawo) kumashure
Surah Ad-Dukhan, Verse 25
وَزُرُوعٖ وَمَقَامٖ كَرِيمٖ
Nezvirimwa (minda inoyevedza) nenzvimbo dzakanaka
Surah Ad-Dukhan, Verse 26
وَنَعۡمَةٖ كَانُواْ فِيهَا فَٰكِهِينَ
Uye mutefetefe weupenyu umo mavaiwana mufaro
Surah Ad-Dukhan, Verse 27
كَذَٰلِكَۖ وَأَوۡرَثۡنَٰهَا قَوۡمًا ءَاخَرِينَ
Zvakaitika kudaro! Naizvozvo, takaita kuti vamwe vanhu vavagare nhaka (Vana vaIzirairi vagare nhaka humambo weku Egypt)
Surah Ad-Dukhan, Verse 28
فَمَا بَكَتۡ عَلَيۡهِمُ ٱلسَّمَآءُ وَٱلۡأَرۡضُ وَمَا كَانُواْ مُنظَرِينَ
Uye matenga nenyika hazvina kuvachemera, zvakare havana kupihwa nguva (havana kunonotswa)
Surah Ad-Dukhan, Verse 29
وَلَقَدۡ نَجَّيۡنَا بَنِيٓ إِسۡرَـٰٓءِيلَ مِنَ ٱلۡعَذَابِ ٱلۡمُهِينِ
Uye zvirokwazvo takanunura vana vaIzirairi kubva kumutongo unonyadzisa wakaomarara
Surah Ad-Dukhan, Verse 30
مِن فِرۡعَوۡنَۚ إِنَّهُۥ كَانَ عَالِيٗا مِّنَ ٱلۡمُسۡرِفِينَ
Kubva kunaFarawo. Zvirokwazvo, aizvitutumadza uye aive mumwe wemaMusrifoon (avo vanhu vanopfurikidza mitemo yaAllah)
Surah Ad-Dukhan, Verse 31
وَلَقَدِ ٱخۡتَرۡنَٰهُمۡ عَلَىٰ عِلۡمٍ عَلَى ٱلۡعَٰلَمِينَ
Uye takavasarudza (vana vaIzirairi) pamusoro pevose (vanhu nemaJinn panguva yaMusa (AS)) neruzivo
Surah Ad-Dukhan, Verse 32
وَءَاتَيۡنَٰهُم مِّنَ ٱلۡأٓيَٰتِ مَا فِيهِ بَلَـٰٓؤٞاْ مُّبِينٌ
Uye tikavapa zviratidzo zvaive nemuyedzo uri pachena
Surah Ad-Dukhan, Verse 33
إِنَّ هَـٰٓؤُلَآءِ لَيَقُولُونَ
Zvirokwazvo, ava (maQuraish) vari kuti
Surah Ad-Dukhan, Verse 34
إِنۡ هِيَ إِلَّا مَوۡتَتُنَا ٱلۡأُولَىٰ وَمَا نَحۡنُ بِمُنشَرِينَ
“Hapana chimwe chinhu kunze kwerufu rwedu rwekutanga, uye hatisi kuzomutswa (zvakare)!”
Surah Ad-Dukhan, Verse 35
فَأۡتُواْ بِـَٔابَآئِنَآ إِن كُنتُمۡ صَٰدِقِينَ
“Tiunzire madzibaba edu kana uri pachokwadi!”
Surah Ad-Dukhan, Verse 36
أَهُمۡ خَيۡرٌ أَمۡ قَوۡمُ تُبَّعٖ وَٱلَّذِينَ مِن قَبۡلِهِمۡ أَهۡلَكۡنَٰهُمۡۚ إِنَّهُمۡ كَانُواْ مُجۡرِمِينَ
Vari nani here kana kuti vanhu vekuTubba neavo (vaivepo) mushure mavo? Takavaparadza nekuti zvirokwazvo vaive maMujrimoon (vatadzi)
Surah Ad-Dukhan, Verse 37
وَمَا خَلَقۡنَا ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ وَمَا بَيۡنَهُمَا لَٰعِبِينَ
Uye hatina kuva tinosika matenga nenyika, nezvose zviri pakati pawo sedambe
Surah Ad-Dukhan, Verse 38
مَا خَلَقۡنَٰهُمَآ إِلَّا بِٱلۡحَقِّ وَلَٰكِنَّ أَكۡثَرَهُمۡ لَا يَعۡلَمُونَ
Hatina kuva tinozvisika kusara kwekuti muchokwadi (kuti tione avo vanoteerera neavo vasingateereri), asi vazhinji vavo havazivi
Surah Ad-Dukhan, Verse 39
إِنَّ يَوۡمَ ٱلۡفَصۡلِ مِيقَٰتُهُمۡ أَجۡمَعِينَ
Zvirokwazvo, zuva rekutongwa inguva yavakatarirwa vose
Surah Ad-Dukhan, Verse 40
يَوۡمَ لَا يُغۡنِي مَوۡلًى عَن مَّوۡلٗى شَيۡـٔٗا وَلَا هُمۡ يُنصَرُونَ
Zuva rekuti Maula (hama yepedyo) haikwanisi kubatsira Maula (hama yepedyo) nechimwe chinhu, uye zvakare hapana rubatsiro rwavachawana
Surah Ad-Dukhan, Verse 41
إِلَّا مَن رَّحِمَ ٱللَّهُۚ إِنَّهُۥ هُوَ ٱلۡعَزِيزُ ٱلرَّحِيمُ
Kunze kweuyo Allah wavanoratidza tsitsi. Zvirokwazvo, ndivo samasimba, vazere netsitsi
Surah Ad-Dukhan, Verse 42
إِنَّ شَجَرَتَ ٱلزَّقُّومِ
Zvirokwazvo, muti weZaqqoom (unovava zvikuru)
Surah Ad-Dukhan, Verse 43
طَعَامُ ٱلۡأَثِيمِ
Uchava chikafu chevatadzi
Surah Ad-Dukhan, Verse 44
كَٱلۡمُهۡلِ يَغۡلِي فِي ٱلۡبُطُونِ
Semafuta anofashaira, chichafashaira mumatumbu avo
Surah Ad-Dukhan, Verse 45
كَغَلۡيِ ٱلۡحَمِيمِ
Sekufashaira kunoita mvura inopisa
Surah Ad-Dukhan, Verse 46
خُذُوهُ فَٱعۡتِلُوهُ إِلَىٰ سَوَآءِ ٱلۡجَحِيمِ
(Zvichanzi): “Mutorei momudhonzera pakati pemarimi emoto!”
Surah Ad-Dukhan, Verse 47
ثُمَّ صُبُّواْ فَوۡقَ رَأۡسِهِۦ مِنۡ عَذَابِ ٱلۡحَمِيمِ
“Modira mumusoro make mutongo wemvura inofashaira!”
Surah Ad-Dukhan, Verse 48
ذُقۡ إِنَّكَ أَنتَ ٱلۡعَزِيزُ ٱلۡكَرِيمُ
“Ravira (izvi)! Zvirokwazvo waiva (unozviita kunge) wepamusoro anoremekedzwa!”
Surah Ad-Dukhan, Verse 49
إِنَّ هَٰذَا مَا كُنتُم بِهِۦ تَمۡتَرُونَ
“Zvirokwazvo, izvi ndizvo zvamairamba (zvamaigunun’una)!”
Surah Ad-Dukhan, Verse 50
إِنَّ ٱلۡمُتَّقِينَ فِي مَقَامٍ أَمِينٖ
Zvirokwazvo, avo vanotya Allah vachange vari munzvimbo yerunyararo (yakachengetedzeka)
Surah Ad-Dukhan, Verse 51
فِي جَنَّـٰتٖ وَعُيُونٖ
Mumapindu nezvitubu
Surah Ad-Dukhan, Verse 52
يَلۡبَسُونَ مِن سُندُسٖ وَإِسۡتَبۡرَقٖ مُّتَقَٰبِلِينَ
Vakapfeka siriki yakanaka uye siriki yakakora vachitarisana
Surah Ad-Dukhan, Verse 53
كَذَٰلِكَ وَزَوَّجۡنَٰهُم بِحُورٍ عِينٖ
Zvichava kudaro! Uye tichavaroodza kumaHouri vane maziso mahombe akanaka (vakadzi vakanaka vekuJannah)
Surah Ad-Dukhan, Verse 54
يَدۡعُونَ فِيهَا بِكُلِّ فَٰكِهَةٍ ءَامِنِينَ
Vachadaidzira imomo michero yemhando dzose murunyararo nechengetedzo
Surah Ad-Dukhan, Verse 55
لَا يَذُوقُونَ فِيهَا ٱلۡمَوۡتَ إِلَّا ٱلۡمَوۡتَةَ ٱلۡأُولَىٰۖ وَوَقَىٰهُمۡ عَذَابَ ٱلۡجَحِيمِ
Havazomboravira rufu imomo kusara kwerufu rwekutanga (panyika), uye (Allah) vachavanunura kubva kumutongo wekumoto
Surah Ad-Dukhan, Verse 56
فَضۡلٗا مِّن رَّبِّكَۚ ذَٰلِكَ هُوَ ٱلۡفَوۡزُ ٱلۡعَظِيمُ
Semakomborero kubva kuna Tenzi vako! Uku kuchava kubudirira kwepamusoro
Surah Ad-Dukhan, Verse 57
فَإِنَّمَا يَسَّرۡنَٰهُ بِلِسَانِكَ لَعَلَّهُمۡ يَتَذَكَّرُونَ
Zvirokwazvo, takarirerutsa (Qur’aan iri) parurimi rwako, kuti vave vanorangarira
Surah Ad-Dukhan, Verse 58
فَٱرۡتَقِبۡ إِنَّهُم مُّرۡتَقِبُونَ
Naizvozvo mirira (Muhammad (SAW)), zvirokwazvo ivo vakamirira (zvekare)
Surah Ad-Dukhan, Verse 59