Surah Al-Jathiya - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
حمٓ
Haa – Meem. (Mashoko aya ndemamwe ezvishamiso zviri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah)
Surah Al-Jathiya, Verse 1
تَنزِيلُ ٱلۡكِتَٰبِ مِنَ ٱللَّهِ ٱلۡعَزِيزِ ٱلۡحَكِيمِ
Mashoko akadzikiswa eGwaro (Qur’aan) anobva kuna Allah, Samasimba, vazere neuchenjeri
Surah Al-Jathiya, Verse 2
إِنَّ فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ لَأٓيَٰتٖ لِّلۡمُؤۡمِنِينَ
Zvirokwazvo, mumatenga nenyika mune zviratidzo kune vanotenda
Surah Al-Jathiya, Verse 3
وَفِي خَلۡقِكُمۡ وَمَا يَبُثُّ مِن دَآبَّةٍ ءَايَٰتٞ لِّقَوۡمٖ يُوقِنُونَ
Uye mukusikwa kwenyu, neizvo zvavakapararira (Panyika) kubva kuzvisikwa zvinofamba (mhuka) mune zviratidzo kuvanhu vanotenda zvechokwadi
Surah Al-Jathiya, Verse 4
وَٱخۡتِلَٰفِ ٱلَّيۡلِ وَٱلنَّهَارِ وَمَآ أَنزَلَ ٱللَّهُ مِنَ ٱلسَّمَآءِ مِن رِّزۡقٖ فَأَحۡيَا بِهِ ٱلۡأَرۡضَ بَعۡدَ مَوۡتِهَا وَتَصۡرِيفِ ٱلرِّيَٰحِ ءَايَٰتٞ لِّقَوۡمٖ يَعۡقِلُونَ
Uye mukutenderera kweusiku nemasikati, neizvo Allah zvavanopa seraramo (mvura) kubva kudenga, vopa nayo nyika upenyu mushure mekunge isina upenyu, uye kuvhuvhuta kunoita mhepo, zviratidzo kuvanhu vanonzwisisa
Surah Al-Jathiya, Verse 5
تِلۡكَ ءَايَٰتُ ٱللَّهِ نَتۡلُوهَا عَلَيۡكَ بِٱلۡحَقِّۖ فَبِأَيِّ حَدِيثِۭ بَعۡدَ ٱللَّهِ وَءَايَٰتِهِۦ يُؤۡمِنُونَ
Izvi zviratidzo zvaAllah, zvatinokuverengera (Muhammad (SAW)) muchokwadi. Naizvozvo ndeipi nhaurwa mushure maAllah nezviratidzo zvavo zvavachatenda
Surah Al-Jathiya, Verse 6
وَيۡلٞ لِّكُلِّ أَفَّاكٍ أَثِيمٖ
Matambudziko kumutadzi wese anonyepa
Surah Al-Jathiya, Verse 7
يَسۡمَعُ ءَايَٰتِ ٱللَّهِ تُتۡلَىٰ عَلَيۡهِ ثُمَّ يُصِرُّ مُسۡتَكۡبِرٗا كَأَن لَّمۡ يَسۡمَعۡهَاۖ فَبَشِّرۡهُ بِعَذَابٍ أَلِيمٖ
Anonzwa ndima dzaAllah dzichiverengwa kwaari, asi oenderera mberi achizvitutumadza sekunge asina kudzinzwa. Nokudaro mukorokotedze nezvemutongo unorwadza
Surah Al-Jathiya, Verse 8
وَإِذَا عَلِمَ مِنۡ ءَايَٰتِنَا شَيۡـًٔا ٱتَّخَذَهَا هُزُوًاۚ أُوْلَـٰٓئِكَ لَهُمۡ عَذَابٞ مُّهِينٞ
Uye akadzidza zvimwe zvinhu mundima dzedu (dziri muQur’aan), anozvitora sechiseko. Vanhu vakadaro vachava nomutongo unonyadzisa
Surah Al-Jathiya, Verse 9
مِّن وَرَآئِهِمۡ جَهَنَّمُۖ وَلَا يُغۡنِي عَنۡهُم مَّا كَسَبُواْ شَيۡـٔٗا وَلَا مَا ٱتَّخَذُواْ مِن دُونِ ٱللَّهِ أَوۡلِيَآءَۖ وَلَهُمۡ عَذَابٌ عَظِيمٌ
Pamberi pavo pane Gehena. Uye vose izvo zvavakawana hazvisi kuzovabatsira, kana avo vavakatora sevabatsiri vachisiya Allah. Uye vachave nemutongo mukuru
Surah Al-Jathiya, Verse 10
هَٰذَا هُدٗىۖ وَٱلَّذِينَ كَفَرُواْ بِـَٔايَٰتِ رَبِّهِمۡ لَهُمۡ عَذَابٞ مِّن رِّجۡزٍ أَلِيمٌ
Iri (Qur’aan) inungamiri. Uyezve avo vasingatendi muzviratidzo zvaTenzi vavo, vachave nemutongo wakaomarara unorwadza
Surah Al-Jathiya, Verse 11
۞ٱللَّهُ ٱلَّذِي سَخَّرَ لَكُمُ ٱلۡبَحۡرَ لِتَجۡرِيَ ٱلۡفُلۡكُ فِيهِ بِأَمۡرِهِۦ وَلِتَبۡتَغُواْ مِن فَضۡلِهِۦ وَلَعَلَّكُمۡ تَشۡكُرُونَ
NdiAllah vakakupai gungwa kuti ngarava dzive dzinofamba mariri nokuda kwavo, uye kuti muve munotsvaga makomborero avo, uye kuti muve munotenda
Surah Al-Jathiya, Verse 12
وَسَخَّرَ لَكُم مَّا فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَمَا فِي ٱلۡأَرۡضِ جَمِيعٗا مِّنۡهُۚ إِنَّ فِي ذَٰلِكَ لَأٓيَٰتٖ لِّقَوۡمٖ يَتَفَكَّرُونَ
Uye vakakupai zvese zviri mumatenga nezvose zviri panyika, zvese izvi kubva kwavari. Zvirokwazvo, mazviri mune zviratidzo kune vanhu avo vanofunga zvakadzama
Surah Al-Jathiya, Verse 13
قُل لِّلَّذِينَ ءَامَنُواْ يَغۡفِرُواْ لِلَّذِينَ لَا يَرۡجُونَ أَيَّامَ ٱللَّهِ لِيَجۡزِيَ قَوۡمَۢا بِمَا كَانُواْ يَكۡسِبُونَ
Iti (Muhammad (SAW)) kuvatendi kuti varegerere avo vasina tarisiro nezvemazuva aAllah, kuti vave vanoripa vanhu zvichienderana nezvavakawana (kutonga avo vasingatendi vaikanganisa vatendi)
Surah Al-Jathiya, Verse 14
مَنۡ عَمِلَ صَٰلِحٗا فَلِنَفۡسِهِۦۖ وَمَنۡ أَسَآءَ فَعَلَيۡهَاۖ ثُمَّ إِلَىٰ رَبِّكُمۡ تُرۡجَعُونَ
Uyo anoita basa rakanaka, nderake pachake; uye uyo anoita basa rakaipa, rakanangana naiye. Naizvozvo muchave munodzokera kuna Tenzi venyu
Surah Al-Jathiya, Verse 15
وَلَقَدۡ ءَاتَيۡنَا بَنِيٓ إِسۡرَـٰٓءِيلَ ٱلۡكِتَٰبَ وَٱلۡحُكۡمَ وَٱلنُّبُوَّةَ وَرَزَقۡنَٰهُم مِّنَ ٱلطَّيِّبَٰتِ وَفَضَّلۡنَٰهُمۡ عَلَى ٱلۡعَٰلَمِينَ
Uye zvirokwazvo takapa vana vaIzirairi Gwaro, uye kunzwisisa Gwaro uye nemitemo yarwo, uye huporofita; uye tikavapa zvinhu zvakanaka, uye tikavasarudza pamusoro pevose (vanhu nemaJinn enguva yavo)
Surah Al-Jathiya, Verse 16
وَءَاتَيۡنَٰهُم بَيِّنَٰتٖ مِّنَ ٱلۡأَمۡرِۖ فَمَا ٱخۡتَلَفُوٓاْ إِلَّا مِنۢ بَعۡدِ مَا جَآءَهُمُ ٱلۡعِلۡمُ بَغۡيَۢا بَيۡنَهُمۡۚ إِنَّ رَبَّكَ يَقۡضِي بَيۡنَهُمۡ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِ فِيمَا كَانُواْ فِيهِ يَخۡتَلِفُونَ
Uye takavapa humboo hwuri pachena wenyaya dzese (nekuvadzikisira Torah). Uye havana kupokana kusara kwekunge ruzivo rwauya kwavari, nokuda kweruvengo pakati pavo. Zvirokwazvo, Tenzi vako vachatonga pakati pavo pazuva rokutongwa pamusoro peizvo zvavaipikisana
Surah Al-Jathiya, Verse 17
ثُمَّ جَعَلۡنَٰكَ عَلَىٰ شَرِيعَةٖ مِّنَ ٱلۡأَمۡرِ فَٱتَّبِعۡهَا وَلَا تَتَّبِعۡ أَهۡوَآءَ ٱلَّذِينَ لَا يَعۡلَمُونَ
Naizvozvo takuisa (Muhammad (SAW)) panzira yomukomekedzo (Islaam). Naizvozvo itevere, uye usatevere zvido zveavo vasingazivi
Surah Al-Jathiya, Verse 18
إِنَّهُمۡ لَن يُغۡنُواْ عَنكَ مِنَ ٱللَّهِ شَيۡـٔٗاۚ وَإِنَّ ٱلظَّـٰلِمِينَ بَعۡضُهُمۡ أَوۡلِيَآءُ بَعۡضٖۖ وَٱللَّهُ وَلِيُّ ٱلۡمُتَّقِينَ
Zvirokwazvo, hapana chavanokwanisa kukubatsira nacho kuna Allah (kana vachida kukuranga). Zvirokwazvo, avo vanoita mabasa akaipa madzishamwari, asi Allah mubatsiri weavo vanotya (Allah)
Surah Al-Jathiya, Verse 19
هَٰذَا بَصَـٰٓئِرُ لِلنَّاسِ وَهُدٗى وَرَحۡمَةٞ لِّقَوۡمٖ يُوقِنُونَ
Iri (Qur’aan) chioneso chiri pachena uye humboo kuvanhu, uye inungamiri netsitsi kuvanhu avo vanotenda zvechokwadi (nezve zuva rekupedzisira)
Surah Al-Jathiya, Verse 20
أَمۡ حَسِبَ ٱلَّذِينَ ٱجۡتَرَحُواْ ٱلسَّيِّـَٔاتِ أَن نَّجۡعَلَهُمۡ كَٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّـٰلِحَٰتِ سَوَآءٗ مَّحۡيَاهُمۡ وَمَمَاتُهُمۡۚ سَآءَ مَا يَحۡكُمُونَ
Kana kuti avo vanoita mabasa akaipa vanofunga kuti tichavabatanidza neavo vanotenda (muhumwechete waAllah) uye vachiita mabasa akanaka, muhupenyu hwavo uye mushure mekufa kwavo? Huipi ndiwo mutongo wavanoita
Surah Al-Jathiya, Verse 21
وَخَلَقَ ٱللَّهُ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ بِٱلۡحَقِّ وَلِتُجۡزَىٰ كُلُّ نَفۡسِۭ بِمَا كَسَبَتۡ وَهُمۡ لَا يُظۡلَمُونَ
Uye Allah vakasika denga nenyika muchokwadi, kuti munhu wese ave anoripwa zvaakawana, uye havasi kuzodzvinyirirwa
Surah Al-Jathiya, Verse 22
أَفَرَءَيۡتَ مَنِ ٱتَّخَذَ إِلَٰهَهُۥ هَوَىٰهُ وَأَضَلَّهُ ٱللَّهُ عَلَىٰ عِلۡمٖ وَخَتَمَ عَلَىٰ سَمۡعِهِۦ وَقَلۡبِهِۦ وَجَعَلَ عَلَىٰ بَصَرِهِۦ غِشَٰوَةٗ فَمَن يَهۡدِيهِ مِنۢ بَعۡدِ ٱللَّهِۚ أَفَلَا تَذَكَّرُونَ
Wakamboona here uyo anotora zvido zvake samwari vake? Uye Allah vachiziva, vakamusiya akarasika, uye vakavhara manzwiro ake nemoyo wake, uye vakaisa chivharo pamaonero ake. Nokudaro ndiani angamutungamirire mushure maAllah? Hamurangariri here
Surah Al-Jathiya, Verse 23
وَقَالُواْ مَا هِيَ إِلَّا حَيَاتُنَا ٱلدُّنۡيَا نَمُوتُ وَنَحۡيَا وَمَا يُهۡلِكُنَآ إِلَّا ٱلدَّهۡرُۚ وَمَا لَهُم بِذَٰلِكَ مِنۡ عِلۡمٍۖ إِنۡ هُمۡ إِلَّا يَظُنُّونَ
Uye vanoti: “Hapana chiripo kusara kwehupenyu wedu hwepano pasi, tinofa uye tinorarama, uye hapana chinotiparadza kusara kwenguva.” Uye havana ruzivo nezvazvo, asi vanongofungidzira
Surah Al-Jathiya, Verse 24
وَإِذَا تُتۡلَىٰ عَلَيۡهِمۡ ءَايَٰتُنَا بَيِّنَٰتٖ مَّا كَانَ حُجَّتَهُمۡ إِلَّآ أَن قَالُواْ ٱئۡتُواْ بِـَٔابَآئِنَآ إِن كُنتُمۡ صَٰدِقِينَ
Uye kana ndima dzedu dziri pachena dzichiverengwa kwavari, kupikisa kwavo hakusi kumwe kusara kwekuti: “Dzora madzibaba edu (akafa) kana uri pachokwadi!”
Surah Al-Jathiya, Verse 25
قُلِ ٱللَّهُ يُحۡيِيكُمۡ ثُمَّ يُمِيتُكُمۡ ثُمَّ يَجۡمَعُكُمۡ إِلَىٰ يَوۡمِ ٱلۡقِيَٰمَةِ لَا رَيۡبَ فِيهِ وَلَٰكِنَّ أَكۡثَرَ ٱلنَّاسِ لَا يَعۡلَمُونَ
Iti (kwavari): “Allah vanokupai hupenyu, uye voita kuti mufe, uye vachakuunganidzai pazuva rokutongwa iro pariri hapana kusagutsikana. Asi vanhu vazhinji havazivi.”
Surah Al-Jathiya, Verse 26
وَلِلَّهِ مُلۡكُ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۚ وَيَوۡمَ تَقُومُ ٱلسَّاعَةُ يَوۡمَئِذٖ يَخۡسَرُ ٱلۡمُبۡطِلُونَ
Uye kuna Allah ndiko kune humambo hwematenga nenyika. Uye pazuva iro nguva ichasvika, zuva iroro vatevedzeri vemanyepo (vasingatendi) vacharasikirwa (nezvose)
Surah Al-Jathiya, Verse 27
وَتَرَىٰ كُلَّ أُمَّةٖ جَاثِيَةٗۚ كُلُّ أُمَّةٖ تُدۡعَىٰٓ إِلَىٰ كِتَٰبِهَا ٱلۡيَوۡمَ تُجۡزَوۡنَ مَا كُنتُمۡ تَعۡمَلُونَ
Uye uchaona rwudzi rwega rwega ruchizvininipisa (rwakapfugama). Rwudzi rwega rwega ruchishevedzerwa kuzvinyorwa zvaro (zvemabasa). Nhasi muchabhadharwa maererano nezvamaiita
Surah Al-Jathiya, Verse 28
هَٰذَا كِتَٰبُنَا يَنطِقُ عَلَيۡكُم بِٱلۡحَقِّۚ إِنَّا كُنَّا نَسۡتَنسِخُ مَا كُنتُمۡ تَعۡمَلُونَ
Zvinyorwa zvedu izvi zvirikutaura pamusoro penyu chokwadi. Zvirokwazvo, Tainyora izvo zvamaiita (ngirozi dzedu dzainyora mabasa enyu)
Surah Al-Jathiya, Verse 29
فَأَمَّا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّـٰلِحَٰتِ فَيُدۡخِلُهُمۡ رَبُّهُمۡ فِي رَحۡمَتِهِۦۚ ذَٰلِكَ هُوَ ٱلۡفَوۡزُ ٱلۡمُبِينُ
Uye kune avo vaitenda (muhumwechete waAllah) uye vachiita mabasa akanaka, Tenzi vavo vachavaisa mutsitsi dzavo (Paradhiso). Ikoko ndiko kuchava kubudirira kuri pachena
Surah Al-Jathiya, Verse 30
وَأَمَّا ٱلَّذِينَ كَفَرُوٓاْ أَفَلَمۡ تَكُنۡ ءَايَٰتِي تُتۡلَىٰ عَلَيۡكُمۡ فَٱسۡتَكۡبَرۡتُمۡ وَكُنتُمۡ قَوۡمٗا مُّجۡرِمِينَ
Asi kune avo vaisatenda (zvichanzi kwavari): “Ndima dzedu hadzina kuverengwa kwamuri here? Asi makazvitutumadza, uye maiva vanhu vaitadza.”
Surah Al-Jathiya, Verse 31
وَإِذَا قِيلَ إِنَّ وَعۡدَ ٱللَّهِ حَقّٞ وَٱلسَّاعَةُ لَا رَيۡبَ فِيهَا قُلۡتُم مَّا نَدۡرِي مَا ٱلسَّاعَةُ إِن نَّظُنُّ إِلَّا ظَنّٗا وَمَا نَحۡنُ بِمُسۡتَيۡقِنِينَ
Uye apo pazvainzi: “Zvirokwazvo, vimbiso yaAllah ndeyechokwadi, uye hapana kusagutsikana maererano nekuuya kwenguva,” makati: “Hatizivi kuti chii chinonzi nguva. Hatifungi nezvayo asi kuti kufungidzira, uye hatina kutenda kunogutsa (mairi nguva).”
Surah Al-Jathiya, Verse 32
وَبَدَا لَهُمۡ سَيِّـَٔاتُ مَا عَمِلُواْ وَحَاقَ بِهِم مَّا كَانُواْ بِهِۦ يَسۡتَهۡزِءُونَ
Uye zvakaipa zvavakaiita zvichava zvinobuda kwavari, uye zvavaishora zvichavakomberedza
Surah Al-Jathiya, Verse 33
وَقِيلَ ٱلۡيَوۡمَ نَنسَىٰكُمۡ كَمَا نَسِيتُمۡ لِقَآءَ يَوۡمِكُمۡ هَٰذَا وَمَأۡوَىٰكُمُ ٱلنَّارُ وَمَا لَكُم مِّن نَّـٰصِرِينَ
Uye zvichanzi: “Zuva rino tichakukanganwai sekukanganwa kwamakaita kusangana kwezuva renyu rino. Uye nzvimbo yenyu yokugara imoto, uye hapana achakubatsirai.”
Surah Al-Jathiya, Verse 34
ذَٰلِكُم بِأَنَّكُمُ ٱتَّخَذۡتُمۡ ءَايَٰتِ ٱللَّهِ هُزُوٗا وَغَرَّتۡكُمُ ٱلۡحَيَوٰةُ ٱلدُّنۡيَاۚ فَٱلۡيَوۡمَ لَا يُخۡرَجُونَ مِنۡهَا وَلَا هُمۡ يُسۡتَعۡتَبُونَ
Izvi (zvirikuitika) nekuda kwekuti maitora ndima dzaAllah (Qur’aan) sechiseko, uye hupenyu hwepasi hwakakunyengedzai. Naizvozvo, nhasi havambobudiswi mauri (moto) kana kudzorerwa kuhupenyu hwepanyika (kuti vanokumbira ruregerero kuna Allah)
Surah Al-Jathiya, Verse 35
فَلِلَّهِ ٱلۡحَمۡدُ رَبِّ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَرَبِّ ٱلۡأَرۡضِ رَبِّ ٱلۡعَٰلَمِينَ
Naizvozvo kurumbidzwa kwese nekutendwa ndekwa Allah, Tenzi vematenga uye Tenzi venyika, uye Tenzi vepasi rose (vanhu nemaJinn nezvisikwa zvese)
Surah Al-Jathiya, Verse 36
وَلَهُ ٱلۡكِبۡرِيَآءُ فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۖ وَهُوَ ٱلۡعَزِيزُ ٱلۡحَكِيمُ
Uye kwavari ndiko kune humambo mumatenga nepasi, uye ndivo samasimba, vane hungwaru hwose
Surah Al-Jathiya, Verse 37