UAE Prayer Times

  • Dubai
  • Abu Dhabi
  • Sharjah
  • Ajman
  • Fujairah
  • Umm Al Quwain
  • Ras Al Khaimah
  • Quran Translations

Surah Al-Ahqaf - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students


حمٓ

Haa – Meem. (Mashoko aya ndemamwe ezvishamiso zviri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah)
Surah Al-Ahqaf, Verse 1


تَنزِيلُ ٱلۡكِتَٰبِ مِنَ ٱللَّهِ ٱلۡعَزِيزِ ٱلۡحَكِيمِ

Kudzikiswa kweBhuku (Qur’aan) kubva kuna Allah, Samasimba, Muchenjeri Mukuru
Surah Al-Ahqaf, Verse 2


مَا خَلَقۡنَا ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ وَمَا بَيۡنَهُمَآ إِلَّا بِٱلۡحَقِّ وَأَجَلٖ مُّسَمّٗىۚ وَٱلَّذِينَ كَفَرُواْ عَمَّآ أُنذِرُواْ مُعۡرِضُونَ

Hatina kusika matenga nenyika nezviri pakati pawo asi kuti muchokwadi, uye kwenguva yakatarwa. Asi avo vasingatendi vanofuratira izvo zvavanoyambirwa nazvo
Surah Al-Ahqaf, Verse 3


قُلۡ أَرَءَيۡتُم مَّا تَدۡعُونَ مِن دُونِ ٱللَّهِ أَرُونِي مَاذَا خَلَقُواْ مِنَ ٱلۡأَرۡضِ أَمۡ لَهُمۡ شِرۡكٞ فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِۖ ٱئۡتُونِي بِكِتَٰبٖ مِّن قَبۡلِ هَٰذَآ أَوۡ أَثَٰرَةٖ مِّنۡ عِلۡمٍ إِن كُنتُمۡ صَٰدِقِينَ

Iti (Muhammad (SAW)): “Munoona here zvose izvo zvamunodaidza kunze kwaAllah? Ndiratidzei. Chii chavakasika panyika? Kana kuti vane mugove here kumatenga (pakusikwa kwawo)? Ndiunzirei Bhuku (riri mumashure meiri) kana matsimba eruzivo (anotsigira zvamunotaura), kana imi muri pachokwadi!”
Surah Al-Ahqaf, Verse 4


وَمَنۡ أَضَلُّ مِمَّن يَدۡعُواْ مِن دُونِ ٱللَّهِ مَن لَّا يَسۡتَجِيبُ لَهُۥٓ إِلَىٰ يَوۡمِ ٱلۡقِيَٰمَةِ وَهُمۡ عَن دُعَآئِهِمۡ غَٰفِلُونَ

Uye ndiani akarasika zvakanyanya kukunda uyo anodaidza (anonamata) izvo zvisiri Allah, izvo zvisingazomupinduri kusvikira pazuva rekutongwa, zvakare havana kana chavanoziva maererano neminamato yavo kwavari
Surah Al-Ahqaf, Verse 5


وَإِذَا حُشِرَ ٱلنَّاسُ كَانُواْ لَهُمۡ أَعۡدَآءٗ وَكَانُواْ بِعِبَادَتِهِمۡ كَٰفِرِينَ

Uye kana vanhu vaunganidzwa (pazuva rekutongwa), (zvavainamata) zvichave mhandu kwavari uye zvicharamba kunamatwa kwavo
Surah Al-Ahqaf, Verse 6


وَإِذَا تُتۡلَىٰ عَلَيۡهِمۡ ءَايَٰتُنَا بَيِّنَٰتٖ قَالَ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ لِلۡحَقِّ لَمَّا جَآءَهُمۡ هَٰذَا سِحۡرٞ مُّبِينٌ

Uye kana humboo hwedu huri pachena hukaverengwa kwavari, avo vasingatendi vanoti kune chokwadi kana chauya kwavari: “Aya ndiwo masaramusi ari pachena!”
Surah Al-Ahqaf, Verse 7


أَمۡ يَقُولُونَ ٱفۡتَرَىٰهُۖ قُلۡ إِنِ ٱفۡتَرَيۡتُهُۥ فَلَا تَمۡلِكُونَ لِي مِنَ ٱللَّهِ شَيۡـًٔاۖ هُوَ أَعۡلَمُ بِمَا تُفِيضُونَ فِيهِۚ كَفَىٰ بِهِۦ شَهِيدَۢا بَيۡنِي وَبَيۡنَكُمۡۖ وَهُوَ ٱلۡغَفُورُ ٱلرَّحِيمُ

Kana kuti vanoti: “Iye (Muhammad (SAW)) akazvigadzirira!” Iti: “Kana ndakazvigadzirira, nazvino hamuna kana simba rekundibetsera kubva kuna Allah. Ivo (Allah) vanoziva chaizvo zvamunotaura pakati penyu maererano nezvaro (Qur’aan)! Vakakwana semupupuri pakati pangu nemi! Uye ndivo vanoregerera, vane nyasha zhinji.”
Surah Al-Ahqaf, Verse 8


قُلۡ مَا كُنتُ بِدۡعٗا مِّنَ ٱلرُّسُلِ وَمَآ أَدۡرِي مَا يُفۡعَلُ بِي وَلَا بِكُمۡۖ إِنۡ أَتَّبِعُ إِلَّا مَا يُوحَىٰٓ إِلَيَّ وَمَآ أَنَا۠ إِلَّا نَذِيرٞ مُّبِينٞ

Iti (Muhammad (SAW)): “Handisi chinhu chitsva pavatumwa (handisi ini wekutanga), uye handizivi kuti chii chichaitwa kwandiri kana kwamuri. Ndinongotevera chete izvo zvinodzikiswa kwandiri, uye ndinongori muyambiri ari pachena chete.”
Surah Al-Ahqaf, Verse 9


قُلۡ أَرَءَيۡتُمۡ إِن كَانَ مِنۡ عِندِ ٱللَّهِ وَكَفَرۡتُم بِهِۦ وَشَهِدَ شَاهِدٞ مِّنۢ بَنِيٓ إِسۡرَـٰٓءِيلَ عَلَىٰ مِثۡلِهِۦ فَـَٔامَنَ وَٱسۡتَكۡبَرۡتُمۡۚ إِنَّ ٱللَّهَ لَا يَهۡدِي ٱلۡقَوۡمَ ٱلظَّـٰلِمِينَ

Iti: “Munoona here kana iri (Qur’aan) richibva kuna Allah uye imi moriramba, uye mupupuri kubva kuvana vaIzirairi (Abdullah bin Salaam (RA)) vopupura kuti (iri Qur’aan riri kubva kuna Allah) se(Torah), uye otenda (opinda Islaam) apo imi muchizvitutumadza (musingatendi).” Zvirokwazvo, Allah havatungamiriri vanhu vanotadza
Surah Al-Ahqaf, Verse 10


وَقَالَ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ لِلَّذِينَ ءَامَنُواْ لَوۡ كَانَ خَيۡرٗا مَّا سَبَقُونَآ إِلَيۡهِۚ وَإِذۡ لَمۡ يَهۡتَدُواْ بِهِۦ فَسَيَقُولُونَ هَٰذَآ إِفۡكٞ قَدِيمٞ

Uye avo vasingatendi (vane simba nehupfumi) vanoti kune avo vanotenda (varombo vasina simba): “Dai change chakanaka (chitendero che Islaam), vangadai (varombo vasina simba) vasina kutitangira kwachiri!” Uye kana vasina kutungamirwa nacho, vanoti: “Aya ndiwo manyepo ekare!”
Surah Al-Ahqaf, Verse 11


وَمِن قَبۡلِهِۦ كِتَٰبُ مُوسَىٰٓ إِمَامٗا وَرَحۡمَةٗۚ وَهَٰذَا كِتَٰبٞ مُّصَدِّقٞ لِّسَانًا عَرَبِيّٗا لِّيُنذِرَ ٱلَّذِينَ ظَلَمُواْ وَبُشۡرَىٰ لِلۡمُحۡسِنِينَ

Uye mushure maro (Qur’aan) kwaive neGwaro raMusa richitungamira uye senyasha. Uye iri iBhuku (Qur’aan) rinopupura mururimi rwechiArabhu, richijekesa uye richiyambira avo vanoita zvakaipa, uye semashoko akanaka kune vanoita mabasa akanaka
Surah Al-Ahqaf, Verse 12


إِنَّ ٱلَّذِينَ قَالُواْ رَبُّنَا ٱللَّهُ ثُمَّ ٱسۡتَقَٰمُواْ فَلَا خَوۡفٌ عَلَيۡهِمۡ وَلَا هُمۡ يَحۡزَنُونَ

Zvirokwazvo, avo vanoti: “Tenzi vedu ndiAllah,” uye vobva vashinga zvakasimba (muIslaam), hapazove nekutya kwavari kana kushushikana (kusuruwara)
Surah Al-Ahqaf, Verse 13


أُوْلَـٰٓئِكَ أَصۡحَٰبُ ٱلۡجَنَّةِ خَٰلِدِينَ فِيهَا جَزَآءَۢ بِمَا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ

Vanhu vakadaro vachave vagari vekuParadhiso, vachagara imomo (zvachose) semubairo wezvavakaita
Surah Al-Ahqaf, Verse 14


وَوَصَّيۡنَا ٱلۡإِنسَٰنَ بِوَٰلِدَيۡهِ إِحۡسَٰنًاۖ حَمَلَتۡهُ أُمُّهُۥ كُرۡهٗا وَوَضَعَتۡهُ كُرۡهٗاۖ وَحَمۡلُهُۥ وَفِصَٰلُهُۥ ثَلَٰثُونَ شَهۡرًاۚ حَتَّىٰٓ إِذَا بَلَغَ أَشُدَّهُۥ وَبَلَغَ أَرۡبَعِينَ سَنَةٗ قَالَ رَبِّ أَوۡزِعۡنِيٓ أَنۡ أَشۡكُرَ نِعۡمَتَكَ ٱلَّتِيٓ أَنۡعَمۡتَ عَلَيَّ وَعَلَىٰ وَٰلِدَيَّ وَأَنۡ أَعۡمَلَ صَٰلِحٗا تَرۡضَىٰهُ وَأَصۡلِحۡ لِي فِي ذُرِّيَّتِيٓۖ إِنِّي تُبۡتُ إِلَيۡكَ وَإِنِّي مِنَ ٱلۡمُسۡلِمِينَ

Uye takakomekedza munhu kuti abetsere vabereki vake, nekuve nemoyo munyoro kwavari. Amai vake vakamutakura mumatambudziko uye vakamubereka vachitambudzika. Uye kumutakura nekumuyamwisa kwakatora mwedzi makumi matatu, kusvikira apo paanenge anesimba rakakwana uye asvika makore makumi mana, obva ati: “Tenzi vangu! Ndipeiwo simba kuti ndikwanise kutenda makomborero amakandipa nevabereki vangu, uye kuti ndikwanise kuita mabasa akanaka ayo amunofarira, uye mhuri yangu moiita yakanaka. Chokwadi, ndatarisa kwamuri ndichikumbira ruregerero rwenyu, uye chokwadi, ndiri umwe wevatendi (maMuslim).”
Surah Al-Ahqaf, Verse 15


أُوْلَـٰٓئِكَ ٱلَّذِينَ نَتَقَبَّلُ عَنۡهُمۡ أَحۡسَنَ مَا عَمِلُواْ وَنَتَجَاوَزُ عَن سَيِّـَٔاتِهِمۡ فِيٓ أَصۡحَٰبِ ٱلۡجَنَّةِۖ وَعۡدَ ٱلصِّدۡقِ ٱلَّذِي كَانُواْ يُوعَدُونَ

Vanhu vakadaro ndeavo vatichatambira mabasa avo akanaka uye tovakanganwira mabasa avo akaipa. (Vachava) mukati mevagari vekuParadhiso, vimbiso yechokwadi, iyo yavakavimbiswa
Surah Al-Ahqaf, Verse 16


وَٱلَّذِي قَالَ لِوَٰلِدَيۡهِ أُفّٖ لَّكُمَآ أَتَعِدَانِنِيٓ أَنۡ أُخۡرَجَ وَقَدۡ خَلَتِ ٱلۡقُرُونُ مِن قَبۡلِي وَهُمَا يَسۡتَغِيثَانِ ٱللَّهَ وَيۡلَكَ ءَامِنۡ إِنَّ وَعۡدَ ٱللَّهِ حَقّٞ فَيَقُولُ مَا هَٰذَآ إِلَّآ أَسَٰطِيرُ ٱلۡأَوَّلِينَ

Asi uyo anotaura kuvabereki vake achiti: “Hapana zvamunotaura! Muri kundivimbisa ini kuti ndichamutswa zvakare asi kwadarika zvizvarwa kare mushure mangu (Pasina kumutswa)?” Apo (vabereki) vachikumbira Allah rubetsero (vachiyambira mwana wavo) (vachiti): “Matambudziko kwauri! Tenda! Zvirokwazvo, vimbiso yaAllah ndeyechokwadi.” Asi iye achiti: “Hapana zviripo, asi inyaya dzekare chete.”
Surah Al-Ahqaf, Verse 17


أُوْلَـٰٓئِكَ ٱلَّذِينَ حَقَّ عَلَيۡهِمُ ٱلۡقَوۡلُ فِيٓ أُمَمٖ قَدۡ خَلَتۡ مِن قَبۡلِهِم مِّنَ ٱلۡجِنِّ وَٱلۡإِنسِۖ إِنَّهُمۡ كَانُواْ خَٰسِرِينَ

Vanhu vakadaro ndeavo shoko (rechirango) rakazadziswa kumarudzi akapfuura mushure maivo vasati vavepo maJinn nevanhu. Zvirokwazvo, vakarasikirwa
Surah Al-Ahqaf, Verse 18


وَلِكُلّٖ دَرَجَٰتٞ مِّمَّا عَمِلُواْۖ وَلِيُوَفِّيَهُمۡ أَعۡمَٰلَهُمۡ وَهُمۡ لَا يُظۡلَمُونَ

Uye vose, kwavari kuchange kuine kukwiridzirwa zvichienderana nezvavaiita, uye (Allah) zvakare vachavapa mugove wakakwana nokuda kwemabasa avo. Uye havazombodzvanyirirwa
Surah Al-Ahqaf, Verse 19


وَيَوۡمَ يُعۡرَضُ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ عَلَى ٱلنَّارِ أَذۡهَبۡتُمۡ طَيِّبَٰتِكُمۡ فِي حَيَاتِكُمُ ٱلدُّنۡيَا وَٱسۡتَمۡتَعۡتُم بِهَا فَٱلۡيَوۡمَ تُجۡزَوۡنَ عَذَابَ ٱلۡهُونِ بِمَا كُنتُمۡ تَسۡتَكۡبِرُونَ فِي ٱلۡأَرۡضِ بِغَيۡرِ ٱلۡحَقِّ وَبِمَا كُنتُمۡ تَفۡسُقُونَ

Uye nezuva iro avo vasingatendi (muhumwechete waAllah) vachaendeswa kumoto (zvichataurwa zvichinzi): “Zvakanaka zvenyu makazviwana paupenyu hwenyu hwepanyika, uye mukanakidzwa mairi. Zvino zuva ranhasi muchapiwa murango unonyadzisa, nokuda kwekuti maizvitutumadza panyika zvisina mvumo, uye imi maipandukira mirairo yaAllah (maisateerera Allah).”
Surah Al-Ahqaf, Verse 20


۞وَٱذۡكُرۡ أَخَا عَادٍ إِذۡ أَنذَرَ قَوۡمَهُۥ بِٱلۡأَحۡقَافِ وَقَدۡ خَلَتِ ٱلنُّذُرُ مِنۢ بَيۡنِ يَدَيۡهِ وَمِنۡ خَلۡفِهِۦٓ أَلَّا تَعۡبُدُوٓاْ إِلَّا ٱللَّهَ إِنِّيٓ أَخَافُ عَلَيۡكُمۡ عَذَابَ يَوۡمٍ عَظِيمٖ

Uye rangarira (Hud) mukoma wemaAad, apo akatsiura vanhu muAl-Ahqaaf (dzimba dzavaigadzira mumakomo muArabia). Uye zvirokwazvo kwange kwadarika vayambiri mushure make uye mberi kwake (vachiti): “Musanamata chimwe chinhu kunze kwaAllah; zvirokwazvo, ndinokutyirai kubva kumutongo wezuva guru (zuva rokumutswa).”
Surah Al-Ahqaf, Verse 21


قَالُوٓاْ أَجِئۡتَنَا لِتَأۡفِكَنَا عَنۡ ءَالِهَتِنَا فَأۡتِنَا بِمَا تَعِدُنَآ إِن كُنتَ مِنَ ٱلصَّـٰدِقِينَ

Vakati: “Wauya here kuzotiburitsa kubva kuna vanamwari vedu? Zvino chitiunzira izvo zvauri kutityityidzira nazvo, kana iwe uri umwe weavo vanotaura chokwadi!”
Surah Al-Ahqaf, Verse 22


قَالَ إِنَّمَا ٱلۡعِلۡمُ عِندَ ٱللَّهِ وَأُبَلِّغُكُم مَّآ أُرۡسِلۡتُ بِهِۦ وَلَٰكِنِّيٓ أَرَىٰكُمۡ قَوۡمٗا تَجۡهَلُونَ

Akati: “Zvirokwazvo, ruzivo rwacho (rwemurango) rwuna Allah chete. Uye ini ndinongokuudzai izvo zvandakatumwa nazvo, asi ndiri kukuonai muri vanhu vasina ruzivo!”
Surah Al-Ahqaf, Verse 23


فَلَمَّا رَأَوۡهُ عَارِضٗا مُّسۡتَقۡبِلَ أَوۡدِيَتِهِمۡ قَالُواْ هَٰذَا عَارِضٞ مُّمۡطِرُنَاۚ بَلۡ هُوَ مَا ٱسۡتَعۡجَلۡتُم بِهِۦۖ رِيحٞ فِيهَا عَذَابٌ أَلِيمٞ

Zvino pavakauona (murango) segore rakanga richiuya padyo nemipata yavo, vakati: “Iri igore ririkutiunzira mvura!” Asi kwete, ndeizvo zvamaikumbira kuti zvikurumidze kuitika, mhepo ine murango unorwadza
Surah Al-Ahqaf, Verse 24


تُدَمِّرُ كُلَّ شَيۡءِۭ بِأَمۡرِ رَبِّهَا فَأَصۡبَحُواْ لَا يُرَىٰٓ إِلَّا مَسَٰكِنُهُمۡۚ كَذَٰلِكَ نَجۡزِي ٱلۡقَوۡمَ ٱلۡمُجۡرِمِينَ

Ichiparadza zvinhu zvose nokuda kwekuronga kwaTenzi wayo! Nokudaro vakapedzisira pasina chaioneka kusara kwepokugara pavo chete! Saizvozvo ndiwo mapiro atinoita mubairo kuvanhu vanotadza
Surah Al-Ahqaf, Verse 25


وَلَقَدۡ مَكَّنَّـٰهُمۡ فِيمَآ إِن مَّكَّنَّـٰكُمۡ فِيهِ وَجَعَلۡنَا لَهُمۡ سَمۡعٗا وَأَبۡصَٰرٗا وَأَفۡـِٔدَةٗ فَمَآ أَغۡنَىٰ عَنۡهُمۡ سَمۡعُهُمۡ وَلَآ أَبۡصَٰرُهُمۡ وَلَآ أَفۡـِٔدَتُهُم مِّن شَيۡءٍ إِذۡ كَانُواْ يَجۡحَدُونَ بِـَٔايَٰتِ ٱللَّهِ وَحَاقَ بِهِم مَّا كَانُواْ بِهِۦ يَسۡتَهۡزِءُونَ

Uye zvirokwazvo tange takavagadzika zvakasimba neizvo zvatisina kukugadzikai imi (maQuraish)! Uyezve tikavaita kuti vave nekunzwa uye kuona uye nemoyo. Asi kunzwa kwavo, uye kuona kwavo, nemoyo yavo hazvina kuvabetsera kana nechimwechete zvacho nekuti vairamba humboo hwaAllah (maporofita aAllah nedzidziso dzavo), uye vakabva vakomberedzwa neizvo zvavaituka (zvavaiseka)
Surah Al-Ahqaf, Verse 26


وَلَقَدۡ أَهۡلَكۡنَا مَا حَوۡلَكُم مِّنَ ٱلۡقُرَىٰ وَصَرَّفۡنَا ٱلۡأٓيَٰتِ لَعَلَّهُمۡ يَرۡجِعُونَ

Uye zvirokwazvo takaparadza matunhu akakukomberedzai, uye tikavaratidza zvakare zviratidzo kuti pamwe vangadzoka (kuchokwadi, Islaam)
Surah Al-Ahqaf, Verse 27


فَلَوۡلَا نَصَرَهُمُ ٱلَّذِينَ ٱتَّخَذُواْ مِن دُونِ ٱللَّهِ قُرۡبَانًا ءَالِهَةَۢۖ بَلۡ ضَلُّواْ عَنۡهُمۡۚ وَذَٰلِكَ إِفۡكُهُمۡ وَمَا كَانُواْ يَفۡتَرُونَ

Nokudaro sei avo vavakatora saanamwari vachisiya Allah vasina kuvabetsera, senzira yemasvikiro (kuna Allah)? Asi vakavarasa zvachose (pakauya murango). Uye uku ndiko kwaive kunyepa kwavo neivo zvavaiwedzerera (vasati vaparadzwa)
Surah Al-Ahqaf, Verse 28


وَإِذۡ صَرَفۡنَآ إِلَيۡكَ نَفَرٗا مِّنَ ٱلۡجِنِّ يَسۡتَمِعُونَ ٱلۡقُرۡءَانَ فَلَمَّا حَضَرُوهُ قَالُوٓاْ أَنصِتُواْۖ فَلَمَّا قُضِيَ وَلَّوۡاْ إِلَىٰ قَوۡمِهِم مُّنذِرِينَ

Uye rangarira (Muhammad (SAW)) apo takatumira chikwata chemaJinn (vatatu kunosvika gumi) vachiteerera Qur’aan. Zvino (maJinn) pavakamira pamberi paro vakati: “Teererai!” Zvino parakapedziswa kuverengwa, vakadzokera kune vamwe vavo, sevayambiri
Surah Al-Ahqaf, Verse 29


قَالُواْ يَٰقَوۡمَنَآ إِنَّا سَمِعۡنَا كِتَٰبًا أُنزِلَ مِنۢ بَعۡدِ مُوسَىٰ مُصَدِّقٗا لِّمَا بَيۡنَ يَدَيۡهِ يَهۡدِيٓ إِلَى ٱلۡحَقِّ وَإِلَىٰ طَرِيقٖ مُّسۡتَقِيمٖ

Vakati: “Vamwe vedu! Zvirokwazvo, tanzwa Bhuku (Qur’aan) rakadzikiswa mushure maMusa richidudzira zvakauya mushure maro. Rinotungamira kune chokwadi uye kunzira yakatwasuka (Islaam).”
Surah Al-Ahqaf, Verse 30


يَٰقَوۡمَنَآ أَجِيبُواْ دَاعِيَ ٱللَّهِ وَءَامِنُواْ بِهِۦ يَغۡفِرۡ لَكُم مِّن ذُنُوبِكُمۡ وَيُجِرۡكُم مِّنۡ عَذَابٍ أَلِيمٖ

“Vamwe vedu! Dairai mudaidzi waAllah (Muhammad (SAW)), uye tendai kwaari (uye momutevera), Allah vachakuregererai kubva kune zvitado zvenyu, uye vachakununurai kubva kune murango unorwadza (Gehena).”
Surah Al-Ahqaf, Verse 31


وَمَن لَّا يُجِبۡ دَاعِيَ ٱللَّهِ فَلَيۡسَ بِمُعۡجِزٖ فِي ٱلۡأَرۡضِ وَلَيۡسَ لَهُۥ مِن دُونِهِۦٓ أَوۡلِيَآءُۚ أُوْلَـٰٓئِكَ فِي ضَلَٰلٖ مُّبِينٍ

“Uye uyo asingadairi mudaidzi waAllah, haakwanisi kutiza munyika, uye hapana vabetseri vaachawana kunze kwavo (Allah). Vanhu vakadaro ndivo vakarasika zviri pachena.”
Surah Al-Ahqaf, Verse 32


أَوَلَمۡ يَرَوۡاْ أَنَّ ٱللَّهَ ٱلَّذِي خَلَقَ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ وَلَمۡ يَعۡيَ بِخَلۡقِهِنَّ بِقَٰدِرٍ عَلَىٰٓ أَن يُحۡـِۧيَ ٱلۡمَوۡتَىٰۚ بَلَىٰٓۚ إِنَّهُۥ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٖ قَدِيرٞ

Havaoni here kuti Allah avo vakasika matenga nenyika, uye havana kuomerwa nekusikwa kwawo, vane simba rokupa upenyu kune vakafa? Hongu, zvirokwazvo vanokwanisa kuita zvinhu zvose
Surah Al-Ahqaf, Verse 33


وَيَوۡمَ يُعۡرَضُ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ عَلَى ٱلنَّارِ أَلَيۡسَ هَٰذَا بِٱلۡحَقِّۖ قَالُواْ بَلَىٰ وَرَبِّنَاۚ قَالَ فَذُوقُواْ ٱلۡعَذَابَ بِمَا كُنتُمۡ تَكۡفُرُونَ

Uye nezuva iro avo vasingatendi vachaunzwa kumoto (zvichanzi kwavari): “Hachisi chokwadi here ichi?” Vachati: “Hongu, tinopika naTenzi vedu!” Vachati: “Zvino chiravirai murango nokuda kwekuti makanga musingatendi!”
Surah Al-Ahqaf, Verse 34


فَٱصۡبِرۡ كَمَا صَبَرَ أُوْلُواْ ٱلۡعَزۡمِ مِنَ ٱلرُّسُلِ وَلَا تَسۡتَعۡجِل لَّهُمۡۚ كَأَنَّهُمۡ يَوۡمَ يَرَوۡنَ مَا يُوعَدُونَ لَمۡ يَلۡبَثُوٓاْ إِلَّا سَاعَةٗ مِّن نَّهَارِۭۚ بَلَٰغٞۚ فَهَلۡ يُهۡلَكُ إِلَّا ٱلۡقَوۡمُ ٱلۡفَٰسِقُونَ

Zvino chitsungirira (Muhammad (SAW)) sezvakaita vatumwa vakasimba (Muhammad, Nowa, Abrahamu, Musa naJesu) uye usamhanye nezvavo (vasingatendi). Nezuva ravachaona izvo zvavakavimbiswa, zvichaita sokunge havana kugara nguva imwe chete zvayo pazuva rimwechete. Mashoko ari pachena (iri Qur’aan kunokununurai kubva mukuparadzwa)! Asi pachave here nekuparadzwa kunze kwevanhu vanopandukira Allah (vasingateereri Allah)
Surah Al-Ahqaf, Verse 35


Author: Abdullah J. M. Adini And Students


<< Surah 45
>> Surah 47

Shona Translations by other Authors


Shona Translation By Abdullah J. M. Adini And Students
Popular Areas
Apartments for rent in Dubai Apartments for rent Abu Dhabi Villas for rent in Dubai House for rent Abu Dhabi Apartments for sale in Dubai Apartments for sale in Abu Dhabi Flat for rent Sharjah
Popular Searches
Studios for rent in UAE Apartments for rent in UAE Villas for rent in UAE Apartments for sale in UAE Villas for sale in UAE Land for sale in UAE Dubai Real Estate
Trending Areas
Apartments for rent in Dubai Marina Apartments for sale in Dubai Marina Villa for rent in Sharjah Villa for sale in Dubai Flat for rent in Ajman Studio for rent in Abu Dhabi Villa for rent in Ajman
Trending Searches
Villa for rent in Abu Dhabi Shop for rent in Dubai Villas for sale in Ajman Studio for rent in Sharjah 1 Bedroom Apartment for rent in Dubai Property for rent in Abu Dhabi Commercial properties for sale
© Copyright Dubai Prayer Time. All Rights Reserved
Designed by Prayer Time In Dubai