UAE Prayer Times

  • Dubai
  • Abu Dhabi
  • Sharjah
  • Ajman
  • Fujairah
  • Umm Al Quwain
  • Ras Al Khaimah
  • Quran Translations

Surah Muhammad - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students


ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ وَصَدُّواْ عَن سَبِيلِ ٱللَّهِ أَضَلَّ أَعۡمَٰلَهُمۡ

Avo vasingatendi (muIslaam), uye vanorambidza vanhu kupinda munzira yaAllah, vachaita kuti mabasa avo ave asina maturo
Surah Muhammad, Verse 1


وَٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّـٰلِحَٰتِ وَءَامَنُواْ بِمَا نُزِّلَ عَلَىٰ مُحَمَّدٖ وَهُوَ ٱلۡحَقُّ مِن رَّبِّهِمۡ كَفَّرَ عَنۡهُمۡ سَيِّـَٔاتِهِمۡ وَأَصۡلَحَ بَالَهُمۡ

Uye avo vanotenda uye vachiita mabasa akanaka, uye vachitenda kune zvakatumirwa kuna Muhammad (SAW), icho chiri chokwadi kubva kuna Tenzi vavo, vachavakanganwira zvitadzo zvavo, uyezve vachaita mamiriro avo ave akanaka
Surah Muhammad, Verse 2


ذَٰلِكَ بِأَنَّ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ ٱتَّبَعُواْ ٱلۡبَٰطِلَ وَأَنَّ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ ٱتَّبَعُواْ ٱلۡحَقَّ مِن رَّبِّهِمۡۚ كَذَٰلِكَ يَضۡرِبُ ٱللَّهُ لِلنَّاسِ أَمۡثَٰلَهُمۡ

Nokuda kwekuti avo vasingatendi vanotevera manyepo, uye zvirokwazvo avo vanotenda vanotevera chokwadi kubva kuna Tenzi vavo. Saizvozvo Allah vanoratidza vanhu mienzaniso yavo
Surah Muhammad, Verse 3


فَإِذَا لَقِيتُمُ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ فَضَرۡبَ ٱلرِّقَابِ حَتَّىٰٓ إِذَآ أَثۡخَنتُمُوهُمۡ فَشُدُّواْ ٱلۡوَثَاقَ فَإِمَّا مَنَّۢا بَعۡدُ وَإِمَّا فِدَآءً حَتَّىٰ تَضَعَ ٱلۡحَرۡبُ أَوۡزَارَهَاۚ ذَٰلِكَۖ وَلَوۡ يَشَآءُ ٱللَّهُ لَٱنتَصَرَ مِنۡهُمۡ وَلَٰكِن لِّيَبۡلُوَاْ بَعۡضَكُم بِبَعۡضٖۗ وَٱلَّذِينَ قُتِلُواْ فِي سَبِيلِ ٱللَّهِ فَلَن يُضِلَّ أَعۡمَٰلَهُمۡ

Zvino kana masangana neavo vasingatendi (kurwa navo), varovei mitsipa yavo kusvikira mavauraya uye makuvadza vakawanda vavo, uye movasunga zvakasimba (movatora senhapwa). Mushure mezvo vaitirei tsitsi (movasungura zvisina mubhadharo), kana kuti motora mubhadharo (zvamunoona zvichibatsira Islaam), kusvikira hondo yanyarara. Naizvozvo dai Allah vaida, zvirokwazvo dai vakavaranga pachavo, asi (kurwa) vakakuitira kuedza vamwe venyu kuburikidza nevamwe. Uye avo vanouraiwa munzira yaAllah, havasi kuzosiya mabasa avo achitambisika (pasina mugove)
Surah Muhammad, Verse 4


سَيَهۡدِيهِمۡ وَيُصۡلِحُ بَالَهُمۡ

Vachavatungamira uye vomisa zvakanaka hunhu hwavo
Surah Muhammad, Verse 5


وَيُدۡخِلُهُمُ ٱلۡجَنَّةَ عَرَّفَهَا لَهُمۡ

Uye vachavaendesa kuParadhiso iro ravakaita kuti rizivikanwe kwavari (Vachaziva nzwimbo dzavo muParadhiso kukunda maziviro avaiita dzimba dzavo panyika)
Surah Muhammad, Verse 6


يَـٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُوٓاْ إِن تَنصُرُواْ ٱللَّهَ يَنصُرۡكُمۡ وَيُثَبِّتۡ أَقۡدَامَكُمۡ

Imi vanotenda! Kana mukabetsera (munzira ya) Allah, ivo vachakubetseraiwo, uye vachaita kuti makumbo enyu agwinye
Surah Muhammad, Verse 7


وَٱلَّذِينَ كَفَرُواْ فَتَعۡسٗا لَّهُمۡ وَأَضَلَّ أَعۡمَٰلَهُمۡ

Asi avo vasingatendi (muhumwechete waAllah), kwavari kuchave nekuparadzwa, uye vachaita (Allah) kuti mabasa avo ave asina maturo
Surah Muhammad, Verse 8


ذَٰلِكَ بِأَنَّهُمۡ كَرِهُواْ مَآ أَنزَلَ ٱللَّهُ فَأَحۡبَطَ أَعۡمَٰلَهُمۡ

Nokuda kwekuti vanovenga izvo zvakatumirwa naAllah (iri Qur’aan nemitemo yechi Islaam), naizvozvo vaita kuti mabasa avo ashaye maturo
Surah Muhammad, Verse 9


۞أَفَلَمۡ يَسِيرُواْ فِي ٱلۡأَرۡضِ فَيَنظُرُواْ كَيۡفَ كَانَ عَٰقِبَةُ ٱلَّذِينَ مِن قَبۡلِهِمۡۖ دَمَّرَ ٱللَّهُ عَلَيۡهِمۡۖ وَلِلۡكَٰفِرِينَ أَمۡثَٰلُهَا

Havana here kufamba munyika vakaona mhedzisiro yeavo vakange vari mumashure mavo? Allah vakavaparadza zvachose, uye zvimwechetezvo zvakamirira vasingatendi
Surah Muhammad, Verse 10


ذَٰلِكَ بِأَنَّ ٱللَّهَ مَوۡلَى ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَأَنَّ ٱلۡكَٰفِرِينَ لَا مَوۡلَىٰ لَهُمۡ

Nokuda kwekuti zvirokwazvo Allah ndivo mubetseri (mambo nemudziviriri) weavo vanotenda, uye vasingatendi havana mubetseri
Surah Muhammad, Verse 11


إِنَّ ٱللَّهَ يُدۡخِلُ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَعَمِلُواْ ٱلصَّـٰلِحَٰتِ جَنَّـٰتٖ تَجۡرِي مِن تَحۡتِهَا ٱلۡأَنۡهَٰرُۖ وَٱلَّذِينَ كَفَرُواْ يَتَمَتَّعُونَ وَيَأۡكُلُونَ كَمَا تَأۡكُلُ ٱلۡأَنۡعَٰمُ وَٱلنَّارُ مَثۡوٗى لَّهُمۡ

Zvirokwazvo, Allah vachaendesa avo vanotenda (muhumwechete wavo) uye vachiita mabasa akanaka kuParadhiso rine nzizi dzinoerera pasi paro; uye apo avo vasingatendi vachinakirwa nekudya sokudya kunoita mombe; uye moto uchava nzvimbo yavo yokugara
Surah Muhammad, Verse 12


وَكَأَيِّن مِّن قَرۡيَةٍ هِيَ أَشَدُّ قُوَّةٗ مِّن قَرۡيَتِكَ ٱلَّتِيٓ أَخۡرَجَتۡكَ أَهۡلَكۡنَٰهُمۡ فَلَا نَاصِرَ لَهُمۡ

Uye maguta mangani akanga aiine simba kukunda guta rako (Makkah) rakakudzinga, avo atakaparadza. Uye pakanga pasina kana mubetseri kwavari
Surah Muhammad, Verse 13


أَفَمَن كَانَ عَلَىٰ بَيِّنَةٖ مِّن رَّبِّهِۦ كَمَن زُيِّنَ لَهُۥ سُوٓءُ عَمَلِهِۦ وَٱتَّبَعُوٓاْ أَهۡوَآءَهُم

Akafanana here uyo ari muchiedza kubva kuna Tenzi vake neavo zvitadzo zvavo zvinoitwa sezvakanaka kwavari, apo vachitevera zvido zvavo (zvakaipa)
Surah Muhammad, Verse 14


مَّثَلُ ٱلۡجَنَّةِ ٱلَّتِي وُعِدَ ٱلۡمُتَّقُونَۖ فِيهَآ أَنۡهَٰرٞ مِّن مَّآءٍ غَيۡرِ ءَاسِنٖ وَأَنۡهَٰرٞ مِّن لَّبَنٖ لَّمۡ يَتَغَيَّرۡ طَعۡمُهُۥ وَأَنۡهَٰرٞ مِّنۡ خَمۡرٖ لَّذَّةٖ لِّلشَّـٰرِبِينَ وَأَنۡهَٰرٞ مِّنۡ عَسَلٖ مُّصَفّٗىۖ وَلَهُمۡ فِيهَا مِن كُلِّ ٱلثَّمَرَٰتِ وَمَغۡفِرَةٞ مِّن رَّبِّهِمۡۖ كَمَنۡ هُوَ خَٰلِدٞ فِي ٱلنَّارِ وَسُقُواْ مَآءً حَمِيمٗا فَقَطَّعَ أَمۡعَآءَهُمۡ

Muenzaniso weParadhiso iro rakavimbiswa vatsvene (ndewekuti) mariri mune nzizi dzemvura idzo maraviriro nemweya wacho haushanduki, uye nzizi dzemukaka usingashanduki, uye nzizi dzewaini inonaka kune avo vanoinwa, uye nzizi dzeuchi hwakachenurwa, uye imomo vachange vaine ndudzi dzose dzemichero, uye nekuregererwa naTenzi vavo. Vakafanana here neavo vachagara mumoto zvachose vachipiwa mvura inokwata ichipisa iyo ichadambura matumbu avo
Surah Muhammad, Verse 15


وَمِنۡهُم مَّن يَسۡتَمِعُ إِلَيۡكَ حَتَّىٰٓ إِذَا خَرَجُواْ مِنۡ عِندِكَ قَالُواْ لِلَّذِينَ أُوتُواْ ٱلۡعِلۡمَ مَاذَا قَالَ ءَانِفًاۚ أُوْلَـٰٓئِكَ ٱلَّذِينَ طَبَعَ ٱللَّهُ عَلَىٰ قُلُوبِهِمۡ وَٱتَّبَعُوٓاْ أَهۡوَآءَهُمۡ

Uyezve mukati mavo mune vanokuteerera (Muhammad (SAW)) kusvikira vabva kwauri, vanoti kune avo vakagamuchira ruzivo: “Chii chaarikutaura zvino?” Vanhu vakadaro ndivo vakavharwa moyo yavo naAllah, uyezve vanotevera zvido zvavo (zvakaipa)
Surah Muhammad, Verse 16


وَٱلَّذِينَ ٱهۡتَدَوۡاْ زَادَهُمۡ هُدٗى وَءَاتَىٰهُمۡ تَقۡوَىٰهُمۡ

Uye avo vakatungamirwa, vanovawedzera kutungamirwa kwavo uye vanovapa Taqwa (Kutya Allah vovaita vatsvene)
Surah Muhammad, Verse 17


فَهَلۡ يَنظُرُونَ إِلَّا ٱلسَّاعَةَ أَن تَأۡتِيَهُم بَغۡتَةٗۖ فَقَدۡ جَآءَ أَشۡرَاطُهَاۚ فَأَنَّىٰ لَهُمۡ إِذَا جَآءَتۡهُمۡ ذِكۡرَىٰهُمۡ

Vakamirira here chimwe chinhu kunze kwenguva kuti iuye ivo vakavarairwa? Asi mviro mviro dzacho dzakatouya; zvino kana yave pavari, vachabetserekana sei nekurangarira kwavo
Surah Muhammad, Verse 18


فَٱعۡلَمۡ أَنَّهُۥ لَآ إِلَٰهَ إِلَّا ٱللَّهُ وَٱسۡتَغۡفِرۡ لِذَنۢبِكَ وَلِلۡمُؤۡمِنِينَ وَٱلۡمُؤۡمِنَٰتِۗ وَٱللَّهُ يَعۡلَمُ مُتَقَلَّبَكُمۡ وَمَثۡوَىٰكُمۡ

Naizvozvo chiziva (Muhammad (SAW)) kuti, Laa ilaaha illallaah (Hakuna mumwe mwari akafanira kunamatwa kunze kwaAllah), uye kumbira ruregerero pazvitadzo zvako uye nezvevatendi varume nevakadzi. Uye Allah vanoziva kufamba kwenyu, uye nenzvimbo dzenyu dzekuzororera
Surah Muhammad, Verse 19


وَيَقُولُ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ لَوۡلَا نُزِّلَتۡ سُورَةٞۖ فَإِذَآ أُنزِلَتۡ سُورَةٞ مُّحۡكَمَةٞ وَذُكِرَ فِيهَا ٱلۡقِتَالُ رَأَيۡتَ ٱلَّذِينَ فِي قُلُوبِهِم مَّرَضٞ يَنظُرُونَ إِلَيۡكَ نَظَرَ ٱلۡمَغۡشِيِّ عَلَيۡهِ مِنَ ٱلۡمَوۡتِۖ فَأَوۡلَىٰ لَهُمۡ

Uye avo vanotenda vanoti: “Ko sei chikamu (cheQur’aan) chisingadzikiswi?” Asi kana chikamu chadzikiswa chichitsanangura (zvinhu), uye nekurwa kuchitaurwa machiri, uchaona avo vane chirwere mumoyo yavo (cheunyengedzi) vachitarisa kwauri matarisiro euyo ave kukomoka zvokufa. Asi zvakanga zviri nani kwavari (kuti vateerere)
Surah Muhammad, Verse 20


طَاعَةٞ وَقَوۡلٞ مَّعۡرُوفٞۚ فَإِذَا عَزَمَ ٱلۡأَمۡرُ فَلَوۡ صَدَقُواْ ٱللَّهَ لَكَانَ خَيۡرٗا لَّهُمۡ

Kuteerera (Allah) uye mashoko akanaka (akavanakira). Naizvozvo kana hurongwa (weJihaad) hwatarwa, zvino dai vange vari pachokwadi kuna Allah, zvingadai zvakavanakira
Surah Muhammad, Verse 21


فَهَلۡ عَسَيۡتُمۡ إِن تَوَلَّيۡتُمۡ أَن تُفۡسِدُواْ فِي ٱلۡأَرۡضِ وَتُقَطِّعُوٓاْ أَرۡحَامَكُمۡ

Mukapiwa simba, maizoita zvakashata here panyika uye kugura hukama hwenyu
Surah Muhammad, Verse 22


أُوْلَـٰٓئِكَ ٱلَّذِينَ لَعَنَهُمُ ٱللَّهُ فَأَصَمَّهُمۡ وَأَعۡمَىٰٓ أَبۡصَٰرَهُمۡ

Vanhu vakadaro ndeavo vakashorwa naAllah. Naizvozvo vakavaita kuti vasanzwe uyezve vakavaita kuti vasaone
Surah Muhammad, Verse 23


أَفَلَا يَتَدَبَّرُونَ ٱلۡقُرۡءَانَ أَمۡ عَلَىٰ قُلُوبٍ أَقۡفَالُهَآ

Ko havafungi here zvakadzama nezveQur’aan kana kuti moyo yavo yakavharwa (kuti isarinzwisise)
Surah Muhammad, Verse 24


إِنَّ ٱلَّذِينَ ٱرۡتَدُّواْ عَلَىٰٓ أَدۡبَٰرِهِم مِّنۢ بَعۡدِ مَا تَبَيَّنَ لَهُمُ ٱلۡهُدَى ٱلشَّيۡطَٰنُ سَوَّلَ لَهُمۡ وَأَمۡلَىٰ لَهُمۡ

Zvirokwazvo, vakadzokera shure (kubuda muIslaam) mushure mokunge kutungamirwa kwajekeswa kwavari, satani akaita kuti zvive zvakanaka kwavari, uye (Allah) ndokurebesa nguva yavo
Surah Muhammad, Verse 25


ذَٰلِكَ بِأَنَّهُمۡ قَالُواْ لِلَّذِينَ كَرِهُواْ مَا نَزَّلَ ٱللَّهُ سَنُطِيعُكُمۡ فِي بَعۡضِ ٱلۡأَمۡرِۖ وَٱللَّهُ يَعۡلَمُ إِسۡرَارَهُمۡ

Nokuda kwekuti vakati kune avo vanovenga izvo zvakatumirwa naAllah: “Tichakuteererai pane zvimwe.” Asi Allah vanoziva zvakavanzika zvavo
Surah Muhammad, Verse 26


فَكَيۡفَ إِذَا تَوَفَّتۡهُمُ ٱلۡمَلَـٰٓئِكَةُ يَضۡرِبُونَ وُجُوهَهُمۡ وَأَدۡبَٰرَهُمۡ

Zvino zvichange zvakaita sei apo ngirozi dzichatora hupenyu hwavo pakufa, dzichirova zviso zvavo uye nekumashure kwavo
Surah Muhammad, Verse 27


ذَٰلِكَ بِأَنَّهُمُ ٱتَّبَعُواْ مَآ أَسۡخَطَ ٱللَّهَ وَكَرِهُواْ رِضۡوَٰنَهُۥ فَأَحۡبَطَ أَعۡمَٰلَهُمۡ

Nokuda kwekuti vakatevera izvo zvakatsamwisa Allah uye vakavenga izvo zvaivafadza. Nokudaro vakaita kuti mabasa avo ave asina maturo
Surah Muhammad, Verse 28


أَمۡ حَسِبَ ٱلَّذِينَ فِي قُلُوبِهِم مَّرَضٌ أَن لَّن يُخۡرِجَ ٱللَّهُ أَضۡغَٰنَهُمۡ

Kana kuti avo vanechirwere mumoyo yavo (cheunyengedzi), vanofunga kuti Allah havasi kuzoburitsa pachena zvido zvakaipa zvavo zvakavanzika
Surah Muhammad, Verse 29


وَلَوۡ نَشَآءُ لَأَرَيۡنَٰكَهُمۡ فَلَعَرَفۡتَهُم بِسِيمَٰهُمۡۚ وَلَتَعۡرِفَنَّهُمۡ فِي لَحۡنِ ٱلۡقَوۡلِۚ وَٱللَّهُ يَعۡلَمُ أَعۡمَٰلَكُمۡ

Dai taida, tingadai takavaratidza kwamuri, uye dai hwakavaziva nezviratidzo zvavo; asi chokwadi uchavaziva nokuda kwemataurirwo avo! Uye Allah vanoziva mabasa avo ose
Surah Muhammad, Verse 30


وَلَنَبۡلُوَنَّكُمۡ حَتَّىٰ نَعۡلَمَ ٱلۡمُجَٰهِدِينَ مِنكُمۡ وَٱلصَّـٰبِرِينَ وَنَبۡلُوَاْ أَخۡبَارَكُمۡ

Uye chokwadi tichakuedzai kusvikira taziva avo vanoshinga munzira yaAllah uye vane tariro, uye tichaedza humboo hwenyu (ari kunyepa uye ari pachokwadi)
Surah Muhammad, Verse 31


إِنَّ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ وَصَدُّواْ عَن سَبِيلِ ٱللَّهِ وَشَآقُّواْ ٱلرَّسُولَ مِنۢ بَعۡدِ مَا تَبَيَّنَ لَهُمُ ٱلۡهُدَىٰ لَن يَضُرُّواْ ٱللَّهَ شَيۡـٔٗا وَسَيُحۡبِطُ أَعۡمَٰلَهُمۡ

Zvirokwazvo, avo vasingatendi, uye vanorambidza vanhu nzira yaAllah (Islaam), uye vanopikisa mutumwa (Muhammad (SAW)) mushure mokunge kutungamirwa kwauya pachena kwavari, havasi kana kurwadzisa Allah, uye vachaita (Allah) mabasa avo ave asina maturo
Surah Muhammad, Verse 32


۞يَـٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُوٓاْ أَطِيعُواْ ٱللَّهَ وَأَطِيعُواْ ٱلرَّسُولَ وَلَا تُبۡطِلُوٓاْ أَعۡمَٰلَكُمۡ

Imi vanotenda! Teererai Allah, uye moteerera mutumwa (Muhammad (SAW)), uye musaite mabasa enyu ave asina maturo
Surah Muhammad, Verse 33


إِنَّ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ وَصَدُّواْ عَن سَبِيلِ ٱللَّهِ ثُمَّ مَاتُواْ وَهُمۡ كُفَّارٞ فَلَن يَغۡفِرَ ٱللَّهُ لَهُمۡ

Zvirokwazvo, avo vasingatendi, uye vanorambidza vanhu nzira yaAllah (Islaam); uye vobva vafa vasingatendi, Allah havasi kuzovaregerera
Surah Muhammad, Verse 34


فَلَا تَهِنُواْ وَتَدۡعُوٓاْ إِلَى ٱلسَّلۡمِ وَأَنتُمُ ٱلۡأَعۡلَوۡنَ وَٱللَّهُ مَعَكُمۡ وَلَن يَتِرَكُمۡ أَعۡمَٰلَكُمۡ

Naizvozvo musanete kana kudaidzira runyararo imi muine mukana wepamusoro. Allah vanemi, uye havambodzikisa mugove wemabasa enyu
Surah Muhammad, Verse 35


إِنَّمَا ٱلۡحَيَوٰةُ ٱلدُّنۡيَا لَعِبٞ وَلَهۡوٞۚ وَإِن تُؤۡمِنُواْ وَتَتَّقُواْ يُؤۡتِكُمۡ أُجُورَكُمۡ وَلَا يَسۡـَٔلۡكُمۡ أَمۡوَٰلَكُمۡ

Zvirokwazvo, hupenyu hwenyika ino kutamba chete nekufambisa nguva. Asi kana imi mukatenda (muhumwechete waAllah) nekuvatya nekusiya zvakaipa, vachakupai mugove wenyu, uye havambokukumbirai upfumi hwenyu
Surah Muhammad, Verse 36


إِن يَسۡـَٔلۡكُمُوهَا فَيُحۡفِكُمۡ تَبۡخَلُواْ وَيُخۡرِجۡ أَضۡغَٰنَكُمۡ

Dai vakakumbirai, vobva vaomesa, maizoomera. Uye vachaburitsa pachena zvido zvenyu zvakashata
Surah Muhammad, Verse 37


هَـٰٓأَنتُمۡ هَـٰٓؤُلَآءِ تُدۡعَوۡنَ لِتُنفِقُواْ فِي سَبِيلِ ٱللَّهِ فَمِنكُم مَّن يَبۡخَلُۖ وَمَن يَبۡخَلۡ فَإِنَّمَا يَبۡخَلُ عَن نَّفۡسِهِۦۚ وَٱللَّهُ ٱلۡغَنِيُّ وَأَنتُمُ ٱلۡفُقَرَآءُۚ وَإِن تَتَوَلَّوۡاْ يَسۡتَبۡدِلۡ قَوۡمًا غَيۡرَكُمۡ ثُمَّ لَا يَكُونُوٓاْ أَمۡثَٰلَكُم

Tarisai! Ndimi avo vari kudaidzwa kuti mushandise (hupfumi) hwenyu munzira yaAllah, asi mukati menyu mune vamwe vakaomera. Uye uyo akaomera, zvirokwazvo akaomera iye pachake. Asi Allah mupfumi, uye imi muri varombo. Uye kana mukafuratira (Islaam nekuteerera Allah), vachakutsivai nevamwe vanhu vasiri imi, uye havazoiti semi
Surah Muhammad, Verse 38


Author: Abdullah J. M. Adini And Students


<< Surah 46
>> Surah 48

Shona Translations by other Authors


Shona Translation By Abdullah J. M. Adini And Students
Popular Areas
Apartments for rent in Dubai Apartments for rent Abu Dhabi Villas for rent in Dubai House for rent Abu Dhabi Apartments for sale in Dubai Apartments for sale in Abu Dhabi Flat for rent Sharjah
Popular Searches
Studios for rent in UAE Apartments for rent in UAE Villas for rent in UAE Apartments for sale in UAE Villas for sale in UAE Land for sale in UAE Dubai Real Estate
Trending Areas
Apartments for rent in Dubai Marina Apartments for sale in Dubai Marina Villa for rent in Sharjah Villa for sale in Dubai Flat for rent in Ajman Studio for rent in Abu Dhabi Villa for rent in Ajman
Trending Searches
Villa for rent in Abu Dhabi Shop for rent in Dubai Villas for sale in Ajman Studio for rent in Sharjah 1 Bedroom Apartment for rent in Dubai Property for rent in Abu Dhabi Commercial properties for sale
© Copyright Dubai Prayer Time. All Rights Reserved
Designed by Prayer Time In Dubai