Surah Ar-Rahman - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
ٱلرَّحۡمَٰنُ
Mupi ane tsitsi dzakanyanya (Allah)
Surah Ar-Rahman, Verse 1
عَلَّمَ ٱلۡقُرۡءَانَ
Vakava vanodzidzisa (vanhu) Qur’aan (netsitsi dzavo)
Surah Ar-Rahman, Verse 2
خَلَقَ ٱلۡإِنسَٰنَ
Vakasika munhu
Surah Ar-Rahman, Verse 3
عَلَّمَهُ ٱلۡبَيَانَ
Vakava vanomudzidzisa kutaura zvakanaka
Surah Ar-Rahman, Verse 4
ٱلشَّمۡسُ وَٱلۡقَمَرُ بِحُسۡبَانٖ
Zuva nemwedzi zvinomhanya munzira yadzo yakatarwa yakaerwa zvakanaka
Surah Ar-Rahman, Verse 5
وَٱلنَّجۡمُ وَٱلشَّجَرُ يَسۡجُدَانِ
Uye zvirimwa (kana nyenyedzi) nemiti zvinopfugamira (Allah)
Surah Ar-Rahman, Verse 6
وَٱلسَّمَآءَ رَفَعَهَا وَوَضَعَ ٱلۡمِيزَانَ
Uye matenga: Vakava vanomasimudza mudenga, uye vakava vanogadzirisa chikero
Surah Ar-Rahman, Verse 7
أَلَّا تَطۡغَوۡاْ فِي ٱلۡمِيزَانِ
Kuti musazove munotsaudzira (kudzikisa) chikero
Surah Ar-Rahman, Verse 8
وَأَقِيمُواْ ٱلۡوَزۡنَ بِٱلۡقِسۡطِ وَلَا تُخۡسِرُواْ ٱلۡمِيزَانَ
Uye muve munoera zvakafanira, uye musave munodzikisa chikero pakuera
Surah Ar-Rahman, Verse 9
وَٱلۡأَرۡضَ وَضَعَهَا لِلۡأَنَامِ
Uye nyika: Vakava vanoiita yezvisikwa
Surah Ar-Rahman, Verse 10
فِيهَا فَٰكِهَةٞ وَٱلنَّخۡلُ ذَاتُ ٱلۡأَكۡمَامِ
Mukati mayo mune michero, uye miti yemadheti inobuditsa mapazi anenzvimbo dzinochengetedza michero
Surah Ar-Rahman, Verse 11
وَٱلۡحَبُّ ذُو ٱلۡعَصۡفِ وَٱلرَّيۡحَانُ
Uye chibage chine mashizha acho nemashanga sechikafu chezvipfuyo, uye zvirimwa zvinonhuhwirira
Surah Ar-Rahman, Verse 12
فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
Surah Ar-Rahman, Verse 13
خَلَقَ ٱلۡإِنسَٰنَ مِن صَلۡصَٰلٖ كَٱلۡفَخَّارِ
Vakave vanosika munhu (Adam) kubva muivhu rakafanana neivhu rekuumbisa
Surah Ar-Rahman, Verse 14
وَخَلَقَ ٱلۡجَآنَّ مِن مَّارِجٖ مِّن نَّارٖ
Uye maJinn vakaasika kubva muviriri remoto usina chiutsi
Surah Ar-Rahman, Verse 15
فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
Surah Ar-Rahman, Verse 16
رَبُّ ٱلۡمَشۡرِقَيۡنِ وَرَبُّ ٱلۡمَغۡرِبَيۡنِ
Tenzi vekumabvazuva maviri (munguva yekupisa neyechando) nekumadokero maviri (munguva yekupisa neyechando)
Surah Ar-Rahman, Verse 17
فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
Surah Ar-Rahman, Verse 18
مَرَجَ ٱلۡبَحۡرَيۡنِ يَلۡتَقِيَانِ
Vakave vanosiya nzizi mbiri (mvura ine munyu neisina) dzichisangana
Surah Ar-Rahman, Verse 19
بَيۡنَهُمَا بَرۡزَخٞ لَّا يَبۡغِيَانِ
Pakati padzo pane chidziviro chekuti hapana inokwanisa kudarika imwe
Surah Ar-Rahman, Verse 20
فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
Surah Ar-Rahman, Verse 21
يَخۡرُجُ مِنۡهُمَا ٱللُّؤۡلُؤُ وَٱلۡمَرۡجَانُ
Madziri (nzizi) munobuda matombo akakosha (mapera nekora)
Surah Ar-Rahman, Verse 22
فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
Surah Ar-Rahman, Verse 23
وَلَهُ ٱلۡجَوَارِ ٱلۡمُنشَـَٔاتُ فِي ٱلۡبَحۡرِ كَٱلۡأَعۡلَٰمِ
Uye ngarava ndedzavo dzinoenda nekuuya mumakungwa, semakomo
Surah Ar-Rahman, Verse 24
فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
Surah Ar-Rahman, Verse 25
كُلُّ مَنۡ عَلَيۡهَا فَانٖ
Zvose zviri pairi (nyika) zvichaparara
Surah Ar-Rahman, Verse 26
وَيَبۡقَىٰ وَجۡهُ رَبِّكَ ذُو ٱلۡجَلَٰلِ وَٱلۡإِكۡرَامِ
Uye kuchasara chiso chaTenzi vako chakazara nehukuru, neruremekedzo
Surah Ar-Rahman, Verse 27
فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
Surah Ar-Rahman, Verse 28
يَسۡـَٔلُهُۥ مَن فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۚ كُلَّ يَوۡمٍ هُوَ فِي شَأۡنٖ
Ani naani ari kumatenga nepanyika vanovakumbira (Allah, rubetsero). Zuva nezuva vanenge vari mune zvimwe (sekupa hupenyu nerufu)
Surah Ar-Rahman, Verse 29
فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
Surah Ar-Rahman, Verse 30
سَنَفۡرُغُ لَكُمۡ أَيُّهَ ٱلثَّقَلَانِ
Tichauya kwamuri, imi mapoka maviri (vanhu nemaJinn)
Surah Ar-Rahman, Verse 31
فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
Surah Ar-Rahman, Verse 32
يَٰمَعۡشَرَ ٱلۡجِنِّ وَٱلۡإِنسِ إِنِ ٱسۡتَطَعۡتُمۡ أَن تَنفُذُواْ مِنۡ أَقۡطَارِ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِ فَٱنفُذُواْۚ لَا تَنفُذُونَ إِلَّا بِسُلۡطَٰنٖ
Imi gungano remaJinn nevanhu! Kana muchikwanisa kupfuura hwaro hwematenga nenyika, pfuurai! Asi hamukwanisi kupfuura kunze kwekuti zvine mvumo (yaAllah)
Surah Ar-Rahman, Verse 33
فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
Surah Ar-Rahman, Verse 34
يُرۡسَلُ عَلَيۡكُمَا شُوَاظٞ مِّن نَّارٖ وَنُحَاسٞ فَلَا تَنتَصِرَانِ
Kuchatumirwa kwamuri maviriri emoto usina chiutsi uye simbi yakanyunguduka, uye hamuzokwanisi kuzvidzivirira
Surah Ar-Rahman, Verse 35
فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
Surah Ar-Rahman, Verse 36
فَإِذَا ٱنشَقَّتِ ٱلسَّمَآءُ فَكَانَتۡ وَرۡدَةٗ كَٱلدِّهَانِ
Zvino apo denga parichaparadzwa, uye robva raita dzvuku semafuta matsvuku
Surah Ar-Rahman, Verse 37
فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
Surah Ar-Rahman, Verse 38
فَيَوۡمَئِذٖ لَّا يُسۡـَٔلُ عَن ذَنۢبِهِۦٓ إِنسٞ وَلَا جَآنّٞ
Naizvozvo nezuva iroro hakuna mubvunzo uchabvunzwa munhu kana Jinn maererano nezvitadzo zvake (nekuti zvichange zvichizivikanwa nezviso zvavo, vamwe vachipenya (vekuParadhiso) uye vamwe vakasviba (vekuGehena)
Surah Ar-Rahman, Verse 39
فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
Surah Ar-Rahman, Verse 40
يُعۡرَفُ ٱلۡمُجۡرِمُونَ بِسِيمَٰهُمۡ فَيُؤۡخَذُ بِٱلنَّوَٰصِي وَٱلۡأَقۡدَامِ
Vatadzi vachazivikananwa nezviratidzo zvavo, uye vachabatwa nebvudzi ravo repamberi uye netsoka dzavo
Surah Ar-Rahman, Verse 41
فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
Surah Ar-Rahman, Verse 42
هَٰذِهِۦ جَهَنَّمُ ٱلَّتِي يُكَذِّبُ بِهَا ٱلۡمُجۡرِمُونَ
Iri ndiro Gehena iro vatadzi ravairamba
Surah Ar-Rahman, Verse 43
يَطُوفُونَ بَيۡنَهَا وَبَيۡنَ حَمِيمٍ ءَانٖ
Vachaenda pakati paro (Gehena) uye mvura inopisa
Surah Ar-Rahman, Verse 44
فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
Surah Ar-Rahman, Verse 45
وَلِمَنۡ خَافَ مَقَامَ رَبِّهِۦ جَنَّتَانِ
Asi uyo anotya kumira pamberi paTenzi vake (oita mabasa akanaka) achawana mapindu maviri (muParadhiso)
Surah Ar-Rahman, Verse 46
فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
Surah Ar-Rahman, Verse 47
ذَوَاتَآ أَفۡنَانٖ
Anemapazi anopararira
Surah Ar-Rahman, Verse 48
فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
Surah Ar-Rahman, Verse 49
فِيهِمَا عَيۡنَانِ تَجۡرِيَانِ
Mukati mawo muchange muine zvitubu zviviri zvinoerera
Surah Ar-Rahman, Verse 50
فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
Surah Ar-Rahman, Verse 51
فِيهِمَا مِن كُلِّ فَٰكِهَةٖ زَوۡجَانِ
Mukati mawo muchange muine marudzi ose emichero iri miviri miviri
Surah Ar-Rahman, Verse 52
فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
Surah Ar-Rahman, Verse 53
مُتَّكِـِٔينَ عَلَىٰ فُرُشِۭ بَطَآئِنُهَا مِنۡ إِسۡتَبۡرَقٖۚ وَجَنَى ٱلۡجَنَّتَيۡنِ دَانٖ
Vachange vakarara pamibhedha yakarukirwa nesiriki, uye michero yemapindu maviri ichange iri padyo
Surah Ar-Rahman, Verse 54
فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
Surah Ar-Rahman, Verse 55
فِيهِنَّ قَٰصِرَٰتُ ٱلطَّرۡفِ لَمۡ يَطۡمِثۡهُنَّ إِنسٞ قَبۡلَهُمۡ وَلَا جَآنّٞ
Mukati mawo muchange muine vakadzi vakatsiga, vasina varume kana maJinn akamborara navo
Surah Ar-Rahman, Verse 56
فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
Surah Ar-Rahman, Verse 57
كَأَنَّهُنَّ ٱلۡيَاقُوتُ وَٱلۡمَرۡجَانُ
(Runako) Sokunge vari matombo akakosha (masandawana nemakora)
Surah Ar-Rahman, Verse 58
فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
Surah Ar-Rahman, Verse 59
هَلۡ جَزَآءُ ٱلۡإِحۡسَٰنِ إِلَّا ٱلۡإِحۡسَٰنُ
Pane mubairo wezvakanaka here kunze kwezvakanaka
Surah Ar-Rahman, Verse 60
فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
Surah Ar-Rahman, Verse 61
وَمِن دُونِهِمَا جَنَّتَانِ
Uye asiri aya maviri, pane mamwe mapindu maviri (muParadhiso)
Surah Ar-Rahman, Verse 62
فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
Surah Ar-Rahman, Verse 63
مُدۡهَآمَّتَانِ
Ane ruvara rwakasvibira
Surah Ar-Rahman, Verse 64
فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
Surah Ar-Rahman, Verse 65
فِيهِمَا عَيۡنَانِ نَضَّاخَتَانِ
Mukati mawo (mapindu) muchange muine zvitubu zviviri zvinoerera
Surah Ar-Rahman, Verse 66
فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
Surah Ar-Rahman, Verse 67
فِيهِمَا فَٰكِهَةٞ وَنَخۡلٞ وَرُمَّانٞ
Mukati mawo ose muchange muine michero uye madheti neRummaan (chibage chechirungu)
Surah Ar-Rahman, Verse 68
فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
Surah Ar-Rahman, Verse 69
فِيهِنَّ خَيۡرَٰتٌ حِسَانٞ
Mukati mawo muchange muine vakadzi vakanaka
Surah Ar-Rahman, Verse 70
فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
Surah Ar-Rahman, Verse 71
حُورٞ مَّقۡصُورَٰتٞ فِي ٱلۡخِيَامِ
Vakadzi vakanaka munzvimbo dzakachengetedzwa
Surah Ar-Rahman, Verse 72
فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
Surah Ar-Rahman, Verse 73
لَمۡ يَطۡمِثۡهُنَّ إِنسٞ قَبۡلَهُمۡ وَلَا جَآنّٞ
Hapana murume akambovabata mushure kana maJinn
Surah Ar-Rahman, Verse 74
فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
Surah Ar-Rahman, Verse 75
مُتَّكِـِٔينَ عَلَىٰ رَفۡرَفٍ خُضۡرٖ وَعَبۡقَرِيٍّ حِسَانٖ
Vanenge vakazorora pamakusheni akasvibira uye nemametiresi akakosha, akanaka
Surah Ar-Rahman, Verse 76
فَبِأَيِّ ءَالَآءِ رَبِّكُمَا تُكَذِّبَانِ
Naizvozvo ndeapi makomborero aTenzi venyu amucharamba (imi vanhu nemaJinn)
Surah Ar-Rahman, Verse 77
تَبَٰرَكَ ٱسۡمُ رَبِّكَ ذِي ٱلۡجَلَٰلِ وَٱلۡإِكۡرَامِ
Rakakomborerwa zita raTenzi vako, mukuru, uye muridzi weremekedzo
Surah Ar-Rahman, Verse 78