Surah Al-Waqia - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
إِذَا وَقَعَتِ ٱلۡوَاقِعَةُ
Kana chiitiko chazoitika (zuva rekutongwa)
Surah Al-Waqia, Verse 1
لَيۡسَ لِوَقۡعَتِهَا كَاذِبَةٌ
Hapana marambiro nezvekuitika kwacho
Surah Al-Waqia, Verse 2
خَافِضَةٞ رَّافِعَةٌ
Chichadzikisira (vamwe vachienda kuGehena), uye chichakwiridzira (vamwe vachienda kuParadhiso)
Surah Al-Waqia, Verse 3
إِذَا رُجَّتِ ٱلۡأَرۡضُ رَجّٗا
Apo nyika ichadengenyeka kudengenyeka kunotyisa
Surah Al-Waqia, Verse 4
وَبُسَّتِ ٱلۡجِبَالُ بَسّٗا
Uye makomo achaparadzwa kuita huruva
Surah Al-Waqia, Verse 5
فَكَانَتۡ هَبَآءٗ مُّنۢبَثّٗا
Kuti agove huruva inopepereka
Surah Al-Waqia, Verse 6
وَكُنتُمۡ أَزۡوَٰجٗا ثَلَٰثَةٗ
Uye mose muchange muri mapoka matatu
Surah Al-Waqia, Verse 7
فَأَصۡحَٰبُ ٱلۡمَيۡمَنَةِ مَآ أَصۡحَٰبُ ٱلۡمَيۡمَنَةِ
Naizvozvo avo vachange vari kuruoko rwerudyi (avo vachapiwa mabhuku ezviito zvavo mumaoko avo erudyi), zvichava zvakanaka sei kune avo vari kuruoko rwerudyi! (Seruremekedzo, nekuti vachapinda Paradhiso)
Surah Al-Waqia, Verse 8
وَأَصۡحَٰبُ ٱلۡمَشۡـَٔمَةِ مَآ أَصۡحَٰبُ ٱلۡمَشۡـَٔمَةِ
Uye avo vachange vari kuruoko rweruboshwe (avo vachapiwa mabhuku ezviito zvavo mumaoko avo eruboshwe), vachange vakadii avo vari kuruoko rweruboshwe! (Sekunyadziswa, nekuti vachapinda kumoto)
Surah Al-Waqia, Verse 9
وَٱلسَّـٰبِقُونَ ٱلسَّـٰبِقُونَ
Uye vekutanga (muIslaam nekuita mabasa akanaka pasi rino) vachange vari vekutanga (kuParadhiso)
Surah Al-Waqia, Verse 10
أُوْلَـٰٓئِكَ ٱلۡمُقَرَّبُونَ
Vanhu vakadaro vachange vari padyo (naAllah)
Surah Al-Waqia, Verse 11
فِي جَنَّـٰتِ ٱلنَّعِيمِ
Mumapindu emufaro (Paradhiso)
Surah Al-Waqia, Verse 12
ثُلَّةٞ مِّنَ ٱلۡأَوَّلِينَ
Huwandu hwavo (vekutanga) huchange huchibva kune vanhu vekutanga (kupinda muIslaam)
Surah Al-Waqia, Verse 13
وَقَلِيلٞ مِّنَ ٱلۡأٓخِرِينَ
Uye vashoma veavo (vekutanga) vachange vari kune vanhu vekupedzisira
Surah Al-Waqia, Verse 14
عَلَىٰ سُرُرٖ مَّوۡضُونَةٖ
(Vachange vari) pazvigaro zvakashongedzwa nendarama nematombo akakosha
Surah Al-Waqia, Verse 15
مُّتَّكِـِٔينَ عَلَيۡهَا مُتَقَٰبِلِينَ
Vakagara ipapo, vakatarisana
Surah Al-Waqia, Verse 16
يَطُوفُ عَلَيۡهِمۡ وِلۡدَٰنٞ مُّخَلَّدُونَ
Vakomana vasingafi vanovabatsira nekuvashandira vachange vachitenderera pavari
Surah Al-Waqia, Verse 17
بِأَكۡوَابٖ وَأَبَارِيقَ وَكَأۡسٖ مِّن مَّعِينٖ
Nemakomichi, nemajagi, uye negirazi rewaini inoerera
Surah Al-Waqia, Verse 18
لَّا يُصَدَّعُونَ عَنۡهَا وَلَا يُنزِفُونَ
Kubva kwairi havazombowani kurwadziwa nemusoro kana kudhakiwa
Surah Al-Waqia, Verse 19
وَفَٰكِهَةٖ مِّمَّا يَتَخَيَّرُونَ
Uye nemuchero wavanosarudza
Surah Al-Waqia, Verse 20
وَلَحۡمِ طَيۡرٖ مِّمَّا يَشۡتَهُونَ
Nenyama yeshiri iyo yavanenge vachida
Surah Al-Waqia, Verse 21
وَحُورٌ عِينٞ
Uye (kuchange kune) maHoor (vakadzi kwavo) vane maziso makuru ane rudo
Surah Al-Waqia, Verse 22
كَأَمۡثَٰلِ ٱللُّؤۡلُوِٕ ٱلۡمَكۡنُونِ
Sokunge matombo akakosha (mapera) akachengetedzwa
Surah Al-Waqia, Verse 23
جَزَآءَۢ بِمَا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ
Semubairo wezvavaiita
Surah Al-Waqia, Verse 24
لَا يَسۡمَعُونَ فِيهَا لَغۡوٗا وَلَا تَأۡثِيمًا
Havambonzwi mashoko akaipa imomo kana kutaura kwehuipi imomo
Surah Al-Waqia, Verse 25
إِلَّا قِيلٗا سَلَٰمٗا سَلَٰمٗا
Asi kutaura kuti: Rugare! Rugare! (kwaziso)
Surah Al-Waqia, Verse 26
وَأَصۡحَٰبُ ٱلۡيَمِينِ مَآ أَصۡحَٰبُ ٱلۡيَمِينِ
Uye avo vokuruoko rwerudyi, vachange vari sei avo vekuruoko rwerudyi
Surah Al-Waqia, Verse 27
فِي سِدۡرٖ مَّخۡضُودٖ
Vachange vari pane miti yeLoti isina minzwa
Surah Al-Waqia, Verse 28
وَطَلۡحٖ مَّنضُودٖ
Uye mukati meTalh (miti yemabanana) ine michero yakaturikidzana imwe pamusoro peimwe
Surah Al-Waqia, Verse 29
وَظِلّٖ مَّمۡدُودٖ
Uye nemimvuri yakawedzerwa yakareba
Surah Al-Waqia, Verse 30
وَمَآءٖ مَّسۡكُوبٖ
Uye nemvura ichierera
Surah Al-Waqia, Verse 31
وَفَٰكِهَةٖ كَثِيرَةٖ
Nemichero yakawanda
Surah Al-Waqia, Verse 32
لَّا مَقۡطُوعَةٖ وَلَا مَمۡنُوعَةٖ
Isingashaiki kana kuita mishoma, kana isingaswikiriki
Surah Al-Waqia, Verse 33
وَفُرُشٖ مَّرۡفُوعَةٍ
Uye mumibhedha yakasimudzwa mudenga
Surah Al-Waqia, Verse 34
إِنَّآ أَنشَأۡنَٰهُنَّ إِنشَآءٗ
Zvirokwazvo, takavasika vakadzi vekuParadhiso vakakosha
Surah Al-Waqia, Verse 35
فَجَعَلۡنَٰهُنَّ أَبۡكَارًا
Uye tikavaita mhandara
Surah Al-Waqia, Verse 36
عُرُبًا أَتۡرَابٗا
Vanoda (varume vavo chete), (uye) vezera rimwe
Surah Al-Waqia, Verse 37
لِّأَصۡحَٰبِ ٱلۡيَمِينِ
Veavo vekuruoko rwekurudyi
Surah Al-Waqia, Verse 38
ثُلَّةٞ مِّنَ ٱلۡأَوَّلِينَ
Boka rakawanda (reavo veruoko rwerudyi) richabva kune vanhu vekutanga (vakatambira chitendero cheIslaam)
Surah Al-Waqia, Verse 39
وَثُلَّةٞ مِّنَ ٱلۡأٓخِرِينَ
Uye boka rakawanda (reavo vekuruoko rwerudyi) richabva muvanhu vekupedzisira
Surah Al-Waqia, Verse 40
وَأَصۡحَٰبُ ٱلشِّمَالِ مَآ أَصۡحَٰبُ ٱلشِّمَالِ
Uye avo vekuruoko rweruboshwe, vachange vakarasikirwa sei vekuruoko rweruboshwe
Surah Al-Waqia, Verse 41
فِي سَمُومٖ وَحَمِيمٖ
Mumhepo inopisa ine simba nemvura inokwata
Surah Al-Waqia, Verse 42
وَظِلّٖ مِّن يَحۡمُومٖ
Nemumvuri wehutsi hutema
Surah Al-Waqia, Verse 43
لَّا بَارِدٖ وَلَا كَرِيمٍ
(Mvuri iwowo) hautonhoreri, kana kufadza
Surah Al-Waqia, Verse 44
إِنَّهُمۡ كَانُواْ قَبۡلَ ذَٰلِكَ مُتۡرَفِينَ
Zvirokwazvo, mushure mezvo vainakidzwa
Surah Al-Waqia, Verse 45
وَكَانُواْ يُصِرُّونَ عَلَى ٱلۡحِنثِ ٱلۡعَظِيمِ
Uye vaishingirira kuita zvitadzo zvikuru (Kunamata Allah vachivasanganisa nezvimwe zvinhu nekuita mamwe mabasa akaipa)
Surah Al-Waqia, Verse 46
وَكَانُواْ يَقُولُونَ أَئِذَا مِتۡنَا وَكُنَّا تُرَابٗا وَعِظَٰمًا أَءِنَّا لَمَبۡعُوثُونَ
Uye vaiti: “Kana tikafa tikave ivhu nemapfupa, zvirokwazvo tichazomutswa here?”
Surah Al-Waqia, Verse 47
أَوَءَابَآؤُنَا ٱلۡأَوَّلُونَ
“Uye madzitateguru edu zvakare?”
Surah Al-Waqia, Verse 48
قُلۡ إِنَّ ٱلۡأَوَّلِينَ وَٱلۡأٓخِرِينَ
Iti (Muhammad (SAW)): “(Hongu!) Zvirokwazvo, avo vekare neavo vazvino.”
Surah Al-Waqia, Verse 49
لَمَجۡمُوعُونَ إِلَىٰ مِيقَٰتِ يَوۡمٖ مَّعۡلُومٖ
“Vose zvirokwazvo vachaunganidzwa pamwechete pamusangano wezuva rinozivikanwa.”
Surah Al-Waqia, Verse 50
ثُمَّ إِنَّكُمۡ أَيُّهَا ٱلضَّآلُّونَ ٱلۡمُكَذِّبُونَ
“Uye zvakare zvirokwazvo imi vatadzi vanoramba (zuva rekutongwa)!”
Surah Al-Waqia, Verse 51
لَأٓكِلُونَ مِن شَجَرٖ مِّن زَقُّومٖ
“Zvirokwazvo muchadya kubva pamiti yeZaqqoom (inovava zvikuru).”
Surah Al-Waqia, Verse 52
فَمَالِـُٔونَ مِنۡهَا ٱلۡبُطُونَ
“Muchazadza matumbu enyu nazvo.”
Surah Al-Waqia, Verse 53
فَشَٰرِبُونَ عَلَيۡهِ مِنَ ٱلۡحَمِيمِ
“Uye mobva manwa mvura inokwata pamusoro paizvozvo.”
Surah Al-Waqia, Verse 54
فَشَٰرِبُونَ شُرۡبَ ٱلۡهِيمِ
“Uye muchanwa (izvozvo) sekunge ngamera dzine nyota!”
Surah Al-Waqia, Verse 55
هَٰذَا نُزُلُهُمۡ يَوۡمَ ٱلدِّينِ
Ndiyo ichava varaidzo yavo pazuva rokutongwa
Surah Al-Waqia, Verse 56
نَحۡنُ خَلَقۡنَٰكُمۡ فَلَوۡلَا تُصَدِّقُونَ
Isu takakusikai, saka sei musingatendi
Surah Al-Waqia, Verse 57
أَفَرَءَيۡتُم مَّا تُمۡنُونَ
Hamuoni here mvura yamunoburitsa (hurume)
Surah Al-Waqia, Verse 58
ءَأَنتُمۡ تَخۡلُقُونَهُۥٓ أَمۡ نَحۡنُ ٱلۡخَٰلِقُونَ
Ndimi here makaisika kana kuti isu tisu takaisika
Surah Al-Waqia, Verse 59
نَحۡنُ قَدَّرۡنَا بَيۡنَكُمُ ٱلۡمَوۡتَ وَمَا نَحۡنُ بِمَسۡبُوقِينَ
Takatara rufu kwamuri mose, uye hatikurirwi
Surah Al-Waqia, Verse 60
عَلَىٰٓ أَن نُّبَدِّلَ أَمۡثَٰلَكُمۡ وَنُنشِئَكُمۡ فِي مَا لَا تَعۡلَمُونَ
Kukushandurai uye tokusikai kukuitai izvo zvamusingazivi
Surah Al-Waqia, Verse 61
وَلَقَدۡ عَلِمۡتُمُ ٱلنَّشۡأَةَ ٱلۡأُولَىٰ فَلَوۡلَا تَذَكَّرُونَ
Uye zvirokwazvo makatoziva kare mhando yechisikwa chokutanga (Adam), saka sei imi musingarangariri (kana kuchenjerera)
Surah Al-Waqia, Verse 62
أَفَرَءَيۡتُم مَّا تَحۡرُثُونَ
Zvino chindiudzai nezvembeu dzamunodyara pasi
Surah Al-Waqia, Verse 63
ءَأَنتُمۡ تَزۡرَعُونَهُۥٓ أَمۡ نَحۡنُ ٱلزَّـٰرِعُونَ
Ndimi here munoita kuti dzikure, kana kuti tisu tinodzikudza
Surah Al-Waqia, Verse 64
لَوۡ نَشَآءُ لَجَعَلۡنَٰهُ حُطَٰمٗا فَظَلۡتُمۡ تَفَكَّهُونَ
Dai taida, tingadai takadziita marara akaoma, uye maizodemba (kana kusiiwa muchidzungaira)
Surah Al-Waqia, Verse 65
إِنَّا لَمُغۡرَمُونَ
(Muchiti): “Zvirokwazvo taparadzwa!”
Surah Al-Waqia, Verse 66
بَلۡ نَحۡنُ مَحۡرُومُونَ
“Asi tanyengedzwa (tanyimwa)!”
Surah Al-Waqia, Verse 67
أَفَرَءَيۡتُمُ ٱلۡمَآءَ ٱلَّذِي تَشۡرَبُونَ
Munoiona here mvura yamunonwa
Surah Al-Waqia, Verse 68
ءَأَنتُمۡ أَنزَلۡتُمُوهُ مِنَ ٱلۡمُزۡنِ أَمۡ نَحۡنُ ٱلۡمُنزِلُونَ
Ndimi here munoita kuti inaye panyika kana kuti tisu tinokonzera kuti inaye pasi
Surah Al-Waqia, Verse 69
لَوۡ نَشَآءُ جَعَلۡنَٰهُ أُجَاجٗا فَلَوۡلَا تَشۡكُرُونَ
Dai taida, tingadai takaiita munyu. Naizvozvo nemhaka yei musingatendi (Allah)
Surah Al-Waqia, Verse 70
أَفَرَءَيۡتُمُ ٱلنَّارَ ٱلَّتِي تُورُونَ
Munouona here moto uyo wamunotungidza
Surah Al-Waqia, Verse 71
ءَأَنتُمۡ أَنشَأۡتُمۡ شَجَرَتَهَآ أَمۡ نَحۡنُ ٱلۡمُنشِـُٔونَ
Ndimi here munoita kuti muti wacho ukure, kana kuti tisu tinoukudza
Surah Al-Waqia, Verse 72
نَحۡنُ جَعَلۡنَٰهَا تَذۡكِرَةٗ وَمَتَٰعٗا لِّلۡمُقۡوِينَ
Isu takauita yeuchidzo (yeGehena), uye chinhu chekushandisa kune vari parwendo (nevamwe vari munyika)
Surah Al-Waqia, Verse 73
فَسَبِّحۡ بِٱسۡمِ رَبِّكَ ٱلۡعَظِيمِ
Zvino rumbidza zita raTenzi vako mukuru
Surah Al-Waqia, Verse 74
۞فَلَآ أُقۡسِمُ بِمَوَٰقِعِ ٱلنُّجُومِ
Saka ndinopika nekugara kwenyenyedzi
Surah Al-Waqia, Verse 75
وَإِنَّهُۥ لَقَسَمٞ لَّوۡ تَعۡلَمُونَ عَظِيمٌ
Uye zvirokwazvo uku ndiko kupika kukuru dai maiziva
Surah Al-Waqia, Verse 76
إِنَّهُۥ لَقُرۡءَانٞ كَرِيمٞ
Kuti zvirokwazvo (uku) kuverenga kunoremekedzwa (Qur’aan rinoremekedzwa)
Surah Al-Waqia, Verse 77
فِي كِتَٰبٖ مَّكۡنُونٖ
Kuri Mubhuku rakachengetedzwa (Al-Lauh Al-Mahfoodh)
Surah Al-Waqia, Verse 78
لَّا يَمَسُّهُۥٓ إِلَّا ٱلۡمُطَهَّرُونَ
Iro (Bhuku rinaAllah) risingabatwi nemumwe munhu kunze kweavo vakachena (ngirozi)
Surah Al-Waqia, Verse 79
تَنزِيلٞ مِّن رَّبِّ ٱلۡعَٰلَمِينَ
Rakadzikiswa (Qur’aan) kubva kuna Tenzi vezvisikwa zvose
Surah Al-Waqia, Verse 80
أَفَبِهَٰذَا ٱلۡحَدِيثِ أَنتُم مُّدۡهِنُونَ
Ndiro here shoko iri (Qur’aan) ramunoramba (imi vasingatendi)
Surah Al-Waqia, Verse 81
وَتَجۡعَلُونَ رِزۡقَكُمۡ أَنَّكُمۡ تُكَذِّبُونَ
Uye pachinzvimbo (chokutenda Allah) pararamo yavakakupai, munovaramba (nekusatenda)
Surah Al-Waqia, Verse 82
فَلَوۡلَآ إِذَا بَلَغَتِ ٱلۡحُلۡقُومَ
Naizvozvo sei musingabatsiri kana (mweya weuyo arikufa) wasvika pagurokuro
Surah Al-Waqia, Verse 83
وَأَنتُمۡ حِينَئِذٖ تَنظُرُونَ
Uye imi ipapo makatarisa
Surah Al-Waqia, Verse 84
وَنَحۡنُ أَقۡرَبُ إِلَيۡهِ مِنكُمۡ وَلَٰكِن لَّا تُبۡصِرُونَ
Asi isu (ngirozi dzedu dzinotora mweya) tiri padyo naye kupfuura imi, asi hamuzvioni
Surah Al-Waqia, Verse 85
فَلَوۡلَآ إِن كُنتُمۡ غَيۡرَ مَدِينِينَ
Sei musingati kana chokwadi musingazotongwi
Surah Al-Waqia, Verse 86
تَرۡجِعُونَهَآ إِن كُنتُمۡ صَٰدِقِينَ
Dzosai mweya (pamuviri wacho), kana imi muri pachokwadi
Surah Al-Waqia, Verse 87
فَأَمَّآ إِن كَانَ مِنَ ٱلۡمُقَرَّبِينَ
Zvino kana iye munhu ari kufa ari weavo wepedyo (naAllah)
Surah Al-Waqia, Verse 88
فَرَوۡحٞ وَرَيۡحَانٞ وَجَنَّتُ نَعِيمٖ
(Kwaari kune) kuzorora neraramo, uye Paradhiso rinonakidza
Surah Al-Waqia, Verse 89
وَأَمَّآ إِن كَانَ مِنۡ أَصۡحَٰبِ ٱلۡيَمِينِ
Uye kana iye (mufi) ari wekurudyi
Surah Al-Waqia, Verse 90
فَسَلَٰمٞ لَّكَ مِنۡ أَصۡحَٰبِ ٱلۡيَمِينِ
Zvino pane kuchengetedzeka nerunyararo kune avo vekuruoko rwerudyi
Surah Al-Waqia, Verse 91
وَأَمَّآ إِن كَانَ مِنَ ٱلۡمُكَذِّبِينَ ٱلضَّآلِّينَ
Asi kana iye (mufi) ari umwe weavo vanoramba, vakarasika
Surah Al-Waqia, Verse 92
فَنُزُلٞ مِّنۡ حَمِيمٖ
Kwaari kuchave nemafaro emvura inokwata
Surah Al-Waqia, Verse 93
وَتَصۡلِيَةُ جَحِيمٍ
Uye kutsva mumoto weGehena
Surah Al-Waqia, Verse 94
إِنَّ هَٰذَا لَهُوَ حَقُّ ٱلۡيَقِينِ
Zvirokwazvo, ichi ndicho chokwadi chaicho
Surah Al-Waqia, Verse 95
فَسَبِّحۡ بِٱسۡمِ رَبِّكَ ٱلۡعَظِيمِ
Naizvozvo rumbidza zita raTenzi vako mukuru
Surah Al-Waqia, Verse 96