UAE Prayer Times

  • Dubai
  • Abu Dhabi
  • Sharjah
  • Ajman
  • Fujairah
  • Umm Al Quwain
  • Ras Al Khaimah
  • Quran Translations

Surah Al-Hadid - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students


سَبَّحَ لِلَّهِ مَا فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۖ وَهُوَ ٱلۡعَزِيزُ ٱلۡحَكِيمُ

Zvose zviri mumatenga nepanyika zvinorumbidza Allah, uye ndivo mukuru, ane hungwaru hwese
Surah Al-Hadid, Verse 1


لَهُۥ مُلۡكُ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۖ يُحۡيِۦ وَيُمِيتُۖ وَهُوَ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٖ قَدِيرٌ

Ndehwake humambo hwekumatenga nepanyika. Ndivo vanopa hupenyu uye rufu, uye ivo vanokwanisa kuita zvinhu zvose
Surah Al-Hadid, Verse 2


هُوَ ٱلۡأَوَّلُ وَٱلۡأٓخِرُ وَٱلظَّـٰهِرُ وَٱلۡبَاطِنُۖ وَهُوَ بِكُلِّ شَيۡءٍ عَلِيمٌ

Ndivo vekutanga uye vekupedzisira, uye ndivo vepamusoro-soro uye vepadyo padyo. Uye ndivo vanoziva zvose
Surah Al-Hadid, Verse 3


هُوَ ٱلَّذِي خَلَقَ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضَ فِي سِتَّةِ أَيَّامٖ ثُمَّ ٱسۡتَوَىٰ عَلَى ٱلۡعَرۡشِۖ يَعۡلَمُ مَا يَلِجُ فِي ٱلۡأَرۡضِ وَمَا يَخۡرُجُ مِنۡهَا وَمَا يَنزِلُ مِنَ ٱلسَّمَآءِ وَمَا يَعۡرُجُ فِيهَاۖ وَهُوَ مَعَكُمۡ أَيۡنَ مَا كُنتُمۡۚ وَٱللَّهُ بِمَا تَعۡمَلُونَ بَصِيرٞ

Ndivo vakasika matenga nenyika mumazuva matanhatu, ndokubva vaenda pamusoro pechigaro (choumambo). Vanoziva zvinopinda munyika uye zvinobuda munyika, uye zvinodzika kubva kudenga uye izvo zvinosimuka kuenda ikoko. Uye vanemi kwese kwese kwamunenge muri. Uye Allah vanoona zvose zvamunoita
Surah Al-Hadid, Verse 4


لَّهُۥ مُلۡكُ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۚ وَإِلَى ٱللَّهِ تُرۡجَعُ ٱلۡأُمُورُ

Ndehwake humambo hwekumatenga nepanyika. Uye hurongwa hwose hunodzokera kuna Allah
Surah Al-Hadid, Verse 5


يُولِجُ ٱلَّيۡلَ فِي ٱلنَّهَارِ وَيُولِجُ ٱلنَّهَارَ فِي ٱلَّيۡلِۚ وَهُوَ عَلِيمُۢ بِذَاتِ ٱلصُّدُورِ

Vanoita kuti usiku hupinde muchaedza (kushomeka kweusiku kowedzerwa kunguva yemasikati), uye kuti chaedza (masikati) chipinde muhusiku (kudoka) (kushomeka kwemasikati kowedzerwa kuusika), uye vanoziva zvose zviri mumoyo
Surah Al-Hadid, Verse 6


ءَامِنُواْ بِٱللَّهِ وَرَسُولِهِۦ وَأَنفِقُواْ مِمَّا جَعَلَكُم مُّسۡتَخۡلَفِينَ فِيهِۖ فَٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ مِنكُمۡ وَأَنفَقُواْ لَهُمۡ أَجۡرٞ كَبِيرٞ

Tendai muna Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)), uye ipai kubva kune izvo zvavakakuitai vamiriri vazvo. Naizvozvo avo vanotenda pakati penyu uye vopa (munzira yaAllah), kwavari kune mubairo mukuru
Surah Al-Hadid, Verse 7


وَمَا لَكُمۡ لَا تُؤۡمِنُونَ بِٱللَّهِ وَٱلرَّسُولُ يَدۡعُوكُمۡ لِتُؤۡمِنُواْ بِرَبِّكُمۡ وَقَدۡ أَخَذَ مِيثَٰقَكُمۡ إِن كُنتُم مُّؤۡمِنِينَ

Uye chii chinonetsa kwamuri kuti hamutendi kuna Allah! Uye mutumwa (Muhammad (SAW)) achikudaidzai kuti mutende kuna Tenzi venyu; uye ivo (Allah) zvirokwazvo vakatora chitsidzo chenyu kana muri vatendi chaivo
Surah Al-Hadid, Verse 8


هُوَ ٱلَّذِي يُنَزِّلُ عَلَىٰ عَبۡدِهِۦٓ ءَايَٰتِۭ بَيِّنَٰتٖ لِّيُخۡرِجَكُم مِّنَ ٱلظُّلُمَٰتِ إِلَى ٱلنُّورِۚ وَإِنَّ ٱللَّهَ بِكُمۡ لَرَءُوفٞ رَّحِيمٞ

Ndivo vanodzikisa kune muranda wavo (Muhammad (SAW)) zviratidzo zviri pachena kuti vakuburitsei murima muchienda kuchaedza. Uye Allah vane chido nemi, uye tsitsi
Surah Al-Hadid, Verse 9


وَمَا لَكُمۡ أَلَّا تُنفِقُواْ فِي سَبِيلِ ٱللَّهِ وَلِلَّهِ مِيرَٰثُ ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۚ لَا يَسۡتَوِي مِنكُم مَّنۡ أَنفَقَ مِن قَبۡلِ ٱلۡفَتۡحِ وَقَٰتَلَۚ أُوْلَـٰٓئِكَ أَعۡظَمُ دَرَجَةٗ مِّنَ ٱلَّذِينَ أَنفَقُواْ مِنۢ بَعۡدُ وَقَٰتَلُواْۚ وَكُلّٗا وَعَدَ ٱللَّهُ ٱلۡحُسۡنَىٰۚ وَٱللَّهُ بِمَا تَعۡمَلُونَ خَبِيرٞ

Uye chii chinonetsa kwamuri kuti hamupi (hupfumi hwenyu) munzira yaAllah? Uye kuna Allah ndiko kune nhaka yekumatenga uye nepanyika. Vasina kufanana pakati penyu ndeavo vakapa vasati vabudirira (kutora Makkah) uye vakarwa (neavo vakaita kudaro mushure). Vanhu vakadaro vane zvinzvimbo zvepamusoro kudarika avo vakashandisa (hupfumi) mushure uye vakarwa. Asi kune vose, Allah vakavimbisa zvakanaka. Uye Allah vanoziva zvose zvamunoita
Surah Al-Hadid, Verse 10


مَّن ذَا ٱلَّذِي يُقۡرِضُ ٱللَّهَ قَرۡضًا حَسَنٗا فَيُضَٰعِفَهُۥ لَهُۥ وَلَهُۥٓ أَجۡرٞ كَرِيمٞ

Ndiani uyo angapa Allah chikwereti chakanaka? Naizvozvo (Allah) vanobva vamuwedzera, uye anobva awana mubairo mukuru (Paradhiso)
Surah Al-Hadid, Verse 11


يَوۡمَ تَرَى ٱلۡمُؤۡمِنِينَ وَٱلۡمُؤۡمِنَٰتِ يَسۡعَىٰ نُورُهُم بَيۡنَ أَيۡدِيهِمۡ وَبِأَيۡمَٰنِهِمۖ بُشۡرَىٰكُمُ ٱلۡيَوۡمَ جَنَّـٰتٞ تَجۡرِي مِن تَحۡتِهَا ٱلۡأَنۡهَٰرُ خَٰلِدِينَ فِيهَاۚ ذَٰلِكَ هُوَ ٱلۡفَوۡزُ ٱلۡعَظِيمُ

Zuva ramuchaona varume nevakadzi vanotenda, chaedza chavo chichimhanya mberi kwavo uye mumaoko avo ekurudyi. Mashoko akanaka kwamuri nhasi! Mapindu ane nzizi dzinoerera umo vachagara zvachose! Chokwadi, uku ndiko kubudirira kukuru
Surah Al-Hadid, Verse 12


يَوۡمَ يَقُولُ ٱلۡمُنَٰفِقُونَ وَٱلۡمُنَٰفِقَٰتُ لِلَّذِينَ ءَامَنُواْ ٱنظُرُونَا نَقۡتَبِسۡ مِن نُّورِكُمۡ قِيلَ ٱرۡجِعُواْ وَرَآءَكُمۡ فَٱلۡتَمِسُواْ نُورٗاۖ فَضُرِبَ بَيۡنَهُم بِسُورٖ لَّهُۥ بَابُۢ بَاطِنُهُۥ فِيهِ ٱلرَّحۡمَةُ وَظَٰهِرُهُۥ مِن قِبَلِهِ ٱلۡعَذَابُ

Pazuva iro vanyengedzi, varume nevakadzi, vachati kune avo vanotenda: “Timirirei! Tibetserekane kubva muchaedza chenyu!” Zvichanzi: “Dzokerai kushure kwenyu! Motsvaga chiedza!” Saka mudhuri une gonhi uchaiswa pakati pavo. Mukati muchange muine tsitsi, uye panze pawo pachange paine murango
Surah Al-Hadid, Verse 13


يُنَادُونَهُمۡ أَلَمۡ نَكُن مَّعَكُمۡۖ قَالُواْ بَلَىٰ وَلَٰكِنَّكُمۡ فَتَنتُمۡ أَنفُسَكُمۡ وَتَرَبَّصۡتُمۡ وَٱرۡتَبۡتُمۡ وَغَرَّتۡكُمُ ٱلۡأَمَانِيُّ حَتَّىٰ جَآءَ أَمۡرُ ٱللَّهِ وَغَرَّكُم بِٱللَّهِ ٱلۡغَرُورُ

(Vanyengedzi) vachavasheedza (vatendi): “Takanga tisiri nemi here?” (Vatendi) vachati: “Hongu! Asi makazvipinza pamiedzo pachenyu. Maitarisira kurangwa kwedu, uye hamuna kugutsikana (nekutenda), uye imi makanyengedzwa nezvido zvamanyepo kusvika kutonga kwaAllah kwasvika pakuitika. Uye mukuru wevanyengedzi (Satani) akakunyengedzai maererano naAllah.”
Surah Al-Hadid, Verse 14


فَٱلۡيَوۡمَ لَا يُؤۡخَذُ مِنكُمۡ فِدۡيَةٞ وَلَا مِنَ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْۚ مَأۡوَىٰكُمُ ٱلنَّارُۖ هِيَ مَوۡلَىٰكُمۡۖ وَبِئۡسَ ٱلۡمَصِيرُ

Naizvozvo, zuva ranhasi hapana mubhadharo uchatorwa kwamuri (vanyengedzi), kunyangwe kubva kune avo vasingatendi (muIslaam). Nzvimbo yenyu imoto (weGehena). Ndiyo nzvimbo yenyu chaiyo. Uye zvirokwazvo ndiwo magumo akashata
Surah Al-Hadid, Verse 15


۞أَلَمۡ يَأۡنِ لِلَّذِينَ ءَامَنُوٓاْ أَن تَخۡشَعَ قُلُوبُهُمۡ لِذِكۡرِ ٱللَّهِ وَمَا نَزَلَ مِنَ ٱلۡحَقِّ وَلَا يَكُونُواْ كَٱلَّذِينَ أُوتُواْ ٱلۡكِتَٰبَ مِن قَبۡلُ فَطَالَ عَلَيۡهِمُ ٱلۡأَمَدُ فَقَسَتۡ قُلُوبُهُمۡۖ وَكَثِيرٞ مِّنۡهُمۡ فَٰسِقُونَ

Haina kusvika here nguva kune avo vanotenda (muIslaam) kuti vabatikane moyo yavo nerangaridzo yaAllah (Qur’aan), uye nechokwadi chakadzikiswa, kuti vasazoita seavo vakapiwa Bhuku (Torah neVhangeri) mushure. Naizvozvo nguva ikarebeswa kwavari ndokubva moyo yavo yaomeswa? Asi vakawanda vavo vapanduki (havanzwisisi)
Surah Al-Hadid, Verse 16


ٱعۡلَمُوٓاْ أَنَّ ٱللَّهَ يُحۡيِ ٱلۡأَرۡضَ بَعۡدَ مَوۡتِهَاۚ قَدۡ بَيَّنَّا لَكُمُ ٱلۡأٓيَٰتِ لَعَلَّكُمۡ تَعۡقِلُونَ

Zivai kuti Allah vanopa hupenyu kune pasi mushure mekunge paparara. Zvirokwazvo, takaita kuti zviratidzo zvive pachena kwamuri, kana imi muchinzwisisa
Surah Al-Hadid, Verse 17


إِنَّ ٱلۡمُصَّدِّقِينَ وَٱلۡمُصَّدِّقَٰتِ وَأَقۡرَضُواْ ٱللَّهَ قَرۡضًا حَسَنٗا يُضَٰعَفُ لَهُمۡ وَلَهُمۡ أَجۡرٞ كَرِيمٞ

Zvirokwazvo, avo vanopa maSwadaqaat (Zvipo neZakaah), vakadzi nevarume, uye vopa Allah chikwereti chakanaka chichawedzerwa kwavari, uye vachawana mubairo unoremekedzeka (Paradhiso)
Surah Al-Hadid, Verse 18


وَٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ بِٱللَّهِ وَرُسُلِهِۦٓ أُوْلَـٰٓئِكَ هُمُ ٱلصِّدِّيقُونَۖ وَٱلشُّهَدَآءُ عِندَ رَبِّهِمۡ لَهُمۡ أَجۡرُهُمۡ وَنُورُهُمۡۖ وَٱلَّذِينَ كَفَرُواْ وَكَذَّبُواْ بِـَٔايَٰتِنَآ أُوْلَـٰٓئِكَ أَصۡحَٰبُ ٱلۡجَحِيمِ

Uye avo vanotenda muna Allah nevatumwa vavo, vanhu vakadaro ndivo vari muchokwadi. Uye vakafa munzira yaAllah vana Tenzi vavo, vachawana mubairo wavo nechiedza chavo. Asi avo vasingatendi (muIslaam) uye vachiramba zviratidzo zvedu, vanhu vakadaro ndivo vachava vagari vemuGehena
Surah Al-Hadid, Verse 19


ٱعۡلَمُوٓاْ أَنَّمَا ٱلۡحَيَوٰةُ ٱلدُّنۡيَا لَعِبٞ وَلَهۡوٞ وَزِينَةٞ وَتَفَاخُرُۢ بَيۡنَكُمۡ وَتَكَاثُرٞ فِي ٱلۡأَمۡوَٰلِ وَٱلۡأَوۡلَٰدِۖ كَمَثَلِ غَيۡثٍ أَعۡجَبَ ٱلۡكُفَّارَ نَبَاتُهُۥ ثُمَّ يَهِيجُ فَتَرَىٰهُ مُصۡفَرّٗا ثُمَّ يَكُونُ حُطَٰمٗاۖ وَفِي ٱلۡأٓخِرَةِ عَذَابٞ شَدِيدٞ وَمَغۡفِرَةٞ مِّنَ ٱللَّهِ وَرِضۡوَٰنٞۚ وَمَا ٱلۡحَيَوٰةُ ٱلدُّنۡيَآ إِلَّا مَتَٰعُ ٱلۡغُرُورِ

Zivai kuti zvirokwazvo hupenyu hwepanyika ndehwekungotamba chete, nokuvaraidzwa uye kunakidzwa nekungozvikudza chete pakati penyu, uye kuwanda kwehupfumi nevana. Zvakafanana nemvura inonaya, apo zvirimwa kukura kwazvo kunofadza vanorima; mushure mezvo munozviona zvichiita ruvara rwendarama, zvobva zvaoma zvoita mashanga. Asi muhupenyu hwemangwana kune mutongo wakaoma (kune vasingatendi - vanoita mabasa akaipa), nekuregererwa kubva kuna Allah uye mafaro (aAllah) (kune vatendi - vanoita mabasa akanaka). Uye hupenyu hwenyika ino hunongova kunakirwa kwekunyengedzwa
Surah Al-Hadid, Verse 20


سَابِقُوٓاْ إِلَىٰ مَغۡفِرَةٖ مِّن رَّبِّكُمۡ وَجَنَّةٍ عَرۡضُهَا كَعَرۡضِ ٱلسَّمَآءِ وَٱلۡأَرۡضِ أُعِدَّتۡ لِلَّذِينَ ءَامَنُواْ بِٱللَّهِ وَرُسُلِهِۦۚ ذَٰلِكَ فَضۡلُ ٱللَّهِ يُؤۡتِيهِ مَن يَشَآءُۚ وَٱللَّهُ ذُو ٱلۡفَضۡلِ ٱلۡعَظِيمِ

Mhanyidzanai kururegerero rwaTenzi venyu, uye Paradhiso iyo yakakura sematenga nenyika, yakagadzirirwa avo vanotenda muna Allah nevatumwa vavo. Iwayo ndiwo makomborero aAllah avanopa uyo wavanoda. Uye Allah ndivo muridzi wemakomborero makuru
Surah Al-Hadid, Verse 21


مَآ أَصَابَ مِن مُّصِيبَةٖ فِي ٱلۡأَرۡضِ وَلَا فِيٓ أَنفُسِكُمۡ إِلَّا فِي كِتَٰبٖ مِّن قَبۡلِ أَن نَّبۡرَأَهَآۚ إِنَّ ذَٰلِكَ عَلَى ٱللَّهِ يَسِيرٞ

Hakuna dambudziko rinouya panyika, kana kwamuri pachenyu, asi kuti rinenge rakatonyorwa mubhuku mushure tisati tariunza pakurarama. Zvirokwazvo, izvozvo zviri nyore kuna Allah
Surah Al-Hadid, Verse 22


لِّكَيۡلَا تَأۡسَوۡاْ عَلَىٰ مَا فَاتَكُمۡ وَلَا تَفۡرَحُواْ بِمَآ ءَاتَىٰكُمۡۗ وَٱللَّهُ لَا يُحِبُّ كُلَّ مُخۡتَالٖ فَخُورٍ

Kuitira kuti musazoshungurudzika pane zvinhu zvamunokundikana kuwana, kana kufadzwa nezvinhu zvamunopiwa. Uye Allah havadi munhu anozvikudza achizvitutumadza
Surah Al-Hadid, Verse 23


ٱلَّذِينَ يَبۡخَلُونَ وَيَأۡمُرُونَ ٱلنَّاسَ بِٱلۡبُخۡلِۗ وَمَن يَتَوَلَّ فَإِنَّ ٱللَّهَ هُوَ ٱلۡغَنِيُّ ٱلۡحَمِيدُ

Avo vakaomera uye vachikurudzira vanhu kuti vachiomera (Allah havadi zvipo zvavo). Uye uyo anofuratira (osiya kutenda), zvino zvirokwazvo Allah ndivo mupfumi (vasina chavanoda), vanofanirwa kurumbidzwa chete
Surah Al-Hadid, Verse 24


لَقَدۡ أَرۡسَلۡنَا رُسُلَنَا بِٱلۡبَيِّنَٰتِ وَأَنزَلۡنَا مَعَهُمُ ٱلۡكِتَٰبَ وَٱلۡمِيزَانَ لِيَقُومَ ٱلنَّاسُ بِٱلۡقِسۡطِۖ وَأَنزَلۡنَا ٱلۡحَدِيدَ فِيهِ بَأۡسٞ شَدِيدٞ وَمَنَٰفِعُ لِلنَّاسِ وَلِيَعۡلَمَ ٱللَّهُ مَن يَنصُرُهُۥ وَرُسُلَهُۥ بِٱلۡغَيۡبِۚ إِنَّ ٱللَّهَ قَوِيٌّ عَزِيزٞ

Zvirokwazvo, takatuma vatumwa vedu nezviratidzo zviri pachena, uye tikadzikisa Bhuku navo nechikero kuti vanhu vayere zvakafanira. Uye takadzikisa simbi, mairi mune simba uye pundutso kuvanhu, kuitira kuti Allah vagoziva kuti ndiani achavabetsera (muchitendero chavo) nevatumwa vavo pane zvisingaoneki. Zvirokwazvo, Allah vane simba, uye ndivo mukuru
Surah Al-Hadid, Verse 25


وَلَقَدۡ أَرۡسَلۡنَا نُوحٗا وَإِبۡرَٰهِيمَ وَجَعَلۡنَا فِي ذُرِّيَّتِهِمَا ٱلنُّبُوَّةَ وَٱلۡكِتَٰبَۖ فَمِنۡهُم مُّهۡتَدٖۖ وَكَثِيرٞ مِّنۡهُمۡ فَٰسِقُونَ

Uye zvirokwazvo takatumira Nowa naAbrahamu, uye takaisa mumhuri dzavo huporofita nemabhuku. Uye mukati mavo mune vamwe vakatungamirirwa; asi vakawanda vavo vapanduki (vasingateereri Allah)
Surah Al-Hadid, Verse 26


ثُمَّ قَفَّيۡنَا عَلَىٰٓ ءَاثَٰرِهِم بِرُسُلِنَا وَقَفَّيۡنَا بِعِيسَى ٱبۡنِ مَرۡيَمَ وَءَاتَيۡنَٰهُ ٱلۡإِنجِيلَۖ وَجَعَلۡنَا فِي قُلُوبِ ٱلَّذِينَ ٱتَّبَعُوهُ رَأۡفَةٗ وَرَحۡمَةٗۚ وَرَهۡبَانِيَّةً ٱبۡتَدَعُوهَا مَا كَتَبۡنَٰهَا عَلَيۡهِمۡ إِلَّا ٱبۡتِغَآءَ رِضۡوَٰنِ ٱللَّهِ فَمَا رَعَوۡهَا حَقَّ رِعَايَتِهَاۖ فَـَٔاتَيۡنَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ مِنۡهُمۡ أَجۡرَهُمۡۖ وَكَثِيرٞ مِّنۡهُمۡ فَٰسِقُونَ

Uyezve takatevedza mushure mavo nevatumwa, uye tikatuma Jesu mwana waMariya, uye takamupa Injeel (Vhangeri). Tikaisa rudo netsitsi mumoyo yeavo vakamutevera. Asi kugara mukereke vachinamata vasingaroori kwavakawedzera, izvo hatina kuvanyorera, asi (vakazviita) vachitsvaga kufadza Allah chete, asi havana kuzviita maitirwo azvinofanira kuitwa. Naizvozvo takapa avo vakatenda mukati mavo mubairo wavo; asi vazhinji vavo vapanduki (vasingateereri Allah)
Surah Al-Hadid, Verse 27


يَـٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ ٱتَّقُواْ ٱللَّهَ وَءَامِنُواْ بِرَسُولِهِۦ يُؤۡتِكُمۡ كِفۡلَيۡنِ مِن رَّحۡمَتِهِۦ وَيَجۡعَل لَّكُمۡ نُورٗا تَمۡشُونَ بِهِۦ وَيَغۡفِرۡ لَكُمۡۚ وَٱللَّهُ غَفُورٞ رَّحِيمٞ

Imi vanotenda (muna Musa naJesu)! Ityai Allah, uye motenda mune mutumwa wavo (Muhammad (SAW)), vachakupai tsitsi dzavo dzakapetwa kaviri, uye vachakupai chiedza chamuchafamba nacho, uye vachakuregererai. Uye Allah ndivo vanoregerera, vane tsitsi zhinji
Surah Al-Hadid, Verse 28


لِّئَلَّا يَعۡلَمَ أَهۡلُ ٱلۡكِتَٰبِ أَلَّا يَقۡدِرُونَ عَلَىٰ شَيۡءٖ مِّن فَضۡلِ ٱللَّهِ وَأَنَّ ٱلۡفَضۡلَ بِيَدِ ٱللَّهِ يُؤۡتِيهِ مَن يَشَآءُۚ وَٱللَّهُ ذُو ٱلۡفَضۡلِ ٱلۡعَظِيمِ

Kuitira kuti vanhu veBhuku (Makristu nemaJudha) vagoziva kuti havana simba pamusoro pemakomborero aAllah, uye kuti makomborero ari muruoko rwaAllah, vanopa uyo wavanoda. Uye Allah ndivo muridzi wemakomborero makuru
Surah Al-Hadid, Verse 29


Author: Abdullah J. M. Adini And Students


<< Surah 56
>> Surah 58

Shona Translations by other Authors


Shona Translation By Abdullah J. M. Adini And Students
Popular Areas
Apartments for rent in Dubai Apartments for rent Abu Dhabi Villas for rent in Dubai House for rent Abu Dhabi Apartments for sale in Dubai Apartments for sale in Abu Dhabi Flat for rent Sharjah
Popular Searches
Studios for rent in UAE Apartments for rent in UAE Villas for rent in UAE Apartments for sale in UAE Villas for sale in UAE Land for sale in UAE Dubai Real Estate
Trending Areas
Apartments for rent in Dubai Marina Apartments for sale in Dubai Marina Villa for rent in Sharjah Villa for sale in Dubai Flat for rent in Ajman Studio for rent in Abu Dhabi Villa for rent in Ajman
Trending Searches
Villa for rent in Abu Dhabi Shop for rent in Dubai Villas for sale in Ajman Studio for rent in Sharjah 1 Bedroom Apartment for rent in Dubai Property for rent in Abu Dhabi Commercial properties for sale
© Copyright Dubai Prayer Time. All Rights Reserved
Designed by Prayer Time In Dubai