Surah Al-Mujadila - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
قَدۡ سَمِعَ ٱللَّهُ قَوۡلَ ٱلَّتِي تُجَٰدِلُكَ فِي زَوۡجِهَا وَتَشۡتَكِيٓ إِلَى ٱللَّهِ وَٱللَّهُ يَسۡمَعُ تَحَاوُرَكُمَآۚ إِنَّ ٱللَّهَ سَمِيعُۢ بَصِيرٌ
Zvirokwazvo, Allah vanzwa mashoko ake (Khaulah bint Tha’labah) uyo ari kuita gakava newe (Muhammad (SAW)) maererano nemurume wake (Aus Ibn As-Swaamit), uye achinyunyuta kuna Allah. Uye Allah vanonzwa kupikisana kwenyu. Zvirokwazvo, Allah vanonzwa zvose, vanoona zvose
Surah Al-Mujadila, Verse 1
ٱلَّذِينَ يُظَٰهِرُونَ مِنكُم مِّن نِّسَآئِهِم مَّا هُنَّ أُمَّهَٰتِهِمۡۖ إِنۡ أُمَّهَٰتُهُمۡ إِلَّا ٱلَّـٰٓـِٔي وَلَدۡنَهُمۡۚ وَإِنَّهُمۡ لَيَقُولُونَ مُنكَرٗا مِّنَ ٱلۡقَوۡلِ وَزُورٗاۚ وَإِنَّ ٱللَّهَ لَعَفُوٌّ غَفُورٞ
Avo mukati menyu vanozvirambidza vakadzi vavo kuburikidza neDhihaar (Kuti kwavari: “Wakafanana naamai vangu”), havangaiti vana mai vavo. Hapana vanokwanisa kuita vana mai vavo kunze kweavo vakavabereka. Uye zvirokwazvo vanotaura mashoko akaipa nemanyepo. Uye zvirokwazvo Allah vanokanganwira, uye vanoregerera
Surah Al-Mujadila, Verse 2
وَٱلَّذِينَ يُظَٰهِرُونَ مِن نِّسَآئِهِمۡ ثُمَّ يَعُودُونَ لِمَا قَالُواْ فَتَحۡرِيرُ رَقَبَةٖ مِّن قَبۡلِ أَن يَتَمَآسَّاۚ ذَٰلِكُمۡ تُوعَظُونَ بِهِۦۚ وَٱللَّهُ بِمَا تَعۡمَلُونَ خَبِيرٞ
Uye avo vanozvirambidza vakadzi vavo neDhihaar uye voda kuzvisunungura kubva kune zvavakataura vanofanirwa (panyaya yakadaro) kusunungura muranda vasati vabatana (kusangana pabonde). Ndiyo rairo kwamuri (kuti musave munozviita zwe). Uye Allah vanoziva zvamunoita zvose
Surah Al-Mujadila, Verse 3
فَمَن لَّمۡ يَجِدۡ فَصِيَامُ شَهۡرَيۡنِ مُتَتَابِعَيۡنِ مِن قَبۡلِ أَن يَتَمَآسَّاۖ فَمَن لَّمۡ يَسۡتَطِعۡ فَإِطۡعَامُ سِتِّينَ مِسۡكِينٗاۚ ذَٰلِكَ لِتُؤۡمِنُواْ بِٱللَّهِ وَرَسُولِهِۦۚ وَتِلۡكَ حُدُودُ ٱللَّهِۗ وَلِلۡكَٰفِرِينَ عَذَابٌ أَلِيمٌ
Asi uyo asingakwanisi kuwana (Mari yekusunungura muranda) anofanirwa kutsanya mwedzi miviri yakatevedzana vasati vasangana (pabonde). Asi kana asingakwanisi (kutsanya), anofanirwa kupa chikafu kuvanhu makumi matanhatu vanotambura. Ndiko kuti muve nekutenda kwakakwana kuna Allah nemutumwa wavo. Uye iyi ndiyo mirairo yakatarwa naAllah. Uye vasingatendi, vachawana mutongo unorwadza
Surah Al-Mujadila, Verse 4
إِنَّ ٱلَّذِينَ يُحَآدُّونَ ٱللَّهَ وَرَسُولَهُۥ كُبِتُواْ كَمَا كُبِتَ ٱلَّذِينَ مِن قَبۡلِهِمۡۚ وَقَدۡ أَنزَلۡنَآ ءَايَٰتِۭ بَيِّنَٰتٖۚ وَلِلۡكَٰفِرِينَ عَذَابٞ مُّهِينٞ
Zvirokwazvo avo vanopikisa Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)) vachanyadziswa, sokunyadziswa kwakaitwa avo mushure mavo. Uye takatumira zviratidzo zviri pachena. Uye vasingatendi vachawana mutongo unonyadzisa
Surah Al-Mujadila, Verse 5
يَوۡمَ يَبۡعَثُهُمُ ٱللَّهُ جَمِيعٗا فَيُنَبِّئُهُم بِمَا عَمِلُوٓاْۚ أَحۡصَىٰهُ ٱللَّهُ وَنَسُوهُۚ وَٱللَّهُ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٖ شَهِيدٌ
Pazuva iro Allah vachavamutsa vese pamwechete nekuvaudza zvavakaita. Allah vakazvichengeta apo ivo vakazvikanganwa. Uye Allah mupupuri pamusoro pezvinhu zvose
Surah Al-Mujadila, Verse 6
أَلَمۡ تَرَ أَنَّ ٱللَّهَ يَعۡلَمُ مَا فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَمَا فِي ٱلۡأَرۡضِۖ مَا يَكُونُ مِن نَّجۡوَىٰ ثَلَٰثَةٍ إِلَّا هُوَ رَابِعُهُمۡ وَلَا خَمۡسَةٍ إِلَّا هُوَ سَادِسُهُمۡ وَلَآ أَدۡنَىٰ مِن ذَٰلِكَ وَلَآ أَكۡثَرَ إِلَّا هُوَ مَعَهُمۡ أَيۡنَ مَا كَانُواْۖ ثُمَّ يُنَبِّئُهُم بِمَا عَمِلُواْ يَوۡمَ ٱلۡقِيَٰمَةِۚ إِنَّ ٱللَّهَ بِكُلِّ شَيۡءٍ عَلِيمٌ
Hauna kuona here kuti Allah vanoziva zvose zviri kumatenga nepanyika? Hapana zvinotaurwa muchivande nevatatu asi kuti ivo (Allah) ndevechina (neruzivo rwavo asi ivo vari pamusoro pematenga), kana kuti vashanu asi kuti ivo (Allah) ndevechitanhatu (neruzivo rwavo), kana kuti vashoma pane izvozvo kana vakawanda asi kuti (Allah) vanova pose pavanenge vari. Uyezve (Allah) vachavazivisa zvavaiita pazuva rekutongwa. Zvirokwazvo Allah ndivo vanoziva zvinhu zvose
Surah Al-Mujadila, Verse 7
أَلَمۡ تَرَ إِلَى ٱلَّذِينَ نُهُواْ عَنِ ٱلنَّجۡوَىٰ ثُمَّ يَعُودُونَ لِمَا نُهُواْ عَنۡهُ وَيَتَنَٰجَوۡنَ بِٱلۡإِثۡمِ وَٱلۡعُدۡوَٰنِ وَمَعۡصِيَتِ ٱلرَّسُولِۖ وَإِذَا جَآءُوكَ حَيَّوۡكَ بِمَا لَمۡ يُحَيِّكَ بِهِ ٱللَّهُ وَيَقُولُونَ فِيٓ أَنفُسِهِمۡ لَوۡلَا يُعَذِّبُنَا ٱللَّهُ بِمَا نَقُولُۚ حَسۡبُهُمۡ جَهَنَّمُ يَصۡلَوۡنَهَاۖ فَبِئۡسَ ٱلۡمَصِيرُ
Hauna here kuona avo vakarambidzwa kuita misangano yavo muchivande ndokubva vadzokera kune izvo zvavakarambidzwa. Uye vanotaurirana zvitadzo nemabasa akashata uye nekusateerera mutumwa (Muhammad (SAW)). Uye kana ivo vakauya kwauri, vanokukwazisa nekwaziso isina kumboitwa naAllah kwauri, uye mumoyo vanoti: “Sei Allah vasingatirangi nokuda kwezvatinotaura?” Gehena richavakwanira, uye vachatsva imomo. Uye zvirokwazvo ndiwo magumo akashata
Surah Al-Mujadila, Verse 8
يَـٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُوٓاْ إِذَا تَنَٰجَيۡتُمۡ فَلَا تَتَنَٰجَوۡاْ بِٱلۡإِثۡمِ وَٱلۡعُدۡوَٰنِ وَمَعۡصِيَتِ ٱلرَّسُولِ وَتَنَٰجَوۡاْ بِٱلۡبِرِّ وَٱلتَّقۡوَىٰۖ وَٱتَّقُواْ ٱللَّهَ ٱلَّذِيٓ إِلَيۡهِ تُحۡشَرُونَ
Imi vanotenda! Kana muchiita musangano muchivande, itai kwete nechinangwa chekutadza kana mabasa akaipa uye kusateerera mutumwa (Muhammad (SAW)), asi taurai zvakanaka uye nekutya Allah; uye ityai Allah avo kwavari ndiko kwamuchaunganidzwa
Surah Al-Mujadila, Verse 9
إِنَّمَا ٱلنَّجۡوَىٰ مِنَ ٱلشَّيۡطَٰنِ لِيَحۡزُنَ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ وَلَيۡسَ بِضَآرِّهِمۡ شَيۡـًٔا إِلَّا بِإِذۡنِ ٱللَّهِۚ وَعَلَى ٱللَّهِ فَلۡيَتَوَكَّلِ ٱلۡمُؤۡمِنُونَ
Zvirokwazvo, misangano yakavanzwa ndeyaSatani, kuitira kuti agokonzeresa kushushikana kune avo vanotenda. Asi haakwanisi kuvarwadzisa kana nechimwe chinhu asi nekuda kwaAllah. Uye vatendi vanofanirwa kuvimba naAllah
Surah Al-Mujadila, Verse 10
يَـٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُوٓاْ إِذَا قِيلَ لَكُمۡ تَفَسَّحُواْ فِي ٱلۡمَجَٰلِسِ فَٱفۡسَحُواْ يَفۡسَحِ ٱللَّهُ لَكُمۡۖ وَإِذَا قِيلَ ٱنشُزُواْ فَٱنشُزُواْ يَرۡفَعِ ٱللَّهُ ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ مِنكُمۡ وَٱلَّذِينَ أُوتُواْ ٱلۡعِلۡمَ دَرَجَٰتٖۚ وَٱللَّهُ بِمَا تَعۡمَلُونَ خَبِيرٞ
Imi vanotenda! Kana zvikanzi kwamuri gadzirai nzvimbo pamisangano, gadzirai. Allah vachakugadzirirai nzvimbo (netsitsi dzavo). Uye kana zvikanzi simukai (kunonamata kana kunoita mamwe mabasa akanaka), simukai. Allah vachakwiridzira avo vanotenda pane chimwe chinzvimbo, pamwe neavo vakapiwa ruzivo. Uye Allah vanoziva zvamunoita
Surah Al-Mujadila, Verse 11
يَـٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُوٓاْ إِذَا نَٰجَيۡتُمُ ٱلرَّسُولَ فَقَدِّمُواْ بَيۡنَ يَدَيۡ نَجۡوَىٰكُمۡ صَدَقَةٗۚ ذَٰلِكَ خَيۡرٞ لَّكُمۡ وَأَطۡهَرُۚ فَإِن لَّمۡ تَجِدُواْ فَإِنَّ ٱللَّهَ غَفُورٞ رَّحِيمٌ
Imi vanotenda! Kana muchida kuona mutumwa (Muhammad (SAW)) pachivande, ipai chipo musati masangana naye pachivande. Izvozvo zvakakunakirai uye zvakachena. Asi kana musingakwanisi kuwana (chipo), zvirokwazvo, Allah vanoregerera, vane tsitsi
Surah Al-Mujadila, Verse 12
ءَأَشۡفَقۡتُمۡ أَن تُقَدِّمُواْ بَيۡنَ يَدَيۡ نَجۡوَىٰكُمۡ صَدَقَٰتٖۚ فَإِذۡ لَمۡ تَفۡعَلُواْ وَتَابَ ٱللَّهُ عَلَيۡكُمۡ فَأَقِيمُواْ ٱلصَّلَوٰةَ وَءَاتُواْ ٱلزَّكَوٰةَ وَأَطِيعُواْ ٱللَّهَ وَرَسُولَهُۥۚ وَٱللَّهُ خَبِيرُۢ بِمَا تَعۡمَلُونَ
Mungatya kupa chipo musati masangana naye muchivande? Kana mukasazviita, uye Allah vakakuregererai, nokudaro chiitai Swalaah (Munamato) uye mopa chipo (Zakaah) uye moteera Allah nemutumwa wavo. Uye Allah vane ruzivo rweizvo zvamunoita
Surah Al-Mujadila, Verse 13
۞أَلَمۡ تَرَ إِلَى ٱلَّذِينَ تَوَلَّوۡاْ قَوۡمًا غَضِبَ ٱللَّهُ عَلَيۡهِم مَّا هُم مِّنكُمۡ وَلَا مِنۡهُمۡ وَيَحۡلِفُونَ عَلَى ٱلۡكَذِبِ وَهُمۡ يَعۡلَمُونَ
Hauna kuona here (Muhammad (SAW)) avo (vanyengedzi) vanotora vanhu vakatsamwirwa naAllah seshamwari (maJudha)? Havasi vamwe venyu kana vamwe vavo (maJudha), uye vanopika nemanyepo apo vachiziva
Surah Al-Mujadila, Verse 14
أَعَدَّ ٱللَّهُ لَهُمۡ عَذَابٗا شَدِيدًاۖ إِنَّهُمۡ سَآءَ مَا كَانُواْ يَعۡمَلُونَ
Allah vakavagadzirira mutongo wakaomarara. Zvirokwazvo, izvo zvavaiita zvakaipa
Surah Al-Mujadila, Verse 15
ٱتَّخَذُوٓاْ أَيۡمَٰنَهُمۡ جُنَّةٗ فَصَدُّواْ عَن سَبِيلِ ٱللَّهِ فَلَهُمۡ عَذَابٞ مُّهِينٞ
Vanoita mhiko dzavo chidzitiro (pamabasa avo akaipa). Nokudaro vanodzivisa (vanhu) munzira yaAllah. Naizvozvo vachawana mutongo unonyadzisa
Surah Al-Mujadila, Verse 16
لَّن تُغۡنِيَ عَنۡهُمۡ أَمۡوَٰلُهُمۡ وَلَآ أَوۡلَٰدُهُم مِّنَ ٱللَّهِ شَيۡـًٔاۚ أُوْلَـٰٓئِكَ أَصۡحَٰبُ ٱلنَّارِۖ هُمۡ فِيهَا خَٰلِدُونَ
Hupfumi hwavo nevana vavo hazvisi kana kuzovadzivirira kubva kuna Allah kana nechimwechete. Vanhu vakadaro ndivo vagari vekumoto, vachagara imomo zvachose
Surah Al-Mujadila, Verse 17
يَوۡمَ يَبۡعَثُهُمُ ٱللَّهُ جَمِيعٗا فَيَحۡلِفُونَ لَهُۥ كَمَا يَحۡلِفُونَ لَكُمۡ وَيَحۡسَبُونَ أَنَّهُمۡ عَلَىٰ شَيۡءٍۚ أَلَآ إِنَّهُمۡ هُمُ ٱلۡكَٰذِبُونَ
Nezuva iro Allah vachavamutsa vose, zvino vachapika kwavari sekupika kwavanoita kwamuri (maMuslim). Uye vanofunga kuti vane zvavainazvo. Zvirokwazvo, ivo vanonyepa
Surah Al-Mujadila, Verse 18
ٱسۡتَحۡوَذَ عَلَيۡهِمُ ٱلشَّيۡطَٰنُ فَأَنسَىٰهُمۡ ذِكۡرَ ٱللَّهِۚ أُوْلَـٰٓئِكَ حِزۡبُ ٱلشَّيۡطَٰنِۚ أَلَآ إِنَّ حِزۡبَ ٱلشَّيۡطَٰنِ هُمُ ٱلۡخَٰسِرُونَ
Satani akavakurira. Naizvozvo akavaita kuti vakanganwe kurangarira Allah. Vanhu vakadaro ndivo chikwata chaSatani. Chokwadi, chikwata chaSatani ndicho chakarasikirwa
Surah Al-Mujadila, Verse 19
إِنَّ ٱلَّذِينَ يُحَآدُّونَ ٱللَّهَ وَرَسُولَهُۥٓ أُوْلَـٰٓئِكَ فِي ٱلۡأَذَلِّينَ
Zvirokwazvo, avo vanopikisa Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)), vachange vari mukati meavo vepasi pasi
Surah Al-Mujadila, Verse 20
كَتَبَ ٱللَّهُ لَأَغۡلِبَنَّ أَنَا۠ وَرُسُلِيٓۚ إِنَّ ٱللَّهَ قَوِيٌّ عَزِيزٞ
Allah vakatonyora: “Zvirokwazvo, ini nevatumwa vangu tisu tichakunda.” Zvirokwazvo, Allah ndivo vane simba rese, ndivo mukuru
Surah Al-Mujadila, Verse 21
لَّا تَجِدُ قَوۡمٗا يُؤۡمِنُونَ بِٱللَّهِ وَٱلۡيَوۡمِ ٱلۡأٓخِرِ يُوَآدُّونَ مَنۡ حَآدَّ ٱللَّهَ وَرَسُولَهُۥ وَلَوۡ كَانُوٓاْ ءَابَآءَهُمۡ أَوۡ أَبۡنَآءَهُمۡ أَوۡ إِخۡوَٰنَهُمۡ أَوۡ عَشِيرَتَهُمۡۚ أُوْلَـٰٓئِكَ كَتَبَ فِي قُلُوبِهِمُ ٱلۡإِيمَٰنَ وَأَيَّدَهُم بِرُوحٖ مِّنۡهُۖ وَيُدۡخِلُهُمۡ جَنَّـٰتٖ تَجۡرِي مِن تَحۡتِهَا ٱلۡأَنۡهَٰرُ خَٰلِدِينَ فِيهَاۚ رَضِيَ ٱللَّهُ عَنۡهُمۡ وَرَضُواْ عَنۡهُۚ أُوْلَـٰٓئِكَ حِزۡبُ ٱللَّهِۚ أَلَآ إِنَّ حِزۡبَ ٱللَّهِ هُمُ ٱلۡمُفۡلِحُونَ
Iwe (Muhammad (SAW)) haufi wakawana vanhu avo vanotenda kuna Allah uye nezuva rekutongwa (rekupedzisira) vachiita ushamwari neavo vanopikisa Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)), kunyangwe zvazvo vari vanababa vavo kana kuti vana vavo kana madzikoma avo kana hama dzavo dzepedyo. Kune vanhu vakadaro, (Allah) vakavanyorera kutenda mumoyo yavo, uye vakavasimbisa nemweya (uchapupu nechiedza) kubva kwavari. Uye vachavapinza muParadhiso rine nzizi dzinoerera mavachagara zvachose. Allah vachifara navo uye ivo vachifara naAllah. Vanhu vakadaro ndivo chikwata chaAllah. Chokwadi, chikwata chaAllah ndicho chichabudirira
Surah Al-Mujadila, Verse 22