UAE Prayer Times

  • Dubai
  • Abu Dhabi
  • Sharjah
  • Ajman
  • Fujairah
  • Umm Al Quwain
  • Ras Al Khaimah
  • Quran Translations

Surah Al-Hashr - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students


سَبَّحَ لِلَّهِ مَا فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَمَا فِي ٱلۡأَرۡضِۖ وَهُوَ ٱلۡعَزِيزُ ٱلۡحَكِيمُ

Zvose zviri kumatenga nepanyika zvinorumbidza Allah. Uye ndivo mukuru, vane huchenjeri hwese
Surah Al-Hashr, Verse 1


هُوَ ٱلَّذِيٓ أَخۡرَجَ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ مِنۡ أَهۡلِ ٱلۡكِتَٰبِ مِن دِيَٰرِهِمۡ لِأَوَّلِ ٱلۡحَشۡرِۚ مَا ظَنَنتُمۡ أَن يَخۡرُجُواْۖ وَظَنُّوٓاْ أَنَّهُم مَّانِعَتُهُمۡ حُصُونُهُم مِّنَ ٱللَّهِ فَأَتَىٰهُمُ ٱللَّهُ مِنۡ حَيۡثُ لَمۡ يَحۡتَسِبُواْۖ وَقَذَفَ فِي قُلُوبِهِمُ ٱلرُّعۡبَۚ يُخۡرِبُونَ بُيُوتَهُم بِأَيۡدِيهِمۡ وَأَيۡدِي ٱلۡمُؤۡمِنِينَ فَٱعۡتَبِرُواْ يَـٰٓأُوْلِي ٱلۡأَبۡصَٰرِ

Ndivo vakaburitsa avo vasingatendi kubva kuvanhu veBhuku (maJudha emhuri ya Nadheer) kubva mudzimba dzavo pakuunganidzwa kwekutanga. Hamuna kumbofungidzira kuti ivo vachabuda. Uye ivo vaifunga kuti nzvimbo dzavo dzakachengetedzwa dzaizovadzivirira kubva kuna Allah! Asi Allah vakavasvikira (chirango chavo) kubva kune nzvimbo yavakanga vasingafungiri. Uye vakaisa kutya mumoyo yavo kusvika pakuti vakaparadza pokugara pavo pachavo nemaoko avo uye nemaoko evatendi. Zvino torai chidzidzo, imi vane maziso (ekuona)
Surah Al-Hashr, Verse 2


وَلَوۡلَآ أَن كَتَبَ ٱللَّهُ عَلَيۡهِمُ ٱلۡجَلَآءَ لَعَذَّبَهُمۡ فِي ٱلدُّنۡيَاۖ وَلَهُمۡ فِي ٱلۡأٓخِرَةِ عَذَابُ ٱلنَّارِ

Uye dai kusiri kuti Allah vakanga vakanyora kudzingwa kwavari, vangadai zvirokwazvo vakavaranga panyika ino, uye kuhupenyu hwemangwana vachawana mutongo wemoto (Gehena)
Surah Al-Hashr, Verse 3


ذَٰلِكَ بِأَنَّهُمۡ شَآقُّواْ ٱللَّهَ وَرَسُولَهُۥۖ وَمَن يُشَآقِّ ٱللَّهَ فَإِنَّ ٱللَّهَ شَدِيدُ ٱلۡعِقَابِ

Nekuda kwekuti vakapikisa Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)). Uye uyo anopikisa Allah, zvirokwazvo, Allah vakaoma pakuranga
Surah Al-Hashr, Verse 4


مَا قَطَعۡتُم مِّن لِّينَةٍ أَوۡ تَرَكۡتُمُوهَا قَآئِمَةً عَلَىٰٓ أُصُولِهَا فَبِإِذۡنِ ٱللَّهِ وَلِيُخۡزِيَ ٱلۡفَٰسِقِينَ

Iyo miti (yemadheti yemuvengi) yamakagura (maMuslim), kana kusiya yakamira nemidzi yayo, yakanga iri mvumo yaAllah, uye kuitira kuti vagonyadzisa vapanduki (vasingateereri)
Surah Al-Hashr, Verse 5


وَمَآ أَفَآءَ ٱللَّهُ عَلَىٰ رَسُولِهِۦ مِنۡهُمۡ فَمَآ أَوۡجَفۡتُمۡ عَلَيۡهِ مِنۡ خَيۡلٖ وَلَا رِكَابٖ وَلَٰكِنَّ ٱللَّهَ يُسَلِّطُ رُسُلَهُۥ عَلَىٰ مَن يَشَآءُۚ وَٱللَّهُ عَلَىٰ كُلِّ شَيۡءٖ قَدِيرٞ

Uye zvakapiwa naAllah semhimbiri kune mutumwa wavo (Muhammad (SAW)) kubva kwavari, musina kuzvirwira kana nehachi kana pangamera. Asi Allah vanopa simba kuvatumwa vavo pamusoro peuyo wavanoda. Uye Allah vanokwanisa kuita zvinhu zvose
Surah Al-Hashr, Verse 6


مَّآ أَفَآءَ ٱللَّهُ عَلَىٰ رَسُولِهِۦ مِنۡ أَهۡلِ ٱلۡقُرَىٰ فَلِلَّهِ وَلِلرَّسُولِ وَلِذِي ٱلۡقُرۡبَىٰ وَٱلۡيَتَٰمَىٰ وَٱلۡمَسَٰكِينِ وَٱبۡنِ ٱلسَّبِيلِ كَيۡ لَا يَكُونَ دُولَةَۢ بَيۡنَ ٱلۡأَغۡنِيَآءِ مِنكُمۡۚ وَمَآ ءَاتَىٰكُمُ ٱلرَّسُولُ فَخُذُوهُ وَمَا نَهَىٰكُمۡ عَنۡهُ فَٱنتَهُواْۚ وَٱتَّقُواْ ٱللَّهَۖ إِنَّ ٱللَّهَ شَدِيدُ ٱلۡعِقَابِ

Izvo zvinopiwa naAllah semhimbiri kumutumwa wavo (Muhammad (SAW)) kubva kune vanhu vemumaguta, ndezvaAllah, uye mutumwa wavo (Muhammad (SAW)), uye hama dzake dzepedyo, uye nherera, uye vanoshaya, uye nevafambi (vari parwendo), kuitira kuti mukana usave wevapfumi chete mukati menyu. Uye chose chamunopiwa nemutumwa (Muhammad (SAW)), chibatisisei; uye izvo zvaanokurambidzai, siyai. Uye ityai Allah; zvirokwazvo, Allah vakaoma pakuranga
Surah Al-Hashr, Verse 7


لِلۡفُقَرَآءِ ٱلۡمُهَٰجِرِينَ ٱلَّذِينَ أُخۡرِجُواْ مِن دِيَٰرِهِمۡ وَأَمۡوَٰلِهِمۡ يَبۡتَغُونَ فَضۡلٗا مِّنَ ٱللَّهِ وَرِضۡوَٰنٗا وَيَنصُرُونَ ٱللَّهَ وَرَسُولَهُۥٓۚ أُوْلَـٰٓئِكَ هُمُ ٱلصَّـٰدِقُونَ

(Pane mugove zvakare) kune vatami vanotambura, avo vakaburitswa mudzimba dzavo nehupfumi hwavo, vachitsvaga makomborero kubva kuna Allah uye mufaro wavo, uye kubetsera Allah (chitendero chavo) nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)). Vanhu vakadaro ndivo vari pachokwadi (mune zvavanotaura)
Surah Al-Hashr, Verse 8


وَٱلَّذِينَ تَبَوَّءُو ٱلدَّارَ وَٱلۡإِيمَٰنَ مِن قَبۡلِهِمۡ يُحِبُّونَ مَنۡ هَاجَرَ إِلَيۡهِمۡ وَلَا يَجِدُونَ فِي صُدُورِهِمۡ حَاجَةٗ مِّمَّآ أُوتُواْ وَيُؤۡثِرُونَ عَلَىٰٓ أَنفُسِهِمۡ وَلَوۡ كَانَ بِهِمۡ خَصَاصَةٞۚ وَمَن يُوقَ شُحَّ نَفۡسِهِۦ فَأُوْلَـٰٓئِكَ هُمُ ٱلۡمُفۡلِحُونَ

Uye avo mushure mavo vakange vaine dzimba (kuMadinah) uye vakatenda, vanoda avo vakatama vachiuya kwavari, uye havana godo mumoyo yavo pane izvo zvavakapiwa (kubva muhupfumi wemhuri yaNadheer), uye vanovapa (vatami) sarudzo pamusoro pavo kunyangwe zvazvo ivo vaizvida. Uye uyo anobetserwa kubva mukuomera kwemoyo wake, vanhu vakadaro ndivo vachabudirira
Surah Al-Hashr, Verse 9


وَٱلَّذِينَ جَآءُو مِنۢ بَعۡدِهِمۡ يَقُولُونَ رَبَّنَا ٱغۡفِرۡ لَنَا وَلِإِخۡوَٰنِنَا ٱلَّذِينَ سَبَقُونَا بِٱلۡإِيمَٰنِ وَلَا تَجۡعَلۡ فِي قُلُوبِنَا غِلّٗا لِّلَّذِينَ ءَامَنُواْ رَبَّنَآ إِنَّكَ رَءُوفٞ رَّحِيمٌ

Uye avo vakauya mushure mavo vanoti: “Tenzi vedu! Tiregerereiwo uye madzikoma edu avo vakatitangira kutenda, uye musaise ruvengo mumoyo yedu kune avo vanotenda. Tenzi vedu! Zvirokwazvo, mune ngoni dzakazara, uye tsitsi zhinji
Surah Al-Hashr, Verse 10


۞أَلَمۡ تَرَ إِلَى ٱلَّذِينَ نَافَقُواْ يَقُولُونَ لِإِخۡوَٰنِهِمُ ٱلَّذِينَ كَفَرُواْ مِنۡ أَهۡلِ ٱلۡكِتَٰبِ لَئِنۡ أُخۡرِجۡتُمۡ لَنَخۡرُجَنَّ مَعَكُمۡ وَلَا نُطِيعُ فِيكُمۡ أَحَدًا أَبَدٗا وَإِن قُوتِلۡتُمۡ لَنَنصُرَنَّكُمۡ وَٱللَّهُ يَشۡهَدُ إِنَّهُمۡ لَكَٰذِبُونَ

Hauna (Muhammad (SAW)) kuona here vanyengedzi avo vanotaura kune madzikoma avo, avo vasingatendi kubva mune vanhu veBhuku (vachiti): “(Tinopika naAllah!) Kana imi mukadzingwa, zvirokwazvo tichaenda pamwe nemi, uye hatizomboteereri kana ani zvake pamusoro penyu; uye kana mukarwiswa, zvirokwazvo tichakubetserai.” Asi Allah vanopupura kuti zvirokwazvo vanyepi
Surah Al-Hashr, Verse 11


لَئِنۡ أُخۡرِجُواْ لَا يَخۡرُجُونَ مَعَهُمۡ وَلَئِن قُوتِلُواْ لَا يَنصُرُونَهُمۡ وَلَئِن نَّصَرُوهُمۡ لَيُوَلُّنَّ ٱلۡأَدۡبَٰرَ ثُمَّ لَا يُنصَرُونَ

Chokwadi, kana vakaburitswa (maJudha), havambobudi (vanyengedzi) pamwe navo; uye kana vakarwisa havambovabetseri. Uye kana vakavabetsera, vachafuratira shure, uye havambozobudiriri
Surah Al-Hashr, Verse 12


لَأَنتُمۡ أَشَدُّ رَهۡبَةٗ فِي صُدُورِهِم مِّنَ ٱللَّهِۚ ذَٰلِكَ بِأَنَّهُمۡ قَوۡمٞ لَّا يَفۡقَهُونَ

Zvirokwazvo, imi (vatendi veIslaam) munotonyanya kutyisa mumoyo yavo kukunda Allah, nechikonzero chokuti vanhu vasinganzwisisi (masimba aAllah)
Surah Al-Hashr, Verse 13


لَا يُقَٰتِلُونَكُمۡ جَمِيعًا إِلَّا فِي قُرٗى مُّحَصَّنَةٍ أَوۡ مِن وَرَآءِ جُدُرِۭۚ بَأۡسُهُم بَيۡنَهُمۡ شَدِيدٞۚ تَحۡسَبُهُمۡ جَمِيعٗا وَقُلُوبُهُمۡ شَتَّىٰۚ ذَٰلِكَ بِأَنَّهُمۡ قَوۡمٞ لَّا يَعۡقِلُونَ

Havambokurwisei imi vari pamwechete, asi kunze kwekuti vari mumaguta akachengetedzwa, kana kuseri kwemadziro. Ruvengo pakati pavo rwakasimba. Munofunga kuti vakabatana, asi moyo yavo yakapatsanurwa, nokuda kwekuti vanhu vasinganzwisisi
Surah Al-Hashr, Verse 14


كَمَثَلِ ٱلَّذِينَ مِن قَبۡلِهِمۡ قَرِيبٗاۖ ذَاقُواْ وَبَالَ أَمۡرِهِمۡ وَلَهُمۡ عَذَابٌ أَلِيمٞ

Vakafanana neavo mushure mavo venguva yakapfuura yepedyo (maJudha vemhuri yaQainuqa), vakaravira magumo emabasa avo akaipa, uye vachawana (mune ramangwana) mutongo unorwadza
Surah Al-Hashr, Verse 15


كَمَثَلِ ٱلشَّيۡطَٰنِ إِذۡ قَالَ لِلۡإِنسَٰنِ ٱكۡفُرۡ فَلَمَّا كَفَرَ قَالَ إِنِّي بَرِيٓءٞ مِّنكَ إِنِّيٓ أَخَافُ ٱللَّهَ رَبَّ ٱلۡعَٰلَمِينَ

(Shamwari dzavo dzinovanyengedza) Kufanana naSatani, paanoti kune munhu: “Usatenda muna Allah.” Asi paanorega kutenda, (Satani) anoti: “Ini ndakasununguka kubva kwauri. Zvirokwazvo, ini ndinotya Allah, Tenzi vezvisikwa zvose!”
Surah Al-Hashr, Verse 16


فَكَانَ عَٰقِبَتَهُمَآ أَنَّهُمَا فِي ٱلنَّارِ خَٰلِدَيۡنِ فِيهَاۚ وَذَٰلِكَ جَزَـٰٓؤُاْ ٱلظَّـٰلِمِينَ

Naizvozvo, magumo avo vese ndeekuti vachange vari mumoto vose, umo vachagara. Iwowo ndiwo mubairo wevatadzi
Surah Al-Hashr, Verse 17


يَـٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ ٱتَّقُواْ ٱللَّهَ وَلۡتَنظُرۡ نَفۡسٞ مَّا قَدَّمَتۡ لِغَدٖۖ وَٱتَّقُواْ ٱللَّهَۚ إِنَّ ٱللَّهَ خَبِيرُۢ بِمَا تَعۡمَلُونَ

Imi vanotenda! Ityai Allah, uye munhu ngaatarise kuti chii chaarikuita kuitira mangwana, uye ityai Allah. Zvirokwazvo, Allah vanoziva zvose zvamunoita
Surah Al-Hashr, Verse 18


وَلَا تَكُونُواْ كَٱلَّذِينَ نَسُواْ ٱللَّهَ فَأَنسَىٰهُمۡ أَنفُسَهُمۡۚ أُوْلَـٰٓئِكَ هُمُ ٱلۡفَٰسِقُونَ

Uye musaite seavo vakakanganwa Allah, uye (Allah) vakavaita kuti vazvikanganwe pachavo. Vanhu vakadaro ndivo vatadzi (vasingateereri Allah)
Surah Al-Hashr, Verse 19


لَا يَسۡتَوِيٓ أَصۡحَٰبُ ٱلنَّارِ وَأَصۡحَٰبُ ٱلۡجَنَّةِۚ أَصۡحَٰبُ ٱلۡجَنَّةِ هُمُ ٱلۡفَآئِزُونَ

Vagari vemumoto havana kufanana nevagari vemuParadhiso. Vagari vemuParadhiso ndivo vachave vakabudirira
Surah Al-Hashr, Verse 20


لَوۡ أَنزَلۡنَا هَٰذَا ٱلۡقُرۡءَانَ عَلَىٰ جَبَلٖ لَّرَأَيۡتَهُۥ خَٰشِعٗا مُّتَصَدِّعٗا مِّنۡ خَشۡيَةِ ٱللَّهِۚ وَتِلۡكَ ٱلۡأَمۡثَٰلُ نَضۡرِبُهَا لِلنَّاسِ لَعَلَّهُمۡ يَتَفَكَّرُونَ

Dai takadzikisa Qur’aan iri kugomo mairiona richizvininipisa uye kuparara nekutya Allah. Iyi ndiyo mifananidzo yatinopa vanhu kuti pamwe vangacherechedze
Surah Al-Hashr, Verse 21


هُوَ ٱللَّهُ ٱلَّذِي لَآ إِلَٰهَ إِلَّا هُوَۖ عَٰلِمُ ٱلۡغَيۡبِ وَٱلشَّهَٰدَةِۖ هُوَ ٱلرَّحۡمَٰنُ ٱلرَّحِيمُ

Ndivo Allah, avo hakuna chimwe chinamatwa kunze kwavo, muzivi wezvisingaoneki nezvinooneka. Ndivo vane nyasha, vane tsitsi zhinji
Surah Al-Hashr, Verse 22


هُوَ ٱللَّهُ ٱلَّذِي لَآ إِلَٰهَ إِلَّا هُوَ ٱلۡمَلِكُ ٱلۡقُدُّوسُ ٱلسَّلَٰمُ ٱلۡمُؤۡمِنُ ٱلۡمُهَيۡمِنُ ٱلۡعَزِيزُ ٱلۡجَبَّارُ ٱلۡمُتَكَبِّرُۚ سُبۡحَٰنَ ٱللَّهِ عَمَّا يُشۡرِكُونَ

Ndivo Allah, avo hakuna chimwe chinamatwa kunze kwavo, Mambo, Mutsvene, Vakasununguka, Muchengetedzi, Mutarisi, Mukuru, Vane masimba, Mukuru Mukuru. Allah ngavarumbidzwe pamusoro pezvose zvavanomusanganisa nazvo
Surah Al-Hashr, Verse 23


هُوَ ٱللَّهُ ٱلۡخَٰلِقُ ٱلۡبَارِئُ ٱلۡمُصَوِّرُۖ لَهُ ٱلۡأَسۡمَآءُ ٱلۡحُسۡنَىٰۚ يُسَبِّحُ لَهُۥ مَا فِي ٱلسَّمَٰوَٰتِ وَٱلۡأَرۡضِۖ وَهُوَ ٱلۡعَزِيزُ ٱلۡحَكِيمُ

Ndivo Allah, Musiki, Mutangi wezvinhu zvose, Muumbi wezvose. Vane mazita ese akanaka. Zvose zviri kumatenga nepanyika zvinovarumbidza. Uye ndivo Mukuru, vane huchenjeri hwese
Surah Al-Hashr, Verse 24


Author: Abdullah J. M. Adini And Students


<< Surah 58
>> Surah 60

Shona Translations by other Authors


Shona Translation By Abdullah J. M. Adini And Students
Popular Areas
Apartments for rent in Dubai Apartments for rent Abu Dhabi Villas for rent in Dubai House for rent Abu Dhabi Apartments for sale in Dubai Apartments for sale in Abu Dhabi Flat for rent Sharjah
Popular Searches
Studios for rent in UAE Apartments for rent in UAE Villas for rent in UAE Apartments for sale in UAE Villas for sale in UAE Land for sale in UAE Dubai Real Estate
Trending Areas
Apartments for rent in Dubai Marina Apartments for sale in Dubai Marina Villa for rent in Sharjah Villa for sale in Dubai Flat for rent in Ajman Studio for rent in Abu Dhabi Villa for rent in Ajman
Trending Searches
Villa for rent in Abu Dhabi Shop for rent in Dubai Villas for sale in Ajman Studio for rent in Sharjah 1 Bedroom Apartment for rent in Dubai Property for rent in Abu Dhabi Commercial properties for sale
© Copyright Dubai Prayer Time. All Rights Reserved
Designed by Prayer Time In Dubai