Surah Al-Mumtahana Verse 4 - Shona Translation by Abdullah J. M. Adini And Students
Surah Al-Mumtahanaقَدۡ كَانَتۡ لَكُمۡ أُسۡوَةٌ حَسَنَةٞ فِيٓ إِبۡرَٰهِيمَ وَٱلَّذِينَ مَعَهُۥٓ إِذۡ قَالُواْ لِقَوۡمِهِمۡ إِنَّا بُرَءَـٰٓؤُاْ مِنكُمۡ وَمِمَّا تَعۡبُدُونَ مِن دُونِ ٱللَّهِ كَفَرۡنَا بِكُمۡ وَبَدَا بَيۡنَنَا وَبَيۡنَكُمُ ٱلۡعَدَٰوَةُ وَٱلۡبَغۡضَآءُ أَبَدًا حَتَّىٰ تُؤۡمِنُواْ بِٱللَّهِ وَحۡدَهُۥٓ إِلَّا قَوۡلَ إِبۡرَٰهِيمَ لِأَبِيهِ لَأَسۡتَغۡفِرَنَّ لَكَ وَمَآ أَمۡلِكُ لَكَ مِنَ ٱللَّهِ مِن شَيۡءٖۖ رَّبَّنَا عَلَيۡكَ تَوَكَّلۡنَا وَإِلَيۡكَ أَنَبۡنَا وَإِلَيۡكَ ٱلۡمَصِيرُ
Zvirokwazvo, pane muenzaniso wakanaka kwamuri pana Ibrahim (Abrahamu) neavo vakange vainaye, apo pavakati kune vanhu vavo: “Chokwadi, takasununguka kubva kwamuri uye neizvo zvamunonamata zvisiri Allah. Isu takurambai, uye pakati pedu nemi pave neruvengo uye kutsamwirana zvachose kusvikira imi matenda muna Allah mumwechete,” kusara kwemashoko aAbrahamu kuna baba vake: “Chokwadi, ndichakukumbirirai ruregerero (kuna Allah), asi handina simba rekukuitirai chimwe chinhu pamberi paAllah.” “Tenzi vedu! Tinovimba nemi, uye kwamuri ndiko kwatinoreurura, uye kwamuri ndiko kwatichadzokera.”